Chapter 19 Tadiwa I can say ndave kuona zvishoma chero hazvo maziso acho achimborwadza asi Kubva zvasvika Mr Kuchicha musiyano wavepo. Now ndiri kubatsira mhamha kurongedza mbatya dzangu dzandichaenda nadzo. Ndanga ndichida kuenda namhamha nekuti kwandiri kuenda handizivi ndichasvika ndichiitei. Vanhu vacho vose vanondivenga, ndiani wandichataura naye. Dai havo vandipa room rangu ndega, ndoswera ndakazvivhariramo. Vanondivenga Saka handidi kuzviswededza kwavari. Ndiri kungoenda hangu nekuda kwe situation asi neniwo handivadi sezvavanondiita. Dai ndaenda na Prim problem inguva yechikoro. Mr Kuchicha vakasvika, nazvino ndichiri kuzvibvunza, ndini here ndichafamba na Mr Kuchicha mufambo wakareba kudai. Mhamha vakandiisira Mari pa ecocash yekudya. Handidi zvangu kudya pamusha paya ndipedziswe zvangu. "Kana ukaita problem undifonere my princess" Ndakabvuma ndichitora bag rangu ndichinopinda mumota. Vakasara vachitaura na Mr Kuchicha hameno vaitaurei. After some minutes Mr Kuchicha vakauya. "Huya ugare mberi" "Aewa ndiri right pano" Vakamutsa mota tichienda tafamba 10 minutes Manue akafona ndakatarisa Mr Kuchicha ndichibva ndadaira "Hello" "Hey babe wave sei?" "Ndave nani now ndiri munzira ndiri kuenda ku Gweru" "Uri kunodii kwese uko" "Pane zvinhu zvandiri kunogadzira" "Okay babe I love you" "Thanks bye" ndakadaro ndichikata foni. Mr Kuchicha vaingonditarisa pa mirror ini ndakatarisa panze nepa window "You're so beautiful" Mr Kuchicha vakadaro vachinyemwereea Ndakanyarara sendisingamunzwi. Hoo runako rwangu vave kuruona nhasi. Hanti vakandirasa ndichangozvarwa. Chero pandakaenda kumba kwavo ndichiti pamwe vachazvisvora asi vakatondirova. Ndakabva ndaisa ma earphones nunzeve ndini zii zvangu. Takafamba mumota muri zii, ndaingoona muromo wake uchipfakanyika hameno aiti kudii Okay mhamha vakati ndinofanirwa kuremekedza vanhu vakuru. Yes vakatitadzira but mommy always says manners my baby. Ndakabisa ma earphones "Muri kutaura?" "Hauna nzara here titenge chikafu?" "Aewa" ndakadaro ndichifonera mhamha. Takataura nyaya dzisingaendi kure ndichibva ndavaudza kwatiri tichionekana. Ndapedza kutaura namhamha ndakabva ndarara, handingaregi kurara shame wesi ndiri kufamba nemunhu anobhowa, apa handisati ndatanga kubhowekana wesi pandichasvika kumba kwavo. Tasvika mu Gweru ndakanzwa munhu akundimutsa "Tiri mu town manje" "Ndinokumbira kupinda mu chicken inn" "Okay" Mr Kuchicha vakabuda neniwo ndichibva ndabuda . Ndakatenga burger yangu hombe ne Coca-Cola. Pandakabudisa wallet kuti ndibhadhare Mr Kuchicha vakandipa Mari "Tora mari iyi" "No thanks mhamha vandipa mari, vanoita sure kuti handishayi chinhu. Ndi mhamha ndi baba she's my everything" "Ndinod--" Ndakatora mari ndichipa cashier, tichibva tamirira order yedu. After 5 minutes order yedu yakauya tichibva tabuda tichipinda pane imwe butcher, vakatenga nyama I'm sure vanoda kunoigocha kumba. Tave kubuda takasangana nevamwe baba. "Brah Mike" "Sho brah" Mr Kuchicha vakadaro "Mwana wako uyu akura kudaro?" "Yah ndiye" "Wait wait ndiye uya wawakaita nemukadzi wako wekutanga?" "Yah ndiye" "Hey Angel yababa" "Hey" "Okay Rega tiende kumba isu shaar" Mr Kuchicha vakadaro tichienda kumota. Ndakavatarisa neziso. Ohh ndave mwana wavo manje ini. Takapinda mumota tichienda. Takasvika kumba kwavo tikabuda mumota. Mr Kuchicha vakatora bag rangu ku boot tichipinda mumba. Mwana wavo musikana akavamhanyira. Mu sitting room maiva nemukadzi wavo nevana vachiona TV. "Daddy daddy" akadaro achihaga baba achibva atarisa kwandiri. Mukadzi akasimuka achiswedera patiri achinditarisa "Mike" "Hey ndadzoka" Mr Kuchicha vakadaro. Akanditarisa achitarisa Mike "And then?" "Okay I think uri kumuona ndi Tadiwa uyu" mr Kuchicha vakadaro "Okay" akadaro you can tell kuti munhu haasi right. Mukomana akauya achindihaga "Hey my sister" akadaro achindihaga "Hande ndinokuratidza room rako" Mr Kuchicha vakadaro tichienda. Vakapinda mune rimwe room vachitora ma key tichinopinda mune rimwe room. Mukati maiva makazara ma toys evana. Maziso angu akati baa pane imwe picture hombe yemwana yaiva pamadziro. Pazasi yaiva yakanyorwa kuti TADIWA KUCHICHA SHUMBA. Ndakashamisika nazvo. Nekuti chandoziva murume uyu akanyatsotiudza kuti haadi kuona chero pandafamba. Saka neyi ndine room muno? Picture yangu akaiwana kupi nekuti chero kundigumha haana kumbobvira. Dai vanga vachiziva kuti ndiri kuuya pano ndanga ndichati pamwe vazviita nekuti vanoda kunditenga asi vanga vasingazivi chinhu uye room iri rinoonekwa kuti rinogara richishongedzwa. Pandakatarisa rimwe side paiva nema pictures angu ose Kubva ndichikura chero e birthday yangu. Wtf. "You like it?" "Yah" "Okay hautyi here kurara wega ndidane Cleopatra arare newe" "No I'm fine ndicharara ndega" "Okay I think now dinner yave ready hande tinodya" "No ndichadya chikafu changu chandatenga" "But nd---" "I said I'm fine" "Okay ndichauya kuzokutarisa kana pane zvaunoda undifonere or uuye ku bedroom kwangu pa door rechi three" "Okay" Vakabva vabuda ndakasara ndichikurura shangu ndichipfeka ma sleepers ndichienda ku shower ndichinotarisa kana mvura ichipisa..lucky iri kupisa. Ndakageza. Ndapedza ndakapfeka ma pyjamas angu ndichigara pa bed ndichidya.chikafu changu. Ndapedza ndakafonera mhamha ndichivaudza kuti tafamba sei. Takazotaura nyaya dzakangodaro daro tichionekana. Pandakakata ndakafonera Manue suu I miss him hawu. Yakaringa kamwe chete aiva atoidaira. Takataura ma sweet thing tichionekana ndichibva ndarara Anenyasha Handingambobvumi kuti umwe mukadzi apinde pakati pedu nemurume wangu, mushure mezvinhu zvatakasangana nazvo kumashure uko kusvika tive patiri now. . Murume haafi akaona mistake yake, murume haafi akazvigadzira kunze kwako iwe mukadzi umugadzire. Handingambobvumi kuti ndibvumire imba yangu ingoparara just like that. Vakawanda vanhu vatakarwadzisa kuti ini na Tafadzwa tive pamwe chete. Saka handingambobvumi imba yangu ingoparara just like that. Ndanga ndave kutoda kuita give up asi Popo azviramba izvo. Andiudza kuti ndisabvumira munhu wechitatu parudo rwedu. Apa pana Popo ndakazviwanira mwanasikana shame. Hapana chandisingatauri naye uye anogara ane solutions pama problems angu "Mhamha everything is perfect now" Popo akadaro "Kuti Tafadzwa achaifarira here?" "Haa mhamha baba vakaguma rinhi kuitirwa izvi. Trust me" "Okay fine Anenyasha vachamutora Tafadzwa" Popo akadaro achiseka After 20 minutes Tafadzwa akapinda. Akashamisika achiona room yedu yakashongedzwa. Akatarisa nzvimbo yose "Anenyasha" "Yes Mr Zvayi" "Usandiudza kuti zvose izvi wazviitira ini" Tafadzwa akadaro achinyemwerera "Ndingaitira ani sure babe kunze kwako" Tafadzwa akaswedera pandiri "Thank you mhamha I think zvinhu zvakadai ndakazviguma pana Manue chete" "Zvavapo babe" "Thanks Mandlovu wangu' "Ndinokuda Zvayi wangu. Ndinoziva kuti mumazuva adarika takambova nekunetsana kana ndiri ini ndiri wrong ndiregerere Zvayi wangu" "No no Mandlovu hauna zvawaita iwe unogara uri perfect kwandiri. Hauna kumbobvira wakaita zvinhu zvinondirwadzisa" "Newevo ndinokumbira usandirwadzisa. Kana pane zvawakamboita zvaunoona kuti zvingandirwadzisa ndinokumbira kuti zvipere babe" "Tafadzwa na Anenyasha ndinokuda zvakanyanya. Handifi ndakakurwadzisa ndinok--" Haana kupedza ndakamuvhara muromo "Shhh nhasi ndokumbira tiite zvangu newe tisiyane nezvinhu zvakawanda " ndakadaro ndichimukisa ndichimukurura mbatya coz ndaiva ndave kumuda manje Mike Pandakabuda mu room ma Tadiwa ndakadzokera ku TV "Wow baba tafara mauya na sisi vedu" Ray akadaro "Yes tave kuzogara na sisi vedu" Cleo akadaro "Vanei mumaziso?" Ray akabvunza "Zvinhu zvidiki ndinokumbira munotandadza Tadiwa mu room make ndinoda kutaura na mhamha venyu" Vakasimuka vachimhanya vachienda "And then?" Rose akadaro "What?" "Mwana uyu ari kudei pano?" "Mwana wangu Saka ane kodzero yekuva pano" "Akatanga rinhi Mike kuva mwana wako? Hanty wakati haumudi here?" "Ohh Saka nguva yose iyi waifara pandaiti mwana wangu handimudi?" "Aewa babe" "Tadiwa anoda kuitirwa chivanhu saka ini sa baba vake ndinofanirwa kunomuitira kumusha" "Ndezvarinhi izvi?" "Weekend. Ndinofanirwa kuenda kumusha kunotsvaga mbudzi dzichauraiwa" "Okay" "Mangwana unofanirwa kuenda kumusha unobatsira ndichafonera mainini na Amanda ndivaudze" "Okay" Ndakamutarisa "Ndinoziva kuti handina kukuudza asi neniwo ndazvinzwawo nhasi Saka nguva yekuti ndiku update yanga isipo" "Iwe naMangwe munofonerana?" "Aewa neniwo handizivi number yangu aitora kupi ndangonzwa ave kundifonera asi hazvaiita kuti ndisaende kunoona mwana wangu" "Okay ndiri kukunzwa tichazvigadzira tose" "Thanks" ndakadaro ndichisimuka ndichifonera mainini na Amanda nevamwe vemu family ndichivaudza nyaya ya Tadiwa. Ndapedza ndakaenda mu room make. Zvakandifadza kumuona achiseka. "Sisi Tadiwa ndinokumbira kurara newe nhasi" Cleo akadaro "Okay no problem zvagara ndanga ndichitya kurara ndega" Thank you sisi" Cleo akadaro achimuhaga Anenyasha Nezuro husiku hakuna kurarwa iri up and down. Suu takaguma rinhi kufadza nyama na Taffy. Ndakamuka ndichizvitwasanudza. Pandakatarisa padivi pangu Taffy aiva asipo "Babe!!!" Ndakamudana haana kudaira, maybe Ari ku kitchen haasi kundinzwa. Pandaida kuburuka pa bed akapinda akabata trey. Ndakanyemwerera "Wow breakfast in bed" "Morning ruva remoyo wangu" "My morning my charmer boy" ndakadaro ndichinyemwerera "Breakfast in bed " "I would love that. Suu ndakaguma kare" "Usandidaro babe" akadaro achiisa chikafu pandiri achigara pedo neni Ndakatanga kudya chikafu changu. Ndakanzwa munhu achidhonza huro. Zvihombe zvaanoda kundiudza shame "Chii baba Manue? Pane zvaunoda kutaura" "Ehe Mai Manue" "Ndakateerera" "Hanti unoziva kuti ndinokuda sei" Ndakava confused nemubvunzo uyu. Dai kwaiva kare ndaipindura ndichimhanya not manje. Ndakaramba ndakati zii. Ndaitya kumupindura mubvunzo uyu wakandirovesa nehana, Tafadzwa achinja zvakanyanya saka zvinorema kuti ndibvume anondida. Handisisiri sure nezvazvo "Nei usingandipinduri?" "Tafadzwa wachinja zvakanyanya saka kupindura mubvunzo uyu zvinorema" "Ndinokumbira kukupindurira nekuti ndini ndinoziva zviri mumoyo mangu" "Okay" "Ndinokuda zvakanyanya Mandlovu uye rudo rwandinarwo harufi rwakachinja. Ndinoziva kuti zvinhu zvandichakuudza zvichakurwadza asi ndinokumbira kuti u understande" Ndakarohwa nehana misodzi ichitanga kuyerera. Kuti ndizvo here zvandiri kufunga? Asi Tafadzwa angaita zvinhu izvi takura kudai? Asamboedza hake Tafadzwa kundipinza pamiyedzo "Taura Tafadzwa" "Ndave kutora mukadzi wechipiri" Ndakarohwa nehana Ndichimutarisa. No izvi zvakapfurikidza ndanga ndisingafungiri kuti Tafadzwa angandiudza izvi. Ndakamutarisa achibva atarisa pasi "Why?" Haana kundipindura "Why usingapinduri. Chii chine mukadzi uyu ini chandisina? Chii chandanyanya kutadza chakonzera kuti ude mukadzi wechipiri chaanoita ini chandisingaiti" "Dza Taffy" ndakanzwa hasha "Don't call me Tafadzwa!!!! Unonyeba iwe!!! Ndati unonyeba Tafadzwa!!! Wakandivimbisa ini na baba kuti uchandichengeta zvakanaka!!! Haufi wakandirwadzisa!!! Chii ichi Tafadzwa? Huh!!! Ndati chii ichi!!" "Babe please calm down" "Calm down!!! Calm down yeyi!!! Calm down my husband uchindiudza kuti wave kuda umwe munhu. Unoda ndive calm pakadaro!!! Ini ndikakuudza kuti ndave kuda umwe murume uchaita sei?!! Ndiri kutaura newe Tafadzwa uchava calm here?!!!" Ndakasimuka ndiro ichidonha "Haufi wakazviona izvo Tafadzwa. Zvauri kutaura ndezvekupenga wandinzwa!! Over my dead body. Kana iwe wakanganwa ini newe tiri Kubva kupi ini handina kukanganwa!! Handingabvumiri hure riparadze zvatakavaka never. Handibvumi zvekupenga izvo!!! Uchavaka family nemukadzi wako mutsva ini neyangu family tichaenda!!!" "Uchanditeerera here babe?" "Handiteereri zvekupenga ini!!! Haufi wakaita umwe mukadzi Tafadzwa. Wandinzwa here? Ndati hakuna umwe mukadzi!!! Haufi wakatora umwe mukadzi unless uchizoparadzana neni as long ndichiri pano never!!! Ndakasiya baba vangu ndikashara iwe. Ndikakuzvarira vana ndiyo thanks yauri kundipa iyi. Hapana umwe mukadzi acharoorwa pano wandinzwa!!! NEVER!!!!!!" Ndakadaro ndichibuda mu room ndichimusiya akangoti vavava Tadiwa Ndakamuka Kuma 9 suu ndararisa. Ndakamuka ndichivhura ma window. Pandakatarisa Cleo aiva asipo. Ndanga ndisingafungi kuti ndingarara kudai. Maybe zvakonzerwa nekuti ndanga ndine munhu. Cleo and her brother there are so sweet shame but Mai vacho you can see havandidi pano shame. Ndakaenda kunogeza. Pandakabuda Cleo akabva apinda. Takaita ma morning achibva ati Mr Kuchicha vati ndiuye kuzodya "Udza baba vako kuti handina nzara ini" "Okay" Cleo akadaro ave down achibuda Pandaida ku order chikafu chandichadya Mr Kuchicha vakabva vapinda *Morning " "Morning " "Breakfast yave ready " "Thanks ndicha order chikafu chandichadya" "No need for that Tadiwa please. I know kuti unondivenga zvakanyanya but please ndokumbira usandidaro please hande tinodya " "Ndakaguta" "Hauna chawambodya nezuro wangodya burger" "Munoziva here kuti ndinodya after how many hours? Hamuzivi. Hapana chamunoziva pandiri. Kuti ndine nzara here or handina hamuzivi chinhu so please ndakaguta" Zvichakadaro foni yangu yakarira vaiva mhamha. Vakandibvunza kuti ndarara sei uye ndave sei. Ndichiri kutaura na mhamha Mr Kuchicha vakatora foni "Mangwe" "And then" "Ndiwe waudza mwana kuti asadya pano? Adye chikafu cheku order chete?" "Kuti zvigodii kana zvadaro?" Mhamha vakadaro "Saka neyi asingadi kudya achida ku order?" "Ndozivira kupi ini hanti unaye ipapo mubvunze ka usiyane neni" Mr Kuchicha vakandipa foni mhamha vakati ndidye. Handidi kudya chikafu chepano asi mhamha ndinofanirwa kuteerera mhamha. Takaenda ku dining room munhu wese aiva atova patafura "Morning " ndakadaro "Morning sister" Ray akadaro "Yoo Kubva tarindiswa kudai" Mai Ray vakadaro Mr Kuchicha vakandiisira chikafu tichitanga kudya, asi mai Ray havana kudya vaiva vakangonditarisa "Saka Mai vako ndivo vakuudza kuti usadya pano?" Ndakasimudza musoro ndichivatarisa "Matii?" Ndakadaro "Rosemary" Mr Kuchicha vakadaro "Ndati Mai vako vati usadya pano here?" "Aewa mhamha havangatauri zvinhu zvakadaro" "Mike ndokumbira utaure nemwana wako handingakwanisi kumirira behave yakadai" Mai Ray vakadaro vachisimuka vachienda. Yoo handifungi kuti ndicha surviver ini pamusha pano. Ayy shame this lady she's full of herself. Ndakadya chikafu changu ini. "Are you okay?" Mr Kuchicha vakabvunza "Yes" "Ko nei mhamha vasingadi Tadiwa pano?" Ray akabvunza "No baby vanomuda mhamha" mr Kuchicha vakadaro Tapedza kudya ndakanzi ndichinochinja tiri kuenda kumba kwa mbuya. Ndakasimuka ndichinochinja, ndakadzoka Mr Kuchicha vatondimirira vamwe vatova kumota "Tiri kunoona kwa mbuya vako" Mr Kuchicha vakadaro "Okay" Manue haakwanisi kugara chero hour asina kutaura neni shame asi zvinondifadza izvi asi handingaidairi mberi kwevanhu vakuru ndakakusendera message ndichimuudza kuti ndichiri busy. Takapinda mumota tichienda, ko nzvimbo dzacho handidzizivi ka dai ndave kutokuudzai kuti takananga kupi. Takafamba mufambo wakati rebei. Ndakaona tave kumamisha. Takanomira pane umwe musha waipfungaira hutsi. Paiva nedzimba dze round mbiri nerimwe zimudhadha remba pamwe ringava nemakamuri gumi. Suu imba yakakura kudai. "Ndiko kwa mbuya tasvika" Ray akadaro "Wow it's beautiful" ndakadaro ndichinyemwerera Takaburuka mumota, Mai Ray ndivo vakatanga kupinda isu takatevera kumashure. Ndakaona vakadzi vatatu vaibika nepoto hombe . Asi basa racho richaitwa nhasi. Ndakamutarisa baba va Ray "Asi basa riri kuitwa nhasi?" "Aewa apa vachiri kubika doro basa hariitwi nhasi" Ndakabvuma nemusoro tichipinda mukati. Ndakaona umwe musikana angaenzana neni achiuya kwandiri "Makadii?" Mr Kuchicha vakadaro "Haa Mike mwana wako uyu?" Yoo at least maziso angu avhurika angosara kuzvimba chete handichatyisi sepekutanga "Ehe ndiye tete" "Ahh Mike waimurasirei mwana nekuti unomuona kuti ndi Kuchicha pachake" "Tete please " "Haunzwi iwe Mike" Yah ava Tete I type isina mangwana ipapo ipapo haana basa kuti munhu uyu ano feeler sei nazvo vakaswedera pandiri "Mashumba" vakadaro vachindihaga "Makadii mbuya" "Hauzivi kuti ndafara sei pandakuona" Okay handingavapikisi if muridzi wenyaya akaramba naivowo hapana zvavaikwanisa kuita. Handingapikisani nemunhu mukuru pamwe ari kutaura chokwadi "Ini ndiri mbuya vako ndaitevera sekuru vako Kuchicha" "Ndafara kukuzivai mbuya" "Hona mwana akadii Mike? Ndimai vako vose vakakonzera izvi. Vakakubvumira uchidzinga Mangwe. Mangwe aiva mukadzi pavakadzi kwete dzvinyu rako iri. Hona rasvika nguvai apa ndiro ranga richifanirwa kubika doro" "Tete please" "Munopenga Mike na Mai vako, dai mukoma vachiripo dai matuzvi ose aya asipo" Zvichakadaro pakaswedera vamwe Mai hanzi munin'ina wa mbuya "Wakadii mwanangu" "Ndinosimba mbuya" Zvichakadaro Tete Amanda naivowo vakaswedera tikamhorosana tapedza takapinda Mumba "Hey ini ndinonzi Clara Mike ndi Kule vangu so iwe uri cousin wangu ndafara kuti ndina cousin akura kudai "Ohh me too " "Hey Clara ko ini hauchandidi?" Cleo akabvunza. Takaseka "No no no Cleo you're my best cousin" Clara akadaro tichiseka Yes" Cleo akadaro achimuhaga. Wow vana vose vane bond, neniwo ndinoshuvira kuti dai ndakakura navo as a family asi yoo zvinhu hazvimbi nenzira yatinoda Proggy Nhasi izuva rangu rekutanga ndiri ku restaurant yangu. I don't want to lie ndiri kurohwa nehana. What if ndikazobika mbodza yega vanhu vakatiza ohh God please help me "Madam" Wow ndini ndave kunzi madam, hupenyu ivhiri shuwa ivhiri shuwa. Aiva umwe wevashandi vangu aipinda mu office mangu "Don't worry madam vanhu vachifarira chikafu" Ndakatura befu ndichinyemwerera ndichihaga Party. Takataura nyaya achindisimbisa sezvo aiva muhombe kwandiri. Akazobuda ndakasara ndichizvitsunya ndichida kuona zveshuwa handiroti here. Zvichakadaro Jay akapinda akabata ma flowers "Congratulations nezuva rako rekutanga" "Thanks Jay zvose izvi zvaitika nekuda kwako dai usiri iwe dai ndisipo pandiri" "You deserve it" Jay akadaro achiswedera pandiri achindihaga. Handizivi chii chakazoitika ndakaona miromo yagumhana. Takakisana kwenguva yakareba. Takazoregedza pava paya "Inini I think ndine munyama ndikare ndichimbeya nyika iyi ndiri ndega. Ndinofanirwa kuti dai ndakagara ne family yangu, asi ndingori ndega. Yes vabereki vangu vakashaya asi ndinavo sisi handizivi kuti vari kunyika ipi nani" "Usapamha zve kuti hauna family. Ndiripo ini mama ndiri family yako. I'm sure kuti sisi vako uchavawana, chete" Misodzi yakatanga kuyerera pandiri "Kupi ikoko? Dai ndakamuwana kare, pamwe atova mabhonzo chete" "Hey usataura uchidaro sisi vako vapenyu ndichakuwanira ivo ini. Zita ravo vanonzi ani?" "Handizivi ini, chandiri kurangarira ndechekuti ndaiva nemakore mana pandakaparadzana navo. Ndakashungurudzwa zvakanyanya pfungwa dzangu dzikatiza" "Chero zvakadaro mama plan ichazviita yega uchamuwana chete" Jay akadaro achindihaga "I love you so much" "I love you more Jay" ndakadaro tichihagana Yes tinodanana na Jay but I'm worried na Mucha, Jay achiri kudanana na Mucha. "Hey washanda zvakanyanya nhasi ndinokumbira tiende kumba unozorora" "No I'm fine" "No ways Siya zvauri kuita hande kumba unozorora for now you need massage " Jay akadaro achindibata ruoko tichinopinda mumota tichienda kumba. Takasvika kumba akaenda neni muroom mangu achinotora zvinhu zve massage achitanga kundi massage "So tell me kwanga kuri sei kubasa?" "Kwanga kuri right uye vanhu vafarira chikafu changu" "I trust you mama iwe poto unorova zve that's why ndichida kukuita mukadzi wangu" Ndakanyemwerera asi pandakafunga Muchaneta mufaro wese wakapera "What happen now?" "What about Mucha?" "I'm sorry kukupinza munyaya dzose but Mucha ndichataura naye she'll understand Mucha haisi girlfriend yangu taingotamba she's married " Ndakamutarisa ndavhura maziso "Jay what?" "Tanga tisingadanani Gojasi" "This is so wrong what if murume wake akazviziva? Agokuita something " ",Haa anenge andipihwa nani? " "You wrong Jay you have to accept it " "Let's forget nyaya dzana Mucha ndini newe manje" Jay akadaro achiswedera pandiri tichitanga kukisana. Takakisana kwenguva yakareba "Kokoko" Takavhunduka tose tichiregedzana, Jay akanovhura door vaiva Mai vake. Ndakazvinyarira wee kunge pane zvinhu zvavaiva vaona "Ndikare muchigogodza hamuvhuri neiko imwi vana" Takatarisana na Jay . Jay akanyemwerera akanditarisa mupengo uyu chii chinosetsa ipapa. "I'm sorry mhamha tikugadzirirei chikafu here?" Ndakadaro ndakatarisa pasi "Aewa ndakaguta vanangu. Ndinokumbira mundipe room yekurara nhasi ndicharara pano" Ndakavatarisa kumeso. Huso hwavo hwaiva hwakazara marwadzo chete, Jay naiyevo I'm sure akazviona "Mama muri right?" Jay akabvunza "Ndiri right mwanangu" Ndakatora bag ravo rekubasa ndichivaendesa ku guest room "Ndinotenda mwanangu" Ndakabva ndabuda ndichienda kuna Jay "Mhamha havasi right Proggy" Jay akadaro achitora foni achiibaya baya achiisa munzeve "Jay uri kuitei?" "Baba, mhamha vasvika pano vakati vanorara pano pane zvamavaita here?" "Ane Ari ikoko?" "Ehe vari pano mavaitei?" "Pane zvinhu zvandinofanirwa kukuudzai mangwana. Now ndiri kuuya kuzotora Mai vako" "Musauya baba mhamha havasi right" Jay akadaro. Vakazotaura dzimwe nyaya vachibva vaonekana "Baba vaitei mhamha? Handidi chinhu pana mhamha. Yes havasi Mai vedu asi vakatichengeta semwana wavo Saka munhu acharwadzisa mhamha anouraiwa neni. Let's hope hapana nyaya dzemahure mukati nekuti hure racho ringauraiwa neni. Vose na baba ndingavauraya nehure ravo" Jay akadaro "Hezvo Jay wakuda kuchema" "Haa handichemi Mani" Ndakaseka Rose Tapedza zvose zvatanga tichiita now nguva dzave Kuma 4 tave kufanirwa kudzokera kumashure. Tapedza kugadzira zvose kuti tichibuda tiende . Ndakavhunduka zvekuti ndakasara padiki kufenda pandakaona umwe musikana achipinda na Magebede. Ndakadikitira muviri wese "Mhamha!!!" Mike akadaro nezwi raiva nemufaro End of chapter