Chapter 15 TADIWA Ndakapera nekuneta shuu body yangu yose iri kuita kunge ndanga ndichirohwa makumbo angu ari kurwadza kunge ndanga ndichimhanya. Kana riri seapura rangu handitauri ndiri kunzwa kutsva chaiko asi neniwo ndanga ndapindwa nei kusvika ndaita zvinhu zvakadaro. Zveshuwa handisisiri mhandara pamakore angu aya andinawo here, what if mhamha vakazoziva nezvazvo. Ndakatanga kurohwa nehana manje mhamha pavachanzwa vanofa chete. Vagara vane maproblem avo ndobva ndatovawedzera ndakazvibata chipfuva ndichitarisa Manue aiva akafa nehope apo ini ndaifunga nezvaiva zvaitika. Mhamha vakaziva nezvaitika vanogona kundidzinga kumba, ndichiri kufunga kudaro ndakaona Manue achimuka achinyemwerera achinditarisa "Morning babe" "Hey" "Why wamuka makuseni ano?" "Handikwanisi kurara nguva dzino ndisiko kumba" "Now nguva dziri kuma5 okay I think pane zvatingaita" Ndakamutarisa ndichishamisika. "Chii manje?" Manu akanyemwerera. "Okay ndinoda kukutenda nezvinhu zvawandiitira ndinotenda zvakanyanya nekundipa humhandara hwako thanks for that thanks nekundivimba" Ndakamutarisa mumaziso. "Are you sure nezvinhu zvauri kutaura?" "100% babe thank you so much" "Are you not going to leave me?" "Ndichiitirei zvinhu zvakadaro look Tadie I love you so much and I think ndawedzera kukuda mushure mezvinhu zvawaita" Ndakanyemwerera achibva andiswededza paari tichibva tarara "Wanzwa marwadzo here husiku?" Ndakamutarisa pasi. "Yaah zvanga zvichirwadza" "Hauchadi here?" "Hapana munhu angada marwadzo akadaro Manue" "Okay saka tinofanirwa kuti tipamhe zve zvinhu zvataita nezuro kuitira kuti rimwe zuva kana tave kuita usazorwadziwa futi" Ndakamutarisa ndichishamisika no ways ndakaneta ini "Kana ukangopfuudza zuva ranhasi usina zvawaita zuva rinotevera ucharwadziwa zve" "Haiwa kana zvinorwadza izvi ndakaneta ini" "Okay asi uchazorwadziwa patinopamha futi" "Ayehwa ndingafa zve ndakaneta ini" "Okay no problem babe" Manue akadaro achindiswededza paari achindimbundira kunge ndati ndinoda kutiza akabva andikisa pahuma "I love you wanzwa" Ndakanyemwerera. "I love you too ndinokumbira usazondisiya" ndakadaro misodzi yajenga kumeso kwangu Ndakatanga kufunga zvinhu zvandinosimboona patv vakomana vachidanana nevasikana then kana vawana zvinhu zvavanoda vanobva vaenda just like that havatarisi kumashure. Zvinhu zvose izvi handina kumbozvifunga kuti zvichaitika kwandiri. What if Manue naiyevo achizondisiya "No babe handimbokusiyi ndinokuda zvakanyanya I mean it kwauri handina kuvinga humhandara hwako asi ndakaunzwa nerudo ruri pandiri. Handinga mboiti zvinhu zvakadaro trust me" "For real?" "Yes my love" "Okay ndave kufanirwa kuenda manje" Manue akanditarisa achishamisika "Haaaa babe ko hauendi manheru here please ndokumbira uzorore ndichakuendesa mangwana makuseni. Mhamha vako vari kuuya Monday pamwe chete namukoma vari kuuya Monday saka hapana chichatikanganisa come on" Ndakabvuma nemusoro ndakaona foni yaManue ichirira pandakatarisa yaiva yakanyorwa kuti Sharon akanditarisa asi maziso angu aiva akatarisa pafoni pake "Daira Sharon" "Anondipengera musikana uyu" Manue akadaro achitora foni yake achiikata Zviri pachena kuti Sharon musikana wake nekwandiri achaita zvinhu zvaari kuita kuna Sharon since awana zvaanga achida ndakamutarisa kwenguva yakareba "Sharon iex girlfriend yangu Tadiwa asi haadi kusiyana neni anogara achingondifonera kudai" "Angabva akufonera makuseni ano here?" "Ndinokuvimbisa Tadiwa hatichadanani" Manue akadaro achitora foni yake achiivhura "Ndokumbira utaure naye ndokuti uone kuti ndiri kutaura chokwadi" "Ayewa handingaiti zvinhu zvakadaro chero kwandiri zvino ndirwadza ukandidaro uchinditaudza nemusikana wako mutsva iwe ndiwe unoziva chokwadi" "Come on babe ndokumbira usakanganisa zuva redu rinonakidza kudai ndinoziva haunga ndibelieve asi rimwe zuva you will trust me" Handina kumupindura. "Ndokumbira unditarise babe" Ndakamutarisa. "I love you okay" "I love you more Emmanuel Tawedzerwa" ndakadaro tichibva tarara takabatana MANGWE I couldn't breathe nenzira yaanga achiita nayo Tafadzwa ndinoziva muhupenyu hwangu vanhu rume vanondi betrayer and neniwo ndinenge ndine munyama ndichangobva muover love. Rudo rwaFarai rwakandivhara maziso asi handifungi kuti zvichaitika zve handipamhi zve kupinza mari dzangu pamunhu rume better kunzi ndine moyo wakashata nekuti varume vacho vanobva vatora advantage. Handizivi kuti zvinhu zvandiri kuita naTafadzwa zviri right here asi chinhu chinondifadza ndechekuti haana mukadzi handisati ndambomuona akaisa ring kubva zvandakatanga kumuziva. It's been a months now haana kumbobvira akataura nezvefamily yake I don't think kuti ane family ini chero anayo pamwe ane mwana. Ndinoziva kuti mwana haanga mushaye nekuti munhu anoenzana haangashayi. mwana anenge anaye but kuti ane mukadzi I don't think so. What if ndazviparira zvinhu zvandaita naTafadzwa ooooh Mwari wangu ini ndagara ndiri munhu wemunyama. Tapedza mutambo wedu akabva abva pandiri tichibva tarara takatarisa mudenga ndaiva ndakaneta zvisinga tsananguriki akanditarisa ini ndainyara "I'm sorry" Tafadzwa akadaro "Sorry yei?" "Zvinhu zvataita neniwo ndatadza kuzvi controller" "Okay" "Just like that?" "Unoda nditi kudii nhai Tafadzwa?" "Hautauri here nenzira yauri kunzwa nayo about everything" "Handizivi kuti nditi kudii but ndiri kuziva kuti it will end in tears" Tafadzwa akanditarisa achishamisika "Look ndinoziva kuti zvinorema kuti undibelieve asi ndakatanga kuva nerudo pauri kubva zvandakatanga kukuona" "I think yave nguva yekuraa manje" "Ndiri kurara newe here?" "Ayewa hanty une room yako here" "Ndinoda kuva pedo newe ini" Ndakatora tauro rangu pasi ndichibva ndadzokera mushower ndakasvika ndichigeza ndapedza ndakadzokera pamubed ndakamuwana akangogara "Tafadzwa ndinoda kurara please" "Okay" Tafadzwa akadaro achisimuka "Usakanganwa zvinhu zvandakuudza" Tafadzwa akadaro achibuda Ndakakwira pabed musoro wangu uri kudhuma handizivi kuti ndifungei naTafadzwa asi kurwadziswa nevarume chinhu chekupedzisira chandinoda kunzwa. Ndakatarisa nguva its late manje dai ndafonera Tadie ndiye munhu wandinokwanisa kutaura naye kuti ndive down zvinhu zvose zvandiri kufunga zvinobva zvapera. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana makuseni ndakamuka ndichigadzirira sezvo riri zuva rekudzokera kuHarare ndakaisa mbatya dzangu pabed ndichibva ndaenda kunogeza ndapedza kugeza ndakapfeka hembe dzinodziya sezvo kunze kuri kutonhora. Ndakaenda kunodya breakfast sezvo ndaiva ndave ready. ndakagara kudaro Tafadzwa akabudikira takamhorosana "Warara sei?" "Handina kurara zvakanaka Mangwe" "Why?" "Unoziva kuti ndiwe uri responsible nekusarara kwangu zvakanaka" Handina kumupindura. "Nei uri down asi pane zvandaita kwauri zvisinga kubati zvakanaka ko hauna enjoy zvinhu zvatakaita ne.........." "Tafadzwa unoziva kuti takura hanty" "Ndinozviziva" "Good kana uchiziva" Ndakaenderera mberi nebreakfast yangu. Tafadzwa akanditarisa achishamisika achibva atora breakfast yake PROGRESS Yoooh kuVic falls kwanga kuchinakidza zvakawanda zvinhu zvandave kuziva Jay andiendesa kunzvimbo dzakasiyana siyana, ndadzidza mareceipe matsva pataenda kumaclass ekubika ndave kukwanisa kubika chero chii. Ndakapepuka ndakaraa mumota sezvo tiri munzira kudzokera kuHarare ndakamuka ndichizvipukuta maziso "Fake promise" Ndakaseka ko hanty ndanga ndamuvimbisa kuti handizorari here "I'm sorry ndangobatwa nehope" "Ini unoti nditaure nani kana warara?" "Sorry" Zvichakadaro foni yake yakarira aiva Mucha aaah mwana anofona uyu akabva adaira "Babe" "Hey" "I miss you Jay ndichakushanyira nhasi' "Ndiri kuuya mangwana ini Mucha?" "Jay asi wandiudza kuti unouya nhasi" "Unoziva kuti zvinhu zvemabusiness zvinofamba sei pane meeting yatava kuita saka ndouya mangwana" "Hayi Jay iwe wave kutamba nepfungwa dzangu manje" "Hazvisi rizvo Muchaneta nei ndichifanirwa kutamba nepfungwa dzako? Ndiri kufanirwa kugadzirira kuenda kumeeting bye tichataura" Jay akadaro achikata foni yake Ndakamutarisa ndichishamisika ko nei varume vachinyepa kudai. What's the use yekuti anyepa worse part ipartner yake "Nei uchimunyepera?" "Ndiri kuavoider unnecessary drama" "Okay" "Unoda nditaure chokwadi here kuti ndina Gojasi, unokwanisa kurwa here?" "Aaah ndinenge ndichirwirei?" "Nekuti ndikamuudza kuti ndinewe anobva aita chikara chesango chaicho" "Ndinokumbira usandiuira nedrama please Jay" Handina kuona kuti takasvika nguvai kuHarare chero zvedu taiva tisati tasvika kumba "Unomutya here Mucha?" Jay akabvunza achiseka "Handimutyi asi handina nguva yedrama" "Saka watsamwei nhai Gojasi?" Handina kumupindura "Ndinopinda papi kuti nditsamwe?" Ndakaona Jay achimisa mota pane imwe imba yairatidza kunge restaurant asi chinhu chaindishamisa paiva pasina vanhu vaifamba famba "Tiri kuenda kupi?" "Uchaona mukati" Jay akadaro achibuda achindivhurira door Achindibata ruoko ndakamutarisa ndichishamisika asi haana kundiregerera takanopinda mukati ndakatarisa nzvimbo yose paiva nevanhu vanga svika 10 nehanzvadzi yake Popo "Chii chiri kuitika pano?" "Surprise" vanhu vose vakadaro Ndakatarisa Jay naiyevo akati suprise. Suprise kunani manje chii chiri kutaurwa pano I'm lost zveshuwa ndakaramba ndakatarisa Jay ndichida mhinduro "This is for you" Jay akadaro Ndakashamisika. "This is your restaurant you are the owner now" Ndakafreezer panzvimbo imwe chete nekuti ndaiva ndisingazivi kuti ndoti kudii "What?" "I'm sure waneta nekugara mumba zuva rose so ndadecider kukutengera restaurant iyi since wave kugona kubika uchashandira pano this is yours madam" Ndakabata muromo misodzi ichiyerera "Jay" Handizivi kuti ndifare sei ndakamuhaga ndichichema paari "Hey mama chirega kuchema ka nhai" "Thank you so much" ndakadaro tichihagana kwenguva yakareba Then Popo akaswedera pandiri achindihaga "Congratulations chirega kuchema" Popo akadaro "Thank you so much" ndakadaro ndichiedza kuzvidzora kuchema asi misodzi yakati unonyepa "Unoona kana uchichema manje ndinofeeler bad" Jay akadaro "Okay handicha chemi manje" "That my Gojasi" Ndakaseka vachibva vandiratidza nzvimbo yose. I don't believe zvinhu izvi ndiri kunzwa kunge ndiri kurota ko ndiani akaunza Jay muhupenyu hwangu. Kubva zvandakasangana naye ndiri kungosangana nezvakanaka zvega I do appreciate . zvawanda zvinhu zvaandiitira TADIWA Nhasi ndaenda kuchikoro ndakaneta shame Kubva zvandabva kuna Manue muviri wese wakaneta shame. Prim aingonditarisa "Chiiko newe Kubva Waneta kudaro chero mu class ndakuona wakarara" "Ndakaneta" "Let's hope kwako hakuna Manue mukati" She's my friend so she deserve kuziva chokwadi. Ndakaswedera paari ndichimuzevezera "Shaar pane zvandaita" "Waitei?" Ndakatarisa mativi ose kuti hapana here anotiona "Ini na Manue tatamba mutambo wevakuru" Prim akavhura maziso achitarisa nzvimbo yose kuti hapana anotiona here. Akabva andirova nembama padama "Tadiwa unopenga here iwe? Ungarara nemukomana wamushanyira kwezuva rekutanga" Misodzi yangu yakazara kumeso "Unondi judger?" "Aewa handisi kukujaja Tadiwa asi newevo wanga uchifanirwa kufunga kuti mainini vakaziva vachati kudii.yes tinoita misakanzwa yekuita vakomana asi tichiri vadiki pakurara nevakomana. Okay zvaitika zvaitika mashandisa protection here?" "Protection?" "Yes c***m" Ohh gosh handina kumbofunga nezvaro ini "Aewa" "Tadiwa Tadiwa what's wrong with you?" "Zvinhu zvose zvangozviita zvega Prim" "Tadiwa how? How Tadiwa. Chekutanga haumuzivi Manue ndewekwani. Hapana kana family imwe yekumba kwavo. Wabva wangorara nemunhu waysingazivi" Misodzi yakayerekana yoyerera pandiri ndakasimuka ndichienda kuna teacher anotidzidzisa ndichikumbira kuenda kumba nekuti handisi kunzwa mushe. Zvakangofanana chero ndikada kugara hakuna kudzidza kwandingaita ndakadai Memory No ways handingakwanisi ini kunesana nemurume wese uyu. Ndakamutsvagira mushandi asi iye anogara achingonetsa ini, aewa handingazvigoni ini "Memory ndakuudza kuti ndine nzara" "Ndakuudza Farai kuti ndiri busy handingasiyi zvandiri kuita ndichinobikirana newe ini" "Saka ndiite sei?" "Hamenho tsvagawo nzira kuti uchaita sei. Unawo maoko ndichakuendesa ku kitchen unozvibikira" "But Memory uri m--" "Tiri patiri nekuda kwako Farai. Nekuda kwekubhayiza kwako. Wakanyanya kuvimba musikana uya izvo ane vanhu vake. Nhasi hatina chatinacho nekuda kwako.. I'm sorry handingasvikwanisi ini. Varipi varume vanondi desever kwete iwe" ndakadaro ndichibuda "Memory unop---" Ndakabuda sendisingamunzwi hangu. Handingagariro zvinhu zvakadai ini. Rose iye abva atonyangarika zvake. Iye Ari busy nemurume wake ini zviri kundiomera kuno. Ndinoda kuwana nguva iri right ndimuite zvinhu zvaakandiita. Naiyevo anofanirwa kuparadzana nemurume wake zvinorwadza. Hanti iye anofunga kuti akangwara Mangwe I feel bad nezvinhu zvaitika ku zvishavane. Zvanga zvisingafanirwi kuitika. Ndaita mistake nekurara na Tafadzwa. Ko neyi ndisina kukbozvifunga kuti pamwe Tafadzwa haandidi anga achingoda zvinhu zvaanoda kwandiri chete. Nhasi handina kuenda kubasa ndakaneta, zvakawanda zvinhu zvataita ku Harare. Foni yangu ndikare ichirira asi ndichiignowa. Ndi Tafadzwa ndinofanirwa kutambira kure naye nekuti ndinoona kuti ndichakuvara zve. Yes akandibatsira asi hazvirevi kuti ndinofanirwa kurara naye. Foni yakaramba ichirira kusvika asenda message Ndanga ndisingafungiri kuti ungaita semwana mudiki Mangwe Handina kumupindura after some minutes akafona zve ndakadaira. "Neyi usingadairi ma calls angu Mangwe?" "Handidi kutaura Tafadzwa ndakaneta" "Ndinoda kukuona" "No ndiri busy" "Saka hatichatauri nezvinhu zvaitika ku Zvishavane?" "Tafadzwa zvinhu zvaitika ku zvishavane I mistake zvanga zvisingafanirwi kuitika. Look I appreciate everything you have done for me and my daughter asi izvo zvawave kufunga hazvisirizvo" "Neyi uchidaro?" "Ndinoda kumbomira panyaya dzer--" "Usamboedza hako Mangwe kundifananidza nema ex Ako. I love you Mangwe handina kuuya kwauri nekuti ndinoda Mari yako or something or kukurwadzisa no. Chinhu chandiri kuda kwauri rudo chete," "Ndakuudza kuti zvinhu hazvingafambi nenzira yaunoda Tafadzwa" "Ndiri kuuya kumba kwako manje" "I need space please ndinokumbira usauya. Kana uchiri kuda kuwirirana neni ndinokumbira ugamuchire chikumbiro changu Mr Zvayi" "Ndiri kukupa zuva ranhasi chete kuti uzive zvaunoda for now unenge uchiri confuse asi ndinoda ugare uchiziva kuti ndinokuda" Ndakabva ndatokata foni ndichirara ndakatarisa mudenga. Zvichakadaro Tadiwa akapinda. Ndakatarisa nguva dzaiva Kuma 11. Maziso ake aiva akatsvuka zvemunhu anga achichema "Baby chii? Maziso ako akatsvuka wanga uchichema" ndakabvunza ndichimuka ndichimuswededza pandiri "Taura neni baby" "Ndiri kunzwa musoro mhamha" "Then neyi usina kundifonera kuti ndiuye kuzokutora?" "Ndafunga kuti pamwe muri kubasa" "Chero dai ndanga ndiri kubasa ndanga ndichasiya babe for iwe ndinoita chero chii" Ndakamuperekedza kuenda mu room make ndichibva ndadzoka ndichinomupakurira chikafu ndichimupa nemapiritsi "Idya umwe mapiritsi" "Thanks mhamha" Tadie akadaro achitora chikafu achidya. Apedza akamwa mapiritsi "Wakutanga rinhi musoro?" "Ndisati ndaenda kuchikoro " "Saka neyi usina kundiudza?" "Ndanga ndichiti pamwe uchapora ndinokumbira kurara mhamha" "Okay rara baby" ndakadaro ndichimukisa pahuma ndichibuda ndichienda mu room mangu ndichitora laptop ndichiita basa rangu End of chapter