Chapter 7 Lagaman Patakabva kunosiya Tanisha kuchipatara ndakanosiya Mamoe kumba kwavo ndichibva ndaenda kumba kwedu. Ndinoda kunotaura na baba, ndinoda vandiudze kuti zvinonakidza here kuona vanhu vachifa kudai nekuda kwavo. Ndakasvika kumba ndikawana munhu wese arara, ndakaenda kunogogodza mu bedroom mavo. Handingamborari ndisina kutaura navo. Ndakagogodza ndichidanidzira mhamha ndivo vakavhura "Bothy uri kudei pano nguva dzino?" Mhamha vakabvunza "Ndinoda kutaura nemurume wenyu" "Bothy please" Mhukahuru vakabva vabuda "Lagaman uri kudei pano nguva dzino?" Baba vakabvunza "Ndinoda kutaura nemwi" "Watadza neyi kumirira kuedze" "Now" Takadzika downstairs tichinomira pedo ne swimming "Nhai mhukahuru ndiudze. Unonzwa sei kana family ichichema siku nesikati nekuda kwako?" "Arggg ko wandidanira zvekupenga?" "Hazvisi zvekupenga Mhukahuru vanhu vari kupera kunze uko, ko uchazvirega rinhi zvekuuraya vanhu kunge uri kuuraya huku" "Iwe mpfana wandimutsira zvinhu zvekupenga ndakarara" "Hazvisi zvekupenga mhukahuru. Uchafa zvinorwadza iwe, zvingakunakidza manje asi rako zuva richasvika ucharwadziwa kudarika vanhu vauri kurwadz--" ndisati ndapedza kutaura ndakanzwa negwati rembama asi vaiva vasiri baba ari Davula "Mhukahuru ndakati kudii nemukomana uyu? Nazvino hauoni here kuti ane muromo muhombe anotaura zvinhu zvisinei naye" "Davula listen usapinda munyaya yangu nemwanakomana wangu" "But bab--" "Ndati ibva pano!!!* Davula akanditarisa neziso reruvengo achibva aenda. "Dai ndakazvisiya kare zvose izvi, only iwe kana uchibvuma zvinhu zvandiri kuti uite zvino iwe nharo kunge zongororo. Ibva pano uchauya kana wave ready kuita zvinhu zvandinoda unoziva here Mari yakandirasikira nekuda kwako" "Handimboiti zvinhu zvauri kuda kuti ndiite ini, handisi mhondi ini" "Ibva pano urege kundiyemera ini" Ndakatendeuka ndichienda. Ndakaona mhamha vakatitarisa Nepa window misodzi ichiyerera Tanisha Takasvika kumusha makuseni sezvo mota yechitunha yanga ichifamba zvishoma nezvishoma. Elmon akandiendesa kumba kwedu ndakawana mbuya vatondimirira ndakavamhanyira ndichivaga. "Mbuya ko neyi in ndichigarotorerwa vanhu vandinodisisa. Kwakatanga baba now ndi Elvis" "Zvichapfuura zvose izvi muzukuru wangu" "Anga achangopedza kundiisa ring mbuya akandisiya nezuva iroro handichamuoni zve kwe hupenyu hwangu hwese" "Ini ndinofunga kuti mamhepo aya, hausati wapedza mwedzi uri ku Harare pobva paitika zvinhu zvakadai. zviri nani udzoke kumba muzukuru wangu" "Hazviiti mbuya ndinorifarira basa rangu" "Muzukuru wangu ndinotya kukuruza nzvimbo yenyu iyi inenge inotyisa" "Nzvimbo dzose ndozviri kuitika mbuya. Ndichasiya kwandichawana zve basa pamwe ndichawana kuri wesi kudarika kwandiri manje ndosiya zve. Zvinenge zvoreva kuti handifi ndakashanda zve" "Okay mhandara yangu ndinonzwisisa chero hangu ndichikutyira" "Musatya mbuya ndichava right parizvino ndinoda kurara ndimbozorodza pfungwa" ,"Okay muzukuru wangu " mbuya vakadaro vachindibatsira ne bag tichienda mu room. Ndakazvikandira pa bed ndichirara. Mbuya vakabuda vachienda Pandaiva ndakubatwa nehope foni yangu yakarira aiva Tinashe. Ndakadaira akandiudza kuti email aiona. Takazotaura akandiudza kuti ndiuye kana ndave ready ndisamhanyira kuuya kubasa ndisati ndapora mumoyo. Lagaman Hayi vanhu vari kupera pano nekuda kwangu u think it's better kuti ndiite zvinhu zvacho zvikudiwa na Mhukahuru. Chero zvichizorwadza family yose neni wacho asi ndinofanirwa kuzviita. Ndinofanirwa kuita zvinhu zvichashungurudza Moyo wangu kwehupenyu hwangu hwese. But I don't have a choice kuti kuuraiwa kwevanhu kupere ndinofanirwa kuzviita. Handina imwe nzira yandingazvitiza nayo nekuti ndakabvuma from the start. Handina imwe nzira yandingaita nayo nekuti Mhukahuru ane maziso everywhere Saka kutoita zvinodiwa zvacho. Ndakatora foni yangu ndichifonera Butterfly ndinzwe kuti ari sei sezvo ndamuguma asiri right. Yakarira kwenguva yakareba isingadairwi neniwo ndakaramba ndichiizama kusvika adaira. Takataura chero hake ndaimunzwa kuti haasi right. Akazondiudza kuti anovigwa rinhi ndakamuvimbisa kuti ndichauya kuzomunyaradza. Akazondikumbira kuti ndiuye na Mamoe tichibva taonekana. Pandakakata foni mhamha vakapinda "Mukadzi wa Mhukahuru" Ndakadaro "Iwe Bothy" "Ndinonyeba here?" "Haunyebi Saka ndiudze uri kunzwa sei?" "Ndinonzwa kuda kutora pfuti ndozviuraya or ndotora mitundu yangu ndiende kure kusina kana ani anondiziva. "Usafunga izvozvo mwanangu inguva chete zvichadarika " "Zvichadarika mhamha? Hapàna zvinhu zvichadarika apa Mhukahuru imbwa murume uya" "Bothman!!!" ",Mhamha vanhu vari kufa kunze uku nekuda kwangu Saka ndatora decision " Mhamha vakavhunduka vachinditarisa "Decision yeyi manje yaunoreva Bothy?" "Ndatora decision yekuti ndiite zvinhu zvinodiwa na baba" "Never!!! Never Bothy haungamboiti zvinhu zvakadaro iwe. Une basa rakanaka Saka haungasiyi basa rako riri pamutemo. Haungambosvibisi maoko Ako Bothman " "Asi mhamha nemwiwo munoona kuti vanhu vari kufa right and left. Munhu ashaya uyu anga achidanana ne shamwari yangu saka ini ndiite sei ndichiona munhu wandinoda achichema mberi kwangu apa ndichiziva kuti family yangu ndiyo yaita izvi" "Akasviba kare mhamha. Akasviba kare maoko angu" "No Bothy waiva uchiri mudiki Usingazivi chinhu" Ndakagara pasi ndichitanga kuchema "Zvakafanana mhamha maoko angu akasviba kare. Vanhu vari kupera kunze uku kana ndikasazviita" "Please my boy une future yakanaka ndinokumbira kuti usaiuraya" "Mhukahuru anoda kuiuraya saka ndichazadzikisa zvishuviro zvake " "Please my boy usabvumira mhukahuru achiuraya hupenyu hwako" mhamha vakadaro vachindihaga tichichema tose Week later Tanisha Mazuva aya anga asiri nyore asi ndinofanirwa kuzvigamuchira kuti Elvis hakuchina. Chero ndikaita sei haachadzoki. Nhasi ndiri kufara nekuti mamoe na Laga vari kuuya. Pamwe ndinganzwa nani pandinoona vanhu vandajaira. Ndakaenda pagedhi sezvo vandiudza kuti vakusvika manje. Ndakashamisika pandakaona Mercedes, ndeyani manje mota yaari kufamba nayo? Vakapinza mota mukati ndakashamisika ndichiona na Tinashe aripo . Takamhorosana "Sir newevo" "Hey say Tinashe please" Ndakaseka "Tinashe" "Tinashe I shamwari yangu" Laga akadaro "Ohh I see Saka Mercedes ndeyani nekuti handisati ndambomuona achiuya nayo kubasa?" "Haa asi anofanirwa kuuya nemota dzake dzose kubasa?" "Handitauri newe Laga" "Ohh ndeyangu mota ndati ndiuyevo kuzoku supporta" Tinashe akadaro achitarisa Laga "Uhhm thank you so much guys ngatipindei mumba ndiite ma intro Kuna mbuya .Takapinda mukati ndikaita ma intro mbuya vakafara kuona kuti ndine vane care neni "Ndafara zvakanyanya kukuonai vazukuru vangu" "Tanie ishamwari yedu mbuya Saka tauya kuzomusapota" Laga akadaro "Ndinotenda vazukuru vangu please ndinokumbira mumutarise asabatwa nevaurayi kuthawundi ikoko" "Musatya mbuya muzukuru wenyu ari safe kana ari pedo nesu" Ndinotenda vazukuru vangu" Ndakaenda kunovagadzirira pekurara mangwana tichaenda kwana Elvis handingatambi chiroora ka nekuti ndanga ndisati ndaroorwa as mukadzi wa Elvis ****** Nhasi izuva rekuvigwa kwa Elvis. Moyo wangu uri kurwadza, ndiri kunomuona kekupedzisira handifi ndakamuona zve. Ndatopedza zvese ndakagara pa bed. Ndakanzwa munhu aigogodza ndakavhura aiva Laga. Ndakaedza kunyemwerera asi ndakatadza. Misodzi yakabuda. "Hey uri kunooneka umwe wako nhasi, unofunga kuti achafamba zvakanaka here iwe uchimuperekedza nemusodzi" "Handikwanisi kuzvigamuchira" "I understand zvinorwadza asi unofanirwa kumuperekedza mune zvakanaka" "Thank you so much nekuvapo kwako" "You're welcome hande Manje vanhu vave ready" Ndakabvuma nemusoro ndichisimuka tichibuda panze mbuya vaiva na Mamoe. Takapinda mumota isu taiva kumashure Laga na Tinashe vaiva kumberi Laga ndiye aichaira. Mbuya na Mamoe vaingondinyaradza nzira yose. takasvika ku funeral tikagara kwaiva kwakagara vamwe. Ndakanzwa vachindidana kuti ndiuye ndioneke Elvis. Ndakasimuka ndichiita kubvunda muviri wese Mamoe aiva akandibata. Takasvika pa coffin rake, Elvis aiita kunge akarara hope achamuka. Ndakabata coffin rake Misodzi ichiyerera Mamoe akandipukuta "Elvis handizivi kuti ndoti kudii kwauri asi unofanirwa kuziva kuti ndinokuda zvakanyanya and I'm sorry nezvinhu zvaitika pauri Ini newe tanga tine zvishuviro zvedu asi tatadza kuzvizadzikisa . Zorora murugare Elvis hatina simba rekurwa nevanhu vaita izvi kwauri asi ndiwe une simba rekuvapa mutoro unorema zorora murugare Elvis usakanganwa kuti tinokuda" Ndakaenda kunogara pasi Mamoe aiva akangondibata. Vapedza kutaura takaenda kumakuva. Marwadzo andakanzwa pandakaona coffin rake richifushirwa zvinhu zvose zvapera takaenda kumba kwana Elvis vakandigezisa nemishonga kuti ndisaita munyama Lagaman Yah funeral yacho anga ari marwadzo ega shame asi hapana zvatingaita tose tiri kuenda chero hazvo tichienda nenzira dzakasiyana. Takasvika kumba kwana Tanie. Hatiendi nhasi tichaenda mangwana kuitira Kuti tiende na Tanie sezvo zvisingaiti kuti aende nhasi. *** Takagara pasi tiri kudya "Guys mukati ndaiziva here kuti kuita laywer zvinorwadza sei?" Mamoe akadaro. "Neyi wadaro asi newevo uri kudzidzira kuita laywer?" Ndakabvunza "Yes and ndapihwa offer" "Offer yeyi?" Tanie akabvunza "Zuro ndadanwa nemukuru wechikoro akati sezvo riri gore rangu rekupedzisira iri ndinofanirwa kuita tsvakurudzo nezvevanhu vauraya Elvis" Mamoe akadaro Ndakavhunduka asi handina kuzviratidza "Wanzi utsvage vanhu vauraya Elvis?" Ndakabvunza. "Yes" mamoe akadaro "Saka newevo waitora offer yacho?" Ndakabvunza "Hapana zvandanga ndichikwanisa kuita beside that we want justice nezvekufa kwa Elvis" "Asi vanhu vacho vanenge vari dangerous hauoni here kuti hupenyu hwako hungava munjodzi?" Ndakadaro "Shuwa sisi iwe hausati wapedza chikoro case iyi inoda vanhu vave ne experience " Tanie akadaro "Hayi broe Laggy iwe wakandiudza wani kuti laywer harityi chinhu when it comes to her or his job" Tinashe akadaro. Ndakamutarisa nerimwe ziso, ndakaona Tanie achinditarisa. Tinashe akazvibata muromo "Ehe uri broe wangu ka nekuti uri muhombe kwandiri kwete kuti uri ropa rangu plus ndiwe waidaro Laga Kuna Laywer Nkomo" "Hayi guys ngatisiyeyi nyaya iyi " ndakadaro Ndaiva ndatoona kuti tikaramba tichitaura nezvayo Tinashe anozotaura zvinodarika apa sezvo atotanga kubuda musaga kudai "Yes and Mamoe usamboedza hako kufambira case iyi unofa masikati machena" ",Ayy ndave nehope ini" ndakadaro "Neniwo eish" Tanie akadaro tichiparadzana tichienda mumaroom edu. Patakapinda ndakatora pillow ndichirova Tinashe nayo "Chii manje broe?" "Muromo wako hauvhariki here?" Tinashe akaseka "Ahh ndanga ndakanganwa ini asi newevo broe neyi uchimuvanzira Tanisha ne real life yako?" "Handidi kuti vanhu vazive kuti ndinozvarwa na mhukahuru " "Ko chiiko chiri kwa mhukahuru chakavanzika? Hayi ini ndave kusvora manje pane zvinhu zvatisingazivi isu" "Hanti unoziva monya rinozviti baba vako rinoda kutonga pose pose" "Chii chaizvo chamuri kurwa na baba?" "Hu boss, chasara kuti atonge nyovi yangu kuti ndiipinze sei" "Ayy ndasarenda ini. Tell me broe ko neyi baba vasingadi kuti Tinaye auye kumba?" Ndakamutarisa ndichivhura maziso "Handizivi" "Ndanga ndichitaura naye nezuro ati iye ave kuda kuuya kumba asi baba kutaura kwavo havadi kuti auye " Ndakazvibata huso ndisingazivi ndomupindura ndichiti kudii. Tinaye mu twin wa Tinashe ari kugara ku Zvishavane kune imwe imba yababa. "Shuwa zvinhu zviri kuitwa na baba hazvisi fair. Unoziva zvinorwadza sei kuparadzaniswa nemu twin wako? Nei vasina kutora Davula or Nkosi kuti anotarisa imba yavo" "Boy ngatimbomira kutaura nezvenyaya iyi tichazama kutaura na baba tiva convince kuti Tinaye auye kuzogara nesu "Okay broe rega ndirare ini" Tinashe akadaro achipinda mumagumbezi Neniwo ndakaita sekudaro. mupfungwa dzangu ndaifunga zvinhu zvakawanda shame. Mutoro wandinawo uyu handizivi ndiani achanditura andizorodze. **** Mangwana takamuka tichigadzirira kuenda. Chero hazvo tange tave kunakirwa nekugara pano. Mbuya va Tanie vane moyo wakanaka shame. Ini ndanga ndichifunga kuti vacharamba kuti Tanisha aunze shamwari dzechirume pamusha pavo asi Havana kuzviita Mamlilo Ndaiva ndakagara ndichifunga zvinhu zvandaiva ndaudzwa na Bothy. Chero zvadii haafanirwi kusiya basa rake never. Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Tinaye. Huso hwangu hwakazara mufaro pandakaona mwana wangu achifona "My boy" "Mhamha I miss you manje. Ndinoda kuuya kuzokuonai ini zvino baba vanogara vachingowedzera mazuva" "My boy neniwo ndinokufunga zvakanyanya" "Ndinoda kuuya ini mhamha" "Mangwana chaiye huya mwanangu" "Ko baba?" "Ndichataura navo. Uri kutifunga nesuwo tinokufunga saka tinofanirwa kuonana" "Thank you so much mhamha see you tomorrow " "Okay my boy" Takaonekana ndichibva ndakata foni. Unoziva handizivi neyi mhukahuru asingadi kuti mwana wangu auye kuzoona family yake. No ways I miss my boy anofanirwa kuuya . Zvichakadaro Letty akapinda Mhamha kubva magara mega muri kufungei kudaro?" "Zvakawanda mwanango. Ndanga ndichitaura na Tinaye ati akuda kuuya kumba" "Neniwo ndataura naye ndizvo zvaandiudza. Pamusha pano pane zvihombe zviri kuitika. Baba vakatanga nekuti Tinaye anogara kure nesu now ndi Lagaman haagari nesu chii chaizvo chiri kumboitika pano chamuri kutivanzira" "Hapana zvatiri kukuvanzirai unomuziva bothy musoro wake wakaoma" "Ko Tinaye?" "Akatarisa musha wa baba vako?" "Hayi mhamha baba vangatadza here kutsvaga munhu anovatarisira musha wacho "Ngaipere nyaya iyi Letty" "Everytime kana kuchitaurwa nyaya dzakadai kunonzi ngaipere ayy" Letty akadaro achibuda achienda. Neniwo handizivi chii chiri kuitika pana Mhukahuru na Tinaye Tinashe Ku Harare yemashiripiti takasvika husiku . Tatanga nekuendesa Tanie na Mamoe kumba kwavo. Ini manje ndiri kumba Kwa Laga. Takapera nedoro. Tangotanga tichiti ticharova 1 bhodhoro asi manje ndiri kuona chinhu chimwe cup yakaenzana poto "Iwe baba vako vachakuuraya nhasi" "Vanondipihwa nani? Bro chindiendesa kumba ndava nehope ini" "Hoo nhasi haurari pano?" "No I miss my bed" "Okay hande kwacho Mhukahuri asati aisa ma blame kwandiri" Laga akadaro tichiseka tichinopinda mumota achindiendesa Akasvika achindisiya pagedhi, paakaona Kuti ndapinda akamutsa mota achienda. Ndaifamba hangu Mumba ndisingaoni kwandiri kuenda uku ndichitatarika doro rakazara mumusoro zve. Ndichifamba kudaro ndakazviona ndave murima. Hezvo ndiri kupi manje, light raidzimwa nani? Ndakatarisa nzvimbo yose ndikazviona ndiri mune rimwe room raiva nerima apa richityisa. Pandaida kubuda light rakabatidzwa ndakavhunduka ndichiona nyoka yaiva yakazvipeta yakamira kureba yaindipfuura. Ndakavhura maziso apa yaiva yakandito njoo nemaziso ayo aityisa. "Nyoka!!!" Ndakadaro ndichichidanidzira "Snake!!!!" Ndakavhunduka nyoka iya payakaswededza musoro wayo pandiri. Ndakaona rima, pandakaedza kutiza gumbo rakaramba kusimuka ndakadonhera Pasi ndiye zii End of chapter