Chapter 23 .Tadiwa Ndakamhanya kuna mhamha vaiva vave kufemera kure ndichivabatsira kugara pa sofa. Ndakatora foni yavo ndichifonera ambulance. "Don't mhamha everything gonna be fine" "Mv-- mvura" Ndakamhanya ndichitora mvura ndichivamwisa,. After some minutes ambulance yakasvika vakatora mhamha neniwo ndakapinda mukati tichienda kuchipatara. Takasvika kuchipatara vakaendeswa mu ward ini ndaingotevera kumashure uku ndichichema. Neyi zvinhu zvose izvi zvichagara zvichiitika kuna mhamha? Ko vachafarawo rinhi. Unoziva Kule Tafadzwa ndaiva ndichifunga kuti vakasiyana nevamwe varume izvo ndaizvinyebera. Zvichakadaro foni yangu yakarira vaiva baba ndakaira "Tadie uri kuchema?" "Mhamha vari kuchipatara" "Chii aita sei Mangwe?" Ndakavaudza nyaya yose "Okay okay ndiri kuuyako manje zvagara ndiri around Harare chirega kuchema. Vari kuchipatara chipi?" "Tadiwa private hospital" Okay ndiri munzira usachema mhamha vachava right" Takaonekana ndichibva ndafonera Mai Prim ndichivaudza nyaya yose. After 20 minutes vakasvika vachifamba Vega. Baba Prim havapo vari out nebasa "Tadiwa" Mai Prim vakadaro vachindihaga vachindigarisa pabhenji "Hey don't cry Mangwe is a fighter okay" "But why mhamha vachingogara vari mumarwadzo?" "Zvinowanikwa nana iwewe just be strong for Mangwe " Ndakabvuma nemusoro vachindiradzika pamakumbo avo. Takagara kwenguva yakareba asi ma doctor kana umwe akambobuda. Pakazobuda Dr Gono tanzwa nekugara. Ndakasimuka ndichimhanyira kwaari "Vari sei mhamha vangu" "Don't mhamha vari right chete pane zvinhu zvava vhundutsa asi vachamuka anytime soon Saka usatya hako" "Shuwa here doctor? Ndakabvunza "Handinganyebi nezvinhu zvakadaro. Tell me chii chaitika?" Dr Gono vakabvunza. Ndakavaudza nyaya yose. "Ahh I case hombe ka iyi inoda mapurisa. Maenda here kunomhan'ara" doctor akabvunza "Aewa" "Munofanirwa kumusungisa munhu haangapindi pamba pemunhu nechombo, anofanirwa kusungwa uyu" "Nyaya dzemapurisa Mangwe ndiye acha decider for now let's focus nekuti Mangwe apore" Mai prim vakadaro "Okay then for now imwi better muende kumba nekuti Mangwe haamuki manje ndamubaya jekiseni yekurara" "Ndichazorora mu office ma mhamha" ndakadaro ndichienda Ndakasvika ndichigara pa chair. Office yose yainhuhwa mhamha. Pamadziro paiva pakazara ma pictures angu, yavo yaingova imwe chete. Kana mhamha vachindida zvezhuwa sezvavanogara vachitaura manje vanofanirwa kuzviratidza. Vasatombondisiya zvavo. Vanoti ndinosara nani ini. Nema doctors acho zvinhu zvavandiudza handizvivimbi what if vachitya kundiudza chokwadi se last time Ndakagara ndichifunga mhamha vangu. Ndaifunga pamwe ndichavaona vachipinda mu office, asi dzingorivo ndangariro mhamha vakarara pamubhedha wechipatara. After 45 minutes baba vakandifonera vachiti vasvika vari panze pechipatara. Ndakabuda ndichienda kwavari ndichivahaga. I know mhamha havangafari nekuvapo kwa Baba asi ini ndinoda kuti vavepo, mushure memakore ose aya vasipo pandiri. Takaenda kwaiva na Mai prim pavakationa vakasimuka vachinditarisa "Tadiwa" "Ndini ndavadana maiguru" "Hey " baba vakadaro "Tadiwa unoziva situation ya Mangwe asi iwe ndipo paunounza munhu angazowedzera marwadzo a Mangwe".. Mai prim vakadaro "Handina kuuya nehondo in--" baba vakadaro "Asi Mangwe haazofungi izvozvo. With due all respect please mukoma ndinokumbira uende kusvika Mangwe amuka" "But maiguru baba hav-- "It's fine princess ndichava around " "Asi nd--" "Please " baba vakadaro vachienda ndakatarisa Mai Prim "But why?" "Ndiri kufungira Mangwe Tadiwa" "Baba vanga vauya munezvakanaka asi" ",Ndinozviziva asi situation ya Mangwe unoiona wela please understand " Ndakatendeuka ndichienda ku office Roland Ndaguma kutaura na Tafadzwa ndichimuudza kuti ndiri kuuya kwaari asi manje haachadairi foni. Ndanga ndichanzwisisa dai kuchinzi foni yakadzimwa total asi haisi kupinda. Ndakaedza zve kumufonera asi haana kudaira. No maan there is something wrong here. Tafadzwa haasi munhu wekusadaira ma calls. Asi Tafadzwa ane nharo maan, ndakamuudza asiyane na Mangwe wake iye nharo kwindi, hona manje chii chaitika pamukadzi wake. Ndakachaira ndichienda kwatati tichasanga. Tafadzwa haafungu chaizvo, anofunga kuti mushure mezvinhu zvaaita vana vachamutarisa sei uye achiziva kuti vane history about kufa kwamai vake. Ndiri pakati pemugwagwa ndakaona vanhu vaiva vakazara, nzvimbo yacho yairatidza kuti pane mota yaita accident, ndakaburuka mumota ndichiendako. Kuti ndisvike chaipo ndaitoshandisa simba rangu nekuti paiva pakazara vanhu. Ndakavhunduka pandakaona mota yatafadzwa ine maburi emabara pama windscreen. "Tafadzwa" ndakadaro ndichiswedera paari "Vhura door iri Tafadzwa" "Roe" "Vhura door Tafadzwa handikwanisi kuvhura kana ndiri panze" Ndakaona umwe murume achibaya baya foni "Muri kuitei manje?" Ndakabvunza "Tiri kufonera mapurisa" "Mapurisa? Hapana munhu achafonera mapurisa muri kundinzwa? Isai mafoni pasi" Mapenzi aya haasi kundibatsira chavanoziva mapurisa. Zvichakadaro pakamira imwe mota pedo nesu. Umwe murume akaburuka mumota achiuya achindibatsiram takaedza kuvhura door asi zvakakona "Dude maan zama kuvhura door" ndakadaro Tafadzwa akaedza kusvika avhura, paakangovhura ndakamubata kuti asadonga, thank God haana kupfurika panzvimbo ine hunjodzi. Murume uyu akandibatsira kubata Tafadzwa tichienda naye mumota yangu. Apa apfurwa zve gumbo haakwanisi kufamba. Iko ndiani anga achida kuuraya Tafadzwa? "Thanks broe" ndakadaro "Sure sure" Ndakamutsa mota ndichiimhanyisa ndakananga kuchipatara ndakafonera umwe mukomana kuti anotora mota ya Tafadzwa. Takasvika kuchipatara vakamutora vachimupinza mu ward. Apa vashandi vaimhanya mhanya you can see kuti ndi boss wavo. Vakamuisa pa ward yaiva yakatarisana neya Ane. Vana vake pavakamuona vakamhanyira kwandiri "Bamnini chii chaitika?" Tifa akabvunza "Ndakuwana mumugwagwa apfurwa but haana hake kupfurwa panzvimbo dzine hunjodzi" "Ndiani aita izvi?" Manue akabvunza "Ko haana kufa?" Jay akadaro achipinda, tose takashamisika nezvinhu zvaakataura. "Jay unorevei nezvaunotaura?" Popo akabvunza "Ndini ndamupfura ndinoshamisika kana asina kufa" Jay akadaro "Unopenga here iwe?" Ndakadaro ndichimutorera pfuti ",Ndi baba vako ava vawanga uchida kuuraya!!!" Ndakadaro nehasha "Mukadzi wavo uyu wavanga vachida kuuraya" "Mukoma Jay wanga usingafanirwi kuita zvawaita" Manue akadaro "Nyarara iwe unozivei nezvinhu izvi" Jay akadaro "Ndinoziva kuti baba vako zvinhu zvavaita zviri wrong asi newevo watadza apa Jay" ndakadaro "Ichokwadi Jay wanga usingafanirwi kuita zvawaita " Popo akadaro "Handingabvumi ini kuona mhamha vachishungurudzwa never!!!" Jay akadaro achipinda mu ward muna Ane Jayden Ndakasvika mu ward maiva na mhamha ndichiisa musoro wangu pachipfuva Chavo ndichichema "Mhamha mukai please ndinokumbira musatisiya zve. Moda tisare zve tisisina mhamha. Musabvuma kuti zviitike pamuri please mhamha. Ndimwi chete munhu watangosara naye panyika Saka ndinokumbira muve strong for us" "Jayden" Ndakavhura maziso mahombe.. "Mhamha!!" "Handingakusiyiyi ndiripo chirega kuchema " "Thank God mamuka mhamha" ndakadaro ndichivahaga. Ndakaona vachitarisa ku door "Ari kupi Tafadzwa?" ."ndamupfura" Mhamha vakanditarisa "Waitei?" "Handaivarega mhamha pamsoro pezvinhu zvavaita kwamuri" "Boy wanga usingafanirwi kuita zvawaita" "Ndatadza kuzvi controller mhamha" ndakadaro ndichivahaga zve "It's okay hakuna kwandinoenda. Handimbokusiyiyi" ndakadaro tichihagana Anenyasha I can't live like this. It's obvious Tafadzwa haachandidi. Zviri pachena kuti rudo rwaaiva narwo harusisipo. Ndinofanirwa kubva pamusha paya ndisati ndabuda ndave chitunha. Vakomana vekwa Zvayi vanofanana imhondi dzega. Vana vangu vakapinda pamwe chete na Roe. Vakafara vachindiona ndamuka, vakandihaga tichimhorosana ndichivaudza ndave right. Roe naiyevo akandimhorosa achindibvunza ndave sei "Ari kupi Tafadzwa?" "Ari ku ward iri pedo neyako" "Amuka here?" "Ehe" Ndinokumbira kumuona" "But mhamh--' "Please Jay" Vakandibata vachindiendesa ku ward kwaaiveri. Paakandiona akamuka achigara achinditarisa Ndinokumbira mubude ndinoda kutaura na Tafadzwa " Vakabva vabuda tikasara tiri vaviri "Anenyasha " "Ndakuona Tafadzwa kuti unomuda zveshuwa mukadzi wechipiri Saka ndinokupa mvumo yangu mutore hako" "Ane handicharidi barika ini ndireg--" "Ndichakusiya murunyararo nemukadzi wako asi vana vangu ndichaenda navo" "I Know kuti I'm wrong pazvinhy zvose asi ndinokumbira undir-- "Hapana chandinoda kunzwa chinobva kwauri Tafadzwa. Ndaona kuti zveshuwa hauchandidi Saka zviri nani ndibude ndisati ndabuda ndave chitunha. Tafadzwa handina kumbofungira kuti uchandirova, kunyanya kundirovera umwe mukadzi. Wakaona zviri right zvinhu zvakaitwa na Munyaradzi pana Mpume Saka ndizvo zvawange wave kuda kuita pandiri" "I'm sorry babe nekukurova nechidhina chete ndatongwa nehasha". "Saka hasha dzako ndidzo dzakutuma kuti undirove nechidhina. Ohh no wait mukadzi uyu ndiye aita undirove nechidhina." "Babe we can fix this please I'm so so sorry" "Tafadzwa handisisina ne sorry it was nice nenguva yataka spender tiri tose asi nhasi izuva rekupedzisira tiri pamwe chete, ohh God handina kumbofungira kuti zuva iri richasvika" ndakadaro misodzi ichiyerera ndichitendeuka kuti ndiende "Anenyasha" Ndakatendeuka ndichimutarisa ndichibva ndaenda. Mushure mezvinhu zvatakasangana nazvo nhasi Tafadzwa ndiye uyu anoda kundiuraya. Ndakabuda ndichinopinda mumota, vana Jay vakauya vachipindawo "Mhamha muri right here kuti mungabuda muchipatara?" Jay akabvunza "Ndiri right Jay mangwana ndinoda undiendese ku mberengwa ndinoda kumbofurwa nemhepo" "Mhamha imba yangu iripo munofurwa nemhepo ikoko" Jay akadaro "No Jay ndinoda kumusha chaiko" Jay akamutsa mota tichienda. Ndakatarisa pa window misodzi ichiyerera. Ndiko kupera kwerudo rwedu ka uku. Ndiani aimbofungira kuti ini na Tafadzwa tingasvika patiri now Mangwe Muviri wangu wese uri kuita kurwadza kunge ndanga ndichirohwa netsvimbo. Ndakavhura maziso "Tadiwa, Tadiwa" "Ahh ma'am you wake up?" Mr Gono vakabvunza "Yes Ari kupi Tadiwa?" "Ndamuguma ku office kwake achafara shuwa paachanzwa kuti wamuka. Ndinomudana here?" "Please" Dr Gono akabuda achinodana Tadiwa. Munhu Ari mupfungwa dzangu ndi Tadiwa chete. Anga achava chii dai kuchinzi paitika zvimwe. Chero ini handaizorora murugare ndichiziva kuti mwana wangu ndamusiya asina kana ani zvake. Ndakamuona achipinda. Ndakanyemwerera ndakamutarisa. Akamhanya achiuya achindihaga "Mhamha" Tadiwa akadaro misodzi ichiyerera. Zvichakadaro Kudzi akapinda "Kudzi" "Mangwe wakunzwa sei" "Handina chinhu ini kuneta chete" "Thank God suu wativhundutsa Mangwe" "Haa imwi hamufanirwi kungovhunduka pese pese ndichiripo panyika ini" "Mukomana auya kumba kwako unofanirwa kumusungisa nekuti Tadie maudziro aandiita dai anga asiri iye dai tichitaura zvimwe now" Kudzi akadaro "Handidi drama muhupenyu hwangu I k. Ndikangopinza mapurisa ndave kufanirwa kufamba ma up and down ndichi attender case yake.no ndichaisiya yakadaro nyaya iyi for me and daughter's peace" "I understand zvino uchaita sei nenyaya iyi?" "Ndichataura na Tafadzwa ndimuudze kuti asiyane neni family yake ichapedzisira yandiuraya kana akazviramba ndichamuisira protection order" "Unofanirwa kuzviita nekukurumidza before it getting worse ndanzwa kuchinzi naiyevo Ari kuchipatara mukomana auya achikutyisa amupfura" Kudzi akadaro "Family iya yose yaina kukwana iya" "Mhamha munoda kuenda kuna Kule Tafadzwa zve?" "No my baby ndinoda kutaura naye chete hapana zvichaitika" Dr Gono akatipa ma paper e discharge. Takasiyana tichibva taenda kunosiya Tadiwa kumba tichienda kuchipatara cha Tafadzwa na Kudzai "Wanzwa nani kuti apfurwa?" Ndakabvunza "Pasvika shamwari yake ndiyo yatiudza" "Let's hope Ari right" "Hanzi haana hake kufurwa panzvimbo iri dangerous" Takasvika kuchipatara chake tikabvunza ward yaari vakatiraira. Takaendako. Takasvika tikamuwana akagara ne shamwari yake. Akashamisika paakandiona "Makadii?" Ndakadaro Shamwari yake ndiyo yakabvuma iye haana kubvuma "Tafadzwa ndauya kwauri. Please Tafadzwa nezita ra jesu ndinokumbirisa urege kunditeverera nekuti family yako ichandiutaira zvinhu zvandisingazi. Kwakatanga mukadzi wako akauya akandi attacka kukazouya mwana wako achida kupedza neni. Please nzwisisawo Tafadzwa ndine mwana mudiki hazviiti kuti ndimusiye. Ini newe hatidanani uye hatifi takadanana. Ndinokumbira uudze family yako kuti hapana zviri kuitika patiri. Ndakakuudza kuti ini newe hapana chichaitika please" ndakadaro misodzi ichiyerera "Kubva zvandakazvarwa handina kumbobvira ndakatendekwa nepfuti asi mwana wako azviita. Handimusungisi asi mukaramba muchiita zvamuri kuita aewa ipapo ndinokusungisai zveshuwa nekuti kutaura chokwadi ndaneta nemwi" "I'm sorry nezvaitwa ne family yangu asi ndinokuvimbisa ini newe hapana chichatisanganisa chero basa chairo harichatisanganisi. Ndinokuvimbisa haufi wakaona zve huso hwangu" "Good now wave kutaura" Takabuda tichienda kumba kwangu. Patakasvika takasangana nenashura chaiwo. Nhai mwari wangu ko ini ndakatadzei kunani. Tadiwa achanetsana neni. Mike Ari kudei pano. "Hey Maluluza? Wave kunzwa sei?" "Ndave kunzwa sei kana zvadii?" "Maluluza ndinoziva kuti unondivenga uy-- "Zvino kana uchiziva unodei pano?" ",Nekuti ndinoda kutaura newe Maluluza. Ndinoda kukuudza kuti neyi ndakaita izvi kwamuri" "Tadiwa andiudza nhema dze family yako so there is no need yekuti undiudze" "Zvinhu zvaakuudza ichokwadi chaicho asi neniwo ndinoda kukuudza side rangu" "Kuti wakatidzingirei or wakatiitei hazvisina basa izvo nekuti hapana chichachinja pakati pangu newe ini ne mwana wangu tiri right" "Ahhm I'm sorry Mangwe kupindira nyaya dzentu asi ndinokumbira utaure naye umunzwe kuti anoda kuti kudii then wozotora decision after that. Ndiko kuti asaramba achiuya pano" Ndakanyarara "Private Maluluza please " "Tadie hande" kudzai akadaro vachienda mu room ma tadiwa. Mike aiva akangonditarisa "Maluluza ndichatanga nekukumbira ruregerero nezvinhu zvandakaita kwauri. Ndinoziva kuti ndaifanirwa kuzviita asi ndakazviita " "Mike ndiudze zvaunoda kundiudza" "Zvinhu zvawaudzwa na Tadiwa ichokwadi neniwo ndanga ndisingazivi ndatozoziva pandanga ndichigadzirira Tadie chivanhu" "Wandiudza kuti hautauri nezvinhu zvandakaudzwa na Tadiwa saka uri kuitei manje?" Mike akatsinzina "Mangwe pataiva tose paya ndaiva ndakaromba" Ndakavhura maziso "What?!!!" "Ndaiva ndakaromba, ndaida mari iri fast Saka takaenda ku n'anga neimwe shamwari yangu tichida hupfuni. N'anga yakatiudza kuti tinofanirwa kubaya mombe every two months Saka takabvuma sezvo taisauraya munhu. Ndiko Saka ndaiuraya mombe after two ndicho chaiva chikonzero.. asi zvinhu zvakachinja Tadiwa paaiva ave pedo nekuzwarwa" Ndakamutarisa ndisingamu believe. "N'anga yakati ndinofanirwa kuuraya mwana wangu'" Ndakavhura maziso "Mwana wako upi?" "Tadiwa, ndiko Saka ndakaona zviri nani Kuti ndikudzingei nekuti dai makaramba muri pamba paya paizoitika zvimwe Pana Tadiwa. Ndinoziva Kuti ndakakanganisa Asi ndaifunga Kuti ndichazvikadzira Asi nekufamba kwenguva ndakazongonzwa mave kundibhowa pamwe zvinhu zvakaitwa na mhamha na Rose. Zvose zvandaiita maluluza ndaingoda Kuti unditsamwire ubve waenda" "Siis maan Mike wakaora iwe. Neyi wakafunga kuromba nekuti Mari waiva nayo?" "I'm sorry MaLuluza handichaiti zvinhu izvozvo ndakasiya kare" "Buda pamusha pangu Mike" "Ndireg--" "Buda pamusha pangu handichadi kunzwa chinhu chinobva kwauri. Handizivi ndaiva ndakaputirwa neyi ndisingagoni kuti ndakaroorwa nemunhu akaromba" "MaLuluza I'm sorry" "Buda pamusha pangu, usafonera zve mwana wangu Mike, who know pamwe uri kumuswededza payri kuti umuendese ku n'anga yako unouraya mwana wangu" "Handichazviiti MaLuluza ndakazvisiya kare nekuti ndakatadza kuuraya munhu asina mhosva. Ndinoziva haungandi believe asi mwana wangu ndinomuda nemoyo wangu wese ndinokumbira usandivharira panze pamwana wangu ndinoda kuvaka relationship naye" "Buda Mike" "Malul--" "I said get out!!!!" Mike akabuda achienda ndakasara ndichizvibata musoro. I don't believe this. Mike aiva apindwa neiko End of chapter