Chapter 39 semi final . Tafadzwa Handisati ndamborara zvakadai muviri wese uri kurwadza ndakatarisa nguva ndikaona dzatove Kuma seven shit I wish dai ndawana massage. ndakamuka ndichienda zve kunogeza. Pandakabuda ndakawana Ane akagara pa bed. *Wazomuka?" "Yah eish ndararisa I'm sure I surgery yandaita nhasi" "Yafamba sei?" "Mushe" "Okay, chikafu chave ready downstairs " "Ndichakutevera" Akasimuka achibuda,ndakasara ndichipfeks, ndapedza pandaiva ndave kubuda Popo akapinda "Popo" "Baba" "Is everything ok?" "Aewa baba" Ndakamutarisa ndichishamisika "Chii manje?" "Mavaitei mhamha?" "Ndavaitei kupi?" Ndaiva ndisinganzwisisi kuti anotaura nezveyi?" Popo akandiudza zvese. Asi handina kumuona Ini Ane achisvika kumba. Kuti akauya pandaiva ndina Getty. It's possible maan. Ohh shit obvious akaona everything Ohh shit Ane aona zvose zvaitika kumba akanyarara hake. "Baba mavaitei mhamha?" Apa ndaiva ndave kunyika yangu ndega. Neyi manje Ane asina kuita drama rake? "Baba mavaitei mhamha?" Popo aitaura asi ini ndaiva kure ndichifunga mhosva dzangu "Baba!!" "Hah uhh" "Ndati mavaitei mhamha. Vamuka maziso akatsvuka zvekuti vanga vachichema husiku hwese. " "Shit!!" "Chii?" "Hapana asi ndichagadzira zvose" "Handizivi mavaitei mhamha asi baba ndinokumbira musiye kurwadzisa mhamha" Popo akadaro achibuda achienda Ndakadzokera kumashure ndichigara pa bed ndichibata musoro wangu. What have I done. Ndichiri mukufunga Ane akapinda "Baba Manue chikafu chichatinhora" Ndakasimuka "Are okay?" "I'm fine" Ane akadaro achinyemwerera. I know Anenyasha very well I fake smile iyi. Takateverana tichienda patafura tichitanga kudya. Zvichakadaro Tifa akapera nekuseka "Uri kusekei Tifa?" Popo akabvunza "Ndanga ndichitanga kuona mhamha vakadhakwa" "Tifa idya chikafu chako wakanyarara" Ane akadaro "I'm sorry mhamha" Tifa akadaro Takadya chikafu chedu pasina anotaura neumwe. Tapedza takasimuka tichienda muma room edu. "Ane pfeka rogwe raunofarira tiri kubuda manje" "Tiri kuenda kupi Tafadzwa nguva dzino" "Uchaona tasvikako" "I don't feel like going" "Please Ane" "Okay" Ane akasimuka achinogeza. Ndakatora foni yangu ndichienda ku balcony ndichifonera Getty. "Tafadzwa" "Hey Getty, zvinhu zvatanga tichiita unoziva kuti I business right" "I don't understand Tafadzwa" "Zvinhu zvatanga tichiita kwanga kuri kufadzana chete" "Hezvo Tafadzwa" "Unoziva mukadzi wangu akauya kumba pataiva tese" "Asi iwe wakati marriage yako yakapera kare, hapasisina chinokusanganisa naye, zvadii manje?" "Hazvinei newe izvo kuti ndinorarama sei ne family yangu. Listen mangwana umuke uchinotora zvinhu zvako zvese usapamha zve kundifonera" "But Tafadzwa" "Bye" Ndakakata foni ndichidzokera kuna Ane. Ndakamuwana apedza, neniwo ndakachinja tichinopinda mumota. You can see kuti haadi shame ari kuita zvekumanikidza. Ndakamutsa mota tichienda. Ndiri kuenda naye ku hotera ndiko kwandinoda kunomukumbira ruregerero handingakwanisi kumukumbirira Mumba. Nyaya yedu iyi I think tazozvinyanya tikakanganwa kwatiri Kubva. Tinofanirwa kunogadzira zvinhu zvese kuhotera Anenyasha Ndakavhunduka pandakaona Tafadzwa achipinza mota muhotera. Tiri kudei manje pano? Kuti Tafadzwa auya kuzondi introducer kumusikana owake? No Tafadzwa he can't do that to me. Misodzi yakatanga kupisa kumeso kwangu. Ndakamutarisa "Tiri kudei pano Tafadzwa?" "Uchaona Tapinda" "No no I'm not ready for this please Tafadzwa?" "Ready for what?" What do you mean?" "Ndakabva ndatonyarara nekuti ndanga ndkutohumana "Never mind" Takabuda mumota tichienda pa receptionist. I think vanga vakatotimirira. Pakabudikira umwe mukadzi akati timutevere. Takamutevera tichinomira pane rimwr room achipa tafadzwa ma key "Thanks" tafadzwa akadaro Ndakamutarisa achivhura achipinda mukati neniwo ndakamutevera. Ndakashamisika mukati makaiswa ma decorations pane ma sorry akawanda. Ndakamutarisa ndichishamisika. Akagwadama pandiri achindibata maoko "I'm so sorry Mandlovu ndiregerere" Misodzi yakabuda ichiteverana pandiri "I'm so sorry Tafadzwana Anenyasha. Ndinoziva kuti taiva nemufaro mu marriage yedu Ini ndikapinza wechitatu. Popo andiudza zvose zvakaitika. I messed up big time And ndinokumbira tigadzirise" "Wakandiudza Wani kuti hapana chichagadzirisika" Tafadzwa akasimuka achiswedera pandiri " Rudo rwedu runobva mumoyo medu. Hana dzinoroverana izvo hapana anfmgazvichinja. Yes ndakatadza ndinob--" "Handikufadzi here Tafadzwa? Waiudza mukadzi uya kuti anokufadza, zvinoreva kuti Ini handikufadzi " "Hapana munhu anondifadza sewe Anenyasha. Ane look tose tinoita ma mistake, neniwo ndakaita mistake. Ndiregerere please babe. Let's our relationship " "What about trust?" "Ndinoziva kuti hauchafi wakandivimba asi neniwo ndichazvibata, handichafi ndakatarisa zve umwe mukadzi. I love you Anenyasha you only. Ngatiitire vana vedu nevazukuru kana vachitiona tichifara naivowo vanofara " Ndakatamutarisa nemaziso aiva akazara misodzi. Akandipukuta misodzi achindihaga " I'm sorry and I love you so much" "I love you too Tafadzwa usapamha zve kundirwadzisa " Handipamhi babe ndinokuvimbisa" Tafadzwa akadaro tichihagana Chiedza Shuu ndini here uyu ndawana basa ku Harare and chinhu chiri kundifadza ndiri kunogara Kwa Tete Ane. Neniwo ndave kuzowana bond nevana vavo. Ndaiva ndatopedza kurongedza baba vaiva vatomirira ini sezvo vari Ivo vanondiendesa. Chero hangu ndisiri right kuti ndichienda mhamha vasipo. "Watora zvinhu zvako zvese" "Ehe baba ndatora zvese" "Good usasvika uchinetsa Ane ikoko" "Haa baba handinetsi ini wani?" "No boys Chichie?" "I promise baba" ndakadaro tichihagana tichienda kumota. Shuu I'm so happy ndakaguma kare Kani ku Harare ndichiri mudiki 4 months later Proggy Yoo ndini here uyu ari kuchata kubva ndichikura handina kumbozvifunga kuti in Proggy ndichaita white wedding yoo life is full of surprise. Nhasi tiri kuenda na Proggy tiri kunotarisa mbatya dzedu dzemuchato dzatakasonesa. Hezvo nhai Proggy kubva wanyenwerera kudaro" Mangwe akadaro "Handingaregi zve ini ndine murume anondida" .. "Go ninez" Tadi akadaro achiseka "But bamnini Jay vane lucky kuwana mukadzi akanaka semwi" Tadi akadaro "Shuwa here?" "Aewa makanaka mainini" Cleo akadaro "Sisi nhasi ndiri kuenda kumba ndinobhowekana ndega" "Haa Proggy isu tichiri kuda kugara newe " Mangwe akadaro Ohh ko Mangwe akazochata ka ave kugara na bamnini kuimba ya bamnini ini ndiri kugara ndega kumba kwa sisi Ndakazooneka sezvo Jay aiva asenda message. Ndakasvika mumota tichimhorosana tichikisana achimutsa mota tichienda. Takasvika vatopedza zvose dress rangu nesudhu ya Jay vakativimbisa kuti vachazvi deliver Friday. Takaoneka tichibuda takuenda kumba Chiedza Nhasi ndapihwa basa kubasa. Hanzi pane umwe murume anogara pa wheelchair wandinofanirwa kuno dealer naye ndichimuitisa gym sezvo ndiri physiotherapist. Ndakaendeswa nemota vachinondi introducer kwaari. Takasvika tichipinda mukati. Chinhu chandakatanga kuona mumba umu maiva makasviba. Mukati maiva neumwe murume aiva akagara kunge akarara "Sir" Murume uyu akabva amuka "Hey" "Ohh ndauya naye munhu wandaitaura nezvake zita rake anonzi Chiedza Zhou" "Ohh ndafara kukuziva Chichie ini ndinonzi Shawn Gono" "Neniwo ndafara kukuziva Shawn" ndakadaro tichikwazisana Narrated Nhasi izuva rekuenda ku Mberengwa mhuri ya Tafadzwa yaiva mumota pamwe chete na Tadiwa naiyevo aivapo sezvo vaida kunoratidza Tanya vanhu vakuru, vakashandisa mota mbiri sezvo imwe yaisaita nekuwanda. After some hours vaiva vatosvika. Pavakangomisa mota chete vanhu vose vakamhanyira Tanya "Princess asvika kani" Mai Munya vakadaro "Ohh asvika princess kani" mamoyo vakadaro "Mbuya ko Ini hamuchandioni" Manue akadaro "Hayi tave nemunhu mutsva iwe yako nzvimbo haisisipo" Mai Munya vakadaro "It's not fair but" Manue akadaro "Chero ukataura ma fair Ako isu tiri kufarira uyu. Nhai Mandlovu muroora akapfeka sei akadai?" Mai Munya vakadaro vachitarisa Tadiwa Tadiwa akashamisika achizvitarisa nekuti aiva akapfeka rogwe rake pfuti but not that bad sezvo aiva anzwa kuti mabhurugwa haabvumurwi kumusha "Ha mhamha vana vekuthawundi havangazvigoni zvekumusha" Ane akadaro "Wanga uchifanirwa kumupfekedza mwanangu" Ane akatarisa Tadiwa achiseka "Bheki!!;" Mai Munya vakadanidzura Pakabudikira umwe mukomana achimhanya achiuya Kuna Mai Munya "Ndauya mbuya" "Enda Kuna mhamha vako uti vakupe dhuku" "Ehoyi mbuya" Bheki akadaro achimhanya achienda. Zvichakadaro paida akabudikira achihaga Ane vachimhorosana achimhorosa vanhu vose "Muroora ndisungire muzukuru dhuku" Mai Munya vakadaro Paida akatora dhuku achiswedera Pana Tadiwa "Sorry nhanha ndiyo mitemo yacho" Paida akadaro "Saka ndichapfeke dhuku iri kusvika ndadzokera or ndichakurura ndapinda mukati?" Tadiwa akabvunza. Paida akaseka "Uchapfeka kusvika wadzokera don't worry ndichange ndichikusunga " Paida akadaro Tadiwa akabvuma vachipinda mukati. Manue akaswedera pana Manue achizevezera "Mukadzi wangu wamboona here kuti unofithwa sei nedhuku?" Manue akadaro "Dzikama Manue handisi mukadzi wako ini uye handifi ndakaita mukadzi wako" "Hakusisina kudzokera Shure kupfeka dhuku zvinoreva kuti watova mukadzi wangu" Manue akadaro achizevezera Zvichakadaro Shingi na baba Manue vakapinda vachiteverwa nana Tichaona "Ahh ahh muzukuru wemuzukuru wekutanga Shingi hona wakatodzisa vana misikanzwa" Zvayi akadaro Shingi akaseka. ",Wee vana Manue mave nevana?" Tichaona akadaro "Yaiva mistake bamkuru" Manue akadaro. Tadiwa akamutarisa Manue akamutsonya achinyemwerera "Musikana wako akanaka yoo " Ethan akadaro "Muroora wenyu iyeye?" Manue akadaro vachiseka "Baba vana vavapo mbuya Pasi vakati pane chokwadi chinofanirwa kuudza vana nek--" Mai Munya Havana kuzopedza kutaura zvayi akavavhara "Ngatichiitai zvafambirwa nevana musiye kufamba muchiterera nanga dzamusingazivi secret yeyi Zvayi vakadadaro maziso akati njoo pasi. Mai Munya vakatora mwana vachimukurura mbatya achisara akadaro vachimutarisa maoko nemakumbo vachidzungudza musoro "Tafadzwa chii chamakaita kumba kwe muzukuru? Sezvo makakanganisa?" Shingi akabvunza ."takagezisa musha tikabisa ne damage " "tawedzerwa" Shingi akadaro "Sekuru" "Hanti unoziva kuti kana wakanganisa mwana wevanhu unofanirwa kumuroora?" Shingi akadaro. Manue akabvumira pamsoro. Tadiwa akavhunduka "Ehe sekuru ndinoziva uye ndave ready kumuita mukadzi wangu " Manue akadaro Tadiwa akavhura muromo achida kutaura asi akatanga kufunga mashoko a Mai vake kuti haatauri panotaura vanhu vakuru Vakaita zvose zvavaiita vachibva vatora mwana vachienda naye kudanga. Misodzi yakajenga Pana Manue paakaona vakabata banga. "Relax babe hapana zvichaitika pamwana wedu" Manue akadaro achimubata ruoko "Hapana here imwe nzira yavangaita nayo isiri iyi?" Tadi akabvunza Vakapinda mudanga vachitanga kudetemba mutupo wekwa Zvayi. Zvichakadaro Tadiwa akanzwa mwana wake achiridza mhere. Akatadza kuzvibata achibuda ari short akananga kudanga Chiedza Nhasi izuva rangu rechi two ndiro kubasa nhasi ndichashanda Shame sezvo tichange tichiita gym. Ndakasvika kumba Kwa Shawn ndikamuwana achiona TV. Munhu uyu ati kwandiri ane musikana anongogara Ari ega. Nezuro ndaenda manheru handina kumbomuona achisvika. "Hey" ndakadaro "Kuri sei?" "Ndiri right sezvo nezuro ndataura kuti ndichasvika masikati ndasvika manje" "Ohh that's gud" Ndakamutarisa kwenguva yakareba "Tisati tatanga ndinoda kuziva. Kuti wadya here?" "Yes ndadya" "Okay nhasi tiri kugymer I know zvicharwadza asi unofanirwa kuzviita" "I understand" Pandakamubata ruoko kuti ndirusimudze pakabva papinda umwe musikana "Murume wangu waunobata uchidaro?" "Hello sisi" "Shut up handitauri newe ndiri kutaura nemurume wangu ungabva wabata murume wangu nenzira iyoyo?" Handina kumupindura "Shawn what's going on here?" "Shelley ple--" "Fuck maan!!! " Shelley wacho akadaro achitendeuka achienda Ndakashamisika. Ndiye musikana wake here waanga achindiudza nezvake? Ndakamutarisa "I'm sorry " It's fine I understand" ndakadaro tichitanga session yedu Muchaneta Ndiri kuendesera Spice chikafu sezvo ana Tman ku study room vari kutaura uku vachiratidzana map "Yah I'm sure kuti mukadzi anenge akamira apa" spice akadaro "Yes murume anenge akamira apa" Tman akadaro vachiseka apo ndaiva ndakamira pa door ndaida kuziva kuti ndicvanani vaitaurwa "I'm sure pachange pakazara ma security " Tman akadaro "Forget about security ndinoziva tichapinda sei. This time anyangaira yakaoma mukadzi wake anofanirwa kufa chete" spice akadaro "If you say so boss" Tman akadaro "Yah tichatamba mutambo wedu very clear and smart. Ndinoda kuti arwadzise sezvaakandiita" Spice akadaro Ndakagogodza vachibva vati ndipinde. Ndakapinda ndichiedza kutarisa map asi hapana chandaiona. But noo I have to do something kusvika ndaziva ndiani ari kuda kuurairwa mukadzi na Spice.