Chapter 31 Kiarah Ndini here uyu Kikie akuchata. Ndikare ndakamirira zuva iri finally razosvika manje ndakagara ndikuitwa make up Brie akapinda achindiitira makoroto, akazoda kutaura nyaya yekuti ndiri mukadzi mudiki wa Tinashe, Jesus handimusheyi nemunhu ini Tinashe, Mamoe wacho ngaakanganwe hake, Tinashe ndewangu ndega. Ndakabva ndatotora foni ndichifonera Tinashe zveshuwa akandiudza kuti ndini ndega mukadzi wake . ndakanyemwerera tichionekana. Narrated Vanhu vaifara vachipururudza vachibuda kwaMhukahuru vachienda kuri kuchatirwa. Munhu wese aiva akarovera mucheno zvairatidza kuti muchato uyu aewa wanga wakagadzirirwa. Murume wacho aiva akachena shame asi zvinhu zvaaiva akapfeka zvaienderana nezvemukadzi wake wekutanga. Zvinhu zvose Izvi zvaiva zvaitwa na Lagaman nekuti Munhu ashara zvinhu zvichapfekwa na Tinashe ndiLaga zvaMamoe ndi Tanisha. Mamoe akaenda Kuna Tinashe achinyemwerera "You're so handsome my husband" "Thank you" "Unoona here zvikuita sekunge kuri kuchata ini newe?" "Taura hako zvakuita sekunge Kikie muperekedzi" Laga akadaro achiseka achiswedera pavari "Haa hazvisirizvo" Tinashe akadaro "Unobhayizavo iwe mpfana" Laga akadaro vachiseka vachienda kuri kuchatirwa. Vakasvika vanhu vatovamirira, Laga akaenda kwaiva nana Tafadzwa. "Musazotirasisa ka" Laga akadaro "Unofunga kuti maziziso ese aya angatadza kuona zvinhu zvakavanzika here?" Tafadzwa akadaro "I trust you broe" Laga akadaro "Chero hangu ndisingazooni dhodhi remuchato wekumba kwenyu enjoy guys" Tafadzwa akadaro. Laga akaseka vachikwazisana Mamoe Ndakagara hañgu ndikuona murume wangu achichata. Tanie aiva pedo neni achingondipurudzira musana . Muchato wakapera tichibva tapinda mumota dzichibva dzabuda dzichiteverana. "Hezvo tikuenda kupi Manje? Haisi road yekuenda kumba iyi?" Tanie akabvunza "Neniwo handizivi" ndakadaro Apo ndainyatsokuziva kuti tikuenda kumba itsva yaKikie. I'm not sure kuti ndokwatiri kuenda ndikufungira. Baba pavaisanditaudza zvaisarwadza. Manje ndikufa chaiko handifungi kuti ndichazvimirira izvi ini. Takasvika pane imwe imba yaiva yakakura apo Kikie aiva avharwa maziso achipindwa naye mukati vachibva vamuvhura "Surprise!!!" Tinashe Akadaro. Apa imba yacho yaiva yakanzi WELCOME TO YOUR NEW HOME MRS MHUKAHURU "ohh gosh honey " Kikie Akadaro "Imba Yako babe" Tinashe akadaro Kikie aka screamer nemufaro achimuhaga. Vañhu vose vakamuitira makorokoto. Tino naiyevo akaratidzwa room yake. Vakatenderera imba yose vachiratidzana vachibva varatidzana nzvimbo yavachaenda sezvo vachienda Ku honey moon Lagaman Pakangopera zvaiitwa takaenda kumba umwe neumwe akananga mu room make . Nesuwo takaenda mu room medu. "Butterfly kune kwandikuda kuenda" "Wambondiudza Laga kwauri kuenda hakuna Zita here?" "Haa butterfly ndikuenda kune mamwe machinda vana tafadzwa" "Hauna kuneta here?" "Ndakaneta asi ndofanirwa kuenda" "Saka iwe uchagara uchivhara nana Tafadzwa?* "Haa babe ndichakurumidza kuuya" ndakadaro ndichimukisa "I love you" "Enda" Ndakaseka "Wanditsamwira?" Haana kundipindura ndakamukisa ndichibva ndaenda *** Ndakanotora Taffy kumba kwake tichibva taenda ku warehouse kwakavharirwa varume vanga vachida ku distuber muchato "Haa machinda mazotadza kuita basa renyu?" Ndakabvunza "Basa reyi isu tanga tauya kumuchato" "Kumuchato? Moziva Ani kumuchato wacho?" Vakatarisana "Saka kana manga mauya kumuchato pfuti dzanga dzava dzeyi?" Tafadzwa akabvunza "Ndinofunga taenda kunzvimbo isiriyo isu tanga tichienda kumuchato wekwa Shungu" Tafadzwa akamurova nechibhakera mumuromo. "Unoziva ndakamuvenga Munhu anondiita mbuya vake, unofunga tiri mapenzi here?" "Ayy iwe unotipengera iwe wakambomama ukaadya here?" Perfect akadaro achimukurura trouser" "Mama tione" Perfect akadaro ndakavhura maziso. Tafadzwa na Perfect vakapera nekuseka. Mukomana akamboda kuti haana kupiswa asi papi pacho Tafadzwa anenge akatodza bamunini vake ayy ava vakanyanya Manje. Mukomana uyu akaita tsvina. "Idya tione pasi pasasara kana sign yekuti pamboitwa dhodho. Kurumidza hanti ndiwe unozviti unogona kutaura Saka toda kutaura newe wakaguta" Siis this guys, arggg maan ndiani angadya dhodho. Mukomana uya paakatanga kukwirira dhodho rake ndakasuduruka no ways ndichauya apedza. Perfect na Tafadzwa zvinhu zvaiitwa nemukomana uyu zvaitovanikidza. Vakazondidana apedza argg maan "Taurai tinzwe? Mhukahuru akutumai Ari kupi?" Ndakabvunza Vakatarisana "Hatina nguva yenyu pano vakadzi vedu vakutonhorwa kumba uko unless zvanhasi kana muchida kuita vakadzi vedu" Tafadzwa akadaro Vakatarisana zve "Hatina nguva yema game isu" ndakadaro "Ohh mofunga tinotamba nemi right? Regai ndiite example pane umwe wenyu. Ndichaita panewe Mr dhodho unozviti wakangwara" Tafadzwa akadaro achiregedza bara mumusoro achibva anyarara same time. Vamwe vacho vakavhunduka "Ari kupi Mhukahuru nebongozozo rake remukomana?" Tafadzwa akadaro "Mhukahuru hatizivi kwaari isu, tafonerwa nemwana wake achitiudza kuti tiite sei" "Ari kupi iye?" Ndakabvunza "Hatizivi angotifonera" "Hunzai number dzake" Tafadzwa akadaro Vakamupa achibva afonera umwe munhu kuti atrece number yake after 10 minutes akafona achitiudza kuti Davula Ari ku Mount Darwin. Takatarisana "Tinofanirwa kumuwana" ndakadaro "Ndichatuma team rangu mangwana chaiwo anenge Ari pano" Tafadzwa akadaro achitarisa varume vatatu vaiva vasara. Haana kuzotaura navo akapfura vaviri pachisara umwe "Iwe uchasara nekuti uchange uchifonera Davula wako tikwanise kumu tracer" "Ndokumbira musandiuraya please" Ndakamurova nechibhakera "Shut up maan!!!" Takabuda panze, Tafadzwa akafonera vanhu vachanotora Davula. Tapedza takaonekana umwe neumwe onanga kwake *** Mangwana makuseni ndakamuka ndichigogodzera Tinashe asati aenda ku honeymoon kwake. "Broe" "Tinashe ndinoda kutaura newe" "Chii broe ndikugadzira kuenda ku honeymoon" That's why ndamukira hande togara pasi" Ndakadaro tichinogara pasi "Broe kwakanaka?" "Zvinhu zvawaita zvekutenga imba zvakanaka zvinorumbidzwa asi unenge wakukanganwa kuti unemwana anoda kugadzirirwa future yake yemangwana" "I don't understand broe" "Wanga uchifanirwa kutengera mwana wako imba first kwete mukadzi. Zvawaita waratidza kuti mukadzi akakosha kudarika mwana wako" "Saka iwe wanga usingadi nditengere kikie imba?" "Aewa handina kudaro asi wanga uchifanirwa kutanga nekutengera Tino" "Asi zvakangofanana nekuti imba yake iyi zvinhu zvose ane access pairi" "No Tinashe, kikie haasi mai vaTino saka haungamboti imba ya Kikie ndeya Tino?" "Saka wanga uchida kuti nditengere Mamoe imba?" "Hayi Tinashe uchanzwisisa when zvinhu zvandiri kutaura. Iwe unogona kushaya anytime Tino anosara neyi zvaanogara kumba Kwa mhamha. Ukangoshaya Kikie na Tino vanenge vasisazivane, chero room rawati nderake zvinenge zvatovharana. Dude I prefer kuti utange nekufadza mwana wako zvimwe wozozviona kumashure. Ndizvo zvandanga ndichida kutaura newe but anyway wakura iwe unozova zvinhu zviri right nezviri wrong and haungatorerwi neni ma decisions. Ndanga ndichikuonesa se big brother yako. Chienda hako unogadzirira honeymoon yako safe journey boy" Ndakadaro ndichisimuka ndichienda ku dining room. Zvinhu zvose zvaiva zvatogadzirwa. Ndakagara pasi. Vanhu vose vakauya tikamhorosana tichitanga kudya. Mhamha vakayemura muchato wa Tinashe kuti wafamba mushe uye nemba yake yakanaka. Kwandiri zvaiva awkward neyi mhamha vachirega Tinashe achitengera mukadzi mudiki imba asi muhombe hapana kana gift yandakamboona achitengerwa Mamoe Okay ndikaramba ndakadai ndichafa zveshuwa. Ndatadza chero kunodya breakfast. Ndakatora pain eeze yangu ndichinwa ndichibva ndatora mwana wangu ndichimuchinja pamper ndichibva ndaisa mvura yekumugezisa. Tinashe akabva apinda. Nhasi handina Simba rekutaura naye shame. Zvaatengera Kikie imba kudai zvinoreva kuti ndakuzomuona kana auya kuzoona mwana chete. I hate ma feelings maan. Ko neyi akandiita kuti ndirare naTinashe zvekusvika pakuita nhumbu? Asi baba vakanzwa kuti ndozvakaitika pakati pedu naTinashe vachandiona semunhu akaita sei. "Hey" Tinashe akadaro "Hey" "Ndauya kuzokuoneka takuenda" "Mufambe mushe" "Ndakuisira USD 500 mu ecocash mako uchanotengera Tino zvinhu zvaanoshota nazvo" "Thanks" Akaswedera pana Tino achimutambisa achibva anditarisa "Saka handiwani chero hug?" Ndakamutarisa nemaziso aiva akaneta "Hug?" Ndakaswedera paari ndichimupa cool hug, . Ndakaona achinditarisa achishamisika. Ko iye anga achida which hug? Maziteya ake "Mamoe" "Yes" "Uchiri kurangarira patakatanga kuita zvinhu zvedu takabvumirana kuti hatid--" "Ndinozviziva Tinashe chienda uchanonoka" Akabva abuda. Ndakasara ndichigara pa bed misodzi ichiyerera pandiri Tanisha Muchato wapera Manje Saka ndakufanirwa kudzokera kubasa nesuwo tadzokera kumba kwedu naLaga ndakapepuka Laga akanditarisa "Morning beautiful?" "Hey" ndakadaro tichimhorosana ndichienda kunogeza. Ndapedza ndakagadzira breakfast tichidya. Tapedza akandiendesa kubasa. Ndakasvika mu office ndichiva busy nema files, Alex akabva apinda "Mrs Mhukahuru" "Hey Alex" "Wanga Uri sei muchato?" "Ndizvozvo hazvo kungazonzi ndine godo" Alex akaseka "Eish nezuro boss lady asvika ati anoda kukuona" "Ahh ndaita munyama asvika ndisipo" "Don't worry achauya zve mangwana pamwe zvinhu zvandikufungira ndizvo " Ndakaseka, Alex naiyevo akaseka achibva abuda achienda Narrated Hapana chinhu chinondifadza sekuti Davula vamuwana, kutaura kudai ari ku warehouse. Ndinoda kumutarisa mumaziso andiudze kuti Mhukahuru ari kupi? Ndinoda andiudze neyi akauraya hanzvadzi yangu Lionah. Pandakapedza kutaura na Taffy pafoni ndakatora ma key emota ndichinopinda mumota ndichienda kumba Kwa mhamha. Ndakawana Kim achiona ma cartoons paakandiona akandimhanyira "Daddy" ndakamusidza "My princess vari kupi mbuya?" "Mu room mavo" "Okay thanks my princess" Ndakadaro ndichienda Kuna mhamha ndakavawana vachi cleaner "Sisi sharai" Mhamha vakaseka. Takamhorosana ndichigara pasi "Mhamha pane zvinhu zvandinoda kukubvunzai hamenho muchandipindura here?" "Ndakateerera" "Munoshuvira here kuona Mhukahuru naDavula?* Vakabva vatochinja kumeso "Ndichivaona kupi?* "Like kudzoka muhupenyu hwenyu" "Kana vakangouya ndingatotsvaga simba rekuti vafe. I wish kwavari ikoko vafe rufu runorwadza. Vakandiuraira mwana wangu vaya" "Chero Davula mwana wenyu?" "Mwana Wani? Handina mwana anonzi Davula ini. Ndanga ndichanzwisisa if dai kuchinzi akamanikidzwa naMhukahuru sezvaaiita kwauri, asi iye akazviita achida Saka handina mwana anonzi Davula ini" " I'm sorry mhamha" Ndakadaro ndichivahaga Sezvo mhamha vati havana basa na Davula Saka ndichaita chero chii chandinoda paari. Ko handaiita zvinhu zvicharwadzisa mhamha Zvanga zvicharema kurwadzisa Davula if mhamha vachiri kumuda. Mamoe Ndiri mu room mangu ndiri kurongedza mbatya dzangu. Nhasi tikuenda ku Chinhoyi ndatora leave kubasa ndoda kumbonofurwa nemhepo kumba. Ndine zvinhu zvakawanda mumusoro mangu pamwe ndingakwanisa kukanganwa nezva Tinashe. Ndakabva ndafonera Tanie ndichimuudza Kuti ndikuenda kumba, naiyevo zvakatomushamisa nekuti hapana wandanga ndaudza pamusha pano ndangomuka ndichivaudza nhasi Kuti chakachaya. Ndapedza ndakatora bag rangu nemwana wangu. Letty akandiendesa kumabhazi chero hazvo ainyunyuta Kuti mwana wavo akukwira bhazi. Blah blah Kiarah I'm so happy guys, ndikungoti ndikati gare gare ndotarisa ring yangu ndorova smile. Unoziva Tinashe paaitaura nezvemuchato ndaifunga kuti arikutamba but no aitaura chokwadi. Ndiri kungofunga nezveimba yangu inoti ini yandatengerwa. . Tiri kugadzirira kubuda out hedu with my husband "Tinashe tell me neyi wanga wakapfeka zvinoenderana na Mamoe?" "Handiziviwo ini, handisirini ndashara mbatya" "Asi newevo wanga uchiratidza kuzvifarira ka" "Chero dai ndanga ndisingazvifariri hapàna zvandanga ndichikwanisa kuita," "Ndiani akusharira?" "Laga" "Zvagara ndakazviona ini kuti mukoma wako haandidi atozviita nemavune kuda kundikaurisa chete" "For really? Ndiwe Kikie unodaro? Wakanganwa zvaakakuitira pawaishandiswa ku stripa?" "Handina kukanganwa Asi nd--" "Let's change topic please" "Im sorry babe" ndakadaro ndichimuhaga Narrated Laga nemadzikoma ake ekwa Khanye vakasvika ku warehouse Kuna Davula "Tasangana zve shaar" Davula akavhunduka "Ukuvhundukei Manje? Hanti unoziva Kuti wakauraya munhu ari wrong Ini ndichiripo panyika" "Muri kudei kwandiri?" "Une liver yekutaura mpfana" tafadzwa akadaro "Imi vapfana munofunga Kuti mungandityisa here?" "Zvekutyisa izvo tichazviona nekufamba kwenguva Mr Mhukadiki" Tafadzwa akadaro achirodza banga rake hake Asina kana kumbomutarisa Davula. Zvombo zvaivapo zvavaida kushandisa Pana Davula, I pfuti, mapanga acid electricity shocker mvura nehuni "Mushavi tikushanda pano, ndikukuona unofunga Kuti tauya kuzotamba. Ndichakuratidza Kuti game yawanga uchida kuramba inotambwa sei " tafadzwa akadaro "Vari kupi baba vako?" Lagaman akabvunza. Davula akanyarara "Ndati vari kupi baba vako!!!" Tafadzwa akanyemwerera achiisa Davula electricity shocker "F**k maan!!! Unopenga here iwe!!!" Davula Akadaro "Ukufunga Kuti tiri kutamba ma game right?" Laga Akadaro ,"And zvinhu zvose zvauri kuona pano zvichashanda pauri" Tafadzwa Akadaro "Handizivi chinhu ini" Davula Akadaro "Ohh uchiri kunyeba nazvino" Tafadzwa Akadaro achidira acid mugumbo Ra Davula . Davula aka screamer "Please please guys don't do that ngatitaurei sevarume" Davula akadaro achibowa "Wakaregererwa iwe harahwa yekwa Zhou apa ukushandisa mutupo wa muporofitha Tino iwe uri mhondi uchisvibisa mutupo wake, ndozvimwe zvawave kufira manje " Tafadzwa akadaro "Laga boy usabvuma vañhu vausingazivi vatigwisanise as family " Davula akadaro "Family? Ini family yako, pawaida kundiuraya wakambozvifunga here kuti ndiri family. Ndine 34 years ndichikuziva Davula asi hapana chinoratidza kuti ndiri family yako " "Vari kupi baba vako?" Tafadzwa akabvunza. Davula akanyarara "Iwe ndokuona uri monya haurwadziwe zve asi nhasi ucharwadziwa chete. Halala ndakaguma kare kubatabata monya. Boys pamusoro pake" Tafadzwa akadaro. Davula akavhura maziso "Moda kundiitei?" Havana kumupindura vakamutora vachimusungirira pamusoro vachimusunga maoko makumbo achiremberera mumhepo "Please guys don't do this to me!!!" "Ndiwe wakaitanga Saka ndiwe uchaipedza" Laga Akadaro vachivesa moto pazasi pemakumbo a davula. Davula akaridza mhere moto pawaiva wakubvira. "Vari kupi baba vako?" Laga akabvunza "Handizivi ini mhukahuru Ari kupi?" Tafadzwa akatora chair achigara pasi "Tichanzwa newe kana wakuda kutaura chokwadi Laga Akadaro achitora chair achigara pasi. "Kusvika wati homu homu ndaibva" Tafadzwa Akadaro achiseka End of chapter