Chapter 24 Mamoe Tinashe ko neyi asingadairi foni yangu coz ndanguri ndichizama kumufonera. Ndichiri busy kudaro mhamha vakapinda. "My baby" Ndakavhunduka ndichivatarisa "Ukuvhundutswa neyi?" "Hapana" Vakanditarisa "Ndimwi mapfura Kikie nezuro right?" "Yes so?" Ndakavhura maziso Mhamha neyi madaro?" "Wanga uchida Kuti ndiite sei? Nditarise vanhu vachitambisa mwana wangu?" "Hapana munhu Ari kutambiswa mhamha takabvumirana na Tinashe" "Well ini handizvibvumi, right now tikuenda " "Kupi?" Ndakabvunza ndichishamisika "Uchaona tasvikako hauchadzoki pano" Ndakavhura maziso "Pindai!!!" Pakapinda varume vaviri vakandisimudza vachienda neni mumota. Ndakaedza kufonera Tinashe asi mhamha vakandibvutira foni Tanisha Ndaiva busy ne laptop sezvo ndiri busy ne something, zvichakadaro Laga akapinda. "Mamoyo" "Mushavi" "Usare mushe" Laga akadaro achindikisa dama "Okay love neniwo ndiri busy pano nekuti basa ndorida zvekurevesa" "Ohh gara zviya mangwana une interview good luck mukadzi wangu" "Thanks honey vari sei mhamha?" "Vave nani havo. Babe uchiri kurangarira baba Vaya vatakawana kuchipatara vane maziso mahombe?" Ndakamboda kuseka, Laga anotaura zvemaziso evamwe ake haaoni here "Yes" "Hanzi kune celebration yavari kuita saka vandikoka" "Haa makuzivana zvekuti makukokana kuma celebration?" "Iwe wanga uchida kuti ndirambe munhu mukuru andikumbira? Pamwe azvitorera pakuti vanozivana na mhamha" "Vanozivana?" "Yes and kuzivana kwavo kunenge kwaka pfurikidza" Ndakaseka "You mean vakambodanana?" "Ahh iwe unoda kundirovesa na mhamha" Laga akadaro tichiseka "Saka tichaenda?" "Yes hanti wabvuma here Saka haunga mbochinji ka" "Hatigari kusvika part yapera " Laga akadaro achitora ma key emota achibuda achienda. Ndakasara ndichitora foni ndichifonera Mamoe asi haana kudaira. Eyy Mamoe nhumbu iyi inomuhwisa husimbe. Chero kubata foni anenge ane husimbe shame. Kana isingadairwi inenge yakadzimwa. Ndakazofonera mbuya ndikataura navo vakati vatanga kundiimbira hanzi murume anobatwa sei Mhukahuru Ndadzoka manje mhiri kwemakungwa kwandanga ndiri. Pfungwa dzangu dzanga dzakadhanganyika Saka dzanga dzichida peace. Now ndave right I'm back from square. Pandasvika kumba ndawana vana vangu vakugara na Mai vavo nekuda kwemupfana uyu Lagaman. Lagaman aindikanganisira zvinhu zvangu Kubva achiri mudiki. No more manje handingaitiswi naye ini. Ndinofanirwa kudzosa family yangu munhu angosara ndi Lionah chete "Daddy ndinokumbira mundiudze chokwadi. Chii chikuitika pano? Neyi mhamha vakaenda?" "Hanti mabasa amukoma wako iwayo" "Mukoma wangu upi?" "Lagaman ndiye akafurira Mai vako" "Kana dziri nhema neyi mhamha vakaenda" "Handiziviwo pamwe nekuda kwekurwa kwatanga tichigara tichiita hanti unoziva Kuti kana vanhu vakaroorana vanorwa" "Ini handisi kuzvinzwisisa. Daddy ndikuda kuenda ku town neshamwari yangu musare mushe" "Safe journey my princess" Lionah akabuda achienda. Ndakasara ndichienda mu room mangu, pandakangopinda, Davula akabva apinda "Davula " "Finally madzoka chero hazvo mawana family yose isisagare pano" "Hanti ndiyeyu Lagaman anongoda kuteererwa pese pese" "Ndakakuudzai kuti mukomana uya deserve kufa chaiko asi munongotsika tsika, dai ndakapedza naye kare" "Ndichaona kuti ndichaita sei naye mpfana uyu" Davula akanditarisa "Chii?".. "Baba ndimwi here makapfura mhamha?" "Ndakapfura mhamha?" "Yes ndiudzei chokwadi ndimi here makavapfura" "Ndichipfurirei mukadzi wangu? Ndinoziva kuti ini na Mamlilo taimbonetsana apo neapo asi iyi yekupfura handina kana kumboiisa mupfungwa dzangu. Newevo ungandifungira izvozvo?" "Saka neyi mhamha vakaenda?" "Hanti vaka believer zvinhu zvavakaudzwa na Lagaman, Davula unoziva dai ndakazviita handaikuvanzira zveshuwa handina kumbovapfura ini" "Ayy handichazivi ndo believer Ani ini?" "Believer waunoda ku believer Davula handina wandakapfura ini" ndakadaro ndichinofurwa nemhepo pa swimming pool nekuti neniwo handizivi kuti ndiani akapfura Mamlilo. I'm also confused. Mamoe Eish pfungwa dzangu dzakadhanganyika manje, ndakapepuka ndiri mune rimwe room randisingazivi, ndakasimuka ndichinhanyira ku window, asi nzvimbo yacho inoratidza kuti handiizive. Ndakananga ku door ndichida kunovhura door mhamha vakabva vapinda . Ndakavatarisa misodzi ichiyerera "Mhamha ndiri kupi ?" "Uri panzvimbo iri right manje kwete kwawanga uri" "Ndeipi nzvimbo iri right mhamha!!!" "Zvose zvandikuita ndikuitira iwe Mamoe?" "Muri kuitira ini for what?!! Ndati ndiri kupi?" "Kwekwe why?" Ndakavhura maziso "Kwekwe? For the why?" "Haungandibvunzi izvozvo ini. Idya chikafu chako ndinoziva une nzara uchaona zvichaitika wapedza kudya" mhamha vakadaro vachienda. Ndakasara ndichichema ndega. Ndauya kuzoitei pano? Tanisha Wow I'm so happy interview yangu yafamba zvakanaka Havana kumboti ndimirire call yavo Asi ndatorwa same. I can't wait kuudza Laga a good news. Ndakamira panze pa building ye company yacho. Pakabudikira vamwe baba, I think vari related ne vanhu vethis company, Asi matarisiro aanga achindiita ndiri mukati anokunda ngoma kurira. "Hey Mrs" he says achinditarisa chigunwe changu akuona kuti I'm married "Hey sir how are you "I'm fine Ini ndinonzi Alex Matema," "Ahhm Ini ndinonzi Tanisha M--" "Tanisha Zhou right?" "Ehe ndini" "Usati waita wekwa Zhou waiyera chii?" "Moyo" "Ohh Chirandu ndafara kukuziva. Unoziva Kubva pawapinda wanga uchindifananira neumwe munhu kunyanya step yako zvese nekutaura Saka Ndati ndiuye kuzobvunza who knows pamwe muri hama" "Ahhm sorry sir handina hama ini muno mu Harare ndiani munhu wacho" "Let's just act as if handina kumbotaura nezvazvo pamwe kufanana kwevanhu asi uhhm zvazonyaya. Anyway haudi lift here?" "Ohh okay tosangana wakutanga basa " Alex akadaro achienda. Ndakamira kwema minutes Laga achibva auya. Ndakapinda mumota ndichimuudza nyaya yose I can't wait kuudza Mamoe kuti ndawana basa Mamlilo Ndaiva ndakagara ndiri busy ne laptop yangu pane zvinhu zvandikutarisa. Moziva Laga mwana wangu akandibatsira shame nekunditengera yangu imba. Ndakagara in peace shame. Handichagari ndichivhunduka sezvandaiita Kwa mhukahuru Asi chinhu chandave worried nacho chii chichaitika kana kwakubuda ma secret ese Aya. Ndiri busy kudaro Tinashe akapinda akabata cup ye coffee whuu dai aziva kuti ndanga ndichiida sei. Ndakatora ndichinyemwerera. Tinashe akagara pasi tikatanga hedu kukurukura kusvika ndamubvunza Mamoe, Asi anotoratidza kuti haana basa naye shame, munhu waari focus naye manje ndi Kikie. Ndakatozoita zvekuti aitire Ini favor aende kunomutarisa. Akabvuma achibva atora ma key emota achienda. Hamenho kuri kuendwa. Paakabuda foni yangu yakarira Ari Tinaye aindiudza kuti akoka Bothy Ku party yavo. Argg Tinaye anopenga here. Ndakatura befu paakati amukoka chete hapana zvaachamuudza but I don't trust him though what if anomuudza Narrated Tanisha na Laga vakasvika kumba Kwa Tinaye "Ndipo here apa?" Tanisha akabvunza "Location ndozvairi kutaura pamwe chete ne address yacho." Laga akadaro "Asi murungu Khanye wacho?" "Pane murungu akanzi Khanye? Wakamunzwa kupi?* "Ahh musha wacho ndewevarungu uyu?" Lagaman akaseka zvichakadaro Tinaye akabudikira. Laga aiva amutumira message yekuti vasvika "Masvika?" Tinaye akabvunza "Ehe tanga tichifunga kuti pamwe tarasika" Laga akadaro Tinaye akaseka "Sei manje nekuti address ndakutumirai" Tinaye akadaro vachiseka vachikwazisana Vakapinda mumba, Tanisha akavhunduka paakaona family yacho yakafanana na Lagaman kunyanya Joramu asi pamaziso apa uhhm Tanisha akapera Simba "Wow mazosvika" Sheppie akadaro "Wasvika Khanye?" Perfect akadaro Tanisha akavhura maziso achitarisa Lagaman. Vanhu vose vakatarisa Perfect aiva asina kana shungu hake. "Mhukahuru not Khanye" Tinaye akadaro "Ini ndiri mufundisi ngirozi yangu haisati yachembera zvekuti ingabvuma kuti ndinyebe" Perfect akadaro "Mhukahuru ne Khanye chinhu one zvakasiyana pakuti Mhukahuru chishona Khanye chindevere" Tafadzwa akadaro achiseka "Hayi maan garai pasi vanangu" Tinaye akadaro akatarisa Tanisha na Laga Laga akasimuka nana Jorum vachinogocha nyama panze "Iwe perfect haukuri neiko?" Bongani akabvunza "Ndaitei manje?" Perfect akabvunza "Wanga wakudeedzerei mukomana uyo Kuti Khanye?" "Hezvo ko haasi Khanye here?" Ndi Khanye asi haasati aziva Saka wanga usingafanirwi Kuti Khanye?" Tinaye akadaro "Chiiko nemwiwo mamirira 12 o'clock kuti mupinde mugoredzva. . Mupfanha uyu anodanirwa kuziva kuti ndewekwa Khanye kwete apihwe mitupo isiri yake. Mhukahuru kudii kwacho " Perfect akadaro "Tichamuudza asi Mai vake ndivo vanofanirwa kumuudza" Tinaye akadaro "Hayi Tinaye Siya kutya vakadzi, wakamukurura sei p**t kana uchimutya. Newevo mwana wako Saka une kodzero yekumuudza. Achaudzwa nemukadzi kuti zvidii? Chekutanga akakuvanzira kuti une mwana. Ayy Tinaye " perfect akadaro "Hayi Mai vake ndivo vanofanirwa kumuudza " Bongani akadaro "Ini handifungi kuti ndichakwanisa kumuti Mhukahuru iye ari Khanye . Dai usina kumuunza zve pano" perfect akadaro "Perfect uchakura rinhi nhaiwe?" Tinaye akadaro "Hayi tikudhererwa Kwa Khanye Mhukahuru yekudii ayy" "Hayi Perfect ngatipei Mai mukana vamuudze Vega" Tinaye akadaro "Vapei imwi ini musandiverenga munoaona maziso ndeenyimo imwi ndipo pamunoti nditi Mhukahuru imwi ka" perfect akadaro Tinaye akadzungundza musoro Mamoe I wish dai ndakanhumburiswa nemunhu anondida dai ndisipo pano. Dai mhamha vasina kunditora. Ndaedza kumufonera Tinaye asi anga achi ignore ma calls angu and I know Kuti akutoziva Kuti handiko and haatorina basa nazvo and achatofara paachaona Kuti ndaenda ndikamusiya in peace nekuti ndikuona Kuti mwana uyu haatorina basa naye. Zvichakadaro mhamha vakapinda vachigara pedo neni "Mhamha ndinokumbira kuenda kumba please" "Kunodii kumba?" "Ndichagara pano kusvika zvadii?" "Kusvika wabisa nhumbu iyi?" "Mhamha munoda ndiuraye mwana wangu?" "Haungambochati une nhumbu yeumwe murume" Ndakavhunduka ndichitarisa mhamha "What? Muchato wani?" "Muchato uri kuchata iwe. Wauya kuzochata kuno" "Hayi mhamha handingachati nemunhu wandisingazivi ini wesi wandisingadi" "Uchachata na Tinashe here?" "Hayi handichati na Tinashe asi handingaroorwi nemunhu wandisingadi ini" "Asi wakarara nemunhu wausingadi ukaita pamuviri, neuyuvo uchachata naye usingadanani naye" Ndakatarisa mhamha nehuso hwaipisa tsitsi "Mhamha hamundidi"" "Ndinokuda zvandiri kuita ndikuitira iwe" "Baba vanoziva here nezvinhu zvamuri kuita mhamha. Please mhamha ndinokumbira musaita zvinhu izvozvo" "Mangwana uri kumuona murume wako" mhamha vakadaro vachisimuka vachienda Lagaman Tapedza kugocha nyama takaenda nayo ku sitting room. Ndakatarisa Tanisha ndikamuona Ari comfortable kwaari. Vana Tanisha nekusvika vatojaira vanhu. Aiva ku kitchen nevamwe vakadzi asi zvinondifadza kuona mukadzi wangu akasununguka kudai. Takatanga kudya nyama tichinwa hwahwa tichitaura nyaya. Takazosimuka tichienda ku swimming ini Tafadzwa na Joe "Unoziva pawasvika pano ndangoti hamenho duzvununu iri nderekupi?" Tafadzwa akadaro ndakadzungudza musoro "Neyi wanga uchifunga kuti ndiri duzvununu?" "Ini ndakuona kuti ichi chigeven'a chine certificate" Joe akadaro "Chigeven'a chine certificate ?" Ndakabvunza "Rega ndiku teste" Tafadzwa akadaro achibuditsa pfuti "Unogona kushandisa simbi iyi here or unoda training?" Tafadzwa akadaro "Hezvo ko ndokwazvave?" Ndakadaro "Yes kana uri wekwa Kh-- i mean pamusha pano hapapindi munhu asingazivi simbi iyi" Tafadzwa akadaro achiseka Rega ndimuratidze kuti chikafu changu ichi. Ndakatora pfuti ndichitendeka mudenga ndichipfura "Yeeee!!!!" Tafadzwa na Joe vakadaro vachiseka "Hazvidi kubvunzwa" Tafadzwa akadaro Mumba vakabuda vachimhanya vachiuya kwatiri. Vakashamisika vachiona ndakabata pfuti "Pfuti iri kurira kupi?" Bamnini Perfect vakabvunza "Anga achi proover kuti anogona kushandisa pfuti" Tafadzwa akadaro " Munopenga here imwi Mumba mune vakadzi imwi muri kutamba nepfuti" Tinaye akadaro "Haa Lagaman newevo ndozvauri?" Bongani akabvunza "But I like it. Zviri pachena sedumbu ra Bongani hazvidi Tinashe Mugabe " Perfect akadaro Tafadzwa akaseka asi akakurumidza kunyarara paakaona baba vake vachimutarisa nerimwe ziso Bongani akazvitarisa dumbu rake achidzungudza musoro achidzokera mumba End of chapter