Chapter 20 Mike Maybe I'm dreaming guys. Ndi mhamha ka ava. Vaivepi nguva yose? Neyi vakaenda vasina kudzoka kwatiri?. Ndakaswedera pavari ndichivahaga. "Mhamha" "Mwanangu" Neyi makatisiya mhamha? Munoziva here kuti taiva worried nemwi?" "Handizivi ndotangira papi kutaura mwanangu " "Hey sir zita rangu ndinodzi Nyarai mai vako ndakavawana mumugwagwa vachiedza kufamba asi zvaisava nyore nekurara vaiva vakabaiwa panzvimbo iri dangerous. I'm sorry ndakatadza kuenda kuchipatara or ku police station nekuti ndaitya kuti munhu aita izvi anogona kuzovapedzisa futi" "Mhamha chii chakaitika pamuri?" "Handicharangariri chinhu ini mwanangu. Ndichiri kurangarira chete kuti ndakabaiwa nebanga" "Haa shuwa havangariri nekuti nguva yose iyi vanga vari pa comma vamuka kuswera zuro now I think vanofanirwa kuzorora nekuti ndambovabaya jekiseni" Nyarai akadaro "Okay" ndakadaro mufaro wakazara kumeso kwangu "Mhamha taiva worried nemwi " Amanda akadaro "Ndavapo manje" "Sisi ndaifunga kuti handichafi ndakakuonai zve" mainini Fadzai vakadaro "Nesimba ra Mwari ndiripo chero hangu ndisisazivi chii chakaitika" "Hayi tinotenda nekudzoka kwako wasvikirana nekuti muzukuru wako ari kugadzirirwa kuziviswa kuvadzimu" Tete vakadaro vachitarisa Tadiwa "Tadiwa?" Mhamha vakadaro vachiswedera pana Tadiwa "Muzukuru uri sei?" "Ndinosimba mbuya" Tadiwa akadaro "Ndinofara nekuvapo kwako" Tadiwa haana kupindura "Mhamha chiendai munozorora tichataura kana mamuka" ndakadaro "But all this ifault ye musikana uyu, aizochengeta munhu waasingazivi mwedzi yose iyi, aifunga kuti family yake inonzwa sei kana isingamuoni" Rose akadaro "Ndataura wani kuti I'm sorry ndakatozozvifunga late" Nyarai akadaro "No need yekutsanangura sisi chero ini ndazviita, tinotenda zvakanyanya nezvawakaita handizivi ndingakutenda nei" ndakadaro "Ndaifanirwa kuzviita, zvaisaita kuti ndisiye munhu achida rubatsiro. Ndinokumbira muendese mhamha kunorara" Nyarai akadaro Takavaendesa na Amanda, ndichibva ndadzoka. Mufaro wandinawo wakawedzerwa shame. Nyarai akatibatsira zvakanyanya ini ndaiva ndatorasa tariro ndichizviudza kuti tiri kutsvaga mabhonzo avo. Saka zvinhu zva Tadie zvichafamba mushe shame, mhamha vavapo. Doctor wavo akumbira kugara kwe svondo sezvo mhamha vasati vava right . Ndini ani ndingaramba zvinhu zvakadaro . Nguva dzekudzokera kumba dzakachaya. Ndakatarisa Rose kubva zvasvika mhamha ane kakuvhunduka kaanako "Rose" "Babe" "Kubva zvasvika mhamha hausi right asi hausi kufara nekudzoka kwa mhamha". "Haa babe ndafara chete ndichiri confused" "Okay babe" Ndakamutsa mota tichienda. Takasvika kumba vana Cleo vakakumbira kunotenga ma ice cream "Baba tiperekedzei" Cleo akadaro "Haa matanga manje". Ndakadaro "Please baba" Ndakarohwa nehana handizivi why. For the first time Tadi achinditi baba. Pandakamutarisa akabva atarisa pasi. "I'm sorry I didn't mean to" Tadi akadaro "Ndi baba vako hanti. Saka unokumbira ruregerero rweyi?" Ray akadaro "It's okay dear you can call me baba" "Ndinoda kunorara " "Haa hatichaendi kunotenga ice cream here?' Cleo akabvunza "Ndave nehope" Tadi akadaro "No nhanha tichaenda tose okay" ndakadaro Rose akapinda mumba ini ndakachaira ndichivaendesa. Vakasvika vachitenga zvinhu zvavaida kutenga tichibva tadzokera kumba. Ndakanyemwerera ndichiona bond iri pavana vangu. Takatandara vachitaura nyaya vachingopikisana. What a family Magebede Hazviiti kuti ndikanganise basa remuzukuru wangu Saka ndaona kuti better ndimirire vatange vapedza then ndozotaura nyaya yose. Pandati handichazivi chinhu Rose ndamuona achifara asingazivi kuti ndiri kunyeba zvangu. Ndinoziva zvose zvakaitika uye ndanga ndisingadi kuti azoita zvimwe zvinhu coz ndinomuziva Rose she can do anything kuvanza secret yake "Nei musina kutaura chokwadi?" Nyarai akabvunza "Ndanga ndichifanirwa kuzviita" "Why? What if akakutangirai kuita something musati mataura?" "Hapana zvaachandiita iye anofunga kuti handichazivi chinhu ndinoda kubudisa chokwadi kana basa rapedzwa" "Okay yah maita zvakanaka musatya ndichaita sure kuti haaswederi pamuri " "Ndinotenda mwanangu " ndakadaro ndichimuhaga. Akandibatsira shame mwana uyu. Dai kutaura kudai ndisipo pano Narrated Makuseni Rose aigadzira breakfast mufaro uchisvika kugotsi chaiko. Ko hanti vamwene vake havachazivi kuti chii chakaitika. Zvichakadaro Mike akapinda "Kubva wafara kudai kwakanaka? "Ehh Mike unoda ndiite sei nhai? Ndinganyarara wakatsamwei ndikafara uri kufarirei chiiko newe?" "Hee hee Rose wanga uri mubvunzo chete handina kuti imhosva ini" "Neniwo ndiri kungopindurawo" "Okay ndiri kuenda manje ndiri kunotsvaga mbudzi" "Okay ndiri kuuya neniwo kana ndapedza" "Okay" Mike akadaro achibuda 🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷 Mhuri yekwa Zvayi yaiva yakagara pamwe chete sezvo Tafadzwa aiva avadana ati pane zvaanoda kutaura navo "Baba ndatononokerwa ini" Popo akadaro "Vanangu hanti munoziva kuti mai venyu ndinovada sei" Tafadzwa akadaro "Ehe tinoziva baba nei muchitibvunza? Asi munoda kuchata zve?" Popo akabvunza. "You better listen Portia nekuti uchazorwadziwa" Jay akadaro. Popo akashamisika "Ko chiiko baba?" Manue akabvunza "Ndafunga kukuitirai mainini" Tafadzwa akadaro Vana vose vakavhunduka Anenyasha aiva akanyarara hake kunge asipo "Mainini vani zve?" Jay akabvunza "Jay usabvunza kunge usina kunzwa zvandataura" Tafadzwa akadaro "Dai ndanzwa dai ndisina kukubvunzai?" Jay akadaro "Neniwo baba ndarasika ini mainini vani manje?" Popo akabvunza "Ndinoda kutora barika" Tafadzwa akadaro "What!! Why?* "Hamufi makazviita izvo kuna mhamha" Jay akadaro "Jay ndiri baba vako haundiudziri zvekuita" "Kana rudo pana mhamha rwapera divorce her kwete zvekupenga izvo zvamunoda kuvaitira" "Jayden!!!" "Neniwo ndinobvumirana na Jay baba, neyi mafunga kuitira mhamha zvinhu zvakadaro?" Popo akabvunza "Handingaudzirwi zvekuita nenwi ini" Tafadzwa akadaro "Baba muri kutaura chokwadi here?" Manue akabvunza "Hatikurambidzii kutora mukadzi wacho asi mhamha musavapinza muchihure chenyu, havazvi deserve zvose izvi" Jay akadaro achisimuka "Chiendai munomutora mukadzi wacho asi garai muchiziva kuti hamusisina vana achakuzvarirai vana. Ini mhamha ndinovatora pamwe chete ne vanin'ina vangu ndichagara navo imwi hatingakutongiyi pamusha penyu" Jay akadaro "Jay usataura neni kunge uri kutaura nemwana wako " Tafadzwa akadaro "Popo enda unorongedza mbatya dza mhamha " Jay akadaro "Hakuna kwauri kuenda Portia " Tafadzwa akadaro asi Portia akasimuka achienda. Tifadzei, Manue Timukudzei naivowo vakasimuka vachinotora mbatya dzavo. "Anenyasha hakuna kwauri kuenda" Tafadzwa akadaro "Tafadzwa ndakuvhurirai space nemukadzi wako mutsva chisarai muchifara" Ane akadaro achisimuka "Hauna kumbosiyana na Munyaradzi. Ohh gara zviya muri same blood pfungwa dzinongofunga zvinhu zvakafanana chete" Jay akadaro Tafadzwa paaida kupindura Jay akadhonza Ane vachienda kumota Tafadzwa Mupfana uyu anoda kuona ma true colours angu, akura manje Saka ngaatarisane nenyaya dzake kwete dzangu. Ndakabata Popo aiva akabata bag ra Ane achida kuenda kumota... "Baby look---" "Why baba? Why muchirwadzisa mhamha? Mushure menguva yose iyi muri mose? Chii chamawana pamukadzi uyu mhamha chavasina?" Popo akadaro "Ndinokumbira udzosere bag titaure nezvenyaya iyi" Haana kunditeerera akatendeuka achienda achiteverwa nana Manue. Ndakavatevera kumashure "Ane ndinokumbira uburuke mumota titaure" "Hapana zvandichataura newe ini Tafadzwa" "Hanti mavanzwa, vati havadi kutaura nemwi" Jay akadaro achimutsa mota vachienda. Ndakadzokera mumba ndichitora ma key emota ndichinopinda mumota ndichiirova yakananga kumba kwa Mangwe. Ndakaedza kumufonera asi aiva asingadairi. Ndakachaira ndikasvika kumba kwake. Ndakaburuka mumota ndichipinda mukati. Ndakamuwana Ari ku kitchen achibika. Akashamisika achindiona "Tafadzwa uri kudei pano?" Ndauya kuzotaura newe about our wedding " Wedding? Tafadzwa wava kupenga here? Hanti ndakakuudza kuti handikudi ini handifi ndakachata newe" "Mangwe tichachata uchida usingadi, handikukumbiri ndiri kukuudza" Mangwe akanditarisa achishamisika "Are you mad? You know what buda mumba mangu or else ndichafonera mapurisa wave kundipengera manje, unoda kuchata neni zvenharo? How crazy is that?" "Kutaura kudai ndarasikirwa ne family yangu nekuda kwako Saka unofanirwa kuchata neni" "Nekuda kwangu? Unondipengera Tafadzwa. Ndinopinda papi panyaya dze family yako. Kana uchikurirwa ne family yako usauya kuzondipengera ini. Ndinopinda papi manje. Iko family yako ndinoiziva here?* "Neyi wakarara neni?" "Ndakakuudza kuti it was a mistake ndaiva ndisingazivi kuti une mukadzi. Dai ndaiziva handaimborara newe. Kurara newe it was a mistake zviise mupfungwa dzako" "Kwandiri it wasn't a mistake " "Zvave zvako izvo handineyi nazvo ini" Haungarari neni wondisiya just just like that. Haufi wakazviona izvo. Wakandiita hit and run Mangwe" "Ndaneta nengano dzako Tafadzwa chibuda Mumba mangu" "Adane mapurisa ako" "Please Tafadzwa ndinokumbira uende please".. Mangwe Tafadzwa ave kupenga here? Problem yake ndeyeyiko? Unoziva ndichitanga kumuona ndaiti ane hunhu izvo ndisingazivi mupengo chaiwo. Ari kundiudza kuti anoda tichate zvenharo. Haasi ava kupenga here "Tafadzwa please ndinokumbira undisiye murunyararo Mumba mangu" "Handibudi muno usina kundipa mhinduro yandinoda".. "Tafadzwa please ndinokumbira usandimanikidza please handikudi " Tafadzwa akaswedera pandiri, ndakarohwa nehana ndichidzokera kumashure "Yes or no?" "Please Tafadzwa unoziva kuti izvo hazvingaitiki handikudi please Saka handingabvumi. What's wrong with you? Unofunga kuti mukadzi wako achanzwa sei nenyaya iyi?" "Pano ndiri kutaura newe kwete nemukadzi wangu" "Neniwo ndiri kutaura newe ndave kukuudza kekupedzisira buda mumba mangu kana usingadi mvura iyi iri ku boiler ndichaidira pauri uye handimbosungwi nekuti ndiwe wandivinga mumba mangu " "Usafunga kuti ndaenda ndinodzoka. Ini newe tichachata chete" Tafadzwa akadaro achibuda achienda Ndakasara ndichizvibata chipfuva ndichifemera mudenga. Ko chii chiri kuitika pana Tafadzwa. Ave kuita kunge munhu anorwara nenjere. I'm scared now, paachadzoka chii chichaitika. Ndichiri mukufunga kudaro foni yangu yakarira aiva Tadiwa. Ndakadaira tikataura achindiudza ma updates kuti zvinhu zviri kufamba sei kumusha Proggy Ndaiva ndakagara ndichiona hangu tv. Nhasi I weekend handina kuenda kubasa. Ndakamirira Jay sezvo aenda kumba kwa Baba vake vane meeting ye family. After some hours ndakanzwa mota ichipinda. Ndakaramba ndichiona TV. Ndakashamisika pandakaona family yose ichipinda. Ndakasimuka ndichiswedera pavari ndichivamhorosa . Vakaenda mumakamuri . I wonder yanga iri meeting yeyi yaita vanhu vasuriware kudaro. Ndakaenda mu room mangu then Jay akapinda ndakaswedera paari "Jay what's going on?" "Handingabvumiri munhu arwadzise mhamha" "Chii chaitika?" Jay akandiudza nyaya yose "Barika? Baba vakura panyaya dze barika" "Ndicho chinhu chinondibhowa Proggy, baba vanoda kuita mhamha benzi ravo. Ndavatora mhamha vachagara pano, ngavaritore hure ravo vagare naro isu hatisisina basa navo" "Please Jay calm down" "Zvinhu zvaitwa na baba zvinorwadza Proggy" "Ndinonzwisisa Jay asi dzora moyo utaure na baba vako".. "Wavaona here mhamha kuti vari mumarwadzo " "Yes ndavaona iwe ndiwe unofanirwa kugadzira zvinhu uonese baba kuti zvinhu zvavari kuita hazvina kunaka " Zvichakadaro Tifa akapinda "Mukoma baba vari downstairs vanoda mhamha" Jay akabva atosimuka ipapo achienda downstairs. Ndakatevera kumashure "Wamuviga kupi Anenyasha ndinoda kutaura naye?" "Ari kuzorora Saka hapana achamumutsa" "Haungandiudziri zvekuita pamukadzi wangu" "Baba munokanganwa here kuti mhamha havana Mai vavo nekuda kwe barika. Imwi mambozvifunga here kuti vanonzwa sei nezve nyaya iyi? Yes vacharwadziwa kuti murume wavo anoda kutora barika asi vachatanga kufunga zvakaitika pana Mai vavo. Havasisina Mai nekuda kwe barika. Dai risiri barika dai Mai vavo varipo kutaura kuno. Mambozvifunga zvose izvi here?" Tafadzwa haana kupindura "Please baba ndinokumbira mupe mhamha space" Jay akadaro achitendeuka achienda. Ndakasara ndakangoti tuzu ndisisazivi kuti ndoti kudii Rose Ohh thank God tapedza everything about this child, now akufanirwa kuenda kumba kwavo. Vanhu vapedza chero kudya nyama vakaenda, kwangosara family chete. Magebede ndiri kumuona Ari kungonditarisa. Kutaura ave kurangarira here zvinhu zvandakamuita. Ndakavhunduka pandakaona achinyemwerera. "Tadie ndinokumbira usaenda mangwana please tichiri kunakirwa nekuvapo kwako" Mike akadaro "Yes Tadie please" Amanda akadaro "Ndinofanirwa kuenda kuchikoro" Tadie akadaro "Ohh yah ichokwadi asi tichakufunga shuwa" Mike akadaro Pandaida kutaura ndakavhunduka ndichiona Memory achipinda mumba. Ndakasimuka same time "What happen?" Mike akabvunza "Ndinofunga kuti yave nguva" Magebede akadaro "Nguva yeyi?" Mike akabvunza "Yekuziva chokwadi chose about your wife" Memory akadaro Ndakavhunduka zvakanyanya. Mike akanditarisa. I'm done!!!! End of chapter