Chapter 39 (semi final session) Mamoe Ndakagara mumba mangu ndadana Tinashe kuti auye, handizivi kuti zviri right here kudana Tinashe iye ane mukadzi wake. Asi neniwo ndichiri mukadzi wake kuti takasayina ma paper hazvishandi izvo handina kuaendesa ku court Saka ndichiri mukadzi wake kana ndichida ndogona kusaaendesa ku court kwacho. Ndichiri mukufunga ndakanzwa mota yake ichidhuma after some minutes akapinda akabata ma plastic "Ndasvika" "Thanks" "Asi nhasi ndekekupedzisira kuti ndiuye pano" "Kuti zvadii? Okay fine no problem ndakunzwai baba Tino" "Good, ndavigira Tino ma danone ne purity" "Wow wakutoziva favorite ye purity yake" "Saka iwe unofunga kuti kana achidya handimuoni here" "Good for you, Saka ndokuitira coffee here" "Yah maybe musoro wangu ungava nani" Ndakaenda kunomubikira ndichibva ndauya ndichimupa "Ndinoda kutaura newe nenyaya ya Laga" Tinashe akamboda kuramba ramba kuti Laga what what asi ndakanyatsotaura nezwi nyoro hanzi na Henry Muperekwi zvinoda kutaura nehunyoro. Ndakazomuudza nyaya ya Laga yekuuraya kwaakaita baba Tanie . Zvakamushamisa asi ndakaona kuti Tinashe anomuda Laga. Aiva akutonzwisa tsitsi kunge ndiye akazviita. Akazondivimbisa kuti achataura naye Laga. "Shuwa here?" Ndakabvunza "Yes darling asi kana ndichiita izvozvo newevo uchaenda ku court kunotora mapaper edivorce " "Unoziva kuti kana ma paper aenda aenda" "Asi haungambondi divorce just like that ndokumbira uchinje Mamo please " "Tapedza zvandanga ndakudanira chienda" "Never ndorara pano" "Hayi Tinashe unoda kundirovesa nemukadzi wako" "Anogokurova sei iye achiziva kuti munhu ane barika anoirova uku neuku" "Handisi barika rako ini" "Unonyeba iwe ndiwe maiguru" "Asi unondijairira Tinashe" "Handina basa nazvo asi iwe uri mukadzi wangu wekutanga and ndicharara pano" Tinashe akadaro achisimuka achienda mu room mangu "Uchandiwana ku bedroom madam" Ndakapererwa kuti ndoti kudii. Ko chiiko neniwo Tinashe apinda mumoyo mangu akawana nzvimbo now ndakumuda zvekurevesa asi iye wacho haatorina basa neni Lagaman Ndakapepuka pakati pehusiku ndichitanga kufunga nhamo dzangu. Shuwa nyaya yababa va Tanie ndichaita sei nayo?. Handingamboisi mwana wedu munjodzi nekuti ndakamuona Tanie ari weak shame and na doctor akati haafanirwi kuita stress. Mhukahuru naiyevo handizivi kwaari. Dai tamuwana taipedza tozoenda kuna Matema, zvino hazvibatsiri kuuraya Matema Mhukahuru achiri mupenyu. Now I see neyi Mai va Tanie vakanyemwerera pavakandiona. Vaiziva havo kuti vawana mapindiro pana Tanie. Asi ndivo vakandimanikidza kuti ndiuraye baba va Tanie. Aewa mukadzi uya ane hutsinye. Shuwa ichokwadi mari ine chitema, mukadzi uya akatengesa murume wake nekuda mari. Kana ari sema business a baba va Tanie kana Tanie abereka ndichaatora ose zvawo kuna mhukahuru na Matema. Haasi avo ndeaTanie, Rutendo na Mbuya kwete zvavo zvekuzvipa zvinhu zvisiri zvavo. ** Makuseni ndakamuka ndichinobikira mukadzi wangu breakfast kuti agonwa mapiritsi. Ndapedza ndakaenda ku bedroom kwedu ndikamupa akadya. Nyaya ya baba ichandiuraya ini true ohh. Aingondiudza nezve munhu akauraya baba vake kuti anoda kumuona. No ndinofanirwa kuenda kuna Tafadzwa ndinomuudza nezve nyaya iyi aewa nyaya iyi ndapererwa ini handichazivi ndoita sei. Ndakaoneka Tanie ndichibva ndaenda. Ndakawana Tafadzwa atondimirira sezvo ndamuudza kuti ndikuuya. "Wasvika?" "Handingaregi kusvika munin'ina wa Tani akuziva kuti ndini ndakauraya baba va Tanie" "Shittt!! Haana kutaura kuti achaudza Tanie?' "No mwana akura zvakanyanya mupfungwa dzake and anoratidza kuti ndi lawyer andidana akandikumbira kuti ndiudze Tanie" "Ko iwe neyi usingamuudzi nekuti unofanirwa kuti dai wakamuudza kare?" "Doctor ati haafanirwi kuita stress nekuti zvingazokonzeresa pamwana Saka handidi kukanganisa mwana wedu" "Yah true" "Zvino problem iri pakuti vanhu ava vachamuudza anytime " ,"Kutiza nyaya iyi for now tora mwana uyu uende kure naye chero kwe mwedzi vasakwanisa kumuudza kusvika ta solver nyaya iyi, foni yake uyidzime vasakwanisa kumubata" "Wow what a big plan" ,"Unomutora naye kunze kwenyika monokudza mwana wenyu pasina anokukanganisai nekuti kana zvakadai Khanye haapfakanyika anonyarara kuti zii zvino mwana achakura sei asingaoni nhunhu ichidongorera" Ndakaseka "But thanks I think ndofanirwa kumuendesa ku Switzerland" "Good ngatibve tatoenda kunotenga ma tickets hapana chekumirira" ,"Sure ndakadaro tichinotenga ma tickets **** Ndiri munzira kuenda kumba. Ndakasvika Tanie achiayina mbatya. "Babe wadzoka?" "Yes love ndakuvigira something" "What is it?" "Ma tickets eku Switzerland ku honeymoon ko hatina kumboenda paya babe Saka tofanirwa kumbonofurwa nemhepo". Akafara and zvakandifadza kumuona achifara "I'm so happy Saka tikuenda when?" "Mangwana " "Ops ndokumbira tiende kuswera mangwana, mangwana ibirthday yake hazviite kuti ndisavepo, hatisati tamboparadzana pama birthdays" "Okay baby no problem" Tinashe Ndinofanirwa kuenda kuna Laga, I know hazvisi nyore but he's my brother, zvinhu zvaakatarisana nazvo zvinorema. Mhukahuru imhuka ipi chaiyo? Angaitisa Laga zvinhu akadaro neiko? Saka ndiye ka asenda video iya nechinangwa chekuda kutigwisanisa na Laga, zvino abondera na Laga tiri bhande ne bhrugwa. Ndakasvika kumba kwa Laga akashamisika achindiona. Ndakaswedera paari ndichimuhaga. "Broe I'm so sorry nezvinhu zvandakataura kwauri. Ndaisafanirwa kuzvitaura. Ndaifanirwa kuenda kuna mhukahuru nekuti ndiye aikuitisa zvese izvi." "Hayi handina kumbokutsanwira boy zvinhu zvawakaita zvaiitwa chero nani " "Mamoe andiudza zvese" ndakadaro ndichitarisa nzvimbo yose asi Tanie handina kumuona. "Don't worry akarara" "Mamoe andiudza nezva baba va Tanie. Ndiye anga achindikurudzira kuti ndiuye kwauri dai asiri iye nazvino dai ndisingahuoni hu wrong hwangu" "Hanti unoona kuti Mamoe ndiye mukadzi waungavaka naye imba? Asi wakatadza kuzviita" "Yah ndiri kuzviona zvese and ndikuzvishora asi ndichaigadzirisa " "Good" "Saka uchaita sei nekuti Mhukahuru anokuda left and right" "Tafadzwa andipa advice yekuti ndimbobuda out of country naye" "Yah ichokwadi Saka ndezvarinhi?" "Tanga tichifanirwa kuenda mangwana zvino azokumbira kuti tiende mangwana anoda kuvapo mangwana sezvo iri birthday ya Mamoe" "Ohh mangwana I birthday ya Mamoe?" "Yes" "Okay asi kuswera mangwana munofanirwa kuenda please" "Sure" Laga akadaro tichihagana Kiarah Nhasi izuva rangu rekuzvarwa, nemunhu wandinodanana naye haatomboratidzi kuita hanya nezuva rangu, apa handitombizive kuti Ari kupi, chero kuti arara kupi handizivi. Ndamufonera kusvika ndaneta. Zvichakadaro ndakanzwa mota yake ichipinda, after some minutes akapinda akabata maruva ndakanyemwerera "Honey" "Happy birthday my love" "Thank you so much, ndanga ndichifunga kuti wakanganwa" "Haa babe ndingakanganwa birthday zuva rako sei" Tinashe akadaro achiisa ruoko muhomwe achibudisa wachi achindibata ruoko achindipfekedza "Your birthday gift" "Thank you so much love" "You're welcome" "Baby haundiitiri chero ka small party?" "Handina kumbozvifunga izvo manje "Asi tichangodanana waindiitira every year" ",Zvinhu zvinochinja ka Kiarah. Hazvingambogari zvakadaro" "Chero kubuda neni out" "Unoda kuenda kupi?" "Chero kupi babe, restaurant or hotel" "Okay tichaenda kuhotera" "I know kuti uchabvuma" "I love you babe ndichaita chero chii chaunoda, chienda unochinja tibve taenda manje" "Thanks love" ndakadaro ndichinyemwerera ndichienda mu room medu. Ndakaenda ku shower ndikageza, ndikachinja ndapedza takabuda na Tinashe. Takasvika pane imwe restaurant yepamusoro. Haa Mamoe chicharwadziwa chikandiona ndine murume wangu pa restaurant yakadai, nekuti ndinoziva iye anotofunga kuti zvinhu hazvifambi mushe pakati pedu na Tinashe. Tinashe ndewangu ndega uyu, iye dai achitotsvaga hake wake asiyane nemurume wangu Lagaman Ndaiva ndakagara ndichingofunga nyaya ya Tanie. What if achazonzwa nyaya ya baba vake tisati taenda ku Switzerland? "Butterfly" "My love" "Unoreva kuti kusavapo ku birthday ya Mamoe kungaita problem?". "Aewa asi takavimbisana kuti tichavapo pama birthdays edu ese" "Okay i u understand chete ndanga ndatononokerwa nekuenda ini". "Haa babe hanti tikuenda mangwana here?" "Ko tichaenda nezuva iroro zve?" "Hanti iwe watononokerwa here?" Ndakaseka, zvichakadaro foni yangu yakarira ari Tafadzwa "Broe" ndakadaro "I'm sure manje muri mundege" Ndakasimuka ndichibuda panze "Kana tiripo tichaenda mangwana" "Why not nhasi?" Ndakamuudza nyaya yose "Haa iwe unoda kuonei manje? Hamuchaendi nhasi? Unoziva zuva irori ranhasi panogona kuitika zvinhu zvihombe" "Ayy broe neniwo handichazive ini" "Ndine plan" "Yeyi?" "Uraya foni yake by mistake" "Hayi Tafzo" "Video ichapinda anytime" "Yah ichokwadi broe nekuti ndikabhayiza mukadzi wangu ndinomuruza" "Kana haumbomuruzi anokuda mwana uya" "Eyy broe nyaya iyi yakaoma, okay ndichaita zvawandiudza thanks for your advice" ndakadaro tichionekana ndichikata foni Tanisha Mangwana handizivi chii chandichatengera Mamoe sezvo riri zuva rake rakakosha ndoda kumuitira something ichamufadza. I know acharwadziwa nekuti murume wake hapana zvaachamuitira u mean baba vemwana wake. Zvichakadaro foni yakarira aiva Tinashe. Ndichiri kufunga nezvake abva afona "Tinashe" "Gulesi muri sei I need your help ndiwe chete ungandibatsira" "Help yeyi?" "Ndanzwa Laga achiti Mamo izuva rake rekuzvarwa mangwana " Ndakanyemwerera "Yes ndiro" "Handizivi zvinofarirwa na Mamoe asi ndoda undibatsire neku decorata panzvimbo yakanaka. Ndinoda kuti zuva rake rive special " "Haa Tinashe shuwa here?" Ndakabvunza ndichiseka "Ndoda kumuitira something special asi ndoda kuita ive yevanhu vaviri chete yangu naye" "Ko isu?" Ndakabvunza ndichiseka "Muchavapo kwenguva diki" Ndakaseka zve "Okay no problem I know achafara shame" "Okay gulez" Ndakanyemwerera ndichikata foni. Zvichakadaro ndakanzwa chinhu chakandirova maoko foni yangu yakadonhera pasi "Haaa!!!" Ndakadaro ndichivhura pandakaona Laga akamira pamsoro pefoni yangu "Laga!!!" "Chii babe?" "Foni yangu!!!!!" Laga akavhunduka paakaona akamira pamsoro pefoni yangu "Eish eish sorry butterfly" "Hanti ukuona zvawaita? Uchaibhadhara" ndakadaro ndichikotama ndichiinhonga "Laga foni yangu" "I'm sorry babe ndichakutengera imwe" "Uchitenga imwe iyi yamboitwei?" Laga akaseka "Ukusekei manje?" "I love you more kana uchindipopotera" "Nxaa" Laga akaseka neniwo ndakapedzisira ndakuseka Mai Lenny Ndiri mumota ndikuenda ku town. Ndakasvika mu town ndikaisa mota pa parking pandakabuda mumota dhuma dhuma na Mamlilo "Mamlizo" "Uri kudei kwandiri Gladys?" "Hezvo ko iwe hauchamhoroswe here?" "Ndinoziva kumhorosa kwako ndekwekusvotesa" "Aewa haa kana, ohh muroora wako anoziva here kuti murume wake ndiye akauraya baba vake" "Gladys" "Ko kusandiudza kuti muroora wako mwana wangu? Saka uchaita sei?" "Buda munyaya dzangu Gladys kuti chii chikuitika mu family yangu iwe hauneyi nazvo. Wakambondiona ndichipinza musoro munyaya dzako?" "Ini manje musoro ndinoupinza" "Ita zvako Gladys pane kuti dai uchifarira mwana wako kuti wawana mukana wekuva naye iwe unotoda kukanganisa hupenyu hwake. Ko nei uchiita zvinhu zvakadaro pamwana wawakatakura 9 months?" "Wakurasika manje" "Newevo ukurasika kupinda munyaya dzangu" Mamlilo akadaro achinopinda mumota achienda. Ndakadzungudza musoro ndichipinda muma shops Mamoe Ndakamutswa ne call yababa vachindiitira happy birthday. Ndapedza kutaura baba ndakafonerwa na Tanie naiyevo achindiitira birthday tichibva taonekana. Tinashe I know kuti takaparadzana asi atadza kungonditi happy birthday sababy mama wake.but as long ndaitirwa nevanhu vakakosha kwandiri all is well. Laga naiyevo akafona achindiitira happy birthday na Mai vake na Letty. **** Masikati ndakagara mumba Tanie akafona achiti ndiite ready anoda kubuda neni out. Wow I knew it kuti Tanie achandiitira something. After some minutes akauya nerogwe raisiya zvidzva panze . Ndakamboda kuriramba asi Tanie akandigara bhampa kusvika ndabvuma. . Ndapedza takabuda tichinopinda mumota ya Letty. Takasvika pane imwe nzvimbo akandivhara maziso "Hayy chii manje?" Ndakabvunza "Vhara maziso please no cheating." Letty akadaro Okay ndakavhara maziso tichifamba. Tati fambe takamira vachindivhura maziso,ndakaona Tinashe akamira mberi kwangu . Ndakashamisika zvese nekuvhunduka ndichiona tiri pa garage remota. Paiva na Laga na Tafadzwa. Tinashe akandipa ma key emota "Happy birthday to you Irene Moyo" Ndakapererwa kuti ndoita sei. Misodzi ndiyo chete yakataura pandiri. Lamborghini here amana. My favorite car "Tinashe" ndakadaro "It's your gift from me" Tinashe akadaro "Haa" ndakadaro ndichimuhaga ndichichema "Ndinoziva zvakawanda pamsoro pako iwe zvausingazivi" Tinashe akadaro "Thank you Tinashe" ndakadaro Vanhu vose vakandiitira makorokoto nemota yangu suu. Im so so happy guys I don't want to lie End of chapter