Chapter 40 (Final session) EMMANUEL Ndakatarisa paside pandakaona pavaigura mwana wangu chigumwe achichema ndakaona Tadiwa achipinda mudanga ari bara achitorera sekuru mwana. "My baby" Tadiwa akadaro achimutarisa chigumwe "Why muchimurwadzisa kudai?" Tadiwa akabvunza vanhu vose vakashamisika "Hezvo muroora akadii iyeye anopinda mudanga?" Sekuru Shingi vakabvunza "Vana ava havana kukuriswa nechivanhu vanoda kudzidziswa" sekuru Zvayi vakadaro Ndakaona mhamha vachiuya kudanga "Tadiwa buda imomo" mhamha vakadaro Tadiwa paida kubuda naTanya sekuru vakamutora "But........." Tadiwa haana kupedza kutaura "Buda hapana zvinhu zvichaitika pana Tanya" mhamha vakadaro Tadiwa akabuda achingotarisa kumashure achitarisa mwana aichema. Ndakatora Tadiwa ndichimuendesa muroom mangu. "Mwana wangu Manue" "Hapana zvichaitika pamwana Tadiwa zvinhu izvi chivanhu unoona neni kuti ndakaita sei ndiri mupenyu uye hazvicharwadzi" "Handina kumbozvifarira ini zvinhu izvi kubva pekutanga" "Asi chivanhu chekwaZvayi unofanirwa kuzvigamuchira" Tadiwa akanyarara achinomira pawindow achitarisa kudanga. Mhamha vakapinda vachifamba namainini Paida "Tadiwa" mhamha vakadaro Tadiwa akavatarisa achidaira "Unoziva here kuti mukadzi haapinde mudanga remunhu waanodanana naye kana asati ave muroora zviri pamutemo?" Mhamha vakabvunza "Ndanga ndisingazivi ini chete ndanzwa mwana wangu achichema ndichi..........." Tadiwa haana kupedza kutaura "Unofunga kuti isu tingauraya kana kurwadzisa mwana nemaune here?" Mhamha vakabvunza "Mhamha ndinokumbira munzwisise please" Ndakadaro "Yaaaah Ane Tadiwa achiri mudiki plus kunzwa mwana wake achichema atadza kuzvi controller sezvo iwewewo wakatadza kuzvi controller pana Manue" mainini Paida akadaro "Yes Tadiwa achiri mudiki asi anofanirwa kukura pfungwa ane mwana saka anofanira kuratidza kuti akura kwete zvinhu zvaari kuita" mhamha vakadaro Ndakaona misodzi yajenga kuna Tadiwa "I'm sorry" Tadiwa akadaro Mhamha vakatura befu. "Handisi kukutuka Tadiwa asi ndinoda kuti unzwisise Tanya hapana zvichaitika paari" mhamha vakadaro Tadiwa akabvuma nemusoro vachibva vabuda. Ndakaenda pana Tadiwa ndichibva ndamuhaga "Babe be calm please" ndakadaro ndichimutarisa "Saka uri kunditarisa chii?" "Kasi hausi mudiwa wangu here? Ini ndinoziva kuti uri mudiwa wangu" "Ari kupi Ruvimbo?" "Usaisa vamwe vanhu murudo rwedu please" "Handingarege kumuisa iwe wakasarudza iye kudarika ini pandaiva nepamuviri pemwana wako" "That was a big mistake and ndinozvishora nazvo" "Usazvishora wakazvisarudzirira so it's fine" "Asi ndaka......." Handina kupedza kutaura vakabva vapinda vachiunza mwana aiva atogurwa chigumwe "My poor baby" "Zvichapora izvi" "Chivanhu chenyu hachisi right aaaah" Ndakanyemwerera. "Ndinokuda wanzwa" "Nxaaa" Tadiwa akadaro achirarisa mwana JAYDEN Ndaiva ndakagara naNdue naSimba tichitaura nyaya "Ndue wamawana masecurity here?" Ndakabvunza "Yes ndamawana Dude" Ndue akadaro "Mangani because ndati ndinoda more than 10?" Ndakabvunza "Iwo anodiwa masecurity, Spike hanzi ane maconnection nzvimbo yose iyi saka unofanha kutowana masecurity akawandisa" Ndue akadaro "Asi neniwo ndave kuda kuenda kumukadzi wangu" ndakadaro "Hauchagarisiki mupfanha, haazivi chinhu nenyaya yemuchato" Simba akadaro "Haangaregi kuziva ari kutoziva kuti tiri kuchata" ndakadaro "Asi security inenge iri tight don't worry" Ndue akadaro "That's good, asi ndave kuda kugara nemukadzi wangu" "Hauchagarisiki mupfanha"Simba akadaro "Ndogarisika sei? Munhu uya ndinoshuvira kuti dai agara ari pedo neni nguva dzose" ndakadaro vakaseka Ndakabva ndaenda kumota ndichichaira ndichienda kumba. Ndakasvika ndikamuwana akarara pasofa "Babes" ndakadaro ndichimukisa "Wauya?" "Asi hapana anoziva kuti ndiri pano kumba vandirambidza vati hatifanirwi kuonana kusvika tachata" "Old School" ndakadaro ndichiseka "Ndanga ndichikufunga zvakanyanya Mangwenya" "Kuchata kwatononka" "Neniwo I can't wait handichakwanisi kugara usimo mumba" ndakadaro ndichimuswededza pandiri "Ndinotenda Mangwenya nekuti wakasvika muhupenyu wangu ukauchinja" "Ndini ndinotenda Zvayi dai ndisina kusangana newe dai zvese zviri kuitika pandiri zvisipo dai nazvino ndichiri kushungurudzwa, sisi vangu ndisingavazivi, hupenyu hwandiri kurarama ndisingauzivi dai ndisingakwanisi chero kunyora I'm forever grateful Zvayi" Proggy akadaro tichikisana ndichimuratisa pasofa zvakanaka sezvo ndichida kunyatsomunzwa Takakisana kwenguva yakareba ndichibva ndamusimudza tichienda muroom medu ANENYASHA Mangwana acho taiva tapedza basa saka tinofanirwa kudzokera kuHarare asi tichadzoka zve kuswera mangwana sezvo Jay achichata. Tisati taenda kuHarare takamuka tichigadzirira tichibva tadzokera kuHarare takaona Chiedza adzoka "Tete madzoka" Chiedza akadaro "Baba vati tikumhorese" "Ndinotenda ndichavashanyira kana ndava off" "Okay my baby" ndakadaro ndichirara pasofa "Shuu ndakaneta Shem" "Sorry mhamha kukwira mota kunonetesa kunyanya kumberengwa kure kwese uko" Popo akadaro "Chiedza handina kumbokubvunza kuti wakatanga sei zuva rako rekubasa?" ndakabvunza "Zvakanaka mhamha zvinhu zvose zviri mugwara chinhu chiri kundinakidza ndechekuti murwere wangu anonzwisisa" Chiedza akadaro "Oooh that's good" ndakadaro ndichimuka ndichienda muroom mangu ndakanogeza ndapedza ndakarara pamubhedha ndakaona Tafadzwa achipinda mukati "Nhasi une mufaro chiiko?" "Ndakaneta Ane pane zvinhu zvandinofanirwa kugadzira" "Okay kana uchindida uchandimutsa" "Rara Mandlovu uzorore" Tafadzwa akadaro achindikisa padama ndichibva ndarara NARRATED WEEKEND Nhasi izuva remuchato waJay naProggy traditional wedding uchaitirwa kumusha vachizivisa vadzimu vekwaZvayi muroora mutsva. Muchato wakafamba zvakanaka then manheru vanofanhirwa kudzokera kuHarare sezvo mangwana vanofanirwa kuchata white wedding. Vanhu vekuMberengwa vari old fashioned havabudi kuenda kumuchato wechizvino zvino asi vana vavapa mapresent nemakomborero THE OTHER SIDE Now kunze kwasviba Muchaneta ari kukwira achidzika achitarisa kuti ndiani munhu ari kurongerwa hondo ari kuchata. Akapinda mustudy room yaSpice sezvo Spice asipo akabvendenyura zvinhu zvose. Akavhunduka zvakanyanya achiona picture yaJaydee "JayDee" Muchaneta akadaro akazara kutya Zvichakadaro akanzwa Spice achitaura akabva abuda achinohwanda. Spice akapinda achinotaura pafoni "Yaaah zvinhu zvose zvatosetwa Jay wacho achandidzidza handiitirwi izvozvo ini" Spice akadaro achibuda Muchaneta akafemera mudenga achizama kufonera Jay luck akaidaira "Hello" Jay akadaro "JayDee" Muchaneta akadaro "F*ck mann why uchindifonera iwe Muchaneta?" Jay akabvunza achiridza tsamwa achikata foni achibva atoidzima Mucha akaedza kumufonera asi foni yaiva isingaiti akaedza kusenda message akaona Jay akamublocka "Jay c'mon c'mon please" Muchaneta akadaro MUCHANETA Ndaikwira ndichidzika handichazivi manje kuti ndichaita sei, ndiri kutadza kana kurara ndiri kuedza kufonera Jay asi foni yake haisi kuita. Number yeshamwari yake handisisina uye hapana kana wekumba kwavo wandine number yake. C'mon Jay ndaitsvaga number yekuti ndimunyorere message asi munumber ake ose ndaiva ndisina. "Ko haurare nei?" Spice akabvunza "Pane zvingu zvandanga ndichiita" "Ndiri kuona uchikwira uchidzika kunge uri kuchata" Paaitaura nezvemuchato ainyemwerera. "Aaaah babe unondidherera iwe" Spice akaseka. " Ayewa handikudherere huya pano" Ndakaenda ndichinorara asi moyo wangu waingova kuna Jay handichazivi manje. Handina kuuya nehondo kwaari asi ndauya mune zvakanaka why Jay asinga ndioni semunhu akanaka nezvinhu zvaakandiita. Ndaindoshushikana dai zvichienda neni ndaimudzipa Spice abva afira ipapo asi handina simba rekuita izvozvo. Kuma 2 ndakatora foni yake pasi pemutsamhiro ndichida kunyora message pandakati nditange kutyper akabva amuka "Ko uri kuitei nefoni yangu?" Ndakavhunduka "Tave kubatirana mafoni manje?" "Ayewa" "Saka chii chauri kuita?" Ndaiva ndave kubvunda nekuti ndaitya kuti achazviona kuti ndiri kunyorera Jay message "Haundivimbi here Mucha?" Oooh yave yipi manje rega nditangire ipapo. "Unoda ndikuvimbe sei? Iwe unofamba husiku ndingaziva zvaunenge uchiita?" "Ndatanga here kuita izvozvo?" "Ayewa asi ndaneta ini newe nedzendo dzako ndisingapere ........." Handina kupedza kutaura "Sununguka Mucha ini handifi ndakakuhurira ini handina kupusa zvakanyanya zvekuti ndingaita zvinhu zvakadaro" "Shuwa here?" "Yes babe asi handidi kuti ubate foni yangu" "I'm sorry" Trust me babe" Spice akadaro achindiswededza pandiri Ndakamunzwira hasha kunge ndichamurova negwati rembama. Ko iye haarare akaita sei why achida kundikanganisira plan yangu. NARRATED Mhuri yekwaZvayi neyekwana Mangwenya iri kufara zvakanyanya sezvo vachibatanidzwa. Nezuro vakaita traditional wedding asi nhasi vari kuita white wedding vatova pamwe chete nekuti vakabatanidzwa nezuro ndiani angazovakanganisa "Handidi chinhu chichakanganisa muchato wangu. Kane pane zvimwe Jay ngatibva tazvigadzira now" Proggy akadaro "Mukadzi wangu hapana zvinhu zvakadaro Oooh saka unofunga ndinokuhurira" Jay akadaro achinyemwerera "Babe handina kudaro asi ndinoziva kuti iwe haungaite zvinhu zvakadaro ini ndini mukadzi wako chete" "Uye handifi ndakakuhurira" Popo akaseka. "Tauya kuzotora muroora tinoda kumuita make up" Popo akadaro "Ndave kuenda ini Jay tinozoonana" Proggy akadaro "Handichawani chero kiss hayo?" "Mberi kwani imi kaa?" Popo akabvunza achiseka vachienda On the other side Vakapedza kupfekedza Proggy nekumuita zvose Mangwe akapinda asi maziso ake aiva akazara misodzi akahaga munin'ina wake "Handina kumbozvifunga kuti ndichakuona wakura ruregerero ndaida kukurisa se mwana wangu" Mangwe akadaro "It's fine sisi asi ndinoshuvira kuti dai vabereki vedu varipo vachitiona" "I'm sure vari kutiona kwavakarara" Mangwe akadaro achimuhaga zve "Saka ndinokumbira uremekedze murume wako umuterere zvose zvaanotaura. Zvese nefamily yake uchengetedze family yekwaZvayi usava nerusaruro" "Ndinokuvimbisai sisi mirairi yenyu ichagara mupfungwa dzangu handifi ndakakunyadzisai ndichaita zvose zvamataura" "Ndinoziva uchazviita" "Neniwo ndinoda kudanwa ndichinzi maiguru" Mangwe akadaro Proggy akaseka. "Nguva yacho ichasvika sisi" "Ndinokuda wanzwa" "Neniwo ndinokudai zvakanyanya sisi" Proggy akadaro vachihagana zve "Congratulations sisi" Kudzi akadaro "Ndinotenda" Mangwe akadaro "Mainini makanaka shem" Tadiwa akadaro On the other side Tafadzwa airaira Jay kuti sezvo aroora anofanirwa kubata sei mukadzi uye aimuudza1 kuti asaita gumbo panze gumbo mumba naiyewo akazviona kuti imba yababa vake Tafadzwa yakapotsa yaparara. Jay aibvuma zvose apedza kumuraira vakahagana "Ndinodada newe mwanangu" Tafadzwa akadaro "Ndinotenda baba" Jay akadaro MUCHANETA Makuseni ndakamuka zve ndichiedza kufonera Jay asi yaiva ichirira asi aiva asingadairi ndakangiramba ndichiedza asi aisadaira "Ayy Jayden ndiri kubatsira iwe pano" ndakadaro nehasha Ndakaramba ndichiedza asi aiva asingadairi nemumba mandiri hamuna kana landline ko handiti Spice andiendesa kune imwe imba I'm sure kuti aita izvi nekuti anga achiziva zvaari kuda kuita. Handikwanisi chero kubuda mumba muno ndakamuona achibudikira achiridza muridzo "Mukadzi wangu" "Urisei" Zveshuwa Spice handichamudi chero ndichitaura naye ndinonzwa hasha "Uri kuenda kupi?" "Pane kwandinoda kuenda and ndichasiya ndakukiyira muno" Ndakavhunduka. "Why?" "Nekuti kwandiri kuenda kune hunjodzi saka ndikatora risk yekuti ndisakudzivirira ndinogona kukuruza" "What do you mean?" "Kana wakanzwa kuti mukadzi wangu ari muno mumba vachauya kuno zvino handidi kuti zviitike asi nei uchichema chema kudai nekuti zvinhu zvose zviri mukati?" "Handingagari semusungwa ini Spice" "Hausi musungwa asi ndinoda kuti uve safe" "Ndinoda kunofurwa nemhepo" "Zvinhu zvose zviri muno ndinokuda wanzwa" Spice akadaro achibuda achienda Zveshuwa akandikiyira mumba ndakagara pasi ndanga ndisina plan nyaya yave kuna Jay manje asingadairi foni ndaedza kumuponesa asi zvaramba TADIWA Yoooh zuva ranhasi riri kunakidza zveshuwa tiri mumota tiri kuenda kuvenue tiri kuimba apo taiva takabudikira nepama window mumota. Patakasvika pavenue Jay aiva atomirira kare ndakaona Manue achingonditarisa akapedzisira auya kwandiri "You're so beautiful" "And you also you're handsome" "Handisati ndamboona runako rwakadai" Ndakadzungudza musoro ndichimuzevezera. "No need for that handina basa nazvo zvawataura" "Unovaona kuti vakanaka sei?" Ndakanyemwerera. "Zvakanyanya" "Pamakore anotevera ndini newe" "Shuwa?" "Why not?" "Keep on dreaming mukoma wevanhu inini ndichawana munhu anondi deserve not you" "Ini handikudeserve here?" "Chero padiki zvapo" ndakadaro ndichitarisa mufundisi sezvo aiva atotanga nevachati "Progress Ngwenya unomutora Jayden Zvayi ugomuita murume wako ugomuda munhamo nematambudziko here?" Mufundisi akabvunza "Yes I do" Vanhu vose vakapemberera vachirova maoko "Jayden Zvayi unomutora here Progress Ngwenya ugomuita mukadzi wako ugomuda munhamo nemumatambudziko here?" Mufundisi akabvunza "Yes I do" Takafara tichirova maoko vakatanga kuisana maring "Now I can pronounce you as husband and wife. You may kiss the bride" mufundisi vakadaro Takarova maoko Jay akavhura Proggy veil pavaiva vave kuda kukisana pakabudikira vamwe varume vachiridza pfuti mudenga munhu wese akavhunduka. Ini ndakamhanyira kutarisa mwana wangu Manue aiva atomubata achimuviga. Ndakanzwa vanhu vachichema vamwe vachitiza. Ndakaona bamnini Jay vachimhanya kumashure kwavo sezvo vaiva vakatakura Proggy. Ndakavhura maziso ndichibudira panze kune vamwe. *Mainini!!!" Ndaka screamer pandakaona vachivapinza mumota "Proggy!!! Proggy!!" Mhamha vakadaro vachichema "Gojasi!!!!!" Jay akadaro achimhanyisa mota "Jay!!!" Mainini vakadaro vachitevera kumashure. Mota yakarova pasi bamnini Jay vaingotevera kumashure vachimhanya. "Progress!!!!!" Mhamha vakadaro vachi screamer . Jayden Ndakaitevera mota netsoka kusvika ndaora moyo. Ndakazviona ini kuti Spice achauya pamuchato wangu, that's why ndakatsvaga ma security akawanda. Ndaimunzwa Proggy achi screamer numota asi hakuna kwandingasvika netsoka. Ndakadzokera kumashure ndichimhanya bhachi resudhu ndakarirasira pasi. Pandakasvika pane vamwe Mangwe aichema "Jay ndinokumbira uponese munin'inga wangu" "Hapana zvichaitika pana Proggy maiguru " Ndakatorera umwe driver ma key emota ndichiimutsa. Simba na Ndue vakapindawo Ndakaimutsa ndichiimhanyisa apa misodzi yangu yaiyerera I'm scared Spice anogona kuita zvimwe kumukadzi wangu nechinangwa chekundirwadzisa "Chaira zvakanaka Jay uchaita njodzi" Simba akadaro "F**k mukadzi wangu a kudnepiwa iwe woda ndinyahwaire!!" "Hatina kudaro asi chaira zvakanaka nzira yauri kuita nayo haisi Right " Ndue akadaro Handina kuvateerera asi ndakatowedzera speed. Chero pama robot ndaidarika as long pasina mota. Ndakaona mota yemapurisa akamboedza kundimisa asi hazviitiki izvo. Mukadzi wangu a kudnepiwa Ivo ndipo pavanondiitira ma**vi argg maan. "Jay misa mota iyi ndichaire" Simba akadaro Handina kumbomuteerera chinhu chandiri kuda now mukadzi wangu kwete umwe munhu. Apo vaiva vatirasikira tisisavaone. Taiva tave kungofamba tisingazivi kwatiri kuenda Takazoenda kumba kwake paiva pakakiiwa takajamba gedhi tichipinda mukati tichikwajamura ma buttler tichipinda tichitarisa everywhere asi aiva asipo. Obvious haangamuunzi pano nekuti anoziva kuti takambouya pano. Takasangana pa passage "Mamushaya" "Yah haapo pano?" Ndue akadaro Ndakaridza tsamwa ndichienda ku kitchen ndichibata gas. Vakanditarisa vachishamisika "Uri kuitei Jay?" Simba akabvunza "Ndiri kuipisa imba yake" "Unopenga here Jay? Unoda kupisa imba ya Spice iye ane mukadzi wako what if anomuuraya?" Simba akadaro "Yah ichokwadi dude Siya zvaunoda kuita tinotsvaga Proggy" Ndumiso akadaro tichibuda nepatapinda napo tichienda kumota. Takatsvaga nzvimbo yose yataifungira asi no luck. Takapedzisira tamisa mota Ini ndakabuda panze "Manje ndichamuwana kupi,?" Ndaibvunza misodzi yangu ichiyerera "Don't worry dude tichamuwana Proggy. Price chaanongoda imari uye anoziva kuti akatora Proggy ndiko kuti awane mari" Progress Ndaguma ndichichema pandatakurwa kumuchato wangu. Ndakapepuka ndakarara pa bed muviro wangu wese uchirwadza. Ndakazvitarisa ndaiva ndakangopfeka rogwe remuchato. Ndakamuka ndichinotarisa pa window kuti handingabudi here asi handingakwanisi kubuda apa. Ndakatarisa Imba yose ndichifunga pamwe ndingawana foni ndifonere Jay asi hapana chandakawana Ndakagara pasi ndapererwa. Ndiani aita izvi? Neyi anditora nezuva rangu remuchato..Jay ari kunzwa sei paari now?. Tinofanirwa kuti dai tiri pamwe chete now nekuti ranga riri zuva redu hombe asi hona manje ndiri kupi? Ko sisi vangu vari seyi kwavari? Munhu uyu ane chirwere chemoyo haafanirwi kuita stress. Zvichakadaro ndakasimuka pakapinda umwe murume mu room mandaiveri. Ndakadzokera kumashure nekutya. Akauya kwandiri achindipa gwati rembana ndichidonhera pasi. Akandimutsa zviri rough achindibata muhuro "Ndiko kupera kwehupenyu hwako mwanasikana uri pano nekuda kwe murume wako" "Murume wangu akutadzirei?" "Hey fuck maan!!! Murume wako akatora ma drugs angu ema millions akaarasa Saka iwe uchabhadhara nehupenyu hwako!!!" Ndakavhunduka, Jay ma drugs? Anoadii ma drugs. "Saka kurwadzisa murume wako kuuraya iwe!!" Ndakagwadama mberi kwake ndichichema "Ndinokumbira musandiuraya mukoma okay ngatifonerei Jay achakupa Mari Yako yose yaunoda," "Handichaidi Mari yenyu ndave kuda hupenyu hwako" "Please mukoma ndinokumbira usandiuraya ndina sisi vanorwara chirwere chemoyo ukandiuraya naiyevo anoda mwana wake agosara ari nherera. Okay ngatifonere sisi vangu vachakupa mari Yako yose yauri kuda" Akandipamha nerimwe gwati rembana rakandisongedza pasi. "Ndati Mari yekumba kwenyu handichaidi demet!! Ndinoda ropa rako ndironricharwadzisa Jay. Ndichakugua musoro ndonousiya kumba Kwa Jay" "Please mukoma " "Ko imwi mumodanana nema gangsters muchitembeyi ndiyo life yacho iyi. But iwe ndinokunzwira tsitsi nekuti haucha enjoy muchato wako!!" "No Jay haasi gangster" ",Kuti unomurambira handineyi nazvo iwe ndichaendesa musoro wako ku dzvinyu rako" "Please mukoma taura naye Jay achakudzosera Mari Yako yose" Akandimutsa achindirovera pamadziro achindipamha zve neimwe mpama "Fuck maan!!! Shut up bitch!! Usapamha zve kutaura Zita redzvinyu iri pano!! Fine ndichakuendesa kumurume wako Mari yenyu handiidi ngaatore mari iyoyo achaishandisa pa funeral Yako" akadaro achibuda Ndakasara ndichichema ndega. Jay please save me. Ndakagwadama ndichitanga kunamata. Ndapedza ndakasimuka ndichitarisa pa window. Window racho idiki handingambokwanisi kubuda apa. Ndakatanga kufunga zvaiva zvataurwa nemurume uyu. Jay anopinda papi pama drugs? No ways Jay haaiti zvema drugs *Session 1 yedu yaguma pano let's support our author guys handei nehuhwandu hwedu ku subgroup tinzwe zvakazoitika Kuna proggy or achafa tisati tanzwa secret. Secret yekwa Zvayi haisati yabuda aewa handei tinozvinzwira tisaita zvekufungira Kani. Book rinoverengerwa ku subgroup no boom.