Chapter 33 . Manue Ndavhunduka zvakanyanya Tadiwa paari achabisa mwana wangu. Ndakaenda kuna mhamha ndichiita kudedera "Chiiko Manue Kubva wavhura maziso kunge mbudzi yabikwa nenyanga dzayo. ?" "Mhamha ndi Tadiwa" "Aita sei?" "Ati anoda kuuraya mwana wangu ndinokumbira mundiperekedze kumba kwavo asati auraya mwana wangu" "Why achida kuuraya mwana?" "Adzingwa kuchikoro Saka ati achabisa nhumbu kuti adzokere kuchikoro " "Are you sure?" "Ehe mhamha ndanga ndichitaura naye andiudza kuti achamubisa" Mhamha vakatora foni vachifonera Mai va Tadie asi havana kudaira "Ko nei Mangwe asingadairi?" "Mhamha nguva yefoni haipo handei kumba kwavo" ndakadaro ndichidhonza mhamha tichinopinda mumota tichienda. Munzira ndaingoedza kufonera Tadiwa asi aiva asingadairi "Come ohn Tadiwa pick up the phone" "Calm down Manue" "Mhamha Tadiwa achauraya mwana wangu. Mwana wangu waakatakura " Takasvika kumba kwavo, pa door handina kumbogogodza, Tadiwa aiva akarara pasofa Mai vake vakagara vachiona TV. "Tadiwa!!!" Ndakadaro ndichimhanyira kwaari ndichimubata dumbu "Tadiwa wauraya mwana wangu?" "What?" Mai vake vakadaro "Tadiwa ati anoda kubvisa nhumbu" "Tadiwa wazvitaura here?" Mai vake vakabvunza "Yes kwanga kuri kutsamwa asi handingazviiti" "Asi ini hauna kundiudza ka kuti hauzviiti" ndakadaro "Manue neyi uchitorera zvinhu pamusoro?" Mhamha vakabvunza "Mhamha ndanga ndichifanirwa kuita sei iye ati anoda kubisa nhumbu" "Iwe Tadiwa wazvitora kupi zvinhu zvawanga uchitaura?" Mai vake vakabvunza "Anga asina basa kuti ndadzingwa kuchikoro saka ndanga ndichingoda kumukaurisa" Tadiwa akadaro "Usapamha zve kutaura zvinhu zvakadaro okay?" "Okay mhamha handipamhi " "Are you okay?" Mhamha vakabvunza Tadiwa akambonyarara kwenguva "Yes" Tadi akadaro "Wakazviona zvinhu zvandakakutengera" mhamha vakabvunza" "Yes" "Okay tave kuenda isu " mhamha vakadaro tichibuda tichinopinda mumota Musikana uyu handimunzwisisi ini neyi anga achifanirwa kutaura zvinhu zvakadaro kwandiri "Are you okay?" Mhamha vakabvunza "Ehe mhamha" "Tell me musikana uyu munhu akaita sei?" "Handizivi mhamha" "Hauzivi sei ari musikana wako?" "Mhamha ndinofanirwa kuita sei ini? Munhu anondiudza zvinhu zvakadaro, I'm done na Tadiwa ndangomirira mwana wangu chete kuti abude paari ndione kuti ndichaita sei. Kubva zvandakabva kuchipatara haana basa neni anongondiudza mashoko anorwadza" No baby usataura uchidaro" Handina kuvapindura mhamha ndakatarisa panze nepa window. Ndakanzwa musoro wangu uchirwadza pandaiva ndakuvara Jayden Ndaichaira ndichingotarisa Popo, handizivi kuti mwana wa Mai apindwa neiko. Neyi achida kurarama hupenyu hwehugunduri ari musikana? Ndainzwa kuda kumupamha neimwe mpama. Popo hapana chaanoshaya chose chaanoda anochiwana Saka neyi achida kuzviregerera kudaro. Kuenda kumba kune mufambo zvishoma shoma. Tafamba 20 minutes ndakaona mota mbiri kumashure kwedu. Ndakatora dust road ndikaona dzichiteverawo dust road maybe dziri kutevera ini. Ndakamhanyisa mota ndichipinda mu main road naidzovo dzakapinda mu main road, ohh Saka vari kutoda nezvangu ka vanhu ava. Ndakatarisa Popo aiva ave kubvunda I'm sure aona Kuti mota idzi dziri kutevera isu. Ndakatora foni yangu ndichifonera Simba "Simba" "Dude" "Pane mota mbiri dziri kunditevera I think I team rema drugs please trace mota yangu muuye. Muuye ne two mota nekuti ndinoda Kuti imwe iendese Popo kumba" Ndapedza ndakakata foni ndichimhanyisa mota, "Jay!!" Popo akadaro achi screama "Hey don't cry hapana zvichaitika okay" ndakadaro ndichiwedzera speed kudarika pekutanga, naidzovo dzakawedzera speed dzichinditevera. Okay it's confirmed Kuti dziri kutevera inini. So now ndave kufanirwa kuzvigadzirira asi hapana zvandingaita Popo ari pano. Ndakavhetemesa mota, zvichakadaro takanzwa noise yepfuti. Popo akaridza mhere ",Hey don't cry please" Ndakamhanyisa mota uku noise yepfuti yaiititevera kumashure. Mota dzakandimhanyisa zvekuti neniwo ndaiva ndatoona Kuti uku ndokupera kwedu uku. Zvichakadaro ndakanzwa foni ichirira, Popo akadaira. "Dude we left with 10 minutes Kuti tisangane newe Saka tiite sei?" Simba akadaro "Imwi vhiringidzai mota idzo I know vachamira ndowana mukana wekuburutsa Popo muno" ndakadaro "Okay 5 minutes be ready" "Sho" After 5 minutes ndakaona mota ya Simba ichiteverwa neimwe kumashure. Vakabudisa pfuti dzavo hombe vachipfura. Zveshuwa plan yangu yakabudirira. Vakamisa mota vachitanga kupfurana, ndakabuda chihwande ndichitora Popo ndichimuendesa kune imwe mota, akapinda mumota nekukurumidza ",Tora Popo umuendese kumba kwa Simba ndichauya ndichimutora ikoko please take good care of her!!!" "Sho" akadaro achienda Ndakaburitsa pfuti yangu ndichitanga kupfura. Apa vanhu ava vakawanda, vaita kuuya ne kombi chaiyo, isu tingori 3 chete F**k I think we need to race hatina choice" "Ko mune pfuti ngani?" "Pfuti dzasara kumota iya yaenda na Popo" "Okay for now ngatimbovavaraidza mota itange yasvika" ndakadaro uku tichipfura "Hunza ma drugs angu zheve dza Mai vako!!!" Spikes akadaro "Fu**k Mai vangu vanopinda papi iwe mbwa!! Unotovhaira nezvinhu zvinouraya vana!!!!" "Pane mwana wandakambobata here ndikamumanikidza kudya ma drugs!!!! Wakambondiona kumba kwenyu here ndichiuya kuzotora hanzvadzi yako ndichiidyisa ma drugs!!!!" Spikes aipfura achiswedera pandiri, ndakaramba ndichipfura, ndichipfura kudaro ndakanzwa pfuti yati zii pandakatarisa mabara aiva apera "Shit!!!" Spikes akazviona achibva atowana mukana F**k" ndakadaro ndichimhanya ndichida kunopinda mumota asi Spike akandipfura paruoko "Jay!!!!" Simba akadanidzira achimhanya achinopinda mumota kunzvimbo ya driver Bongani naiyevo akamhanya achinopinda mune yangu mota. Vana spikes naivowo vakapinda mumota. Ndakabata ruoko rwangu rwaiva rwakurwadza "Try kubisa bara dude" Simba akadaro achibudisa banga muhomwe make achindipa "Thanks" ndakadaro ndichitora banga ndichibisa bara zvagara raiva risiri kure. Tichifamba kudaro takanzwa noise kumashure patakatarisa yaiva kombi yaikunguruka. Takatarisana tichiridza miridzo tichiseka "Dankooo!!!" Ndakadaro ndichibudisa musoro kumashure ndichiseka. Mota diki yaiva na Spikes yaiva yamira takarovana maoko tichirova pasi Portia Ndaimbeya mumba ndichingofunga Jay. Vanhu vaya vanga vakawanda shame apa Ivo vanga vari vatatu. Kuti andirova hazvirevi chinhu izvo Jay anondida azviita nerudo rwaanarwo kwandiri. "Hey don't worry boss vachauya" Ndakamutarisa "Boss?" "I mean Jay " "Vanhu vaya vanga vakawanda handifungi vakapabuda ini" "Usavatyira vanobuda chete" Ndakazvikwenya musoro pfungwa dzangu dziri Kuna Jay. After some minutes Ndakanzwa mota yaidhuma ndakabuda ndichimhanya dzaiva mota dzavo dzaipinda. Vakabuda mumota vachiseka zvavo kunge pasina zvamboitika. Vanhu shuwa vangaseka ini ndavasiya vari munjodzi yose iya here. Ndakamhanyira Jay ndichimuhaga "Are you okay?" "Ndiri right" "Simba are you okay" "I'm fine don't worry hapana zvaitika" Ndakavhunduka pandaona ruoko rwa Jay rwakakuvara "Jay ruoko" "Don't worry it's a small thing" "Small thing Jay" "Yes Popo don't worry. Shit nhasi handina kumbotaura nemukadzi haa ndarambwa ini" Jay akadaro Simba akaseka "Gents thanks guys " "Sure" Simba akadaro "Regai tiende isu Popo hande" "Ndini ndichachaira" ndakadaro "Ndakuvara zvishoma Popo " Handinganzwi na Jay ini ndakanogara ku steering. "Popo ndikangonzwa futi kuti wasvuta ma drugs this time ndinokuuraya" "Handipamhizve mukoma" "Asi newevo chii chaizvo chakakuisa muma drugs" "Kutaura chokwadi kana ndikasvuta ma drugs ndinonzwa kurerukirwa Kubva zvakashaya mhamha" "F***k you maan Popo!!!! Wakuzoita zvinhu zvekupenga uchivhara nenyaya ya mhamha. Kungonzwa kuti wasvuta ndinokuuraya nemaoko angu" "I'm sorry " "Save it" Ndakachaira ndikanosiya Jay kumba kwake nekuti haadi kuti mhamha na baba vamuone akadai. Ati ndisavaudza zvose zvaitika. Ndakasvika kumba ndikamisa mota. Hana yakatanga kurova manje, handizivi ndichavatarisa sei vabereki vangu. Apa vakagara mu sitting room kuti ndiende mu room mangu ndinofanirwa kudarika mu sitting room . Ndakazvishingisa ndichibva ndapinda. Hapana zvavakataura vakangonditarisa. Ndakapesvaira ndichienda mu room mangu. Ndakasvika ndichizvikandira pa bed. Zvese izvi zvakonzerwa na Manue, handizivi anga achidei pazvinhu zvangu now baba na mhamha vakanditsamwira nekuda kwake. Lizard akuvara paari nekuda kwake. Mukoma wangu azvivakira vavengi nekuda kwake. Spice ndinomuziva haazorori kusvika Jay amuuraya. Ohh gosh i can't loose my brother. Zvichakadaro foni yangu yakarira, ndakadaira "Hello" "Tsvarakadenga" "Ndiri kutaura nani?" "Jabulani handisati ndakanganwa date yangu yandakakukumbira" "Please" "Please mamas ndakupa nguva yakareba yekufunga" "Handina kumboti ndichafunga ini JB handiidi date newe" "Please be free kana wakuda kuenda I will be available anytime" Ndakakata foni vamwe vanhu vanokuwedzera ma problems pamsoro peaunawo Proggy Nhasi handingarari ndisina kumbotaura na Jay, Kubva zvandakatanga kumuziva Jay haana kumbobvira akandi ignowa manje foni aidzima hake. Ndakaenda kuna Mangwe ndikakumbira kuenda kumba kwa Jay. Akabvuma ndichibva ndatobuda same time ndichinokwira kombi Ndakasvika kumba kwa Jay ndikatanga kurohwa nehana. What if kusadaira foni ane musikana waanaye? Maybe Jay haana kumbobvira akandida aindinzwira situation yangu. Ndakasvika ndichivhura gedhi, zvagara pin ndinoiziva. Door raiva risina kukiyiwa ndakapinda mukati ndichitarisa ma room ose aiva asipo. Maybe Ari ku bedroom. What if akavharirana nemusikana imomo. Ndakazvishingisa ndichibva ndapinda. Aiva akarara pa bed ari ega. Ndakanzwa hasha Saka neyi Jay asingandifoneri "Jay" Akavhunduka paakandiona "Babe" "Babe? Zuva rose nhasi kana kumbofona Jay?" "I'm sorry babe nhasi ndanga ndiri busy, pandapedza ndichida kukufonera foni yanga yadzima" "But now wa charger waregerei kundifonera" "I'm sorry babe ndokumbira undiregerere" Ndakamutarisa ruoko ndikaona akakuvara, ndakaswedera paari "Waita sei ruoko,?" Akaedza kuruviga "Ndakuvara kubasa it's just a small thing" "Saka neyi usingadi kuti ndione?" Ndakabvunza ndichimudhonza ruoko ndichibisa bandage ndakashamisika ndichiona ronda rake "Jay waita sei?" "Ndakuvara kubasa" "Jay usandiita benzi ironda rebara iri" "Okay okay ndapfurwa!" Ndakavhunduka "Wapfurwa uchiitei Jay?" "Ngatisiyane nazvo babe zvadarika waswera sei nhasi" "Jay uri kundiita benzi, wakuchinja topic manje. Wapfurwa uchiitei? Uri gangster here iwe?" "Hayi Gojasi gangster ini kuti zvaita sei?" "Wapfurwa uchiitei Jay?" "It's a long story Gojasi " "Nguva ndinayo Jay ndiudze" "Ndakaneta Proggy ndinoda kurara" "Jay uri chigeven'a iwe ini handingazvikwanisi zvekugara ndichichema ndichiuya kuzokuona kuchipatara or kujeri " "Chindirova Gojasi ayy nekuti handidi kukuudza ndati ndichakuudza mangwana Wani" Jay akadaro achifuga gumbezi achirara Ndakaenda pa wardrobe ndichitora mbatya dzekurara ndichirara. Chete kunze kwasviba dai ndaenda hangu kumba kwasisi "Gojasi good night i love you so much" Mnxm Mike Makuseni ndakamuka ndichinotora Tadiwa sezvo tichienda kuchikoro chake. Ndakasvika pagedhi ndikamufonera akabuda "Morning princess" "Morning daddy marara sei?" "Mushe nana" "Ndinotya baba what if headmaster vacharamba?" ",Don't worry hazvimboitiki ndinokuvimbisa haumbodzokorodzi form 4" Thank you baba" Ndakamutsa mota tichienda,. Takasvika tikananga ku office kwa headmaster. Takamuwana ari busy ne laptop "Morning Mr ini ndinonzi Mike Kuchicha" "Yes how may I help you?" "Ndiri baba va Tadiwa ndinoziva zvinhu zvawaita waita zviri pamutemo wechikoro asi ndinokumbira umuregerere angosarirwa ne 3 months kuti apedze session yake" "Hatingaiti izvozvo Mr, Tadiwa akazviita achiziva mutemo wechikoro wakadii. Haana kumbozvifungira Saka hatingamunzwiri tsitsi. "Ndinonzwisisa asi tose tinoita ma mistakes unoziva here kuti uri kuuraya future yake here?" "Ndiye azviurayira ega. Vakawanda vana vakadzingwa pano nekuda kwezvinhu zvaitwa na Tadiwa. Saka kana zvichibvira ngaadzoke hake gore rinoya, zvegore rino zvaramba" "Asi iripo imwe nzira yatingaita nayo" ",Yakaita seipi?" "Ndinokumbira usamubisa mu system achange achidzidza ari kumba" "Ndiani achamudzidzisa?" "I'm ready kubhadhara teacher achamudzidzisa chero marii " "Zvose izvozvo hazvibvumirwi" "Ndinoziva apa chikumbiro please kana ndichifanirwa kubisa Mari yangu yose ndichazviita please sir" Akatura befu achitarisa Tadiwa "Please, ndinoziva unavo vana, nyaya iyi itore semubereki kwete sa headmaster unganzwa sei mwana wako achiitwa izvi? Yes Tadiwa akakanganisa big time asi hatingarovi mwana neshamhu inorwadza kudaro" "Fine ngaadzidze hake kumba" Ndakaona Tadiwa achinyemwerera "Thank you so much this is my number about everything and if pane private teacher ndinokumbira undiudze nekuti ndichatsvaga teacher achamudzidzisa ari kumba" "Yah varipo vandinoziva" "Ndingafara kana ukandisanganisa neumwe wacho" "Mhinduro uchaiwana mangwana " Takakwazisana tichibva taoneka tichienda kumota. Patakasvika kumota Tadiwa akandihaga. "Thank you so much daddy" "You're welcome my angel " Spikes Nezuro hatina kurara tiri kuchipatara sezvo pane vanhu vangu vabheurwa nekombi. Vatatu vacho vashaya ipapo vamwe vari muma ward asi vari pa comma. Munhu ari kunyanya kundirwadza ndi cousin wangu' Mbongeni Ndaingokwenya musoro ndakamirira doctor kuti andiudze ari sei Mbongeni "Calm down boss hapana zvichaitika pa mbongeni" "Wamuona here Kuti anga ari sei? Wamuona?" Ndakabvunza ndichigara pabhenji ndichitarisa pasi ndakabata musoro Pakangoitika something mukomana uya ndichamuuraya ndichiita zvekumuvhiya haandizivi mushe. Ndakaona doctor achibuda. Takaenda kwaari "Doctor" ndakadaro "I'm sorry taedza patinogona asi zvaramba atisiya mukomana" Ndakarova mudhuri nechibhakera "Shiittt!!!" "Hade spikesman" "Ndue ndinoda everything about mukomana uya chero number yekumba kwavo" Tadiwa Handisati ndambofara zvakadai.final ndave kuzodzidza. Ndinoda kuti vabereki vangu vadade neni ndinoziva kuti zvaitwa na baba zvichava coster Saka handidi vazochema ndafoira. Ndiri kungovatenda mumota nonstop. Ndafonera ne shamwari dzangu ndikadziudza . I know na nhamha vachafara I can't wait kuudza Manu. Takasvika kumba ndikaoneka baba ndichipinda mumba. Ndaiita zvekudanidzira mhamha ndisati ndapinda chero. Ndakasvika ndichivahaga mufaro uchisvika kuseri kwegotsi. Ndakavaudza nyaya vakafara shame. Ndakazoenda mu room mangu ndichifonera Manue. Ndakafona nguva yakareba asingadairi ndakaramba ndichifona kusvika adaira "Hey Manue uri sei? Guess what ? Ndakuzodzokera kuchikoro ohh my God I'm so happy" "Hesi Tadiwa" Ohh okay "Makadii?" "Manue akarara zvazvino nhasi foni haaibati kwezuva rose akarara doctor achangobva kumutarisa" Mai vake vakadaro Doctor? Ndakarohwa nehana "Ari right here?" "Saka uchanyebera kudzungaira kunge usingazivi kuti Manue haasi right. Zvose zvinokonzerwa newe, Aida kuzviuraya nekuda kwako ukamunyebera kuti unoda kubisa nhumbu Saka unofunga kuti mwana wangu angava right ipapo?" "Ohh ndanga ndisingazivi kuti Manue anorwara" "Wakuziva hanti? Chikata foni nekuti anoda kuzorora" "Ndinokumbira kuzomuona " "Ane family yake Manue iwe hausi family yake so there is no need yekuti umuone" Ndakanzwa foni yatokatwa, ndakaedza kufona asi yaiva yatodzimwa. I think it's the best kuti nditarisane nezvidzidzo zvangu ndisiyane nezvinhu zvakawanda. Relationship yangu na Manue haishandi Proggy Ndakamuka makuseni ndichinogeza nekuti ndinofanirwa kuenda. Better Jay akarara handidi kunzwa chero shoko rimwe zvaro rinobva mumuromo make nekuti anonyeba stereki. Ndapedza kugeza ndakachinja ndichizvitarisa pa mirror. Ndaka mirror kudaro ndakanzwa munhu achindi haga "Morning gojasi" "Jay siyana neni please" "Ndaitei manje?" "Ohh hauzivi zvawaita manje" "I'm sorry gojasi ndanga ndisingafanirwi kuita zvandaita ngatigare pasi titaure" "Sorry pane zvipi Jay nekuti waita zvinhu zvakawanda" "Pazvinhu zvose zvandaita mamas. Ndanga ndichifanirwa kukuudza reason yaita kuti ndisakufonera" "Ndamirira chokwadi" ndakadaro ndapeta maoko Akandiudza nyaya yose Kubva paawana Popo na Manue vachitaura zvema drugs kusvika apfurwa. Hamenho Ari kundiudza chokwadi here asi huso hwake hunoratidza kuti Ari kundiudza chokwadi. Zvichakadaro takanzwa munhu aigogodza. Takasimuka tichienda ohh asi gedhi harina kuvharwa. Takawana pane umwe murume. Patakasvika akanditarisa kwenguva yakareba. "Hello tingakubatsira neyi?" "Ndanzwa nenyota veduwe ndinokumbirawo mvura yekumwa" "Padzimba dzose idzi pano ndipo pawaona pachibvira kuti ukumbire mvura" "Jay please" "Aewa hazvisirizvo chete ndikare ndichishingirira saka ndazongoyerekana ndapinda. Ruregerero Mr ndaziva kuti mubvunzo wakadaro ndichasangana nawo" Ndakaenda kunomucherera mvura Jay chiiko naye, mvura here amana. Ndakauya nayo ndichimupa achinwa. "Ndinotenda" "You're welcome" Akabva aenda ndakatarisa Jay "Kunyima here nemvura" Haana kundipindura aiva akatarisa panzvimbo imwe chete ndakamudzungudza "Jay" "Watii?" "Ndati ungabva wanyima nemvura here?" "Hazvisirizvo" Jay akadaro achitora foni yake Jayden Pane zvinei zviri off apa. Hazvingaiti kuti munhu auye kuzokumbira mvura pano kunyanya munhurume. No ways pane zvinhu zvisingabatani apa. "Jay ndiendese ndaudza sisi kuti ndichauya makuseni" "Okay babe" ndakadaro tichienda kumota sezvo aiva atova ready Takasvika pagedhi tikakisana tichionekana achibva abuda. Ndakamutarisa kusvika apinda mumba she's so damm beautiful. Paakapinda ndakamutsa mota ndichifonera Simba ndichiisa pa loudspeaker sezvo ndaichaira. "Dude" "Simba" "Mupfana wa Tafadzwa " "Pane zvinhu zviri kuitika pano, kumba kwasvika umwe murume achikumbira mvura yekumwa" "Mvura?" Imagine something is fishy here it's clearly that ndeumwe wemachinda azuro" "Yah uri kutaura chokwadi hapana munhu angaita zvinhu zvakadaro muma suburbs" "Ndiri pa process yekumuwana. Chinhu chave kundirwadza manje andiwana ndina Proggy anga asingafanirwi kumuziva" "Yah sure tinofanirwa kuziva chipatara chavari now" "Yah sure eyy mudhara Ari kufona Rega ndimudaire ndichakufonera " "Sure" Ndakakata ndichiidaira foni yababa vakati ndiuye kumba kune family meeting. Ndakabva ndatonanga kumba. Ndakawana vakagara mu sitting. Popo na Manue ndivo vaiva vasipo "Tifa enda unodana Popo mu room make" Tifa akasimuka achienda. "Ari kupi Manue?" "Manue akarara Ari kunzwa musoro" mhamha vakadaro "Okay" Popo akauya achigara pasi "Zvinhu zvandichakuudzai handidi kupikiswa" baba vakadaro "Chii baba?" "Svondo rinouya tiri kuenda ku Mberengwa". Takatarisana na popo "Huh!!" Ndakadaro "Ndafonerwa na mhamha vati munofanirwa kugeziswa mubise mimvuri yakakumberedzai" baba vakadaro "Never ini handiendiko" ndakadaro ndichisimuka "Ndati handiendiko!! Finish!!" "Jay" mhamha vakadaro "Handiendi pamusha paya ini!!!" "Gara pasi Jay ndichiri kutaura newe!!" "Mhamha handiendi kwa Zvayi ini chero Popo haaendiko!!!" Ndakadaro ndichibuda ndichienda Mangwe I'm so happy Kuti Tadie ave kuzoenda kuchikoro. Yes Mike ndakamutsamwira asi aita zvinhu zvinofadza Pana Tadie. Ndakatora foni ndichimufonera "MaLuluza " "Hey uri sei?" "Ndiri right ini uri sei iwe?" "Ndiri right ndinotenda nezvinhu zvawaita Pana Tadie she's so happy Kuti ave kuzodzidza " "Ndaita zvinhu zvandanga ndichifanirwa kuita" "I understand " "Asi ndanga ndichafara if ukanditenda ne dinner" "Uchangopedza Kuti waita zvinhu zvawanga uchifanirwa kuita Saka dinner inopinda papi?" "Haa mamas usadaro kanhi . Unoziva kunditsamwira kwawakaita hazvina kukufita" "Ndakufonera ndichida kukutenda chete bye Mike" "Hawu MaLuluza chindiregerera kani handichapamhi" "Ndakuregerera " "Asi ruregerero rwako harubvi mumoyo mako" "Look Mike kukufonera kwandaita hakurevi Kuti ini newe tave ma friends or tichadzokerana no" "Asi ini MaLuluza ndinoda tidzokerane" "In your dreams " "MaLuluza kubata chigumbu ndekwevanhu vakashata nerunako rwese irworwo ungabva wandidaro" "Ayy bye Mike" "Ndinokumbira kubuda newe out" "I'm not intres--" "Come ohn MaLuluza chingondinyadzisa kamwe chete ndinyara ndishaye kana pekuhwanda" "Okay fine asi usandiitira noise nekuti hatifi takadzokerana" "Trust me MaLuluza, ndichauya kuzokutora Kuma 9 manheru" "Ndichaona newe" ndakadaro ndichikata foni. Proggy aiva akamira pa door achinyemwerera "Wow ndiani Ari kuendwa naye ku dinner manje my sisi" "Ndi baba va Tadiwa" "Wow!!!" Proggy akadaro achindihaga "Hapana zvichaitika pakati pedu, ndabvuma nekuti ndinoda kumutenda for zvinhu zvaaita kuna Tadiwa" "Awuu zvinofadza izvi sisi chero Tadiwa achafara paachanzwa kit vabereki vake vabuda out for dinner" "Chii chinofadza manje ipapo?" "Come ohhn sisi" proggy akadaro achiseka achienda pa wardrobe achitsvaga mbatya dzandichapfeka achitora nema make up anopenga mwana uyu it's just a dinner nothing more Anenyasha "Tafadzwa uchaita sei nevana ava nekuti havadi kuenda kumusha" "Handingaudzirwi zvekuita nevana ini vanoenda chete vachida vasingadi hanti wavanzwa mhamha vati vari kuteverwa nemimvuri" "Asi ichokwadi zvinhu pano zvakatarisa mudenga hapana kana chimwe chiri right" Zvichakadaro Popo akabudikira "Ndichamboenda kwana Fadzai pane zvinhu zvandiri kunotora" Popo akadaro "Zviise mupfungwa dzako kuti next week muri kuenda kumusha" Popo haana kupindura "Wandinzwa Portia?" Tafadzwa akadaro "Ehe baba" "Pamwe mungasiya kudya ma drugs" "Enda hako Popo " ndakadaro Popo akabuda achienda "Wakuzvinyanya Tafadzwa " "Kunyanyei vana ava vanodhakwa nekugarika ukuvo ndi Manue anonhumburisa achiri mudiki " "Come down please " Tafadzwa akaridza tsamwa achisimuka achienda ku bedroom. Muchaneta Ndaiva ndakagara mumba, mupfungwa dzangu ndaifunga zvinhu zvakawanda. Ndakagara kusvika ndaneta spikes kana kumbodzoka. Ndakaedza chero kumufonera asi haana kumbodaira. After some minutes ndakamuona achipinda kumeso kwaityisa kunge achadya munhu ma bodyguard ake aimutevera kumashure. Ndakasimuka ndichienda kwaari "Babe what's going on?" "Mbongeni ashaya. Vamupfura Mbongeni" Ndakavhura maziso "What?" "Munhu aita izvi achafa rufu runorwadza, ndichamuuraya zvocharwadza munhu wese. Mupfana uya apinda nemwenje mudziva manje. Zvinhu zvandichamuita hapana achapamha zve kutambira pandiri!!" "Unomuziva here?" "Handimuzivi asi ndamuonera kure kachiri kunhuhwa mukaka kaya" Zvichakadaro foni yake yakarira, akadaira,ndaiva ndakangomira pedo naye "Yes" "Boss munhu wawanga watituma kumba kwe mukomana uya ashaya. Saka hatina chero address, ndiye chete munhu anga achiziva zvinhu zvakadaro" "F**k!!!! Chii chaitika paari?!!!" "Awanikwa akapfurwa I think apfurwa naiye, now I see munhu anotori dangerous sesu" "F**k!!! Ndichamuwana ndega hanti imwi murume kutadza!!!!" Spikes aitaura zvose izvi ndaingomupurudzira musana kuti adzore moyo "Ndinokumbira uende kunogeza babe" ndakadaro Akatendeuka achienda. eish munhu aita izvi ari munjodzi Spikes kana achiti achamuuraya haanyebi. Kwaari kufana kwemunhu kwakangofanana nekufa kwenhunzi Pandakabuda handina kuzoenda kwana Fadzai ndanyeba kuti ndiri kuenda kwana Fadzai asi ndiri kuenda kwana Lorraine. Ndinoziva kuti ari ega vabereki vake havapo. Ndakasvika ndichigogodza akandivhurira ndichipinda mukati "Popo uri sei? Unenge usiri right?" "For now munhu wandiri kuda ndiwe" Lolo akanditarisa achishamisika "Unorevei Popo?" Ndakabva ndamuhaga ndichimukisa ndichimuwisira pasofa ndichikwira pamsoro pake ndichimukisa.. "Portia stop it!!!!!" "I love you Lorraine, I love you so much please nd---" Akandirova nempama "Unopenga here Portia!!! Wapindwa neyi?!!" "Ndine ma feelings for iwe" "Are you out of you mind!!! I'm not a lesbian for the sake!!! Also you're not a lesbian!!!" "I'm a les---" "Get out ndisati ndafonera vabereki vako!!!" "But l-- "I said out!!!" Ndakadaro ndichimuvhurira door achibuda achienda