Chapter 11 Narrated Mhukahuru vakadhonza Lagaman aiva akagara pasi. Unopenga here iwe!!! Wakagarirei pano? Handiti tinofanirwa kuita basa!!" Lagaman hapana chaainzwa pfungwa dzingodhuma mumusoro make. Vakatora Tinaye vachienda muimba ye mashiripiti. Vakasvika vachimuita zvavaifanirwa kumuita vachibva vamudzosera mu room make. Mhukahuru vakatarisa Lagaman vachinyemwerera "Well done my boy ndinodada newe" mhukahuru vakadaro "Ndakuenda" Laga akadaro nezwi raichema "Haa ukuda kuenda sei iwe washanda kudai shuwa" Mhukahuru vakadaro Laga haana kuvapindura, Mhukahuru vakabudisa bag remari vachimupa "Mu bag umu mune 600k USD kana iri Shoma undiudze ndikuwedzere" Mhukahuru vakadaro vachivhura bag vachiratidza Laga Mari. Laga akatora Mari iya achirova nayo Mhukahuru kumeso "Handidi Mari Yako Mhukahuru " "Haa sei manje mukomana wangu iwe washanda kudai" "Ndati handidi Mari Yako Mhukahuru!!! Zvinhu zvandaita handina kuzviitira mari this is money and Blood Saka handiidi!!" "Okay I understand but don't worry hapasisina achafa zve wapedza basa waifanirwa kuzviita kare" "I wish I killed you!!" Mhukahuru vakaseka "Wakatobatsira ukasazviita, handiti unoziva kuti chibvumirano chibvumirano. Ndafa or handina kufa still Tinaye anga achafa or vose vanin'ina vako vanga vachafa. Zvinhu zvawaita mwanangu zvinodadisa" "Neyi uchiita zvinhu zvakadaro Mhukahuru? Mari ndiyo yakakuchinja kuti uite imbwa yauri. Ungamanikidza mwana wako kuti auraye umwe mwana wako!!" "Heyy handisi bab--- dzora moyo mwanangu zvaitika zvaitika hapasisina kudzokera kumashure. Tinaye afa haachamuki tora Mari iyi usiyane neni nekuti obvious unotoida" "One day zvichapera zvemari yako yeropa Mhukahuru hazvingambogari zvakadai" "Ndinonzwisisa mashoko ako uri mumarwadzo enda kumba kana wave right uuye utore Mari Yako nekuti ndinoziva kuti uchazoida" Laga akaridza tsamwa achitendeuka achienda mumota make. Akasvika achipinda achigara achirova steering achichema. "Why!! Why kwakasharwa ini kuti ndiite zvinhu zvakadaro? Nei asina kushara ini kuti ndiurawe?!!" Laga aitaura achichema . Akamutsa mota achienda kumba kwake uku achingochema. "I'm sorry boy ndanga ndichifanirwa kuzviita. Hapana zvandanga ndichifanirwa kuita, asi nguva yanga yasvika. Dai ndakusiya family yose yanga ichafa, asi manje ndinovimba kuti wava panzvimbo ine runyararo. Ndinoziva kuti newevo hazvaikufadza kuona family Yako ichifa senhunzi. Ndiregerere kuti ndiwe wakasharwa kuti uite sacrifice. Ndiregerere Mhukahuru. Ndinoziva kuti mashoko andiri kutaura handiwa deserve asi zorora murugare mushavi" Laga akasvika kumba kwake akananga mu room make. Chinhu chekutanga chaakaita kuenda ku shower . Akasvika achivhura shower achigara pasi mvura ichiyerera paari. Akanganisika mupfungwa dzake. Saani angauraya mupfana wake waanodisisa. Anga asingafanirwi kuzviita, Asi anga asina choice dai arega kumuuraya family yose yanga ichafa one by one. Still dai auraya mhukahuru basa ranga richangoenderera mberi. Chinhu chinorwadza chero dai atiza akanogara kunyika ipi asi basa anga achifanirwa kuriita. Akagara mu shower kwe two hours achingofunga family yake kuti ichaita sei makuseni pavachaona Tinaye angova chando. Akafunga zve Tinashe mu twin wake amusiya, achamutarisa sei mushure mezvinhu zvaaita. "I'm so sorry Tinashe nezvinhu zvandaita kwauri. Ndinokumbira undiregerere please. Ndinozviziva kuti ndakutorera munhu akakosha kwauri. Munhu waunodisisa asi nekwandiri zvinorwadzawo. Ndinoshuvira kuti dai ndafa manje asi handingazvibvumiri ndinofanirwa kutanga ndapikira zvivi zvangu zvandakatadza. Ndinoziva pauchaziva nyaya iyi relationship yedu as brothers ichapera asi handingambokushori" Laga akadaro achipukuta misodzi yaiva yanyorevedza mbatya. "Mhamha I'm so sorry ndinoziva ndakurwadzisai zvakanyanya zvekuti hamukwanisi kushingirira marwadzo aya asi ndinokumbira mundiregerere neniwo ndandisina choice. Dai ndisina kuzviita manga machagara muchichema mazuva ose muchiona vana venyu vachifa one by one ndiregererei mhamha pane zvandaita" lagaman akadaro achibuda mu shower achikwira pabed achiedza kurara asi hope hadzipo. Akamuks achigara pa corner ye bed achichema. Akachema kusvika musoro wakurwadza asi haana basa nawo zvinhu zvaaita zvinorwadza kudarika musoro uyu. Akagara pa corner ye bed kusvika abatwa nehope Mhukahuru household Kwa mhukahuru vashandi vaiva busy kugadzirira breakfast Mamlilo naivowo vakamuka vachienda ku kitchen. Muviri wese wairwadza kunge vanga vachirohwa. Vakasvika ku kitchen vachitora mvura vachigara Pasi vachinwa asi vainzwa kuti muviri wavo hausi right. Vakasimuka vachidzokera mu room mavo vachitora mapiritsi vachinwa Family yose yakamuka chikafu chatova ready vakagara patafura semazuva ose. Mamlilo vaka noticer kuti Tinaye haapo "Nhai Tinashe ko Tinaye Ari kupi?" "Handizivi mhamha regai ndinomutarisa mu room make" Tinashe akadaro achienda mu room ma Tinaye "Haa iwe muka uko nazvino wakarara. Haunyari kutozvifukidza gumbezi nguva dzino" Tinashe akadaro achiseka achimuvhura gumbezi "Broe muka tinodya handiti unoziva kuti pamusha pano hapadyiwi kana umwe asipo hande unotinonotsa" Tinaye akaramba ari zii. Tinashe akamudzungudza asi akavhunduka paakanzwa Tinaye muviri wakaoma kuti gwaa "Tin-- Tinaye-- twin" Tinaye akaramba ari zii. Akamubata ruoko rwaingoremberera. Tinashe akavhunduka achidonhera pasi achi screamer "Tinayeee!!!! Mhamha!!! Tinaye!!!!" "Hezvo haasi Tinashe here uyu aku screamer?" Letty akabvunza "Tinashe unomukanganwa kuti ane dzungu sometimes" Leonah akadaro "Mhamha!!!! Baba!!!!" Vanhu vose vakamhanyira kwaiita Tinashe noise. Naivowo pavakasvika vakavhunduka pavakasangana nemashura. Mamlilo Ivo vakasara padiki kufenda. "Chii chiri kuitika pano?" Mamlilo vakabvunza nezwi riri calm vasingadi ku believer zvinhu zvavari kuona "Tinashe chii chaitika pa mwana wangu?" Mamlilo vakabvunza vachiibongomora mhere "Broe!! Broe!!! Tidza muka please muka utiudze chii chaitika please broe" Tinashe akadaro achichema achiedza kumutsa mu twin wake Asi haangambomuki. "Mwanangu muka please muka Tinaye wa mhamha" Mamlilo vakadaro "No no no Tidza you can't do this to us please wake up!!" Leonah akadaro. "Yes Tidza usatamba nezvinhu zvakadai please muka" Letty akadaro Vanhu vose vaiva vakuchema, bhuru rakapinda nairowo rakanyebera kusaziva chinhu asi rainyatsoziva zvaro kuti ndiro rakonzesera "Chii chiri kuitika pano?" Mhukahuru vakabvunza "Mwana wangu Mhukahuru!!? Hona mwana wangu haapfakanyiki" Mamlilo vakadaro "Tinaye Tinaye" Mhukahuru vakadaro vachinyebera kudzungaira havo nekuti vanonyatsoziva kuti ndivo vauraisa mwana Tinashe akaswedera paari achimutarisa. Akavhunduka paakaona huro yakatsvuka "Ndiani aura Tinaye?" Tinashe akabvunza achichema Mamlilo vakaswedera naivowo vakavhunduka pavakaona izvi. "Ndinofunga pane munhu amudzipa" Mhukahuru vakadaro "Ndiani iyeye angaita zvinhu zvakadaro? Tinoda ma fingerprints ake" Tinashe akadaro "Hazvichaiti nekuti tamubata tose pachabuda ma fingerprints enyu" Mhukahuru vakadaro vanhu vaichema pasina ainyaradza umwe Lagaman Ndakamuka makuseni chero mvura chaiyo Handikwanisi kunwa. Ndaizvibvunza kuti kumba vari kuitei nekuti ndinoziva vatoona manje Kuti Tinaye hakuchina inguva yavo ye breakfast. Misodzi yakayerera pandiri. Vanhu vandanyanya kurwadzisa ndi Tinashe na mhamha, vamwe ndinovaona asi ava vaviri aewa ndavapa ronda risingapori. Ndakabuda ndichipinda mumota ndichichaira ndakananga kuguva rambuya.ndinoda kutaura navo ndinoziva. Zvinhu zvandaita ndavarwadzisa zvakanyanya. Ndakasvika ndisina kana maruva havo. Iko nguva yekutenga maruva yambosvika here. Ndakasvika ndichigwadama paguva ndichichema. "Ndinoziva mbuya hamudadi nezvinhu zvandaita asi mbuya nemwiwo maona ndanga ndakavharirwa pakona kuti ndiuraye muzukuru wenyu. Ndinoziva makanditsamwira asi ndinokumbira mundipe chivindi chekumirira zvinhu zvandaita. Mundipe chivindi chekutarisana na mhamha, Tinashe ne vamwe vanhu. Ndinokumbira mumugamuchire nemaoko machena, mumudzivirire sezvamaingoita panyika" ndakadaro ndichichema kunge mwana mudiki. "Once again I'm sorry mbuya ndinokumbira mundidzivirire pazvinhu zvose zvandakatarisana nazvo" ndakadaro ndichienda kumota yangu Ndakarohwa nehana foni yangu payakarira aiva Tinashe . Ndakaona sekunge akuziva zvinhu zvandaita pamu twin wake. Ndakadaira asi akatanga kuchema neniwo. Ndakachema "Boy". "Ndi Tinaye broe!!! Tinaye!!!" Tinashe akadaro achichema achikata foni Handizivi ndofanirwa kuita sei ndofanirwa kuenda kumba. Ndakamutsa mota ndakananga kumba. Pandakangosvika Tinashe akandimhanyira achindihaga achichema Narrated Laga akamuhaga munin'inga wake naiyevo misodzi ichiyerera "Shinga boy zvatoitika inzira yedu tose" "Ko neyi Tinaye andidaro? Ko neyi asingadi kugara neni? Iko ndiani munhu aita izvi? Anorwei na Tinaye nekuti haagari pano? Mapurisa Acho hapana zvavanoita doctor naiyevo akungotaura zvinhu zvisina musoro" "I'm sorry boy I know zvinorema asi tinofanirwa kusimba boy" "Unoziva broe Kuti handisi strong sewe zvinhu zvaitika izvi handingakwanisi kushingirira ini. I wish dai Tinaye andiudza Kuti pane zvichaitika paari ndanga ndichanorara naye pamwe dai Ari mupengu asina kuuraiwa" "No boy usazvipa mhosva pazvinhu zvaitika hapana anga achiziva Kuti zvichaitika" "Ndinoda kuziva munhu aita izvi ne CCTV haishandi nekuda kwe problem yema computer baba vakungoti vachagadzirisa hamenho when Please broe ndokumbira undibatsire kutsvaga munhu aita izvi pamwe ndingagamuchira Kuti mu twin wangu aenda zveshuwa " "Don't worry boy I will help you" Laga akadaro vachihagana vachichema vose ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mamlilo vaiva mu room mavo vachichema vanasikana vavo vaingovanyaradza "Ko neyi kwauraiwa mwana wangu asati ambogara chero svondo zvaro. Dai hangu ndisina kumudana kwaanga ari dai nazvino Ari mupengu. Ndakadana mwanangu Kuti ndizomuuraya" "Hayi mhamha musataura muchidaro imwi makadana Tinaye nekuti maimufunga kwete Kuti Maida kumuuraya" Zvichakadaro Laga akapinda achimira pa door akatarisa Mai vake misodzi ichiyerera "Bothy" Mamlilo vakadaro "Mhamha ndiudzei Mhukahuru ndi baba vangu here?" Mamlilo vakavhura maziso vaka freezer kwenguva. Havana kumupindura asi vakavhura maoko. Laga akachema achiuya achi Haga Mai vake "Usafa wakafunga zvinhu zvakadaro Bothy Mhukahuru ndibaba vako" "I'm sorry mhamha" Laga akadaro. "Mwana wangu aenda Bothy handichamuoni zve" Mamlilo vakadaro vachichema Zvichakadaro Mhukahuru vakapinda vana vakasimuka vachibuda. Laga akatarisa Mhukahuru neziso raiva rakazara hutsinye achibva abuda "Mamlilo ndikare uchichema zvakwana manje" Mhukahuru vakabvunza "Mwana wangu aurawa neyi mhukahuru?" "Mubvunzo wako unoda mhinduro here or unongoda kuchema iwe" Mhukahuru vakadaro "Ndinoda mhinduro Mhukahuru unoziva here Kuti mwana wangu auraiwa neyi?" "Wakambondiona here ndichishandisa ropa re family here?" Mamlilo Havana kupindura nekuti havasati vambomuona murume wavo achishandisa chero chii che family muzvinhu zvake "Tinaye handizivi Kuti auraiwa nani asi Munhu aita izvi ndichamutsvaga kusvika ndamuwana" mhukahuru vakadaro vachibuda vachienda Tanisha Ndikare ndakamirira Laga kuti andiendese kubasa asi haasati asvika. Hamenho why pamwe akuzvishora ne kiss yaitika nezuro asi inga wani aratidza kuifarira ayy nhasi anenge asingauyi kuzonditora. Ndakakwira Kombi ndichienda kubasa. Ndakasvika vashandi vakaungana panzvimbo imwe chete ndakaenda kune umwe mushandi ndichimubvunza what's cooking. Ndakavhunduka paakandiudza kuti vakamirira Mhukahuru sezvo vashaikirwa nemwana. Ndakapera simba ndichiedza kubatanidza zvinhu. Pamwe ndi Tinashe that's why Laga asina kuuya kuzonditora nhasi since vanga vari ma friends. Ndakazotura befu paakandiudza kuti mu twin wa Tinashe. Yes zvinorwadza kushaikirwa nemunhu asi ndanga ndatopera Simba ndichifunga kuti ndi Tinashe Mhukahuru vakasvika vachiteverwa na Letty. Vakauya kwatiri vakatimhorosa. Vakazotiudza nezverufu rwemwana wavo vachibva vati tiende kudzimba. Apa ziso ravo raiva risingabvi pandiri. Pandaiva ndakuda kuenda Letty akandidana akandikumbira kuti ndimubatsire nemamwe ma files iye nhasi haakwanisi achange Ari busy. Ndakabvuma tichibva taenda kumba kwavo sezvo aiva àti ndiwaitire kumba kwavo. Apa maziso Ake aiva akatsvuka kuti piriviri. Takasvika kumba kwavo tikapinda mukati. Uhhm mumba macho kani kuita kunge idhorobha. Aewa panyika ino takaperekedza vamwe vanhu yoo. Takapinda mune rimwe room raiita kunge rinogara vanhu 5. . Pandakatarisa pamadziro ndakaona pic yake Letty hombe. Ohh I think iroom rake. "Ahhm ndichakuratidza kuti unofanirwa kuita sei" "Okay no problem" "Ndinodzoka ndikunotora zvimwe ku study room" Letty akadaro achibuda achienda. Ndakasara ndichitarisa room rose ndichiyeva runako rwaivamo. Zvichakadaro ndakaona Lagaman achipinda asina kana kumbogogodza "Letty!!" Akavhunduka paakandiona. Neniwo ndakashamisika. Yes ma friends na Tinashe asi zvinoitavo here kuti apinde mu room me hanzvadzi ya Tinashe asina kugogodza "Tanie ukudei pano?" "Ma'am Letty ati ndiuye kuzomubatsira nema files iwe ukudei pano?" Akambonyarara kwenguva achibva atarisa pasi "Ndauya kuzobatsira" "Okay" "Letty Ari kupi?" "Aenda kunotora mamwe ma files ku study room" Paaiva akuda kubuda Letty akabva apinda "Broe" Letty akadaro Laga akanditarisa haana zvaakataura neniwo ndakangonyarara "Eish eish Tanie kune kwandiri kumhanyira ndichakutsanangurira pafoni" "Okay no problem" "Broe ma driver aripo ndeapi?" "Why?" "Ndinoda kuti vazoendesa Tanie kana apedza ini ndikubuda now" ",Ndichamuendesa zvagara neniwo kune kwandikuda kuenda" "Okay thank you" Letty akadaro achibuda achienda. Ndakatora ma files tichibuda na Laga tichidzika downstairs. Takasangana nevamwe Mai. Vane kakufanana kavanako na Laga. "Boy uri kuenda kupi?" Laga akanditarisa "Ndinokumbira unondimirira kumota" Lagaman akadaro Never handingamboiti zvinhu zvakadaro. Ndoda kuziva kuti chii chaari kundivanzira "Hey nana sorry nekusakumhorosa" "Ehoyi mhamha" Ndakadaro. Mai ava vakatarisa Laga "Ndi Tanisha uyu akushanda ku company yana Letty saka Letty andikumbira kuti ndimuendese" "Unonyeba Bothy wakuenda so hauchadzoki. Sure ungadaro chero munin'ina wako ashaya" WTF? Lagaman anozvarwa Kwa Mhukahuru. But how haana kana chinhu chimwe chete chinoratidza kuti mwana wekwa Mhukahuru. Ane maziso mahombe. Hapana wandakamboona ane maziso mahombe. Maoko Ake haabvi muhomwe chero achi driver ruoko rumwe runototi rupinde muhomwe. Ayy ayy come ohhn Tanie fambira chinhu chimwe chete sa driver we ambulance kwete zvakawanda semupurisa "Mham---" haana kuzopedza kutaura akanditarisa "Unoziva kuti ndiwe unofanirwa kuva busy pano" "Ndinodzoka mhamha" Laga akadaro achitarisa Pasi "Okay ukurumidze bothy" Laga akabvuma tichibva tanopinda mumota. Ndakamutarisa handina zvandakataura. Saka neyi aindivanzira kuti ndewekwa Mhukahuru. Akanditarisa asi ndakangonyarara hapana zvandichataura "Are you okay?" "Yah" "Hmmm I'm sorry" "Sorry yeyi?" "Yekusakuudza kuti ndiri wekwa Mhukahuru Tinashe mupfana wangu" "Okay" "Ndaid--" "No don't explain I'm sorry for your brother" Ndichamurega sezvo achangoshaikirwa ne munin'ina wake asi ndoda kuziva kuti neyi aindivanzira. Pandakamutarisa, misodzi yakayerera paari "Please Laga don't cry zvichapfuura" "I did it" Ndakavhura maziso "What?" "Ndini ndauraya mupfana wangu Tanisha" Laga akadaro achichema. Ndakaramba ndaka freezer ndakatarisa panzvimbo imwe chete End of chapter