Chapter 37 TADIWA Nhasi ndamuka ndichigadzirira sezvo tichienda kunotoresa Tanya birth certificate. Ndapedza ndakadzika downstairs ndakaona mhamha vatopedza kugezesa mwana vatomugadzirira zvose. Chinhu chinondibhowa ndechekuti ndinoenda naManue chii chandichataura naye nekuti zveshuwa hapana zvatingataura "Ndakuisira zvose usazouraisa mwana nenzara" "Okay mhamha" "And musiyane nekuramba muchingorwa naManue nekuti zvamuri kuita zvicha affecta mwana" "I promise mhamha" "Good girl" Ndakaroller maziso angu mhamha vachibva vandiendesa panze kuna Manue vakamhorosana vachibva vatiudza kuti tisarwa. Ndakagarisa mwana wangu kumashure pandaida kupinda Manue akandidana kumberi "No I'm fine" "Ayewa uchakanganisa mwana ndinokumbira kuti uuye ugare kuno sezvo akarara" Ndakanogara mberi Manue akamutsa mota tichienda "I'm sorry nezvinhu zvaitika kufacebook ndinokuvimbisa zvinhu zvauri kufunga hazvisirizvo handaiita zvinhu zvakadaro pamwana wedu" "Okay asi usapinza mwana wangu muma relationship ako mwana wangu haana stepmother aneni chete" Manue akanyemwerera "Chii chinosetsa manje ipapa?" "Nzira yawataura nayo" "Ndiri kutaura chokwadi handisi kutamba" "Okay" Mumota makaita runyararo Ndakabva ndabatwa nehope ndakanzwa Manue ave kundimutsa tasvika "Oooh sorry" ndakadaro ndichimuka Manue akabuda achinotora Tanya ini ndakatora bag rake mukati. Eyy vanhu nekutarisa ayy apo vaingoramba vakatitarisa vasinga pedzi "Zvino vari kuti tarisa chii?" "Handiti vari kunakidzwa nevabereki vadiki" Manue akadaro achiseka "Nxaaa unondidherera zvino tanga neni here kuva nemwana ndiri mudiki?" "Ayewa ndanga ndichingotaura hangu kuti why vari kuti tarisa pamwe vari kuyeva family yakanaka" "Family! Oooh you mean iwe naTanya here?" "Unoziva hazvisirizvo zvandiri kureva" Ndakadzungudza musoro tichibva tanogara pabench JAYDEN Shit nezuro patakaenda kumba kwaSpikes taona pakakiwa nemakey anoita seekujeri I wonder kuti aenda kupi nekuti parikuratidza kuti haapo zveshuwa. Asi iye chero akadii ndichakubata chete uye kana ndamubata ndichamuratidza kuti handimutyi chero padiki zvapo for now ndine stress yaProggy haadi chero kutaura neni. Ini ndinoda kutaura naye ndikumbire ruregero kwaari. Ndakaedza zve kufona ndakafara zvakanyanya paakadaira "Gojasi ndokumbira usakata foni please" "Handimboikate" "Ndinokumbira kuuya ikoko titaure I am so sorry" "Okay uchasvika nguvai?" "Manje ndiri kugadzirira after 20mins ndinenge ndasvika" "Okay" "Ndinotenda Mangwenya wangu" ndakadaro ndichikata foni ndichigadzirira MIKE Ndaenda kuchikoro chaTadiwa munoziva ndanga ndisingafungiri kuti zvinhu zvichava nyore kudaro headmaster haana kumbondiomesera zvakanyanya abva atobvuma kuti Ray adzidze pano. Cleo iye ari kuprimary kwake vabva vatomutora ipapo problem yanga iri kuna Ray asi zvinhu zvose ndagadzira chasara kuti ndinotora vana vangu vauye kuzogara neni. "Wafamba sei Shumba?" Mangwe akabvunza "Ayewa wandibatsira ndanga ndisinga fungi kuti zvinhu zvichaita nyore kudai Ray vamutora" "Oooh that's good news babe" "Now ndave kufanirwa kunovatora" "Haudi kuti ndikuperekedze here?" Ndakanyemwerera. "Ndinoda ndingafara zvakanyanya" ndakadaro tichihagana "I can say you're the best father in the world" "Shuwa here my queen?" "Shuwa" Mangwe akadaro achinyemwerera "Thanks, muzukuru wangu haasati auya here?" "Ayewa asi ndichangobva kumufonera Tadiwa vati vapedza vari munzira" "Ngavauye shuwa ndiri kuvafunga" "Neniwo ndiri kunzwa kunge pane zvinhu zviri kushota pandiri" "Unoziva kubva zvakasvika muzukuru wangu ndinogara ndakafara mumoyo mangu" PROGRESS Now nguva dziri kuma7 ndakamirira Jay kuti auye kuzonditora ndinoda kuziva kuti chii chiri kuitika paari chinoita kuti akanganwe nezvangu ndakamira kwemaminutes achibva asvika ndakapinda mumota "Hey babe" Jay akadaro achinyemwerera "Jayden urisei" "Ndiri right. Handizivi kuti ndotangira papi nezvinhu zvandaita" "Ndiyo nzira yaunoda kuti tirarame nayo here?" "No babe imistake I am so sorry" "Sezvo wanga uchiti uri busy chii chawanga uri busy nacho?" "Ndanga ndiri busy basa rangu ranga rakawandisa" "Kubva rinhi usinga ndifoniri usingadairi macalls angu are you cheating on me?" Ndakamutarisa ndichishamisika. "Handina kumbobvira ndakafunga zvinhu zvakadaro handinga kudaro Gojasi" "Saka unoda kuti nditi kudii nezuro wakaramba kuti ndiuye kumba kwako" "Nekuti pane zvinhu zvanga zvichiitika" "Chii ichocho?" "Ndanga ndisingadi kukusiya wega " "Kutanga rinhi Jay? Ndaingogara ndega Wani usipo" ",Im sorry" "Are you back with Muchaneta?" "What Mama please usandifungira izvozvo ndinokumbira tiende kumba tinotaurira kumba" Handina kumupindura akamutsa mota akananga kumba Anenyasha Zvinhu hazvina kumira mushe pamusha pangu, hapana kana chinhu chimwe chete chiri mugwara. Kana zvimwe zvichigadzirisika zvimwe zvinotanga zve. Now ndakagara pa swimming pool think about nhamo dzangy. Ndakamunzwa munhu aindiguma pamapfudzi pandakatarisa aiva Tafadzwa "Tafadzwa" "Wakagarirei pano" "Zvakawanda zviri mupfungwa dzangu" "Okay, ndafonerwa na mhamha since paya tisina kuzoenda kumusha n'anga yakati yaiva busy now yato yave free tinofanirwa kuenda svondo rinouya" "Okay vana wanga wavaudza here?". "Aewa ndanga ndisati, ini ndinofunga kuti tinofanirwa kuenda na Tanya kuti agotogurwa chigunwe" "Okay asi Tanya achiri mudiki Taffy haasati asvitsa chero mwedzi miviri " "Yah achiri mudiki asi tichaenda naye kuti anoziviswa kuvadzimu" "Okay ndichataura nevabereki vake" "Unenge wabatsira, zvino wakagarirei pano wambotarisa nguva here?".. "Aewa handina foni pinda hako mumba for ndichiri kuda kugara pano" "Aewa handingakusiyi pano Ane" "Tafadzwa usaita kunge une care neni" "Zvagara ndinayo Ane chero newe unozviziva" "Usaita sekunge usingazivi kuti zvinhu pakati pedu hazvina kumira mushe" "We're both responsible pazvinhu zvose zvakaitika Ane, tisu takakonzeresa kuti zvisvike pazviri now" "Asi ndiwe wakatanga Tafadzwa?" "Ndakaedza kuzvigadzirisa ungaita wesi" "Saka wave ku blamer Ini pazvinhu zvose now?" "Ayy tikatanga nyaya tingazopedzisira taitana zvimwe better ndinorara Ini" "Just like that" "Ndizvo zviri best for myself " Tafadzwa akadaro a chitendeuka achienda. Ndakanzwa misodzi yangu ichipisa zvekuti yaida kuyerera asi ndakakurumidza kuidzora pandakaona Popo achiuya kwandiri Akasvika achigara pedo neni achinyemwerera. Wow this smile ndeyemunhu Ari murudo. Akazondiudza kuti awana munhu waanofungira kuti achava naye kwehupenyu hwake hwese. Wow huso waitaura everything. Ndakamuhaga ndikamuraira mashoko maviri matatu Proggy Taiva takagara na Jay tichiona TV. Makumbo angu aiva Pana Jay, "Gojasi Saka watoshinga kundinyima?" "Hauna chauchawana usina kundiudza chokwadi Jay" "But it's not fair babe" "Taura chokwadi " "But usandidaro unoziva kuti apura ndinorida sei?" Ndakaseka "Ndafonerwa na baba hanzi svondo rinouya tiri kuenda ku Mberengwa " "Ohh good news pamwe uchauya usisina nhema" "Come ohh. Babe haa" "Jay can I ask you something " "Sure" "Ungad---" Zvichakadaro foni yangu yakarira ndakadaira asi hapana akataura. Ndakadaira kwenguva yakareba asingatauri munhu wacho kusvika akata "Ndiani?" "Handizivi I number yandisingazivi" Ndakazvibvunza kuti ndiani iyeye ari kufona Tadiwa Ndaiva ndakagara na sisi Mavis(vanotarisa Tanya) tichitamba na Tanya. Takagara kudaro takaona Manuel na Mai vake vachipinda. Mai Manuel vakasvika vachitora muzukuru wavo tichimhorosana. Kutaura chokwadi Mai Manuel vakanaka havo chero vane mateya asi anovafita as long vakasiya attitude yavansyo. Chimbori chii chaicho chavanondivengera nekuti handina kuzvara nemurume wavo ini ndakazvara nemwana wavo. Ndakanovatorera juice ndichivapa. Ohh thank God vanototora zvinhu zvinobva kwandiri? "Ndauya pano kuzotaura newe" Mai Manue vakadaro "Okay" "Ndinoziva Kuti ini newe Kubva zvatakaonana yaingova Hondo yega" Ndakavatarisa "Asi manje pave nemunhu pakati pedu anotisanfanisa Saka izvi zvinoreva Kuti tichagara tichionana nguva dzakawanda. Saka ndauya kuzokumbira ruregerero pazvinhu zvandaitaura pamusoro Pako. Uri Mai vemuzukuru wangu wekutanga Saka tinofanirwa kugadzira zvinhu ini newe for the sake of muzukuru wangu" Ndakavatarisa ndisingazivi Kuti ndoti kudii "Ndakagara pasi ndilafunga nezvenyaya iyi. Yes wakandidherera nezvinhu zvawakatau--" "Ndinokumbira ruregerero nezvinhu zvandakataura kwamuri" "Uri kukumbira ruregerero nekuti ini ndakumbira here?" "Aewa zvinobva mumoyo mangu. Ndine mwana kwa Zvayi so it's useless kurwa nevanhu vekwa Zvayi kunyanya Mbuya va Tanya" "So are we right?" "Yes" "Kune kwandanga ndichienda ndikati rega ndidarike pano usare mushe" "Mufambe mushe" Vakakisa Tanya vachibuda vachienda. Zveshuwa vari kukumbira ruregerero or vane chinyangwa? I don't understand mukadzi uyu. Proggy Aiva masikati ndakagara mumba ma Jay. Yoo kugara wega kunobhowa shame ndajaira kumba kwa sisi ini kwatinenge takawanda. At least Jay akauya ndiri kuenda. Ndakagara kudaro ndakafonerwa neumwe wevashandi vangu achiti ndiuye pane zvinhu zvinondida very urgent. Ndakati andiudze pafoni asi akarambisisa Ndakabva ndatobuda ipapo ndichikumbira umwe wema security kuti andiendese ku restaurant Ko Jay akachinja ka ma security pave nema security 5 handizivi ma security eyi ose iwayo. Minutes later ndaiva ndatosvika ku restaurant. Ndaingozvibvunza kuti chii chiri kuitika. Ndakasvika pa counter "Kwaitikei?" "Pasvika umwe musikana achipopita kuti kana tikasakufonera tichikudana achasiya aita zvimwe pano" "Ari kupi musikana wacho?" "Uyo" Ndakashamisika pavakatendeka pa tafura. Munhu airehwa aiva Shelley, Ari kudei pano? Audzwa nani kuti I restaurant yangu iyi? Shelley akanditarisa achinyemwerera. I wonder I drama yeyi yaauya kuzoita nekuti kumba kwavo vanogara vachiita ma drama "My little sisi" Shelley akadaro achindihaga. Ndaka faker smile kunge ndiri kufara ndichiitira vashandi "Hande ku office" ndakadaro tichienda ku office. Patakangopinda ndakamutarisa "Uri kudei pano Shelley" "Wow the whole Progress ava ne restaurant inoti yake. Congrat girl" "Ko iwe waifunga kuti ndichagara ndiri wenhamo? Wakabondera Shelley" "Hayi usasimudza mapapiro uko ini ndiri kukuitira makorokoto uko" "Uri kudei Shelley ndinoziva kuti hazvisirizvo zvawavinga" "Iwe wakagarika hako isu kumba tichitambura" "Saka ini ndinopinda papi ipapo?" "Unopinda mwanasikana hanti murume wako ndiye akakonzeresa zvose izvo akatidzinga kumba kwedu. Haunyari Proggy vabereki vangu vakakunhonga vakakuchengeta asi nhasi ndizvo zvaunovaita" Ndakashamisika "Vakabiswa mumba? Handizvizivi izvo ini" "Usanyebera kudzungaira iwe" "Look Shelley kuti chii chakaitika pamuri handineyi nazvo ini uye zvose zviri kuitika pamuri you guys deserve it" "Unofunga out dai vabereki vangu vasina kukunhonga dai uri pauri manje here" "Wandidanirei pano?" "Hmm happy for you wave nemurume ndiri kuona ne ring you engaged?" Handina kumupindura "So sweet murume wako anoziva everything about you,?" Ndakamutarisa ndichishamisila "Yes he knows everything uye anondida ndakadaro" "Shuwa here? Zvose zvose here or wakasiirira zvimwe?" Shelley akadaro achinyenwerera Ndakavhara maziso ndichigara pa chair misodzi ichipisa kumeso "It's either unotaura nemurume wako or ndichamuudza zvausina kumuudza" Sheila akadaro achiseka achibuda achienda Tafadzwa Now nguva dzave Kuma seven manheru Tafadzwa haasati auya. Nhasi tanga tabvumira kuti ticha spender whole night tichigadzirisa zvinhu..aewa ndaneta ini nekugara tichirwa ndave kuda kuti tigadzire zvinhu tive Anenyasha na Tafadzwa vekara. Ndaiva ndatopedza kushongedza nzvimbo yose ndikaisa nemaruva. Ndaingoedza kumufonera nekuti ndinoziva kuti kubasa achaisa kare. Ndakaramba ndichifona kusvika adaira "Tafadzwa" "Anenyasha" Uri kupiko Tafadzwa asi wakanganwa zvinhu zvatabvumirana?" "Shitt!!! Ndakanganwa chaiko, now ndiri kumba yangu ndiri busy nebasa Saka nhasi handiuyi tichazviita mangwana " "Tafadzwa imba iyi yakakurisa zvekuti chero pano unoita basa rako" "I know ndadarika kuno pane zvinhu zvandanga ndichida kutarisa Kubva ndatohwa husimbe hwekuuya ndichakuona mangwana " Ndakakata foni ndichigara pa bed misodzi ichipisa kumeso. Zvichakadaro Popo akapinda. "Baba havasati vauya?" Popo akabvunza achinditarisa "Mhamha muri kuchema?" Ndakabva ndatopukuta misodzi "Aewa baby" "Mhamha chii chiri kuitika?" "Tafadzwa haachadi kuuya kumba" "Haachadi kuuya kumba ari kupi?" "Kuimba yake yaakatenga" "Hayi mhamha kuchema hakuna zvakuchakubatsirai nazvo pukutai misodzi please "Ndinoziva but neniwo ndakatadza asi Tafadzwa haangandidaro" "Hayi mhamha musafungisisa pamwe baba vari kutaura chokwadi kuti vari busy okay ngatidaii" "What" "Imwi endai kumba kwavo muno spender navo night ikoko?" "What if achizonditsamwira?" "Hakuna izvozvo mhamha murume wenyu uya munoziva kuti anobatwa papi" "Okay" Ndinayo address " Popo akadaro achindipa address yekumba kwa Tafadzwa" "All the best mhamha" Popo akadaro tichihagana ndichinopinda mumota ndichienda Ndakasvika pandaiva ndapihwa address . Ndakamisa mota pagedhi ndichipinda sezvo gedhi risina kukiyiwa. Ndakanyemwerera pandakaona door risina kuvharwa I want to surprise him. Ndakabva ndapinda. Pandakangorova 4 steps dhuma dhuma na Tafadzwa neumwe musikana vachikisana vasina kupfeka. Ndakapukuta maziso angu ndichifunga pamwe handina kunyatsoona. Ndakatarisa zve, ndikapererwa kuti ndoita sei. You can see out vari ku enjoyer zvavari kuitq chero Ini pandapinda Havana kundinzwa "F**k you. Make me happy" Tafadzwa akadaro uku vachikisana Misodzi yakayerera pandiri, ndakatendeuka ndichibuda ndichienda ndisati ndafenda mberi kwavo. Ndakapinda mumota ndichiimutsa uku misodzi uchingoyerera ndichidzokera kumba End of chapter