Chapter 3 . Mangwe Ndakagara mumba ndakamirira Farai sezvo tichizodya dinner tose,kubva zvandamupa foni ari kungotaura nyaya dzerudo chete. I'm ini nyaya dzerudo hadzisi mandiri. Varume vose vanenge vachiti vanondida asi vachingoda kundirwadzisa chete.but I want to try na Farai kekupedzisira ndione zvichatisvitsa kupi. Farai asati asvika ndakatora foni yangu ndichifonera Tadie, takataura ndichimuyambira kuti azvibate zvakanaka. Ndakazomuoneka pandakanzwa knock panze aiva Farai, "Ohh I'm sorry to disturb" Farai akadaro achipinda "No it's fine pinda thanks to come" "Haa unofunga kuti ndanga ndingarega kuuya here ndakokwa netsvarakadenga yakadai" Ndakaseka ndichinopakura chikafu tichigara patafura tichitanga kudya. "So tell me about yourself unobva kupi kumusha?" Ndakamubvunza "Haa isu tiri ma born location zvekumusha izvo tinongozvionera muma TV" Ndakaseka "Okay ko family" Pandakadaro Farai akaratidza kuvhunduka "I mean children mukadzi" Pandakadaro akakosora kunge ndaiva ndabvunza zvinhu zvakaipa "Handina mukadzi ini chero vana" Ndakamutarisa ndichishamisika pane munhu mukuru kudai asina vana nemukadzi here? "Bvunza" "Unoreva kuti kubva kubva hauna kumbobvira wakaita mukadzi?" "Ndakamboroora but it's a long story" "Okay" "But iwewe hausi right" "Ndiri kufunga mwana wangu" "Aenda nevamwe vana achadzoka hanti" "Problyku Gweru kwaaenda Kuma side ekumba kwavo" "Ohh Saka unofunga kuti angakutorera mwana wako here?" "Aewa murume uya Ane hutsinye anokwanisa kuita chero chakaipa pamwana wangu" "Can I ask you something?" "I'm listening" "Ko chii chamuri kurwa naye kusvika pakuvenga mwana wake kudaro" "Handingambokuudzi nekuti neni wacho handitozivi" Farai akanditarisa achidzungudza musoro. Zveshuwa neniwo handizivi . Asi zvisinei hazvo zvakaita, Mike akaita zvido zvake munhu kana asingachakudi haungamumanikidzi. Takapedza kudya ndichibva ndadira juice Mike Mangwana makuseni ndakamuka ndichitora foni nekuti ndaida kubvunza kuti basa rafamba sei nezuro anga achifanirwa kuti dai afona kare.pandaida kufona Cleo akabva apinda "Daddy" "Yes my princess" "Ndave kuenda kuchikoro ndipei mari" Ndakabudisa mari ndichimupa achibva abuda. Paakabuda ndakasara ndichifona "Basa rafamba sei?" "Eish boss pane problem yaitika handina kuzoita basa" "Problem yeyi?" "Pandasvika pamusha paya ndasvikirana neumwe murume Saka zvanga zvisingaiti kuti ndiite basa" "Ohh Saka ava nemunhu?" "I think so boss nekuti ndamira kwenguva yakareba ndichiti pamwe achabuda asi ndasvika pakuneta ndikaenda" "Okay no problem ramba wakamutarisa kusvika basa wapedza" "Sho boss" Ndakakata foni yangu. Rose akabva apinda ndakamugarisa pamakumbo angu "Hanti unoziva kuti vana mhamha vari kuuya kuzodya dinner nesu?" "Yes my love" Good Saka ndokumbira uvabikire the best dinner" "You know me my husband" Rose akadaro achitendeuka achienda. Neniwo ndakasara ndichivhura laptop yangu ndichiita something Tadiwa I'm now scared sezvo riri zuva rekuti ndiende kumba Kwa Mr Kuchicha I don't if I'm to face that man, apa ne address yacho ndatoiwana "Chomie you can change your mind" But we already in Gweru" "Asi hausati waenda ka pamusha pacho" "No I will do it" "Please Tadie" "Stop it Prim I said I will do it" Prim haana kuzotaura zve. Takadzidza then Kuma three bhazi rakatiendesa kuhotera kwatinogara. Ma teacher akatiti tiri free kuona nzvimbo sezvo mangwana tichidzokera Kuma Shure. Takageza na Prim tichibva tabuda. Hana yakatanga kurova manje I don't if I'm ready or what. Takakwira kombi tichibva taenda "Tadie I'm scared" "Usatya hapana zvichaitika patiri" "Okay fine" Takaburuka mukombi tichibva tanomira pagedhi. Ndaiva ndotya kupinda asi ndakazvishingisa. Lucky gedhi raiva rakavhurwa. Musha wacho waiva mudhadha shame you can tell kuti vari kurarama soft life asi handina basa nazvo izvo, mhamha vangu vane zvinhu zvavo uye ndinogutsikana nazvo.takamira pa door mukati maiva ne noise vanhu vachiseka. Takabva tapinda. Patakangopinda vanhu vose vakasimuka. Paiva na Mai vacho ne hanzvadzi yake nemukadzi wacho nevana. Vanhu vose ava ndaingovaonera pa social media nhaso ndiri kuvaona live. Mr Kuchicha vakaswedera patiri "Ndingakubatsirai nei?" Ohh Saka hapana kana chaari kumbo noticer pandiri? But i understand he won't nekuti murume anondivenga uyu "Yes mungatibatsira" Vanhu vose vakaswedera patiri,ndakaona Mai vacho vachivhunduka pamwe vandiona but this useless man anoonekwa kuti ari murima. But how come this useless man akati haadi hure pamusha pake asi mukadzi wake akazvara hure. Ohh meaning ini na mhamha tisu taiva tisingadiwi pano "Munonzi vanani?" "Uyu anonzi Primrose ini ndinonzi Tadiwa Angel" Ndakaona Mai vacho vachizvibata chipfuva "Tadiwa?" Mr Kuchicha vakabvunza "Yes mwana wenyu na Lubelihle Ngwenya" Vanhu vose vakavhunduka mumba. Ndakaona mukomana wacho achiswedera Pana baba vake "Daddy" "Handina umwe mwana ini. Ndine mwana musikana umwe chete, iwe handikuzivi" Ndakanzwa moyo wangu uchinyura mumafutha chaimo. Prim akandibata. Misodzi yakatanga kuyerera kwandiri "Nei muchindivenga kudai?chii chandakakutadzirai" "Hausi mwana wangu iwe" "Ndauya pano kyzotsvaga mhinduro nei muchindiparadzanisa nevana venyu" "Cleo, Ray enda mu room menyu"Mr Kuchicha vakadaro "Never" Ray wacho akadaro "Raymond!!!" Mr Kuchicha vakadaro nehasha Ray akatora hanzvadzi yake vachienda. Ndakachema ndichienda Kuna Mai vacho "Mbuya nei muchinyarara baba vachindivenga kudai? Munonyatsoziva kuti ndiri muzukuru wenyu nei muchindidaro?" Mai vacho Havana kupindura. Ndakaswedera pane hanzvadzi yacho "Aunt right? Ndinokumbira mundiudze kuti Chii chandakatadza pamusha pano muchindivenga kudai" Ndakanzwa negwati rembama rakandidonhedza pasi. "Tadiwa!!!!" Prim akadaro Ndakavhura maziso, did he slap me? Kubva zvandakazvarwa atanga nekundigumha achindirova. Aewa haandidi zveshuwa murume uyu. Akandibata achindisimudza zviri rough "Haungasviki pamusha pangu wotaura zvaunoda. Ndiani baba vako? Handisi baba vako ini" Mr Kuchicha vakadaro "Newevo wanga uchiendepi hona manje" Mai vake vakadaro Ndakavatarisa ndichishamisika zveshuwa vanhu vepano havandidi "Hunza number ya Mangwe ndimufonere" "Please please ndinokumbira musafonera mhamha Okay fine tichabva pamusha penyu hamufi makationa zve" Haana kunditeerera akatora foni ya prim achiita zvekuidhonza. Akamupa zve kuti aise password. Akatora number dza mhamha achifona achiisa pa loud speaker "Iwe Mangwe huya utore chinhu chako kuno" "Chinhu changu? Tadiwa!!" Ndakazvibata muromo.ohh gosh kuuya pano yanga iri mistake hona manje mhamha vave kuzorwadziwa nekuda kwangu. Ko nei apinza mhamha munyaya iyi. Ndakaedza kumunyengerera kuti atisiye tiende asi akarambisisa akati achitisiya kana mhamha vauya nekuti ndivo vandituma kuti ndiuye pano. Apo mhamha vangu hapana zvavanoziva shame "Ndinokumbira utisiye please I promise hatifi zve takakunetsa ne family yako" Haana kumbonditeerera shame mukomana wekwa Kuchicha. Takagara some hours mhamha vakapinda vari bara ndakasimuka ndichivaamhanyira ndichivahaga. Mr Kuchicha vakaswedera patiri mhamha vakandiisa kumashure kwavo "Saka wafunga kutuma mwana wako?" Mr Kuchicha vakadaro "Mwana wangu ari kudei pano ?" Mhamha vakabvunza "Ari kudei? Uri kubvunza ini mubvunzo wakapusa kudaro?" Mhamha vakatarisa Prim "Nhanha masvika sei pano?" "Tauya tega maiguru hapana atituma" Prim akadaro "Mhamha vakanditarisa nehuso hwaiva hwakazara Marwadzo. I can feel marwadzo avari kunzwa. Ko neniwo ndanga ndapindwa nei nekuuya pano? "Udza mwana wako kuti handisi baba vake nei wakamuudza kuti ndiri baba vake nekuti ini handimuzivi " "Mike nei uchitora ruvengo rwako pandiri uchiruisa pamwana. Akakutadzirei Tadiwa nei usingavengi ini?" "F**k maan haasi mwana wangu uyu!!! Hanti ndakakupa here. Handitomuzivi uye handidi kumuziva ndine vana vangu vaviri ini" Ndakaona misodzi yakazara pana mhamha vachinditarisa dama rangu randaiva ndarohwa na Mr Kuchicha. "Waita sei padama?" Handina kuvapindura ndakaramba ndichipurudzira dama rangu. Mhamha vakatarisa Prim "Aita sei padama?" "Arohwa na Mr Kuchicha" "Mike warova mwana wangu?" "Nei uchibvunza kunge pane zvauchaita?" Mhamha vakayeredza misodzi vachindibata ruoko tichibuda panze. Ndaingovatarisa mhamha vaipupuma nehasha "Mhamha" Havana kundipindura takapinda mumota vachiimutsa tichienda ku hotera kwatasvikira, Prim ndiye aingova direct (a). Takasvika kuhotera vakamisa mota pagedhi Pinda utore mbatya dzako tiri kudzokera ku Harare" Ndakabuda chinyararire Prim unoenda nesu here?" "Ehe ndichatanga nekunoudza teacher kuti tave kuenda" Prim akadaro achiburuka mumota achienda kwaiva nema teacher achiaudza. Paakadzoka akandiwana ndatorongedza mbatya dzedu dzose. Takanopinda mumota mhamha vachimutsa mota tichienda. Nzira yose iyi vaiva vasingatauri misodzi chete ndiyo yaingoyerera "Mhamha I'm sorry please handichapamhi zve ndinokumbira musachema" Havana kundipindura vakaramba vachingochaira. Neniwo ndakapedzisira ndave kuchema. Ndakapedzisira ndabatwa nehope ndakapepuka tapinda mu Harare. Mike Handisati ndambobhowekana zvakadai. Anga achida mhinduro dzekupenga argg maan.ndichiri mukufunga kudaro Amanda akapinda "Broe" "Yah" "I think wazonyanya ku overeater nei wataura uchidaro pamwana uya. Tose tinoziva kuti mwana wako saka nei wadaro, kusvika pakumurova here? aewa wazvinyanya" "Mwana uya handimudi chero paafamba" Chero zvakadaro wanga usingafanirwi kumurova or kufonera Mangwe, dai wangomurega aenda" "Hauzivi zvawavinga pano Buda ndiri busy" "But b--" "No but Buda Amanda please " Akabva abuda ndakasara ndichitora foni yangu ndichifona "Svondo rino risapeta usina kuita basa randati uite. Svondo rino rinofanirwa kupera vafa" "Sure boss ndichaita sekudaro" Ndakaridza tsamwa ndichikata foni yangu End of chapter