Chapter 5 TADIWA Ndakabuda muroom mangu ndichienda muroom mamhamha ndaida kuti vandipewo USB yavo. Pandakapinda mukati ndakawana vari pafoni vachingo nyemwerera nonstop kunge mwana mudiki zviri pachena kuti bamunini Farai vanovada, but pane chinhu chiri off nemurume uyu handizivi kuti chii ichocho. Ndakapinda mukati vachibva vaisa foni pasi "Mhamha" "Yes my girl" "Ndinofara kukuonai muchifara kudai" Vakabva vanyemwerera. "Thanks my baby kana newewo uchifara" "Ndinokumbirawo USB yenyu ndinoda kusenda madocuments yangu ndaikanganwa kwana Prim" "Okay Tadiwa wangu" mhamha vakadaro vachitora USB vachindipa "Thank you mommy" ndakadaro ndichibuda padoor ndichibva ndavatarisa "Mhamha ndiani mutupo wabamunini Farai?" Mhamha vakanditarisa vachishamisika. "Haaa mhamha ndinoda kuziva" "Farai Zhou" Ndakanyemwerera. "Thanks mhamha" ndakadaro ndichibuda ndichienda muroom mangu Ndapedza kusenda madocuments ndakatora laptop yangu. Hapana munhu angabva kumba kwake achienda kurestaurant asina mari akanganwa wallet. Pane zvinhu zvisiri right pana Farai uyu Ndakapinda pafacebook ndichimutarisa Farai Zhou asi ndakamushaya ndakanotarisa painstagram asi ndakamushaya. Its not like everyone anoita zvesocial media. Ndakapinda painternet ndichimutarisa naipowo haana kubudikira asi pakabuda Farai Moyo ndakavhunduka pandakavhura picture yake ndichiona ari iye. Inga akati kuna mhamha Farai Zhou how come apa ari Farai Moyo ndakatanga kuvhura story yake ndikaona kuti ndiowner wecar wash iya yatagezesesa mota yedu pamwe chete nerastaurent yaakatiwana tiri. Ndakavhunduka why achivanzira mhamha zvinhu zvose izvi nei asinga udzi mhamha chokwadi. Ndakabuda ndiri bara ndichienda kuna mhamha Pandakapinda ndakawana vari pafoni vachinyemwerera. Yaaa zviri pachena kuti vari kutaura naFarai wavo ko nei achinyepera mhamha kudai, chii chaari kuda kuna mhamha kusvika pakunyepa kudai. No handinga kwanisi kunyarara nenyaya yakadai mhamha ndivo chete munhu wandiinaye panyika ino. "Mhamha ndinokumbirawo kutaura nemwi" "Manners Tadiwa ndichiri kutaura pafoni" "Mhamha zvakakosha kudarika zvamuri kuita please mom" "Tadiwa" Ndakanzwa Farai wacho achitaura pafoni "Taura nemwana ndichazokufonera' Farai akadaro mhamha vachibva vakata foni "Saka ini newe hapasisina respect pamba pano" "I'm sorry mhamha asi zvandinoda kutaura munofanirwa kuzviziva" "Watadza nei kundimirira nditange ndapedza kutaura pafoni" "Zvakakosha mhamha" "Chii Tadiwa?" "Honai mhamha Farai ............." Handina kuzopedza kutaura "Problem yako ndeyei nhai Tadiwa? Farai akakutadzirei nei uchiita zvinhu zvose izvi" mhamha vakadaro vakwidza izwi "Mhamha Farai haasi wekwaZhou asi ndewekwaMoyo" "Wazvitora kupi izvi?" "Mhamha I'm sorry asi ndamutarisa painternet nekuti ndanga ndisinga muvimbi munhu uyu ari kukunyeperai haasi munhu watiri kufungira kuti ndiye. He is a business man ndiye ane car wash and restaurant iya" "Ooooh saka iwe wava detective manje panyaya dzevanhu vakuru problem chii nhaiwe Tadiwa?" "Mhamha honai munhu uyu kuti akapfuma sei nei asingadi kuti muzive izvi. Ndinokumbira muvhure maziso mom please" ndakadaro ndichivaratidza picture nezvinhu zvavo zvose ROSE Ndakasimuka ndichitarisa Magebede mabvi achidedera "Mazvitora kupi?" "Chii? uri kuda kuramba here M ndewa Mike here mwana uyu?" Handina kuvapindura "Pindura zvee" Ndakatarisa Mike kuti haasi kubudikira here "Taurirai pasi mhamha" "Don't worry mwanangu handina kuuya kuzoburitsa masecrets ako ini" "Saka mavingei?" "Ngatigare pasi tinofanirwa kutaura nezvenyaya yakaoma kudai" "Okay taurai tinzwe" "Ndinoiziva seecret yako uye ndakaiziva usati watomboroorwa pano asi handina zvandakaita ndakakusiya uchiroorwa nemwana wangu. Saka yave nguva yekuti undidzorere favour neniwo ndinoona uri papfuma hombe uri kuirakasha mari yemwana wangu" "Musakanganwa kuti neniwo ndinoziva masecrets enyu" Vakaseka. "Heeee unofunga kuti ini mai vaMike angatadza kundiregerera here? nekuti ndiri ropa rake, asi iwe just imagine akaziva kuti uri kumuchengetesa mwana asiri wake. Zvichava sei pandichamuudza nyaya yose iyi kusvika aparadzane naMangwe. Tose tinoziva kuti Mike haaang.........." Havana kupedza kutaura "Muri kudei?" "Wave kutaura manje ndinoda mari inosvika 50 000 USD svondo rino risati rapera" "Mari yose iyi ndichaiwana kupi ini?" "Une murume ane mari saka unoiwana chero nguvai kana uchiida" "Mike haangandipi mari iyoyo just like that asingazivi kuti ndinoda kuita sei nayo" "Zvave zvako izvo iwe unoziva kuti murume wako unomubata papi" Ndakafemera mudenga. "Ndokumbira mudzikise zvishoma mari iyi yakawandisa" "Unoziva ndanga ndichida kuti 70k asi ndazokunzwira tsitsi ndikadzikisa pakusvika 50k" Zvichakadaro takaona Mike achibudikira "Okay okay ndichaiwana mari yenyu" ndakadaro ndichinyebera kuseka nekuti Mike aiva ave pedo neni "Is everything okay?" Mike akabvunza "Yes my love" ndakadaro Mike akanditarisa achibva atarisa mhamha "Are you sure?" Mike akabvunza "Ehe mwanangu tanga tichitaura hedu nyaya dzemadzimai" mhamha vakadaro "Ooooh okay pane zvinhu zvandinoda kunoita muoffice mangu ndokubatai" Mike akadaro achienda "Okay babe" ndakadaro "Wadii kunditora wandiendesa kumba" mhamha vakadaro "Muchangosvika wani mhamha" Mike akadaro "Ndanga ndichida kungofurwa nemhepo chete" "Okay" Mike akadaro vachibuda vose vachinopinda mumota vachienda Sh*t mukadzi uyu chiiko naye? ndichaiwana kupi mari yose iyi. Ndinomuziva Mike haanga bvumi, achandibvunza kuti ndinoda kuita sei nayo yose mari iyi MANGWE Ndakatarisa zvinhu zvandairatidzwa naTadie ndichibva ndatura befu. Nei Farai asina kundiudza zvose izvi?chii chiri kuitika paari "Muri kuona manje mhamha kuti chii chiri kuitika?" "Haunga mboshori munhu usati wanzwa side rake" "Anokunyeperai mhamha no need kuti atsanangure chokwadi ndechekuti akakunyeperai" "Tadiwa" "Handinga mbovhunduki mhamha better muti handina respect munhu uyu ane chinangwa chake pamuri zvagara hamunga mbochioni nekuti makavharwa nerudo" "No I need to go now" "Mhamha muri kuda kuenda kupi?" Ndakatora makey emota yangu "Mhamha" Ndakanopinda mumota ndichifonera Farai ndichimuudza kuti tisangane kupi zveshuwa takasangana pandaiva ndataura. Ndakaburuka mumota ndichienda kwaari paaida kundihaga ndakaramba "Mangwe wakadii?" "Farai sei wakandinyebera?" Akabata musoro.."Nei manje?" "Unoziva kuti ndotaura nezvei? Wanga uchandiudza rinhi kuti uri wekwaMoyo you're a businessman" "Ooooh that one yes ndiri wekwaMoyo then wekwaZhou ndewe kwamhamha. I have my own reason why I don't want to talk about mutupo wekwaMoyo handiufariri ndiko saka munhu wose ndichimuudza mutupo wekwa Zhou" "Mabusiness?" "Ndinoziva kuti unga zvitora neimwe nzira asi hazvisi rizvo ndine problem yefinancial mubusiness saka kukuudza kuti ndine mabusiness its an embarassment kwandiri. Ndaiti ndichakuudza zvose kana zvinhu zvangu zvadzokera paposition iri nani. Handinga kuudzi story yangu yose asi pane munhu wandaivimba pabusiness asi akandi scammer ndikasara ndakadaro. I'm trying pamabusiness asi zviri kuramba ndakaedza nekutora loan asi havana kundibvumira" Ndakanzwa kurwadziwa paaitaura zvose izvi "I'm sorry ndanga ndisinga fanirwi kukubvunza nezvenyaya yose iyi" "Ayewa you have the right yekubvunza nekuti tiri murelationship hanty" "Asi wanga uchifanirwa kundiudza semunhu waunodanana naye. Neniwo I'm into business so ndinoziva kudonha kwebusiness" "I'm sorry" "To recover ungada marii?" "Ummmmm 120k USD ndiyo inga gadzira zvose izvi but I'm trying semurume" "Aaaah mari yacho yakawandisa asi kana wagadzira business rako unozowana mari inodarika iyoyo?" "Yaaaah ndizvo hazvo" "Ndinoda kukubatsira" Farai akavhura maziso. "Shuwa here?" "Yaaa ndokumbira titaure mangwana" "Thank you so much" Farai akadaro tichihagana TADIWA Ndaiva ndakarara pasofa ndichiona TV asi Tv ndiyo yaiita kunge iri kuona inini. Kana ndine problem handikwanisi kuona tv, ndaiti pamwe ndichaona mhamha vachipinda. Asi vakura vanoziva kuti vari kudei ini handifanirwi kupinda munyaya dzavo nekuti chekupedzisira ndichapihwa mbama. ndakarara kudaro Ndakanzwa munhu achipinda "Mhamha are you back?" "Yes I'm back asi pane zvinhu zvandinoda kukuudza" "Chii mhamha?" "Ndinokumbira kuti utarisane nemabook ako usiyane nenyaya dzevanhu vakuru" Ndakatarisa pasi. "Okay mhamha ndiri kukunzwai" "Good" Deep down ndoda kuziva kuti chii chaitika pakati pavo naFarai. "Handipamhi futi kudisrespect bamunini Farai" "Good" "Muri right muri vaviri?" "Ndakakuzvara saka ndokumbira kuti usaite izvozvo" "Mhamha please ndanga ndichingoda kuziva chete nekuti ndinozvishora nezvinhu zvandaita" "Yaaa zvinhu zvose zviri right tagadzira zvinhu" "Ooooh okay no problem" "Promise me kuti hapana zvinhu zvauchakanganisa pakati pangu naFarai" Ndakanyemwerera. "I promise mom" "Good" mhamha vakadaro vachienda kukitchen "Wanga wadya here?" "Yes mom asi ndine nzara but don't worry ndichaorder" "Aaaah ukangoramba uchiita zvekuorder uchaonda Tadiwa" "Ndiri kuona sekunge makaneta hamunga kwanisi kubika uye ndinoda kukuitai massage" Mhamha vakanyenwerera. "Shuwa here?" "Yes free of charge" Vakauya vachigara pasofa ndichibva ndatora mafuta emassage ndichitanga kuvamassager "Ndakanganwa kuti unogona kumassager iwe" Ndakaseka. "I love you" "I love you more my only baby" Ndapedza kuvamassager takaorder chikafu chedu tichibva tadya. Ndakaenda muroom mangu yave nguva yekurara manje. At least homework yangu ndapedza kare ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana makuseni ndakamuka ndichigadzirira kuenda kuchikoro. Ndapedza kudya breakfast mhamha vakadarika vachinondisiya kuchikoro vachienda kubasa kwavo. MANGWE Pandakasiya Tadie kuchikoro ndakaenda kubasa kwangu ndichinotarisa kuti zvinhu zviri kufamba sei. Asi vashandi vangu havasati vambo disappointer zvinhu zvose zvinogara zviri mugwara. Ndapedza ndakagara muoffice mangu ndichifunga kuti kuma1 ndinofanirwa kusangana naFarai kuti ndigomupa mari. Yoooh ndinomunzwira tsitsi shuwa nezvinhu zvakamuwira ndinoziva kuti zvinorema sei kudonherwa nebusiness zvinorwadza shame. Asi kana zvinhu zvave kufamba mushe achandidzosera mari yangu it's not like ndiri kuirasa ka. 13:00 pm yakachaya ndichibva ndamufonera ndichimuudza kuti tisangane kumba kwangu. Akauya ndichibva ndamuudza nyaya yangu "Are you sure Mangwe?" Ndakanyemwerera. "You need help Farai so I'm here for you ndokubatsira I know zvinorema sei kudonherwa nebusiness pasina munhu anokubatsira" "Handizivi kuti ndokutenda sei" "It's enough now kutenda kwako" ndakadaro ndichitora mari ndichimupa "Thank you so much ndinokuvimbisa kuti haufe wakazvishora nezvinhu zvawaita" "It's okay" "Ave sei Tadiwa ndiri kuona sekunge haandidi?" "Hazvisirizvo Tadiwa mwana wangu uye anokuda zvakanyanya kuvako pano anga achifunga acharasikirwa neni asi manje ave kunzwisisa kuti zvinhu zviri kushanda sei" "Okay hayi ndiri kukunzwa" "Weekend inouya mwana wangu ari kusvitsa 15 years" "Wow what a good news" "Yaaah kana neniwo ndiri kufara ndave nemwana akura kudai" "Yaaah iye akura shuwa" Takazotaura nyaya dzakasiyana siyana kusvika nguva dzekuti aende dzachaya neniwo pane zvinhu zvandinoda kugadzirisa. Paakaenda Farai neniwo ndakaenda kunotora Tadiwa kuchikoro ndakamuwana atondimirira, akapinda mimota tichimhorosana ndichimubvunza zvekuchikoro ROSE It's night time now ndinofanira kuita something kuti ndiwane mari iri kudiwa naMagebede. Ndinonyatsoziva kuti Mike haambondipi mari yakawanda kudai with no reason. ndakaenda kwaari aiva ari busy nelaptop. Ndakasvika ndichigara pamusoro pake ndichimukisa "My love" "Uri kudei manje my rose" Ndakanyemwerera. "Ndinoda kukunetsa murume wangu" "Ndakateerera" "ndafonerwa namhamha vachida mari manje mukoma wangu akafoira mamodules maviri kuchikoro saka anga achikumbira rubatsiro" "Pari kudiwa marii?" Ndakatarisa pasi ndaitya kutaura mari yacho "Chii manje usingataure kuti imari?" "Yakawandisa ndinotya chero kuitaura babe" "Taura hako hapana chakashata" "Ndinoda mari neye munin'ina wangu namhamha vakatora mari yeloan saka yawandisa manje iri kudiwa" "Saka uchandiudza here kuti imarii kana kuti ucharega?" "Kana yava yose i50k USD" Mike akanditarisa achishamisika. "50 000 wanzwa here zvawataura Rose unoiziva here iwe Rose?" "Ndiyo Mike" "Zvidzidzo zvakadii izvozvo zvinoda mari yose iyi?" "Ndiko saka ndanga ndisingadi kukumbira" "Yakawandisa mari iyi newewo unoiona saka usanditaurira ngano. Iwe ungaita sei munhu achisvika pauri achida mari yose iyi? Ungamupa just like that?" Handina kumupindura "Unofanirwa kuziva kuti mari haitanhiwe mumuti inoshandwa handingabudisi mari yose iyi just like that" "Ndinozviziva asi ndanga ndichiti ndinoda kubatsira mhamha" "Unoida rinhi mari yacho?" "Mangwana" "Okay its fine ndichakupa" Ndakamukisa padama. "Thank you so much Shumba wangu" ndakadaro ndichibuda ndichienda sezvo aiva busy nebasa ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana Mike akandipa mari ndichibva ndamuudza kuti ndiri kunopa mhamha izvo ndiri kufanira kunopa mai vake. Taiva tatobvumirana nezvimbo yatichasangana pasina achationa. Mari yose iyi ndonoipa munhu no ways neniwo ndine maneeds angu, hazviiti kuti ndipe munhu mari yose iyi what if kana mari yapera odzoka zve achida imwe. Kana munhu akakublackmailer ka1 akaona uchitya acharamba achingodaro. ndakatora banga rangu randaive ndatenga. Handingambo dzvanyirirwi naMagebede ini. achandiziva kuti ndini ani nhasi. Ndakapinda mumota ndichienda kunzvimbo yataifanirwa kusangana ndakasvika ndikabuuruka mumota ndichienda kwaari iye aiva atosvika "Muroora wangu" Magebede akadaro achinyemwerera Neniwo ndakanyemwerera. "Vamwene vangu vakandizvarira murume ane mari dzake" "Ndikaita zve kuti ade iwe chete right" "usanyanya kuzvitutumadza nenzira iyoyo nekuti hauzivi kuti chii chakaita kuti ade ini chete nenzira yauri kuona" "Uri satan iwe wakadyisa mwana wangu?" "More than that" "Okay handipo ipapo, unayo mari yangu here?" "Dai ndisina kuuya pano dai ndisina mari yako" ndakadaro ndichiswedera pedo naye Handina kumbomupa mukana ndakapinza banga mudumbu ndichiri budisa ndichiriisa pachipfuva "Aaah Rose!!!!" "Unofunga ndingaita benzi rako here? unoti ndiri muchina unobudisa mari? ndinofanirwa kunge ndakazviita kare izvi" Ndakatora banga rangu ndichimhanyira kumota ndakanopinda mukati ndichimusiya achidonhera pasi. MANGWE Ndaiva ndakagara muoffice mangu ndiri busy nemafile pakabva papinda call "Doctor Ngwenya" "Yes doctor Ngwenya speaking" "Okay im doctor Zvayi the owner of new Harare private hospital I got your number palist revanhu vatine meeting navo" "Ndakateerera" "Ndinoda kukuudza kuti meeting has been postponed nemareasons so I will let you know kuti ichavako rinhi" "Noted with thanks" "Ndichafona ndichikuudza date" "Okay will hear from you" End of chapter