Chapter 5 Tanisha Ndakapinda Mumba ndichibva kubasa, ndaka screamer ndichidana Mamoe. Saani akamboyemurwa kubasa na boss "Mamoe guess what!!" Ndakazova calm pandakaona mainini vakagara pasofa "Uhhm ndanga ndisingazivi kuti muripo mainini" "Ungaziva sei ne noise Yako. Ndizvo zvamunogara muchiita izvi? Mamo anodzidza sei muchiita noise yose iyi?" Ndakashaya chero mhinduro ndaiva ndatova down. "Unofanirwa kuziva kuti Mamoe anodzidza iwe unoshanda, Saka anodawo nguva yekudzidza apedze ozoshandawo kwete noise yako" "I'm sorry mainini asi kana Mamoe achiverenga hatiiti noise" Zvichakadaro Mamoe akabudikira "Cuzy wanga uchindidana?" "Never mind" ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room mamgu Mainini vangabva vataura kunge ndapara mhosva hombe kudaro. Ayy ndine nyaya dzangu kuti ndingaita stress na mainini. Ndakakurura ndichienda kunogeza. Pandakadzoka foni yairira yaiva new number, "Hello" "Butterfly" Haa ndi Lagaman ka uyu? Number yangu aitora kupi? Ndakanzwa vachirwisana neumwe munhu aiva pedo naye" "Mr Tax" Ndakanzwa umwe aiva pedo naye achipera nekuseka "Chirandu....." Handina kunzwa zvimwe zvaakataura nekuti paiva ne noise paaive ari, asi chinhu chandaka noticer yaiva noise yevanhu vaviri Ndakadzungudza musoro, Lagaman akadhakwa. Ndakapedzisira ndakata Ini nekuti ndaiva ndisingamunzwi zvaataura. Ndakaisa foni pa silent ndichibva ndasimuka ndichienda ku sitting. Foni ndaisiya nekuti Lagaman angazoramba achifona mainini vakazotanga drama yavo. Ndakasvika Mamoe atopedza kugadzira chikafu takatanga kudya "Cuzy chindiudza zve nyaya" Mamoe akadaro ndakatarisa mainini "Neniwo ndakamirira" mainini vakadaro "Nhasi ku office kwangu kwauya boss vangu vakayemura basa rangu". Mamoe akanyemwerera "Wow cuzy, what a good news, ramba wakadaro iwe soon uchapihwa promotion" Mamoe akadaro "Makorokoto muzukuru wambuya. Mbuya vakanzwa vachafara zvauri iwe unodiwa kudarika vazukuru vose kunge. Vamwe Havasi vazukuru vake "Mhamha please" Mamoe akadaro Ndakatarisa pasi tichidya chikafu chedu. Tapedza ndakatora ndiro ndichinosuka. Mangwana mugovera handiendi kubasa ndichamuka ndakarara hangu, Mamoe akauya achida kundibatsira kusuka ndiro" "Hey enda uno spender nguva namainini wakavaguma kare" "Thanks my girl" Mamoe akadaro achienda Ini handizivi mainini vanondivengerei kudai Chero kumusha pandaishanyira Mamoe waivaona matarisiro avaindiita kuti moyo uri Kuti vandidzinge asi vaitadza kuzviita nekuda Kwa bamunini Tinashe Ndakamuka makuseni ndichifa nenyota. Handizivi neniwo nyota iyi inobva kupi. Ndakatarisa padivi pangu ndikaona Laga akafa zvake nehope ndakamuseka ndichibva ndadzika downstairs ndichienda ku kitchen ndakatora mvura ndichigara pasi. Laga akabva apinda. Takamhorosana tichisekana. So broe tell me, wanga uchitaura chokwadi here nezvenyaya ya Tanie?" "Zvatataura nezuro ndezvazuro ngatimirire zvanhasi" "Hayy bro ndinoda kuziva zve" "Zvandakaudza ndizvozvo hapana chichachinja" "Haha washanda broe good choice " "Good choice yeyi iye asingazivi nezvazvo" "Achakuda haangamboregi. Ndiani angaramba lawyer rine ma muscles akadai" "Haatombozivi kuti ndiri lawyer" "Why asingazivi?" "Handidi kuti munhu andidire mar-- "But bro--". "Zvauriwe ugozomuudza nezvangu. Another thing I need your favor boy" "Favor yeyi,?" "Ndinokumbira umudzinge basa handidi kuti ashande pa company yenyu" "Why ? Nekuti hauwirirani na baba wakuda kuisa mwana wevanhu muhondo dzenyu" "Just do that for me please boy" "Hayi Rega ndiende ini, ndine court yakandimirira kumba newevo Uri kundiwedzera ma problems bye broe" "Ufambe bhoo" "Sure" Ndakadaro ndichinopinda mumota. Haa ndichasvika ndichitukwa so kunge mwana mudiki. Ayy ayy now I see neyi Laga akashara kunogara ega WEEK LATER Tanisha It's been a week now mumba mave free Mainini vakadzokera suu munhu anga asisagone chero kusura chaiko. Ndapedza kugadzirira kuenda kubasa ndakawana Laga atosvika. Now anosvika nenguva kubva paakandikumbira ruregerero ave kuuya mazuva ose. Ndakawana atovapo atondivhurira door, ndakapinda mukati tichimhorosana. Butterfly I think I'm in love with this name ohh gosh.. akamutsa mota yakananga kubasa. After some minutes takasvika akamira paanogara achimira "Uve nezuva rakanaka sewe" "Newevo uve nezuva rakanaka sewe" "Huh? Pamha zve watii?" Ndakaseka ndichibuda mumota ndichipinda mukati. Ndakananga ku office kwangu. Pandakapinda ndakashamisika ndichiona maruva patafura. Ndakatora note yaiva pedo nemaruva ndichiiverenga Beautiful flower for beautiful girl "Ndiani munhu anganditengera maruva" ndaizvibvunza ndiri confused. Zvichakadaro musikana ano cleaner ma office akapinda "Pane chaunoziva here nezve maruva aya?" "Madam nhasi hatishandi asi hauna kusenderwa pa email?" ",Handina kumbovhura email ini rega nditarise, asi ndiani manje atenga maruva?" Zvichakadaro pakapinda umwe mushandi "Madam ndatumwa kwamuri" "Watumwa kwandiri?" Ndakabvunza ndichishamisika "Yes madam" "Watumwa nani?" Haana kundipindura akandibata ruoko achindidhonza tichibuda panze tichinanga pane imwe Mercedes yaiva iri new. Akandivhurira door ndakamutarisa "What is happening here?" "Ndatumwa trust me" "I can't trust you" "Ndinoshanda pano newe ndatumwa uye ndanzi ndisataura kuti ndiani akuita zvose izvi" Ndakamutarisa ndichibva ndapinda mukati. Ndakatora foni yangu ndichifonera Tinashe "Mabondera vamwe" Argh this guys "Ko neyi musina kundiudza kuti nhasi hatiuyi kubasa?" Tinashe akaseka "Usandiudza kuti uri kubasa coz Ini ndakatorara. Iwe Mabo hautarisi ma email nhai?" "Ndatarisa Asi hapana chandasenderwa ini" "Ahh sorry for that" Tinashe akadaro achiseka. Ndakakata foni yangu hapana zvandingataura na Tinashe nemuitiro wake uyu. Mota yakanomira pane imwe building. Pandakangobuda vashandi vakamhanya mhanyi vachiuya kwandiri. Yoo guys ndakapererwa chero wekubvunza kuti chii chiri kuitika ndakamushaya. Takapinda mune imwe room yairatidza kuti ndiyo yakanaka kudarika makumuri ose Ari muno. Umwe akaswedera pandiri akabata mbatya. Ohh ndauya kuzoitwa massage jesu we Nazaretha. "What's going on here? Handina kumbotaura ini kuti ndinoda massage." "Don't worry madam no need yekutaura" Vakandiudza kuti ndichinje ndakaita sekudaro ndichibva ndarara pakamubhedha kavo, vachitanga kundiita massage. Ndakanyemwerera ndichiteerera zvandainzwa. Elvis ndiye ega anondiita izvi. Kuti auya here anoda kundi surpriser? Asi aziva sei kwandinoshanda? Or akatumira munhu kuti atsvage kwandiri kushanda? Pavaindi massager ndakapihwa wine kuti ndimwe. What a soft life. Asi ndiani aita izvi. Ndakafonera Elvis ndichida kumubvubza Asi foni yake yaiva isingapindi. Finish ndiye aita izvi. Zvichakadaro pakapinda umwe achiuza ma fruits aiva akasanganiswa (difference fruit) You know zvandiri kuitwa now I life yandaishuvira Kubva kare. Vakandiudza kana ndave kuda kuenda ndivaudze. Ndakagara 30 minutes ndichibva ndavaudza ndakuda kuenda. Pandaiva ndakuenda vakandipa ma flowers aiva nemari. Ayy handingamboatori shame nekuti handizivi kuti ndiani akuita zvose izvi. "No I can't take them" "Madam ndinokumbira usaita izvozvo nekuti uchatidzingisa basa" "Munoda nditore zvinhu zvandisingazivi kuti zvinobva kunani" "Madam hatingambokupinzi mugomba reshumba. Tinomuziva munhu wacho uye newevo unomuziva chete ati tisakuudza manje" Vakandinyengerera kusvika ndabvuma. Mota yakanditora ichindiendesa kumba kwangu Narrated Lagaman aiva akagara mu office make. Pfungwa dzake dzaingofunga Tanie aiva atora moyo wake. Achiri kufunga kudaro foni yake yakarira. Akanyemwerera paakaona ari Tanisha aifona "Butterfly" "Hey Laggy are you okay?" "Yes I'm okay, Asi wakundifunga kubva wandifonera uri kubasa" Tanisha akaseka zvinokonzera kuti rudo pana Lagaman ruwedzere "Haa hazvirisizvo sir ndakufonera nekuti ndinoda kukuudza kuti usauya kuzonditora pandasvika kubasa hanzi nhasi hatishandi Saka ndatove kumba" "Saka neyi usina kundiudza ndauya kuzokutora? Waenda neyi Manje kumba" "Don't worry I'm safe" "Okay Saka ukuitei nhasi since iri Friday?" "Hapàna hangu kunze kwekurara ndigomuka mangwana" "Haaa do you mind Ini newe tibude tinodya out?" "Hezvo Mr kombi unenge usingashandi here?" "Nesuwo tinopihwa nguva yekuzorora" "Ndiani angaramba offer yakadai? Tichaenda nguvai?" Lagaman akanyemwerera paakanzwa Tanisha achibvuma iye anga achifunga kuti achavhaira "Kuma 8 Asi ndichakuudza" "Ndichanzwa newe then" "Thank you so much butterfly" Lagaman akadaro vachionekana Tanisha Ndakamirira Mamoe kuti ndimuudze zvaitika kubasa. angava ani aita izvi? Kana ari Elvis mota iya ndeyani coz yake ndinoiziva? Kuti atenga mota itsva? No I don't think so. Mari ndichangopedza kuiverenga it's 4000 USD. Ndiani iyeye angandipa mari yose iyi coz yanga iri ma 100usd pamaruva. Zvichakadaro Mamoe akapinda. Paakaona Mari akashamisika "Sisi Asi wahora?" "Mwedzi wapera here?" "Ahh Saka ndoti kudii Ini ndichiona ma $100 ega? Waitora kupi mari yose iyi?" "Handingambokuudzi Kwandaitora" "Cuzy taura Kani" Ndakamuudza nyaya yose. Naiyevo akapererwa "Hauna here waunofungira kuti ndiye aita izvi?" "Hapana shame" "Ayy hamenho. Sisi iwe idya mari yadonha kudenga" Mamoe akadaro tichiseka. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Laga akandifonera na 7pm achindiudza kuti ndive ready ari kuuya na 8, ndakatanga kugadzirira. Na half past seven foni yangu yakarira aiva Elvis ndakanyemwerera ndichidaira. "Mukadzi wangu". "Hey love uri sei?" "Ndiri mu Harare ndinokumbira undipe location yekwaunogara ndiuye kuzokutora" Ndakavhura maziso "Nhasi?" "Yes babe ndiri mu Harare ndanga ndichida kukurova ne surprise that's why ndisina kukuudza. " Ndakavhura maziso. mamoe aiva àti kwati kwati neni achida kunzwa "Babe ndinokumbira kukufonera after 5 minutes" Elvis akabvuma ndichibva ndakata foni ndichitarisa Mamoe "Usanditarisa" Mamoe akadaro ",Ndiite sei manje?" "Unoziva zvauchaita sisi. Elvis is boyfriend and Laga is your friend so obvious enda kumukomana wako" "Laga acharwadziwa" "Achanzwisa munhu mukuru ka uye zvinenge zvisingatangi naye" Ndakabata musoro ndichifonera Lagaman ndichimuudza kuti asauya pane zvandiri kuda kuita manje. Ndakapedza kutaura na Laga ndakasendera Elvis location. Saka ndiye andiitira zvose izvi Davula Taiva takamira pedo ne swimming pool na mhukahuru Asi vairatidza kuti vane zvikukutu zvavari kufunga. I wonder vari kufungei, Asi zvinhu zvavari kufunga zvinovafadza nekuti vari kungonyenwerera nonstop "Mhukahuru" vaiva vakamira vakatarisa pasi vachingonyemwerera "Mhukahuru!!" Vakaita sevari kuvhunduka vachinditarisa "Hmm" "Haa Mhukahuru mufaro wese uyu wabvepi?" "Shuwa ndingarega kufara here iro business rangu richifamba zvakanaka" "Yah business riri kufamba asi mufaro wandiri kuona Manje handifungi kuti ndewe business ndewerudo uyu" Mhukahuru vakanditarisa vachishamisika "Mufaro werudo? Unopenga here iwe mpfana" "Kungobvunzawo hangu baba asi pane zviripo chete. Let's hope mhamha hamuna kuvawanira mainini" "Handichafanirwi kufara Manje ini?" "Handina kudaro baba" "Saka chinyarara" Ndakanyarara ndichivatarisa "Hanti unoziva kuti mangwana kuri kudiwa murume umwe chete?" "Ndinoziva baba don't worry ndichamuwana" "Good ndakunorara ini" "Okay Mhukahuru " takaparadzana umwe neumwe achienda mu room make Tanisha Eish I feel bad nezvinhu zvandaita Kuna Laga. But I don't have choice chero iye anga achaita zvinhu zvandaita dai awanikidzwa ne situation yandiwana. Ndaiva ndatopedza kuchinja. Elvis akandifonera achindiudza kuti ari panze. Ndakatora bag rangu ndichaenda kwaari. Ndakapinda mumota tichihagana sevanhu vakagumana kare "My love" "Mukadzi wangu uri sei?" "Ndiri right Asi neyi waita zvawaita you know ma surprise handifariri" "Sorry babe neniwo ndatodanirwa meeting nema last minutes" "Ohh I understand Saka musangano wacho uriko rinhi?" "Mangwana Asi nhasi ndinoda ku spender night newe" "Love ko wasvika rinhi?" Ko hanti ndoda kufeya feya kuti ndiye here andiendesa ku massage "Ndichangosvika babe chero ku booker nda booker munzira ndisati ndasvika" "Hmm okay" Elvis ndinomuziva dai ainyeba dai ndamubata kare kuti ndiye aita zvaitika masikati. Asi ndichaita sei kuti ndizive Munhu aita izvi. Kuti ndibvunze hazviiti achafunga kuti ndiri kugamuchira ma gifts kuno. Izvo kwete zvangoitika nhasi chete. Akachaira tikasvika pa hotera paaiva a booker, akatora ma key pa receptionist tichienda mu room medu. Ndakashamisika ndichiona makashongedzwa nema rose. Ndakabata muromo. Kubva zvatakadanana haasati ambondiitira zvakadai. "Love" ndakadaro ndichimuhaga "You did this for me?" "Everything for you my wife wakakosha kwandiri so you deserve this" Takapinda mukati tichinogara pa bed "Hanti unoziva kuti ndinokuda " "Yes love I know" "Let's hope haundiitiri misikanzwa" "Ndakakuvimbisa babe pandakabva kumusha" Akanyemwerera achindikisa pahuma. Vashandi vakapinda vachiunza chikafu chedu. Takagara pasi tichidya. Tapedza ndakaona munhu achiburitsa ring achigwadama mberi Kwangu. Ndakarohwa nehana "Elvis" ndakadaro nekavoice kadiki "Tanisha Moyo yareba nguva Ini newe tiri mu relationship iyi now tave kufanirwa kuiendesa mu next level. Takura Manje kuti takukwanisa kuva ne family. Ndinoziva kuti mu marriage makaoma asi tichabatsirana pane zvose kuti marriage yedu ishande. Saka ndinokumbira undiite murume pavarume. Be my wife Tanisha " Misodzi yakayerera pandiri "Handizivi kuchema kwako ndokutora sekuti ndi yes or what" Ndakanyemwerera "Ndinobvuma kuva mukadzi wako Elvis" Elvis akanyemwerera achindipfekedza ring achindihaga End of chapter