Chapter 14 . Tanisha Kunyara kwandakaita makuseni pandakapepuka. Apo Laga aiva asipo pa bed. Ndakatarisa sheet randaiva ndasvibisa kuti ndiriwache asi raiva risipo. Pandaida kumuka Laga akabva apinda akabata tray yaiva ne breakfast "Morning" Laga akadaro "Hey warara sei?" "Ndarara kunge kacheche kutokanganwa kuti ndofanirwa kuenda kubasa" "Asi hausi late here?" "Aewa kuchiri early, ohh breakfast" "Thanks ndanfa ndichitarisa sheet randasvibisa ndichida kuriwacha" "Don't worry ndariwacha pandamuka" Ndakavhura maziso ndichimutarisa "What?" "Ibasa rangu butterfly kuti ndiwache handiti ndini ndakonzeresa kuti zvidaro here" Ndakatanga kudya chikafu changu. Ndikufa nenzara zveshuwa. Kuita sekunge Laga pane zvaanga achibisa mumudumbu mangu husiku. Thank God handisi kuenda kubasa ndichaswera ndakarara. Now I'm worried nebasa rangu. Kana ndikasiya basa ndichaita sei, uye ndichati Kuna mbuya ndaisiirei. Uye ndichavachengeta neyi? Basa kuti uwane rimwe nekukurumidza hazvisi nyore. Ndakaitavo munyama ini kuwana basa kw Mhukahuru argg. Ndapedza kudya ndakaenda kunogeza Laga aiva atopedza kugeza. Ndapedza akandipa t.shirt yake hombe. "Thanks" "Ndakuenda kubasa asi ndichakurumidza kudzoka Saka ndokumbira kukusiya pano ndichiri kuda ku spender nguva newe" "Haha handingasari ndega pano ini?" "Why butterfly? Ndichakurumidza kudzoka handiti" "Aewa better upfuure uchindisiya kumba kana wachaisa uchapfuura uchinditora" "Okay if you say so hapana zvandingataura" Takateverana tichinopinda mumota tichienda kumba Kwangu. Munzira taitaura hedu nyaya asi ini ndaiva ndichiri kumutya zvese nekunyara asi munhu wacho anenge atori mu free spirit zvake. Takasvika kumba akandivhurira door "Uswere mushe ndichauya kuzokutora ndachaisa" "Ndichaona newe Mushavi" Laga akanyemwerera achipinda mumota achienda. Neniwo ndakaoinsa Mumba. Ndakawana Mamoe achidya breakfast. Akanditarisa zvekuti ndakapedzisira ndakuseka "Haa mwanasikana welcome back kwa sex" Ndakaseka "Kwa sex?" "Wandinzwa sisi" "Ndiani akuudza kuti ndaita sex?" "Ndakura kana ndadai ini hauoni here kuti uri kutanhaira kana uchifamba". Ndakaseka.. "So tell Ari sei pa bed. Anogona here kuchovha bhasikoro or dzingori shungu dze moyo" Ayy ndakapera nekuseka ini "But uya unomuona chero achifamba kuti anosakadza so tell me yakakura sei. ?* "Ayy Mamoe siyana neni ndoda kunorara ini ndine hope" Mamoe akapera nekuseka "Hayi hayi Laga aitei mwana wa bamnini vangu?" Ndakaseka ndichienda mu room mangu. Mamoe akaseka "Haichagezwi nemvura inopisa inodhamba!!!!* Ndakaseka ndichipinda mu room mangu ndichizvikandira pa bed. Ndakanyemwerera ndega sebenzi. Laga ndomuda zvekurevesa kwete zvekufungidzira. Foni yangu yakarira. Ndakatya kudai ndichifunga kuti pamwe vachaona kuti handisisiri mhandara Yes mbuya ndichiri mwana wenyu uye ndichagara ndiri mwana kwamuri asi pamakore ndakura mbuya vangu and I'm so happy kuwana murume akafanana na Lagaman I think Kubva zvandarara ndakumuda zvakapamhidziwa. Ndakatora foni ndichidaira "Mazinyane" "Chirandu uri sei?" Takazotaura na mbuya nyaya dzakasiyana vachindiudza varota ndichiroorwa blah blah vakwasha vakabisa zvose zvavanofanirwa kubisa. Ndakaseka ndikangoti zvichaitika kana mwari vada. Takazooneka na mbuya. Pandaiva ndakuda kurara foni yangu yakapinda message aiva Laga the case is about to begin Ndakanyemwerera ndichibva ndamupindura wish you all the best and i know you'll do it Ndapedza ndakarara pa bed ndakatarisa mudenga mufaro wandinawo Handikwanisi kuutsanangura Lagaman You ndanga ndakatarisana ne case iyi ndine confidence. Ko mufaro wandinawo wakazara pandiri. Finally ndazomuwana Munhu wandikufubgs kuti ndichakura baye murudo. Munhu wandakada kare. Chinhu chinonyanya kundifadza ndini ndatanga kudya muchero handina kudya ma leftovers ndini ndamutanga. Saka ndinofanirwa kunomutenda Kuna mbuya vake. Handingati ndaitirwa zvakadai ndotadza kutenda. Ndofanirwa kunomuroora chaiko. Ndapedza court ndakabuda ndichinopinda mumota ndichiirova yakananga kumba Kwa Tanie. Papi pacho pandingaenda kumba ndisina kumuona. Ndakasvika pagedhi ndichimufonera kuti auye. After some minutes akabudikira. Moyo wangu waka melter pandakamuona. Imwi mukati handina kudyiswa ipapa? Ndakabuda mumota ndichimuchingadzimidza ndichimuvhirira door achipinda neniwo ndichipinda mumota "Wasara sei Chirandu?" "Ndasara mushe iwe washanda sei?" "Mushe ndaihwina case" Akanyemwerera akanditarisa. "Ndinda kuno celebrata na mhamha asi handingaendi ndega. Ndokumbira kunoku introducer ku family yangu" Tanie akavhura maziso "Why?" Ndakabvunza "Ko baba vako?" "Haa avo vanofanirwa kutoziva kuti uri tsvarakadenga yangu vasatambotambira pavari. " "Wow thank you my love" Ndakanyemwerera ndichibva ndatofonera mhamha ndichivaudza kuti mangwana ndikuuya nemuroora. Mhamha vakafara shame. Shuwa ndikare vachiti vanoda muroora Ndaichaira ndichingoyeva runako rwemudiwa wangu. Rudo rwandinarwo pamwana uyu handikwanisi kurutsanangura. Takasvika kumba tikapinda mukati ini ndakananga ku shower handina kutora nguva ndaiva ndatobuda Ko hanti handina kusviba here kungobisa dikita chete. Ndapedza zvese ndakamutora tichinopinda mumota. Yes we deserve kumbobuda timbofurwa nemhepo kwete kungoswerera mumba kunge timujeri. Ndakamuendesa mumahotera andaifarira kuenda kare ndichina Shami. Tanie akanditarisa "Tikuenda kupi?" "Ku restaurant" "Ayy Laga restaurant yeyi ini handifariri zvema restaurant tadii kubika kumba tikadya" Ndakanyemerera ndichimupurudzira ruoko. Takasvika pane imwe restaurant tikapinda. Takananga pa table for two Tika order chikafu chedu. Chikafu chedu chakauya. Takataura nyaya dzakasiyana akandibvunza nezvema relationship angu ndakangomuudza nezva Shammy uye chii chakaita kuti tiparadzane asi handina kuzomuudza hangu kuti akanyobvoriwa na Mhukahuru. Tanisha Yoo ndane two days ndisingaendi kubasa Saka zvakutonetsa kumuka. Nhasi ndamutswa na Laga sezvo ndamukumbira kuti andimutse ne foni. Ndatopedza kugadzirira Lagaman atosviks. Ndakabuda ndichinopinda mumota. Nhasi pane musiyano haafambi ne kombi yake ye noise akufamba ne Benz yake. Takahagana tichimhorosa achibva amutsa mota tichienda. Taifamba hedu tichitaura nyaya kusvika ndasvika kubasa. Takaonekana akandiudza kuti kana ndachaisa ndimufonere. Ndakabuda mumota ndichipinda mukati naiyevo akaenda Pandakangopinda ndakatanga kurohwa nehana ndichifunga nyaya ya Mhukahuru. Zveshuwa ndabvuma vanhu vekukaruwa havafanani nevekudhorobha. Kumusha haungambooni harahwa ichinyenga vana vadiki asi hona harahwa inozviti Mhukahuru iri kumedzera rute pamwana angaita last born yake suu Anoona zvakanaka here zvaari kuita. Iye anganzwa sei kana Portia akakuudza kuti munhu anoenzana naye anga achimunyenga. Havanyari shuwa baba ava. Ndakasvika ku office kwangu ndikagadzira ma files ndichibva ndaenda ku kitchen kunogadzira coffee. Pandakasvika ku kitchen ndakawana Tinashe akagara "Morning" "Hi Tanie uri sei? Pandakamutarisa aionekwa kuti haasi right. Ndakumuziva ka ini Tinashe "Mushe are you okay" "Yes I'm okay chete musoro uri kurwadza but no too much" Tinashe akadaro Ndakagadzira coffee yangu ndichibva ndabuda ndichienda. Ndiri munzira dhuma dhuma na Mhukahuru. Argg maan ndakaita sendichamudira coffee iyi kumeso "Morning Mamoe " "Morning sir" Ndanga ndichiti ndichakukumbira kuti undiiyirevo coffee" Jesus ndakavinga kuzoita ma coffee here ini pano? But anyway i don't have choice nekuti ikudiwa na boss "Okay sir" ndakadaro ndichitendeuka kuti ndiende asi vakandimisa "Wait I don't mind ukandipa yawakabata," Ndaka roller maziso ndichivapa. Handina kuzonogadzira ndaiva ndisisina appetite Mamlilo Mufaro wandinawo handikwanisi kurutsanangura kani.bothy akuuya kuzotionesa musikana waakudanana naye. Ndikare shuwa ndichida muroora. Yes ndinavo varoora asi wandikuda ndewa Bothy. Ndinomuvimba mwanangu wangu haangambotori bherepere ringazotinetsa pano. Nhasi ndini ndikubika chikafu chinofarirwa na Bothy. Ndichiri kubika kudaro Mhukahuru akapinda "Hahaha mufaro wese uyu wabva nepi? Ndiwe uri kubika nhasi?" "Ehe baba Bothy ati ari kuuya kuzotivisa musikana wake" "Wee ko naiyevo pane zvinhu zvine musoro zvaanomboita good lucky" Hayi baba musadaro" "Handina zvandataura ini" Mhukahuru vakadaro vachienda Lagaman Manje nguva dzave Kuma 7 I'm sure kumba vatomirira isu. Ndakabuda Mumba ndichinanga kumba Kwa Tanie. Ndakasvika ndichimutora tichienda kumba. Takasvika vanhu vose vakagara patafura kunze Kwa Nkosi na Davula. Takagara pasi vanhu vose vakafarira Tanya. Mhukahuru pavakaona Tanie vakavhura maziso vachikosora non stop. Ndakanyemwerera ndichivadirira mvura ndichivapa "Chii Mhukahuru?" Mhamha vakabvunza. "Imwai Mhukahuru musati mafenda" ndakadaro ndichiseka. Mhukahuru vakatora mvura vachinwa. Ini handizivi kuti problem ya Mhukahuru ndeyeyi. Mwana mudiki uyu vanotangira papi kumubata. Ini chaiye dzimwe nguva ndombofunga kuti ndakaita mistake nekumunyenga nekuti ndikutoona sekunge mudiki kwandiri. Asi nemwiwo guys hamungaregi kana kumuchiva babe rangu rakabatana kunge riri kusvotesa Mhukahuru nerunako. Tinashe aipera nekuseka "Ukusekei iwe Tinashe?" Mhamha vakadaro Tinashe akabva atonyarara asi aisekera mumoyo ndakaona nekuisa ruoko mumuromo "Excuse me" Mhukahuru vakadaro vachisimuka asi ndakavatarisa ndichirova smile "Hey Mushavi ndokumbira mugare pasi kwema minutes ndinoda kutaura nemwi sevabereki vangu" Mhukahuru vakanditarisa "Ehe baba kwema minutes mashoma chete" mhamha vakadaro Zvichakadaro Davula vakabva vapinda. Vatobatsira vakapinda nekuti ndinovaziva pama dress havadi kudarikwa. Vasamboedza havo kurembedza miromo yavo pabhebhi rangu "Vanangu" mhamha vakadaro vachivahaga "Mhamha murisei?" Davula akadaro "Ko chiiko nemwi imwi vana. Kubva maendaratu?" "Ibasa mhamha" Nkosi akadaro "Chero now hatigari mhamha tafonerwa na baba vachiti Lagaman pane zvinhu zvaanoda kutaura. Ndakanyemwerera dziri pa loud manje. Tinashe akaseka mhamha vakamutarisa achibva abata muromo "Awuu Mhukahuru ndinotenda nezvamandiitira ini. Ndanga ndichitofunga kuti madzikoma angu ari busy asi imwi mandiitira kuti zvinhu zviite nyore" ndakadaro "Aewa mashanda Mhukahuru" mhamha vakadaro Apo Mhukahuru wacho hasha dzaiva dzovaima pamhanza asi handina basa nazvo ini as long I'm happy na Tanie wangu. Ndakazoita ma intro mhamha vakaratidza kumufarira. Na Nkosi akatoisawo ma nice words pana Tanie. Nkosi iye sometimes pfungwa dzinombotamba rhumba sedza Mhukahuru asi Munhu bhoo hake. Naiyevo anoziva mabasa ababa asi haasi munhu anokumanikidza kuti upinde mazviri anongoti ita zvaunoda mupfana. Vanhu vose vakamugamuchira Tanie chero na Lionah akatokumbira ruregerero nezvaakamuita achangosvika. Na baba vakamugachira. Tapedza kudya takaona baba vachisimuka vachienda. Takatarisana na Tinashe tichipera nekuseka "Imwi vapfana nyaya yenyu inoti kudii? Pane azvimamira here wamuri kuseka?" Nkosi akabvunza. Takabva tadowedzera kuseka Tanie You know I didn't expect kuti family yekwana Laga ichandifarira kudai. Asi chinhu chanda noticer Mai vake kubva ndichisvika maziso avo haabvi pandiri kunge vakundifananidza . Zvinhu zvose zvafamba mushe vanhu vafara nekuvapo kwangu kunze kwe harahwa iyi inoda zvinhu. Aya ndomashura chaiwo Ari kumbodei kwandiri. Mai Laga vakasimuka vachindidanira mu room mavo. Takateverana tichipinda mu room mavo. Vakandiyemura runako tikataura nyaya dzakasiyana vachindiraira kuti tibatane zvakanaka na laga. "Ndiudze mwanangu kumusha unobva kupi?" "Kuchinhoyi" Mai Laga vakaita sevari kuvhunduka asi vakakurumidza kuzvidzora.. "Ayy Chinhoyi handikuzivi ndakangoenda kamwe chete apa ndaifambira nyaya dzemusangano chete" "Haa manje makusokuziva" ndakadaro tichiseka. "Vabereki vako vapenyu?" Pandaida kupindura foni yangu yakarira aiva Laga. Mai Laga vakanyemwerera vachisimuka tichibva tadzika downstairs Mhukahuru Handikwanisi chero kufema chaiko. Ndikunzwa kunge pane chinhu chakamira muhuro mangu. Manje ndikuenda Kuna doctor Moyo wangu handisi kuunzwa mushe. Ndatadza kufonera doctor kuti auye kumba nekuti vana vanga vachashamisika kuti chii chakuitika pandiri. Lagaman haangaiti zvinhu zvakadaro kwandiri no no. Zvinhu zvaaita azviita nemavune I revenge chete kwete kuti mwana uya anomuda. Ndakasvika Kwa doctor atondimirira pandakangosvika ndakaona rima pandaiva ndakudonha doctor akandibata handizivi chii chakazoitika Davula Pandakabva kumba ndakaenda kubasa kwangu. Ndanzwa kuti pane musikana ambozama kutiza. Anondijairira musikana uyu, anenge andikanganwa kuti ndini Ani. Ndakasvika kubasa ndikaenda ku office kwangu. Ndakawana vashandi pamwe chete nemusikana wekuedza kutiza vatondimirira. Ndakagara pasi ndichimutarisa "Mhandara yangu chindiudza kuti wanga uchimbozama kudii?" "I'm sorry sir handipamhi zve kuita zvandanga ndichizama kuita" akadaro achichema "Unofunga kuti ungatiza pano just like that. Ukuda kupa Ani basa rekutsvaga newe? Ukuda kuenda kumapurisa ka?" "Aewa aewa handingamboiti zvinhu zvakadaro please ndokumbira undiregerere neniwo handizivi kuti ndandapindwa neyi?" "Handimbokurovi uye handikuurayi asi ndichakuendesa kune imwe nzvimbo unotambira type yose yevarume handiti Waneta nekugara pano" Akavhura maziso achinditarisa "Please please sir ndokumbira usandiitisa izvozvo mukomana wangu akazoziva ndiko kupera kwerudo rwangu naye please mukoma" akadaro agwadama mberi kwangu achichema ndakamupa mucheka wembama achidonhera pasi "Shut up hure!!! Ndiani ati uchamuona zve mukomana wako!!!" End of chapter