Chapter40 ( final session) . Mamoe I don't believe this, zveshuwa Tinashe aitira ini izvi? Ndakamutenda kakawanda ukuvo vanhu vaingondiitira ma congrats "Pinda ka mukati umboinzwa, guys thank you so much nekuva pano chiendai henyu" Tinashe akadaro vanhu vakaseka "Unotojairira iwe" Laga akadaro "Enjoy guys" Tanie akadaro achinyemwerera Takapinda mukati na Tinashe akandiudza kuti tiri kuenda kupi. Ndakaimutsa ndichichaira tichienda kwaaiva andiudza. Ndakavhura maziso ndichimutarisa nekuti nzvimbo yataiva yaiva hotera rinodhura shame risingapindwi nesu ana Mamoe takakurira kumarizevha "Tinashe" "Ngatipinde mukati" Takapinda tichiteverana. Mukati maiva makashomgedzwa, pamadziro paiva pakanzi HAPPY BIRTHDAY MAMOYO ndakanyemwerera ndichimutarisa. Akandipa card raiva ne message yakanzi. I'm so sorry nezvinhu zvandakakuita mumazuva adarika Ndakanyemwerera ndichimutarisa "Thank you so much nekundizvatira mwanakomana" "Neyi uchindiitira zvese izvi?" "Nekuti uri Mai vemwana wangu " "Chete chete here?" "Yes asi pane zvimwe?" "Aewa ndikungobvunzawo hangu" "Saka wakatondi divorcer zveshuwa?" "Yes hanti takasayina ma paper " "Ukawaendesa ku court?" "Yes neyi uchibvunza izvozvo?" "Haa ndikungobvunzawo hangu " Tinashe akadaro achinyemwerera achiswedera pandiri "Can I tell you something " "Yes you can" "I think I'm in love with you" Ndakamutarisa ndichishamisika "Handizivi kuti chii chikuitika asi kana ndinewe ndine ma feelings for iwe Mamoe. Ndinoziva kuti takadarika munezvakawanda ndikakunyadzisa chero kumba kwenyu I'm so sorry mamoyo " "Ndakadarika ini pane izvo" ",Ndakaguma uchindiudza kuti unondida, uchiri kundida here?" Ndakaseka "Ukusekei manje?" "Ndikuseka iwe nezvinhu zvauri kubvunza" Haana kundipindura asi akandidhonzera paari "Let's get married " Ndakavhura maziso "Why?" "Paya family yedu yaiva isipo manje ndokumbira kuti ivepo" "Taka divorcer ini newe" "Unoziva kuti hachisi chokwadi icho, ini newe hatina kumbo divorcer we still married" Tinashe akadaro achibudisa ring muhomwe make achigwadama mberi kwangu, ndakavhura maziso "Irene Dube will you marry me?" Ndakapererwa kuti ndoti kudii" "Please marry me Mamoyo I promise handipamhi zve kuita zvandanga ndichiita kumashure. Ndichatamba yako ngoma kusvika kumagumo" Misodzi yakayerera pandiri "Yes yes I will Mary you" He smile achisimuka achindihaga "Thank you so much Mamoyo " Tinashe akadaro achitanga kundikisa neniwo ndakamubvumira tichitanga kukisana Akandisimudza achindiradzika pa bed achindikisa muhuro. Ndakanzwa muviri wese uchioma kuti gwa. Jesus zvinhu zvandikuita zviri right here? What if Tinashe achizoita zvinhu zvaakaita pekutanga? Takakisana kusvika takururana mbatya tikasara tiri musvo. Akandiita zvinhu zvose zvinomhanyisa muviri kusvika tatamba mutambo wevakuru "Thank you so much" Tinashe akadaro achinyemwerera "Thank you too, ndokumbira usapamha zve kuita zve zvawakaita kwandiri" "I promise handipamhi" Tinashe akadaro achindikisa pahuma Mamlilo Ndakamuka makuseni ndichigadzirira kuenda kubasa. Ndapedza ndakapinda mumota ndichienda. Nzira yose iyi ndaitaura na Tinashe na Mamoe ne video call. I'm so happy nezvinhu zvandiri kuona shame. Takataura kwenguva ndichibva ndafonera Bothy "Mhamha " Bothy akadaro "Ndoda kuona Tanie apo" Tanie akabudikira achindimhorosa. Takataura kusvika ndasvika ku office kwangu tichibva taonekana, ndichibva ndaburuka mumota. Pandaida kupinda mu office mangu ndakaona Mhukahuru. Ndakavhunduka zvakanyanya ndichirohwa nehana "Mukadzi wangu " "Uri kudei kwandiri Mhukahuru?" "Hande tinotaurira kumota" "Handidi Mhukahuru siyana neni" Mhukahuru akaburitsa pfuti "Ndati kumota!!!" Ndakavhunduka Mhukahuru akandidhonza achienda neni kumota naiyevo achipinda mumota achiimutsa akananga kwandisingazivi. Ndakachema ndichikumbira andisiye asi haana kana kumbondipindura Akasvika acchimisa mota pane imwe imba yaiva yakafurirwa nehuswa achindipinza mukati. Ndakachema ndichikumbira ruregerero ,"Nhasi ndinokuurayayi nemwanakomana wako" "Please Mhukahuru better uuraye ini ndega please kwete mwana wangu" "Iwe nemwana wangu makauraya life yangu hunza number dzake!!!* "Please Mhukahuru " Akandirova nechibhakera ndichidonhera pasi "Please Mhukahuru " "Akanditorera foni achitora number dzaaida Tinashe Ndaingonyemwerera nzira yose iyi, ko hanti Mamoe azondiudza kuti ma paper haana kuaendesa ku court. Ndakanomusiya kumba kwake ndichibva ndaenda kumba kwangu. Apo Mufaro waiva wakazara kumeso kwangu.. ndakasvika kumba ndikawana Kikie akagara pasofa. Paakandiona akasimuka achiuya kwandiri apo aichema "Hey Kikie ukuchemei?" "Uri kubvepi Tinashe?" "Kuna Mamoe?" "What?" Kiara akadaro achishamisika "Ndati ndikubva kuna Mamoe" "But why Tinashe? Neyi watengera Mamoe mota inodhura kudaro. Ikutrenda social media yese. Why wamutengera mota Tinashe!!!" "Ndi Mai vemwana wangu agoita mukadzi wangu wekutanga Saka ndofanirwa kumutengera mota" "Why mota? Ini wanditengera wachi ne birthday yangu asi iye wamuendesa kuhotera rinodhura kudarika rawandiendesa why Tinashe?" "Inga Wani iwe ndakakutengera imba? Saka ukurwadziwa neyi ipapa kana ndatengera Mamoe mota?" "Mota iya price yacho haitombosviki chero pa half ye price yeimba iyi. Iwe wakati Mamoe haumudi Saka neyi wamutengera mota?" "Nekuti ndakumuda zvekurevesa manje" "What!!!?" "Wandinzwa" ndakadaro ndichienda mu room mangu Lagaman Tave ready kuenda manje zvichakadaro foni yangu yakarira vari mhamha. Ndakadaira "My boy" ndakavhunduka pandakanzwa izwi ra Mhukahuru "Vari kupi mhanha iwe!!?" "Mai vako vari pano neni asi vasarirwa ne 10 minutes kuto vanoona midzimu yavo" "Mhukahuru!!! Uchazvisvora iwe!!!;" "Huya ka umusevhe" Mhukahuru akadaro achikata foni. Tanie akanditarisa. Zvichakadaro foni yangu yakapinda message yaiva ne location. "Chii Laga?" "Ndi Mhukahuru na mhamha" Apa misodzi yaiva yakuyerera pandiri "Ndikuenda kuna mhamha" ndakadaro ndichimhanya ndichinopinda mumota ndichiimhanyisa 180kph . Ndakafonera Tafadzwa ndichimuudza nyaya yose, ndakamusendera ne location . Ndakasvika pa location yaiva yasendwa na Mhukahuru. Ndakavhunduka pandakaona imba ichitsva apa Mhukahuru aiva akamira panze "Mhukahuru!!!!!!" Ndakadaro ndichienda kwaari asi aitoseka hake ."vari kupi mhamha Mhukahuru!!!!" "Ari mukati save her kana uchizvigona" Ndakaita sendakupenga pandakanzwa mhamha vachichema mukati "Bothy!!! Bothy mwanangu usapinda mukati!!!!" Mhamha vakadaro vachichema zvaipisa tsitsi uku vachikosora Ndakaita sedzisimo ndichimhanya ndichipinda mukati. Imba yakabvira moto uchiwedzera "Ifai muri vaviri hahaha!!!!" Mhukahuru akadaro achiseka. Ndakaedza kubata mhamha asi ndakatsva apa imba yose yaiva yakunhuhwa Petrol Tanisha Ndakasara ndakangoti tuzu sezvo Laga abuda achimhanya. Ndakafonera Tafadzwa ndichimuudza nyaya ya Laga pamwe vachanomubatsira. Ndakamira kudaro ndakaona Mai Lenny vachipinda. Ndakasimuka ndichienda kwavari "Uri kudei pamba pangu?!!!!" "Ndakuunzira present" akadaro achindipa foni yake achivhura video . Ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona baba, Matema pamwe chete na Laga. Ndakaona Laga achitendela baba nepfuti. Ndakatsinzina pandakaona Laga achipfura baba "Lagaman" ndakadaro misodzi ichiyerera "Ndizvo zvandanga ndavinga siyana neni mwanasikana" Mai Lenny vakadaro vachibuda vachienda "Ouch!!!" Ndakadaro ndichichema ndakabata dumbu rangu "Laga nei akaita zvinhu zvakadaro kwandiri" Ndakanzwa a sharp pain pazasi pe guvhu, ndakanzwa kunge pane chinhu chiri kubuda kuzasi kwangu. Pandakatarisa zvidzva zvangu zvaiva zvatsvuka ne ropa "Lagaman!!!!" Apo ndaiva ndakurwadziwa kwete zvema funnies, ndaiva ndisisagone chero kufamba chaiko ndaiva ndakufamba nemabvi. Ndakakwanisa kusvika paiva nefonj yangu ndichibva ndaitora ndichifonera Mamoe ndichimudana kuti auye kumba kwangu manje it's urgent *My baby ndinokumbira usandisiya please " Marwadzo akawedzera maziso akaita rima ndichibva ndadonhera pasi. Lagaman Ndiri mumba na mhamha apa imba iri kubvira handizivi kuti tichabuda sei. Apo mhamha vaiva vagwadama pasi vachikosora zvairwadza "Mhamha!!!!" Ndakadaro ndichichema "Mhamha tichabuda muno please musandisiya!!!!" "Bot-- hy---" Ndakaedza kuvhura door asi raiva risingavhuriki. Ndakuda chete nzira yekuti mhamha vabude . Ini chero ndikafa no problem as long mhamha vararama. Ndakaenda kunovhura window asi hapabudiki nekuti pane ma butler. Mhamha vakadonhera pasi. Ndakamhanya ndichinovamutsa. Apa moto uri kuswedera patiri "Mhamha!!!!" "Ita nzira yekuti ubude Bothy, Tanie nemwana vakakumirira" "Handingambobudi muno ndichikusiyai mega mhamha. Handingamboiti zvakadaro tichabuda muno tose" ndakadaro ndichinoedza zve kuvhura door asi zvakakona. Mhamha neuku vakadonha Ndakaedza kurikava asi zvakaramba. Ndaka screamer uku ndi mhamha uku moto waiva watosvika patiri neniwo zvichakadaro ndakanzwa munhu aidana Zita rangu "Laga ibva pa door!!!!" Raiva izwi ra Tafadzwa. Ndakatora mhamha tichibva pa door. Door rakadonhera pasi apa taiva takutotava kana vari samhamha moto wavatanga kare. Tafadzwa na baba vakapinda "Laga!!! Mamlilo!!!" Baba vakadaro vachimhanyira mhamha vachivasimudza neniwo uku ndaiva ndakukosora. Bamnini Perfect vakapinda vachindisimudza na Tafadzwa tichibuda panze "Mhamha!!!" Ndakadaro ndichichema "Vapenyu mhamha usatya chete vavhunduka" Perfect akadaro vachindipinza mumota vachitiendesa kuchipatara Takasvika kuchipatara vakatiendesa Kuma ward. Vakandizora nemishonga vachindiisa ma bandage. Vapedza ndakaenda ku ward kuna mhamha. Ini handina kunyanya kutsva asi mhamha ndivo vatsva. Pandakabuda panze ndakawana mhuri yekwa Khanye yakamira pamabhenji ndakaenda kwavari "Vari sei mhamha?" "Don't worry doctor vati mavanga chete hapana chakanfanisika" baba vakadaro "Tiudzw chii chamboitika?" Bamnini Perfect vakabvunza "Mhukahuru ndiye aita zvese izviz" ndakadaro "Mhukahuru ndiy--- okay handidi kunzwa kuti azviitirei" Perfect akadaro "Anodherera nhai?" Baba vakadaro "Zvakanyanya asi ndichamuratidza ini kuti haasiriye anotonga panyiks ino. Anonzi Ani Zita rake?" Perfect akadaro ", Mushamiri Zhou" ndakadaro "Okay" perfect akadaro achitora foni achifona. "Ndinoda munditsvagire munhu anonzi Mushamiri Zhou zuva remangwana risavira musati mamuwana" "Sho boss don't worry zvinhu zvidiki izvo" "I trust you" Perfect akadaro achikata foni. Zvichakadaro doctor akabudikira ndakaenda kwaari "Doctor mhamha vari sei?" "Mhamha vamuka asi mavanga chete ndiwo Ari pavari asi hazvo moto wanga usati wapinda mukati" Ndakatura befu. I'm nothing without my mommy guys. "Thank you doctor tobvumirwa here kupinda mukati?" "Yes and vanga vachida Lagaman " Ndakabva ndatopinda ndichigara pedo navo misodzi ichitanga kuyerera "Chirega kuchema mwanangu ndiripo" mhamha vakadaro "Mhamha " ", Ndinotenda zvakanyanya mwanangu nekusvika kwako. Dai usina kusvika dai kutaura kuno ndatove dota" "Handifi ndakakusiyai mhamha ndinemi" ndakadaro tichihagana "Kuti tibude pamoto uya tabatsirwa nevekwa Khanye " baba vakaswedera "Are you okay?" Baba vakabvunza Ndakavatarisa vari vaviri. Ko chii chikuitika pavaviro ava? Kubva baba varwadziwa kudaro? Apa mhamha vari kungonyemwerera. Ayy hamenho asi kunonzi mvura payakamboyerera inoyerera zve "Ndiri right, ndikufara kuti hapana zvaitika pana Laga and I'm proud nekuva nemwana akafanana naye" ",Ndi Khanye ka uyu, I'm proud of you son" Perfect akadaro achipinda. Ndakanyemwerera "Mhukahuru kwaatambira hakusi achawana zvinoenzana naye" Perfect akadaro "Hanti ndizvo zvaanga achitsvaga" baba vakadaro. Eish ndofanirwa kufonera mukadzi wangu ndimuudze zvaitika nekuti ndangofona pasina zvandambotaura naye. Zvichakadaro doctor akapinda "Doctor mhamha vanobuda nhasi here?" "Aewa pane ma test atofanirwa kutanga taita" "Okay ndokumbira muvatarise mhamha nekuti hatizivi kuti mhukahuru anofungei. Anogona kuuya kuzopedzisa mhamha" "Don't worry ma security atovapo achavatarisa" baba vakadaro "Ndinotenda zvakanyanya" ndakadaro "Aewa usatenda ndofanirwa kuzviita" baba vakadaro "Tinotenda zvakanyanya handizivi kuti chii changa chichaitika dai musina kusvika" mhamha vakadaro "Hapana zvanga zvichaitika as long mutupo wekwa Khanye uri around hapana chakaipa chinoitika" perfect akadaro achinditarisa "Ndinoziva chero dai tanga tisina kuuya manga muchabuda chete" "Shuwa ndakamupihwa na mwari mukomana wangu" mhamha vakadaro tichihagana tichibva tabuda. Ndakavhunduka pandakaona Mamoe. Ari kudei pano? Ndakaenda kwaari. "Mamoe uri kudei pano?" "Ndi Tanisha" Mamoe akadaro apa maziso ake aiva akatsvuka The end Ssn 2 loading.......