Chapter 22 Mamlilo Ndakapepuka makuseni family yangu iri pa ward. Maziso angu akagara Pana Laga. Misodzi yakajenga. "Mhamha" bothy akadaro achindihaga na Tanie "Ndafara Kuti wamuka" Mhukahuru akadaro achinyemwerera Ndakangomutarisa. Zveshuwa Mhukahuru anga achida kundiuraya here? Handifungi kudaro ini. Asi nezvinhu zvaakambondiita haangatadzi kuzviita. Vana vakafara Kuti ndamuka vakandiudza how they are worried nekupfurwa kwangu. Shame vana vangu vanondida kwete zvekufungidzira. Zvichakadaro Dr akapinda achifamba na Tinaye na Leeway. "Ndinokumbira kuti mubude ndinoda kutarisa murwere" Dr akadaro. Vanhu vose vakabuda asi Tinaye akabata Laga ruoko kuti asabuda. Ndakamutarisa ndichishamisika. Tinaye asambondedza hake nekuudza Lagaman chokwadi "Mukomana anga ari worried newe" Tinaye akadaro Ndakaedza kunyemwerera kuti Laga asafungira chinhu. "Ndiye adonata neropa rake" akadaro zve Tinaye. "Ndinoziva kuti Bothy ndiye anga ari worried neni kudarika vamwe vese, ndinotenda mwanangu" ndakadaro tichihagana zve "Ndi Khanye chaiye" Tinaye akadaro. Ndakarohwa nehana ndichitarisa Pasi "Mhukahuru kwete Khanye" Laga akadaro "Sorry ndanga ndichida kuti Kh-- i mean Mhukahuru" Apo ndaiva ndakuitwa kurohwa nehana shame Lagaman Mhamha vakuzogara kuno havachadzokeri kumba Kwa Mhukahuru. Better Mhukahuru auye kuzomuuraira pamusha Pavo kwete pake Mhukahuru pakazara ropa revanhu vakasiyana. "Mhamha hamudzokeri Kwa Mhukahuru" "Hayi mwanangu kwete manje" "Kwete manje weyi mhamha. Hatizivi kuti ndiani aita izvi? What if anodzoka kuzokupedzisai" "Ichokwadi mhamha imi musadzokera pamusha paya hapasi safe" Tanie akadaro "Okay ndichaita zvamumoda" mhamha vakadaro tichiringedza zvinhu tichienda kumba. Patakasvika vana vavo vakavamirira. Vakafara zvakanyanya vachiona Mai vavo Ndakazovaudza kana vachida Mai vavo vachaenda kunogara navo ku new house Kwa Mhukahuru havachadzokeri" "What?" Mhukahuru vakadaro vachipinda "Ndati mhamha havachagari pano" "Hazvingamboitiki izvo" Mhukahuru vakadaro "Mhamha endai munorongedza mbatya dzenyu" Mhamha vakaenda, Mhukahuru vakavatevera. After some minutes mhamha vakauya vasina chavakabata "Mhamha hembe dzenyu dziri kupi?" "Bothy" "Not today" ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room mavo. Chero ndisina kutora dzose mbatya asi dzandatora dziri right. Ndakapa Tinashe bag Kuti ariendese kumota, ndichibva ndadhonza mhamha" "Laga please" "Not today mhamha handiti maona kuti tasara padiki kukuvigai. Hatingasari tisina mhamha isu nekuda kwezvinhu zvemaune" "Mhukahuru an--" "Handidi kuteerera zvinhu zvamuchataura mhamha, Mhukahuru ngaaite zvaanoda kuita pandiri I don't care imwi handikusiyiyi" Takapinda mumota ndichimutsa mota takananga kumba kwavo. Imba iyi kuti ivepo ndakaishandira ndichiitira Ivo mhamha. Takasvika kumba kwavo ndikavaendesa mu room mavo vanofanirwa kuzorora. Mhamha vakamboda kuti hee vana vangu what. Kwa Mhukahuru ndokwavasingadzokeri chero vakataura sei. MAMOE Mhamha handizivi kuti neyi vari pano. Havangambo ndifananidzi na Tanie, hatingafi takaita zvinhu zvakafanana, chero dai kuchinzi tiri ma twins asi hataiita zvinhu zvakafanana "Mhamha ko neyi muchidaro?" "Unofanirwa kuudza mukomana akakunhumburisa kuti ngaaite zvinhu zvaanofanirwa kuita" "Mhamha Tinashe anoziva zvaanofanirwa kuita. Saka handingamutevereri ini kana achida kunobisa damage achabisa asi kana asingadi acharega" "Asi wakamborara naye sei mukomana akadai nhai Mamoe. Kumba kwavo imbinga asi anotadza kubisa damage" Handina kuvapindura mhamha nekuti neniwo handizivi kuti Tinashe asingadi kunobisa. Yes akandiwana ndisisiri mhandara asi anofanirwa kubisa something "Tikuenda Kwa doctor now" "Kunoitei Kwa Doctor " "Kunobisa nhumbu iyi, haungaiti mwana asina baba" "Wangu mwana anaye baba Tinashe Zhou Saka handingaurayi mwana wangu ini" "Mamoe usazvinyebera mukomana uyu haaana basa newe" "Ayy mhamha ndanehope ini" ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room mangu Ndakasvika ndichitora foni yangu ndichifonera Tinashe asi foni yakadairwa nemukadzi "Hello Tinashe haapo ari mu bathroom" Moyo wangu wakarwadza, ndakakata foni ndichizvikandira pa bed Ndaimboitei neniwo kurara nemunhu asingandidi? Iye Ari busy nemusikana wake, kuno mhamha vari busy neni. Tinashe kana asingadi kubisa damage hapana zvandingaita ini. Ndakafonera baba ndichifunga pamwe vandiregerera vachadaira ma calls angu asi ndaizvinyebera, Havana kudaira Lagaman Ndaiva ndakazvigarira mu sitting room mumba ma mhamha foni yangu yakarira Ari Nkosi. Uyuvo andibhowa uyu, dai andisiya ndamuuraya Mhukahuru. "Ukudei Nkosi?" "Hayi hayi boy" "Hayi boy yeyi? Unovaziva baba vako kuti mhunhu akaita sei wanga uchifanirwa kundisiya ndavauraya" "Iwe wanga uchida kuuraya Mhukahuru mberi Kwa Letty na Lionah Havana zvavanoziva avo chero ukaedza kuvatsanangurira havanganzwisisi" "Handina basa nazvo ini. Mhukahuru dai kutaura kuno afa. Kuti Ani achandivenga nekuti ndakauraya baba vake handina basa nazvo ini as long ndichi protector mhamha" "Ndiri kukunzwa" "Usapamha zve kundibata kana ndichiita zvinhu zvangu" "Ruregerero mushavi" "Mhukahuru anofanirwa kufa tizorore" "Ndanga ndichida kunzwa Kuti uri sei. Vari sei mhamha?" "Vari right vari kupora " "Okay that's good ndikawana time ndichauya kuzovaona" "Ndichanzwa newe" Nkosi akakata foni yake. Tanie akabudikira. Ndakasimuka nekukurumidza ndichienda kwaari "Butterfly " Haana kundipindura "Babe I'm sorry unondirwadzisa kana wakadai" "Saka wakuda ku blamer ini pazvinhu zvose?" "Aewa babe, ndokumbira undiregerere sorry nezvinhu zvandaita" "Ndanga ndisingafungiri kuti Laga ungandiita zvinhu zvakadaro" "Chero neniwo ndanga ndisingafungiri kuti ndingaita zvinhu zvakadaro I'm sorry butterfly" "Ukangopamha Laga ndinokusiya ini" ndakanyemwerera "Aewa handipamhi mamas I love you" Ndakadaro ndichiswedera paari ndichimukisa "Ndikuda kugadzirira mhamha chikafu" Ndakamuregedza achibva aenda, ini ndakagara pasi asi taitaura iye Ari ku kitchen *Butterfly waguma rinhi kutaura na Mamoe" "Nezuro why?" "Aewa ndiri kungofunga hangu kuti ari sei? Nekuti Tinashe wacho haambotauri nekuripa mwana wake" "Tinashe munhu Ari mupfungwa dzake manje musikana wake Kikie, Mamoe haana basa naye, sad part mwana vakamuita vose asi Mamoe ndiye aku safa ega iye akurarama life yake" "Hayi butterfly acharipa" "Rinhi? Unoziva zvinorwadza kuona munin'ina wangu achichema siku nesikati . Ko neyi Tinashe asingaripi mwana wake ozoita zvinhu zvake. Kutaura kuno bamnini havamutaudzi nekuda kwake asi iye ari happy nemusikana wake" "Ndichataura naye" "Tinashe akura uyo haungamumanikidzi kuti aite zvinhu zvaasingadi. Iye kana asingadi musiye aite zvinhu zvinomufadza" "Haa babe Kubva wataura mashoko akakora kudai" ndakadaro ndichitora foni ndichifonera Tinashe "Broe" "Tinashe wakaguma rinhi kutaura na Mamoe" "Kuswera zuro ndichimuendesera chikafu" "Uri kunoripa rinhi mhosva dzako?". "Ko ndofanirwa kuenda manje" "Hezvo unopenga here Tinashe. Hanti wakuzivikanwa kuti wakanhumburisa mwana wevanhu yes unofanirwa kunoripa manje" "Ndiudze broe ndiende rinhi" "Ayy tsek maan unoda kuudzwa neni ndaivapo here muchinhumburisana. Ndini ndakati munhumburisane here?" "Aewa asi nd--" "Hayi maan Tinashe kura usiye ma game auri kuita" ndakadaro ndichikata foni "Mupfana pfungwa dzake dzinodhonza dzichirega" "Ndakuudza kuti musiye Tinashe Mamoe achaona yekutamba" "Hayi anopenga Tinashe rega ndinotaura naye" "Hauendiko Laga" "Butterfly " "Ndati no!!" "Fine" Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Mhukahuru. Akudei manje kwandiri uyu. Ndakadaira "Mhukahuru " "Ndikuda kutaura newe" "Ndakateerera" "Man to man" "Handina nguva yekutaura newe ini" "Trust me unofanirwa kuziva" "Fine send location ndiuye " "Wakutaura manje" Ndakakata foni yangu ndichienda mu room mangu. Mhamha handivaudzi kuti ndikuenda Kuna Mhukahuru vangazondirambidza. Ndakadzokera ku kitchen ndikakisa Tana padama "Ndodzoka kune kwandiri kuenda " "Okay ufambe mushe" Ndakapinda mumota. Mhukahuru akasenda location yekwatofanirwa kusangana. Ndakamutsa mota ndichiendako ndakamuwana atosvika aewa Ari serious Mhukahuru nenyaya yake. Ndakabuda mumota ndichienda kwaari "Chii chauri kuda kwandiri Mhukahuru?" "Ndikuda mukadzi wangu" "Izvo never mhamha havadzokeri kumba kwako" "Vachadzoka" "Never" Mhukahuru vakabudisa ma pictures. Ndakavhunduka pandakaona baba vandakauraya ndichiri mudiki "Saka ungada kundityisa nezvinhu zvawakandiitisa ndichiri mudiki "Mhukahuru vakabudisa mamwe ma pictures ndakavhunduka pandakaona rimwe pic raiva na Tanie na baba ava pazasi pakanyorwa kuti father and daughter. WTF. "Uri kuona mpfana. Ndiye munhu wawakauraya uyu. Wakauraya baba vemukadzi wako". Misodzi yakajenga pandiri "Tanie anoziva zvose Kuti ndiwe waindiitisa zvinhu zvose izvo " Kwaingovawo kutaura Tanisha akaziva handipabudi "Unofunga Kuti achaita basa nazvo here. Zvinhu zvichapinda mumusoro make ndezvekuti iwe wakauraya baba vake " "Mhukahuru " "Ndinoda mukadzi wangu" "Mhamha hauvawani" "Unoda mukadzi wako azive everything?" "No Tanie haafanirwi kuziva nyaya iyi asi mhamha hauvawani. Vakakupa mukana wakawanda asi iwe wakatora advantage. " "Ndichamuwana here mukadzi wangu " "Mhukahuru unokanganwa here Kuti ndinei zvako?" "Handina basa nazvo ini" "Neniwo handina basa nazvo.mai vangu hauvawani " Ndakadaro ndichida kuenda asi Mhukahuru akandibata ruoko "Saka wakuda kuparadzana nemukadzi wako musati mava nemwedzi machata" "Izvo handizivi hangu asi mhamha hauvawani " Ndakadaro ndichienda kumota Misodzi yaiva yazara kumeso kwangu. Ndakachaira ndichienda kwandisingazivi. Handifungi kuti Tanie achandiregerera akaziva kuti ndini ndakamutorera baba vake. Ko mbuya vachaita sei pavachaziva kuti murume wemuzukuru wavo ndiye akauraya mwana wavo Ndakasvika pane imwe nzvimbo ndikaburuka mumota ndichigara pane rimwe dombo. Ndichiyeva shiri dzaibhururuka dzichiratidza mufaro. Dzaiita sekunge dziri kukaurisa ini ndiri mumarwadzo. Zvichakadaro ndakanzwa munhu aindibata mafudzi. Pandakatendeuka vaiva baba vemaziso vataona kuchipatara Mr Khanye "Unenge uri mumarwadzo?" Ndakanyebera kunyemwerera "Neyi madaro?" "Munhu ane stress anoonekwa kunyanya rudzi rwako harundirasikiri" "Saka imwi zvamuri down nemiwo mune stress?" "Tingadaro asi ini yangu haisi nyaya hombe hayo ndinoigadzirisa within a minute" "Ohh" "Pandakatanga kukuona waiva ne stress ya mhamha manje tasangana zve waneimwe stress" "Yah ndo life tingaita sei. Uchipedza kugadzira mamwe ma problems kunotanga amwe" "Handizi kuti problem Yako yakakura sei asi ndinokuvimba ini you're strong ucharwa kusvika wakunda Ndakanyemwerera ndakavatarisa "Kunze Kwa mhamha ndinotanga kunzwa munhu achindiudza kuti ndiri strong. Ndiye ega munhu anondipedza stress. Baba vangu vanondizvara vanongondiudza kuti ndiri strong kana vachida kundiitisa mabasa avo akasviba" "Unoziva kuti uri strong sei" "Yah asi dzimwe nguva ndombozviona se failure " "Aewa hausi , Saka vari sei mhamha?" Ndakavatarisa ndichinyemwerera "Ndinotanga kuona Munhu ane care na mhamha" Vakaseka "Hanti murume wake aripo here anofanirwa kuva ne care" Wee upi murume? Dai achiziva. Asi handingambotauri nyaya dzekumba kwedu ne stranger "Vari kupora" "Ohh that's good" Ndakavatarisa "Manga muchivaziva before?" "Yes ndakavaziva iwe usati wazvarwa" "Inga Wani kuchipatara Makati hamuvazivi " "Eish ndaiva ndavhundutswa ne situation yavo asi Ivo ndinovaziva" "Ohh I see . Ndinotenda nekutaura nemwi. Kubva zvandataura nemwi ndakunzwa kunge mutoro wabva pandiri" "Ohh that's good dai wabva zvamuchose usadzoka zve" "Eyy taurai henyu. Zuva rakunovira regai ndiende ini " "Ohh okay ufambe mushe. Ndanga ndichati umhorose mhamha zvino ndingazokonzeresa Kuna baba vako" Ndakaseka "Aewa ndichavaudza mhamha" Ndakadaro ndichienda kumota ndichiimutsa ndichienda kumba Kubva zvandataura na Mr khanye I don't know asi ndikunzwa sekunge mutoro wangu wabva. Ndanga ndichinzwa kunge ndikutaura na baba vangu vanondizvara maybe zvokonzerwa nekuti handina kumboita bond na baba vanondizvara. Havana kumbondipa nzvimbo yavo as baba vangu. Ndakachaira ndichinyemwerera ndega. Ndakuona manje baba pavakati mhamha havavazive pane zvavari kuvanza chete. Pamwe mhamha vakambovanzvengeza bhora ne offside. But kana vakazviita neyi havo mhamha vasina kuroorwa naye murume uya nekuti unomuona Kuti ane rudo. Ndakasvika kumba ndikananga mu room mamhamha ndakavawana vakarara asi nhasi ndichivamutsa. "My boy" mhamha vakadaro vachimuka vachigara "Bothy chii manje, Uri kubvepi?" "Mushure mekuona Mhukahuru ndaenda ndikafurwa nemhepo." Mhamha vakavhunduka "Wanga waenda Kuna Mhukahuru? Wanga waenda kunodii?" "Ndiye anga andidana" "Anga achikudanirei?" Ndakatadza kupindura, misodzi yakatanga kuyerera pandiri End of chapter