Chapter 29 . Tanisha "Makadii?" Mhamha vakadaro "Tinosimba mhamha, masvika zvakanaka tichidya ndikupakurirei?" Ndakabvunza "Aewa Handina nzara ndabva ndadya" "Haa mhamha mungadya sei imi muchiuya kuno?" "Are we talking or what?* Laga akabvunza "Uri kubvepi iwe?" Tinashe akabvunza "Ndichataura newe boy" Laga akadaro "Ndinoziva mwanangu Kuti haudi kundiona Manje uye handikusvori nazvo mwanangu. Ndinoziva kuti zvinorwadza sei " "Neyi makaita zvamakaita imi nakaroorwa neumwe murume?" Laga akabvunza "Yaiva mistake " mamlilo vakadaro "Mistake? Yaiva mistake kusiya murume wenyu muchinorara neumwe?" "Ehe" Mamlilo vakadaro "Tanisha akaenda kunorara neumwe murume ndinofanirwa kumuregerera nekuti i mistake?" "Bothy pamwe nyaya yedu inenge isinfanani. Lagaman Mhukahuru akatanga kare kundishungurudza. Akatanga kundishungurudza ndine pamuviri pemwana wangu wechi two Nkosi. Ndakashingirira kusvika ndazvsra Nkosi. After Nkosi ndakaita zve pamuviri. Akandirova kusvika nhumbu yabva . Ndaida kusiya imba iyi asi akandi threatener kuti achauraya Nkosi kana ndikangomusiya. Ndakaedza kushingirira nekuti ndaiziva Mhukahuru anozviita chete. Akandityisa zve nekuti achauraya vabereki vangu Saka ndakatadza chero kutiza" Mamlilo vakadaro vachipukuta misodzi "Akandirova zve kusvika ndamukira kuchipatara ndipo pandakasangana na baba vako. Aigara achiuya pachipatara nemuridzi wechipatara Saka ndaigara ndichimuona kusvika tave ma friends tikachinjana ma number. Mazuva akafamba rimwe zuva Mhukahuru akabata banga achida kupedza neni, ndakawana buri rekutiza asi ndakaona chero ndikatiza sei hakuna kwandinosvika ndipo pandakafonera Tinaye" "Tinaye?!!!" Laga akavhunza achivhura maziso "Takaenda kumba kwake, I was heartbroken chero kufunga ndakatadza husiku ihwohwo" Laga akaseka "Saka Ini ndakaita mwana we one night standing?" "Lagaman!!* Tinashe akadaro "Ndikubvunza ka kuti ndakaitwa chihure" Mai Laga vakaridza tsamwa vachimupa gwati rembama. Laga akazvibata dama "Yes ndakaita mistake asi haungandiudzi zvekupenga izvo. Ndiri Mai vako haisiriyo nziya yandakakurisa nayo" "Pane zvakashata zvandataura here?* "Laga" ndakadaro Mai Laga vakagara pasi vachichema vachienderera mberi nenyaya yavo "Pandakaona kuti ndanepamuviri ndakatadza kuudza Tinaye nekuti ndaitya kuti Mhukahuru achandiuraya ndiregerere mwanangu " "Tinaye wamuri kureva haasi wekwa Khanye right?" "Ndiye" Laga akavhura maziso achitora ma key emota achibuda achienda. Ndakaedza kumuteverera asi haana kumbonditeerera Lagaman Shuu nyika ine vanhu vayo shuwa. Ini handisi wekwa Mhukahuru ndiri wekwa Khanye. Now I see why Quinton achiita zvaari kuita kwandiri. Nekuti anoziva kuti ndiri family yake. Ko neyi vasina kundiudza chokwadi pane kundiita benzi. Ndakachaira ndakananga kwandichasangana na Tinaye. Ndakamuwana atosvika. Ndakabuda mumota ndichienda kwaari "Laga" Ndapererwa chero neshoko rekutaura "Ndadanirwei pano,,?" "I'm sure munoziva kuti neyi ndakudanai?" "Handizivi ndiko Saka ndabvunza" "Hamuzivi here kuti ndiri mwana wenyu?" Ndakabvunza ndakavatarisa naivowo vakanditarisa "Ndazviziva manje neniwo Sharai andiudza manje?" "Zvino pamakaziva makaitei?" "Zvaisaita kuti ndikuudze, Mai vako ndivo vaifanirwa kukuudza" "Saka makaita mhamha one night stand?" Khanye akanditarisa achishamisika "What?" "Saka makaona kuti mhamha munhu wekurarwa womusiya? "Sharai aiva akaroorwa panguva yacho, ndaifunga kuti achamu divorca asi akabva atondi blocker everywhere neniwo hapana zvandaikwanisa kuita. I'm sorry my boy pazvinhu zvakaitika asi uri Khanye iwe" "Saka muri proud nazvo?" "Handisi proud nekuti handina kumbokukurisa" "Fine zvinhu zvandanga ndavinga pano ndapedza musare mushe" "Ndinoziva kuti zvinhu zvakaitwa na Mai vako hazvisi right asi usav--" "Mai vangu ndinovaziva hapana achandiudza kuti ndiite sei navo " ndakadaro ndichipinda mumota ndichienda. Ndakatanga nekuma shops anotengeswa ma watch ndinofanirwa kukumbira ruregerero pazvinhu zvandaita pana Tanie. Ndapedza ndakaenda kumba. Ndinoda kunoona mwana wa Tinashe. Tinashe paakandiona akasimuka achiuya kwandiri achindihaga achichema. Argg uyu anoyemavo. Zvino angayema mberi kwemukadzi here. . Takatandara ndikanoona ndikanoona mwana, ndichibva ndadzokera kumba. Ndakamuwana asipo ndakatora foni ndichimufonera asi haana kudaira Tanisha Nhasi ndafunga kuenda kwa doctor nekuti zvinhu zvandikuitwa na Laga zvingandiitira zvimwe. Ndakasvika ndikaudza doctor nezvandaiva ndavinga. Akanditora ma test achibva àti achandifonera for ma results. Ndakabuda ndakuenda kubasa. Ndakasvika ndikananga ku office kwangu . Ndakawana Alex. Ini handizivi ndiani wandinofananidzwa na Alex waanogara achitaura nezvake. Takataura nyaya dzakangodaro daro achibva abuda achienda, ndakasara ndichiita basa rangu kusvika nguva dzekuti ndiende kumba dzachaya. Ndakanokwira kombi ndichienda kumba. Ndakasvika ndikananga mu room medu. Ndakawana Laga akamira pa window. Ndakasvika ndichiisa zvinhu zvangu. Pandaiva ndakuda kunogeza Laga akatendeuka achiuya kwandiri "Ukubvepi" Ndatanga Kuna doctor ndichibva ndanotora ma files kubasa" "Doctor?" Laga akadaro achinditarisa "For my life Laga" ",Your life? Yaitei life yako?" "Ndanga ndanoita check up nezvinhu zvawandiita" "I'm sorry " Laga akadaro achitarisa pasi. "It's fine" ndakadaro ndichida kuenda asi akandibata ruoko achivhura box mukati maiva ne watch akandipfejedxa "I'm sorry nezvinhu zvandakuita butterfly ndokumbira undiregerere " "Okay" ndakadaro ndichitendeuka ndichienda ku kitchen Tinashe Ndiri mu hotera na Kikie, tararako husiku hwese, yoo ndanga ndakumufunga badly "Babe" "Hmm" "Ndakufanirwa kuenda" "So early Tinashe" "It's not early ndikufanirwa kuenda kubasa" "Okay kana wachaisa uchauya kuno right?" "Yes babe" "Okay my love I love you so much" "Love you more" "I can't wait Kuti mwedzi upere tichate" "Me too babe ndakuda kuti uite mukadzi wangu zviri pamutemo" ndakadaro ndichisimuka ndichinogeza. Ndapedza ndakaoneka ndichienda kumba. Pandakapinda mukati ndakawana mhamha vakagara na Mamoe "Tinashe ukubvepi?" Handina kuvapindura nekuti ndinozivs vachandituka "Ndarara out mhamha?" "Uchirara out watadza kunorara out nemukadzi wako?" "Im sorry mhamha" Unomuziva munhu waunofanirwa kukumbira ruregerero " Mamoe I'm sorry nekusarara mumba" "No it's fine" Mamoe akadaro "Tinashe wakura manje wava nemukadzi nevana wakufanirwa kuchinja zviito" "Ehoyi mhamha ndichachinja" ndakadaro ndichigara pasi. Mamoe akandipakurira chikafu ndichidya. Ndapedza ndakaenda mu room mangu. Ndakawana Tino akarara. Ndakasvika ndichimumutsa ndichitamba naye. Mamoe akabva apinda "Ndanga ndatogadzira mbatya dzako" "Thanks asi nhasi handiuyi kana ndachaisa kubasa" "Why? Ukuenda kupi?" "Kuna Kikie" Haana zvaakataura "Hanti unoziva kuti ini na Kikie tinodana right" "Yah but nd--" "But yeyi? Hanti unoziva kuti ini newe hadanani right" "Handina zvandataura ushande mushe " Mamoe akadaro achibuda achienda Lagaman Ndasenderwa location na Tafadzwa ati tisangane pane zvinhu zvaanoda kutaura neni. Ndofunga bamnini vake ndivo vamutuma kuti ataure neni. Hazvishandi izvo, ndiri wekwa Mhukahuru ini kwete Khanye, handingachinji mutupo ndakura kudai. Ndakafonera Tanie ndichimuudza ndiri kuenda Kuna Tafadzwa kana ndikanonoka kuuya kuzomutora akwire tax. Ndapedza ndakaenda kwandaiva ndadanwa na Tafadzwa. Ndakasvika atondimirira. Takakwazisana, obvious ndizvo zvaanga andidanira. Akandionesa zvekuti neniwo ndakazvinzwisisa zveshuwa ndinofanirwa kuvaregerera mhamha Mhukahuru pushes her. Tichiri mukutaura kudaro foni yangu yakarira aiva Mhukahuru. Ndakavhura maziso "What?" Tafadzwa akabvunza "Mhukahuru " ndakadaro ndichidaira call yake. "Ndinoda kutaura newe ndinokumbira usvike Kuma manheru" "Okay" ndakadaro ndichikata foni "Chii" Tafadzwa akabvunza "Mhukahuru anoda ndiuye kumba kwake Kuma 8" "Kuti akuziva here?" "Handizivi" "Ukufungei?" "Kuenda kwaari" "Ndichaenda newe " "Thanks dude" "Uri Khanye iwe ndinewe" Tafadzwa akadaro vachihagana narrated Tinashe Ari munzira kuenda Kuna Kikie foni yakarira aiva Lagaman "Broe" "Uripi Tinashe?" "Ndiri munzira kuenda Ku hotera" "Hotera yeyi manje" "Ndikuenda Kuna Kikie?" "Mukadzi wako nemwana wavasiya nani?" "Haa kana Mamoe munhu mukuru uyo Saka anok--" "Dzokera kumba" "Hezvo nding--" "Ndati dzokera kumba Tinashe!! Ndikuuyako handidi kukuwana usipo" "Hezvo" Laga akabva akata foni. Tafadzwa akaseka "Ukumuitei mupfana uyu manje?" "Akusiya mukadzi achienda kune umwe mukadzi " "Ayy surrend" "Takusvika pamusha pababa ava" "Uchatanga kupinda ini ndichatevera" "Please be safe hatizivi kuti baba ava vari kundirongerei" ."usandityira chero akandigura musoro ngirozi yangu inoudzosera" Laga akaseka achibuda mumota lagaman Okay Tafadzwa ndinomuvimba kuti haangambokuvari kana Mhukahuru pane zvaanoda kuita pandiri. Ndakabuda mumota. Pandakabuda ndakaona mota ya Lionah. Eyy apa pane basa shame hamenho Ari kubvepi. Paakandiona akamisa mota achi screamer "Big brother!!!!" Lionah akadaro achibuda mumota achimhanya achiuya kwandiri Paaiva akusvika pandiri ndakanzwa pfuti ichirira "Lagaman!!!" Portia Akadaro achidonhera pandiri. Tafadzwa akauya achimhanya "Lionah!!! Lionah!!!! Muka please!!!!" Pfuti dzakatanga kurira manje "Tafadzwa bring the car!!!!" Ndaiva ndisisamuoni Tafadzwa hamenho kwaaenda "No no Lilly wake up please!!!" "Laga tell mom that I love her" Lionah akadaro achikakama ndiye zii. Ndakamhanya ndichienda kwaiva na Tafadzwa ndakawana akamira mberi kwevanhu vaviri vaaiva apfura. Ndakamhanya ndichipinda mukati "Mhukahuru!!!! Mhukahuru!!! Buda Mhukahuru!!!" Ndakamhanya ndichienda mu room make ndichivhura door zvehasha asi ndakamushaya. Ndakatsvaga nzvimbo yose asi ndakamushaya Ndakamhanya ndichidzokera panze Kuna Lilly asi hapana zvandingaita. Tafadzwa aiva akagwadama mberi kwake "Shit!! Ndakwanisa kuwana vanhu vaviri chete" Tafadzwa akadaro "Mhamha vachati kudii nemwana wavo" ndakadaro ndichimusimudza ndichimupinza mumota Narrated Mushure mezvinhu zvaiva zvaitika Lagaman na Tafadzwa vakatora chitunha Cha Lionah vachichipinza mumota apa misodzi yaiyerera Kuna Lagaman. Moyo wairwadza zvakanyanya sezvo hanzvadzi yake yaiva yashaikira mumaoko Ake. "Sorry boy" Tafadzwa akadaro "Mhukahuru chiiko naye. Ko neyi asingandinangi straight? Hona manje auraya hanzvadzi yangu isina zvainoziva" "Ndozvinoita hupenyu, ukachera gomba unowira mariri iwe Mhukahuru anga achiti akuda kurwadzisa iwe asi azvirwadzisa iye nekuti auraya munhu waanodosisa chete vamwe vachazorwadziwa nezvaitika asi iye achawana zvaanoda" Tafadzwa akadaro "Mhamha vachaita sei nemwana wavo avasiya asina kurwara" "Zvinondifadza chero kunani asi vanhu vaita izvi vanofanirwa kuwanikwa vanofanirwa kufa sembwa" Tafadzwa akadaro. Vakasvika kumba kwa Mamlilo vanhu vaidya dinner. Laga aida kuti Mai vake vazvionere kuti mwana wake hakuchina kwete kunzwa nevanhu. Akasimudza Lionah achipinda naye achisvika achimuradzika pasi uku akazara ropa muviri wese. Vanhu vakavhunduka pavakaona Lionah akangoti rabada asingapfakanyiki "Lionah!!!!" Letty akadaro vachimhanyira kwaari "Tafadzwa! Laga! Chii chaitika?" Tinashe akabvunza Mamlilo akaibongomora mhere achiona mwana wake akarara pasi "Lionah!!! Lionah!!! Mamlilo vakadaro vachiedza kumumutsa asi Lionah aiva akati zii. Letty akaswederawo achiedza kumumutsa asi Lionah akaramba ari zii. "Laga chii chaitika?" Mamlilo vakabvunza "Lagaman akatura befu achiyeredza misodzi "Ndati chii chaitika pamwana wangu!!!" Munhu wese aiva atarisa Laga "Murume wenyu mhamha ndiye apfura Lionah anga achiti Ari kupfura ini" Vanhu vose vakavhunduka "Mhukahuru?" Mamlilo vakabvunza. "Ehe ndiye" Tafadzwa akadaro achivaudza nyaya yose "Mhukahuru neyi aita hutsinye hwakadai pamwana wake" mamlilo vakadaro vachichema vachitora foni vachifonera Mhukahuru. Luck akakurumidza kudaira "Pamwana wako here Mhukahuru? Why mwana wedu?!!" "Pamwana wako kwete mwana wangu. Iwe waifunga kuti handizivi here kuti Lagaman haasi mwana wangu. Ndakaramba ndichimuchengeta ndichifunga kuti pamwe achandibatsira pazvinhu zvangu asi iye akandikanganisira zvinhu zvangu " "You deserve everything Mhukahuru!!! Ndakatokuhurira zvishoma I wish dai vana vose ava vasiri vako" "Saka ndazoita zvinhu zvandaifanirwa kuita long time ago. Chemai netariro inzira yemunhu wese. Umuvige zvakanaka mwana wako" "Handirevi Bothy ini ndikureva Lionah" Mhukahuru akavhunduka "Aita sei Lionah?" "Wauraya mwana wangu Mhukahuru!!!" "Lionah!! Ari kupi Lionah!!! Unorevei Mamlilo? Wati Lionah afa!!!" Mhukahuru vakabvunza asi mamlilo vakakata foni End of chapter