Chapter 32 MIKE Zveshuwa ndaona kuti Mangwe haandidi pedo naye, marwadzo andaona mumaziso ake andirwadza zvakanyanya. Ndinofanirwa kusuduruka paari kana ndikaramba ndichiswedera paari ndiri kumu mutsira marwadzo akapera kare ndakatora foni yangu ndichifonera Tadie "Tadie" "Baba murisei" "Ndiri right Tadie makasara sei nezuro varisei mai vako?" "Tasara zvakanaka mhamha vave right manje" "Dai ndanga ndichiziva kuti vacharwadziwa zvakadaro dai ndisina kumbogara" "Ayewa baba musa zviblame hapana zviri wrong zvamaita imwi muri kuedza kuti mudzokerane chete asi ndinokuvimbisa everything will be fine" "Handifungi kudaro mai vako havadi chero kundiona now ndave kufanirwa kufambira kure nawo" "Kana muchifambira kure navo vachaona sei kuti muri kuzvishora uye munovada sei. Munofanirwa kunge muchivaziva mhamha ndinoziva kuti munovada kana naivowo vanokudai chete vachiri mumarwadzo" "Shuwa here?" "Yes daddy please call her ndinoziva kuti vachaidaira" "Okay sweetheart thanks" ndakadaro ndichikata foni yangu Ndichibva ndafonera Mangwe luck akaidaira "Urisei" ndakadaro "Ndiri kubasa unondikanganisa" "Maluluza are you okay?" "Yes I'm fine iwe unoda ndive sei?" "Ayewa ndanga ndisinga bvunzi nehondo I was just asking nezvinhu zvaitika kumba kwako nezuro husiku I'm so sorry I didn't mean kukurwadzisa" "Are you done?" "Ayewa ndinoda zve kukumbira ruregerero nezvinhu zvandakaita ndaiva ndisingafanirwi kuzviita ndinokuda Mangwe ndichiri kukuda nenzira yandaikuda nayo kubva kare" "Keep that to yourself Mike why are you even telling me that?" "Nekuti ndinoda kugadzira zvinhu newe ndokumbira undipewo umwe mukana please" "Sezvo ndambokuudza kuti ndiri busy paya" Mangwe akadaro achikata foni Paakata foni, foni yangu yakarira pandakatarisa aiva ave Rose ave kudei manje uyu ndakadaira "Rose uri kudei?" "Mike" "Uri kudei kwandiri nekuti ndakakuudza kuti usandifonera zve" "Ndinokumbira undiregerere Mike ndiri kukufungai mhuri yangu" "Une family yawakatora kupi iwe? Ndiri kukuudza kekupedzisira usandifonera handina nguva yako" "Wakanganwa here mamemories atanga tiinawo?" "Iwe usandipengera ndine zvinhu zvakawanda zvandinofanirwa kuita kwete zvekupenga zvako izvo. Ndiri kupamha zve kukuudza kuti usandifonera the next time you call me ndichakuita zvakadarika paya usandidenha wanzwa" "Mike please" "Ndaifanirwa kukuuraya iwe nekuti uri benzi ndinozvishora kuti ndakaregererei kukuuraya. Kana uchiziva zvakakunakira buda muhupenyu hwangu" ndakadaro ndichikata foni Ini ndingati ndine maproblems akadai iye oda kundiwedzera nekupenga kwake. Ndakarara pamubhedha ndichitarisa mudenga nekuti ndine stress isingaite. Asi sei ndakaita zvinhu zvandakaita pana Maluluza? Pamwe dai tine family yakawanda ini naye zveshuwa ndakatadza paya. EMMANUEL Ndaiva ndakarara pamubhedha mhamha nababa vakabva vapinda ndiri kutya zveshuwa vachandibvunza nenyaya yemadrugs nekuti ndinoziva kuti doctor avaudza. "Mhamha baba" "Wave kunzwa sei manje?" Mhamha vakabvunza "Ndave nani manje mhamha" "Manue tinoda kuziva chokwadi pazvinhu zvati chakubvunza toda chokwadi chega"baba vakadaro ndakavhunduka "Wave kudya madrugs here?" Baba vakabvunza Ndakavhunduka ndichibva ndatarisa pasi. "Ndinoda kuziva chokwadi kuti nei uchidya madrugs uye uri kumatora kupi madrugs?" Mhamha vakabvunza "Handidye madrugs ini' "Asi doctor atiudza kuti une madrugs mumuviri mako neniwo ndakutarisa ndikamawana" baba vakadaro Handina kupindura "Ndiri kutaura newe Manue" baba vakadaro "Ndine hope ini ndinoda kurara" ndakadaro Zvichakadaro Jay akapinda "Haunga mborari usina kutaura chokwadi ndiani anokutengesera madrugs?" Jay akabvunza "Hapana munhu anonditengesera madrugs" ndakadaro "F*ck man!!! usada kutinzwa uri kumatora kupi madrugs?" Jay akabvunza "Jay take it easy" mhamha vakadaro "Hatina nguva yako Manue!!! wakatanga rinhi kudya madrugs?" Baba vakabvunza "Hayi ngatisiyei mwana atange apora achatiudza kana ava right" mhamha vakadaro Zvichakadaro Popp akapinda "Mhamha vari kutaura chokwadi Manue anofanirwa kuzorora kumubvunzo yose iyi" Popo akadaro Ndakamutarisa Popo Jay akatirasawo Popo kunge pane zvinhu zvaari kushora "Yaah baba ndinofunga kuti vari kutaura chokwadi" Jay akadaro vachibva vabuda vose Ndakasara ndichidhonza mweya asi chero ndikapora ndichati ndakamatora kupi madrugs ndedzipi nhema dzandichanyeba chaidzo. Ndakatora foni yangu ndichiedza kufonera Tadiwa sezvo akata foni tichiri kutaura naiyevo haana kudaira foni ndakaramba ndichingofona kusvika adaira "Tadiwa' "Yaaah" "Nei wakata foni yangu patanga tichitaura uye pandafona back hauna kudaira?" "Chete ndanga ndisingadi kunzwa nyaya yatanga tichitaura nezvayo" "Tadiwa nei une moyo wakadaro?unofanirwa kuti dai uchifara kuti mhamha vachinja pfungwa newe" "Pfungwa dzei?nei iwe uchitaura kudaro mai vako vakumbira ruregerero kwandiri here kana kuti vakumbira ruregerero nemashoko avakataura kuna mhamha?" "Tadiwa please" "Ndakubvunza ndivo vakuudza izvozvo here" "Iwe Tadiwa iwe mhamha vaitaura chokwadi kuti you're disrespectful" "Yaaah ndizvozvo kana iwe uchibvumirana namai vako zvagara unofanira kufunga samai vako. Are you still coming?" "Hayi handiuye" "Fine" Tadiwa akadaro achikata foni yake F*ck man pandakaedza kumufonera foni yake yaiva yatove off. F*ck musikana uyu anodherera JAYDEN Nzira yandaona Popo naManue vachitarisana nayo zvinoreva kuti pane something pakati pavo. Ndakadzokera muroom maManue sezvo ndaiva ndaona Popo apinda muroom maManue ndakamira padoor ndichivateerera "Thanks zvakanyanya nekusavaudza vabereki kuti piritsi wakaritora kwandiri" Popo akadaro "Iwe nei uchidya madrugs? iko ndichati ndakamatora kupi kana ndapora ndave kufanirwa kunyepa manje Popo" "Ndinoziva ndakupinza munyatwa but ndichaona kuti uchati kudi nekuti vakangoziva nyaya iyi ndinofa chete" "Ayewa hazvinga mboitiki handitauri kuti madrugs ndamatora kwauri" Ndakavhunduka what the f*ck "Asi neweo ndokumbira usiye zvinhu zvauri kuita nekuti hazvisi right" Ndakaona vachihagana ndichibva ndapinda mukati. Ndakanzwa hasha ndichimudhonza pana Manue ndichimupa gwati rembama achidonhera pasi ndichimusimudza ndichimupa rimwe "Iwe Popo wave kudya madrugs?" ndakabvunza nehasha "Jay" Popo akadaro Ndakamupamha imwe. "Mukoma Jay" Manue akadaro "Right now tiri kuenda kuna mhamha nababa unovaudza kuti ndiwe uri kudya madrugs" Jay akadaro "Please Jay please udavaudza" Popo akadaro "Unopenga unopenga iwe hande" ndakadaro ndichimudhonza tichienda kuna baba NARRATED "Please Jay ndicharega kudya madrugs usanoudza mhamha nababa please" Popo akadaro Jay haana kumbomuteerera akamudhonzera musitting room maiva nevabereki vavo vachiona TV "Jay chiiko uri kuiteiko mwana?" Anenyasha akabvunza Jay akamupusha achidonhera pasi. Tafadzwa naAne vakashamisika "Hezvo Jay chiiko uri kuitei mwana?" Tafadzwa akabvunza "Taura iwe!! taura kuti waitei" Jay akadaro nehasha Zvichakadaro Manue akabudikira achifamba achizvidhonza sezvo aiva asati asimba "Chii chaitika Popo uri kuchemei?" Tafadzwa akabvunza "Jay please calm down, Popo chii chaitika?' Ane akabvunza "I'm sorry baba namhamha" Popo akadaro "Sorry yei?" Tafadzwa akabvunza "Taura mhani iwe Portia kana kuti unoda nditaure ini Manue taura nekuti newewo urimo munyaya iyi!!!" Jay akadaro Vose vakaramba vakanyarara hapana akapindura "Baba nemi mhamha Popo ari kudya madrugs' Jay akadaro "What?" Tafadzwa naAne vose vakabvunza "Ehe ndizvo madrugs adyiwa naManue amatora muroom maPopo" Jay akadaro Tafadzwa naAne vakatarisana Tafadzwa akaenda pana Popo "I'm sorry baba" Popp akadaro "Ichokwadi here?" Tafadzwa akabvunza "I'm sorry baba" Popo akadaro "Ndabvunza kuti ichokwadi here kuti iwe unodya madrugs?" Tafadzwa akabvunza "Yaingova misikanzwa baba" Popo akadaro "Misikanzwa yemadrugs Portia?" Ane akabvunza "Anonyepa uyu madrugs haisi nyore kuti umawane ngaataure chokwadi" Jay akadaro "Tiri kutaura newe Portia wakatanga rinhi kudya madrugs?" Tafadzwa akabvunza Popo haana kupindura Tafadzwa akamupa gwati rembama "Wakatanga rinhi kudya madrugs iwe?" Tafadzwa akabvunza Popo haana kupindura "Taura iwe wakatanga rinhi kudya madrugs?" Jay akabvunza Popo akatarisa pasi. "Gore rapera" Popo akadaro Vanhu vose mumba vakavhunduka "Portia" Ane akadaro "I'm sorry mhamha" Popo akadaro Tafadzwa akagara pasofa asingazivi kuti aite sei "Nei uchiita izvozvo Portia? nei wakatora decision yakaoma kudaro nehupenyu hwako?" Ane akabvunza "Portia Zvayi!!!" Tafadzwa akadaro "Baba" Portia akadaro "Chii chandisinga kuitiri? chii chauri kushota nacho?" Tafadzwa akabvunza "Hapana baba munondiitira zvose" Portia akadaro "Saka nei uchiita zvauri kuita? Nei wakasarudza kudya madrugs? tiri kukushungurudza here? pano or pane zvatinokuita zvausingafariri?" Tafadzwa akabvunza "Baba munga bvunza mubvunzo iwoyo here Portia anodhakwa nekugarika hapana reason yakamuita kuti adye madrugs. Ndaenda muroom make ndikawana mune mbanje anoputa nembanje" Jay akadaro Ane naTafadzwa vakapererwa. "Ndinokumbira ruregerero ndiregerereiwo ndichazvirega" Popo akadaro "Portia nei uchida kukanganisa future yako yakanaka kudai? unoziva kuti kuboxing vakaziva kuti uri kudya madrugs unodzingwa here and reputation yako pamwe chete neyedu inokanganisika unozviziva here izvozvo" Ane akadaro "Uri kumatenga kupi madrugs auri kudya?" Tafadzwa akabvunza Popo haana kupindura "Vari kutaura newe madrugs uri kumatora kupi?" Jay akabvunza "Pane munhu anomatengesa kuchikoro" Popo akadaro "Portia hapana zvinhu zvandichakuita handichadi kurova vakadzi ini chero mwana wangu chaiye haundioni ndichir,murova. Asi zvinhu zvauri kuita izvi zvichakuunzira nhamo kana kuti uchaita zvinhu zvakashata zvichakupinza mumadhaga. Ndiri kukukumbira nemoyo wakanaka kana uchine madrugs maunze pano timarase. Ndikangonzwa chete kuti uri kumasvuta uchandiona mushe" Tafadzwa akadaro "Popo wandirwadzisa ndanga ndisinga fungiri kuti ungaita zvinhu zvakadaro chii chaita kuti usvike pakusvuta madrugs chii chaizvo nhai Portia" Ane akabvunza "I'm sorry mhamha' Portia akadaro "Ndiri kuona kuti imimi muno muregerera munoita kunge aita zvinhu zvakanaka. Inini i don't mind kurova mukadzi ndinorova" Jay akadaro "Jayden" Tafadzwa akadaro "Ayewa baba" Jay akadaro achidhonza Portia achienda naye muroom make "Jay I'm sorry usandirova ndinotya kurohwa" Portia akadaro "Unotya kurohwa asi madrugs haumatyi" Jay akadaro Portia haana kupindura "Ndiri kutaura newe Portia" Jay akadaro achitora chamboko pasi pemubhedha Popo akaridza mhere "Ndichakugadzirisa ini Portia ndinoda kukubisa zviri mumusoro mako izvozvo. Ndinoda kuti undiudze kuti ndiani anokutengesera madrugs" "Jay please usandirova" Jay akakiya door paakaona Manue achida kupinda "Mukoma Jay musamurova please inga wani ati haachadye madrugs" Manue akadaro Jay haana kumbo muteerera akatanga kurova Portia. Manue akarwadziwa paainzwa sisi vake vachiche "Ndiyo nzira vabereki vedu yavakakukurisa nayo here?" Jay akabvunza achimurova "Ndiregerere Jay please" Popo akadaro achichema "Nei uchida kuomesera mhamha nababa ndiyo nzira yavakakudzidzisa nayo here nei wavarwadzisa kudaro? Ndiyo nzira yauri kuvatenda nayo after everything yavakakuitira?' Jay akabvunza achimurova "Jay please wandirova zvakwana zviri kurwadza kani" Popo akadaro Jay akangoramba achimurova chete "Jay please" Popo akadaro "Ndiani anokutengesera madrugs?" Jay akabvunza Portia akakama "Right now tiri kuenda kumunhu anokutengesera madrugs" Jay akadaro achimidhonza vachibuda MANGWE Ndaiva ndakafara muoffice mangu pfungwa dzangu dzaiva dzakamira panzvimbo imwe chete. Zvakawanda zvinhu zviri mupfungwa dzangu saka pfungwa dzangu hadzisi kushanda mushe ndakagara kudaro foni yangu yakarira vaiva headmaster vekuchikoro chaTadie vakandikumbira kuti ndiite musangano navo nhasi chaiye. Zviri pachena kuti vari kundidanira nyaya yaTadiwa I think vamuona kuti ane pamuviri ndakavaudza kuti ndiri kuuya right now sezvo ndakastucker muoffice ndisingazivi kuti ndiite sei. Ndakatora makey emota ndakadarika nepana Mavis P.A wangu ndichimuudza kuti ndiri kubuda pane zvinhu zvandinoda kunogadzira. Ndakapinda mumota mangu ndakananga kuchikoro chaTadiwa pandakasvika ndakaenda kuoffice kwaheadmaster takamhorosana achibva atanga nyaya yake "Ndakudanai pano regarding your daughter Tadiwa Ngwenya" "Yaaah chii chiri kuitika paari?" "Semubereki I think you know zvandiri kutaura nezvazvo, pane zvisiri right pana Tadiwa" Ndakapererwa ndakatadza kuziva kuti ndotaura ndichiti kudii "I don't understand" "Tadiwa is pregnant right?" Ndakatarisa pasi. "Yes she is pregnant" "Okay I think you know the school rules right we don't allow learners that are pregnant saka why are you allowing her to come to school?" "Ndaona nhumbu yake ichiri diki manje saka I thought anyore matest aAugust sezvo gore rave kupera" "Unoziva kuti hatishande tichidaro miss Ngwenya kana une pamuviri chikoro unosiya unouya kana wave right hatiitiri vana mafavour" "Ndinoziva sir uye ndinoremekedzedza marules enyu ndinokumbira mundiitire favour Tadiwa haanga siye chikoro manje ari kuita form 4 anga ave pedo kupedza hapana chimwe chikoro chinga mutora" "Aifanirwa kuzvifunga izvozvo Tadiwa asati atora decision hombe yakadaro muhupenyu hwake. Chinhu chinorwadza ndechekuti Tadiwa is one of the best learners asi anofanirwa kusiya chikoro nekuti abreaker marules echikoro" Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso kwangu mwanawangu ave kuzorasikirwa nefuture yake form 4 ave kuzoiita zvegore rino uya "Please please headmaster ndokumbira apedze gore rino" "I'm sorry Miss asi izvo hazvingaitiki" headmaster vakadaro vachitora foni vachifona vachiudza munhu wavaitaura naye kuti aunze Tadiwa Tadiwa paakasvika akashamisika achindiona ndiri muoffice maheadmaster "Tadiwa Ngwenya" headmaster vakadaro "Yes sir" Tadiwa akadaro "Avo mai vako vauya kuzokutora sezvo usisabvumirwi kudzidza pano" headmaster vakadaro Ndakaona misodzi pana Tadiwa "Sir" Tadiwa akadaro "Hatingarambi tichipikisana nenyaya iyi tinotenda tichaonana gore rinouya kana uchauya" headmaster vakadaro vachibuda vachienda Ndakasimuka ndichienda kuna Tadiwa "Chirega kuchema mwanangu tichaona kuti tichaita sei" Akasimuka tichienda kumota kwangu asi Tadiwa aingochema neniwo moyo wangu wakapedzisira wave kurwadza "Tadiwa bag rako riri kupi?" Akabuda achinoritora, ooooh abva atokanganwa nebag. PROGRESS Ndaiva ndichangopedza kucleaner mumba ndakatanga kuona tv sezvo ndaibhoekana at least Tadiwa ave pedo kubuda. Mazuva ano handisi kuenda kubasa chero ndisiko zvinhu zviri kufamba mushe zvakanyanya vashandi vangu vanoziva zvavari kuita. Ndakagara kudaro Tadiwa naMangwe vakapinda ndakashamisika "Hey guys" ndakadaro Vakauya vachigara pasi. "Maproblems akawanda Proggy" Mangwe akadaro "Chii manje Tadiwa ari kuchemei?" "Atorerwa action kuchikoro" "Why?" "Hakudzidzi vana vane mimba kuchikoro" Ndakavhunduka. "Aaah inga wani gore ranga rave kupera nei vafunga kudaro uye nhumbu yaTadie haisati yava hombe" Ndizvo zvinhu zvandaedza kutaurira headmaster asi chikoro chacho chine mitemo yakawanda" "Ayewa tinofanirwa kuita something hazviiti kuti Tadiwa adzokorere form 4 gore rinouya" "Ini handichazivi kuti ndoita sei" "Maybe Jay anokwanisa kubatsira regai ndimofonere" ndakadaro ndichitora foni yangu Pandakafona aiva asinga dairi ndakaedza kechi2 achibva adaira ."Jay" "Ndichiri busy pari zvino ndichakufonera" Jay akadaro achibva akata foni yake Ndakashamisika it's strange Jay kukata foni yangu chero achinzi ari busy sei anotaura neni ondiudza kuti ari busy nei kwete kungokata foni just like that "Chii manje?" "Handizivi kuti problem iri papi but andikatira foni" "Pamwe pane zvinhu zvaari kuita zvakakosha" Ayewa handichanzwi mushe Jay haana kumbobvira aita zvinhu zvakadai kwandiri kubva zvatakatanga kudanana. Tadiwa Ndaiva ndakagara mu room mangu ndakatarisa ma book angu misodzi ichiyerera. Mwari ndaimbofungeyi neniwo ndichirara nemukomana without protection. Why iye Manue asina kuzvidzivirira hona manje zvakuitika. Next year ndri kudzokorora zve form 4. No ndinofanirwa kuita something handingaurayi hupenyu hwangu just like that. Shamwari dzangu dzichaenderera mberi ini ndichasara ndaka sticker pa form 4. Foni yakarira aiva Manue. Ari kudei manje? Hanti ati kwandiri haauyi kuzondiona so zvinoreva kuti ini naye we are nothing. Ndakadaira "Tadiwa" "Manue" "Neyi usingadairi ma calls pandinokufone?" "Ndakatengerwa newe here foni?" "Hezvo ko ndokwatave?" "Neyi iwe uchida kutaura neni pawadira ini kana ndichikufonera haudairi ahh Manue usada kundinzwa" "Tadiwa handina kufonera iwe ini, ndinoda kunzwa Kuti mwana wangu ari right here?"... "Dai panga pane zviri kuitika ndanga ndichakufonera zvino ndakanyarara meaning Ari right. Plus mwana uyu ndiye honzeri yekuti hupenyu hwangu humire panzvimbo imwe chete".. "Zvinoreveyi zvauri kutaura Tadiwa?" "Ndadzingwa kuchikoro ndave kuzodzokorora form 4 next asi iwe wakakonzera zvose izvi uri kuenderera mberi nema course ako " Manue haana kundipindura "You know what I know what to handiurayi future yangu nezvinhu zvisina basa, I'm getting rid of this baby" "What? Usada kundinzwa iwe Tadiwa. Usatombozviisa hako mupfungwa dzako nekuti ndingakuuraya nemaoko angu ini ukada kundijairira. Unoda kuuraya mwana wangu' kuti zvidii?" Ndakakata foni yangu. Neyi ndataura zvinhu zvakadaro nekuti ini handingambourayi mwana wangu? Asi ndiye andibhowa maan kusvika ndataura izvozvo. Foni yangu yakaramba ichirira ndaii ignore ndichifunga kuti ndi Manue izvo ndi baba. Ndakaidaira nekukurumidza. Takamhorosana ndikavaudza zvaiva zvaitika kuchikoro. Baba vakandivimbisa kuti vachaita some now vari munzira kuuya kumba. I wish va solver nyaya iyi . Hazvingagoni ndimire kuenda kuchikoro no ways. Ndakaedza kurara . After some minutes Ndakanzwa mainini vakundimutsa... "Baba vako vari kukudana". "Ohh vasvika ?" "Yes" Ndakavatarisa vaiva vasiri right".. "Mazomuwana Jay" "Foni yake yadzikwa now". "Pamwe pane zvaari busy nazvo zvakakosha". "Okay ini handina kukosha".. "Aewa mainini not like that".. "Okay hande".. Takadzika downstairs tikawana baba vakagara na mhamha ndakaenda kwavari ndichivahaga "Are you okay?" ",No daddy ndinoda kudzokera kuchikoro "... "Stop crying the ndichaita plan" baba vakadaro. "Ndeipi plan yauchaita Mike?" Mhamha vakadaro "Ndichaedza kunotaura navo" baba vakadaro "Ini ave nemakore achindiziva unofunga iwe achabvuma kwauri akuzivs ne two seconds. Rules are rules hapana zvauchaita Mike " "Maluluza look" "Hapana zvauchaita Mike. Chii chauchataura na Headmaster chichaita adzosere Tadiwa kuchikoro? Usada kuzviita hero Mike " Ndakaona baba vachitarisa mhamha vachisimuka "Ndichakufonera" baba vakadaro vachibuda vachienda Ndakasara ndichitarisa mhamha "Mhamha neyi muchidaro? Neyi musingadi kutiona tichifara na baba?". "Kana uchida kufara enda kumba kwake munofara ikoko" "Enough now zvinhu zvamuri kuvaita zvinorwadza " Ini zvakandinakidza here zvaakandiita?". "Handina kudaro mhamha?". Ndine zvinhu zvakawanda zviri mupfungwa dzangu Tadiwa buda " Ndakabuda ndichienda mu room mangu Portia Muviri wangu wose uri kurwadza Jay anga achida kundiuraya chaiko. Tiri mumota na Jay sezvo ati ndinomuratidza kwandiri kutenga ma drugs. Ndinoziva kuti vanhu vanotengesa ma drugs vari dangerous what if patinosvika vomuurara or kumukuvadza asi neniwo hapana zvandingaita ndingafa zve nekurohwa kana ndikasamuendesa kwaari kuda "Uri kundiendesa nzvimbo iri right here?". "Ehe". "Portia wakapinda neyi kusvika pakudya ma drugs?" Handina kumupindura "Ndiripo kutaura newe iwe" "Siyana ne Jay hanti wandirova here" Ndakamunzwa achiridza tsamw achimisa mota. Ndakabva ndatokumbira ruregerero fast "I'm sorry" Foni yake yakarira akaiisa pa loudspeaker ",Jay uri kupi,,?" "Ndiri munzira kuenda kune bharanzi riri kutengesera munin'ina wangu ma drugs" *Wamuona? Yoo ndanga ndisingafungiri kuti Manue anodya ma drugs" "Haasi Manue ndi Popo" "Popo meaning Portia?" "Ehe iyeye, Manue atoita zvekuaba mu room ma Portia" "Yoo hazvina kumufita Popo uripo manje ndiuye?" "Don't worry dude" "Haungaendi wega vanhu vema drugs vari dangerous unovaziva" "Handina basa nazvo izvo ndinoda kunomudzidzisa chidzidzo":Jay akadaro achikata foni" Akachaira kusvika mota yamira pagedhi. Ndaitya kupinda mukati "Hande" Jay akadaro tichibuda. Apo ndaiva ndisingakwanisi chero kufamba nemarwadzo. "Famba mushe uri kukamhina chii ?" Jay akadaro achibudisa pfuti muchiuno "Dzosera pfuti iyo mumota Jay" "Heyi fuck maan!!! Ngatipinde mukati!!!" Ndakapesvaira tichipinda mukati. Lizard aiva akarara pasofa asi asina kurara hope "Portia" lizard akadaro "Ehh wave kutozivikanwa?" Jay akadaro Lizard akamuka nekukurumidza, paakaona Jay akabata pfuti akaedza kutora yake asi Jay aiva atomubata ne color achimutendeka nepfuti mumusoro "Unomuziva here mwana waunotengesera ma drugs kuti ndewekwani?" Jay akadaro "Haasi angu ma drugs" Lizard akadaro achisimudza maoko "Haasi angu ma drugs andiri kutengesa" "Handineyi nazvo izvo nhasi uchandipa ma drugs ose aunayo" "Handingakupi ma drugs asiri angu" "Handina kukubvunza ndati ndipe ma drugs!!!" Ndakavhunduka pandakanzwa noise yepfuti, Jay aiva apfura Lizard gumbo. "Jay!!!" Ndakadaro ndichi screamer "Ndati hunza ma drugs ose aunawo nekuti this time bara rinopinda mumusoro" Lizard akakamhuna achipinda mune rimwe room, Jay aiva kumashure kwake achimutevera. "Ndinoda ose usambosiya kana madiki zvawo" Ndakatevera kwavaiveri. Ropa raiva rakuyerera Pana Lizard. Akapenengura mubhedha wake achiburitsa hobho yema drugs achibva aenda ku bathroom "Jay uri kuitei?" Jay haana kupindura akatora ma drugs ose achiaisa mu toilet achiaflasha "Uchandiuraisa iwe unoziva muridzi wema drugs ari dangerous sei Jay akamudhonza tichienda ku sitting room "Ndiani boss wako?" Lizard haana kupindura Jay akamurova nekuseri kwepfuti "Ndati ndiani boss wako?!!!!" "Ndi Spikes" "Anogara kupi?" "Handizivi" "Usandiita benzi ungatadza kuziva kunogara boss wako" "Tinosangana muma street kumba kwake handisati ndambokusvika" "Ndipe number yake" "Handina anondifonera ne private number" Jay akamupa gwati rembama. "Fuck you maan!!!!" Jay akadaro achitora foni ya Wizard achi typer kuti Spikes asi haina kubudikira aka typer noss ichibva yabudikira akaitora achiedza kuifonera asi Haina kupinda F**k" Jay akadaro achindidhonza tichinopinda mumota Narrated Jay aiita zvose izvi kuna Lizard Spikes aiona zvose. Aiva ave kupupuma furo nehasha. Spikes aiona zvose nekuti akaisa ma camera Mumba ma Lizard ari connect neake Saka aiona everything F**k mari yangu yose iyi!!!!" Spikes akadaro "Marii?" Wizard akabvunza "Ma drugs ayo anga acha coaster 200k USD " "Kuti aatora here akaenda nawo?" Bhamu akabvunza "Yes aatora fonera team rose tinofanirwa kuno blocker mota yake now!! Nhasi anofanirwa kufa chete. Hapana munhu anotambira muzvinhu zvangu orarama!!!" Spice akadaro vachibuda Mumba vachinopinda mumota vachiinangisa kwaiva na Jay "F**k this son of bitch!!!!" Spikes akadaro achimhanyisa mota semupengo