Chapter 37 . Narrated Kikie ari worried manje sezvo murume wake asimo kumba, manje nguva dzave kuma 12 husiku apa foni yake akaidzima. Akaedza kumufonera kakawanda asi yaiva isingaiti. Akatarisa number dza Letty achibva amufonera. Letty akatoshamisika munhu achimufonera husiku hwakadai. Letty paakadaira Kikie akamubvunza Tinashe asi Letty akati haana kusvika, akazomukumbira kuti anomutarisa mu room make. Letty aiva asingade asi Kikie akamunyengerera kusvika abvuma. Letty akaenda mu room ma Tinashe akamuwana asipo. *** Mhukahuru vaiva vakagara nemunhu anovashandira. Vashandi vake vakupera manje vose vaivashandira vakafa pamwe chete na Davula mwanakomana wavo wavaidisisa nekuti ndiye aibvumirana naye pakuita mabasa ake akashata "Mukati mupfana uyu aiona video here?" Mhukahuru akabvunza mukomana anomushandira "Yes boss aiwana nei mabvunza?" "Hapana kana chandati ndanzwa vanofanirwa kuti dai varwa or Tinashe auraya Laga. Unoziva ndikangowana Tinashe ku side kwangu zvinhu zvangu zvichafamba mushe" "Asi mukomana uya ari weak boss munofunga kuti achaita here zvinhu zvamati aite?" "I mhukahuru iya, iropa rangu haangatadzi kuzviita" "Ayy hamenho boss tichanzwa naye" "Yah ndaneta nekuhwanda ini ndakuda kupedza nyaya iyi. Mukomana uyu ko neyi asina kumbofonera number yamusendera video" "Hamenho boss pamwe achafona" "Laga akauraya mu twin wake Saka anofanirwa kurwa awane justice for mu twin " "Tichaona naye boss" Mamoe Ndakamutswa na Tino achichema. Nguva dzaiva Kuma 3 makuseni. Ndakatarisa nappy yake yaiva isina chinhu. Ndakamupa bhodhoro rake achibva atonyarara. Ohh anga ane nzara. Tino anonetsavo uyu dai hake arara na aunt nekuti anondi disturba ini ndichakurumidza kumuka ndichienda kubasa . Munhu ane mazita a bamkuru ati achakurukidza kusvika nekuti kune kwaari kumhanyira. Kunze nhasi kuri kutonhora ndakamuka ndichitora rimwe gumbezi ndichida kuisa pa bed. Ohh gosh gara zviya Tinashe ndamurarisa pasofa kuchitonhora kudai. Ndakaenda ku sitting aiva akafa nehope. Tinashe handizivi neyi arara pasofa ini pane kuti aende kumba kwake. Ndakasvika ndichimudzungudza achibva amuka "Chii? Asi kwaedza? Wakundidzinga?" Come kuri kutonhora hande unorara ku bedroom" "Haha ko zvandamama nechando. Ndanga ndakafa nehope handin a zvandanga ndichinzwa" "Simuka" "Mu room mako hanti?" Ndakanyarara, hakuna ka rimwe room raangarara..room raishandiswa na Tanie kuri kurara aunt vanotarisa Tino. Takaenda mu room mangu. Tino paakaona baba vake akafara. Tinashe akashamisika achiona Tino amuka. Tino akatora Tino vachitanga kuita noise apa ini ndikuda kurara ayy. **** Ndakapepuka kuma six ndichibva ndaenda kunogeza ndapedza ndakaenda ku kitchen ndikawqna aunt vari busy vachigadzira breakfast. Ndakamuudza kuti asazvinetsa ndichatenga kubasa. Ndakatora mvura ndichienda zve mu room mangu, ndakawana Tinashe amuka. Takaitana ma morning "Ko wanga uchiti unomukira makuse wanga uchireva kuti uchamuka makuseni akadai" "Ndaizoti ndomukira makuseni ndichireva 8 ndopenga here. Yes ndanga ndichireva nguva dzino" "Pamwe dzakudhonza dzichirega" "Mnxm. Ndokumbira usarara mwana achemezve kusvika izvi rapera" "Haa Mamoe ndingabva ndadaro shuwa" "Kunge usina kumbozviita, okay ndakuenda ini musare mushe" "Tora ma key emota ari pasofa umbonzwawo ku driver mota" "Iyazve ko iwe uchaenda" "Don't worry about me ndiri murume ini ndichaita plan". "Thanks suu ndakaguma kare kuchaira kani " "As long uchigona kuchaira no problem " "Bye please take care of my son" "Our son, bye ushande mushe" Ndakabuda mu room ndichienda ku sitting room ndichitora ma key ndichinopinda mumota. Ndichiirova yakananga mu town ndinoda kutenga chikafu chandichadya. Ndakatenga chikafu changu ndichibva ndaenda kubasa. At least ndakawana munhu uyu asati asvika. Ndakava busy nema files angu ..at least basa randinaro nhasi ndera Tanie chete. Ndichiri busy nemapepa akasvuka "Mr Gumbi" "Lawyer Zhou" "Please take a sit" "Ndinotenda asi handigari nguva yakareba" "I understand uye ndinotenda nekundibatsira ne case iyi" "Ndauya nemazita a Tavagwisa and vaiva ma best friends saka vanofanirwa kuziva kuti akauraiwa neyi" "Thank you so much through this information. Ndakuzowana zvinhu zvose zvandinoda" "Please be careful this case is very dangerous" "Don't worry I will be, thank you so much kana pane zvimwe zvandinoda ndichakubata parunhare" "You're welcome chirega ini ndiende" Mr Gumbi vakadaro vachibuda vachienda Ndakasara ndichitarisa mazita evanhu ava. Ndakavhura maziso. Mushamiri Zhou? Hezvo ndibaba va Tinashe ka ava? Ndakatarisa zve ma paper aya ndichiverenga Mushamiri Zhou na Changamire Matema vose vakashanda pa company inonzi YOCO company yaiita nezve goridhe.. Payment process solution for business and merchants Company iyi ine mari shame hapana asingaizivi. . Ndinofanirwa kuendako pamwe pane zvandichawana. Ndakatora number dzavo ndichivafonera ndichiira appointment mangwana. Baba va Laga na baba va Tanisha vanozivana vaiva ma best friends. Zvino Changamire uyu ndiani? Ndakabva ndatopinda pa internet ndichi searcher Changamire Matema. Pakabuda kuti ndi boss pa company yekwa Matema servent Industry. Ohh okay I think ndofanirwa kumbosangana na baba ava kuti ndiwane imwe information. Hayi maan. This Matema man? Tanie anga asingashandiko here boss vari Mai vake. Hayi kuti ndizvo here zvandiri kufunga? Baba va Tanie vakashaya then Mai va Tanie vakaroorwa ne shamwari ya baba Tanie. No zvakawanda zvinhu zviri turn off apa. Ndinofanirwa kushanda nehungwaru apa Kikie Ndiri mu town manje sezvo ndaenda kunotenga grocery. Mumba hamuna chinhu Tinashe angoenda akasiya musina chinhu. I wonder iye ari kupo. Pandaiva ndakubuda muma shop kuti ndinokwira tax ndakaona mota ya Tinashe yakamira. "What? Tinashe ari pano? At least handichakwiri tax takuenda kumba anonditsangarira story yake yakamira sei. Ndakanomira pamota yake. Ndakasara padiki kufenda pandakaona Mamoe akabata ma key emota achiuya kumota. "Mamoe?" "Yes" "Mota yemurume wangu iri kudei pano" "Neniwo murume wangu ndikamu bonusa zve nekuita Mai vemwana wake. Hanti unoona kuti pakati pangu newe pane musiyano? Excuse me" Mamoe aladaro achipinda mumota achindidira ne dust achienda mwana wevanhu. Ndakaita sendichazvirovera pasi nehasha. Ndakatora foni yangu ndichifonera Tinashe asi nazvino foni yake yakadzimwa. F**k Tinashe!!!! Tinashe Nguva dzave kuma 3 manje ndakufanirwa kuenda kumba asi Mamoe haasati auya. Ndaka ona foni yangu yaiva nema messages hobho aibva kuna Kikie ohh shit gara zviya ndasiya munhu kumba. Asi Mamoe ava pedo kuuya ndakuzoenda. Ndakagara ndikutamba nemwana wangu. zvichakadaro ndakanzwa mota ichidhuma panze aiva Mamoe. Akapinda Mumba, ndakaona Tino achijamba jamba, iyazve ini haasisina basa neni. "Masara sei? Haana kunetsa here Tino?" "Tino akambonetsa kupi?" "Ahh ndoti kudii hangu? Ndati pamwe zvatanga nhasi" "Ayy Mamoe ayy" "Can I ask you something" "Yes" "Zita rababa vako ndiani?" "Haa unoridii Zita rababa vangu?" "Mubvunzo pamsoro peumwe mubvunzo zvakaitika kupi? Ko imhosva here kubvunza Zita ra vatezvara vangu" "Ndi Mushamiri" "Ohh ahh vatezvara vangu vane Zita manyama" "Nxaa" "Saka uchaenda rinhi kuna mukoma wako?" "Mukoma wangu Ani manje?" "Hezvo Tinashe ndikureva Laga, munofanirwa kugara pasi muonesane sevanhu vanyamunhu" "Hapana kuonesana apa Laga akauraya mu twin wangu" "Iko waitora kupi video iyi?" "Pane munhu andisendera" "Ndiani?" "Handimuzivi angondisendera haana kundiudza ndiani" ",Iwe hauzvioni here kuti munhu uyu anongoda kukugwisanisai chete na Laga. If anga asingadi kukugwisanisai neyi achizvivanza. What if muvengi wa Laga or wako? Anongoda kuti murwe owana mapindiro pamuri. Baba Tino ndinokumbira uitarise nyay iyi. Musagwisaniswa nevanhu na Laga muri ma brothers uye munodanana zvakanyanya" Handina kumupindura ndakangomutarisa "Baba Tino ndinokumbira umbofunga nezvazvo, aiva akanyararirei nguva yose iyi zvaava kutaura nhasi. Tinashe usatora decision yauchazozvishora nayo mangwana " "Ndakufanirwa kuenda " "Ufambe mushe thank you nemota" "You're welcome " "Wadya here?" "Yes ndadya thank you" ndakadaro ndichioneka ndichinopinda mumota ndichiimutsa ndakananga kumba kwa Laga Tanisha Kubva paitika zvinhu zvaitika Laga haasi right. Ati achambomira kwemazuva kubasa nekuti hapana zvinhu zvaanokwanisa kuita. Akagara mu sitting ndamukumbira nhasi kuti aone TV pamwe angakanganwa nezvenyaya yose iyi. Ari kungopurudzira dumbu rangu tichitaura hedu nyaya about our baby. Takagara kudaro mhamha vakapinda. Laga akasimuka same time achitarisa Mai vake "Mhamha I'm sorry" Laga aladaro achiswedera Pana Mai vake "Kwaisava kuda kwangu mhamha ndinokumbira mundiregerere" Mhamha vakamuswesedza pavari vachimuhaga "Ndini ndinofanirwa kukumbira ruregerero kwauri. Ndini ndakaita hupenyu hwako huome kudai. Mwanangu ndiregerere" "Aewa mhamha hamusirimi makakonzeresa" "Mwanangu usanyanya kufunga Tinashe achava right achakuregerera" "Imi munondoregerera kuti ndakauraya mwana wenyu" "Ndinoziva kuti mabasa a mhukahuru ese aya wakamanikidzwa" mamlilo vakadaro vachimuhaga zve. Zvichakadaro Tinashe akapinda. Misodzi yakayerera Pana Tinashe akatarisa mhamha na Laga "Mhamha" Tinashe akadaro Vakatarisa kwaari "Tinashe" "Saka mukumu impresser munhu akauraya mwana wenyu? Tinaye maimuvenga zvekudaro?" "Chii chauri kutaura Tinashe? Unoziva kuti vana vangu vose ndinovada. Unoziva Wani neyi ndisina kumutsamwira Laga. Bothy dai asina kuzviita dai pakafa vanhu vakawanda" "Tinashe I understand asi ndinokumbira undipe mukana nditaure newe nditsanangure zvese" "Hapana zvinhu zvandichataura newe, wakauraya mu twin wangu iwe wakamuurairei" "Ayy fine ita zvaunoda kuita kwandiri asi uzive kuti hukama pakati pangu newe hunopera" Laga aladaro achienda "Bothy chii manje?!!!" "Hanti muri kuriona zai regondo renyu zvariri kuita. Saka ndonyarara here pakadai?" Tinashe akadaro "Moziva imi muri vaviri munondipa stress" mamlilo vakadaro vachibuda vachienda. Tinashe akatevera kumashure. Ndakaenda kuna Laga mu room medu ndakamuwana akamura pa window And then?" "What?" "Zvinhu zvawaita pana Tinashe zviri right here?" "Saka wanga uchida ndimunyengerere here? Tanisha ndine problem hombe ini yandakatarisana nayo Tinashe ngaadzikame" "Asi newevo wazonyanya iwe ungafara here uchinzwa kuti mu twin wako akauraiwa?" "Ndichataura naye Tinashe" Zvichakadaro foni yangu yakarira ari Mamoe, ndakabuda ndichinodairira panze Aindibvunza Tinashe kuti asvika pano here uye vari sei na Laga ndakamuudza zvaiva zvaitika naiyevo akapererwa. Ndakazomubvunza nenyaya yababa akangoti ava pedo kuwana chokwadi Kiarah Ndachema kusvika ndanyarara Tinashe kana kumbouya. Mushure mekuona Mamoe ane mota ya Tinashe ndatenga doro rangu ndikanonwira kumba. Ndakagara ndakanzwa mota yake ichidhuma. Ndakabuda ndichienda kwaari "Tinashe!!! Iwe Tinashe?" "Chii manje?" Ndakaswedera paari "Nyaya yako inoti kudii?" "Nyaya yeyi manje?" "Warara kupi zvausina kurara pano,?" "Ndarara kumba kwa mhamha" "Usanyeba maan Tinashe !!! Letty ndamutuma kuti anokutarisa akakuwana usipo" "Iwe unomuvimba here Letty kuti anditarisa" "Yes wanga usiko. Wanga uri kuna Mamoe right?" "Mamoe anopinda papi manje?" "Ndinoziva wanga uri kwaari kusvika pakumupa mota. Iwe Tinashe wakumuda manje Mamoe?" "Ayy Kikie ndisiye ne drama rako ini" "Wakandiudza kuti unondida, Saka chii chachinja manje, hausisina basa neni why? Mwana waunaye here na Mamoe?" Akabva atochinja kumeso "Wati mwana wangu aita sei? Usapinza mwana wangu muma drama uri kundinzwa?" Ndakapinda Mumba ndichibuda nemabhodhoro ndichinanga straight kumota yake ndichitanga kuipwanya "Mota iyi ndiyo inokupengesa hanti ndiyo yaunoshandisa kuenda nayo kuna Mamoe!!!!" "Kiarah unopenga here iwe? Ukuitei mota yangu!!" Tinashe akadaro achindibata achindirova nempama. No no not this time ndakamudzorera Mamoe Nhasi ndikuenda ku company yaishandirwa na bamkuru. Ndakasvika ndikaenda kuna manager wacho "Ndinokumbirawo favor yenyu pano," "Favor yeyi?" Ndakabudisa name tag yangu inotaura kuti ndiri lawyer "Ndinoda kuziva nezveumwe mushandi akasiya basa pano muna 2005 nekuti aiva akuita zvimwe, Zita rake anonzi Batsirai Tavagwisa Moyo" "Tavagwisa Moyo? Unoziva ndakambonzwa nezvaye munhu uyu, okay ndichakuendesa kuna manager aivapo paishanda Tavagwisa" "Thank you" ndakadaro achindiendesa kwaari "Sir pane musikana pano anoda kuti mutaure nezva Tavagwisa Moyo" "Okay ngaagare pasi" "Ndibonzi Irene Moyo ndiri Lawyer ndoita zve nwana wa Mr Tavagwisa Moyo, pane zvinhu zvandinoda kuziva pamsoro pake" "Ohh wow uri mwana wa Tavagwisa" "Yes zvino pane zvinhu zvandinoda kuita ne information yake" "Tavagwisa airida basa rake kani, hanti unoziva kuti akashaya asisashande pano?" "Ehe ndinoziva" "Okay Moyo akavhura ma company maviri" Ndakavhura maziso "Ma company?" "Yes ma company ndizvo zvakaita kuti asiye basa pano. Yekutanga company yacho yainzi TANISHA TRADING and then imwe yacho yainzi RUTENDO LOYALTY INDUSTRY" "Zvino ma company acho aiva kupi" Akandiudza kwaiva nema company acho ndakavhura ma files angu ndichitarisa. Nzvimbo dzacho imwe yaiva ku MATEMA INDUSTRY imwe yacho iri ku MHUKAHURU INDUSTRY. what? Saka zvinoreva kuti varume ava vakatora ma company a baba vakavauraya just like that. "Ndinotenda nerubatsiro rwamandipa" "You're welcome I'm sure Moyo anodada newe kwaari" Ndakanyenwerera asi ndaiva ndakubvunda muviri wese. Ndakasvika panze hembe yanyorova nekudikitira. Ndakatora foni ndichifonera Tinashe ndichimukumbira kuti auye kuzonditora. Handingakwanisi kukwira kombi ndakadai. Saka bamkuru vakauraiwa neshamwari dzavo nekuda kwe zvinhu zvavo WTF end of chapter