Chapter 35 EMMANUEL I can't even sleep I am so so happy kuti ini Manue ndave nemwana I wish dai ndakarara naye kutaura kuno. Kubva zvandarara ndiri kungoona picture yake ndiri kungoikisa none stop manje nguva dziri kuma 12 Rue akabva afona. "Babe" Rue akadaro "Ruvimbo wangu urisei" "Handisi right kubva kudhara wakavhara foni yako ndichiedza kukufonera" "Unoziva wani kuti ndanga ndine vanhu vakuru saka hapana zvandanga ndichikwanisa kuita" "Saka mapicture aya awaisa painstagram?" "Adii manje mapicture?" "Wanga uchifanirwa here kuisa Tadiwa?" "Ndamuisa ega here?" "Ayewa anga ane mwana" "Saka?" "There was no need kuti udaro Manue, wadii kuposter mwana ega pasina mai vake. Zvawaita handizivi kuti zvinorevei" "Handizivi why une godo rakadaro? Unoziva kuti ini naTadiwa hatichadanani" "Wamaona here macomment evanhu vachingoti nice family. Shamwari dzangu dzatoshamisika padzaona kuti ndibaby mama wako" "Ko iwe unoraramira vanhu here kuti vachati kudii! Idzo shamwari dzako dzinopinda papi parudo rwedu nekuti iwe unoziva kuti tinodanana? Rue look unofanirwa kuzvibata zvakanaka usiye kupinza vanhu murudo rwedu" "Okay. Ndiani zita remwana wako?" "Runako Zvayi" "Wow what a nice name. Will see tomorrow kuchikoro you're coming right?" "Ayewa handiuye ndinoda kunoona mwana wangu baba vake vanofanirwa kugara vari pedo naye anzwe connection" "Okay I understand chirega ndirare bye" "Bye" ndakadaro ndichikata foni yangu ndichiedza kufonera Tadiwa nekuti ndaida kunzwa kuti mwana wangu arisei hope haasi kuchema nekuti handidi kumunzwa achichema Ndakaedza kufona asi haana kudaira foni I think akarara. Ndakaedza kurara asi hope dzakaramba kuuya ndakatora mapictures emwana ndichimaisa pedo neni. Ko hanty pandabuda kwana Tadie ndanomaitisa mapicture mahombe handizivi kuti ndakabatwa nehope nguvai ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Makuseni ndakamuka ndichienda kusitting room ndakaona munhu wese akagara musitting room "Morning everyone" ndakadaro "Kubva wafara makuseni ano kwakanaka?" Popo akabvunza "Haunga ndibvunzi izvozvo Portia hauzivi kuti ndave baba here" "Kuti wave baba unoziva here maresponsibility ako mupfanha. Maresponsibility hakusi kutenga something asi kufadza mai vemwana wako kuti anzwe kuti mukadzi" baba vakadaro Mumba makaita runyararo "Asi pane zvinhu zvandaona pakati penyu muri vaviri manga musinga mbofari kana padiki zvapo handina kumboona muchihagana?" Baba vakabvunza Ooooh yaaah I think yave nguva yekuudza baba vazive zvinhu zvakaitika pakati pangu naTadiwa vanofanirwa kuziva kuti ini naTadiwa hatisiri tose "Baba pane zvinhu zvamunofanirwa kuziva" ndakadaro "Chii ichocho?" Baba vakabvunza "Ini naTadiwa takasiyana Kare" Baba vakanditarisa vachishamisika. "Unorevei Manue?" Baba vakabvunza "Ndinoreva kuti ini naTadiwa tinosanganiswa nemwana chete" "Oooh saka wakafunga kumunhumburisa wobva wamusiya just like that?" Baba vakabvunza Hapana akapindura "Ane waiziva nenyaya yose iyi?" Baba vakabvunza "Ehe Manue akandiudza zvose" mhamha vakadaro "Okay ini ndini benzi pamusha pano ndini ndisingazivi zviri kuitika pamusha pano. Anenyasha nei usina kundiudza?" Baba vakabvunza "Handina kuziva kuti ndinokuudza sei" mhamha vakadaro "What? Ane uchiri kufunga zvinhu zvekare?" Baba vakabvunza "Zviri manje?" Mhamha vakabvunza "Unoziva kuti ndiri kutaura nezvei Ane, nei une moyo wakaoma kudaro now unotadza kuregerera mwana mudiki akakutadzirei Tadiwa ndiudze nekuti unomuvenga?" Baba vakabvunza "Saka wave kuda kuisa blame kwandiri kwekuparadzana kwaTadiwa naManue ndinopinda papi ini pazvinhu zvose izv, nei uchingogara uchingoshora ini?" Mhamha vakabvunza "Ndinoziva kuti ndiwe honzeri yekuti vana vaparadzane" "Mhamha havazivi chinhu" ndakadaro "Nyarara iwe handitauri newe, unofunga kuti handizivi kuti sei wakaparadzana naTadiwa. Mangwe akaregerera Jay nezvinhu zvaakaita kwaari and Jay akaita zvinhu zviri worse asi iye akakwanisa kumuregerera and Jay munhu mukuru asi iwe unotadza kuregerera mwana. Tadiwa achiri mwana mudiki saka anotaura chero chii" baba vakadaro vachitarisa mhamha "Ndinoshamisika kuti ndiwe ani ungaita zvinhu zvakadaro kune umwe munhu saka zvinoreva kuti wanga usingarwadziwi family yangu payaiva isingakudi" baba vakadaro "I think ndave kufanirwa kuenda ndave late" Popo akadaro achisimuka achienda Baba vakasimuka vachienda "Yoooh" ndakadaro ndichisimuka ndichinopinda muroom mangu PORTIA Nhasi kana ndabuda kuchikoro ndiri kunoona JB asi ndinotya nekuti kubva zvatakadanana hatisati tamboonana ndakaguma kumuona kugame yeboxing after that taingotaura pafoni. Fadzai akandiseka "Nei uchirohwa nehana kudai?" Fadzai akabvunza "Ndinotya ini ndinokumbira undiperekedze" "Aaah unopenga iwe ndikuperekedze kumunhu wako ndichasvika ndichiitei ikoko?" "Tichagara totaura nyaya" "I like your drama" Fadzai akadaro achiseka Tapedza maclass edu takabuda panze takabva taona mota yaiva yakamira padivi pemugwagwa. JB akandifonera achindiudza kuti ari mumota iyoyo ndakaoneka Fadzai ndichinopinda mumota "Hey" ndakadaro tichihagana "Hey maZvayi urisei" "Ndiri right hangu" "Wadzidza sei?" "Zvakanaka iwe washanda sei?" "Handina kuenda kubasa nhasi ndanga ndiri kumba' "Oooh okay" "Yanga iri sei America?" "Yanga iribhoo nzvimbo iya ine peace shame ndinotoda kudzokera zve" JB akaseka. "Wave kuda kundisiya futi?" Ndakaseka, takasvika pane imwe restaurant takapinda mukati menu yedu yakasvika tichibva taorder zvatichadyam pavaitigadzirira chikafu taimwa juice tichitaura nyaya akandiudza boxing yangu kuti ndinorova sei. Chikafu chakauya takadya tichingotaura nyaya dzakasiyana siyana asi kutaura chokwadi ndinomutya ini JB plus ndiye mukomana wangu wekutanga maybe ndiyi problem. TADIWA Inini Tadiwa ndave mhamha manje yaaah ndolife yacho ndakatadza hangu asi ndingaita sei zvinhu zvakatoitika hapana chichachinja. Kuchikoro vana vanga vachi ndijudger hanzi ndakaita pamuviri ndine makore 16 paitaurwa zvinhu zvakawanda kuti handisisiri mhandara. Vaitaura zvakawanda asi ndaisa vatora serious hangu Now ndiri kubva kuchikoro ndakasvika ndichipinda muroom mangu ndakasvika mhamha vachangopedza kugezesa Tanya "Tinotenda mbuya vake" "Ndinofunga kuti ave kuda zamu manje" Ndakanyemwerera ndichigara pasi ndichimuyamwisa. Vana Prim vakasvika vauya kuzoona mwana vaingomuyeva vachitaura zvakawanda hanzi mwana akanakisa uyu. Tagara kudaro tichitaura nyaya Manue akasvika akabata zvinhu ayy zvinhu zvacho zvawandisa zvinotengwa nevanhu "Makadii" Manue akadaro achitora mwana kuna Prim "Haaah neniwo ndichangomubatawo" Prim akadaro "Ndewani mwana wawakabata? hanty ndewangu ini ndinofanirwa kugara ndakangokutarusai muchingobata mwana wangu ndiye wandavinga hapana umwe wandavinga" Manue akadaro "Yoooh une pride iwe Manue asi pride yako ichapera soon" Prim akadaro Ndakamboda kuseka kubva zvatakaparadzana naManue Prim anomuvenga zvisingaiti. Prim ndeuya munhu asinga vanzi kana asingakudi haakudi "Imi siyai zvamuri kuita" Sheilla akadaro "Udza shamwari yako izvare wake mwana" Manue akadaro "Chero ndikazvara mwana handinga zvari mwana nebenzi rakafanana newe" Prim akadaro "Hausi type yangu iwe kuti unga ndizvarira mwana" Manue akadaro "I hate you" Prim akadaro "Iwe ndiani akakuudza kuti ndinokuda?" Manue akabvunza "Babes lets go tanguri tagara pano tichadzoka zve for now tinoda kunoita imwe assignment" Sheilla akadaro "Okay guys ndichakuonai kuchikoro" ndakadaro Vakaoneka vachibva vaenda ndakasara naManue mumba asi aiva busy kutambisa mwana ndakabuda ndichivapa space JAYDEN Zviri pachena kuti munhu anga andifonera anga achida kundiudza something asi vakurumidza vakamubata number iyi haitracke because yanga iri private number "Ndu hauzivi here munhu angaita izvi?" "Ayewa handizivi asi munhu aiziva izvi ndiShawn" "Yaaa ndanga ndichiziva kuti nyaya yemadrugs iyi haina kupera asi ndave kuda kuziva kuti chii chaari kuda kuita pandiri" "Yaaah zviri pachena kuti pane zvaari kuda kuita it's been 6 months manje akanyarara' Simba akadaro "Yaaah ndinofanirwa kugara ndiri alert" "Yes dude" Simba akadaro Ndaingozvibvunza zvinhu zvakawanda about this Spikes anoda kurwa neni kana zvadii. Yoooh am dying slowly ANENYASHA Ndaiva ndakarara pamubhedha wangu ndakatarisa mudenga ndakatora foni yangu ndichifonera baba ndakavaudza nezvemwana waManue. Vakafarara zvakanyanya vakati vanoda kumuona asi ndakavavimbisa kuti soon ndouya naye. Pandakata foni yangu Tafadzwa akapinda achibva kubasa "Hey" "Hey" Tafadzwa akadaro achikurura mbatya dzake "Ranga ririsei zuva rako kubasa?" "Ranga riri right I think wave kuziva kuti unofanirwa kuita sei" "Kufanirwa kuitei?" "Unofanirwa kunokumbira ruregerero kuna Tadiwa nezvinhu zvawakaita" "Ndaitei ini?" "Hauzivi here zvawakaita?" "Saka unondiudza kuti ini ndinokumbira ruregerero kumwana mudiki. Tafadzwa unombonditora Seiko?" "Unoziva kuti ndiwe uri wrong pazvinhu zvose izvi" "Tafadzwa handinga mboiti zvinhu zvakadaro kwete kuti handiku respect asi.........." "Save it Ane asi ziva kuti zvinhu zvauri kuita izvi zvichatanga hondo Manue achiri mudiki achazosarudza munhu waanoda kana akura nekufamba kwenguva achashora iwe kuti ndiwe wakamuparadzanisa namai vemwana batisisa mashoko angu" Misodzi yakayerera pandiri. "Nei uchiita kunge ndini ndakaparadzanisa Tadiwa naManue ndinopinda papi panyaya dzavo ini?" "Vano..........." Tafadzwa haana kupedza kutaura Manue akapinda "Mhamha havana zvavaita Tadiwa ndiye akati kwandiri anovenga mhamha" Manue akadaro "Iye Anenyasha haana kutaura here kuti Tadiwa anomuvenga?" Tafadzwa akabvunza "Ndakazvitaura izvo nazvino ndichiri kuzvitaura ndinomuvenga Tadiwa haana respect" "Saka nei kana Tadiwa achiti anovenga mai vako uchitsamwa asi kana mai vako vachiti Tadiwa vanomuvenga usingatsmwi?" "Ndinopinda papi ini kana asingandidi zvekuti anondida kana kuti haandidi handina basa nazvo" ndakadaro "Saka iwe Manue wakasiya musikana wako nekuti mai vako vakati havamudi ukabvumirana nazvo asi kana musikana wako achiti amai vako haavadi haubvumirane nazvo?" Tafadzwa akabvunza "Saka unoda kuturner mwana wangu aite against ini here?" "Handina kudaro iwe Manue siya kuita mamas boy uzvimirire uite zvinhu zvinodiwa nemoyo wako kwete neumwe munhu after all it's your life and ndiwe unoziva zvaunoda" Tafadzwa akadaro achibuda Ndakadzungudza musoro Manue naiyevo akabuda WEEKS LATER TADIWA Nhasi ndaswera kuchikoro zuva rose ndisingaone mwana wangu handina choice ndinoda kucover basa rechikoro. Rava break manje I wish dai ndavigirwa mwana wangu ndigare naye vozomutora ndave kudzokera muclass "Hey kubva wanyemwerera wega kudai kwakanaka?" Sheilla akabvunza "I miss my Tanya" Vakaseka. "Heee mwana uyu achakupengesa iwe" Sheila akadaro "Unoziva ndinoshuvira kuti dai ari pano manje pabreak vozomutora ndave kupinda muclass" "Woow unomuda shem mwana wako" Prim akadaro "Problem ndibaba vacho vanopenga vanorwara pfungwa" Sheila akadaro Ndakaseka. "Haaa uyo ndakatokangwa nezvake ndinovaona vachipotsana pama social media maybe vanenge vachida kurwadzisa ini manje havazivi kuti handina basa nazvo. Ini am happy nemwana wangu chete" "Good girl usambopindira nyaya dzake uyu you don't deserve mamas boy uya" Sheila akadaro "You're right ibenzi riya" Prim akadaro Ndakaseka "Aaah nekamusikana kake kakashata kunge kari kumuka kumakuva" Sheilla akadaro Takaseka "Anondibhowa mhani uya zvaiva nani zvichinzi haasiriye akakubreaker huvirgin" Prim akadaro "Guys ngatisiyei nyaya yaManue manje break yedu ichazobhowa" ndakadaro "But im happy kukuona wadzoka kuchikoro" Prim akadaro "Neniwo ndanga ndaneta nekugara kumba" ndakadaro "Imagine tanga tangosara tiri 2" Sheila akadaro "Munhu ngaapedze aende kuuniversity yoooh" ndakadaro Takazotanga kutaura nyaya dzakasiyana siyana tichibva tadzokera muclass. MUCHANETA I wish kuziva kuti Spikes ari pamusoro pei sezvo asati amuita chinhu munhu akatora madrugs ake. Pamasvondo adarika akauya ane ropa zvinoreva kuti pane munhu waakapfuura I wish kuziva kuti munhu iyeye ndiani. Ndakaenda kustudy room yake nekuti ndinoda kutarisa CCTV ndinoda kuziva munhu akauraiwa naSpikes. Ndakavhura kune imwe cupboard ndakaona mausb ndinoziva kuti ndimo mune everything umu. Pandaida kutora ndakavhunduka pandakaona Spikes akamira padoor akapesanisa makumbo "Uri kuitei?" Spikes akabvunza "Awuu babe wadzoka" "Ndakubvunza kuti uri kuitei mustudy mangu" "Pane project yandanga ndichida kuita manje ndinofanirwa kuibisa mupc ndiise muusb yangu usb yakazara so ndanga ndauya kuzotarisa kuti hauna here" "Nei usina kundifonera uchibvunza?" "Hezvo Spikes ndinongotora zvinhu zvako ndisina kukumbira wani" "Mausb aya ane zvinhu zvakakosha saka usabata zvinhu zvangu apa" Spikes akadaro achitora USB achindipa "Tora iyi isina kushanda" "Thanks babe" ndakadaro ndichinobuda door F*ck asara padiki kundibata ndanga ndave pedo kuzowana zvandinoda. MIKE Ndaiva ndakagara naMangwe pamwe chete nemuzukuru wangu "Ndave kuda kuti akure azvifambire ega" ndakadaro Mangwe akaseka. "Apa kufamba kwacho kuchiri kure" Takamirira Tadiwa nekuti tiri kuenda kumba kwangu tiri kunoratidza Tanya imba yasekuru vake. Asi tinodzoka nhasi nekuti hatingararise mwana mudzimba dzakasiyana siyana after some hours Tadiwa akasvika achiuya kuzotora Tanya "My princess" Tadiwa akadaro Ndakamuseka. "Yoooh ndanga ndichifunga Tanya shem" Tadiwa akadaro achienda kunogeza zamu rake sezvo achida kuyamwisa mwana Takamuseka paaiyamwisa mwana wake "Baba" Tadiwa akadaro "Yes my princess" "Manue akagura chigumwe chake chivanhu chekumba kwavo here?" "Ehe ndezve kwaZvayi zvekugurwa chigumwe" "What? saka mwana wangu achagurwa chigumwe?" "Yaaa hanty chivanhu chavo here?" mhamha vakadaro "Haaa handibvumi kuti mwana wangu aitwe izvozvo acharwadziwa" "Haamborwadziwi" ndakadaro "Anorwadziwa" Tadiwa akadaro misodzi yatojenga kumeso takamuseka "Saka wave kutochema?" Ndakabvunza "Handingaregi kuchema baba" Takamuseka naiyevo akapedzisira ave kuseka . Tadiwa Nhasi I Friday tiri kunoratidza Tanya musha wa sekuru vake, ndapedza kuchinja ndakadzika downstairs, mhamha na baba vaiva vatova kumota, ndakanopinda mumota baba vachiimutsa takananga kumba kwavo. Takasvika tikananga mu room ma Tanya "Tanya here's your yawapihwa na sekuru" "Hayi zvekumbeya zvakwana manje guys makufanirwa ki mover muuye mugare kuno" baba vakadaro "Handingasiyi musha wangu ini" mhamha vakadaro "Maluluza unenge usingausiyi" baba vakadaro "Mike usakanganwa kuti handisi wekwa Kuchicha ndiri wekwa Ngwenya hanti wakandi divorcer" Ndakaseka "Saka mafunga kuchata zve? Mutiudze na baby Tanya tigadzirire kuita ma flower girl" Vakaseka "Okay Saka zvinoreva kuti ndinofanirwa kugadzira zvinhu zvose zvorwadza right" "Yes munenge mashanda zvakanyanya" ndakadaro tichiseka Takagara kwenguva yakareba mumba mababa kutaura vashanyirane kudai shuwa hazvisi right ini ndinoda kuti tigare panzvimbo imwe chete permanent "Mhamha" "Yes my baby" "Neyi tisingagari panzvimbo imwe chete ini zvekuchinja chinja handizvifariri " ,Ko zviri kuitika now neyi usingazvifariri?" ", Please Maluluza I know baba vanotozvida asi vanotyai kukuudzai" "Iwe wave kuziva pfungwa dza Mike manje" "Yes he's my father" "Eyy wakangwarisa iwe" "Please Maluluza " "Ndichakurova Tadie okay fine ndichafunga nezvazvo" "Thanks mommy asi musatora nguva yakareba" Mhamha vakadzungudza musoro. Ndakasimuka ndichienda mu room mangu ndichizvikandira pa bed, ndakatora foni yangu ndichipinda pa Facebook ndakabva ndatosangana nemashura chaiwo,. Ndakaona vanhu vachindi tagger. Ndakavhunduka pandakaona musikana wa Manue akaisa Manue nemwana wangu pa timeline yake. Caption yacho yaiti wow congratulations my babe I like the yawapa mwana Zita rake. I know wazviitira pazita rangu. RUtendo Runako tose uchange uchitidaidza kuti Rue Ndakaita sendichapunzira foni pasi. Ndakaona vanhu vachindi tagger vamwe vachiseka. Manue anondijairira neyi vasingazvarisani wavo mwana vamupe Zita rinoenderana navo vasiyane nemwana wangu. Ndakamboda kupindura asi ndakazvidzora, vanhu vanozofunga kuti ndiri baby mama ane ma drama. Ndakatora foni yangu. Panwedzi mishanu yadarika handisati ndambofonera Manue asi apa ndichakufonera. Anondijairira Manue. Kundidherera kusvika pakupa mwana wangu zita remusikana wake ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso ndakaidzora kuti isabuda, akabva adaira "Why uchidaro Manue?" "Ndaitei manje Tadi?" "Neyi wapa Tanya Zita rekuti Rue?" "Chiiko Tadie Zita iri ndakarifunga kare uye ndinorifarira" "F**k you maan Manue!!!? Unoda kundiita benzi uchitora zita remusikana wako uchipa mwana wangu!!!" "Musikana wangu?" "Yes Rue wako!!! Kana uchimuda wadii kumuzvarisa womupa Zita rinoenderana naiye" "Calm down Tadiwa" "Calm down yekupenga!!! Unondijairira iwe Manue!!! Yes I understand hauchandidi ini newe takaparadzana asi zvawaita izvi wakuenderera manje!!!" "Mwana handina kumupa Zita iroro because of Rutendo ndanga ndisiri kutozvi noticer. I like this name riri unique uye rinoreva something kwandiri" "Something kwauri!!! Nekuti izita remusikana wako right!!!!* "Tadiwa wazvitora kupi izvozvo?" *Musikana wake ndiye anyora zvose izvozvo ndakazviganuchira Manue kuti hauchandidi asi izvi zvawava kuita wave kundijairira manje. Zita iroro Kubva nhasi harichashandi chero pachitupa handiriisi" ndakadaro ndichikata foni Manue chinanga chake kuda kundiona ndichirwadziwa nhai. Apa andijairira. Misodzi yakayerera. Anomuda zvakadii kuti angapa mwana wangu zita rake argg Manue Pandakapedza kutaura na Tadiwa ndakabva ndatopinda pa Facebook. Handizivi ndakaguma rinhi kuenda pa Facebook ini zvinhu zvema social media hazvisi zvangu. Pandakavhura wall ya Rue zveshuwa zvinhu zvataurwa na Tadiwa zvaivapo ndakabva ndatoisa comment iwe Rue bisa zvinhu zvawakaisa apo Pandakapedza kuisa comment ndakabva ndatomufonera "Hey babe" "Iwe Rue chii chawaisa pa Facebook" "Hezvo babe" 'bisa manje zvawanyora. Ndapa mwana wangu Zita nekuda kwezita rako? Unondijairira iwe, pandinodzokera ku Facebook handidi kuzviona zve" ndakadaro ndichikata foni ndichiedza kufonera Tadiwa asi haana kudaira Jayden Ndaiva ndakarara mumba, ndakapeputswa nema footsteps, ndakaedza kushingirira ndichifunga pamwe achadarika asi zvakakona. Ndakapedzisira ndamuka ndichitarisa imba yose asi hapana chandakaona. Ndakafonera security asi haina kudaira. Ndakadzokera mu room mangu ndichitora pfuti ndichibuda ndakangananga mu room ye security (guard room) "Kokoko baba Makoni" Havana kudaira "Baba Makoni" ndakadaro ndichimhanyira mu room navo . Ndakavhunduka pandakavawana vakarara pamsoro peropa vasingapfakanyiki "Baba!!!" Pandakatarisa kumashure kwangu ndakaona vakomana vatatu vachitiza vachibuda gedhi. Ndakamhanya ndichienda kwavari ndichipfura asi pakangopfurwa umwe mukomana pagumbo. Asi vakamusimudza vachimupinza mumota vachiimutsa MOTA vachitiza. "Makoni!!!" Ndakadaro ndichimhanya ndichidzokera kwavari ndichiisa ruoko rwangu pachipfuva Chavo End of chapter