Chapter 17 . Tadiwa Ndakapepuka makuseni, ndofanirwa kumuka nekuti ndiri kuenda kuchikoro, ashuu apa ndichiri kunakirwa nekurara ini. Foni yangu yakarira aiva Manue, ohh andivimbisa kuti achandimutsa. Takamhorosana tikataura nyaya dzisingaendi kure tichibva taonekana. Pandakavhura maziso ndakanzwa achindiremera. Hezvo chii manje. Ndakamuka ndichienda pa mirror maziso angu aiva akazvimba. Ndakadzika downstairs ndakawana mhamha vachigadzira breakfast naivowo vakashamisika vachiona maziso angu "Baby maziso ako aita sei?" "Handiziviwo mhamha angomuka akadai" Mhamha vakaswedera pandiri "Hayi Princess waita sei?" "Handizivi mhamha pamwe ndarara zvakaipa husiku" "Even though haafanirwi kudai" Takagara pasi tichitanga kudya breakfast yedu "Unoenda here kuchikoro wakadai?" "Ndinoenda mhamha zvichapera izvi, beside kuzvimba chete haasi kurwadza" "Okay asi kana zvikakukurira undifonere ndiuye kuzokutora" "Okay mommy" Tapedza kudya takapinda mumota mhamha vachidarika vachindisiya kuchikoro. Ndakasvika kuchikoro tikaonekana ndichibva ndapinda mukati. Handiziviwo neyi maziso angu akadai Jayden Ndakamuka makuseni Moyo wangu uchirwadza nezvinhu zvandaita Proggy. Chete ndanga ndine marwadzo mumoyo mangu nezvinhu zvakaitika pa birthday rangu ndichiri mudiki. But even though ndanga ndisingafanirwi kupedzera shungu pana Proggy. I hate kushungurudza vakadzi asi nhasi ndazviita pana Proggy. Hamenho Proggy anofungei nezvinhu zvandamuita nezuro. Proggy haazivi chinhu ne past yangu. Ndinofanirwa kumukumbira ruregerero. Ndakabuda ndichienda mu room make aiva asimo. Ndakavhunduka ndichinovhura closet yake. Ndakatura befu pandakaona mbatya dzake dziripo. I'm sure Ari ku kitchen nekuti bathroom hakuna noise yemvura. Ndakabva ndaenda ku kitchen kwandainzwa noise yepoto nendiro.ohh here she is. Aiva akabata ndiro paakandiona akavhunduka achidonhedza ndiro achidedera "Hey handikuitu chinhu" I feel so bad nezvaari now. Ndakanhonga ma piece endiro ndichiaisa patafura "Ndinokumbira kutaura newe" ndakadaro ndichimubata maoko haana kundipindura "Please usanditya okay?" Akabvuma nemusoro Ndakamutora tichinogara pasi "I'm so sorry nezvinhu zvandaita nezuro chete pandaona surprise yako ndabva ndasvikirwa nezvinhu zvakawanda mupfungwa dzangu" Haana kundipindura akangonditarisa "Zuva razuro ndine past yakaitika pandiri. It was my birthday pakaitika zvinhu zvinorwadza zvandisingafi ndakakanganwa Saka Kubva ipapo handichaiti zvinhu zvema birthday nema party. Handingakuudzi manje kuti chii chakaitika asi rimwe zuva ndichakuudza" "I'm sorry nekukudzimbira mavanga. Ndanga ndisingazivi. Ini ndanga ndichiti ndiri kukutenda nezvinhu zvawakandiitira" "No no gojasi usakumbira ruregerero ini ndofanirwa kukumbira ruregerero nezvandakuita nezuro. Asi chero uchida kundifadza sei usandiitira party or birthday, yes birthday yevamwe ndinoipemberera asi hangu aewa. "I'm sorry" "It's fine goji kana uchida kunditenda iripo imwe nzira" "Yeyi?" "Enda neni out undiitire chinhu chiri special" "Okay ndichabuda newe out kwacho" "Ndichanzwa newe Rega ndinogeza" "Okay" Ndakabuda ndichienda mu room mangu. Thank God a understand asina kumbobvunza mibvunzo yakawanda, Ari umwe anga achada kuziva nezve past yangu Mangwe Yoo hoyu munhu achindinetsa . Ndakamuudza Wani kuti zvinhu zvakaitika pakati pedu it was a mistake. Chiiko naye. Manje ave kuita wesi ave kusvika chero kubasa "Tafadzwa please Buda muno ndisati ndakudanira security" "Pane zvinhu zvandinoda kukuudza zvakakosha" "Handidi kunzwa chinhu ini. Ini newe hapana chiri kuitika" "Ndine mukadzi demet!!!!" WTF ndakavhunduka ndichimutarisa "Yes ndine mukadzi nevana vatatu kozoita vamukoma wangu vakakurira pandiri Saka zvakangofanana nekuti ndevangu so zvichireva kuti ndine vana vashanu" Hana yangu yakarova. I knew it kuti ndicharwadziwa zve. Whet it comes to love ndinogara ndichishungurudzika. Saka zviri pachena kuti ndinofanirwa kuva focus pamwana wangu chete ndisiyane nenyaya dzemujolo idzi. Misodzi yakayerera pandiri, ndakaipukuta nekukurumidza "Tafadzwa uri kudei pandiri?" "I love you Mangwe ndinoda kukuita mukadzi wangu wechi two" Hee mashura, anopenga here Tafadzwa? Ndezvekupenga manje izvi zvaari kundiudza. "Focus pamukadzi wako Tafadzwa. Ini nyaya dzebarika idzi handidzipindiri uye handidi kurwadzisa umwe mukadzi akafanana neni nekuti ndinoziva zvinorwadza sei" "Hapana waucharwadzisa hanti unenge uchidanana neni here?" "Nei wakarara neni uchiziva kuti une mukadzi? Nei usingaremekedzi mukadzi wako Tafadzwa? Iko wakaregerei kundiudza usati warara neni?" "newevo wakaona zvalamgozviita zvega" "Buda mu office mangu Tafadzwa I've focus nemhuri yako neniwo ndichava focus neyangu, and yes usandifonera zve handidi zvekuti uzondirovesa nemukadzi wako ini " "Mangwe look we can do it please I lov---" "Get out of my office Tafadzwa!!!!" Akamira kwenguva achinditarisa "Ndinokuda Mangwe zvakanyanya futi. Ndinokumbira uzvipe nguva ufunge nezvazvo" "Buda Buda!!" Ndakadaro ndichimusundira panze ndichivhara door ndichitanga kuchema. Zvichakadaro Prim akandifonera achidiudza kuti Tadie ave wesi. Ndakabuda ndiri short ndichienda kuchikoro kwake. Ndakasvika vakandiudza kwaaiveri. Ndakaenda ko ndiri mhepo. Ndakavhunduka pandakaona maziso a Tadiwa avharika "Tadiwa" ndakadaro misodzi ichiyerera "Mhamha ndiro kurwadziwa " Tadi akadaro achichema. Ndakatsinzina ndichidzora misodzi "Nesuwo hatizivi kuti aita sei tangomuonawo akadai" headmaster vakadaro. "My Princess don't cry okay. Uchava right tiri kuenda kuchipatara manje" Headmaster na Prim vakandibatsira kubata Tadie tichimuendesa kumota. Chirwere rudzii chakadai. Munhu angomuka akasvika pasina kana 5 hours maziso atovharika, apa maziso acho Ari kubuda misodzi. Ndakamutsa mota ndichiimhanyisa semupengo ndakananga kuchipatara Jayden Unoziva handisati ndambozvipa nguva yekutarisa Gojasi. Zveshuwa aitaura chokwadi paaiiti ndimudane ndichiti Gojasi. She's so gorgeous indeed. Haatombodi chero kuisa make up kuti anake. Ndiri kumuona akanaka ari natural. Now takagara pane imwe restaurant paabuda neni out. Ndaingomuyeva ndisingapedzi "Unoziva here kuti wakanaka sei" "Yes ndinoziva,. Extra beautiful" Ndakanyemwerera "You don't need make up" ",Thanks" "Ndini ndinotenda nekundibudisa out" "You deserve it" Takadya chikafu chedu. Tichiri kudya kudaro pakabudikira Vanessa. Vanessa I shamwari ya Muchaneta. Haa nyaya yacho icharara yasvika Kuma Mucha manje "Makadii" Vanessa akamhorosa zvekuvhaira "Tinosimba uri sei iwe " Proggy akadaro ndakazvibata muromo ndichida kuseks "Hevo Vanessa uri sei?" Proggy akanditarisa achishamisika. Ohh anga asingazivi kuti tinozivana. Vanessa akabva aenda. "Asi musikana wako?" "Haisi type yangu iyo" "Hmm" "Ishamwari ya Mucha, let's hope unogona kukanda chibhakera ini kana boxing yatanga handiipindiri" "Haa ndichirwirei ndinongotoza chete ini" Ndamuseka naiyevo akapedzisira akuseka. Mangwe Takasvika kuchipatara tikamupinza mu ward. Aingochema achiti maziso ake Ari kurwadza. Neniwo ndaiva ndave kuchema kuona mwana wangu achichema. Ko chii chaizvo chiri kimboitika pamwana wangu. Ndakara panze pabhenji nekuti handingakwanisi kumubatsira ini. . Ndiri kuchema ndingazoita emotional kwaari. "Msiguru musachema Tadie achava Prim akadaro "Wamuona Tadiwa Ari kuchema Prim. Meaning Ari kurwadziwa zvakanyanya" ",I understand maiguru zvino imwi mukachema iye achanyaradzwa nani" Zvichakadaro kudzai akabudikira achiuya kwandiri achimhanya achindihaga "Mangwe Tadiwa ari kunzwei?" "Handizivi Kudzi angomuka maziso akazvimba now ari kuchema haachaoni" "Achava right chomie chirega kuchema" "Asi nei zvaitika kumwana wangu?" "Chirwere chomie munhu anofanirwa kumborwara achava right Tadiwa" "Kudzai chirwere rudzii china Tadiwa? Pane wawakamboona anorwara chirwere Cha Tadiwa?" Kudzai assti apindura Dr Gono vakabuda mu ward maiva na Tadie. Ndakamhanya ndichienda kwaari "Dr mwana wangu ari kunzwei?" "Dr Ngwenya mwana ndamuita ma test ose Ndashaya kuona problem yakonzera zvaari." "Unorevei Dr?" Ndakabvunza "Chero mushonga ndaedza kuuisa asi hapana chachinja" "Yoo zvakamboitikepi izvozvo?" Kudzai akabvunza "Can I check her?" Ndakadaro misodzi ichiyerera "Okay doctor " Ndakapinda mukati ndichitora na tools ndichimutarisa. Ndakaita zvose asi hapana chandakawana. Ndakadikitira kuchipisa. Zvisinei hazvo ndakanzwa kurerukirwa nekuti aiva asingachachemi. Ndofunga injection ndiyo yararisa marwadzo. "Yoo Saka ndichaita sei?" Ndakadaro ndichipukuta misodzi "Mangwe hamenho zvandiri kufunga uchabvumirana nazvo here?" Kudzai akadaro "Zveyi?" "Hakuna munhu angangomuka maziso akazvimba dhuku dhuku haachaoni ayy pamwe zvinhu zvaitwa nemavune izvi. Tadii tambozama doctor wechivanhu?" Kudzai akadaro "Haay hakuna zvakadaro" ndakadaro "Ma'am I think ichokwadi hapana mwana angangorwara tobva tashaya chikonzero" Dr Gono vakadaro "Ndinoziva kuti n'anga haudzifariri Mangwe asi for the sake of Tadiwa please" "Kudzai but n--" "Itira Tadiwa Mangwe" "Fine" 🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷 Takadarika kumba kwa kudzai tichisiya Prim tave kuenda ku n'anga inozivikanwa na Kudzi. Tadiwa aiva akarara ndofunga ijekiseni yaapihwa na doctor. Takasvika ku n'anga Tadiwa achibva amuka "Mhamha" Hey my baby" "Maziso ari kubaya" "Uchabatsirika mwanangu usachema okay" Pakabudikira umwe mukomana akatitora achienda nesu kuimba yaiva ne n'anga "Ayy!! Ayy!! Ayy!!" Ndakatarisa Kudzi. Ko ndozvizivira kupi zvinhu zve n'anga ini "Hayi hayi munondiremera vanangu. Zvinhu zvamakatakura zvinorema chero ini zvinondiremera. Mwana akavharika maziso" "Ehe sekuru" Kudzi akadaro "Ndinokumbira sekuru mutinatsirs nezvinhu zvatafambira chete zvimwe zvose siyanai nazvo" ndakadaro Kudzi akanditarisa. Ndiri kutaura chokwadi chandinongoda kuti mwana wangu abitsirike chete kwete zvimwe. Handidi kuzoudzwa zvinhu zvichagara zvichindinetsa ini. "Vari kupi baba vake?" Ndakavhura maziso ."haana baba uyu" ndakadaro "Mangwe please" Kudzi akadaro "Zvagara haana baba" ndakadaro "Nyaya iyi yakaoma zvekuti mukasangwarira mwana achagara akadai kwe hupenyu hwake hwese" "Saka tinofanirwa kuita sei?" "Mwana uyu anoda kuziviswa kumba kwavo anoda chivanhu chekumba kwavo" "But n--" Handina kupedza kutaura Kudzi akadzungudza musoro achindinyararidza "Mwana anoda mutupo wake wekwa Kuchicha kwete wa Mai vake wekwa Ngwenya hausi wake. Vadzimu vekwa Kuchicha vanomuda mwana wavo" "Asi ndakaita divorce zviri pamutemo wani" "Iwe wakaita divorce asi mwana haasi wekwa Ngwenya ndewekwa Kuchicha. Vadzimu vekwa Kuchicha vanoda mwana wavo" Ndezvekupenga manje zvandiri kunzwa pano "Sekuru Saka tinofanirwa kuita sei?" Kudzai akabvunza. ",Mwana anofanirwa kuenda kumusha kwakazvarirwa baba vake anoitirwa chivanhu apinde mudanga aziviswe kuvadzimu. Mwana wenyu achava right asi mukaita nharo mwana achaitwa zvihombe zvinodarika apa zvavatotanga kudai Vanomuda vadzimu mwana atsike kwa Kuchicha Pandaida kutaura Kudzi akabva atotaura achivhara kuti ndisataura "Takunzwai sekuru tichaita sekudaro mwana tichimuendesa kumba kwavo." "Musamborega henyu nekuti mungazoona zvihombe zvinodarika izvi" sekuru vakadaro "Chiendai" sekuru vakadaro vachitipa mushonga wekuzora Tadiwa. Takasvika mumota ndikagara ndakatarisa mudenga "Uri kufungei?" Kudzi akabvunza "Tadiwa ndewekwa Ngwenya haasi wekwa Kuchicha" "Mangwe nharo hadzibatsiri please. Apa tiri kuitira mwana hanti waona kuti ma doctor azvitadza?" "Vadzimu vekwa Ngwenya vachamubatsura" "Vadzimu vekwa Ngwenya vachabatsira iwe Mangwe kwete Tadiwa" Misodzi yakayerera pandiri. "Vadzimu vachonvaimbovepi Mike paakandidzinga mwana ane zuva rimwe chete azvarwa? Vaivepi panguva yacho? Vaivepi ndichikurisa Tadiwa ndega zvavave kubudikira manje vachiisa ma demand ekutinTadiwa mwana wavo" ", Vadzimu ndizvo zvavari Mangwe. Vanoita zvinhu nenguva yavo" "Tadiwa achabatsirwa nevadzimu vekwa Ngwenya" Mangwe please " "Kudzi zvakangofanana Mike anomuvenga Tadiwa, papi pacho paangazoshandisa Mari dzake nemukadzi wake achigadzirira Tadiwa. Haadi chinhu chinomusanganisa na Tadiwa" "Just try" "Handingambotambisi nguva yangu Mike ndinomuziva ini. Iko vadzimu vacho neyi vachipanicha mwana wangu vasingapanichi Mike nekuti ndiye honzeri pazvinhy zvose" Kudzi akandihaga Handina nguva yekunonyengerera Mike ini akandiudza kuti haadi chinhu pana Tadiwa. Vadzimu vacho vanopenga here. Neyi vasingasiyani nemwana wangu vapaniche mwana wavo Mike akatanga nazvo Magebede Ndakanzwa mafudzi angu achindiremera kunge pane munhu akagara pamsoro pangu. Ndakatarisa mudenga ndikaona roof yandisingazivi. Shiit ndichiri kunyatsozi a kuti chii chakaitika kwandiri. Ndakaedza kusimuka asi pakabudikira umwe mudzimai. "Wow wamuka" Ndakamutarisa ndichishamisika "Hey usazvikivadza" "Ndiri kupi?" Musikana uyu akanyemwerera "Kanganwai nezvekuti muri kupi imwi Ivai focus pakupora zvimwe tichatauta mave right" "Ndinoda kuenda kumba zvakawanda zvinhu zvandinoda kugadzira" "Muchaenda mhamha parizvino munofanirwa kutanga mapora ndichakubayayi jekiseni hamufanirwi kufunga zvakanyanya pamsoro penguva yose iyi muri pacoma" "Ndinoda kuen--" "Please mhamha tichataura" Akadaro achitora jekiseni achindibatam ndinofanirwa kuenda kumba ndinoudza Mike zvinhu zvose zvakaitwa nemukadzi wake. Ndichaenda kumaruzevha ndichati vakufonere auye ikoko. Ndikaenda ku Harare angazonyumwa End of chapter