Chapter 13 Tanisha Ndakatora foni yangu ndichifonera Laga. "Laga" Ndakadaro ndichifemera mudenga "Butterfly chii? Unenge wavhundunka" "Pasvika Mhukahuru vakati pachauya mota ichanditora vanoda kutaura neni" "Iwe wati kudii?" "Handina kuvapindura nekuti havana kuda kumirira mhinduro yangu vabva vabuda" "Hausi kuendako Tanisha ndikuuyako kuzokutora" "But inguva dzebasa manje Laga" "How? Nekuti Uri kuzotorwa iwe? Hauendi kuna Mhukahuru chii chaanomboda kutaura newe. Nei asina kutaura newe paauya mu office mako?" "Laga ini ndinoona zviri nani ndiende kwaari asazofungira kuti pane zvandoziva pamusoro pake?" "Kuenda kwaari? Unomuziva here iwe Mhukahuru kuti anoda kunokuitei ikoko?" "Handifungi kuti angandiita zvakaipa ini Laga" "Wakumuziva manje Mhukahuru butterfly? Pamwe akutoziva kuti une zvaunoziva pamusoro pake saka ane zvaanoda kunokuita" "Anenge audzwa nani nekuti zvinongozivikanwa nesu tiri vaviri chete. Okay fine ndichakusendera live location. So ndokumbira uve calm ndikaenda manje achandivimba pamwe tingatozowana pekumubatira" "I don't trust him nhanha. Handidi kuti uzvipinze munyaya idzi butterfly nekuti akangoziva kwaari kuuraya munhu zvakangofanana nekuuraya mosquito " "Hapana zvichaitika Laga trust me" "But Tanisha" "Please Laga" "Please be safe" "I promise " ndakadaro ndichikata foni. Pakabva papinda umwe murume "Madam tatumwa kwauri na Sir" Ndakarongedza zvinhu zvangu tichibva tabuda tichinopinda mumota. Munzira ndaingotaura na Laga achindiudza ari worried sei. Takasvika pane imwe restaurant. Nzvimbo yacho yaiva cool kwaingoonekwa vanhu vachena chete. Ndakatarisa kune rimwe divi ndikaona Mhukahuru vakagara pane imwe table. Ko chii chikuitika pano? Ndakatanga kutya manje Asi chinhu chinondirerutsa ndechekuti pakazara vanhu. muchairi akaenda neni paiva na Mhukahuri, paakandiona akanyemwera achindidhonzera chair kuti ndigare. "Ndinotenda kuti wasvika" "Ehoyi sir" "Hey kana ndisiri kubasa ndiri mushamiri saka usanditi sir" Mhukahuru vakadaro vachinyemwerera "Okay baba" Yes baba anoenzana na baba vangu ka Munhu uyu "Mushamiri" Ndakapererwa, harahwa inondishurira shuwa "Okay Mushamiri" "Wakutaura manje, iyi menu order chikafu chaunoda kudya" "Ndabva ndadya" ",Haa ko juice" "Mvura iri bhoo" "Ohh I didn't expect that" Akadana waiter achimuudza kuti aunze mvura "You look beautiful" Wee mashura "Thank you so much" Mhukahuru vakanyemwerera "Handizivi Kuti uchanzwa sei nezvandichakuudza Ndinoziva ndiri boss wako ndiri muhombe kwauri asi neniwo hapana zvandingaita" Handina zvandakataura "Mwana wevanhu ndakakuda nezuva rekutanga pandakakuona kubasa" Ndakavhura maziso ndichivatarisa "Huh!!" "Ndinokuda Tanie uye I'm ready kukuitira zvose zvaunoda" What?" Ukangondipa mukana ndichakuitira zvose zvaunoda kwete zvivapfana zve size yako zvinenge zvichingoda kukutambisa" Handina kuvapindura ndakavatarisa ndichisimuka ndichida kumhanya asi vakandibata ruoko "I understand ndichakuendesa kumba. No need yekuti utize" Ndaka frezer ndakamira panzvimbo imwe chete. Lagaman I'm crazy now, ndikuzama kufonera Tanie asi haadairi foni yake, ndaiona nzvimbo yavari. Vari mune imwe restaurant inodhura. Ohh Saka mudhara vanoda kudhonza Tanie nezvinhu zvinodhura. No ways ndikunomutora ini Tanie, kana kuchirwiwa nhasi kucharwiwa. Ndakasvika mu restaurant yavari ndikapinda mukati ndichitarisa nzvimbo yose asi ndakavashaya. Ohh I'm sure vatoenda. Ndakamufonera zve akati akumba. Ndakapinda mumota ndichienda kumba kwake. I wonder inyaya yeyi yanga yadanirwa Tania. Ndakasvika kumba kwake. Door ranga rakavhurwa ndakapinda mukati asi hapana wandakaona, ndakananga mu room make ndikamuwana akarara ndakamuguma. ",Tanisha" haana kundipindura "Butterfly" "Laga ndakuudza wani kuti ndakaneta ndoda kurara" "Ndoda undiudze Kuti Mhukahuru anga akudanirei" Tanie akamboda kuramba ramba achiti achandiudza mangwana Asi ndakamutsikirira pakona kusvika andiudza nyaya yose. Argh Mhukahuru dzakati kwesere here. Hutsinye ne chihure pamunhu 1 "Saka wauya neyi" "Ndaunzwa na baba vako" "Wavabvumira kuti vakuunze futhi". "Ndanga ndichifanirwa kuita sei" "Hanti ndiripo here wanga uchandifonera" "Baba vako vagoona kuti tiri ma friends" "Zvine basa rei?" "Hayi Laga ndichataura na baba vako ndigovaudza kuti handivadi ko chiiko kutorera zvinhu pamusoro?" "Fine Tanisha ndanga ndichiti ndikukubatsira but it seems like rubatsiro rwangu haurudi" ndakadaro ndichibuda ndichienda Mamlilo Mwana uya wandakaona ana Lagaman handizivi ndingati kudii asi ari familiar kwandiri. Kunge kune kwandakambomuona or pane Munhu waari kufanana handizivi or maziso angu asi mwana uya ari kufanana na Tavagwisa hamenho pamwe maziso asi no maan mwana wa Tavagwisa uya. Ndaiva ndakagara ndakamirira mhukahuru, ndikare aenda kubasa asi andiudza kuti achakurumidza kuuya. Ndakagara kudaro akapinda huso husingajairiki "Mhukahuru ndikare ndakakumirira. "Wakandimirira kuti zviite sei?" " Haa baba mandivimbisa kuti muchakurumidza kudzoka mugondiendesa ku joina city" "Joina City my foot!!!" Ndakavhunduka "Asi bab---" handina kupedza kutaura ndakanzwa negwati rembama. Ndakasimuka ndichitarisa Mhukahuru nekushamisika. Akandipamha rimwe rakandidonhedza pasi "Ndine ma problems angu ini iwe uri kundiudza zvema Joina City wave mwana mudiki here iwe?!!*. "Asi baba ndimwi mangondivimbisa ndisina kukumbira " "Shut up!!!!" Mhukahuru vakadaro vachindipamha imwe mpama vachibva vabuda Lagaman I'm so frustrated. Handizivi Kuti nharo dzina Tanisha ndedzei? Haadi kusiya basa Kwa Mhukahuru apa achiziva mabasa a Mhukahuru. Kana Ari sa Mhukahuru chiiko naye? Ndakanyanyomu tadzirei kudaro zvekuti angada zve kunditorera Munhu wandinoda. Ndakasvika kumba ndikawana mota ya Tinashe iri pa garage . Ndakapinda Mumba ndikamuwana akarara pasofa achibaya baya foni yake "Broe uri kubvepi? Ndikare ndiri pano?". "Waregerei kundifonera?" "Ndanga ndichingoti pamwe uchauya. Tell me uri kubvepi wakatsamwa kudaro" "Kuna Tanisha" "Saka neyi wauya uchichema Asi wazorambwa pachena" Tinashe akabvunza achiseka "Ndikuchema? Unopenga iwe. Baba vako vakunyenga Tanisha" Tinashe akapera nekuseka "Unoreva Mhukahuru chaiye. But dziri right nekuti iwe une chinono ka, Rega madhara adye" Tinashe akadaro achiseka Ndakamutarisa ndichidzungudza musoro "Iwe unofunga kuti Tanisha angadanana na Mhukahuru here?" "Ko uri kurevesa? Yoo Jesu dzikai vana venyu vatanga aewa huyai muverenge book renyu rezvivi mungazotadza kupedza zvawandisa. Mhukahuru apindwa neyi. Anoda kudanana nemwana mudiki? Size ya Letty?" "Letty muhombe Kuna Tanisha" "Washaa, Mhukahuru kuchembera kunovaramba Saka uchaita sei bhebhi zvarikuenda wakatarisa" "Tanisha haasi musikana wangu kana achimuda Mhukahuru ngavadanane hanti ini haandidi here f**k I don't care!!" Tinashe akapera nekuseka. Anomboitavo serious Munhu uyu "Kutaura kwekurwadziwa ndokuziva ini" "Anenge ave kuzviita kechi two" Tinashe akanditarisa ari confused "What?" Unoziva here kuti neyi ndakarambana na Shamiso?" "Hanti wakati rudo rwaiva rwapera" "Unopenga baba vangu vanondizvara vakarara nemusikana wangu Shamiso" "What?" "Ndakatadza kuenderera mberi nemunhu aiva arara na baba vangu. Yes baba vakakanganisa asi na Shamiso naiyevo aiva wrong nekuti akabvuma kuita zvinhu zvakadaro. "Yoo nyika ine vanhu vayo shuwa. Saka ma bhebhi enyu haasi safe ka pana Mhukahuru inenge iri chobora ndichoborevo" "Hamenho asi Mhukahuru zvinhu zvese zvavari kuita vanenge vanongoda kurwadzisa ini chete. Now vave pana Tanie "Saka ndiyo reason yakaita kuti unogara wega" "Yes ndeimwe yacho" "Ko neyi baba vachida kurwadzisa mhamha?" "Hamenho chero Kuna shammy vakatanga vachimutengera zvinhu zvinodhura hurevo rangu rikadyira" "But this time Mhukahuru usavabvumira irwa broe" "Handingabvumi asi Tanisha wacho yoo ane musoro wakaoma " "Mudzikamise broe I trust you". "Ndichaedza" Ndine nzara ini chimbo order chikafu ndisati ndafa". "Unopenga mpfana ndine ma stress angu ini order wega" ndakadaro ndichimupa foni kuti a odhe Tanisha Pfungwa dzangu dzakadhanganyika ndikuedza kubatanidza zvinhu asi hazvibatani. Zvino ndichariwana kupi rimwe basa nekuti Kwa mhukahuru handingamboshandi zvakanaka neharahwa Iya. Ndakarara kudaro Mamoe akapinda "Hi cuzy kurara nguva dzino hanziiko" "Eish handisi right Mamoe " ndakadaro ndichimuudza nyaya yose "Hezvo unoreva mhukahuru baba va Tinashe?" "Laga wamuudza here?" "Yes ndamuudza handairega" "Tell me sisi. Chii chinokutadzisa kudanana na Laga?" "Handimudi ini " ",Kutanga rinhi usingamudi nekuti chero mwana mudiki anokuona Tanie kuti unomuda Laga. Chirega ndikupe advice yemahara. Lagaman munhuwo anoda rudo. Achaneta newe oenda kunotsvaga umwe wosara wakangovhura maziso" Handina kumupindura "Ukadanana na Laga Mhukahuru havazokunetsi he will respect you nekuti unenge wakudanana nemwana wavo asi kana vachikuona Kuti hauna mukomana vachatora advantage " "Asi Uri kutaura chokwadi " "Yes asi handina Kuti ude Laga nekuda kwaizvozvo. Ita zvinobva mumoyo mako" "Laga ndinomuda newevo unozviziva cuzy asi n--" "Asi chii Tanie? Kusvika rinhi uchiviga ma feelings ako?" Ndakatora foni ndichifonera Laga. Mamoe akanyemwerera "Butterfly " "Ndinokumbira uuye kuzonditora " "Shuwa here?" "Yes " "Okay ndikuuya manje " Ndakakata foni "Cuzy zvinhu zvandikuita zviri bhoo here?" "Yes cuzy. Laga anokuda nemoyo wake, Saka newevo muudze zvauri kunzwa harahwa iyi isati yakanganisa" Ndakasimuka ndichienda kunogeza ndapedza zvese nekuchinja foni yanga yakarira ari Laga, ndakadaira. Akandiudza Kuti asvika, ndapedza kuzvigadzira ndakabuda ndichienda akandivhurira door remota ndichipinda Nguva dzaiva dzave kuma 8 obvious ndicharara ikoko papi pandingadzoka kunge tingabatwa nematsotsi tichingombeya. Nhasi is my first time kunorara neumwe murume asiri Elvis. Ndikunzwa kunge ndiri kumuhurira. Ndakapinda mumota naiyevo akapinda achibva amutsa mota. Munzira hapana aitaura neumwe mumota maiva Makati zii. Ndikutya kutaura zvandiri kunzwa mumoyo mangu. Ndakamutarisa kana kumbotaura chinhu hake. Takasvika kumba kwake tikapinda mumba. "Tinashe anga a order chikafu ini handina nzara tora udye".. "Neniwo handina nzara" "Okay" Laga akadaro achiuya achigara pedo neni " "Thanks nekundi shanyira" Ndakatarisa pasi "Ndinokumbira tino chealer mu room mangu , ndikuda kukurumidza kurara nhasi mangwana ndine case hombe yandakatarisana nayo" "Wow good luck" "As long kwataura iwe ndinohwina chete" Ndakatarisa pasi "Bothman " Akanditarisa achishamisika "Bothman?" Ndakaseka "Yes ko hausi Bothy here iwe?".. "Waritora kupi Zita iroro?" "Ndaritora somewhere uye ndorandofarira kudarika Laga" akaseka "Mhamha ndivo chete vanondidana nezita iroro " "Ahh kana richidiwa newe I'm happy " ndakadaro tichiseka "Pane zvinhu zvawanga uchida kutaura"... "I'm sorry nemapinduriro andakuita masikati chete ndanga ndichiri shocked" "I understand neniwo I'm sorry nenzira yandataura nayo chete zvand---" "I love you" Laga akanditarisa achivhura muromo "Pane zvawataura here butterfly?" "I said I love you, ahhm I'm sorry nekukurindisa nguva yakareba ndisingakuudzi zvandiri kunzwa asi manje ndikuona pane vanhu vakuda kundinetsa I lov--" handina kupedza kutaura Laga akandivhara muromo "I understand butterfly and I promise kuti I will protect pazvinhu zvose zvikuitika manje" "Thank you" Laga akandiswededza paari achindihaga. Ma butterfly akatanga numudumbu kumhanya mhanya hamenho zvinombokonzerwa neiko Kuti ndikumutya here? No hakusi kutya uku. Laga akatanga kundikisa achindiradzika pa bed. Humhandara hwangu hwakuenda here? Takakisana kwenguva yakareba kusvika andikurura mbatya neniwo ndakakukurura dzake tikasara tiri musvo Mamlilo Mhukahuru angondirova from nowhere. Ndaiti pamwe akasiya zvekurova, asi akuzvitangidza zve. Manje nguva dzave Kuma 9 ndakagara patafura munhu wese arara. Ndakaona Letty achienda ku kitchen paakandiona akashamisika. Akandibvunza Kuti ndiri right, papi pacho pandingati ndarohwa na Mhukahuru. Ndakangoti ndiri right asi akaona Kuti handisi right. Akati ndiende kunorara mu room make, asi yoo Mhukahuru angazondirovera Kuti neyi ndisina kurara mu room make. Pamusha pano ini ndangogarira nyaya dza Bothy dai zvisirizvo dai ndakabva kare ini pano. Ndaneta neku shungurudzwa kubva kare ndichingoshungurudzwa. Ndakapedzisira ndaita hunhubu nekuda kwake argg man haisi life yandakasarudza iyi. Letty akanditora achiendesa mu room mangu achindisiya ndarara. Ndakaedza kurara asi hope dzakato unonyeba Ndaingofunga Mhukahuru. Ko ndakakutadzirei Mhukahuru kubva andishungurudza kudai. Inga Wani ndakakuzvarira vana vakanaka. Chake kunditenda nekundishungurudza. Ndakuzvishora Kuti ndakasiirei basa. Ndikumafunga mashoko a mhamha pavakati ndisatarisira kuitirwa nemurume pazvinhu zvose. Dai ndaishanda ndine mari yangu iri clean. Kwete money and blood chandinongofarira Bothy wangu akakwanisa kubva pamusha pano akanoshanda basa riri pamutemo. Ndichiri mukufunga kudaro Mhukahuru akapinda. Ndanga ndichiti ndichanyebera kurara asi anditangira kupinda ndisingafungiri "Ko hausati warara" "Ndanga ndakamirira imwi baba" "Ahh dai warara ungamirira ini here?" Handina kumupindura nekuti nhasi handidi zvekurohwa shame. Mhukahuru akauya achigara pedo neni "Mamlilo I'm sorry nezvandasiya ndakuita handizivi neniwo ndanga ndapindwa nei" "Ndakuregererai baba" "Please mukadzi ndiregerere" "Ndakuregerera kare Mhukahuru. Ndadarika kare ini pazviri" Tinashe Unoziva nezuro ndakagara pasi ndikuzvibvunza kuti ko Kiara akamboenda kupi? Nei akangopedza relationship yedu just like that? Ko nei asina kundiudza at least haachandidi pane kungonyangarika obva achinja number just like that. But nezuro ndanga ndichimufunga shame. Mwana ndaimuda uya kwete zvekufungidzira . Ini ndaifunga kuti anondida izvo ndairwara nepfungwa. Kubva zvaakashara kunyangarika hapana umwe mukadzi anondipa rudo rwakafanana naye. Ndakamboenda kumba kwavo naivowo vakati haana waakaudza akangonyangarika from nowhere. Ndakatora foni yangu ndichiedza kumufonera asi same fanana number yake inondiisa pa Gumtree. Kiara wakaendepiko kusina anoziva. But it's obvious kuti kwaari Ari kufara Kubva zvaakaenda akakanganwa nezvangu akakanganwa nezve family yake. It's fine ndazvigamuchira ngaaite zvaanoda This book hariuyi everyday why? Because ma comments mashoma ma reactions mashoma Saka rinotonzwisa husimbe kunyora. Because i free book ndiri kutofunga hangu kuti riperere pa chapter 20 coz munenge musingarifariri End of chapter