Chapter 29 Proggy Ayy shame musha wa sisi wakanaka no lies. Unoramba kuti unogara vanhu vaviri. Akandiratidza makamuri ose chero neniwo ndaitova ne room rangu ohh gosh. Takazoenda mu room make maiva makanaka shame judge nezvinhu zvaivamo airatidza kuti ndi doctor. Ndakakubvunza, ndakashamisika paakandiudza kuti ndi owner wepaTadiwa Private hospital. Suu ashanda shame I'm so proud of her, vabereki vedu kwavari vanodada naye. Takataura nyaya dzakasiyana ndikazofonera Jay ndichimuudza kuti nhasi ndicharara kuno. Akanzwisisa hake, ko Jay haasi munhu anonetsa ka. Pandakangokata foni, Mangwe akanditarisa achinyemwerera "Wow I can't wait kuona bamunini vangu vakachinja munin'ina wangu" Dai achiziva kuti munhu wacho anomuziva uye haamufariri. "Don't worry sisi uchamuona. Anga achida kuroora Saka ini ndati ambomira kusvika ndawana sisi vangu. " "Wow shuwa here?" "Ehe sisi ndiwe chete mubereki wangu wandangosara naye" Takazotaura dzimwe nyaya, Tadiwa akapinda ne tray ine juice you can see kuti she's trying her best shame "She's beautiful " "Izvo hazvingamuiti kuti arare nevakomana achiri mudiki " "Handisi kunzwisisa " "Ane pamuviri?" Okay ndinozviziva asi ndichaita sei ini. "Ohh asi izvo sisi hazvirevi chinhu ma mistake aripo" "Nhasi handipo pa mood izuva rangu rekufara" Takazotaura dzimwe nyaya Tadiwa naiyevo aiva akati kwati pandiri, Shame dai amuregerera zvakupisa tsitsi izvi Tafadzwa Ndakatarisa nguva dzaiva Kuma 6pm ndaiva ndakarara pedo ne pool pachifefetera kamhepo kaitonhorera. Better kurara hangu pa pool pane kunorara mumba musina peace. Zvichakadaro foni yangu yakarira ndakaidaira "Mr Zvayi zvinhu zvose zvave right ma paper atosayiniwa kwangosara kuti iwe usayine imba ive yako" Thank you now it's late ndichazviona mangwana " ndakadaro ndichikata foni Handidi imba hombe chero iri diki as long ine peace. Imba yandiri kutenga it's 5 rooms two bedroom so ndiri covered nayo. Ndakarara kudaro Ane akauya achimira pedo neni "Tafadzwa pinda mumba kwave kutonhora manje" "Ndiri right Ane kana ndave kuda kupinda mumba ndichapinda for now ndiri right" "Tafadzwa ndinoziva kuti ndakanganisa ndinokumbira kuti upinde Mumba titaure tigadzirise zvinhu " "Hapana zvatino gadzirisa Ane uye ndakuregerera for now ndinoda kurara ndiwane peace" "Okay ndinokumbira uuye urare mumba " "I enjoy kurara pano Ane, kana ndave kuda kurara kumba ndichauya for now ndiri right pano" "Ndichaenda kumba kwe musikana ndinovaudza kuti mwana tichamuitira zvose asi nazvino vanhu vacho handivadi anodherera mwana uya vanhu vakuru haavazivi " "Neyi uchindiudza Anenyasha ita zvaunoona kuti zviri right for iwe" "Tafadzwa ".. "Anenyasha can I have peace please " Akanditarisa kwenguva yakareba achibva aenda. Paakaenda ndakatora foni yangu ndichifonera Manue asi haana kudaira Come ohhn Tawedzerwa Ndakaramba ndichimufonera kusvika adaira "Manue uri kupi? Hauoni kwasviba here?" "Ndichiri kutsvaga basa" "Uri kutsvaga basa kupi nekuti kwauri kunonzwikwa noise " "Ndiri kuita zvinhu zvamati ndiite" "Iwe Manue huya kumba" Akabva akata foni, pandakamufonera zve yaiva yatodzimwa. Shiit mpfana ugu. Ndakaisa foni yangu pasi ndichirara, ndakatarisa mudenga Ndakatanga kufunga ini na Ane tichangoroorana taifarira kurara pano, asi manje yoo hazvichafi zvakaitika. Pandaiva ndave kurara ndaka dhistebhiwa nemunhu aitaura. "Yoo mukati gore rino ndichazororawo here" "Sorry baba nekukudhistebhayi" Jay akadaro "Ndingakubatsira neyi Jay? Nekuti ndakazorora ini ndinoda kuva ndega please. Hanzi na Ane ndaitei manje?" "Aewa handina kuuya pano nenyaya ya mhamha" "Akuudza here Ane kuti andiitei or anongokuudza kana pane zvandamuita chete?" "Hapana zvavandiudza mhamha" "Okay ndingakubatsira neyi manje?". "Ndave kuda kuroora Proggy asi ati ndinofanirwa kunoroora kuna sisi vake vaakarasikirana navo vachiri vadiki". Handina kumupindura ndakangomutarisa... "Ndavawana sisi vacho zvino problem iripo ini na sisi vacho tine history handifungi kuti achandigamuchira kuti ndidanane na Proggy " "Ndiani manje munhu wacho?" "None other than Mangwe Mai vaTadiwa ndiye sisi va Proggy".. "What?" "Now ndavhunduka pandazviziva. Ndiri munyatwa hombe baba, handizivi kuti ndichaibuda sei Proggy ndinomuda handingakwanisi kuparadzana naye" "Pazvinhu zvose zvawataura handifungi kuti ndichava neshoko pazviri or kubatsira nekuti kuchanzi ndave kukwira ndichidzika ndichienda kuna Mangwe so ndibisei munyaya dzenyu. Wakura Jay uchaona yekutamba" "I understand baba chete ndinot--" "Good kana uchi understanda mwanangu ndinoda kuzorora manje" Akabva asimuka maziso akazara misodzi. "Hauna kumuona Manue here?". "Aewa handina" "Foni yake haipindi ukawana nguva ndinokumbira unomutarisa" "Okay baba" Jay akadaro achienda ndakasara ndichienderera mberi nekurara kwangu. I wish dai ndarara pano kusvika kwaedza Tadiwa Makuseni ndakamutswa na mhamha vachindiudza Kuti pane munhu anoda kundiona. Ndakashamisika Kuti ndiani iyeye. Ndakamuka ndichipfeka ma slippers angu. Ndakatarisa mhamha vaiva vasina kana kumbonditarisa. Ndanga ndichifunga Kuti vachandiregerera sezvo pava na mainini asi Evo. Ndakaenda ku sitting ndikawana musina munhu. Mhamha vakaenda kunovhura door Ndakavhunduka pandakaona Ari Manue. Ndaida kumuhaga asi ndakatya mhamha. Vakabva vanditarisa vachienda. Takasara tichigara pasi "Hey" "Hey" "Uri kunzwa sei?" Manue akabvunza "Handizivi" "I'm sorry ini ndanga ndisingazivi nezvinhu zviri kuitika" "Neyi usina kundiudza kuti Mai vako ndivo vakauya pano vachirova mhamha" "Hapana zvandanga ndichiziva ini. Neniwo ndanga ndisingazivi kuti Mai vako ndivo vaida kuroorwa na baba" ,"Mhamha havana kumbobvuma kuti vacharoorwa na baba vako. Baba vako vaitaura zvinhu zvisipo. Mhamha havangaiti zvinhu zvakadaro kune umwe mukadzi. Handizivi chii chakaitika ku vabereki vako asi chandinoziva mhamha pavakaziva kuti baba vako vane mukadzi vakabva vatoudza baba vako kuti vaparadzane " "I'm sorry for that please forgive my mother I know vanga vachitongwa nehasha chete" "Hadzisi hasha Manue Mai vako vanondivenga neniwo ndinovavenga" "Please Tadiwa usataura uchidaro mhamha vanokuda" "Chero vakandida ini handifi ndakavada ndinovavenga. Mhamha vangu vatadzei pakuita nhumbu kwangu zvavanga vari busy namhamha" "Please babe " Pandakatarisa pa door ndakaona Mai vaManue. Ndakabva ndatosimuka. Ndakaona mhamha vachiuya kwatiri "Mhamha" Manue akadaro Mai Manue vakaswedera patiri vakanditarisa nerimwe ziso "Manue uri kudei pano?" Mai Manue vakabvunza "Asvika ega hapana amudana" mhamha vakadaro "Mhamha muri kudei pano?" Manue akabvunza "Ndauya pano kuzoudza mahure aya kuti mwana tichamuchengeta asi iwe hure diki handikudi kumba kwangu. Kana wakadanana na Manue uchichiva musha wangu' wakanaka wakabondera handikudi kumba kwangu handidi kukuona pedo nemwana wangu. Hauna respect iwe mwana unodherera" Mai Manue vakadaro "Mashoko ayo dai uchiaudza mwana wako ndiye asvika pamusha pangu akamutsa mwana wangu akarara same as your husband ainditeverera. Pane kuti ufambe uchipopotera vanhu tanga wagadzirira pamusha wako waunovhaira nawo" mhamha vakadaro "Ohh Saka iwe unoona zviri right zvinhu zvinoitwa nevana ava? Wakavachengetera kuti vaitei pamusha Pako. Kuti vapamhe zvinhu zvavakaita. Asi handikushori hure richagara riri hure" "Mhamha please" Manue akadaro "Hande iwe!!" Mai Manue vakadaro vachidhonza Manue vachibuda Misodzi yakayerera pandiri. Ndakashamisika ndichiona mhamha vachindipukuta misodzi "Don't cry everything will be fine okay" mhamha vakadaro vachindihaga Mangwe Handizivi kuti vanhu vekwa Zvayi vanodei kumwana wangu' kunyaya mukadzi uyu. Ko hanti tabuda pavari here? Ko neyi vachingototeverera? Handidanani nemurume wake, yes ndaiti ndichadanana naye Tafadzwa asi pandakanzwa kuti ane mukadzi ndakabva ndamira. Handifi ndakarwadzisa umwe mukadzi ini nekuti ndinoziva zvinorwadza sei. Anoda kundikanganisira zuva rangu ini ndine mufaro wese uyu. Ndasangana nemunhu wandakaparadzana naye ndichiri mudiki. I'm so happy now haapo aenda kunotora mbatya dzake kwaaigara. Tavimbisana kuti achagara pano kusvika aroorwa. I can't wait kuona munhu uyu akabatsira mwana wa Mai vangu akamubisa munhamo "Tadiwa" "Mhamha" "Hunza card rako rawakapihwa nadoctor. Akasimuka achinoritora achindipa. "Unodzokera rinhi kuna doctor?" "Handizivi" Ndakamutarisa ndichishamisika "Hauzivi sei? Wakamborivenga here?" "Aewa" Ndakadzungudza musoro "Enda unoverenga mu room mako ndichauya ndichikubvunza mibvunzo" Akanditarisa nemaziso aiva nemibvunzo "Okay mhamha" akadaro achisimuka achienda Ndakasara ndichiona TV. Eyy eyy zvandanga ndaswera mushe Wani. Ko miedzo iri Kubva kupi manje. Mike ari kufona kuti Ari kudei manje ""Yah" "Maluluza" "Uri kudei Mike" "Ndinokumbirawo favor yako" "Yeyi?" "Pane zvinhu zvandiri kuita ku Harare Saka ndichatora mazuva matatu, ndanga ndichikumbira kugara kumba kwako kwemazuva matatu" Ndakaseka "Hee nhai Mike Harare haisisina mahotera here?" "Mahotera handiafariri Maluluza" "Fine then ita ma up and down uchienda kumba kwako hanti une type yose yemari here" ndakadaro ndichikata foni "Mike anondijairira anofunga kuti ndinofanana na Tadiwa ini kuti ndingangomuregerera just like that. Infact handifi ndakamuregerera ini nezvinhu zvaakaita I don't need him pedo neni. I want peace I'm tired nema drama muhupenyu hwangu. Hupenyu hwangu hunongori hwema drama no I'm tired manje ndave kuda peace, munin'ina wangu avepo Cindy ohh gara zviya ave kunzi Proggy asi vabereki vangu vakamupa rekuti Cinderella. Ndakagara kudaro ndakanzwa knock. Ndakaenda kunovhura aiva Proggy . Ndakanyemwerera ndakamutarisa. Maziso angu akati baa pamunhu waari famba naye ndakapera simba "You!!!!" "I'm sorry nezvandaita asi ndanga ndichifanirwa kuzviita" "Unorevei Proggy?" "Jay ndiye munhu wandaikuudzai nezvake" Ndakavhunduka, family yekwa Zvayi ndakaitadzireiko. Kwakatanga Tafadzwa kukatevera Manue now ndi Jay. Kusvika rinhi vachindidherera shuwa? "Ndinokumbira ubude pamusha pangu" "Ndin--" Jay haana kupedza kutaura "Uri mhondi inobata pfuti Jay ichityisa vakadzi. You don't deserve munin'ina wangu'!!! Get out!!!" "Sisi ndinokumbira kuti tigare pasi titaure" "He's not good for you Cinderella!!!!" "I'm sorry Mangwe nezvandakaita dzaiva hasha" Jay akadaro "Munin'ina wangu haasi safe pauri. Hasha dzako dzikauya uchamubatira pfuti!!" "Proggy ndinomuda!!!" "Buda pamusha pangu Jayden Zvayi!!!" Akabva atobuda ipapo. Ndakanzwa muviri wangu uchipisa wese moyo wangu wakaita seunoda kubuda ndakazvibata chipfuva. Proggy akaswedera pandiri "Sisi are you okay" "Yah I'm fine ndinoda kunorara" "Okay sisi ndichaenda kuna Tadiwa" Proggy akadaro achienda Ndakaenda mu room mangu ndikanwa mapiritsi nekuti ndaiva ndave kutadza kufema. Tafadzwa Ndiri muimba yangu itsva yandatenga. Ndanga ndauya kuzoiona. Aewa ndakagutsikana nayo uye ndichawana peace yandiri kuda pano. Ndapedza kuiona ndakabuda ndichienda. Ndakasvika kumba ndichiri pa door ndakanzwa Ane na Manue kunge vanorwa ndakabva ndamira "Manue ndichakurova ini, haungatauri neni kunge uri kutaura na Tifa" "Mhamha ko imwi nei muchivenga Tadie kudaro? Ndi Mai vemwana wangu uye ndinomuda zvakanyanya " Ndakabva ndapinda ndichienda kwavari. Manue akamhanya achiuya kwandiri "Baba munoziva here kuti mhamha vaitei ? Mhamha havandidi ini" "Handikudi ini Manue?" "Ehe hamundidi mhamha. Kana musingadi Tadi neniwo hamundidi nekuti Tadiwa ndinomuda zvakanyanya" "Aya ma key emota" ndakadaro ndichimupa zvinhu zvose. Ane akanditarisa "Ane siya mwana aite zvaanoda pamwana wake" "Okay" Ane akadaro achimona muromo achienda ku bedroom. Ndakamutevera kumashure ndikamuwana akabata musoro. Ndinofunga uri kupisa. Haungaregi kupisa nezvaari kuita mazuva ano. Shuwa hupenyu ivhiri ndiani aifungira kuti ini na Ane tichasvika pa stage iyi here? Ndakaenda pa wardrobe ndichitanga kubisa mbatya dzangu. Ane akavhunduka achisimuka achiuya kwandiri "Uri kuenda kupi Tafadzwa?" "Uhhm maybe ndanga ndichifanirwa kukuudza . Ndatenga imba yandichagara" Imba yauchagara?" "Yes" Why? Hanti unayo imba iyi Tafadzwa" "Aewa Ane iyi imba yako nevana" Ndakaona misodzi ichiyerera paari. Why achiyeredza misodzi hanti ndizvo zvaanga achida here? "Tafadzwa ndinokumbira usandisiya inga Wani ndakumbira ruregerero" "Ruregerero rweyi?" Ndanga ndisingafanirwi kukurova. Chete hasha ndodzandikurira" "Anenyasha muchato wedu hapachina apa. Zvinhu zvatinoda kuzama tiri kupedzerana nguva umwe neumwe ngaaite zvake" "No Tafadzwa yes on other side I'm wrong asi ndiwe wakaunza mukadzi uyu muhupenyu hwedu" "Zvino Tadiwa iye apinda papi munyaya dzedu?" "Mwana uya akandidherera akanditendeka nechigunwe unoda ndiite sei?" "Akazviita nekuti waiva warova Mai vake. Iwe waiita sei pawaiona Mai vako vachirohwa? Unoziva kuti zvinorwadza sei kuona mubereki wako achirwadziswa pasina zvaaita. Iwe Jay haana here kuenda kuna Mangwe akamubatira pfuti. Iwe uri nani wakatendekwa nechigunwe Mangwe akamukira kuchipatara nekuti aiva nerudo rwako. Ini handina kupfurwa here nekuda kwerudo rwako. Kana zvave kuna Tadiwa konzi haana kurairwa. Uri kuona kuti zvauri kuita uri selfish. Vamwe vakamukira kuchipatara nekuda kwako iwe uri kuchemera kuti wakatendekwa nechigunwe chete. Come ohhn Anenyasha" ",Saka uchasiya zvinhu zvose zvatakashandira?" "Saka ndinofanirwa kugarira izvozvo here. Pakati pedu hapasisina chinhu Anenyasha. Vana vakuru ava Saka ku pretender setinodanana hazvishandi" "Usati hatidanani nekuti ini ndichiri kukuda" Ane akadaro achigwadama mberi kwangu achichema. Ndakashamisika "Ndinokumbira usandisiya Tafadzwa please " "Anenyasha ndizvo zvawaida wani " "I was wrong now ndave kuzviona " "Manue!! Manue!!!!" Aiva Popo aidanidzira. "Manue buruka apo!!! Unopenga here!!!!" Popo akadaro "Manue" ndakadaro tichimhanyira kwaiva ne noise. Takawana Manue akamira pamsoro akatarisa pasi Anenyasha Takavhunduka patakaona Manue akamira pamsoro pe balcony "Manue!!!" Ndakadaro "Manue please don't do that my boy okay" Tafadzwa akadaro "Manue ndinokumbira usadaro please my boy" ndakadaro ndichichema Manue maziso aiva akatsvuka achingoremberera kunge munhu ane hope infact kunge munhu akadhakwa "Popo what's going on?" Ndakabvunza "Handizivi mhamha" Popo akadaro "Manue my boy please buruka titaure okay fine uchamur--" Handina kupedza kutaura Manue aiva atojamba. "Noooooo!!!!!" Ndaka screamer ndichiona mwana wangu achinoto bhuu pasi. Takamhanya tose tichidzika tichienda kwaari End of chapter