Chapter 1 Tanisha Wee ini Tanisha mangwana ndiri kuenda kuHarare kunoshanda basa rangu rekutanga. Basa rangu randakawanira degree. Hapans chinhu chinondifadza muhupenyu hwangu sekuti ndave kuzoshanda wo. Ndiri kufara zvakanyanya pandinoona mbuya vangu vane mufaro wakawedzera nezvinhu zviri kuitika pandiri. Mukadzi uyu ndikare achidonha achimuka neni. Kubva zvandakasiiwa nababa ndivo vaiona zvose kuti ndarara ndadya ndakapfeka here handirwari here. Mai vangu pavakaona baba kuti vashaya vakanondi sarenda Kuna mbuya vakati ngavaone kuti vachaita sei nemuzukuru wavo Nguva yacho ndaiva nemakore gumi, ndaiva ndichiri mudiki hangu asi ndichiri kurangarira zvose zvakaitwa namai vangu. Vakandisiya Kubva musi iwoyo Havana kumbotarisa kumashure. Kana kumbofunga nezvangu ndakavaguma musi wavakandisiya Kwa mbuya vanozvara baba vangu. Mbuya vangu vaindida zvakanyanya Havana kumbondirasa. Vakashanda vachitsvaga Mari yekuti neniwo ndirarame hupenyu huri nani. Vaibatsirwa nedzimwe hama dzekwa baba kusvika ndapedza university yangu ndakadzidza ku Chinhoyi university of Technology Chero hazvo zvairema asi Mbuya vangu vaiedza shame . Yes bamkuru vangu vaibatsira asi dzimwe nguva maiguru vaivarambidza kuti vandibatsire. Then kule ku side Ra mhamha naivowo vaiedza kuisavo zvavanazvo chero hazvo maoko aiva mapfupi asi vaibisa tushoma itwotwo. Mufaro waiva na Mbuya hautsananguriki shame. Vaiona kuti hupenyu hwavo hwave kuzochinja. Chero hazvo vaiva nemufaro asi mufaro wacho waizongopera sezvo tave kuzoparadzana asi neniwo hapana zvandingaita nekuti basa ndiro randiendesa kuzvikwenzi. "Huya mhandara yangu tinofanirwa kupedza basa" Mbuya vakadaro ndakaseka "Asi Maziyani shuwa neiko ndichigeza nemishonga?" "Nekuti handizivi kuti kwauri kuenda uchasangana neyi? Pamwe uchasangana nemagarambudzi vakakuita zvimwe ikoko Saka n'anga inofanirwa kukusimbisa" Ndakaseka, ayy shame muchembere wangu ari too much "Okay muchembere wangu, ko ndingagoita sei ini ndakakuriswa nemishonga" "Saka unoda kuti ndinoroya inini" Haa Mbuya munoziva wani kuti ndinoreveyi" ndakadaro ndichiseka Mbuya vakandikisa pahuma tichibva tabuda kunze kwemusha . Imagine apo husiku uku kuri kutonhora ndave kufanirwa kugeza nemvura inotonhora manje. Ndapedza kugeza takadzokera mumba, yes I don't have a problem nechivanhu asi pandinofanirwa kuiswa nyora manje ndipo pane nyaya hugwara hwakandigara bhamba. Kutaura kudai muviri wese wakazara nyora. Ndinombozvibvunza Munhu wandinodanana naye achati kudii achindiona ndakazara nyora kudai Asi handifanirwi kuzvinetsa nazvo ahh. Chivanhu changu ka. Handingamborasi chivanhu changu nekuda kwe mukomana. Ndapedza kuiswa manyora n'anga yakaoneka ichienda. Ini nhasi ndiri kurara mukakuri mambuya. Vakandirarisa pachipfuva Chavo. "Muzukuru wangu ndiri kufara zvakanyanya kuti rangu basa ndakapedza kwasarirwa rako manje. Yave yako nguva yekuti undichengete" "Makashanda zveshuwa mbuya pamwe dai ndisipo pandiri apa ndinotenda zvakanyanya mundevere wangu" Mbuya vakanyemwerera "Mushure mekunge baba vako vapfuura panyika ndaifunga kuti ndangosara ndega panyika asi iwe pawakasvika ndakaona aewa hazvisirizvo. Ndiwe chete uchadzosa mufaro wandaipihwa na baba vako. Moyo wangu Uri kurwadza kuti Uri kuenda kure . Ndabva ndatofunga baba vako. Baba vakaenda kunoshanda kure vakadzoka vari mu coffin. " Mbuya vakadaro misodzi yatojenga kumeso. Neniwo ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso asi handina kuibvumira kuti ibude. Ndakavapukuta misodzi. "Kufa Kwa baba vako kwakandirwadza zvakanyanya. Kwakandisiira vanga rakanditorera nguva kuti ripore. Sezvo newevo uchienda kudai ndiri kutya zvakanyanya. Ndinokumbira uzvibate zvakanyanya mhenya yangu usakanganwa kunamata" "Musazvinetsa neni mbuya ndinemwi kusvika jesu auya kuzotora vake. Sezvo muchindiraira kudai mashoko enyu awana nzvimbo mumoyo mangu. Achagara achiita maungira munzeve dzangu. "Vakomana mamoyo. Ndinovatya vakomana vekuthawundi".. "Musawara mbuya hanti munoziva kuti handingambosviki ipapo" "Ndinovaziva vana vemazuva ano havadi kuona vhiri remota . Vobva vakunhumburisa vokusiiy. Kana uchinge wawana atora Moyo wako tanga wanyatsomutarisa handidi nhumbu ini ndinoda kuti upfeke rogwe chena rinosvika kumakumbo nemagumu gumu" Ndakaseka "Mbuya shuwa" "Wazvichengeta muzukuru wangu haungambozowani boorangoma remukomana richakutambisa rokusiya" "Saka pandinenge ndichiuya munenge muchinditarisa" Mbuya vakaseka "Wakura manje mhandara yangu handichazviiti" Ndakanyemwerera "Makore makumi maviri nemana wakazvichengeta mukore uno aewa ndinotenda muzukuru wangu" "Ndinokudai mbuya vangu" "In ndinokuda zvakapfurikidza chirara une rwendo mangwana" "Murare mushe" ndakadaro ndichirara ndakavahaga kunge vati vanoda kundisiya ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana ndakamuka ndichigadzirira kuenda Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Elvis "Hey babe" "Saka uchaenda usina kundiona here?" "Hapana zvandingaita babe basa rakandimirira and newevo hausi around dai ndakuona" "Eish pakaipa kani" "Don't worry uri wangu kusvika kumagumo Saka tichazoonana zve" Takazotaura dzimwe nyaya asi Elvis aionekwa Kuti haasi right asi neniwo hapana zvandingaita . Ndinofanirwa kuenda ndinozamira mbuta hupenyu huri nani. Zvinorema kunotanga hupenyu hutsva kunzvimbo yausina Munhu waunoziva, asi ndiri kunogara na cousin wangu Mamoe Ari ku UZ Manje igore rake rekupedzisira iri Saka zvinhu zvese zviri mugwara. Taiwana nenzvimbo yekugara sezvo zvisingaiti Kuti ndigare ndega abva kwaari kugara akauya kuzogara neni. . Ndakarwadziwa pandaiva ndakuonekana na mbuya. Iri kupi Harare kana ndiri pano mwari wangu. Apa handina mari iri enough asi ichandisvitsa pandinoda Kuti indisvitse as long ndichiita budget yangu zvakanaka. Ndakafamba mufambo wakareba mukombi kusvika ndarara asi Kuti tisvike Manje haa. Yes ndinoziva Kuti kwatiri kuenda kure asi bhazi racho ratiri kufamba naro chikorokoro chaicho chinoti chikati fambe chombodzima argg apa mugwagwa wacho kani. Nzira yose iyi mbuya vaingondifonera vachindi checker. Tati fambe bhazi rakafa tikagara zve ma hours Kuti rigadzirwe. Mamoe naiyevo aingondifonera achindibvunza Kuti ndiripi. Takasvika ku Harare Kuma 6 apa kunze kwaiva kwakutotanga kusviba at least ma light akazara Harare yose. Mamoe akandiudza Kuti ndikwire kombi ipi uye ndiburukire kupi. Ndichangoburuka mukombi ndakavhunduka pandakaona mota yaimhanya neimwe speed. Ndakatsinzina pandakaona ichinanga straight pane umwe Munhu aizvifambira padivi pemugwagwa ichimubondera. Pandakavhura maziso murume uya aiva arara pasi ropa razara muviri wese. Ndakashamisika pandakaona vamwe varume vachiburuka kumota vachimutora vachimuisa ku boot. Ndakadedera zveku chero wiwi yakasara padiki kubuda. WTF? Zita rangu ndinoitwa Tanisha Moyo kumusha ndinobva ku Chinhoyi. Nhasi uno ndiri muno mu Harare kuzoshandira muchembere wangu. Garai neni munzwe Kuti ndakazoshanda sei ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mushure mekunge mota iyi yaenda ndakasara ndichiita kubvunda chaiko. Asi neyi zvinhu izvi zvaitika mberi kwangu. Munhu uyu aita zvekuvingwa achizvifambira pedzezvo otorwa oiswa ku boot. Ndiri kuita kubvunda. Ndinotya chero kubudisa foni yangu Kuti ndifonere Mamoe auye kuzonditora. Handizivi Kuti ndihwande kupi Mwari wangu what if vanodzoka kwandiri? Ndakasara padiki kuridza mhere pandakaona mota yaiuya kwandiri. Ndakabata musoro ndichivhara maziso ndatogamuchira Kuti ndiko kufa Kwangu. Payakamira ndakanzwa Mamoe achindidana.. ndakamhanya ndichinopinda mumota ndaiita kubvunda asi handingambomuudzi nyaya iyi mberi kwa driver we tax. Takamhorosana. "Hezvo cousin Uri kuvhundutswa ne Harare here Kubva waita sewawona chipoko?" "Kwana Mamoe" ndakadaro tichiseka Takasvika kunogara Mamoe, akabhadhara tichibva tabuda tichipinda mukati "Cousin hausi right taura neni" Ndakafemera mudenga ndichizvibata chipfuva. Mamoe akamhanya achinondicherera mvura "Taura neni cousin" Ndakamuudza nyaya yose asi ndakashamisika asingavhunduki hake mwana wa kule vangu. "Hezvo Mamoe hauvhunduki ndichikuudza zvinhu zvinotyisa kudai" "Haa sweetheart ndizvo zviri kuitika panzvimbo Ino. Vanhu vari kufa kunge huku mazuva ose and nemapurisa acho handizivi Kuti basa rawo nderei" "Ahh Saka haisi nzvimbo ino. Munogara sei panzvimbo isiri safe" "Unopona chete kana une vadzimu vari strong vasingadi newe." Mamoe akadaro achiseka "Asi iwe ndinokuziva uri strong Mbuya vako vakusimbisa" Ndakaseka "Unomuziva mundebele uya" "Ndabva ndamufunga muchembere wangu ari sei hake" "Akasimba hake. Hee dai waiziva Kuti muviri wangu wakazara sei manyora" Mamoe akandiseka "Ndinomuziva muchembere wangu. Okay Tanie on a serious note usazvijaidza kufamba husiku . Unoziva mazuva ano vanhu vari kupera panzvimbo Ino handizivi chii chiri kuitika. Asi pane nhubu yemunhu pamwe ari kuromba nevanhu so" "Ayy ini handidi kugara panzvimbo yandichagara ndichitya" "Nzvimbo iyi yaiva right zvose izvi zvakatanga mwedzi wapfuura. Pane mwana watanga tichidzidza naye. Naiyevo akanyangarika hapana anoziva kwaari" "Ohh God. Eyy zvakaoma shuwa. Rega ndifonere mbuya ndivaudze Kuti ndasvika asi handingambovaudzi zvaitika " "Unenge uchida Kuti vafe zve ne bp" Mamoe akadaro tichiseka ndichibva ndafonera mbuya. Vakafara pavakanzwa kuti ndafamba zvakanaka. Vakatanga zve kundiraira nyaya dze vakomana asi ndakavavimbisa kuti vasandityira ndinaye wangu Elvis. Ndapedza Mamoe akandibatsira kurongedza mbatya dzangu ndichidziisa pa wardrobe "Usazopengeswa nevakomana vemu Harare ko vakanaka zve" "Haiwavo ndinaye wangu Elvis ini" "Asi cousin magarisa muchidanana. Akambocheka apura here?" Ndakavhura maziso "Hanti unoziva kuti ndakavimbimbisa mbuya kuti munhu achacheka apura munhu wavanoziva" "Ohh that's good muzukuru wa mbuya" Mamoe akadaro tichiseka tichirongedza mbatya Mhukahuru household Aiva makuseni apo vashandi vekwa Mhukahuru vaikwira vachidzika sezvo vaigadzira breakfast. Musha wacho wakakurisa Saka breakfast vanotoita zvekumukira kuigadzira Kuti vakurumidze kupedza. Family iyi I family yakakura uye inozivikavakanwa chero mumapepanha kuti vakapfuma. Hapana type yemota isipo . Vana vacho vose umwe neumwe ane mota yake Kubva kune muhombe wacho kusvika kune mudiki wacho. Kana ndichiti mota handitauri nemota dzinofamba mumugwagwa asi dzavo dzinoita sedzinofamba mumhepo. Mota dzakatengwa nemari inopisa. Vashandi vakapedza kugadzira breakfast vachibva vaendesa patafura, mhuri yekwa Mhukahuru yakauya ichigara pasi Kuti vadye breakfast "Ari kupi Lionah?" Mhukahuru vakabvunza "I think ari mu room make baba" Leticia akadaro "Asi nhasi haadyi?" Mhukahuru vakabvunza "Regai ndinomudana daddy" Leticia akadaro achisimuka achienda mu room me munin'ina wake. Akamuwana achimbeya imba yose uku achitaura ega sebenzi "Chiiko newe iwe Lionah?" "Ndikare ndichitsvaga bum short yangu asi handisi kuiona ndiani atora mbatya dzangu kwadzanga dziri. I'm sure vashandi argg" "Hayi Lilly usadaro ahh vanhuwo sesu" Letty akadaro achinoitarisa pa wardrobe "Look ndaiwana ko iwe wanga uchitsvaga sei?" "Thank you that's why ndichifanirwa kutaura na daddy vandiwanire dresser wangu" Letty akaseka "Ayy shame lilly wakuzviwanza manje" "Thank you sisi" Lionah akadaro achihaga sisi vake "Ngatichienda tinodya ndiwe wamirirwa" Letty akadaro vachidzika downstairs vachigara pazvigaro zvavo "Morning everyone" Lionah akadaro "Morning Princess" Mhukahuru vakadaro "Nhasi chiiko wanonoka kumuka?" Mamlilo mukadzi wa Mhukahuru akabvunza "Ndanga ndichi kutsvaga bum short yangu aewa daddy handingazvigoni ini ndinoda dresser yangu manje. Mbatya dzangu dzinongonyangarika" "Hayi hanzvadzi unodawo zvinhu iwe" Nkosilathi akadaro "Lionah une drama shame" Tinashe akadaro "Anything for you my princess " Mhukahuru vakadaro "Lionah uri mukadzi iwe unofanirwa kuzviitira zvinhu wega, zvino wave kuda kupfekedzwa mbatya" mamlilo vakadaro "Hayi wife siya mwana ahh" Mhukahuru vakadaro Ma brother a Lionah akadzungudza musoro "Tinashe wakaguma rinhi kutaura ne mukoma wako?" Mhukahuru vakabvunza "Nezuro" Tinashe akadaro "Hanzi ndinouya rinhi kumba" Mhukahuru vakabvunza "Hatina kumbotaura nezvazvo Mhukahuru " Tinashe akadaro "Mupfanha uyu ka, okay zvisinei hazvo nguva dzekuenda kubasa dzachaya" Mhukahuru vakadaro "Ini ndatove ready" Nkosilathi akadaro "Neniwo ndave ready" Tinashe akadaro Mhukahuru vakasimuka vachienda mu room mavo . After some minutes vakadzoka vachibva vaenda kubasa Tanisha Nhasi izuva rangu rekutanga kuenda kubasa. Mufaro wandinawo hautsananguriki shuu. Ndave ready ndakabuda ndichienda kunokwira kombi. Handina kumira nguva yakareba kombi yakabudikira kumashure kwaiva kwakazara Saka ndakakwira kumberi "Hey" ndakadaro "Hey" driver wacho akadaira zvekusatoda kutaura neni "Argg I don't care ne attitude yake ini mufaro wandinawo haudi ma attitude ema driver ekombi. Kombi yati fambe mbuya vakafona "Mazinyane" "Nhasi handifonerwi" "I'm sorry mbuya ndanonoka kumuka Saka ndanga ndichiti ndichakufonerai ndasvika kubasa" Okay muzukuru wangu ushande mushe." Ndakanyemwerera "Thanks gogo" Muchairi uyu aingonditarisa achibirira. Chiiko chaari kunditarisa kudaro, asi anofunga kuti handimuoni. Mota yakafamba kusvika yasvika kwandaienda sezvo ndaiva ndamuudza kwandiri kuenda. Ndakamuona achivhura maziso "Shit!!! Ko wauya pano?" Ndakarola maziso angu ndichibuda mumota. Ndakanyemwerera ndichiyeva company yandichashanda kuti yakakura kudai. Ma building akadai takaagumira pama tv. Kusanyeba huroyi nzvimbo yakanaka iyi. Kunge ya president. Ndakapinda mukati, apa ndaifamba ndichitarisa nzvimbo. Hayi ndakadziona nzvimbo dzakanaka asi apa ndasimudza maoko nzvimbo yakanaka iyi. Handizivi nekuti ndichananga kupi. Lucky ndakaona reception ndakaswedera paari ndichimubvunza Kuna manager. Akandiendesa ku office kwake. "Sir munhu uyu auya kwauri" Manager akasimuka achinditarisa tichikwazisana "Morning Zita rangu ndinonzi Tanisha Moyo ndir--" "Our financial accounting" Ndakanyemwerera. Ndinonzwa manyukunyuku kana ndichidanwa nezita iroro "Yes sir" "Welcome to Mhukahuru Industry ini Zita rangu ndinonzi Tinashe Mhukahuru" akadaro tichikwazisana zve End of chapter