Chapter 2 Tanisha Ohh my God ndini here ndichashanda panzvimbo yakanaka kudai? And vanhu vacho vanenge vane moyo wakanaka hameno pamwe zvinokonzerwa nekuti ndichangosvika. "Welcome Kwa Mhukahuru industry ndinovimba kuti wafarira kushanda pano" Tinashe akadaro "Yes ndafara zvakanyanya shame" "Okay now unofanirwa kunoona boss yako Ini ndingori manager now wakufanirwa kunoona boss" Tinashe akadaro tichida kubuda asi tisati tafamba manhanho matatu pakabva papinda umwe mukomana. Paakandiona akavhura maziso achinditarisa kunge ari ku sticker. "Uchiri kurangarira mushandi wandanga ndichikuudza nezvake? Ndiye uyu zita rake anonzi t--" "Hayi Tinashe ndinokumbira kunzwa iye achitaura ega" "Hayy tsek maan Nkosi" Yoo ndakapererwa kuti chii manje chandinofanirwa kutaura "Zita rangu ndinonzi Nkosilathi Nkosi Mhukahuru ndiri mushandi wepano" "Ohh okay ndafara kukuziva Nkosi Ini Zita rangu ndinonzi Tanisha Moyo neniwo ndauya kuzoshanda pano and ndafara zvakanyanya kuva webato renyu" "Aewa hausati wafara apa uchazofara zvakapamhidziwa" Nkosi akadaro Ndakanyemwerera tichibva taenda ku office kwa boss. Uhhm ndanga ndichinyeba kuti kwandanga ndiri kwakanaka this one is a small heaven. Umu makanaka kudarika ma office ose andaona. "Pinda hako mukati ndichauya ndokutora ndave kunokuratidza office rako" Tinashe akadaro Ndakabvuma nemusoro ndichibva ndapinda "Good morning sir" Boss vakanditarisa vachinyemwerera "Morning tsvarakadenga saka ndichati tsvarakadenga yekwani?" "Zita rangu ndinonzi Tanisha Moyo " "Ndafara kukuziva ndinovimba kuti tichashandidzana zvakanaka ini Zita rangu ndinonzi Mushavi Mhukahuru ndini muridzi we company ino" "Neniwo ndafara kukuzivai sir nekundivimba nebasa ramandipa" "Wakaridzidzira basa rako Saka ndinoziva kuti haungazondi disappoint uye unoratidza kuti uri munhu akangwara" Ndinotenda sir" ndakadaro ndichinyemwerera Sir vakatora foni vachifonera Tinashe kuti auye kuzonditora kuti andiendese ku office kwangu. After some seconds Tinashe akapinda tichibva taenda ku office kwangu. Ayy shame muridzi we company iyi akapfuma shame "You like it?" Tinashe akabvunza "Yes rakanakisa" ndakadaro Okay ndakapihwa zvinhu zvose zvandinofanirwa kushandisa "Okay chitanga hako kushanda pane umwe musikana achauya kuzokuonesa kuti unofanirwa kushanda seyi" "Okay thank you" "You're welcome ushande mushe" "Thank you" Tinashe akabva abuda, ndakasara ndichigara pa chair yangu ndichitenderera zvangu nayo. Zvichakadaro pakapinda umwe musikana. Haasi muhombe tingada kuenda pasi pake asi pamwe angandisiya nemakore mashoma. Akanyemwerera achiuya kwandiri "Morning" Ndakasimuka ndichimukwazisa "Morning" ndakadaro "Zita rangu ndinonzi Leticia Mhukahuru" "Ini ndinonzi Tanisha Moyo" Ohh Saka family yose inoshanda pano? . Hapàna munhu wandataura naye asiri wekwa Mhukahuru. "Ndinovimba kuti wafarira kushanda pano? Uye tichashandidzana zvakanaka" "Ngativimbe kuti handizokunetsi nechinhu" "Good ndauya kuzokuudza kuti ndezvipi zvaunofanirwa kuita nhasi" "Okay" Takagara pasi achitanga kundionesa zvandinofanirwa kuita Mamlilo Ndakagara mukamuri mangu ndakamirira Mhukahuru sezvo achitaura pafoni "Nhasi ndinoda vaite vaviri 10 wehusiku asati achaya" "Okay boss tichaita sekudaro" ",Yah mukadaro munenge mashanda chaizvo" "Okay boss" Mhukahuru akakata foni achiuya kwandiri "Mhukahuru mati munoda kutaura neni" "Yes wakamuguma rinhi mupfana wako?" "Ndakamuguma kare ini Bothman chero kundifonera manje haachafoni" "Saka mupfana uyu haadi chero kuzotiona" "Ane musha wake baba uye nebasa pamwe nguva yacho ndoisipo anenge Ari busy" ,",Chero zvakadaro anofanirwa kuuya kuzotiona" "Baba munoziva kuti musha uyu anouvenga Saka haangambouyi" "Unogara uchingondiudza zvinhu zvimwe chete. Saka iwe uri proud nekuti anovenga musha wekwavo? Musha wakamukurisa!! Unoziva mukomana uyu ndaifunga Kuti ndiye achatungumirira ma business epamusha pano kwete zvekupenga zvaari kuita" "Baba hazvisi zvekupenga Bothman akashara carrier yake munofanirwa kuti dai muchidada naye. Bothman haazvifariri zvinhu zvose zviri kuitika pamusha pano" "Zvinhu zvaasingafariri zvakamuchengeta kusvika akura. Hayi Mamlilo usada kundinzwa. Enda unotaura naye manje Bothman umuudze kuti ngaadzoke kumba" "Manje pamwe ari kubasa" "Basa iroro ndiro randisingadi kunzwa nezvaro, ndinozvishora zvakanyanya kuti neyi ndakamudzidzisa. Iye anozviona kunge ari nani kudarika vamwe vana. Munhu wese anonditeerera asi iye ega ndiye anoomesa musoro haadi kunditeerera " "Dzorai moyo baba ndichaenda kunotaura naye" "Good nekuti kukaenda ini hapana chakanaka chinobuda" Ndakatora foni ndichida kumufonera asi haana kudaira "Haasi kudaira ndichakumbira Letty kuti andiperekedze kunomuona" ndakadaro ndichibuda ndichienda Kuna Letty . Ndakamukumbira kuti andiperekedze kumba Kwa Bothman. Takabva tatobuda tichinopinda mumota. Now tiri munzira kuenda kumba kwake. "Mhamha ko neyi mukoma vasingadi kugara kumba" "Nekuti anoda kuva independent" "Chero zvakadaro mhamha anofanirwa kuti dai achiuya kuzotiona" "Hayi ipapo neniwo handizivi neyi asingatishanyiri" "Mhamha pane zvinhu zvamuri kutivanzira chete pane zvakaitika pamukoma wangu" "Wee nhai Letty unogonawo here kuvhara muromo wako?" Letty akanditarisa achirola maziso. Zveshuwa handisi mu mood yekupindura mibvunzo yake ini. Takasvika pamusha pa Bothy. Gedhi raiva rakavhurwa takapinda mukati takamuwana akagara pasofa ari busy ne laptop yake. Paakationa akafara zvakanyanya "Mhamha, Letty" Bothy akadaro achisimuka achiuya kwatiri achitihaga "Kwakanaka here nhasi ndichishanyirwa nemwi?" "Tiri kukufunga broe neyi uchitidaro shuwa?" Takanogara pasi "Bothy mwanangu neyi uchitivenga kudaro?" "Hayi mhamha munoziva kuti kumba handiuyi ini. Ohh mauya pano nekuti matumwa nemurume wenyu" "Bothy ndibaba vako ivavo vaunotaura uchidaro. Vakakudzidzisa ukava zvauri manje Ndiyo nzira yaunovatenda nayo here?" "Mhamha please" Bothy akadaro achitarisa Letty "Letty ndokumbira unotiitira something to drink ku kitchen" "Okay brother" Letty akadaro achisimuka achienda. Bothy akaswedera pandiri achitaura achizevezera "Munoziva kuti hupenyu hwamuri kurarama kumba ndinohusema" "Usataura uchidaro" ,"Mhamha ndiudzei chii chaizvo chamagarira pamusha paya nekuti ndikare ndichikuudzai kuti huyai mugare neni" Unoziva Bothy kuti hazvingaitiki zvauri kutaura murume wangu uya. Beside musha wangu uya hupenyu hwatiri kurarama huri right ma business ari kufamba zvakanaka" "Ma business api? Ma business?" "Ndiri kureva Mhukahuru industry nemamwe" "Mhamha handizivi neyi musingadi kuzogara neni nekuti haisi life iri kuraramiwa pamusha paya. Ohh maybe munofunga kuti sezvo kusiri Kuma suburb hakusi kwe type yenyu" "Ndauya kuzotaura newe kuti utishanyire kwete zvawave kutaura. Vanin'ina nemadzikoma Ako vari kukufunga" "Kana vachindifunga vachauya kuzondiona kuno. Mhamha ndaneta ini nekukuudzai Life Iya handiifariri ndiri right nebasa randinaro" "Ndiri kukunzwa mwanangu asi Mhukahuru havangazvibvumi zvauri kutaura" "Nei muchitya Mhukahuru kudaro? Please mhamha ndinokumbira muuye mugare neni. Ndichakuitirai zvose zvamunoda" Ndakasimuka ndichidana Letty "Ndiri kuuya mhamha ndave kupedzisa" "Rega chero usina kupedza huya tiend--" "Haa muchienda kupi hanti mandishanyira here pedzisa iwe Letty" "Hatisi kunzwisisana hanty?" Akadzungudza musoro, Letty akauya ne coffee tichinwa Davula It's been a hour now ndichimushandira musikana uyu ndiri pamusoro pake, "Zvakwana please" "Not now, handisati ndataura Ini. Ndiri kukudzidzisa kuti hapana munhu anondi double crosser. Ndakakuudza kuti musamboedza henyu kutiza, iwe ukazviona sewakangwara ukaedza kutiza" ",I'm sorry nezvinhu zvandaita handipamhi zve" "Zvagara haupamhi nekuti uri kunosangana nevadzimu vako" Akavhura maziso ,"Handimudi munhu asingateereri ini" Ndapedza kumushandira ndakatora banga pamsoro pe bed . Hapana chinhu chandinosema semunhu asinganditeereri. Akachema achikumbira ruregerero asi handingambo muteereri ndakarinyudza banga muhuro make achibva anyarara same time. Ndakafonera vashandi "Klinayi tsvina yose iyi" "Yes boss" Ndakadana vamwe kuti vandibatsire nechitunha kuchipinza mumota, zvagara husiku hapana achaona something. Ndakachaira ndichienda kumba. Pandakasvika kumba ndakafonera baba, vakandiudza kuti ndipinde hapana achandiona. Ndakapinza mota ndichinoimisa ku backdoor. Ndakawana baba vatondimirira. Vakandibatsira kupinza chitunha mukati "Washanda sei mwanangu?" "Hazvina kumborema, benzi iri ramboedza kutiza asi ndariratidza kuti ndini ani "Well done" baba vakadaro tichikwazisana tichihagana Tanisha Ndichangomuka manje nguva dzave kuma 9 nezuro ndakasvika ndikageza ndikarara, kutomuka now. Mamoe akabva apinda ne tray. Takaitana ma morning achibva aisa tray patafura "Washanda sei nezuva rako rekutanga babes?" "Ihh vanhu vacho vane moyo wakanaka shame" "So tell me company yauri kushandira inonzi chii?" "Mhukahuru Industry Mamoe akavhura maziso "Hezvo Ndiko kwauri kushanda?" ,"Yes darling nzvimbo yakanaka iya asi unovaziva?" "Ndiani asingazivi family iya. Ndiyo yakapfuma kudarika Harare yose. Musha wacho kunge dhorobha" ,"Handingarambi ndaona ne building kubasa kuti vanhu vane zvinhu zvavo" "Yes darling mari inodyiwa paya, unoziva ndinomboshuvira kuwana mwanakomana wepamusha paya" "Haa Mamoe," Mamoe akaseka "Hey Rega ndiverenge ini " "Enda haa unotaurisa iwe" "Good night muzukuru wa mazinyani " mamoe akadaro achienda Ndakasara ndichidya chikafu changu. Ndapedza ndakafonera mbuya. Vakafara zvakanyanya ndichivaudza kuti ndave kushanda. Ndinoshuvira kuti dai mwedzi watopera ndavatengera something. Ndakaedza kurara zve asi Elvis akafona. Ndakadaira ndichinyemwerera. Takataura nyaya dzema love love akandivimbisa kuti achauya ku Harare kuzondishanyira kana asiri busy. Mhukahuru "Washanda mwanangu" washanda zvakanyanya " "Ehe baba zvinhu kwamuri zviri sei?" "Aewa zviri mugwara ko ku side kwako," "Business riri kufamba mushe baba chete musikana uyu ndiye chete anga achida kuda kundingwarira zvino asangana ne type yake" ",Ndiko Saka ndichidada newe unoratidza kuti uri Mhukahuru kwete zvana Bothy" ndakadaro ndichinyemwerera "Nazvino haadi kuuya kumba here?" "Haadi uyo and haangambouyi kana ndisina kuita something" "Hanzi neyi ndisingadi kuuya? Mupfana uyu anorwara nenjere chete aiva asingafanirwi kuenda ku university from the beginning " "Ndaiti ndiri kuedza kumufadza nekuti aifarira chikoro asi manje ndave kuzvishora. Hapana mwana anondidherera seuya" "Ayy baba imwi handiti munoramba kana ndichida kumupinza munzira" "Aewa iwe unozonyanya ndicha dealer naye ini. Handidi ashungurudzike ndinomuda zvakanyanya chete hatisi kuwirirana mukutaura" "Ndizvo zvichaita Bothy adherere baba nekuti munomudisisa zvekuti chero iye anozviona" "Hazvisirizvo my boy okay ndibatsire kupinza Munhu uyo nguva dzave kuchaya" "Mamuwana umwe?" "Ehe atova mukati already " ndakadaro tichimupinza mukati ndichibva ndaita zvandaifanirwa kuita nezvitunha izvi. Ndapedza Davula akaenda mu room make neniwo ndakaenda mu room mangu. Ndakawana mukadzi wangu akarara pa bed asi asina kurara hope "Mukadzi wangu" Akanditarisa achinyemwerera, ndakakwira pamsoro pake ndichimukurura night yaaiva akapfeka. "Ndakaneta mhukahuru" "Haay haunganeti zve murume asati adya" "Unoziva nhasi ndashanda sei ndinokumbira undisiyevo kwanhasi chete" "Okay" ndakadaro ndichidzika paari "Wafamba sei kumwana wako?" "Munoziva baba ndanga ndavinga mhinduro dzamunoziva" "Mupfanha uyu anodherera maan" "Ini ndinoona sekuti timupe mukana achadzoka mupfungwa dzake" "Handingamiriri izvozvo ini ndichazviita nenzira yangu" "Mhukahuru ndinokumbira kuti usaita zvinhu zvichashungurudza mwana wangu" "Uchazviona ndazviita handiti haadi kunditeerera " ndakadaro ndichipinda mumagumbezi ndichirara Tanisha Mangwana makuseni ndakamuka ndichigadzirira kuenda kubasa. Ndisati ndaenda kubasa ndakatanga nekunamata ndichibva ndafonera mbuya takataura vachibva vandishuvira zuva rakanaka. Ndakabuda ndichienda Kuma kombi. Ndakaona kombi ya zuro yakamira pandinokwirira asi nhasi handikwiri kombi yake ini ane attitude inobhowa neskorokoro yekombi kunge ichaita accident ndiri mukati. Apa kombi yacho haina munhu ndiye chete ari mukati. Ndakamudarika ndichimhanyira imwe kombi asi pandakasvika pairi yakasimuka ichienda. . Ndakasara ndakavhura maziso. "Ko anopenga here uyu?" Pandaida kumisa imwe kombi mukoma veskorokoro vakavhura window "Huya upinde ndikuendese kubasa" Pandakatarisa nguva ndakaona isiri nguva ye attitude iyi. Ndakaenda kunopinda mukombi. It's not like handibhadhari and staff. Ndakakwira kumashure "Haa iwe wave regular client yangu Saka huya kumberi" "Handifariri zvekugara kumberi ini" "Ahh Saka zvinoreva kuti mota iyi handimboimutsi as long wakagara kumashure kusvika wauya kuzogara kumberi" "Veduwe ndanonoka kubasa" "Huya kumberi butterfly" Ndakabuda ndichinogara kumberi kwacho coz handina choice kunze kwekutamba iri kurira "Ndinokumbira kuva staff Yako usakwira mamwe makombi ndichakutora makuseni ndokudzosera manheru" "Apa Zita rako handirizivi ungaita driver wangu sei ndisingakuzivi" "Ndinonzi Lagaman Zhou" "Uhhm ini nezuro ndakuona uchindipa attitude" "Haa kana yanga isiri attitude asi ndanga ndichikudzidza" Ndakadzungudza musoro "Pawandidzidza wawaneyi?" "Sweet chero unekakuvhaira" Ndakaseka "Ini ndinonzi Tanisha Moyo" "Awuu butterfly Chirandu" "Uhhm kubva wandidana zviri sweet kudaro" "Musikana akanaka kudai ndiwo mazita aanofanirwa kudaniwa nawo" "Yoo aewa unotaura shame " Akanyemwerera achinditarisa. Mumota makamboita runyararo "Saka unofarira here kushanda kwauri kushanda?" "Zvakanyanya mukoma munhu wese ari right yes I enjoy" "Ohh that's good asi ini semurume wako handidi kuti mukadzi wangu ashande apo" "Sorry then handisi mukadzi wako hausi murume wangu Saka zvauri kutaura hazvindi affect" "Okay butterfly " Akachaira kusvika tasvika pedo nekwandinoshanda "Ushande mushe" "Neyi uchindisiya pano?" "Nekuti iyi ndiyo nzvimbo iri right hanty unoona kuti mberi uko kune mota dzemhando yangu iyi mhando yayo iri pano" Ndakaseka "Neyi uchitorera pasi mota Yako yakanaka iyi" Akaseka "Ndinotenda butterfly kungotaurawo hangu asi neniwo ndinoiona kombi yangu iri kupisa" "Ndinotenda nekundipa transport " ndakadaro ndichibudisa Mari ndichimupa asi haana kuitora.. "Hanti tabvumirana uchandibhadhara kupera kwe mwedzi yati wandei. Ini Kubva nhasi ndave driver wako" "Handina kumbozvibvuma izvozvo" "Undifonere butterfly kana wachaisa" akadaro achindipa card rine number dzake Ndakadzungudza musoro ndichibuda ndichipinda mukati. Ndakafambisa pandakaona mota ya boss. Handisi late hangu asi vanotyisa yoo. Ndichimhanya kudaro ndakabondera pane umwe sisi aiva akapfeka ma high hills ne bum short achinoti bhuu pasi. Munhu wese mu office akabata muromo. Wee Mwari wangu ndazviparira neka slay queen aka. "What the f**k!!!" Akadaro achisimuka achindipa gwati rembama Ndakavhura maziso ndichida kumudzorera asi ndakakurumidza kuzvidzora pandakafunga kuti ndiri kubasa. Ini kurohwa neumwe munhu?, It's not like ndamubondera nemavune and staff "What the hell is this!!! Hauoni here kwauri kufamba iwe musikana!!!!?" "I'm sorry ndanga ndisingakuoni" "Unofamba wakatsinzina here? Ndiani apinza musikana uyu pabasa asina step yekufamba!!!" Akadaro achidanidzira. Tinashe akabudikira "Chii manje Lionah?" "This girl!! Ndaruma pasi nemuromo manje!!" Tinashe akapera nekuseka achibata muromo "Uri kundiseka Tinashe?" "Sorry Lionah ahh, Tanny enda ku office kwako" Ndakatendeuka ndichienda "Hey dzoka kuno!!!" Lionah akadaro achidanidzira. Ndakasvotekana ndichienda ku office kwangu. Handisati ndambodhererwa neumwe musikana akafanana neni zvakadaro ini. Ndakasvika ndichizvitarisa pa mirror handina chidhindo chembama yake, pamwe musikana wa Tinashe. Argg attitude yose iyi. Makuseni ano ndatowana mbama End of chapter