Chapter 19 . Lagaman Mangwana ndakamuka ndichigadzirira sezvo ndichifanirwa kuendesa Tanie kumabhazi ari kuenda kumba kwavo. Ndandisingadi Kuti akwire mabhazi asi handina choice ndine zvinhu zvakawanda zvandofanirwa kuita. Ndapedza ndakabuda ndichienda kumba kwake. Ndakawana Mamoe atopedza ari mu sitting room.. exactly munhu wandikuda Mamo" "Hey Laga kuri sei?" "Bhoo hangu memu yangu iri kupi?" "Unoiziva newevo memu yako iri slow. In ndanguri ndapedza" Ndakaseka ndikazomuudza Tinashe andiudza nenyaya yenhumbu. Ndakamuudza ashinge haasi wekutanga kuita mwana achigara kumba kwavo "So ninez ndokumbira kumbokunetsa ka" "Anything for you bamkuru" Ndakaseka "Mangwana ndikuunza roora kumba kwenyu" "Ohh my gosh!! Shuwa here?" Mamoe akabvunza avhura muromo kunge uchapinda nhunzi Ndakabvuma nemusoro ",Wow mbuya vachafara shuwa pavachanzwa nyaya dzakadai "Yah asi ndoda kuti iite surprise kwaari handidi kuti azive nezvazvo" "Haa Saka ndichaita sei nekuti tofanirwa kukugadzirirai chikafu?" "Uchaona newevo kuti uchaita sei" "Aish task yaukundipa yakaoma asi ndichaita plan" "That's why I love you" Ndakadaro tichiseka.. Tanie akabudikira nema bag takaenda kumota tichienda ku rank. Taifamba hedu tichitaura nyaya. Tasvika ku rank vakapinda mu bhazi tichionekana neniwo ndichibva ndadzokera kumashure Mamoe Hours later takasvika kumusha . Patakangoburuka ndakanyengerera Tanie kuti titenge chimwe chikafu sezvo ku town tanga tangotenga chinokwana mbuya chete. Tanie akamboda kubvunza kuti ndecheyi chikafu chose ichi asi ndakamusofta zvekuti hapana zvaakambofungira. Tapedza takaenda kumba. Rutendo paakangotiona akatimhanyira. Rue mwana wa baba va Tanie naiyevo akaunzwa na Mai vake mumasvondo adarika. Ma bhebhi ose a baba Tanie pfungwa dzinotiza anongouya kuzo dumper vana Kuna mbuya. Rue akura manje ane 15 years. Takapinda mukati mbuya pavakationa vakafara zvakanyanya. Takatandara tikataura nyaya dzakasiyana. Ndakazooneka ndakuenda asi ndisati ndapedza ndakaenda Kuna mbuya vari Vega ndikavaudza nezvekuroorwa Kwa Tanie . Ihh vakafara shame. Asi matarisiro avaindiita akandivhundutsa. Pamwe vari kuoona kuti ndine pamuviri Lagaman Ndoda kuona zvinhu zvichaitika nhasi kana Mhukahuru na Davula vakaona musikana wavaiva va kidnapa kuti musikana wa Tinashe "Nhasi tikunzwa good news Kuna Tinashe" mhamha vakadaro "Taurai henyu" Ndakadaro "Newevo mwanangu makoroto mangwana ukunoroora" mhamha vakadaro "Yes congratulation boy wakura manje" Nkosi akadaro "Makoroto asi ma divorce hatiadi pamusha pano" Davula akadaro "Iwe wanzwa nani kuti ndichaita divorce?" "Haa Davula ndanga ndisingafungiri kuti iwe ungataura zvinhu zvakadaro" Nkosi akadaro Davula paaida kupindura ndakamunzw akukosora nonstop, ko hanti Tinashe aiva apinda nemusikana wake. Ndakaona Mhukahuru vachi shaker shake. Waya boys 10 big madhara 0. Ndakasimuka ndichivachingamidza. "Guys mauya"ndakadaro ndichinyemwerera Tinashe akabatsira kikie kugara pasi. Kikie akavhunduka paakavaona "Tinashe ndakuda kuenda ini" "Relax babe hapana zvichaitika pauri" Tinashe akadaro Ndakaona Letty achivhunduka paakaona Kikie ko hanti vaiva ma best friends Ndinoda kuona zve kuti chii chichaitika Pana Mhukahuru. Aewa BP yake iri strong shame anga achifanirwa kufa zve munhu uyu. "Kiara, Kikie" Letty akadaro achisimuka schinomuhaga. Mhamha naivowo vakasimuka vachinomuhaga. Mhukahuru na Davula vaingotarisana asi hapana zvavangamboita shame manje. "Ahhm ndinotenda nemukanwa wamandipa ndinoda kuku introjusiyai pamusikana wangu. Uyu anonzi Kiara Dube ndiye munhu wandinofunga kuti tichava neremangwana rakanaka" Tinashe akadaro ,"Musikana wako?" Mhukahuru vakadaro "Yes musikana wangu" "Akatanga rinhi kuva musikana wako?" Davula akabvunza "Kubva kare chete pakazosvika mambombera anotengesesa vasikana nemuviti vakamutora mwana wevanhu vachinomuitisa mabasa akasviba" Ndakadaro Apo Kikie aiva akubvunda shame, anga asingafungiri kuti vanhu vakamu kidnaper vangabva kumba kwemurume wake. "Pedzezvo vakamubisa nhumbu yemwana wangu" Ndakaona mabhuru ari maviri achivhunduka "Hezvo Tinashe zvakaitika rinhi izvo?" Mhamha vakabvunza "Mwedzi yadarika, ndatozomuwana kuswera zuro . Ndabatsirwa na Laga kuti timuwane kwaakatorwa nevazivi venyika" Tinashe akadaro "Yoo zvakaoma hazvo" Nkosi akadaro "Iwe Davula unoti kudii nenyaya iyi?" Ndakabvunza "Unoda nditi kudii iwe mpfana?" Davula akadaro "Hayi unongokandawo shoko rinorwadza. Imagine bhebhi remupfana wako rakaitiswa zvinhu zvinorwadza kudaro. Haufungi kuti vanhu vakadaro vanofanirwa kupiswa vari vapenyu" Ndakadaro "In kune kwandiri kuda kuenda" Mhukahuru vakadaro vachida kusimuka.. "Not so fast Mhukahuru, Letty Lions ndimokumbira mutore Kikie muende naye mu room menyu" "Okay" Letty akadaro vachisimuka vachienda. Ndakasimuka ndichinomira pa chair ya Davula "Mhamha zvinhu zvandichataura ndinoziva hazvingambokuvhundutsiyi nekuti munomuziva murume wenyu kuti akadii. Asi manga muchiziva here kuti vanoshandisa vasikana vachivatengesesa miviri " Mhamha vakavhunduka vachitarisa murume wavo asi hapana zvavangataura nekuti vanomutya murume wavo "Nhasi uno handina mwana nekuda kwavo" Tinashe akadaro "Vanhu vakatora Kikie ndini na Tinashe. Hayi Mhukahuru mune huysinye shame, mungaita huysinye hwakadaro pavana vevanhu. Pamusha pano pane vasikana munganzwa sei imi kana vana Letty vakaitwa zvamuri kuita" Ndakadaro "Iwe mupfana usataura kunge uri kutaura na Kim" "Uchaita sei Davula? Neniwo uchanditengesesa manyuwa wangu? Haa nehutsinye hwako uhu ungazviita iwe? Asi renyu zuva richasvika shame. Muchabhadhara zvose zvamuri kuita. Nkosi newevo ndaifunga Kuti uri nani asi newevo wakafanana ne crew yako " Ndakaona misodzi mumaziso a mhamha "Sezvo muri ma partner na Mhukahuru munoziva kumubata panonaka mumuudze kuti asiye kushungurudza mhamha asiye kurova mhamha nekuti achafira mumaoko angu " Ndakaona Nkosi achivhura maziso "Bothy" mhamha vakadaro "Hayi mhamha nhasi handingambonyarari" "Baba mukuitei mhamha?" Dumisani akabvunza "Mupfana akambotaura zvinhu zvine musoro here?" Baba vakabvunza "Asi ndichazvipedza hañgu zvinhu zvikuitika pamusha pano. Handizivi when asi ndichazvipedza" ndakadaro "Mhamha zvinhu zvikutaurwa na Laga ichokwadi here?" Nkosi akabvunza "Vachakuudza sei nekuti vakangokuudza pavanosvika mu room mavo vanorohwa" Ndakatarisa Mhukahuru ndikamunzwira hasha kuti dai ndamudzipa akafa. Ndakatendeuka ndichienda mu room mangu. Asi Mhukahuru ndichamubata chete. Ndichamubata akavarairwa Tinashe Laga paakaenda mu room make neniwo ndakasimuka ndichienda mu room ma Letty ndakatora Kikie tichienda mu room mangu. Maziso Ake aiva akatsvuka piriviri "Tinashe nei uchindidaro ? Wanga uchiziva kuti family Yako ndiyo yakandi kidnaper iwe ndipo paunondiunza pavari" "Relax babe" Ndakadaro ndichiidza kumusofta asi akavava kikie kusvika àti ndimuendese kumba kwavo apa kunze kwaiva kwasviba. Ndakaedza pose pandigona asi mwana akaramba akatsika. Ndakabuda ndichienda mu room ma Laga ndakamuwana akutopfeka ma pyjama "Broe ndauya kuzokunetsa" "Chii manje iwe unogara uchinetsa maan. " "Kikie haadi kurara pano, àti akuda kuenda " "Ahh chiiko naye? Ngaarare uko" "Hayi broe newevo unoziva handingamuudzi izvozvo" "Ahh newevo Tinashe kukwidzire izwi maan achadzikama umuudze kuti achaenda mangwana " "Kunge iwe unozviita Kuna mamoyo" "Usaita zvuzvidzira maan mpfana " "Ayy nxaa" Laga akasimuka achipfeka "Ndanga ndichida kutaura nemukadzi wangu asi iwe wandikanganisa" "Sorry broe Takabuda Laga akaenda kumota ini ndakanotora Kikie tichipinda mumota kumashure. Laga akatarisa Kikie nepa mirror. "Mhenya ko nei uchimutsa munhu mukuru arara?" Laga akadaro Kikie haana kupindura akatarisa pasi "Asi wachimumu mhandara yekwa Dube" Kikie akaramba ari zii "Mupfanha wangu anokuda nhaika" Nxaa Laga anopenga ndakamboda kuseka asi ndakatya kutsamwirwa "Wakanaka wanzwa" Laga akadaro "Ndinotenda" Kikie akadaro Laga akaseka "Ndazviziva kuti ndikataura nerunako uchataura chete. Vasikana munokuda kurumbidzwa Kani ayy" "Hayi Hayi broe zvakwana" Ndakadaro Laga akaseka achimutsa mota tichienda kumba Kwana Kikie. Takasvika kumba kwavo ndikabuda naye ndichimuperekedza. Ndakamusiya pa door ndichidzoka mumota. Laga aipera nekuseka "Bhebhi rako rine trauma?" "Ndazviona neniwo, tanga tisingafanirwi kuenda naye kumba" "Ibvapo nekuti washaudhiwa" "Hayy neniwo ndazviona kuti zvinhu zvataita zviri wrong" "That's uchagara uri single mpfana uri weak iwe" ,Ndakaseka "Ko iwe zvawanga wakuchembera usina kuroora" Laga akaseka "Tsek maan" Laga akadaro tichiseka tichienda kumba Narrated Mangwana Rutendo na Mamoe na mbuya vakamuka vachigadzirira sezvo mhuri yekwa Mhukahuru iri munzira. Ukuwo mhuri yekwa Mhukahuru yakamuka ichigadzirira. Vapedza vakapinda mumota vakananga ku Chinhoyi Tanisha Ndakamuka makuseni ndikageza ndichikwesha maziso. Pandakapedza ndakaenda ku kitchen ndakashamisika vana Mamo vari busy nekubika. Makuseni ano kwakanaka here? Ndakaenda mu room mambuya ndakavawana vachinamata. Handina kuda kuva distuber ndakabuda ndichienda mu room mangu. Ndisati ndasvika ndakanzwa vanhu vaipindisa. Ndakamhanya ndichienda mu room mangu ndichinodongorera. Ndakavhunduka pandakaona mota ya baba va Laga panze neya Laga. Ndakavhura maziso. Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Laga. Ndakadaira same time" "Butterfly " "Laga ichokwadi here chikuitika panze or ndikurota?" "Hauroti ichokwadi butterfly ndauya kuzokuroora" "Asi Laga neyi usina kundiudza? Hatina kana kumbobika isu" "Surprise" Mamoe akadaro achiseka Ndakakata foni tichienda ku kitchen chikafu chaiva chatogadzirwa. Saka munhu wese anga achiziva ndini ndangoitwa benzi. Ndakadongorera pa window ndichinyemwerera Lagaman ndanga ndisingafungiri kuti angaita zvinhu zvakadai. Misodzi yakayerera pandiri. Handizivi ndikuchemei or mufaro wacho wapfurikidza. Ndakagara kwema minutes ndisinga believe zvinhu zvandichangobva kuona. Zvichakadaro Mamoe akapinda achinyemwerera achindiburitsira mbatya dzekupfeka. Haa Mamoe ane bvepfepfe hapana asingamuziva. Ndapedza kupfeka Rue akapinda akandihaga achinyemwerera Unoziva Rue mafananiro aanoita na baba anoshamisa shame. Ndinobva ndatofunga baba. Ndinoshuvira kuti dai baba vaiva nevana vakawanda dai neniwo ndine family. Asi baba vangu haungavavimbi..murume uya anenge aida vakadzi too much. Hazvishamisi kuti rimwe zuva takagara pongosvika umwe munhu achiti mwana wa baba. Asi ndingatofara kuti family ikuwedzera. Ndichiri kurangarira baba pavakashaya hapana kupera svondo vavigwa pakasvika umwe mukadzi aifamba nemwana mukomana aiva muhombe kwandiri kuchinzi mwana wa baba asi ndakamuguma musi iwoyo kubva zvaakaenda handina kumuona zve. Nhasi uno dai naiyevo aripo achigamuchira roora rangu but no anyway vana bamkuru varipo. Takabuda tichinodongorera tichida kunzwa nyaya yeroora iri kufamba sei "Sezvo tambotaura kuti mupfana wedu akaona ruva pamusha pano Saka afunga kuritanha vasati vamwe vasati varitanha" Nkosi akadaro "Tsanangurai nderipi ruva ramunoreva mutipe zvedu zvakatiringana" bamnini baba Irene (baba vamamoe) vakadaro "Ayy isu hatina kuuya nemombe dzinotsika asi takadzibata mumaoko" Nkosi akadaro "Mhandara dzepano dzinodhura kuti mukangoroora nemari Saka tichakubhadharisai kutidherera kuuya kuzoroora makabata mombe nemaoko" baba Irene vakadaro Haa vana baba vanoda kundikanganisira manje ko vana Laga vakaramwa. Vakataurirana roora rikafamba zvakanaka Laga akaisa Mari imwe pamsoro pane iyi yaiva yaiswa akati ndeyekutenda Mbuya nekundikurisa zvakanaka. Narrated Mhuri yekwa Moyo iri kufara zvakanyanya nekuroorwa kwaita mwana wavo. Roora rafamba zvakanaka hapana kumbopikisana kwaitika zvinhu zvose vanga vachingobvumira. Tanie akadanwa vakamuraira . Kana vari sambuya mufaro wavaiva nawo waiva usingatsananguriki. Hapana chavasina kuraira muzukuru wavo. Chero zvemu bedroom vakazvitaura mberi kwevanakomana vavo. Mhuri yekwa Mhukahuru yakadya ichibva yaoneka yakuenda ku Harare asi Lagaman akati achatevera mangwana Tanisha Mhuri yekwa mhukahuru payakaenda Mbuya vakadana Laga vakati vamurota ane njodzi ichaitika paari uye akatakura hurema huchamunetsa zvekuti akaramba akadai achamukira kumakuva mbuya futi vakatanga kumuisa manyora avo ini ndaiva ndakunyara shame mbuya so mwana wevanhu akuzadzwa manyora. **** Mangwana takamuka tichigadzirira kudzokera ku Harare. Takasimuka kuchinhoyo Kuma 9 munzira taitaura hedu nyaya dzema couples chero kumba kwedu handina kuenda ndakarara kumba Kwa Laga. Nkosilathi Handina kumbofungira kuti baba vangaita zvinhu zvakadaro Kuna Mhamha. Ini ndaivaona vachiseka ndichifunga kuti zvinhu zvose zviri mugwara. Chimwe chinhu ndanga ndisingazivi nezve business re human trafficking. Yes zvakawanda zvinhu zvakashata zvandakaita asi zviripo zvimwe zvandisingadi kuita or kusapota munhu anozviita. Husiku hwese ndarara ndichingofunga nezvehupenyu hwangu. Mukadzi wangu akapedzisira andisiya nekuda kwemabasa angu. Ndaivharwa nemari ndisingaoni kuti ndikukanganisa hupenyu hwangu asi manje zvasvika kuna Mhamha aewa izvo handingazvibvumi. Tapedza kudya breakfast ndakadanira mhukahuru na Davula ku swimming ndiko kunotaurika pasina achatinzwa. "Nhai Nkosi kubva watiirira musangano kwakanaka here?" Ban vakabvunza "Mhukahuru wakushungurudza Mhamha vangu manje. Une sure nazvo" "Hayi mpfana newevo waku believer zvinhu zvinotaurwa na Lagaman" "Dai anga achinyeba dai mhamha vamutsiura asi vanyarara kuratidza kuti ichokwadi " "Neniwo handidi kuona mhamha vachishungurudzwa asi mhukahuru munhuwo ka anoita ma mistake " Davula akadaro ",Mistake yekurova mhamha" "Varohwa kanganiko Mai vacho" "Musiye mupfana uyu agara Ari weak" baba vakadaro "Zvagara ndiri weak handichadi kushandira ma business epamusha pano akazara Misodzi yevanhu" "Haungamboiti zvinhu zvakadaro " Davula akadaro "Ndiani achandirambidza ?" Ndakabvunza "Kusiya kwako business ziva kuti your life is over" Davula akadaro ndakaseka "Ndinokuzivai ini kuti muri vanhu vakaita sei. Ndikapinda mujeri nemwiwo munopinda ndikafa nemwiwo munofa. Zvinhu zvose zvamaiita ndazvisendera Laga kare " Vakatarisana ",Haungatori zvinhu zvepamusha pano wozviratidza Lagaman " "Why? Hanti munogona ku blackmailer here imi? Zvino mawana size yenyu ndikubuda muma business etsvina. Mukangozama anything stupid pandiri munofa nemwiwo," ndakadaro ndichienda End of chapter