Chapter 15 Lagaman Hamenho kwaendwa na Mhukahuru. Harahwa haitonyari shuwa pamwana mudiki. Hamenho abuda akaenda kupi nekuti anga akuyerera ziya muviri wese, achaita heart attack nekuchiva vana vadiki. "Baba vaenda kupi?" Tinashe akabvunza achiseka "Handizivi neniwo ndinotodawo kuziva kwaendwa kupi?" Ndakadaro "Pazvinhu zvose zvikuitika ndikunzwira mhamha tsitsi" "Ndinombozvifunganga kuti dai ndawanira mhamha harahwa inerudo kwete zvababa ayy. Zvino mhamha vacho havadi na changamire wavo" "Yoo ukadaro vanokuuraya iwe" "Yah zvakaoma and handingambovaudzi nezvakaitwa nemurume wavo pana Tanie nekuti vangazorwadziwa handidi zvizosvika ipapo" "Asi chiiko na Mhukahuru? Vari kudei pana Tanie? Mwana mudiki chero kwandiri argg" "Zvakaoma hazvo. Ko iwe chiiko newe hausi right" "Eish broe Kubva nezuro ndikungofunga Kiki handizivi why. Handikwanisi chero ku focuser pazvinhu zvandinenge ndichiita"... "Ayy mwana uya akakusiya sembwa neyi uchida kumuteverera?" "Broe ndaimuda mwana uya handidi kunyeba. Ndinongoda kumuona chete andiudze kuti neyi akandisiya" "Yah rudo ndozvaruri ndoruziva handingashori" "Broe please ndinokumbira undibatsire kumutsvaga chero ndisingazivi totangira papi kumutsvaga " "Okay tichaona kuti tichaita sei. Ndine hope yekuti tichamuwana" "Chero tisina kudzokerana broe ndongoda andiudze kuti nei akandisiya? Chii chandakamutadzira?" Uhhm I think kunyangarika KwaKiki Kuna Mhukahuru mukati. Ini handizivi neyi ari take take nema bhebhi edu kudai? Zvino kana Ari Munhu anoda vakadzi ko neyi asingatori barika? "Don't worry boy tichamuwana " "Thanks broe" Mhukahuru Ndakapepuka ndakarara pamubhedha wa doctor "Mhukahuru ndakakuudza kuti imbomura zvekunyanya kufunga" "Zvinhu zvandiri kufunga handikwanisi kuzvi controller " "Unofanirwa kuzama nekuti ukaramba uchidai bp inokwira" "Ndichaita sekudaro doctor ndave right manje".. "Yes Mhukahuru and make sure mishonga unoinwa zvakanaka " "Handisati ndakamboita mistake chete zvinhu zvaitika nhasi ndanga ndisingazvitarisiri asi manje ndinokuvimbisa handipamhi zve kuzvipa stress " "Ufambe mushe Mhukahuru " Ndakanopinda mumota, nyaya yaitika nhasi kumba haibvi mupfungwa dzangu. Lagaman akutodanana nemwana uya. Ohh vadzimuwee zvino ndichaita sei? And nenzira Laga yaanga achiita nayo anga achiratidza kuti anoziva kuti ndinomuda mwana uya, kuti musikana uya akamuudza Lagaman? Aizve kana akamuudza anenge achitopenga zve. Ndakasvika kumba ndikananga mu room medu. VaƱhu vose vaiva vatova muma room avo. Ndakapinda mumba ndikawana Mamlilo achirongedza mbatya. "Baba madzoka? Manga maenda kupi?" "Pane zvinhu zvandandaenda kunogadzira ku building" "Okay baba mafamba sei?". "Aewa zvinhu zvose zviri mugwara" "Okay baba ahh nhasi Lagaman andipa mufaro shuwa mwana uya anoratidza kuti ari calm" "Arggg mwana uya anoshanda kwa Mhukahuru industry hazviiti kuti lagaman adanane naye" "Haa baba zvadii Manje?" "Vamwe vashandi pavachazviona vachaita sei? Naivowo vachafunga kuti ndozvofanirwa kuitika vagodanana vega " "Hazvina basa izvo baba, plus Laga haashandiko asi chero dai aishandako ini ndanga ndichavapa makomborero. Rudo baba kana rwasvika kwauri haungakwanisi kuru controller ". "Exactly " Eish ndakuti kudii Manje . "Exactly yeyi baba?" "Mwana uya ari right for Lagaman. Ane respect ari calm, ndizvo chaizvo zvandaida pamukomana wangu" Ndakadaro ndichitendeuka ndichinopinda mu shower Tanisha I'm so happy guys family yekwana Laga yandifarira, zvinofadza izvi chero hazvo pane asingafariri rudo rwedu asi ndinovimba kuti achazvigamuchira. Laga akandisiya kumba. Ndakaburuka mumota ndichipinda mukati. Ndakawana Mamoe achiona Tv. Paakandiona akasimuka "Hey cuz wafamba sei? Vakufarira here kwana Laga?" More than that" ndakadaro ndichimuudza zvaiva zvaitika zvese na Mhukahuru kuti haana kuratidza mufaro nazvo. Mamoe akaseka takatandara ndichibva ndaenda mu room mangu, pandakangopinda foni yangu yakarira aiva Laga takataura hedu nyaya dzema love, akaedza kundi convinca kuti ndisiye basa hanzi Mhukahuru ari dangerous blah blah but no basa ndorandisingssiyi zve kusvika ndawana zvandiri kuda Kuna Mhukahuru. Takazoonekana ndichibva ndarara ****** Makuseni ndakamuka ndichigeza ndichinodya breakfast. Ndakaita zvose zvandaifanirwa kuita ndichibva ndabuda ndakuenda kubasa. Laga aiva atondimirira. Takamhorosana achimutsa mota tichienda. Munzira taitaura hedu nyaya dzakangodaro daro. Takasvika kubasa,nhasi haana kumira kwaanosimbomira akamira pagedhi chaipo, hanti family yake yakuziva nezvedu so no need yekuhwanda. "Ushande mushe I love you okay" Ndakaseka "Kubva tichibva kumba uchingondiudza kuti unondida nazvino ayy ayy" Naiyevo akaseka "Siyana neni ndiite zvinhu zvandinoda pamusikana wangu," "Okay sir. I love you more" ndakadaro tichikisana ndichibuda mumota ndichipinda mukati. Ndakasangana na Letty akandihaga "Gulez vangu uri sei?" Ndakabvuma ndichiseka tichibva taonekana ndichienda ku office kwangu. Pandakangogara pasi ndakanzwa knock pa door ndakati apinde. Ndakavhunduka pandakaona baba va Laga. Uhhm dhara rinondishurira iri haa "Chirandu" "Mamuka sei baba?" Pandakati baba vakandivhurira ziso raiva na Satan mukati Asi ndi baba zvagara hanti ndikudanana nemwana wavo here? "Saka wafunga kudanana nemwana wangu?" "Ahhhm sorry baba Ini ndaisaziva kuti Laga mwana wenyu asi chero dai ndaiziva ndaimubvuma as long ndichimuda" "Zveshuwa unomuda?" "Ehe ndinomuda baba" "Unoziva everything pamusoro pake here?" "Ehe everything baba. Ahhm ndanga ndichifunga kuti mauya pano nebasa asi zvamave kutaura hazvienderani nebasa. Ndinokumbirawo kushanda" Mhukahuru vakadzungudza musoro vachibuda. Argh ko vachandisiya rinhiko baba ava? Kiara Eish handizivi kuti ndatadza sei kutiza ini ndanga ndakaronga tsoro dzangu mushe. Thank God handina kuuraiwa asi Manje chinhu chandiri worried nacho ndikuendeswa kupi? "Asi newevo Kiki wanga usingafanirwi kuita zvawaita" "Handidi kugara pano ini ndikuda kudzokera kumba" ndakadaro ndichichema "Tose hatidi shaar" "Imwi hamudi nekuti hapana zvamuri kumbozama" "Hona Manje kuzama kwako kwakupinza pai?" "Ndinoda kuenda kumba Ini" Zvichakadaro boss akapinda "Don't worry zvagara wakubva pano" Ndakavhura maziso "Simuka tiende " "Tikuenda kupi?" "Ndati simuka tiende!!!" Ndakasimuka tichibuda door. Ndakatarisa vasikana vandanga ndichigara navo, naivowo vakanditarisa nemaziso ane misodzi. Ndakuzvishora ndandichimboitei. Now ndakusiya vanhu vandanga ndajaira. Mota yakamutswa tichifamba mufambo wakareba kusvika yanomira pane imwe building. Takabuda tichipinda mukati. Ndakavhunduka pandakaona vasikana vaiva vakapfeka ma p**t nema braa chete vachitamba mberi kwevarume vaiva vakagara vachinwa doro. Shit kwandanga ndiri kwanga kuri nani shame. Misodzi yakayerera pandiri Lagaman Ndaiva ndakagara mu office mangu ndichifunga nyaya yemusikana wa Tinashe. Ko akamboenda kupiko musikana uyu. Ndakatora foni yangu ndichifonera Tinashe "Sure" Ndekupi kumba kwana Kikie?" "Imomuno mu Harare " "Okay svika kubasa kwangu hatina imwe nzira yatingaita kunze kwekuenda kumba kwavo" "Sure ndatova munzira" Ndakakata foni yangu. Pandanga ndichitaura na Tinashe foni yangu yarira kusvika ya cutter ndi Tanie anga achifona. Ndakamufonera back "Musikana wauri kutaura naye ipapo let's hope anogona fight " Ndakaseka. Zvinofadza izvi kuva nemusikana anokuitira godo "Okay ndichamuudza " "Ndiri serious ka ini handiti iwe ukufunga kuti ndikutamba" "Okay ndichamuudza Tinashe kuti agadzirire fight" Akaseka "Gosh wanga uchitaura na Tinashe?" "Yes ndiye wandanga ndichitaura naye "Ini ndafunga kuti pamwe ukutaura nehure rako" "Hure rangu iri ndikutaura naro pafoni" Takaseka tichitaura hedu dzimwe nyaya. Tapedza takaonekana. Eish mwana ndinomuda uyu. Handifungi kuti ndingakwanisa kufema kana pakaitika something pakati pedu. After some minutes Tinashe akasvika. Hatina kupedza nguva takapinda mumota takananga kumba kwe musikana wake. "Zvino zvaunoziva kumba kwavo wakadii kunomubvunza ikoko?" "Unofunga kuti handina kuenda here? Ndakaendako vakandiudza kuti naivowo havamuzivi ndakabva ndatoramwa ndichifunga kuti haadi kutaura neni vari kumuviga" Ndakadzungudza musoro . Minutes later takasvika kumba kwavo tikapinda mukati sezvo gedhi raiva rakavhurwa. Ndakagogodza pa door pakabuda vamwe sisi vaiva vati kurei I'm sure ndi sisi vake "Makadii?" Ndakadaro "Ndingakubatsirai nei?" "Zita rangu ndinoitwa Lagaman ndiri kufamba ne munin'ina wangu anonzi Tinashe". "Yes ndingakubatsirai nei?" "Tokumbirawo kuona Kiara?" Tinashe akadaro "Kiara? Why?" "Kiara musikana wangu akangonyangarika from nowhere asina zvaambondiudza ndakambosvika pano ndikawana Pana Mbuya vakati havazivi kwaari" "Vaitaura chokwadi mbuya Kikie hatizivi kwaari zviri pachena kuti akashara mukomana over us" "Neyi muchiti akashara mukomana over imwi? Makamboenda kuno mhan'ara kumapurisa here?" Ndakabvunza "Ku mhan'ara why nekuti Kiara akatifonera achiti tisamutsvaga iye Ari right kwaari. Uye taitonzwa izwi remukomana paaiveri. Kikie Kubva zvakashaya vabereki vedu aiva akuita madiro pamusha pano" Ndakaona misodzi mumaziso a Tinashe. "Chero kuchinzi murume anomuda Kikie asi handifungi kuti angasiya family yake achienda kumurume ini aigara achindiudza nezvenyu kuti zvese zvaari kuita Ari kuitira family yake" Tinashe akadaro "Yah ichokwadi ini hangu handimuzivi asi matauriro Ari kuita Tinashe zvinhu zvaakataura pafoni handifungi kuti I chokwadi ini" ndakadaro "Shuwa here?" Ndakaona misodzi yajenga kumeso kwake "Yah asi musanetseka tichamuwana Kikie" "Saka nguva yose iyi ndairega munin'ina wangu munjodzi?" "Don't worry tichamuwana hauna here number yake?" Ndakabvunza "Aewa ndakachinja number kakawanda" "Okay thanks usare mushe" Takaoneka tichibva taenda. Ko Ari kupiko Kikie. Kuti Mhukahuru na Davula vane chekuita nezve human trafficking? Davula anogara achiti Ari kuenda kubasa anenge achishanda kupi? Handisati ndamboteverera basa rake asi this time ndichazviita. Ma chance ekuti vakuita human trafficking akawanda "Broe ukufungei?" "Nyaya ya Kikie handizivi kuti totangira papi kumutsvaga chero tikada kumutsvaga" "Neniwo eish musoro ukuita kupisa chaiko" "Hande timbono chiller tione kuti tingaita sei?" Ndakamutsa mota ndichimutarisa "What?" "Chii chikuitika pakati Pako na Mamoe" "Pakati pangu na Mamoe?" "Yes wandinzwa Tinashe" "Hapana" "Hezvo Tinashe" "Ndaifadza nyama. Aindibatsira neniwo ndichimubatsira" "Kubatsirana kwenyu maishandisa protection here?" "Hayi broe takazvirega kare isu" "Makazvirega or wakazvirega?" "Takazvirega" "Okay, handina zvandataura mwana wa Mai it will end in tears" Tinashe akanditarisa achiseka Tanisha Suu nhasi ndakaneta Kani. Basa ranga rakandiwandira Kani. Thank God ndapedza ose ma files. Chinhu chandinongoda kusvika ndichiita kumba kugeza ndisati ndaita chinhu. Ndaisaziva Kuti kushanda kunorwadza haa. Ndakasvika kumba ndikawana Mamoe asiko ku sitting room. Hamenho Kuti Ari kupi nekuti haana kuenda kubasa. Hanti naiyevo akushanda chero hake asati ambopihwa case achiri ku trainer. Ndakasvika mu room make ndikamuwana akarara. Yoo mazuva anorara shame. Kungopinda Mumba kwakutorara "Mamoe" Apo aiva akafa nehope. Ndakaswedera paari ndichimumutsa what if akurwara? "Mamoe" Akamuka achinditarisa apa muviri wese waiva wakangoneta. Waingomuona nekuremberedza maziso "Hey wadzoka?" "Ko nei mazuva ano kurara kudai?" "Ndakaneta eish. Now I see basa iri rinondivenga kubva zvandakatanga kushanda ndakugara ndakaneta" "Asi nhasi hauna kuenda kubasa ka? Pamwe une nhumbu" ndakadaro ndichiseka. Akavhura maziso "Buda mu room mangu haa wapindwa nei?" Ndakaseka ndichienda mu room mangu ndichinanga ku shower Narrated Kiara kubva zvaavharirwa mune rimwe room haasati audzwa Kuti anofanirwa kuita sei. Achema husiku hwese asi kuchema hakuna zvakuchamubatsira nazvo nekuti anofanirwa kushanda. Zvichakadaro Davula akapinda nembatya dzekupfeka "Pfeka" "Hauna hanzvadzi here iwe kumba kwenyu?" "Mubvunzo wauri kundibvunza matuzv*" "Imagine hazvadzi Yako ichiitwa zvauri kundiita unganzwa sei? Unofunga Kuti kumba kwedu havanditsvagi here?" Davula haana kana kumbomuteerera "Uchapfeka here or unoda Kuramba uchindimamira?" Okay hapana zvaangaita Kiara , akasimuka achipfeka mbatya dzaisiya muviri wese panze . Zvose izvi aizviita achibatsirwa nemisodzi yaiyerera ***** Mamlilo vaiva vachangopedza kugeza vachizora mafuta uku vachiimbirira. Mhukahuru vakapinda vachipupuma furo nehasha. "Mhukahuru chiiko?" "Manje fonera Lagaman umuudze Kuti asiyane nemwana uya?" "Hayi baba nekuda kweyi? Vanodanana vana kwete zvekufungidzira" "Akaramba achidanana nemwana uya zvinhu zvangu zvichakanganisika" "Hayi ngatizvirege zvikanganisike baba" Mhukahuru vakatarisa mamlilo vachashamisika "Wati kudii?!!!" "Nhasi ndichashara vana vangu over basa rako mhukahuru. Laga anomuda Tanisha, Tanisha naiyevo anomuda Lagaman. Kana rudo rwavo ruchikanganisa basa rako handina basa nazvo Ini!! Ndaneta Mhukahuru!! Aewa ndanet--" mamlilo haana kupedza kutaura akapihwa mucheka wempama achidonhera pasi. Mhukahuru vakanokiya door vachitora chamboko pasi pemubhedha "Mhukahuru please usaita izvozvo please" mamlilo akadaro achichema asi mhukahuru haana kumbomuteerera semunhu aiva nebundu muhuro hasha dzose akudzipedzera pamukadzi wake Akatanga kumurova muviri wese apa aimurambidza kuchema achidanidzira "Ndiuraye Mhukahuru handingambokanganisi mufaro wemwana wangu Ini" mamlilo vaitaura vachichema uku chamboko chichiita madiro pavari End of chapter