Chapter 34 Mamlilo "Uri kudei mberi kwangu Gladys?" "Ndinoda kuti titaure" "Chii chatichataura Gladys? Dai wanga uchida kutaura neni hanti wanga uchauya kumba kwangu" "Zvagara ndanga ndichiti ndichauya" "Okay handidi kutaura newe" "Just like that friend? Ko nei iwe wakatsamwira Ini nemurume wangu Asi iwe wakaenderera mberi nemurume wako? "Handidi kutaura nezvazvo " "Ini ndinoda kutaura" Ndakatendeuka ndichinopinda mu shop, mukadzi uyu akudei kwandiri? Hanti vakaita zvavaiita pamwana. Ndakabuda mavari so please naivowo ngavabude mandiri. Ndakatenga zvinhu zvandaitenga ndichibva ndabuda ndichinopinda mumota yangu ndichienda ndakananga ku office kwangu. Handizivi kana ndikazokwanisa ku focusa after kuona mukadzi uyu Kiarah Ndaiva ndakarara ndakatarisa mudenga ndichifunga nyaya yemakuseni kuti ndinofanirwa kumuka makuseni ndichigadzira breakfast handingambomuki na 10 no ways tinofanirwa kuenda kumba na Tinashe akapinda achibva kunogeza. Akamboda kubvunzisisa kuti ndikufungei ndakangomuvhara nekuti ndikufunga future yedu yemangwana. Akanyemwerera. Ndakamutarisa kwenguva "What?" "Tinashe" "Hmmm" "Saka tichagara pano na Mamoe?" "Yes why?" "Hayi handingakwanisi kugara naMamoe ini muimba imwe chete" "Why?" "Munhu uyu anorara nemurume wangu Saka handingagari nemunhu anorara nemurume wangu" "Hezvo unoziva wani Mamoe she is just a baby mama and ndakaguma kurara naye tichiita Tino" "Asi mukadzi wako ka?" "Inzwa manje ayy ndisiye ndirare ini. Another thing mangwana ndikuenda ku Chinhoyi" "Kunodii kwese uko?" "Ndikunotora mwana wangu" "Hanti Mamoe achauya naye here?" "Hayi mwana wangu achiri mudiki kuti angakwira mabhazi" "Fine ndichaenda newe" ",Hayi Kikie iwe uri muroora pano saka unofanirwa kutamba huroora" "Saka unoda ndikubvumire uchienda Kuna Mamoe wega" "Hezvo ko chii chandingaita na Mamoe ini?" "Saka neyi uchiramba kuenda neni?" "Ayy Kikie unopenga iwe ndisiye ndirare ini" "Iko chii chingatadzisa mwana wacho kuti akwire bhazi inga wani akaenda nebhazi tisipo" "Ukutaura Wani kuti tisipo. Handingabvumi kuti mwana wangu akwire bhazi ndiripo never" Ndakazvifugidza gumbezi ndichirara ndakatarisa kune rimwe side naiyevo akaita sekudaro Mamoe Ndakamuka ndichigadzirira sezvo Tinashe ati achauya kuzotitora asi haafanirwi kusvika pamba achatimirira Kuma shops, handidi kuti baba vamuone Tapedza baba vaida kutiendesa kunokwirirwa mabhazi asi ndakavaudza vasanetseka sezvo tisina kutakura zvinhu zvinorema uye hakusi kure kunokwirirwa mabhazi eku Harare. Takahagana tichionekana tichibva tabuda na Tino tichienda. Takasvika Kuma shops Tinashe atotimirira. Takapinda mumota tichimhorosana Tinashe akatora Tino "Kwanga kuri sei ku London" "Kunofaya asi unodawo kuenda?" "Ndichinoitei ikoko, inzwa Tinashe Ini hakuna nzvimbo yandingatadza kuenda kana ndichida. Ndine Mari ndinoshanda ka" "Uhhm wakundivhairira" "Aewa ndikukuudza" "Okay I bought you something" Ndakamutarisa ndichishamisika "Bought me something?" "Yes tora ku side Kuna Tino" Ndakashamisika ndichitora, ndakaona box raiva rakanzi Laptop ndakavhura "iPad?" Ndakabvunza ndichishamisika ndichibudisa a brand new laptop "This is for me?" "Yes ndakaona kuti yaunayo inombokunetsa" "Thank you ndanga ndichitofunga kutenga imwe" "You're welcome" "Dai wanga usingachairi ndaikuhaga" "Aewa ndihage Kani" "Haiwavo" ndakadaro ndichitarisa laptop yangu ndichitarisa Tinashe "Pane zvinhu zvakakosha zvandinoda kukuudza" "Chii? Handizivi kuti chii asi ndinokumbira kuti tizvitaurire kumba" "Okay" Tinashe akanditarisa "You're so beautiful" "Thanks" ndakadaro ndisina kana kumbomutarisa I think ndatora abest decision for us. Chinhu chakuzotisanganisa mwana chete Tanisha Laga andigadzirira big frame and Alex andibatsira kuisa pamadziro. Ndinoda kuona Kuti achaita sei mukadzi uyu paachaona baba. Wesi nhasi ati achaswera mu office pane zvaanoda pa computer yangu. Ndiri busy ndikushanda asi ndakamumirira nemaziso matsvuku. Ndinoda kuona Kuti achaita sei paachaona frame iyi. After some minutes ndakanzwa ne high heel richiuya mu office mangu. Ndakapfavirira pa chair ndamirira action yake. Paakangopinda dhuma dhuma ne frame yangu ndina baba. Ndakaona achivhunduka achikosoro. Ndakamhanya ndichienda kwaari ndichimubata "Are you okay madam?" Excuse me" akadaro achitendeuka achibuda achimhanya. Ndakasara ndichiseka Mai Lenny Ndiri kubvunda muviri wese nezvinhu zvandaona mu office memusikana uya, kuti mwana wa Batsi here? Ehe ndiye zveshuwa? But why ndatadza kumuona. Ndakapinda mumota ndichiimutsa ndakananga kumba. Ndakawana changamire aripo "Hezvo chii manje? Kubva wafemera mudenga kudaro?" "I think ndapindana nadzo" "Dzii? Ukutaura nezvei?" Ndakamuudza nyaya yose" "Mwana uya mwana wako?" "I think so. Don't you think anoziva kuti ndiri Mai vake?" "Hayi aiva achiri mudiki kuti angakuziva nazvino" "Pamwe anoziva nekuti ndichitanga kumuona akachema achitiza, mangwana acho pandakamubvunza akati ndikufanana na Mai vake vakashaya " "Saka anokuziva ndofunga kumba kwavo vakamuudza kuti wakashaya so calm down my love it's not a big deal. Dai akuona kuti ndiwe Mai vake dai akabvunza haaikunyebera" "Nezuro ndakasanga na Sharai mu town" "Sharai Mamlilo mukadzi wa mhukahuru?" "Yes" "Hanzii?" "Nazvino achakanditsamwira hanzi mwana wangu this and that. I'm sure mwanakomana wake akura manje and I'm sure akuziva chokwadi about us" "Siyana navo avo babe iwe enda unogeza uzorore mwana uya uchaenda kwaari mangwana wonomubvunza kuti ndiani Mai vake" "Handikwanisi kumirira mangwana asi kana ndapedza kugeza ndichaendako anondiudza kuti nei akandinyebera nekuti obvious aindinyebera" ndakadaro ndichienda Ku bathroom ndichinogeza. Mamoe Tamu Harare manje a Tinashe, ndakashamisika ndichiona achitora mugwagwa waisaenda kumba. "Tikuenda kupi?" "Kunodya breakfast" Ndakaseka "Unoda kusvika uchirohwa nemukadzi wako here? Waona mafonero aanga achiita ndeekuti Tinashe nhasi uchandiona mushe" "Kana wakanditarisa ndakafanirwa nekurohwa nemukadzi?" "Hamenho zve asi mafonero aanga achiita ndeekurohwa nemukadzi" "Igodo chete rinokudaro iro" "Ini godo? Aewa kana zvirizvo zvauri kufunga mira ipapo nekuti handipo ipapo" "Shuwa here?" "Yes" "Okay ndikuzama kunzwa zvinhu zvauri kutaura" "Usazama unofanirwa kunzwa nekuti ndikutaura chokwadi" Tinashe haana kuzopindura akachaira tikasvika pane imwe restaurant tichibva ta order breakfast yedu tichidya. Tapedza ndakamuudza kuti pane zvinhu zvandinoda kunotora ku court ndichakwira kombi Akabvuma achibva aenda na Tino kumba. Anga achida kundiperekedza asi ndarambisisa nekuti handidi kuti azive kuti ndikuvingei. Ndakasvika ku court vakandipa ma paper ndichibva ndadzokera kumba . I'm tired ini nekugara pamba paya Tanisha Ndafonera Laga kuti auye kuzonditora. Ndakagara mu office ndakamirira Laga ndamuudza zvaiitika after Mrs Matema vapinda mu office. Naiyevo Laga ndikare achiti akuuya asi haasi kuuya. Zvichakadaro Alex akapinda. You can tell kuti Ari worried "I'm your friend right?" "Yes and you are my best friend" "Saka neyi usingandiudzi kuti chii chikuitika pakati pako naMai Lenny naivowo nhasi vaita yako yekutiza" "Waonawo newevo angobuda haana zvaambotaura" "Aewa Tanie unoziva iwe kuti chii chikuitika anyway uchandiudza kana wakuda kundiudza" Alex akadaro achibuda. Ndakagara 10minutes mukadzi uyu achibva apinda. Ndakasimuka ndichienda kwaari "Pane zvinhu zvandinoda kutaura newe" "No problem madam" "Inonzi ani zita rako unobva kupi kumusha I want to know everything about you" "Zita rangu ndinoitwa Tanisha Moyo ndinobva ku Chinhoyi baba vangu vainzi Batsirai Tavagwisa Moyo avo vari pic iyo ndi mhamha vangu Gladys Matema if I'm not mistaken" Akanditarisa achivhura maziso asi "Ohh Saka waindinyebera?" "Waida kuti nditaurei nemukadzi akafanana newe? Mukadzi anosiya mwana achiri mudiki achimhanyira vamwe varume, siis!!!" "Inzwa mwanasikana wangu mwana ndinogara naye nhaika? Iwe uri mwana wa Tavagwisa that's why wakakurira kumba kwavo " Moyo wangu wakaita seuri kubayiwa netsono. Ndanga ndisina kuzvitarisira izvi. "Ohh that's why makazobatsirana nemurume wako kuuraya baba vangu?" "Hapana zvinhu zvandichataura newe ini. From now on you're fired" "Thank you zvagara unofunga kuti ndingaramba ndichishanda pano here? Ndichishandira munhu akafanana newe?" Zvichakadaro Laga akapinda. Mai Lenny vakamutarisa vachivhunduka. "Makadii?" Laga akadaro. Ndakamumhanyira ndichimuhaga. Ndakaona Mai Lenny achinyemwerera "You're husband and wife right?" "Why uchibvunza izvozvo?" Laga akabvunza "Wow interesting" akadaro achinyemwerera achibuda achienda. Ndakatarisa Laga aiva akanditarisa "Ndiye mukadzi uyu Mai vako?" "Yes" "Suu anodherera, rongedza zvinhu zvako tiende" Ndakarongedza zvinhu ndakuzvibvunza mibvunzo isina achandipindura. Ko neyi mukadzi uyu paaona Laga anyemwerera Tinashe Ndabuda mu court yekuti ndanga ndaenda kunotora Mamoe. Kikie godo rane iri rinondisembura ini. Zvinhu zvandaita ndaitira mwana wangu. Ndichakarara kudaro Mamoe akandidanira mu room make, ohh adzoka ku court. Ndakamuka ndichienda kwaari. "Wadzoka?" "Yes ndakuvigira Izvi" Mamoe akadaro achindipa ma paper. Ndakamutarisa "Ma paper?" "Yes averenge" Ndakavhura ndichiverenga. Ndakavhunduka nezvandakaona "Divorce paper?" "Yes please ndokumbira kuti usayine neniwo ndichaita sekudaro" Ndakavhura maziso ndichimutarisa ndichishamisika "Mapaper Tinashe sayina ndoda kurara Kani" "Why Divorce?" "Why Divorce? Hanti ndiwe unogara uchindiudza kit hatidanani. Iwe uri happy Tinashe neniwo ndodavo kuva Happy" "Ayy ndichazosayina kwacho" "Hezvo why? Mwana ndamukurisa uyu . Kana uchinge uchida kuti akushanyire anouya sezvo asingachayanwi" "Ndinozviziva izvo asi tinofanirwa kutanga tataura nevanhu vakuru tisati taita izvi" "Takachata nevanhu vakuru here? Hanti takachata tiri vaviri. And it's not about happiness yevanhu vakuru asi ndeyedu. Ndokumbira undisunungure neniwo ndivewo happy" "Saka unoda kutora mwana wangu womuendesa kune umwe murume?" "Newevo mwana wangu achange achiuya kune umwe mukadzi" "Kikie mukadzi wangu" "Hanti naiyevo achange Ari murume wangu. Tinashe hanti unoona kuti uri selfish sei. Ndokumbira usayine mapepa mangwana ndikumukira kubasa" "Handisayini ini" "Why?" "Ndichasayina mangwana " "Nhasi wakagurwa maoko here?" "Ndati ndichasayina mangwana bata izvozvo. Another thing nhasi ndikunorara na Tino" Ndakadaro ndichitora Tino ndichibuda "Tinashe mwana wangu achiri mudiki" Handina kumupindura "Tinashe!!!!" Ndakabuda ndichienda mu room mangu, ndakawana Kikie achigadzirira kurara "Hezvo ko hauna kuuya kuzorara here?" "Ndauya kuzorara why?" "Ndikuona wakabata mwana" "Ndinorara nemwana wangu" "Hayi Tinashe mwana uyu achiri mudiki ngaarare na Mai vake" "Neniwo ndiri baba vake Saka ndicharara naye" "Mwana uyu mudiki acharara achichema" "Ndiri baba vake ndichamunyaradza" Ndakadaro ndichikwira pa bed ndichirara Tino ndichimuradzika pachipfuva changu. Ndakatanga kufunga zvinhu zvataurwa na Mamoe. Tino achiri mudiki kuti angaparadzana nevabereki vake Mai Lenny Hee zvoshamisa izvi, Tanisha anofunga kuti ndini ndakauraya baba vake izvo murume wake ndiye akavauraya, I wonder achaita sei paachaziva kuti baba vake vakauraiwa nemurume wake. Ndakarara pa bed ndakamirira Changamire from kubasa. Nhasi andifonera achiti ane basa hobho Saka achati nonokeyi kuuya. After some hours akapinda. Takamhorosana tichitaura nyaya dzisingaendi kure . "Wafamba sei kumusikana uya?" "Haungambo believe "" "Chii chaitika?" "Anofunga kuti kuti ndini ndakauraya baba vake" "Azvitora kupi? Asi pane munhu amuudza something?" ",Aewa hapana munhu amuudza anga achifungira. Unoziva here kuti akaroorwa Kwa Mhukahuru?" "Mhukahuru iye ega" "Yes shamwari yako chaiyo and akaroorwa nemunhu akauraya baba vake. Vana Sharai vanozviita vari innocent vachiroodza mwana wavo vachinyatsoziva kuti ndiye akauraya baba va Tanisha" "Hayi handifungi kuti Sharai anoziva ini "Chero zvakadaro asi I good news ka idzi" "Unorevei ?" "Ko hanti tinoziva everything about her husband" "Unoona manje buda munyaya dzevana. Takazviita zvataifanirwa kuita. Tikasvibisa maoko emwana tikaita zve kuti mwana asare Ari nherera Saka ngatisiye vana vafare" "Ndivasiye sei iye achindipumha humhondi hwekuuraya baba vake" "Unoziva hanti kuti chii chakaitika? Saka usada kusundira mwana nyaya. Takaenda ku Dubai nekuti taiva tisisazvide Saka siyana nevana please " "Ndinokunzwa asi mwana uyu ndinoziva acharamba achinditeverera ndikapedzisira ndamuudza chokwadi ini" "Asi izvo hazvichinji ka kuti ndiwe wakatengesa baba vake" "Handina basa nazvo ini it's not like Tanisha ndikumuda muhupenyu hwangu and staff" ",Asi ndokumbira kuti usiyane nenyaya iyi" "Okay kwacho" "Yes nekuti ingazopinza vana vangu vakatambura" "Okay baba" Akakurura mbatya achienda kunogeza End of chapter