Chapter 28 MANGWE Dai ndanga ndichiziva kuti tiri kuenda kumukadzi uya anodherera dai ndisina kana kumbozvinetsa hangu. Chinhu chinondirwadza ndave kuzoita relationship nefamily iya for the rest of my life nekuti mwana achakura anenge achida kuenda kumba kwavo. Takapinda mumota "Calm down Mangwe" Kudzi akadaro "Iwe Tadiwa ungabva wadanana nemwana waTafadzwa uchiziva kuti chii chakaitika newewo" "Ndaiva ndisingazivi mhamha" Tadiwa akadaro "Iwe pane chinhu chaunoziva here?" ndakabvunza Haana kupindura Kudzi ndiye aichaira nekuti ini ndaiva ndisisa kwanisi kuchaira nehasha. Mukadzi waTafadzwa anofunga kuti kuroorwa naTafadzwa ave kufunga kuti ndiye mukadzi abata nyika ino here. Takasvika kumba tikagara musitting room ndakatarisa Tadiwa "Ndikakuona chete une mukomana wekwaZvayi Tadiwa hanti. waona kuti havakudi right. Saka kungokuona uri pedo nemukomana uya uchandiziva mushe" ndakadaro Tadiwa haana kupindura "Ndiri kutaura newe Tadiwa" "Ehe mhamha ndiri kukunzwai" Tadiwa akadaro "Good" ndakadaro ndichienda muroom mangu Kudzi akanditevera ndakasvika ndichigara pamubhedha misodzi ichiyerera. Ko nei zvinhu zvichiramba zvichingo dzokorora pandiri, ndakakurisa mwana wangu asina baba hoyo Tadiwa ave kuzokurisa mwana wake ega asina baba ndakapukuta misodzi sezvo ndakaona Kudzi achipinda "Hey dear chirega kuchema" "Nei Tadiwa andidai?" "Tose tinoita mamistake love, naTadiwa aita mistake saka ndinokumbira umuregerere" "Hona paandipinza manje aita nhumbu yefamily iri wrong" "Zvaitika zvaitika Mangwe iwe support mwana wako wandinakidza pawavaudza kuti uchakwanisa kuzvichengetera muzukuru wako ndinoziva kuti watsamwa asi mwana ari kuuya achaunza mufaro muhupenyu hwako" Handina kumupindura "I'm sure kuti uchava mbuya vechokwadi pamuzukuru wako haumboiti mbuya chete asi uchava mhamha vake uye unenge wava nevana vaviri" Ndakanyemwerera pamusoro pemisodzi ndichihaga Kudzi. Asi Tadiwa handifi ndakamuregerera andishungurudza zvakanyanya mwana uyu MANUE Handisi kuzvi believer kuti mhamha vangaita zvinhu zvakadaro kwandiri here. Ndanga ndichanzwisisa dai vanga vari baba vaita izvi apa taiva tasara tega family "Mhamha nei maita izvozvo?" ndakabvunza "Unomuziva musikana wawanhumburisa kuti anodherera sei unoziva akanditendeka nechigumwe saka iwe unoda ndibvumire izvozvo kuti auye pamusha pangu" "Mhamha zvinhu zvakaitwa naTadiwa zvaiva zvichaitwa nachero nani even ini ndaiita zvakadaro ndichiona Mai vangu vachirohwa" ndakadaro "Chero ukadii Manue musikana uya handimudi pamusha pangu" mhamha vakadaro "What about mwana wangu mhamha naiyevo hamumudi?" ndakabvunza "Handina kumbodaro kuti mwana wako handimudi" mhamha vakadaro "Baba vataura kuti vachabhadhara zvese imi zvamunovaudza kuti ndibhadhare ndichaitora kupi mari yekuita zvose izvozvo nekuti ndiri kudzidza, nei muchindidaro mhamha?" ndakabvunza "Hauzivi kuti nei Tafadzwa ataura izvozvo anga ave kuzviita munhu akanaka mberi kwemusikana wake nezuro uno anga achiti uchazvionera nemwana wako nhasi achinja futi nekuti aona kuti mwana wawakanhumburisa ndewe musikana wake" mhamha vakadaro "Iwe unotora hondo dzedu uchidziisa pavana nei?" Baba vakabvunza "Chero ukadii Tafadzwa handichinji pfungwa dzangu handimudi mwana uya pano" mhamha vakadaro "Mhamha siyai zvamuri kuita ok its fine ndicha zvichengetera mwana wangu and munofanirwa kuziva kuti hamufe makatiparadzanisa naTadiwa chero muchida musingadi asi ini ndichagara ndichimuda. Handinga rambaniswi nemunhu wandinoda nemwi ini" ndakadaro ndichisimuka ndichibuda Ndakafonera Eric kuti auye kuzonditora sezvo ndisisina mota yekufambisa ndakagara pagedhi after some minutes Eric akasvika "Chii chiri kuitika?" Eric akabvunza "Eish zvakawanda zviri kuitika handidi kutaura nezvazvo now chinhu chandiri kuda manje imari" "Mari!!! Mari yei?" "Mari yekuchengeta mwana wangu ari mudumbu" "Asi kumba kwenyu vane different type yemari vacha kuchengetera mwana wako" "Haisi mari yangu ndeyavo right neniwo ndinoda kutsvaga yangu mari" "Saka uchaitora kupi mari yacho nekuti mabasa kuti uwawane zvinorema handifungi kuti iwe unga shanda" "Pane muchinda wemaround aida kuti timupushire staff" "Usamboedza hako Manue kufunga izvozvo unoziva zvine hunjodzi sei vanhu vanofa paya vamwe vachiperera mujeri" "Kana ndichifanirwa kuita zvinhu zvakaipa for mwana wangu no problem" "Chii chichaitika pamwana wako kana pazoitika zvakashata pauri, what about Tadiwa?" Handina kumupindura "Unofanirwa kufunga nezvenyaya iyi Manue ndinoziva kuti zvinorema asi usaita chinhu chinobuda pamutemo. Ndiri kuona wave kuda kurasika manje hande kumba kwangu tinomwa madrinks" Eric akadaro achimutsa mota Pfungwa dzangu dzaiva dzakasangana handizivi ndifungei ndinoshuvira kuziva kuti Tadiwa ari kunzwa sei nezvinhu zvanga zvichitaurwa namhamha asi nhasi haasi kudaira macalls angu zviri pachena kuti akanditsamwira JAYDEN Shuuu handisi kuzvi believer zvinhu zvandaona chero zvichinzi kudii uya ndisisi vaProggy chete. Zvinhu zvose zvavari kuita vanoita saProggy kuri sekutaura vanoita saProggy even muromo ndiProggy asi shuwa ndichaita sei nenyaya iyi haanga mbobvumi kuti ndiroore munin'a wake after zvinhu zvandakamuita. Ko iye Proggy achanzwa sei nezvinhu zvandakaita sisi vake pamwe ndiko kwatova kupera kwerelationship yedu. Ndakabva ndaenda kumba handizivi kuti ndichaitanga sei nyaya iyi yes achafara kuziva sisi vake asi achanditsamwira nezvinhu zvandakaita. Pamwe achabva atondiramba apo ndinomuda sei handinga bvumi kuti ndiparadzane naye ndakapukuta misodzi ndichipinda mukati ndakamuwana akarara pasofa paakandiona akamuka achiuya pandiri achindihaga "Hey you're back" "Yes ndadzoka" "Nei unenge usiri right chii chaitika?" "Zvakawanda zvaitika" "Zvakafanana nezvipi nekuti Manue abvuma kuti mwana ndewake ndezvipi zvimwe zvasara?" "Mai vemusikana ndeuya aida kuroorwa nababa" Proggy akavhara muromo. "Ooooh my God nyaya yacho idrama rega" "Pakaipa kani" ndakadaro ndichimuudza nyaya yose yaiva yaitika asi ndaitya kumuudza imwe part "Yoooh inga zvakaoma kani shuwa asi mai vako vanga vachifanira kuzvigamuchira kwete kutora nyaya dzavo vachidziisa pavana" "Ndinozviziva" "Ndizvozvo chete here, asi pane zvimwe zvausina kundiudza?" "Handizivi kuti maziso angu kana kuti ndanga ndichifunga zvakanyanya" "Chii chaitika?" "Mukadzi wacho ndinoona sekunge ndisisi vako" Proggy akavhunduka. "What?" "Handizivi asi mafananiro amuri kuita ndisisi vako chete vaya" "Unayo picture yavo here or something anogara kupi, ndiudze address yake?" "Ooooh please calm down" "Ndiudze" "Yes ndamutora picture" ndakadaro ndichiburitsa foni yangu ndichimupa akavhunduka paakaona Mangwe "Jayden she is my sister ndivo sisi vangu" Ndakatarisa pasi "Please Jay ndokumbira undiendese kwavari" "Pane zvimwe zvandinoda kutanga ndakuudza" "Chii manje?" "Ndinokuda Proggy ndinokuda zvakanyanya saka kana ndichikuudza zvinhu izvi ndinokumbira usandiramba" "Wave kundivhundutsa manje Jay" "Sisi vako ndakambovaona before ndakaenda kumba kwavo ndikavatendeka nepfuti ndichida kuvauraya" Proggy akanditarisa achishamisika TAFADZWA Ndiri kutenderera muroom mangu handizivi zveshuwa kuti inyaya yandichaita sei iyi. Tadiwa naManue vachaita mwana handina kumbofungira kuti zvinhu zvingadaro. Zvichakadaro Ane akapinda "Unoda kuno bhadhara damage pamusha paya right?" Handina kumupindura nekuti handina nguva yekupikisana naye ini "Ane tarisa mashoko ako kana uchitaura neni chero ukandiona sei ndinokumbira undi respect please" "Ndakubvunza mubvunzo chii chaita kuti uchinje now wave kuda kubhadhara madamages nekuti zuro waiva usingadi uchiti Manue achazvionera" "Ane hauzivi kuti mwana uya akadarika munzvimbo dzinorwadza sei" "Ooooh ndakanganwa zvee kuti makambodanana namai vacho uri stepfather vake" "Anenyasha please" "Ndinofanirwa kuvhunduka?" "Kana ukandipa nzeve dzako wonditeerera unengee wa.........." Handina kupedza kutaura ndakanzwa negwati rembama kumeso kwangu ndakapererwa kuti ndoita sei "Thanks" ndakadaro ndichitora makey angu pandaida kubuda akandibata ne color achindirova zve nempama "Wakuda kuenda kwaari ka!! Tafadzwa hakuna kwaunoenda uri kundinzwa!!! Haunyari murume mukuru sewe Ari kungoita chihure. Paaida kundipamha imwe mpama ndakamubata ruoko ndichimutarisa ndichibva ndabuda ndichinopinda mumota ndichifonera vaZhou "Mwanangu" vaZhou vakadaro "Baba murisei" "Ndiri right mwanangu kubva ndafonerwa newe nhasi mwanangu kwakanaka here?" "Baba ayewa ndaneta zveshuwa mwana wenyu ndamutadza zvakwana manje" ndakadaro ndichikata foni yangu Ndakamurova inozoita imwe nyaya zvinozonzi ndinorova vakadzi nyaya dzacho hadzizoperi now ndaneta naAnenyasha. I'm done!!. PROGRESS Ndaiva ndakateerera Jay achindiudza zvaaiva aita kuna sisi vangu "Asi newewo Jay nei wakaita zvinhu zvakadaro?" "Ndaiva ndakatsamwa zvakanyanya" "Iwe kana wakatsamwa unotyisa vakadzi nepfuti here? zviri pachena kuti neniwo in future uchandidaro asi nepfuti here nhai Jay" "Uhhm look Gojasi ndinoziva zvinhu zvandakaita hazvisi right" "Unoziva kuti zvinhu zvose izvi zvicha affecta relationship yedu unoziva kuti akangoziva kuti ndinodanana newe haanga mbozvifariri izvozvo" "Ndinoziva Gojasi ndinokumbira tisabvumira munhu parudo rwedu" "Mai vako havamudi mwana anozvarwa nasisi vangu zviri pachena kuti neniwo havazondidi kana vakangoziva kuti Mangwe ndisisi vangu. Unoona kuti zvinhu zvacho zvichaparadzanisa relationship yedu" "Mhamha havanga mbokupinzi munyaya iyi" "Asi vamupinza mwana wasisi vangu saka neniwo vachandipinza" "Handinga bvumi asi mhamha havangaiti something kwauri nekuti iwe waiva usipo muhupenyu masisi vako saka hapana pavanoti vanga kuvenga" "What about Mangwe? achabvuma here kuti iwe udanane neni mushure mezvinhu zvawakaita?" "Ndinoziva Gojasi kuti zvicharema asi achadzora moyo" "I'm sorry Jay asi unofanirwa kuziva kuti kana sisi vangu vakaramba relationship yangu newe tinofanirwa kuisiya nekuti ini handinga kwanisi kurwadzisa sisi vangu ndichangotanga kusangana navo" Jay akanditarisa. "Unoreva kuti ticharambana? ndizvo zvauri kundiudza?" "Please understand Jay" "Chii chandi chanzwisisa kuti iwe ucharambana neni usina kana kumbozama something saka rudo rwedu rwuri weak here?" "Handina kudaro Jay" "Sisi vako zvagara havambobvumi kuti udanane neni asi isu tinokwanisa kuita kuti vabvume hatingango siyani just like that" "Ndinokumbira undiendese kumba kwasisi vangu" "Ndivimbise kuti chero kukaitikei haumbondisiyi" "Unoziva kuti handinga mbozviiti Jay ndokumbira tirege kutaura zvakawanda nekuti iwe ndiwe wakava wrong pekutanga. Ungabva watendeka mukadzi nepfuti what if dai akarasikirwa nehupenyu hwake?" "Ndakumbira ruregero Proggy okay" "Yes wakumbira ruregero asi izvi hazvimbochinji kuti wakaita zvinhu zvakashata pamunhu wechikadzi" "Wave ready tiende?" "Yes" ndakadaro tichienda kumota kwake I can't wait kuona sisi vangu chinhu chandiri kuzvibvunza iye achiri kuzviziva here ndiri munin'a wake. I'm scared pamwe haasisiri interested neni pamwe akatokanganwa kuti ndiripo panyika I'm scared I don't want to lie. Jay aingonditarisa "Chirega kuchema babe everything will be fine" "I'm scared what if paanondiona haandifariri pamwe haana kumboedza kunditsvaga iwe usanyanya kufunga" Ndakabva ndanyarara after some minutes takasvika pamusha pacho. all this time ndakagara naJay izvo ndakagara pedo nemusha wa sisi vangu asi ndisingazivi ndakatarisa Jay "Are you sure kuti ndepano here?" "Yes ndipo" Ndakamutarisa nekuti aiva asingadi kuburuka "Haupindi here?" "Haaaa handinga pindi nekuti ndichakanganisa nguva yenyu ndichaenda wozondifonera kana wave kuda ndiuye kuzokutora" Jay akadaro achindihaga achindikisa "Ndinokuda okay" "Neniwo ndinokuda zvakanyanya Zvayi wangu" ndakadaro ndichidzika mumota ndichimira pagedhi ndichibaya intercom Gedhi rakavhurika ndakapinda mukati asi ndaitya what if achizondidzinga. Ndakamira padoor ndichibva ndagogodza pakabva pabudikira umwe musikana I think ndiye Tadiwa wacho "Hie" ndakadaro "Hey" Tadiwa akadaro "Varipo here mhamha?" "Ehe pindai mukati ndichaenda kuno vadana" "Thanks" ndakadaro ndichipinda ndichinogara pasofa Ndakatarisa imba yose wooow imba iyi yakanaka shem ndakasimuka pandakamuona achidzika masteps nemwana wake ndakaona reaction yake paakandiona misodzi yakazara kumeso kwangu akaswedera pandiri nemaziso ake akazara misodzi saka andiziva. TAFADZWA I think relationship yangu naAne iri kuperera pano I'm tired kana achida kutora vana vake ngaatore handisisina basa nazvo for now. Ndakachaira ndikasvika kumbaekwa Roe ndakapinda mukati "Hezvo kubva wapinda kunge uri kutandaniswa kwakanaka here,? what if ndiri busy nemukadzi wangu?" Roe akabvunza "Uri nani iwe uchine mukadzi" "Unorevei manje?" "Nyaya yedu naAne yapera for good manje haifi yakagadzirisika" "Please calm down dude" "Hapana kudzora Moyo apa Roland ndinobvuma kuti ndini ndakakonzeresa zvose izvi asi manje zvave worse handikwanisi kugara nemukadzi anondirova ini" Roe akapera nekuseka. "Warohwa shaa" Roe akadaro achingoseka "Hazvisetsi Roe, ini ndikamurova ipapa inotoita imwe hondo saka handinga kwanisi kugarira kurohwa naAne pedzezvo zvonzi ndisamurova" Roe akanditarisa achishamisika apa maziso angu aiva akazara misodzi kwete kuti ndiri kurwadziwa ne kurohwa naAne asi ndiri kufunga nezve imba yangu yave kuparara "Hayyi dude ko uri serious with everything?" "Yes I'm tired manje ndaneta nemukadzi uya" "Tafadzwa ndinoziva kuti marwa naAne asi usataura uchidaro" "Hapana chinhu chichagadzirisika pakati pangu naAne andiratidza kuti haachandidi zveshuwa saka handinga mumanikidzi" "Maybe unoda kufurwa nemhepo for drinks maybe pfungwa dzicha dzokedzana hazvingaiti kuti usiye mukadzi wako makura imi kana madai. Makadarika muzvinhu zvakawanda Tafadzwa hapana umwe mukadzi wauchawana anofanana naAne" "Zvagara hapana wandichawana achandirova Roe handinga gari nemukadzi anondirova ini nekuti ndinoziva kuti ndikaita something kwaari iye achava neright yekuti andisungise now andirova ndikaenda kuno report kumapurisa vanondiseka hapana zvavachaita. Asi iye akaenda kumapurisa ndinosungwa ne2 minutes handichazivi zveshuwa kuti chii chandinofanirwa kuita ini ndapererwa Roe aewa ngazvipere.saka kusiyana navo zviri right pari zvino hapana munhu achati Ane ari wrong vanongoti ari right chero vana vangu chaivo vanenge vari kuside kwake asi ndirini ndarova Ane dai vachiita madiro kwandiri vakanditsamwira vachitaura zvavanoda nekuti handisi munhu ndinofanirwa kuita zvavanoda. Ane ngaatore hake musha kana achiuda nevana vake I'm done Roe im done" "Dude ndinokumbira usatura uchidaro" "Dude ndauya kwauri ndichifunga kuti uchandisupporta pazvinhu zvose zvaitika asi ndiri kuona kuti newewo uri kuside kwaAne" "No Tafadzwa unoziva kuti hazvisi rizvo ndinoziva kuti unomuda sei Ane zvinhu zvose zvauri kutaura unozvitauriswa nekuti wakatsamwa ndinokumbira usatora decision wakatsamwa nekuti at the end uchazvishora" "Ndakatsamwa asi zvinhu zvandiri kutaura ndazvifunga ndikapedza handichadi chinhu chinondisanganisa naAne ngaasare neimba iya awane murume zviri pachena kuti naiyevo anoda kuva nemurume nguva dzose. So ini ndinomupa stress handisi kumurambidza kuti adanane neumwe murume kana achimuda" "Hade dude asi ndokumbira umbofunga nezvenyaya iyi" "Ndafunga ndikapedza Roe" "Yaaa zvinonetsa kuzvigamuchira asi tinobva kure newe i will support you in everything" "Dankie bro" "Let's hope zvinhu zvose zvichafamba mushe" "Yaaah zvinofanirwa kufamba mushe nekuti I need peace for now" MANGWE Handisi kuzvi believer zvandiri kuona mumaziso angu chero zvichinzi kudii mwana wamai vangu uyu Cinderella "Cindy" ndakadaro ndichiswedera paari ndichimuhaga "Cindy uri kubva kupi nguva yose iyi ndichikutsvaga ndisingakuwani" "Sisi" Cindy akandihaga achindigumbatira "Neniwo ndaida kukutsvagai sisi asi ndaishaiwa pekutangira uye nekuda kwemasituation. Kubuda ndichikutsvagai chinhu chandatanga gore rino I'm sorry sisi" "Ndini ndinofanirwa kukumbira ruregerero Cindy ndaifanirwa kukuchengetedza mushure mekushaya kwamhamha nababa asi ndakatadza" "Ndinofara kuti ndakuwanai uye you still recognise me" "Handifi ndakakukanganwa" Apo Tadie aiti tarisa achishamisika "Tadiwa ndimainini vako ava vandaikuudza nezvavo" ndakadaro vachihagana "Mainini" Tadie akadaro "Hey sweetheart ndafara kukuziva I'm sorry kusavapo muhupenyu hwako samainini vako" "Chiregai kuzvinetsa mainini ndafara nekuvapo kwenyu" Tadiwa akadaro vachihagana zve Yoooh handisi kuzvi believer zvinhu izvi manje ndakambo shungurudzika mumoyo ndichifunga nezvaCindy nhasi mutoro wangu wabva. Ungaramba kuti ndaiva nemutoro muhumbe pana Cindy asi nhasi ndiri kufara zvakanyanya ndakaenda kunomutorera juice tichagara tichitaura nyaya. Vabereki vedu ndinoziva kuti vari kufara zvakanyanya zvavanotiona tiri pamwe chete vachazorora murugare. I'm ready kuita zvose for iye sezvo ivo vasina kuzviita vakamusiya ari mudiki "Ndiri kunzwa kunge ndiri kurota" ndakadaro "Chero ini sisi" Cindy akadaro achindihaga Akandiudza zvakaitika muhupenyu hwake paakakura zvakandirwadza zvakanyanya sezvo ini ndakakura zvakanaka. Ndinoshuvira kuti hupenyu hwake dai hwakararamiwa neni pane kuti iye ararame zvinorwadza kudai misodzi yakatanga kuyerera "Sisi chiregai kuchema" Cindy akadaro "After zvinhu zvose zvandakasangana nazvo pakasvika Angel yakandibuditsa muzvinhu zvose izvi ndiye zve munhu awana imi" "Ndiyani munhu iyeye ndinoshuvira kumuona ndimutende pane zvinhu zvose zvaakaita" ndakadaro "I doubt kuti muchamufarira" "Why?" ndakabvunza ndichishamisika "Ndinofunga kuti istory yerimwe zuva zvanhasi ndinoshuvira kuti tienjoy after makore ese aya" "Yaaah uri kutaura chokwadi, ndakakuguma une makore mana kaiwe" ndakadaro ndichimuhaga zve "Yes sisi" "My princess" Ndichiri kufunga pandaitiza naye ndakamubereka achiri mwana mudiki. Dai vasina kunditorera iye dai ndakakura nemunin'ina wangu honai manje kuti akura sei "Sisi imba yenyu here iyi?" "Yes ndeyedu imba yekwaNgwenya iyi" "Woow yakanaka" "Simuka ndinokuratidza amwe maroom" Akanyemwerera tichisimuka takabatana maoko Anenyasha Ndaiva ndakagara pa bed. Handizivi neyi ndaita zvandaita. Handizivi ndanga ndapindwa neyiko. Ndanguri ndazama kufonera Tafadzwa Asi haadairi. Zvichakadaro foni yangu yakarira vaiva baba "Mushavi" "Anenyashadzashe ndinoda chokwadi kwauri. " Baba vakadaro "Chokwadi cheyi baba?" "Wavaitei baba Manue?" Ndakavhunduka "Ndiri kutaura newe Anenyasha!!" "Ruregerero baba ndakanganisa" "Ndakubvunza kuti wamuitei?" "Baba handizivi ndanga ndapindwa neyi," "Ndati wamuitei?!!!!" Ndakavhunduka "Ndamurova" "Wati chii?!!!" "Baba ndiregerereiwo handizivi ndanga ndapindwa neyi" "Hanti unoona kuti ndiwe unozviputsira imba yako Anenyasha. Mangwana unenge wave kupomera vanhu vasina mhosva . Ndakatii kudii kwauri?" "Ndiregerereiwo baba" "Anenyashadzashe nyaya yako handizivi ndingati kudii nayo. Aewa ndakutadza mwanangu. Ndiwe unoda kuita murume pamusha hanti. Aewa enderera mberi mwanangu neniwo ndasvika pandinoneta" "Baba please musataura muchidaro" ,"Ini musachindipinza munyaya dzenyu manje makura munokwanisa kudzimirira mega. Gadzirai mega nyaya dzenyu" baba vakadaro vachikata foni. Ndakaedza kuvafonera asi havana kudaira foni. Zvichakadaro Tafadzwa akapinda ndakaenda kwaari "Tafadzwa I'm sorry i know ndanga ndisingafanirwi kuita zvinhu zvandaita I'm sorry " ", Ndakuregerera " ,"Please forgive Tafadzwa ndatadza zvakanyanya " "Ndati ndakuregerera Anenyasha " "No problem tisu tichachengeta mwana" ", Anenyasha ita zvaunoona kuti zviri right hanti ndiwe murume here Mumba muno" "Tafadzwa please " "Kana pane zvaunoda kwandiri uchandiwana ndakarara pedo ne pool" "Kwasviba manje Tafadzwa hazviiti unorara panze" Akabva atobuda asina kundipindura End of chapter