Chapter 10 Tafadzwa I hugged her so tight I understand her pain "I promise mwana wako tichamuwana" "What if zvinhu hazvifambi mushe vouraya mwana wangu nekuva double crosser?" "Trust me mwana wako uchamuwana hapana zvichaitika paari. Can I ask you something?" "Yes" "Baba vemwana varipo here?" "Ehe varipo asi takaparadzana for now ndine munhu wandinodanana naye" .ndakashamisika "Baba vemwana vanoziva here nezvenyaya iyi?" "Handina kumuudza nekuti hatitauri" "Munhu wauri kudanana naye anoziva here nezve mwana?" "Yes" "Saka ari kupi manje?" "Afonerwa ku restaurant ati anouya hake" Hezvo mukomana rudzii anosiya musikana wake ari munyaya yakadai achienda kubasa. Nyaya iri kuitika pamudzimai uyu haisi diki ihombe. What if akasara achiita something bad nekufunga mwana. Benzi remurume chete ringaita izvi "Saka iye ati kudii nenyaya yose iyi? Pane action yaari kutora here?" "Ahh handizivi ini" "Wanga uchifanirwa kumukumbira mari" "Haa Farai anotori nema problems emari" "Wait wait wati ani?" "Anoera chii Farai wacho?" "Zhou" Imwi ndizvo here zvandiri kufunga. Haa "Okay handingakwanisi kukusiya wega ndichamirira mukomana wako auye. Haungagari wega" ,"Thank you" Misodzi yaiva yanyorovedza hembe yake achingochema uku akatarisa pic yemwana wake.. you can see mumaziso make anomuda mwana wake, hupenyu hwake huri depend paari. Wambodya here?" "Handina nzara" "No unofanirwa kudya" ndakadaro ndichitora foni yangu ndichi order chikafu After 30 minutes chikafu chakauya. Ndakanochitora ndichimupa, akamboda kuramba kudya achiti. Haangadyi asingazivi kuti mwana wake adyei asi ndakamunyengerera kusvika abvuma "Mwana wako ane makore mangani?" "15 " "Ohh anoda kuenzana newangu, wangu wekutanga ane 17" Ndakamuona achinyenwerera asi kwaingova kwekumanikidza. After 30 minutes foni yake yakarira akaitarisa achinditarisa "Ndivo vanhu va kidnaper mwana wangu" "Okay isa pa loudspeaker" Akaita sekudaro "Hello" Mangwe akadaira "Wagadzira here mari yangu" Ndakabvuma nemusoro kuti Mangwe abvume naiyevo akabvuma "Good hanti unoiziva location nenguva, ukangoedza hako kufonera mapurisa mwana wako unomuruza" akadaro achikata foni. Mangwe akanditarisa "I'm scared what if pachizoitika something pana Tadie "Trust me hapana zvichaitika pamwana wako" After some minutes pakaita knock pa door Mangwe akaenda kunovhura akauya na Farai wake. Ndakashamisika pandakamuona naiyevo akavhunduka paakandiona "Ohh uyu ndi doctor Zvayi tanga tinaye ku meeting naiyevo ane private hospital" "Hey dude" ndakadaro tichikwazisana "Ayy ini ndave kufanirwa kuenda musare mushe" ndakaoneka ndichibva ndabuda ndichienda. Pandakasvika mumota foni yangu yakarira aiva Ane, pandakadaira yakabva yadzima. Ndakamutsa mota ndichienda kumba. Munhu wese aiva atorara kunze kwa Ane. "Hey Anenyasha dza Tafadzwa nei usati warara?" "Ndanga ndicharara sei usipo? Wesi hausi kudaira ma calls angu" "Sorry babe foni yangu yadzima apa charger ndanga ndaikanganwa kumba".. "Tafadzwa foni yanga yakadzima iyo yanga ichi ringer" Ndakaisa foni pa charger ndichienda paari ndichimukisa" "Babe I'm sorry" "Tafadzwa perfume yauri kunhuhwa ndeyani coz haisi yako. Ndeyemukadzi perfume iyi. Tafadzwa wave kundihurira manje?" Shit gara zviya ndahaga Mangwe "Babe" "Wave kuhura Tafadzwa "Ane unofunga kuti ndingaita zvinhu zvakadaro here ini?" "Unoda nditi kudii hezvo wave kunhuhwa ma perfume evakadzi" "Look babe kubasa tanga tichishanda then tapedza tikahagana" "Nei wauya nguva dzino Tafadzwa?" "I'm sorry babe" Haana kundipindura akabva apinda mumachira ndakabatidza foni yangu ndichifonera Roe" "Hayi shaar Respect mukadzi wangu ahh nei uchindifonera nguva dzino?" Roe akadaro achiseka "F**k maan Roe. Uchiri kuirangarira here list yevanhu vema business vakadonha?" "Haa ndingavakanganwa sei ndinovaziva" "Tarisa zve pa laptop yako kuti Farai Zhou haapo here" "Sho dude" Roe akadaro achikata foni . After 10 minutes akandifonera back. "Shaar neyi wandibvunza izvozvo?" Ndakatarisa Ane aiva andivhurira maziso ndakabva ndasimuka ndichienda pa balcony ndichimuudza nyaya yose. "Ndiri kufunga kuti ndiye a kidnaper mwana wa Mangwe sezvo ane problem yemari" "Yah zvave ku maker sense now Saka haamudi anongoda mari yekumutsa business rake" "I will make sure kuti Mangwe achamuona Farai kuti ndiye aita izvi. I wonder achaita sei" "Siis benzi remurume " "Shoo Roe tichataura mangwana" "Ndichakubatsira " Takaonekana ndichibva ndakata foni ndichipinda mumba. Gara zviya ndakatsamwirwa. Ndakaswedera paari ndichida kumukisa asi akaramba, pandakamutarisa mumaziso aichema "Hezvo Ane uri kuchemei?" "Siyana neni Tafadzwa!! You disgusting, nemakuriro ako Aya uchiri kuhura. Uri kuita zvinhu zvinofanirwa kuitwa nevana vako. Siis unosemesa Tafadzwa!!!" "Ndinosemesa ini Anenyasha, kubva zvatakagara tose handina kumbokuisa ruoko rwako so don't push me please" ndakadaro ndichipinda mumagumbezi ndichirara ndichizvivhara kumeso Progress Makuseni ndakamuka ndichienda ku kitchen ndichigadzirira breakfast ndichiimba dhomoroza yandakamboona ichiimbwa neumwe musikana pane rimwe novel. Ndiri busy kuimba Jay akapinda achifamba nevamwe baba. Hezvo ndanga ndisingatombozivi kuti haapo. Akabva auya kwandiri achindidana tichienda ku lounge "Proggy ava ndi Mr Ndoro vanodzidzisa vari kumba Saka vachabatsira nezvidzidzo" Jay akadaro "Zvidzidzo zvipi? Hapana chandoziva ini about zvidzidzo" "Don't worry ndavaudza nyaya yose about you. Vachakudzidzisa Monday to Friday uchange uchizorora Saturday and Sunday" Misodzi yakayerera pandiri. Jay akaswedera pandiri achindipukuta. "Hey hey uri kuchemei? Haudi here kudzidza? Ndivaudze vaende here?" "No ndinoda kudzidza" "Nxaa unopenga Gojasi Saka uri kuchemei?" Jay akabvunza achiseka. Neniwo ndakayerekana ndave kuseka "Ndakuvigira ma book, tichatanga nemuvhuro kudzidza" Mr Ndoro vakadaro vachindipa ma book. Ndakaatora ndichinyemwerera. Mr Ndoro vakazooneka vachienda. Ndakasara ndichihaga Jay ndichimutenda nezvaaiva andiitira Mangwe I don't know how I feel today. Nei ndichivimba Dr Zvayi munhu wandaziva nezuro Farai anova mukomana wangu aripo. What if handichazooni zve mwana wangu? Ndichiri mundangariro Farai akabva amuka "Morning" "Morning asi wave kuenda?" "Yah basa randanga ndadeedzerwa ku restaurant nezuro handina kuzoripedza" "Okay" "Une sure here kuti haudi kuenda nemapurisa?" I don't know why ndichi truster Dr Zvayi asi iye ndinomu truster. Am I doing the right thing nekusaudza Farai nezva doctor Zvayi. But sezvo ati ndisaudza munhu ndichaita sekudaro. Farai ndichazomuudza mwana wangu ndamuwana "Yah ndchazviita ndega" "Zvisinei hazvo enda neni ndichahwanda munzira" "No Farai please ndinoda kuzviita ndega" "Okay babe good lucky " "Ndinotenda" Farai akasimuka achinogeza. Foni yangu yakapinda message aiva Tafadzwa aindiudza kuti ndive ready na 12 tiri kuenda. Ndakabvuma ndichibva ndasimuka. Farai paakapedza kugeza akabva aenda. Nhasi izuva rekuzvarwa kwemwana wangu. Anofanirwa kuti dai achipemberera zuva rake asi iye ari kushungurudzwa. Foni yangu yakarira aiva Prim. Takamhorosana achibva andibvunza nezva Tadie sezvo aitadza kumubata pafoni yake Ndakamboda kumuvanzira asi nekuti ndaida rubatsiro rwake ndakamuudza nyaya yose uye ndakamuvimbisa kuti Tadie ndichauya naye. Ndakazomukumbira kuti auye neshamwari dzake va decorate mumba Tadie paanouya arikupemberera birthday rake. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Kuma 11 Prim na Sheila vakauya kuzotora mari yekugadzirira party then Kuma 12 Dr Zvayi akauya neumwe murume wandisingazivi "Hey uyu anonzi Roland I shamwari yangu ndiye achandibatsira pabasa iri" Dr Zvayi akadaro Takamhorosana na Roland "Tave kufanirwa kuenda guys pasati paita anotiona" Dr Zvayi akadaro Takaenda kumota yangu, Tafadzwa ndiye aichaira, vaiva vakabata zi bag zihombe "Bag iri rine mari asi hatichaendi ku location yavakuudza" "Why?" Ndakabvunza ndiri confused "Mwana wako Havana kuuya naye ku location yavataura asara kwavakamukinpera na boss wacho wekuita zvose izvi " Tafadzwa akadaro "What if vachizokuvadza mwana wangu? Imwi maziva sei nyaya iyoyo?" "Tiri kushandisa number yavari kukufonera nayo uri kutambwa apa mwana havakupi kana wavapa mari vacharamba vachingoda more" Tafadzwa akadaro Ndakavhura maziso nei vanhu ava vachidaro. Tafadzwa akamutsa mota. Yakanomira pane imwe imba yaiva yakasakara, Tafadzwa akaimutsa zve achinomira nechekure zvishoma nemba iyi. Paiva pava nevarume vakawanda vanhu va doctor Zvayi vanga vachititevera kumashure. Vakasara vakatarisa panzer isu takanyahwaira tichipinda mukati. I'm scared this place inotyisa yoo. Zvichakadaro takasangana ne security paraida kupfura Tafadzwa aiva atova pariri akarinyudza nebanga pachifuva. Pandaida kuridza mhere Roland akandivhara muromo. Pandakavhura maziso raiva ratoenda kuvadzimu varo, Tafadzwa akarisunda richinodonhera pasi, tichinyahwaira tichipinda mukati. Roland na Tafadzwa vaiva vabata pfuti mumaoko Takanzwa noise mune rimwe room, takanyahwaira tichiendako. Takapinda mukati sezvo maiva musina kuvharwa. Ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona Tadiwa akasungirwa pa chair. Pa side pake paiva na Farai aiva akagara kunge akarara Ndakabata muromo "Fara---" "Mom--" Farai paakati asimuke atore pfuti Tafadzwa aiva atomubata. Ndakanzwa musoro wangu uchidhuma. No ways ndiri kurota, kwete Farai wangu. Ndakamhanya ndichienda Kuna Tadiwa ndichimusunungura nekukurumidza, ndichimubisa ne seletepu "Tadiwa" ndakadaro ndichimuhaga Jayden Zvinhu zvose zvave mugwara manje, ndatogadzira everything, now ndiri kuenda Kuna Simba sezvo tichifanirwa kuenda kwa Nzuza ku family ine hutsinye vachandiziva mushe nhasi. Ndakasvika kumba kwake ndikamuwana akagara na Shawn "Machinda" "Sure sure Jahunda" Shawn akadaro "Ndikare takakumirira ko kusauya hanzii" Simba akadaro "Ndamboita busy zvishoma but now ndapedza" "Okay okay guys let's go" Shawn akadaro "Aewa iwe hauendi unoziva kuti unoda kuita mukwasha wepamusha paya Saka akakuona anozokuramba" ndakadaro "Yah uri kutaura chokwadi Saka basa ndinofanirwa kutanga rinhi?" Shawn akabvunza "Chero mangwana tanga hako basa rako" ndakadaro "Okay Jay hande" Simba akadaro "Sure vanhu vekwa Nzuza vanodherera manje this time vawana vanhu vakafanana naivo" ndakadaro tichibuda tichinopinda mumota tichiinangisa kumba kwana Proggy. Ndinoda kuvadzidzisa chidzidzo imbwa dzevanhu. Kana ari semwana mukomana wacho handizivi kuti ndichamuitei. Takamisa mota pagedhi tichibva tapinda mukati. Takawana Mai na baba vacho "Makadii" ndakadaro. Vakatarisana "Tingakubatsirai nei" "Okay tauya kuzokuudzai kuti torai zvimasaga zvenyu mubude mumba mangu" ndakadaro. Vakatarisana vachivhunduka "Imba yangu iyi neyi muchiti imba yenyu" "Okay ndakaita research ndikawana kuti imba iyi ine chikwereti munhu achabhadhara loan iyi ndiye achatora imba Saka ndizvo zvandakaita. Saka yava yangu zviri pamutemo" ndakadaro ndichivapa mapaper. Imba yacho handitomboigari chandinongoda kuti vatambure chete. Vanzwe marwadzo avainzwisa Proggy. "Apa loan yanditengesera sezvo musingachabhadhari chikwereti chavo" Vakapedza kuverenga vave kudedera. Mudzimai wacho akatanga kuchema "Mwanangu hakuna kumwe kwatingaenda tinzwirevo tsitsi." "Muri kutambisa nguva yenyu nekuti tsitsi dzamuri kukumbira handina" "Uye hatibvi pano musati mabuda" Simba akadaro Zvichakadaro pakapinda mukomana wacho, ndakanzwa hasha zvekuti ndaida kumupedzera nebara mumusoro, pandaiva ndave kubuditsa pfuti Simba akanditsiura "Mhamha chii chiri kuitika?" Thabani akabvunza. Mai vacho vakamuudza nyaya yose "Hamungaiti izvozvo?* "Totadziswa nani. Iwe unoda kutiudza kuti tiite sei nemari yedu. Muchaguma kushungurudza vana vevanhu" Zvichakadaro vanhu ve loan vakasvika sezvo ndaiva ndavafonera kuti vauye vagadzirise nyaya yavo, ini handingakwanisi kumira mberi kwevanhu ava ndichipindurana navo chandinokwanisa kuisa bara mumusoro but not today. Vanhu ve loan pavakauya ndakavaudza kuti vanhu ava vabudiswi nhasi chaiye takatendeuka na Simba tichienda. Mai vacho vakatitevera vachitinyengerera asi takanopinda mumota kunge tisingavanzwi. Munyaradzi Shuu ndini here uyu ndakagara mujeri kwemakore gumi nemashanu. Ndaiva ndapihwa 20 years asi nekuda kwekuzvibata zvakanaka vandibudisa ne parole. For now pfungwa dzangu dzakamira panzvimbo imwe chete handizivi kuti pandichabuda pano ndichananga kupi Kumba handingaendi nekuti havangambondi gamuchiri. Dai baba vanga vachiri Mambo yah zvaiva nani, manje bamkuru Shingi yooh mahwani akapfekedzwa. Kana vari sevana vangu havadi kundiona. The best thing kuMberengwa (kumusha kwa Munyaradzi) handiendi better ndigare mu Harare nditange ndagadzira hupenyu hwangu. Ndichazovaona ndagadzira everything. Iko muno mu Harare ndichagara kunani nekuti hapana wandinoziva End of chapter