Chapter 24 . Anenyasha Three months later Kugara kumusha dzimwe dzenguva kunokupa peace shame stress inombobuda. Ndagara kumusha 3 for 3 months , unoziva ndinoshuvira kuti dai ndichishanda kuno hangu,. Ndave kuda kugara kuno kwe hupenyu hwangu hwese. Chero vanhu vachitaura zvaanoda. Vanhu panyika vachagara vachitaura havangaregi kutaura, kunyeya, kufarira marwadzo eumwe munhu. Vanhu vakawanda vakataura zvavanoda pa 3 months idzi Vamwe vaiti aifunga kuti zvichasvikepi sezvo akagwisanisa family yekwa Zvayi kudai. Vakataura zvose zvavanoda hanzi akaramba mukomana wekutanga wekwa Zvayi nekuti aiva achiva mudiki wacho. Hona manje chii chave kuitika paari. Mukomana ave kukuratidza zvaari. Vamwe vaiti midzimu iri kumurova haingaregi kumurova ivo vakatiza kumusha vakanogara kumathawundi. Vamwe vaibvunzana kuti ashanya here vamwe vaipindura vachiti njuga dzarema dai ashanya dai ari kumba kwaakaroorwa. Vangataura zvose zvavanoda asi ini handina basa nazvo. This is my love. Handingaiti zvinhu zvichazonditsa kumberi nekuda kwevanhu. Ndiri happy pandiri pano. Now ndiri busy ne laptop yangu foni yangu yakarira aiva Tifa. Ndakadaira tikataura nyaya dzakasiyana achindiudza ndidzoke kumba vari kundifunga zvakanyanya. Ndakazotaura zve na Popo akandiudza same thing ndakavavambisa kuti kana ndave right ndichauya. Ndapedza ndakaenda kwaiva kwakagara vabereki vangu takamhorosana sezvo ndaiva ndisati ndavaona Kubva kakusenim baba vakanditarisa kwenguva yakareba "Dzababa" "Baba" "Hanti unoziva kuti une musha wako une vana vako. Murume wak--- "Baba ini na Tafadzwa tasarirwa nemwedzi mitatu kuti tiparadzane zviri pamutemo Saka handidi kutaura nezvake" "Ndinoziva kuti akakurwadzisa asi rangarira kwamakabva . Munofanirwa kugara pasi mogadzirisa zvinhu. Makura dzababa kuti mungaita divorce. Zvinhu zvamunoda kuita zvichakanganisa vana" "Baba Tafadzwa aida kundiuraya munoda ndidzokere anondipedzisa here?" "Aewa handina kudaro asi tose tinoita ma mistake uye tinodzidza pama mistakes edu. Pazvinhy zvose zvakaitika newevo hausi innocent muri vaviri muri guilty. Mudzimai kana achitaura nemurume voice ngaridzike newevo wakabatira Tafadzwa pfuti. Chero kuchinzi watsamwa sei murume haarohwi" "Baba Tafadzwa akandirwadzisa nei aida barika?" "Wakanganwa Anenyasha kuti Tafadzwa ane ropa rekumuzinda. Zvagara barika aizorida" "Yah baba vari kutaura chokwadi mwanangu iwe waifanirwa kutaura zvine hunyoro woudza murume wako kuti barika hauridi kwete kurwa naye" mhamha vakadaro "Mhamha na baba hamunganzwisisi. Old fashion hazvisi nyore kugamuchira barika" "Tiri kukunzwa mwanangu asi waifanirwa kumuudza mune zvakanaka " mhamha vakadaro "Tafadzwa anomuda mukadzi uya haaimbonditeerera rega ndimbonofurwa nemhepo ini" Uri kuenda kupi?" Baba vakabvunza "Ndiripo ndinoda kumbofurwa nemhepo ndichadzoka" ndakadaro ndichitora foni. Ndinoda kumbofurwa nemhepo yekurwizi Portia Hausi hupenyu hwatiri kurarama kunze kwa mhamha. Vane mwedzi mitatu vasipo asi zvave kuita sekunge vane gore rose. Aewa pachokwadi tiri kuvafunga isu. Ndakatarisa nguva. Shiit ndakanganwa kuti baba vanofanirwa kunwa mapiritsi ndakabva ndaendako ndikavawana vari busy ne laptop "Baba makanganwa kunwa mapiritsi".. "Iya Kutokanganwa chaiko. Kutovarairwa nebasa" "Asi baba munoswerera basa muchazorora rinhiko?" "Hakugariki mwanangu ndisingaiti chinhu Saka ndichizova busy nebasa" Kubva zvakaenda mhamha ndizvo zvinhu zvavanongoita chete, kana vasiri kuchipatara vari busy ne laptop yavo. I think ndiyo nzira yavanozvibisa nayo stress. Vaiva vakakuvara ruoko nekuti rwaiva rusingashandi asi mwedzi wechipiri pawakapera vaiva vave right chero hazvo vasingataudzani na Jay. Jay ane musoro wakaoma shame haadi chinhu chinomusanganisa na baba. Babavo same thing. Havana kuti Jay anoitei nguvai. Shuwa zviito zva Jay ndi baba Tafadzwa hakusi kufanana kwega, asingazivi anoti pamwe ndi baba vake chaivo nekuti ahh hapana kana chimwe Cha Jay china Munya asi baba Tafadzwa zvose yoo. Now handichazivi ndiite sei. Zvave kubhowa izvi kuti tiri family koita vamwe vasingataudzani. "Baba" "Princess" "Inini ndinofunga kuti yave nguva yekuti mutaure na Jay. " "Nditaure naye ndichiti kudii mupfana uyu ini?" "Munofanirwa kutaudzana baba nyaya yenyu yekuti hamutaudzani isu unoti affecta. Baba munomuziva Jay ane musoro wakaoma sei Saka haangambouyi kuzokum--" "Handingamboendi kunopfugamira mwana mudiki ini. Kana achiona kuti zvinhu zvaakaita zviri wrong achauyq kuzondikumbira ruregerero asi kana achiona zviri right ngaagare ikoko" "Asi baba" "Ndirongedzere mbatya mwanangu mangwana ndiri kuenda ku mberengwa" "Okay baba" ndakadaro ndichibuda ndichienda Suu machinda aya haatodi zvekutaudzana vose vane misoro yakaoma Tadiwa Zvinondifadza kuona mhamha vachifara kudai,. Pa mwedzi mitatu iyi havana kumboshungurudzika . Vanogara vachiseka havo. Izvi zvinondifadza zvakanyanya chero havo vasingadi kuona baba asi ini vanondipa permission yekuvaka relationship navo. Nhasi handisi kuenda kuchikoro, tiri kuenda kwa doctor na Manue. Mazuva ano handisi kunzwa mushe. Ndinogara ndichirutsa ndine dzungu dzimwe nguva ndombonzwa kupera simba. Husimbe hwacho hwandinawo pakaipa kani. Mhamha handina kuvaudza nezvekurwara kwangu nekuti ndinofungira kuti ndine pamuviri I'm praying day and night kuti isaita nhumbu zvayo nekuti ndinenge ndarwadzisa mhamha zvakanyanya. Misodzi yakapisa kumeso pandakafunga kuti ndine mwedzi mitatu ndisingaendi kumwedzi. Asi ngativimbe kuti pane something isiri nhumbu. Mhamha vangandiuraya zve kana iri nhumbu. Ko kuchikoro? Nekuti vana vane pamuviri havadzidzi kuchikoro kwedu Misodzi yakayerera pandiri, asi neiko tisina kushandisa protection, ndichiri mudiki ini for zvinhu zvose izvi. Ndine 16 years ndiri kudzidza form 4 for the sake. Imagine ndave nepamuviri. Ndapedza zvandaiita ndakadzika downstairs ndichinodya breakfast, ndapedza ndakabva ndabuda ndichienda kugedhi. Ndakawana Manue atondimirira. Takahagana tichiitana ma good morning "Babe are you okay?" "No I'm not okay. What if ndine pamuviri? Chii chichaitika?" "Usafunga izvozvo babe" "Handingaregi Manue ndine 3 months ndisingaendi kumwedzi" "Okay babe chirega kuchema ka" Manue akadaro achimutsa mota tichienda kwa doctor Takasvika tichigara pamabhenji. Ndaingotarisa nzvimbo yose kuti hapana here wandinoziva anotiona. But I don't think so nekuti kwatauya kuno kure nekumba. Turn yedu yakasvika takapinda mukati. Takamutsanangurira zvose. Akatibvunza mubvunzo, yakawanda takaguma rinhi kurara? Taishandisa protection here? Apedza akanditarisa achibva abuda for some minutes akadzoka nema results. Manue akandibata ruoko ini ndaingonamata mumoyo kuti isaita nhumbu Doctor akagara pasi akatitarisa kwenguva "Mune makors mangani?" "16 " ndakadaro. Doctor akatarisa Manue "18" doctor akadzungudza musoro "Handizivi kuti ndotaura sei nyaya iyi asi une pamuviri pane mwedzi mitatu." Ndakarohwa nehana, misodzi ichiyerera pandiri "Asi iripo imwe nzira kana mwana musingamudi ndingakubatsirai" Manue aiva akanyarara kuti zii. You can see nyaya iyi yamupedza simba "Ndine pamuviri?" Musoro wangu wakaita sedzisimo I wish ndangopepuka kuhope. But no I'm not dreaming it's reality. Zvekuti ndichiri mudiki ndinozvinzwisisa.ko mama vachaitora sei nyaya iyi? Ko kuchikoro? Nekuti kuchikoro kwedu ukangobata pamuviri hauchabvumirwi kudzidza. I'm doing form 4 for goodness sake. Handingambosiyi chikoro ini ndanga ndave kupedza. Ko family yekwana Manue iyi ichati kudii nenyaya iyi? . Ndakanzwa Manue achindibata. "Tinotenda doctor mwana tichamuchengeta" Okay if you say so" doctor akadaro Takasimuka tichienda kumota. Takanyarara kwema minutes umwe neumwe achifunga nhamo dzake. Tavarwadzisa vabereki vedu. Kunyanya Mai vangu. "Chirega kuchema babe inguva chete zvichadarika" "Manue hauzivi iwe mhamha vangu vachadzokera zve kuchipatara this time vachafa chaiko" "Aewa babe hazvingamboitiki izvo. Mhamha vako vachatsamwa chete but eventually she'll be fine " "What about your parents?" "Handizivi asi baba ndinoziva kuti nyaya iyi havamboiregi just like that. Zvinhu zvicharema pakati pedu asi mwana wedu tichamuunza panyika. I'm sorry nekukunganisira future yako babe" Ndichadzingwa kuchikoro Manue" Akanditarisa achishamisika "Kuchikoro kwedu munhu akazvitakura haadzidzi" Akatura befu achirara pachituro achizvipukuta kumeso "Tichaita plan babe" "Plan yeyi?" "Mukoma wangu ane vanhu vakawanda vaanoziva I know achaita plan " "Handidi kudzidza kune chimwe chikoro ini" "Hauchichinji babe ndinokumbira undiudze kana zvazoitika okay" Ndakabvuma nemusoro, Manue achimutsa mota tichienda kumba. Pamwe Manue nhasi ndiri kumuona kekupedzisira, ko vakomana vakangokunhumbira vanotiza zve. Ohh gosh this time mhamha vachafa chaiko be stress. Vachaitq stress yekuti ndaita pamuviri ndiri mudiki pedzezvo baba vemwana votiza. No maan ndichiri mudiki ini pakutakura mutoro wese uyu. Manue akanditarisa akaona kuti ndine stress akandiswededza paari achindihaga. "Ndinokumbira undivimbise one thing Manue" "Anything my love" "Ndinokumbira usandisiya nekuti ndave nepamuviri" Manue akandibata maoko "Handingaiti zvinhu zvakadaro babe, mutoro waunawo ndewedu tese" Takahagana ndichiburuka mumota ndichipinda mumba. Mhamha havasati vauya. Ndakaenda mu room mangu ndichizvikandira pa bed. Ohh God mutoro wamandisengedza ndichakwanisa kuutakura here Tafadzwa Ndinoziva kuti ndakatadza zvakanyanya, hapana anondifarira nezviito zvangu. Nguva yose iyi ndanga ndichingoda kuti Ane ambofurwa nemhepo nekuti ndakamurwadzusa zvakanyanya. Ndakasvika kumusha ndikapinza mota mukati ndichibva ndabuda. Ndakachingamidzwa na mhamha, shame muchembere wangu akura maan "Tafadzwa mwanangu" "Mhamha makadii?" "Ko kusatiudza kuti uri kuuya?" "Ndanga ndichida kukurovai ne surprise" ndakadaro tichinogara pasi Haa pamusha pano havambomiriri kuti uzorore uchingosvika chete unotanga kutongeswa. "Nhai Tafadzwa chii chamuri kuita na Mandlovu?" Ndakapererwa kuti ndivapindure ndichiti kudii" "Mandlovu ava nemwedzi mitatu kana kumbozvinetsa nekuuya kuno" Ndichazvigadzirisa mhamha" Zvichakadaro baba vakapinda. Ndakasimuka ndichivakwazisa "Handidi kumhoroswa newe ini uri kuona here iwe mpfana zvauri kuita?" "Ruregerero baba ndiko Saka ndauya, ndauya kuzogadzirisa zvinhu zvose" "Ndichataura newe kana wagadzira" Ndakabvuma ndichibva ndaenda mu room mangu, ndakasvika ndichiisa ka bag kangu pasofa, ko ndangotora mbatya shoma nekuti handina kuzogara kwenguva yakareba asi zvicha depender nekuti Ane anondiregerera here. Kana asina kundiregerera handibvu pano kusvika taita peace na Anenyasha. Manheru ndakadzika ndichienda kurwizi. Ndiyo yega nzvimbo inondipa runyararo. Ohh lucky me ndakaona Ane akagara padombo akatarisa mvura yaiyerera. Ndakasvika ndichigara pedo naye, akangonditarisa kana kumbondimhorosa hake mwana wekwa Zhou. "Nzvimbo ino ine runyararo right?" Ndakadaro ndisina kukbomutarisa ndakatarisa mvura yaiyerera naiyevo haana kumbozvinetsa nekunditarisa. ,"Zvimwe zvinhu zvinoda mvura inoyerera nemhepo yacho kuti ukanganwe zvinhu zvakawanda. "You right asi rangarira chero zvikaitika izvozvo hazvifi zvakapedxa rudo ruri mumoyo mako. Rudo rwekudenga hapana angarubisa chero zvadii" "Asi unokwanisa kumanikidza kuti and at the end ruchapera" "It's not true, tinoedza kurupedza. Sometimes tinopinda mune mamwe ma relationship nekuti tinenge tichida kukanganwa nezvekumashure asi tinopedzisira tarwadzisa vanhu vasina mhosva. Haungamanikidzi rudo Ane chinhu chiya chak---" Handina kupedza "Tafadzwa ndauya pano nekuti ndinoda peace please " "Vana vanokuda Mandlovu " "Vakura vana kana vachindida vanondiudza vega kwete Kuti iwe utaure" "Ndakapika ndikakuvimbisa Kuti handifi ndakakurwadzisa asi ndakaputsa chivimbiso changu. Ndaiva wrong Mandlovu ndinobvuma uye ndinozvishora pazvinhu zvose zvandakaita I'm sorry Mai mushavi wangu ndakakanganwa zvinhu zvatakasangana nazvo kumashure. Ndinokumbira tidzokere kumba tinova family yekare yaiva nemufaro " "Zviri nyore kuti udaro Tafadzwa nekuti hauzivi marwadzo andakanzwa ini. Zuro uno wanga uchida kutora barika usingachazivi kuti ini ndiri chii chako Saka chii chachinja ipapo?" "Ndakaona kuti hupenyu kunze kwako is nothing Ane, ndiregerere Mai mushavi ndichakuratidza kuti ndinozvishora zvakadii please dza Taffy. I didn't me kukurova nechidhina chete ndakatsamwa ndikatadza kuzvi controller " "So iwe ukatsamw uchange uchindirova nechidhina unoda ndigarire izvozvo here" Ane akadaro achisimuka "Usare mushe Tafadzwa " Ndakaedza kumubata asi aitoratidza kuti haadi chero kuti ndimugumhe Portia Ndaiva busy ku gym ku boxing ndakaona vamwe baba vechikuru vachi cleaner. Yah zvinorwadza izvi, shuwa kuona munhu mukuru wese uyu achiita basa rakadai. Ndakabuda ndichienda kwavari ndichinyemwerera. Vaiva vakafuratira, "Makadii baba ndinokumbira kukubatsirai" ndakadaro ndichida kutora broom Vakatendeuka vachitarisa kwandiri. Ndaka freezer naivowo vakavhunduka pavakandiona. This is not possible. It can't be. Ndakabvunda muviri wese naivowo ndakaona kuti vakapererwa nekundioma. Yes ndaiva ndichiri mudiki asi handingakanganwi zvinhu zvavakaita Flashback "Baba!! Baba!!" "My princess" "Kana ndakura ndinoda kuita boxing" "Wow shuwa here? Unogona kurwa here?" "Ehe honai!!" Ndakadaro ndichivaratidza zvibhakera zvangu nemaoko angu madiki. Baba vakaseka vachindisimudza Flashback end Ndakavatarisa kwenguva yakareba, ndakaona vachinhonga simbi pasi vachirova nayo mhamha mumusoro. Zvinhu zvose zvakaitika pana mhamha zvakauya zvose. Ndaka screamer ndichitendeuka ndichimhanya ndichinopinda mumota End of chapter