Chapter 21 . Tadiwa Ndakaona munhu wese achisimuka handizivi chii chiri kuitika asi ndiri kuona pachaitika drama apa. Ndakaona Mr Kuchicha vachiswedera pamudzimai aiva apinda "Ndiwe ani iwe uye tingakubatsira neyi?" Mr Kuchicha vakabvunza "Babe zvinhu zvaachataura usamuteerera inhema dzega" Mai Ray vakadaro Hee nhasi ndichanzwirira ini. Chero mwana mudiki anoona kuti ane zvaari kutya chete "Okay let me introduce myself ini Zita rangu ndinonzi Memory shamwari hombe ya Rose. Ndauya pano nenyaya dzisingafadzi kana ani zvake dzakaitwa nemukadzi wako" memory akadaro "Mike usamuteerera anongoda kutiparadzanisa chete" Mai Ray vakadaro "Ko neyi usinganyarari titeerere nhema dzacho" mbuya Magebede vakadaro "Ko chii chiri kuitika pano?" Tete Amanda vakabvunza Ndaiva shamwari hombe ya Rose asi akakanganisa hushamwari hwedu nekuda Mari zvakapfurikidza " "Handisi kunzwisisa" Mr Kuchicha vakadaro "15 years ago Rose akaita zvinhu zvandaiva ndisingafungiri kuti angazviita, akarara nemurume wangu" "Murume wako?" Mr Kuchicha vakabvunza vari confused "Yes hazvina kuguma ipapo vakazoita proof pakurarana kwavo vakaita mwana" Takavhunduka tose, hayi kuti ndizvo zvandiri kufungira here? Ndakaona Mr Kuchicha vari confused you can see kuti vari murima. "Mwana upi waunoreva manje?" Mr Kuchicha vakabvunza "Mwana wako wekutanga Raymond haasi mwana wako asi ndewe murume wangu Faraim mukadzi wako akarara nemurume wangu akaita nhumbu ya Ray" "Mike anonyeba Memory usamuteerera " Mai Ray vakadaro "Mhamha mudzimai uyu anotaura nezvei?" Ray akabvunza misodzi ichiyerera "Rosemary mukadzi uyu anotaura nezvei?" Mr Kuchicha vakabvunza "Hayi Mike usandiudza kuti unomu believer" "Mushonga wako wakapera Rose hauchashandi" "Mike zvinhu zviri kutaurwa nemukadzi uyu ichokwadi Ray haasi mwana wako ini ndakazviziva kare chete ndaiva ndisingadi kukuparadzanisai" mbuya Magebede vakadaro Baba Cleo vakavhura muromo vachishamisika "Mhamha munozvizivira kupi imwi izvi?" Mr Kuchicha vakabvunza "Ruregerero mwanangu ndaiva ndisingadi kukuparadzanisai " mbuya Magebede vakadaro "Waiva usingadi kutiparadzanisa or waiva usingadi kuti Mike adzokerane nemukadzi wake wekutanga " Mai Ray vakadaro Munhu wese akavhunduka. Okay nyaya iyi yave kutanga kuva interested manje, asi nyaya yekupinza mhamha mukati handiifariri hangu, asi ndichanyarara hapana zvandichataura. Ndakaona Mr Kuchicha vachichinja kumeso "Chii chiri kuitika pano? Ndivana Ray Mangwe mhamha chii chiri kuitika pano?" Mr Kuchicha vakabvunza Hapana akapindura "Rosemary ndinoda chokwadi chese. Ray mwana wangu or haasi mwana wangu?" Mai Ray havana kupindura "Ndiri kutaura newe Rosemary!!!!" "I'm sorry Mike" "Sorry yeyi?" "It was a mistake " "Tete Amanda vakadhonza Ray vachienda naye. "Ndozvairi nyaya, haana kuguma ipapo iwe wakambozvibvunza here kuti neyi wakaparadzana nemukadzi wako mwana ari mudiki" memory akadaro Ndini na mhamha tiri kutaurwa ka apa. Ndakamutarisa mukadzi uyu "Makaitei mhamha?" Ndakabvunza "Rose akakushandira kare asi manje mushonga wave kubuda pauri nekuti haachauwani munhu aimugadzirira akashaya" Mike "Aya ndoanonzi mashura kudunhu. Musoro wangu uri kuita kudhuma chaiko, handizivi kuti ndiite sei. Nyaya hombe yakakura kudai. Ndanga ndisingatarisiri kunzwa zvinhu zvakadai. Nazvino handizvibvumi kuti Ray haasi mwana wangu. Ndakakurisa mwana asiri wangu ndikarasa wangu. Kozouya nyaya yemushonga ayy. "Zvinhu zvandiri kutaura ichokwadi Rose akazviita" "Usanyeba Memory " Mai Ray vakadaro "Ichokwadi Mike neniwo zvandanga ndisipo kudai ndiye akandidanira musango akandibaya. Aifunga kuti andiuraya izvo ndiri mupenyu" "Haana kuguma ipapo vakazoita hutsinye nemurume wangu vachida kutora mari yose ya Mangwe ndivo vaiva va kidnapper mwana wako" Ndakavhura maziso ndichitarisa Tadiwa aiva ave kuyerera misodzi. "Zvakawanda zvinhu zvakaitwa nemukadzi wako " "Munondinyebera maan imwi, kana ndakazviita proof yacho iri kupi?" "Ohh ndambozvifunga kuti ucharamba Rose nekuti ndinokuziva iwe uri chigeven'a chemazvokwadi" memory akadaro achibudisa foni achivhura record Rose paaitaura kuti achauraya memory uye ndiye akauraya mhamha. Ndakatarisa Rose nemaziso aiva akazara misodzi "But why?" "I'm sorry babe please forgive me" "I said why?" Haana kundipindura "Wakandiroya kuti ndigoparadzana ne family yangu?" Haana kundipindura "Ndiri kutaura newe Rosemary ndipindure!!!" "Izvo handina kuzviita ndega" Ndakavhura maziso "What do you mean?" "Ndakazviita na Mai vako nekuti vaiva vasingamudi Mangwe nekuti mundebele. Mwana kuti haasi wako vakazviziva ndichine pamuviviri asi vakanyarara nekuti vaiva vasingadi kuti udzokerane na Mangwe " Huh!!" "Unoziva here kuti ndisvike pakuvabaya nebanga vaindi blackmailer kuti vachakuudza kuti Ray haasi mwana wako. Saka kuti vasakuudza vanoda Mari inosvika usd50k ndakavaudza kuti handina vakati kumbira kumurume wako anova iwe. Unofunga kuti Mai vako vanokuda here kana vachidaro" Ndakaswedera pana mhamha "Mhamha ichokwadi here?" Mhamha vakatarisa pasi "Ndiri kutaura nemwi mhamha." "Havangambokupinduri" "Fuck you maan!! Handitauri newe ndiri kutaura na mhamha!! Mhamha ichokwadi here ichi?" "Ndiregerere mwanangu" "Wow, wow mhamha. Saka makatondikanganisira future yangu nekuti imwi Mangwe hamumudi" "Mwanangu ndireg--" "Dai ari Rose ega akaita izvi ndanga ndichanzwisisa manje zvakaitwa na Mai vangu vakanditakura 9 months. Mhamha makandiroya zveshuwa!!" "Ndiregerere mwanangu" mhamha vakadaro vachichema "Amanda ndidanire Ray " Amanda akaenda kunomudana akauya naye. Ndakatora vana vangu ndichienda navo mumota. Vakadzi vaviri handizivi ndiite sei navo asi ivo zvandichavaita zvihombe TADIWA Asi vanhu ava neyi vakatiira hutsinye hwakadai. Mhamha chii chavakavatadzira kusvika vavaparadzinise nemurume wavo. Takapinda mumota baba va Cleo huso hwaiva hwakazara marwadzo shame. Chero dai ndiri ini ndiri pa situation iyi ndairwadziwa wee. Kana ari sa Ray ndiri kumunzwira tsitsi, akakura achiziva kuti anoyera Shumba boom haasisiri wekwa Shumba. Zvakaoma hazvo. Dzimwe vakadzi zvamunoita so. Takasvika kumba Cleo akaenda mu room make Mr Kuchicha naivowo vakaenda mu room mavo. Takasara takatarisana na cleoy Pataiva takuda kuenda mu room medu Ray akadzika akabata bag "Ray uri kuenda kupi?" Ndakabvunza "Ndiri kuenda hanti handisi wepamusha pano here?" Ceo akamhanya achinodana baba vake. Vakauya vachimhanya. "Ray uri kuenda kupi?" Mr Kuchicha vakabvunza "Ndiri kuenda " Ray akadaro "Ndiri kuzviona kuti uri kuenda ndabvunza kuti uri kuenda kupi?" Mr Kuchicha vakabvunza "Ndiri kuenda ini hanti handisi wekwa Kuchicha" Mr Kuchicha vakamurova nempama "Usapamha zve kutaura izvi. Pamba pekwenyu apa. " "But n--" "Wakaita mwana wangu usati wazvarwa Saka ucharamba uri mwana wangu hapana chachinja. Siya zvaunoda kuita udzosere bag rako" Ray akatanga kuchema "You're my only so. Don't cry okay" Ray akabvuma nemusoro vachihagana. Ndakaona Cleo achichema ndakaenda paari ndichimuhaga ndichimunyaradza. Ray akaenda mu room make nesuwo takaenda mu room medu. Ndaingofunga nyaya yaiva yaitika. Kuti mushonga ndiwo wakaita kuti Mr Kuchicha vativenge zvekudaro? Ayy hamenho ikoko. I can't wait kuudza mhamha nyaya ndinoda kuona kuti vachaitora sei nyaya iyi. Ndakaedza kurara asi hope dzakaramba kubata. Ndakamuka ndichienda mu room ma Mr Kuchicha, ndakawana musina munhu. Ndakatarisa pa window ndikaona vakamira vachisvuta fodya. Ohh ndanga ndisingazivi kuti vanosvuta. Moyo wangu wakati ndidzokere kumashure asi umwe wakandirambira ndakagogodza "Ndiani?" "Ndi Tadiwa" Ndakaona vachidzima fodya nekukurumidza vachiuya vachigara pasi. Ndakapinda ndichigara pasofa. Vakanditarisa kwenguva yakareba vachitura befu "I'm sorry nezvakaitwa na Rose ndaiva ndisingazivi ini kuti akaku kidnapper" "Ndizvo chete zvamunokumbira ruregerero baba?" Vakanditarisa vachishamisika. Ndinoziva vanoshamiswa nekuti ndavadana ndichiti baba "I'm sorry nek--" Havana kupedza ndakavahaga "Hamuna chamakatadza ndanzwa everything" Mr Kuchicha vakatanga kuchema. Ndakashamisika varume vanotochemawo nhai. Vakachema vachikumbira ruregerero uye vachi regreter zvavakatiita "It's fine baba na mhamha ndichavatsanangurira vachanzwisisa" "Handifungi kuti Mangwe achandiregerera " "I know kuti it's not easy but eventually vachakuregererai nekuti hapana zvamakaita imwi" He hug me so tight. "Good night" "Newevo urare mushe mwanangu" Ndakanyemwerera ndichibva ndaenda mu room Mandiri kurara Mike Makuseni ndakafonerea nevakadzi vangu. Ko husiku vashanda basa chairo ka "Mr Kuchicha toita sei nemunhu uyu?" "Muchengetei ndichauya manheru. Now ndinoda kuenda ku Harare pandinodzoka ndichauya ikoko" "Okay sir" "Make sur kuti haapunyuki nekuti angazokungwarirai mukapedzisira mamubudisa, she's very cunning this one Okay sir" "Good" Pandakakata foni ndakanzwa knock pa door. Ndakaenda kunovhura aiva Nyarai "Uri kudei manje pano iwe" "Ndauya kuzotaura newe. Ndinoziva Mai vako vatadza asi ndinokumbira udzore moyo udaire ma calls avo "Iwe unopinda papi munyaya dzekwa Kuchicha. Asi newevo wakuyera Kuchicha?" "Aewa asi ndiri doctor wa Mai vako. Nhasi situation yavo yamuka iri wesi zvichikonzerwa ne stress I think nyaya yaitika vari kufunga zvakanyanya " "Vari kukohwa zvavakara, kuti chii chiro kuitika pavari handina basa nazvo ini. I'm not interested panyaya dzako ini chibuda mumba mangu " "Vachiri Mai vako. Vakakutakura nine months vakakuzvara" Vapedza vakauraya hupenyu hwangu chibuda" Tadiwa akabudikira abata bag. Nhasi ndiri kumudzosera ku Harare "I'm ready" Hanti uri kuona kuti ndine rwendo chibuda pamusha pangu" Akabva abuda achienda. Takanopinda mumota tichienda. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Pandakasiya Tadiwa kumba kwa Mai vake ndakadzokera kumashure nekuti ndinoda kunodzidzisa mukadzi uyu chidzidzo. Ndakasvika paakavharirwa aiva akasungirirwa pa chair "Mike ndinokumbira usandikuvadza please Mike" "Ndiudze reason inoita kuti ndisakukuvadza" "Ndakaita zvose izvi nekuti ndinokuda Mike please ndiregerere" "Waida ini here or waida Mari yangu" "Ndinokuda Mike please" "Unondijairira iwe, unoti kudii nemwana wandakadzinga kumba kwavo?" Haana kundipindura "Nekurara nemurume we shamwari yako waindida here? Kusvika pakuitisana mwana pedzezvo woti unondida" "Mike I'm sorry" "Argg maan batidzai moto " "Mike please usandiuraya vana vangu vachasara nani?" "Vana? Hauna vana iwe. Vana ndevangu vose hapana kana umwe wauchaona" Rose haandizivi mushe ndichamuratidza kuti ndini ani. Vapedza kubatidza moto vakamusungirira pa roof makumbo akaremberera pamoto. Handidi kuti afe so easy, ndinoda kumudzidzisa chidzidzo chaasingafi akakanganwa. Akaridza mhere achiedza kubisa makumbo aitsva "I'm sorry Mike ndisunungure please makumbo arikutsva!!" "Ndizvo zvandinoda ndichakusunungura kana moto wadzima" Ndakagara pa chair ndakamutarisa achingozvongonyoka. Moto wave kubvira zvishoma ndakasimuka "Kana moto wadzima mumusunungure mumuendese ku warehouse musarega kumusunga" "Okay sir" "Please " Rose akadaro nezwi raipera Handina kumbomuteerera . Ndakatendeuka ndichienda. Handizivi munhu anozviti mhamha ndimuite sei. Handidi kuisa ruoko munhu anondizvara. Zvinhu zvandichaita ku I will cut of ties with her, vachasara na Amanda chete nekuti varatidza kuti havandidi. Kubva nhasi hatizivani. Ndinoziva kuti nyaya yangu na Mangwe haifi yakashanda zve Saka handidi kuzvinetsa nekunomutsangurira. Ndakakurwadzisa Mangwe. Yes nyaya yemushonga wa Rose yangozopinda hayo asi neniwo ndine ruoko mukuramba mwana wangu. But ndingava blamer hangu mhamha na Rose but neniwo ndiri equal munyaya iyi asi ndaiitira hupenyu hwemwana wangu nekuti Mangwe asarwadziwa asi ndaiva ndazviudza kuti kana zvapera zvose ndichaita nzira yekudzosa mhuri yangu asi hazvina kuzoitika ndinofunga ndipo paiva poshanda mushonga wavo. Ndinofanirwa kutsanangurira Mangwe ndinoziva kuti achandivenga kudarika pekutanga paachanzwa kuti ndakaita zvinhu zvakadaro Mangwe Mike anondijairira afurira mwana wangu nenhema dzake kuti mwana wangu agomuda. Anoziva here kuti akakura sei. Tadiwa andiudza zvinhu zvaitika kumba kwavo. Ndinoziva inhema dzega audzirwa na Mike,. Mufaro waanga anawo hautsanangiriki. Nhasi ndaswerera kungoudzwa baba this baba that. Yes hapana chandaishaya pandakabereka Tadiwa asi izvo zvaisava enough . Zvinorwadza kukurisa mwana wega baba vacho vari mupenyu. Hapana munhu waunenge uchionesana naye, zvinhu zvose unenge uchiita wega, nhasi akura ave kuda kunditorera mwana Naiyevo mwana wacho mudiro waava kuvaita unoshamisa, atokanganwa kuti akamuramba achangozvarwa, hazvina kuguma ipapo akamurova mberi kwemunhu wese asi nhasi ndiye ave kuti Mike ndi baba vake. Baba vematuzvi Ndichiri mukufunga kudaro Tafadzwa akabva apinda, ndakanzwa hasha zvakanyanya, ndakatora cup ndichida kumurova nayo asi akaibata "Unopenga here iwe Mangwe?" "Yes ndinopenga Tafadzwa, ndakakuudza kuti handikudi pamusha pangu asi iwe unoita madiro unopinda uchibuda kunge wave murume wepamusha pano" "Hausati wanzwa kuti ndavingei asi wave kundirova nema cup" ",Handina basa nezvaunoda kutaura ini. Handikudi pamusha pano unondisemesa" Tafadzwa akaisa ma paper pa dressing table "Ndanga ndaunza ma paper ebasa" "Waaisa chibuda pamusha pangu!!!" Akabva abuda, ndakasimuka ndichienda ku kitchen ndichitora mvura yekumwa pamwe ndingadzora Moyo Anenyasha No maan I can't live like this, Tafadzwa is my husband Saka handingabvumiri hure ritore murume wangu. Nhasi achandiona mushe ndiri kuenda kumba kwake. Ndanga ndichitevera Tafadzwa kumashure nekuti ndanga ndichida kuona hure rinoda kutora murume wangu. Tafadzwa paakavuda ndakapinda mukati ndikamuwana Ari kitchen handizivi or ari kubika or ari kuita sei and handina basa nazvo izvo "Yah" Akasimudza musoro achinditarisa "Hey ndingakubatsira neyi?" Ndakamupindura negwati rembama "Chiiko newe?" "Uri kudei pamurume wangu iwe mukadzi?!!!" "Murume wako?" "Yes ndiri kure a Tafadzwa? Nei uchivhurira makumbo murume ari married? Huh!! Uri mukadzi rudzii iwe?!!!!" "Ini Tafadzwa ndaiva ndisingazivi kuti ane mukadzi pandakaz---" Haana kupedza ndakamupa rimwe gwati rembama, paaida kundidzorera ndakamubatq ruoko ndichirumona ndichimutendeudza achindifuratira, ndichibva ndamubata maoko Ake "Unondikuvadza chiiko?" "Uri kudei pamurume wangu? Unoda ku competition neni pamurume wangu here? Unoziva here zvinhu zvatakasangana nazvo kumashure na Tafadzwa? Iwe unouya wongotora murume wangu just like that!!!!" Paaida kupindura ndakamuroverera patafura nemusoro, ropa richitsakatika. Ndakamumutsa ndichitanga kumurova nemampama. Haa handitambwe nemahure ini. Ndichiri kumurova kudaro pakabudikira kamwe kamusikana kachimhanya kachindibata "Unopenga here? Chii chauri kuita mhamha vangu?" ",Mhamha vako vanokuudza here kuti vanofamba vachirara nevarume vevanhu?!!!" "Usapinza mwana wangu munyaya idzi please" "Ndimusiye ari iye apinda munyaya dzisingamudi!!!" "Unorwara nepfungwa here? Hona wakuvadza sei mai vangu?" Ndakasimudza ruoko ndichida kumupamha asi kamwana kacho kakapinda pakati pedu kachindibata ruoko. Ndakakapa mucheka wempama kachidonhera pasi. Hasha dzaisvika kugotsi chaiko. Ndaipupuma nehasha "Uri kuroverei mwana wangu?" "Unotadza chero kudzidzisa mwana wako respect!!! Kacharoorwa nemunhu akadii kana kachidai!! Iko kachava ne respect sei kachiona Mai vacho vachirara nevarume vevanhu. Baba vacho vari kupi?" "Siyana na mhamha vangu iwe" "Ohh I'm sure chero mwana uyu wakanhumburiswa nemurume wemunhu or wakahurira murume wako akakudzinga!!!" "Tadiwa enda mu room mako" ",Neyi usingaendi kumurume wako usiyane na mhamha vangu? Neyi usingazvitarisi pamwe ndiwe une problem. Neyi murume wako achikusiya achikusiya kana achikuda ouya kuna mhamha. Ndiwe une problem maan argg!!!!" "Tadiwa!!!" "Ndiye mhamha at--" "Tadiwa enda mu room mako " Akabva aenda. Handisati ndambodhererwa nemwana zvakadai ini muhupenyu hwangu "Ndaiva ndisingazivi ini kuti Tafadzwa ane mukadzi pandakaz--- " Iwe waifunga kuti murune wese uya akanaka kudaro haana mukadzi!!! Ramba uchiita zvaunoita ndichakuratidza kuti ndini ani ini!!! " "Handina nguva yekurwa newe ini, zvakawanda zvinhu zvakakosha zvandinofanirwa kuita" "Zvakaita sezvipi? Zvekutora varume vevanhu!!! Kana uchifunga kuti mucharoorana na Tafadzwa kanganwa zvako hazvifi zvakaitika" ndakadaro ndichimupfira kumeso ndichibuda ndichienda Too much errors mogadzirisa End of chapter