Chapter 31 Anenyasha Ndiri Kubva kuchipatara pandasvika kumba ndawana Tafadzwa asipo pandabvunza hanzi angobuda hapana waaudza. Moyo wangu uchiri kurwadza nemwana wangu. Hapana chati chachinja akangofanana nanezuro. Asi chinhu chanyanya kumuisa pa comma ma drugs. Iko akambomawanepiko ma drugs Manue. Ndakazvikandira pasofa, zvichakadaro foni yangu yakarira vaiva baba "Mushavi" "Anenyashadzashe" Ndaitei manje zvandave kudanwa nezita rangu rose "Baba" "Ko kusandiudza kuti mwana ari kuchipatara?". Vaudzwa nani manje? Ndakatadza kuvapindura nekuti ndaiva ndisingazivi ndovati kudii "Ko kusandiudza kuti mwana ari kuchipatara ndoita zvekuudzwa na Tafadzwa" "Ruregerero baba ndanga ndichiti ndichakuuzai" "Rinhi Anenyasha mwana ane zuva rose ari kuchipatara asi kana kumbondiudza, chiiko newe Anenyasha" "Ruregerero baba chete pfungwa dzangu hadzishandi mushe now baba" "Saka ini handina kukosha pa mwana uyu?" "Aewa baba makakosha zvakanyanya ndiregerereiwo". "Chiiko chiri kuitika pauri Anenyasha? Wachinja zvakanyanya, hausisiri Anenyasha dzababa wekare unorwa nevarume uchivarova . Ko zvekuti Manue akanhumburisa wanga uchandiudza rinhi?" Handina kuvapindura "Ndiri kutaura newe " "Chete panga pachine ma drama baba ndanga ndichiti ndichakuudzai apera" "Unoona nzira yauri kufamba nayo manje mwanasikana haiiti. Ichinje usati wachema" "Ndiri kukunzwai baba" "Wakatanga kundinetsa kare Anenyasha nazvino chero ndachembera uchiri kundinetsa? Hapana mwana akambondinetsa sewe" "Ruregerero mushavi" "Tafadzwa murume wako haisi shamwari yako or mwana wako so muremekedza usiye kuda kuzviita murume, zvinhu zvauri kuita uri kudherera dzidziso yangu unozviziva here ?" "Ruregerero baba" "Ndinokuda wanzwa?" "Neniwo Mushavi ndinokudai" Takaonekana ndichibva ndakata foni ndichipukuta misodzi yaiva yazara kumeso. Pandaida kufonera Tafadzwa ndakanzwa mota yake ichipinda, ndakabva ndatorega ndichisimuka ndichienda mu room mangu. After some minutes akapinda "Hey" "Hey". "Wanga uri kupi nekuti chero kuchipatara handina kukuona" "Ndanga ndichambofurwa nemhepo" "Okay look Zvayi I'm so sorry nezvinhu zvose zvandakaita pauri kupfura mota kukutuka kukurova ndakatorera zvinhu pamsoro dzaiva hasha Zvayi Kubva zvatakatanga kudanana hauna kumbobvira wakandihurira chero wakazviita handina kumbozviona. Zvinhu zvawakandiudza zvakandivhundutsa zvakanyanya, kunzwa Kuti ndave kuzoku share neumwe mukadzi zvakandipedza simba. I'm sorry Zvayi ndiregerere " Tafadzwa akanditarisa kwenguva yakareba "Ndinobvuma Tafadzwa ndini ndazviputsira imba yangu asi ndiregerere Zvayi please " "Aewa takaputsa tose, ndini ndakatanga Saka ndini ndinofanirwa kukumbira ruregerero, neniwo I'm sorry nekukurova, kusara padiki kukuuraya, handizivi ndaiva ndapindwa neyi asi Anenyasha relationship iyi haichashandi " "No no no hazviko Tafadzwa tisu takatanga isu saka tisu tinofanirwa kuzvigadzira tiri vaviri. Relationship yedu it's called true love. I know zvakawanda zvakakanganisika asi nguva yekuzvigadzira ichiripo please Zvayi " "Mvura kana yadeuka Ane yadeuka. Chero tikaedza kugadzira zvinhu rudo rwedu haruchafanani nekare, hapasisina respect pakati ped--" "Tinozvigadzirisa Tafadzwa. Okay kana uchida umwe mukadzi wechipiri mutore hako asi ndinokumbira kuti ini newe tigadzirise imba yedu" "No I'm not gonna do that, ndakazvibisa kare mupfungwa dzangu chinhu chandinoda kutarisa now vana vangu" Ndakapukuta misodzi. "I was once your Anenyasha, about divorce we can cancel it sezvo tanga tisati tasayina" "Ita zvaunoona kuti zvichakufadza Ane" "Ndichaenda kunokumbira ruregerero kuna Mangwe nezvandakaita asi kuti akarara newe izvo handingakumbiri ruregerero. I would do that if kuchinzi wakamurepa" "As long usingazosviki uchirwa naye nekuti handizivi kuti simba rose iri uri kuriwana kupi" "Nxaa" ndakadaro ndichitora ma key emota ndichibuda "Ndikuperekedze here?" "No thanks" Ndakabuda ndichienda mumota, ndakadarika mu spar ndichitenga zvinhu zvinonaka zvinofarirwa nevanhu vakazvitakura. Ndapedza ndakaenda kumba kwa Mangwe, ndakasvika ndichigogodza. Akadanidzira kuti ndipinde. Pandakapinda akasimuka paakaona kuti ndini "Ndingakubatsira neyi?" Mangwe akabvunza Ndauya kuzokumbira ruregerero nezvandakaita Tafadzwa andiudza zvose" "Good kana uchiona mistake yako ndakuregerera" "Asi handikumbiri ruregerero kuti wakarara nemurume wangu nekuti haana kukumanikidza" "Sorry about that" "Ndizvo zvandanga ndavinga chete mwana wako ari kupi" "Abuda" "Okay ndanga ndamuvigira izvi" ndakadaro ndichimupa zvinhu zvandaiva ndatenga "Thanks" "Ndinokumbira kuziva ma date ake e appointment na doctor tigokwanisa kumuendesa" "Don't worry pane izvo Ari covered anaye doctor" "I know but she's our responsibility sezvo akatakura mwana wemwana wedu" "Ndipe email yako ndichakusendera" Ndakamupa email ne number yangu ndichibva ndaenda Mike Handizvi believe zvandiri kunzwa pano. Mwana wangu ane 16 years ave nepamuviri? Asi zvose izvi ndini honzeri, dai ndaivapo muhupenyu hwake dai zvose izvi zvisipo. Asi zvatoitika hapasisina kudzokera kumashure ini manje ndinofanirwa kuchengeta mwana wake sezvo ndakatadza kuchengeta iye. Ndakamuona achiyeredza misodzi "Baba ndiregerereiwo ndinokumbira musandisiya ndakaita mistake" Ndakamuswededza pandiri ndichimuhaga. "Yes wakatadza zvakanyanya uchiri mudiki kuti ungaita pamuviri asi zvakaitika zvakaitika, ndinoda uzive kuti ndichaita chero chii kuratidza muzukuru wangu rudo rwandaifanirwa kupa iwe" Akandihaga "Thank you so much baba ndanga ndichifunga Kuti muchandisiya". "Hey usafunga zve zvinhu zvakadaro handifi ndakaita zvinhu zvakadaro. Zvinhu zvandakaita ndinozvishora siku nesikati" "Thank you so much Shumba" Takazoona imba, tagutsikana ndakamuendesa kumba kwavo, takapinda mukati tose "Mom we're back" "Hey my angel" Tadie akabvuma achienda mu room make ini ndakaenda ku kitchen kwaiva na Mangwe, paakandiona akabva atochinja kumeso. "Uri kudei pano Mike? " "Ndave kuziva everything about her" "Everything yeyi?" "Kuti ane pamuviri" "Saka zvinovhundutsa here izvozvo?" "Hezvo unorevei Maluluza?" "Ihure rako iri, raku prova right" "Maluluza ndinokumbira tisaenda ipapo please. I'm so sorry nezvinhu zvandakataura" "Chero kwainzi hauchatidi Mike waiva usingafanirwi kutaura zvinhu zvakadaro" "Ndinozviziva ndinokumbira tizvipfuudze, once again I'm sorry" "Haundikwereti kukumbira ruregerero Mike" "Handina kumboita baba vari right pana Tadiwa Saka ndinoda kupa muzukuru wangu rudo rwandaifanirwa kupa Tadiwa" "Good for you" "You still beautiful sekare" "Iwe waifunga kuti runako rwangu ruchapera nekuti wandiramba?" "Hayi Maluluza nhasi wandirongera mashoko shame " "Mike ndine zvinhu zvakawanda zviri mupfungwa dzangu ini kuti ndingaitira iwe plan" "Eyy uri kubikeiko zviri kunhuhwirira kudai ndinokumbirawo kukwata zve" "Mike handisi mu mood please ". "Ohh vanhu vakaparadzana unobva watonyima" "Mnxm" "Uchandiwana ku sitting room Maluluza wangu" Akanditarisa neziso rinotyisa, asi kana uchida chinhu kutoshinga chero zvakaoma sei PORTIA Ndaiva ndakagara mu sitting nguva dzaiva Kuma 6 Jay akapinda takamhorosana, Jay akanditarisa kwenguva yakareba. "Popo hausi right chii?" Ndakanyebera kunyemwerera. "Ndiri right ini broe". "Popo ndinokuziva iwe asi wave nenhumbu?" Ndakaseka. "C'mon. The whole virgin" "Ko ndozivei ini. Munhu Kubva aita stress yose iyi kana ari mukomana anokupa stress yose iyi achatarisana neni" Ndakaseka "Hapana mukomana apa broe don't worry " Takaenda ku kitchen akandibatsira kuendesa chikafu patafura tichibva tatanga kudya. Jay akadhonza chikosoro. "Baba mhamha" Vakamutarisa "Ndinofunga kuti ndamuwana munhu wandichava naye kwe hupenyu hwangu hwese" "Really? Musikana uya anoshanda mumba mako?" Mhamha vakadaro ndakabvuma "Wow what a good news zvinofadza izvi mwanangu I like her" mhamha vakadaro "I also like her she's calm". Jay akadaro "Neniwo Proggy ndinomuda zvakanyanya " Tifa akadaro. "Tinotenda mwanangu wava murume manje Saka zvinofarirwa kuonekwa" baba vakadaro Jay akabvuma zvichakadaro foni yababa yakarira vakadaira "Hello" ------- "Shuwa here?" Baba vakabvunza nemufaro "Thank you so much this is a good news" baba vakadaro Apa munhu wese aiva avati njoo mumaziso... "Chii Tafadzwa?" Mhamha vakabvunza "Manue amuka" baba vakadaro "What?" Mhamha vakabvunza nemufaro Ndakavhunduka zvekuti ndiro yandaiva ndakabata yakadonga. Kwete kuti ndanga ndisingadi kuti amuke asi ndiri kutya kuti chokwadi chave kuzobuda pachena manje "Are you okay?" Jay akabvunza.. "Yes ndanyanyisa kufara" "Are you sure?" Jay akabvunza Ndakabvuma nemusoro. I'm done!! TADIWA You know I'm so happy kuti mhamha havana kudzinga baba tichadya tose chikafu chemanheru. Ndakadzika stairs ndichinyemwerera. Mainini Proggy vakapinda takafarirana tichihagana. Vakashamisika vachiona baba "Haa bamkuru muri sei?" Ndakaona mhamha vachivapa rimwe ziso ndakamboda kuseka asi ndakatya "Cinderella right?" "Yes ndini" Baba vakasimuka "Wow ko hamundiudzi neyi kuti makazosangana?" Baba vakadaro. "Ndakanganwa ini kukuudzai" ndakadaro "Ndafara kukuona " baba vakadaro "Ini ndinofara nekuvapo kwenyu pamusha pano" mainini vakadaro vachihagana Takazoenda kunobatsira mhamha ku kitchen. "Tadiwa Mai va Manue vanga vari pano" mhamha vakadaro "Vanga vauya kuzokumbira ruregerero kwandiri uye vati ndikupe izvi" mhamha vakavhura fridge vachindipa zvinhu zvaiva zvatengwa na Mai Manue "Vazvitengerei hanti vakati vanondivenga here? Chero neniwo ndinovavenga " "Tadiwa munhu mukuru iyeye" "Handinyebi mhamha handizvidi zvinhu zvavatenga vakandiudza kuti vanondivenga Saka vachinja nei" ndakadaro ndichitora chikafu ndichienda kwaiva na baba "Vakuitei manje Princess Kubva wataura wega?" Baba vakabvunza "Hapana baba" Vana mhamha vakazouuya tikagara pasi. Mhamha vakapa baba chikafu Chavo "Thanks Maluluza chero hako usina kundigwadamira" baba vakadaro ndakanyemwerera Ndinoshuvira kubvunza mainini kuti Manue ari sei asi handingabvunzi mberi kwa baba na mhamha ndinenge ndave kudherera ka. "Chikafu chako chinonaka Maluluza " "Thanks" "Haa taurai henyu bamkuru chinonaka isu kwa Ngwenya takapihwa chipo pakubika" Zvichakadaro foni ya mainini yakarira "Excuse me" mainini vakadaro vachisimuka vachinodairira ku kitchen. Vakadzoka vachinyemwerera "Hanzi Manue amuka" "Wow " ndakadaro mufaro wakazara kumeso "Good news" mhamha vakadaro . Takapedza kudya baba vakatarisa mhamha "Eyy ini regai ndiende ndinotenda for dinner" "Haa baba mungabva mafamba husiku here? Madii kurara pano" ndakadaro mhamha vakanditarisa nerimwe ziso "Baba vako vari kuenda Tadiwa" "Mhamha vangabva varara muhotera here?" Ndakadaro "Hotera yeyi hanti ndiwe wandiudza kuti matenga imba here" "Ahhm haisati yagadzirwa mukati" baba vakadaro "It was good kuva newe ufambe mushe" mhamha vakadaro ",Mhamha" "Tadiwa!!!" Mhamha vakadaro nehasha vachisimuka vachienda mu room mavo "Okay guys regai ndiende ini" baba vakadaro "Mufambe mushe baba" ndakadaro nemoyo wairwadza Baba vakabuda vachienda takatarisana na mainini "Mainini sisi venyu" "She need time I wonder vakaitana sei" "Mhamha havana kukuudzai here?" "Aewa havana chii chakaitika" "Evo vachakuudzai Ivo" ndakadaro tichiseka tichionekana umwe neumwe achienda mu room make Narrated Mhuri yekwa Zvayi haina kumbopedza nguva pavakangofonerwa vakabva vatobuda ipapo vachienda. Vakawana Manue akarara akatarisa mudenga. Anenyasha paaida kumuhaga akaramba. Zvaiva pachena kuti aiva akamutsamwira. "Thank God wamuka" Tafadzwa akadaro achimuhaga "Iwe mupfana unoda tsvimbo iwe neyi wakaita zvawakaita" Jay akadaro achimuhaga family yose yakamuhaga "Tawe mwanangu I'm so sorry nezvinhu zvakaitika ndinoziva kuti ndaisafanirwa kuva harsh " "Neyi muchidaro mhamha? Hamudi kundiona ndichifara" "Hapana chinhu chandinoda sekuona vana vangu vachifara " "Saka makazviitirei? Neyi muchivenga Mai vemwana wangu kudaro?" "Ndagadzisira zvose mwanangu. Ndakumbira ruregerero kuna Mai vake" Manue akanyemwerera "Shuwa here?" "Yes my boy" Ane akadaro vachihagana "Asi newevo wanga usingafanirwi kudaro"Ane akadaro "I'm sorry mhamha" "Manue kuzviuraya haisi solutions mpfana wangu'" Tafadzwa akadaro "I'm sorry baba" "Okay tave kuenda isu iwe uchasara nekuti pane ma test ma doctor aanofanirwa kuita pauri" Tafadzwa akadaro "Ndinokumbira kusara naye" Ane akadaro "Aewa mhamha ndichasara naye" Popo akadaro. Vaingotarisana na Manue, Popo aitya kuti Manue achasara achiudza Ane chokwadi kuti ma drugs awatora kupi ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwe aiva akagara pamubhedha achichema. Proggy akapinda "Sisi handizivi muri kuchemei asi zvakwana manje" "Akandirwadzisa Proggy, akandidzinga mwana wangu ane zuva rimwe azvarwa, ndichiri mumarwadzo ema stich. Akatidzinga sembwa" "Ndinoziva kuti zvinorwadza sei asi makore awandisa aya chimuregerera please muri kuzviona nemwiwo anozvishora nezvinhu zvaakaita" "Zvairema kukudza mwana wangu ndega. Yes hapana chandaishaya asi Mike ndaimutsvaga" Proggy akamuhaga "Sisi chimuregerera kanhi zvakupisa tsitsi izvi. Munoziva Tadiwa angafara kunzwa Kuti makaregerera baba vake" "Handimudi muhupenyu hwangu Mike. I'm done with him. Ngaaite relationship yake na Tadiwa kwete neni" "I understand sisi I do understand please stop crying" Proggy akadaro vachihagana TADIWA Mangwana ndakamutswa nefoni yangu yairira aiva Manue ndakatanga nekunyemwerera ndisati ndadaira "Babe" "Tadiwa wangu'" "Wave kunzwa sei babe?" "Ndave nani chete ndakaneta" "Ndiri kuuya kuchipatara kuzokuona" "Aewa ndabuda kuchipatara ndiri kumba manje" "Ohh Saka ini ndichakuona rinhi I miss you" "Ndichakumbira Eric mangwana andichairire" "Neyi waita zvinhu zvakadaro Manue wanga uchiti ndichasara ndichiita sei nemwana wako ari mudumbu?" ""Hey I'm sorry handichapamhi zve" "Tanga tichasara nani isu dai paitika zvimwe pauri?" "I'm sorry babe okay" "Ndakuregerera asi newevo usapamha" "I promise babe handipamhi" "Okay Rega ndimuke tozotaura" "Okay babe bye, ohh ndanga ndatokanganwa mhamha vati pane zvinhu zvavakutengera" "Yah mhamha vandiudza" "Vakuudza? Asi hauna kuzvidya?" "Neyi ndichifanirwa kuzvidya?" "What do you mean by that?" "Handidi chinhu chinobva kuna Mai vako handimbozvidyi " "Vazvitenga nerudo Tadiwa ndinokumbira udye she's trying wani" "Ngavasaedza havo handidi chinhu chinobva kwavari if I want something I will tell my mother she will buy for me. She hate me i hate her also" "Tadiwa chiiko?" "Ndichazvirasa uvaudze kuti vasapamha zve kunditengera nekuti vanenge vachitambisa Mari yavo" "Tadiwa ndi Mai vangu vaunotaura uchidaro" "Saka ndinofanirwa kudya zvenharo nekuti ndi Mai vako handimbozvidyi get that!!!!" Ndakadaro ndichikata foni yangu. Mukadzi uya ndinomuvenga kwete zvekufungidzira Mai Munyaradzi Ndiri mu town na Mamoyo pane zvinhu zvatiri kuda kutenga apo patakasangana na Mbuya Pasi. Ndakavaguma kare shame ndinoshamisika kuona vakazara zvuma mumaoko, vakatanga rinhi kuita n'anga? "Mbuya Pasi" "Manyoni ndakaguma kare" "Ahh ini ndanga ndisingachakuoniyi ko mave n'anga?" "Ndave nemakore 30 ndiri n'anga" "Ahh handizvizivi ini. Ohh uyu ndi Mamoyo mainini takaroorwa nemurume umwe chete" "Zvinofadza kuti munowirirana. Mamoyo ndafara kukuziva" "Neniwo Mbuya ndafara kukuzivai" "Nhai manyoni mwana achaziva rinhi chokwadi?" "Chokwadi cheyi mbuya?" "Baba vake udzai mwana chokwadi nekuti nhema dzaari kurarama . Mukaramba muchivanza chokwadi mwana achaita zvihombe kutaura kudai atotanga. Udzai mwana baba vake zviito zvinongotaura wani" "Mwana baba mbuya handisi kunzwisisa ini" "Vana vose vari ku Harare vakakomberedzwa nemamhepo nekuda kwechokwadi chamuri kuvanza. . Vana vari kurwisana vega . Danai vana muvaitire chivanhu. Midzimu yekwa Zvayi iri kuchema nazvo " "Mbuya handisi kunzwisisa ini " "Chokwadi manyoni musare mushe" mbuya Pasi vakadaro vachienda. Takasara takatarisana na Mamoyo. Chokwadi cheyi manje? End of chapter