Chapter 18 . Tinashe Mangwana makuseni ndakamuka ndichinogadzirira Kikie breakfast. Pandakatarisa foni yangu ndakawana ine ma missed calls hobho aibva kuna Mamoe. Ari kumbodei uyuvo? Ndapedza ndakatora breakfast ndichiiendesa Kuna kikie aiva akafa nehope, ndakaswedera paari ndichimumutsa. "Hey babe" Akabva amuka achinditarisa "I'm sorry nekukumutsa asi doctor Ari munzira kuzokutarisa kuti hauna kukanganisika here" Kikie akabvuma ndichibva ndamupa chikafu chake achidya. Apedza doctor naiyevo akasvika akamuita ma test achibva àti ma results achaaunza. "Nana kune kwandofanirwa kuenda" "Okay ukurumidze kudzoka ndinotya ini" "Don't worry babe ndichakurumidza" ndakadaro ndichimukisa ndichibuda ndichinopinda mumota ndichiirova yakananga kumba kwana Mamoe. Ndakawana Laga akagara mu sitting room "Hezvo broe warara pano?" "Yes mhamha vari pano" "Mhamha? Vari kudei pano?" "Tichataura boy" "Okay ndaona hobho yema missed call a Mamoe anga achidei?" "Hezvo ndozvizivirepi ini zvinhu zvenyu" "Okay Rega ndiende kwaari" ndakadaro ndichienda mu room make, Ndakamuwana akagara pa bed achichema. Ndakaswedera paari ndichigara pedo naye "Hey ukuchemei?" "Nei usingadairi ma calls hangu?" "Hezvo ungandibvubza mubvunzo wakadaro" Haana kundipindura "I'm sorry kana ndava rude. So tell me neyi wanga uchindifonera kudaro?" Mamoe akatanga zve kuchema "Ndine nhumbu Tinashe" Ndakavhura maziso "What!!!?" Lagaman Nguva dzave Kuma 9 ndakasimuka ndichienda mu room Maiva na mhamha handisati ndavaona Kubva nezuro. Pandakasvika pa door ndakavanzwa vachitaura na Mhukahuru pafoni "Ndiri kuuya ndarara kumba Kwa Laga" Ndakaenda kwavari ndiri bara ndichitora foni "Mai vangu havauyi ikoko Mhukahuru usazvinyebera" "Roora wako mukadzi wauchaisira mitemo" "Handina basa nezvaunotaura asi Mai vangu havauyi ikoko" ndakadaro ndichikata foni "Ndauya nawo ma paper e divorce munofanirwa kuasayina tiaendese Kuna Mhukahuru " Ndakaona misodzi mumaziso a mhamha. Zvichakadaro Tanie akapinda "Laga mhamha pane zvinhu zvavanoda kutanga vakuudza" Ndakavatarisa ndichishamisika. Chiiko chandinofanirwa kuudzwa. Tanisha akatarisa mhamha. "Bothman" mhamha vakadaro vachindiudza nyaya yose iri kuitwa na mhukahuru pavari. Mhukahuru pfungwa dzinombonotiza here? "Saka mhamha muchiri kuda kudzokera munogara nemunhu anodaro?" "Bothy zvose zvandiri kuita ndikuitira imwi" "Mhamha takura isu kuti mubgashurudzwa nekuda kwedu tinokwanisa kuzvi protector isu" "Unomuziva Mhukahuru kuti akaita sei. Ndikangomu divorca achauraya carrier yako" "Hazvingamboitiki izvo" "Ane zvinhu zvakawanda zvaanokuzivira Mhukahuru zvingazouraya carrier yako zvigokupinza mujeri" "Handina basa nazvo izvo mhamha. Kana ndikaenda kujeri ndichabuda Asi imi kana mukafa handifi ndakakuonai zve" "Kana ukasungwa ini ndichava chii? Ko Tanisha unoti kudii naye?" "Mhamha tataura nezvazvo muchasayina ma paper na Mhukahuru" "Laga hapana here imwe nzira yatingaita nayo" Tanisha akadaro misodzi yatojenga mumaziso ake "Exactly pamwe iripo imwe nzira yatingaita nayo iyi yekusiya Mhukahuru no ndaramba" "Ahhm maybe titsvage ma dirty things ake" Tanisha akadaro "Haufi wakawawana" Ndakadaro "Bothy ndinokumbira kuti undipe mwedzi miviri ndichawana something chete Pana Mhukahuru" mhamha vakadaro ""Pamwedzi iyoyo munenge muchirohwa? What if anokuurayayi pamwedzi iyoyo?" Ndakadaro "Trust me mwanangu hapana zvichaitika pandiri" "Kana zvakadaro ndakuzogara kumba ndione ma movements ake ose pamuri" Mhamha vakanyemwerera "Chisimuka tiende" mhamha vakadaro vachiswedera Pana Tanisha vachimuhaga "Ndinotenda zvakanyanya mwanangu nezvinhu zvose zvawandiitira" "You're welcome mhamha" vakahagana ndichibva ndaendesa mhamha kumba. Takawana Mhukahuru akagara mu sitting room. Paakationa akasimuka achiuya kwandiri "Wakuita madiro pamukadzi wangu?" "Ndi Mai vangu Saka ndine kodzero yekuita chero pavari sezvaunongoita" "Bothy please " mhamha vakadaro "Ko iwe zvino wakungoenda kwaunoda usina kundiudza?" Mhukahuru vakadaro vakatarisa mhamha "Vanga vachakuudza rinhi iwe wanova dumper kunana Joina City?" Mhukahuru vakanditarisa neziso raityisa "Zvinhu zvawaita Mhukahuru hazviratidzi kuti uri murume zvinoitwa nevakadzi chete" "Usakanganwa kuti ndiri baba vako" "Bothy please usat--" "Kana mhamha handingambobyarari ini, Mhukahuru anofanirwa kuudzwa kana Ari wrong. Muri Mai vedu imi Saka hatidi nemwi" Mhamha vakatendeuka vachienda, ndakaswedera pana Mhukahuru "Mhukahuru ndinokuremekedza, ndinokuremekedza zvakanyanya nekuti wakandiudza panyika asi when it comes to my mother zvinopera zvose izvo. I'm warning you kuti ukangopamha zve kushungurudza mhamha uchaona huipi hwangu " ndakadaro ndichitendeuka ndichienda Tinashe Ndakaperwa nemashoko nezvinhu zvandaiva ndaudzwa na Mamoe. Ndakamutarisa kwenguva yakareba. No maan Mamoe haangaiti nhumbu never. "Une pamuviri?" "Yes ndepako" "Why?". "What why?" "Ungaita pamuviri sei isu tisingadanani? Ko iwe hauiti here zvinhu zvinoitwa nevakadzi kuti vasabata pamuviri?" "What?" "Iwe waizorara sei nemunhu wausingadi uchinyatsoziva kuti haubayi majekuseni" "Unondipengera Tinashe. Mubvunzo wauri kundibvunza wkapusa. Iwe waizorara sei nemunhu wausingadi usina kupfeka protection. Iwe ndiudze kuchiri early kuti mwana uyu unomuda here or haumudi ndimubise " "Hapana mwana achabiswa pano asi handizivi kuti ndichaita sei?" "Saka unoda kuti ndiite sei ini?" "Handizivi Mamoe handizivi ini" Ayy zveshuwa handizivi ndiite sei nemwana Ari Pana Mamoe. Ndakabva ndasimuka. "Tichataura kana ndakuda" ndakadaro ndichienda "Tinashe haungambondisiiri mutoro uyu ndiri ndega" Mamoe akadaro achichema asi neniwo handizivi kuti ndiite sei. Ndakasangana na Tanie "Hey Tinashe" Ndakatadza chero kumupindura, ndakaenda kumota ndichiirova yakananga kumba kwa Laga. Ndakamuwana akarara mu sitting "Hey boy wadzoka?" "Eish broe zvakandiomera ini ndapererwa kuti ndoita sei"? "Taura nyaya yako" "Mamoe ane pamuviri"... "What?!!" Laga akabvunza achindiswka "What Mamoe aita sei?" "Uri kundiseka broe ini ndiri munyatwa?" "Nyatwa yei pane kuti ufare kuti wakuzoita mwana" "Hausi ku understand broe. Pava na Kikie ukuvo Mamoe ane pamuviri broe please help me" "Unopenga kubatsirwa neni iwe wainakirwa wega. Wakambondidana here pawainakirwa. Ndakakuudza kutizvinhu zvauri kuita it will end in tears. Ita plan shaar usandipinza ini" "Haa lagzo wakudaro" ""Iwe enda unoudza Kikie nezvenyaya iyi she will understand kuti uri murume iwe sezvo anga asipo. Saka wati kudii Kuna Mamoe" "Hapana" "Wakupenga manje, hanti unoziva kuti mwana wa Mamoe ndewako?" "Handizivi ini, asi ndakarara naye and handizivi kuti ndiani zve umwe waakarara naye Saka tichangoti ndini nekuti handina wandakamboona" "Saka chiita zvinhu zviri mugwara unoziva iwe zvaunofanirwa kuita. Ini mazuva ano ndakuzogara kumba kwenyu" "Ha why?" "Ndiri kuno guarder baba vako vanombopenga dzimwe nguva" Kuva guarder sei?" Ndakabvunza ndichiseka "Kutarisa ma movements avo," Ndakadzungudza musoro ndikufanirwa kunoudza Kikie nezvenyaya ya Mamoe ",Hey Mhukahuru akuziva zve kuti musikana atiza" "Haa Saka zvinoreva ka kikie Ari munjodzi" "Njodzi yeyi iwe enda unomu introduca kumba kwenyu vakaungana vose" "Haa ndotya ini" "Hapana chekutya apa ukasamu introducer at the vachamuziva. Ndakuenda kumba ini uchandiwana ikoko" "Okay ndikuda kutanga ndaendesa kikie kumba kwavo" "Okay uchandiwana kumba" Laga akadaro achienda mu room make Tanisha Ndakaenda mu room ma Mamoe. I wonder Tinashe ati kudii? Ndakamuwana achichema "Mamoe ati kudii Tinashe" "It's obvious Tinashe haadi chinhu pamwana uyu" "Ati kudii?" "Ndinoibisa nhumbu iyi ini" "No no Mamoe no. Kubisa nhumbu haisi solution yema problems ako. Ko ati kudii Tinashe?" "Ati haazivi kuti aite sei. Saka ini ndini ndinoziva here?" "Achiri confused Mamoe achauya Tinashe" "Handizi neniwo ndaiitei hona manje zvakuitika" Ndakamuhaga ndichimunyaradza. Handizivi chii chichaitika Pana Mamoe. Ndinoda kumuudza kuti Tinashe ane musikana wake kutaura kudai. ASI ndichatangira papi? Ndisati ndamuendesa ndofanirwa kumuudza nezva mamoe kuti akatakura mwana wangu. Zvichakadaro pakaita knock pa door aiva doctor aiunza ma results. Ndakamatora ndichienda nawo Kuna kikie ndichimupa nekuti handizivi kuti mune mukati. Akanditarisa maoko achibvunda "Ndokumbira undivhurire" "Kikie wandaiziva aiva strong" "Not anymore" Ndakamutarisa Asi zveshuwa aitya. ASI chero mukati mukava neyi ndichava naye kusvika kumagumo. Akatsinzina achiavhura uku misodzi ichiyerera. Ndakatora ma results ndichiaverenga. Ndakamuhaga pandakaona kuti haana kana chimwe zvacho chirwere "Thank God" Ndakadaro "Ndanga ndichitya kuti uchandisiya" "Ndakuudza nezuro kuti handifi ndakakusiya ini I love you so much" Ndakadaro tichihagana zve Takaregedzana ndichibva ndamutarisa... "Pane zvinhu zvandinoda kukuudza please ndokumbira usanditsamwira nezvandichakuudza" "Ndakateerera" "Kubva zvawakaenda hapana munhu wandakadanana naye Moyo wangu waingova kwauri" Kikie aiva angonditi dzvoko maziso zvekuti ndakambo sticker ndichitya kumuudza but I don't have choice I have to "Semurume ma feelings aisvika ndoita misikanzwa, zvino pane umwe musikana wandakarara naye Asi takabvumirana kuti hatidanani tikuita friend with benefit" Kikie akatura befu achitarisa Pasi "Wanga wandisiya nguva yakareba babe ndandisingafungiri kuti ndichakuona zve. Sezvo ndakusiya ndanga ndaenda kwaari anga achindifonera nonstop " "Anga achidei?" Kikie akabvunza avhura maziso "Ati ane pamuviri" Kikie akatarisa pa side "Yaiva mistake babe" "Inga Wani mati maiva musingadanani" "Yes babe" "Saka wakarara sei nemunhu wausingadanani naye without protection? Saka unoda ndi believe zvauri kutaura?" "Ndataura Wani kuti yaiva mistake babe" Haana kundipindura "Kikie" Akaramba akanyarara "Kikie ndikutaura newe, haungambondi blame pazvinhu izvi waiva usipo, ndaiva ndisingazivi ndichakuona zve, ndaiva ndisingazivi kuti uripi ndaizviudza kuti watondisiya" "Saka uchaita sei Tinashe?" Kikie akabvunza misodzi ichiyerera paari "Hapana zvandingaita ndichachengeta mwana wangu. Handingarasi ropa rangu" "Mai vacho?" "Ndakuudza kuti hatina kumbobvira takadanana" "Ko kana achida kuti mudanane?" "Handingambodanani naye ini nekuti handimudi. Chinhu chinondisanganisa naye mwana Ari paari nothing more" Kikie akanditarisa "I promise babe" "For really?" "Yes" ndakadaro ndichimuhaga Ndaiva ndakamira pa balcony ndichinwa coffee yangu yandaitirwa na mamlilo wangu. Nzvimbo ndaifarira kuigara ndichiri mudiki ndisati ndaziva kuti musha uyu wakavakwa nemaru yeropa. Ndichiri mukufunga foni yangu yakarira aiva Butterfly ndakanyemwerera ndichidaira. Takaitana ma morning tikataura nyaya dzema couples tichibva taonekana. Pandakangokata foni Mhukahuru akabudikira "Wee kubva wanyemwerera kudaro" baba vakadaro "Ndanga ndichitaura ne babe rangu Saka ndofanirwa kunyemwerera" "Unomuda nhai?" "Zvakanyanya and I can do anything pamunhu anoda kupinda pakati pedu" "Haa usatya ndakatodarika ipapo ini" "That's my father" "Nzira yaukuita nayo mazuva ano ndinoifarira inoratidza kuti uri Mhukahuru pachake. Kwete zvawanga uchiita" "Shuwa here?" "Ndaiva ndakutofunga kuti pamwe hausi wekwa Mhukahuru ka ini" "Maiva makudherera mhamha ka ipapo" "Waida ndiite sei ini ne behavior yawaiva wakuita" "Kuswera mangwana ndikunoroora " Mhukahuru vakanditarisa vachishamisika "Kunoroora?" "Ehe ndikunoroora" "Mwana uya here?" Ehe iyeye" "Zvawakuda kunoroora, wakumuziva here mwana uya, background yake unoiziva here unoziva kuti ndiwe wak-- I mean wanga watomuziva zvarinhi kuti ungabva wafunga kumuroora" "I know i her in and out Mhukahuru" Mhukahuru vakanyarara vachinditarisa kunge pane nyaya hombe yavanoda kundiudza "If you say so hapana angazviramba" "Zvagara hapana angazviramba hupenyu hwangu ka" "Yah wakura Mushavi zvinodadisa izvi" Ndakavatarisa Mhukahuru asi vairatidza kuti vane zvihombe zvavari kufunga. Haa this time handingabvumi kuti vandikanganisire hupenyu hwangu Tinashe Ndapedza kusiya Kikie ndakaenda kumba Kwa Mamoe. Mufaro wanga una sisi va Kikie pavamuona wandifadza zvakanyanya. Ndakasvika kumba Kwana Mamoe ndikapinda mukati. Ndakawana Tanie Ari ku kitchen. Takamhorosana ndichibva ndamubvunza Mamoe, akandiudza kuti Ari mu room make. Ndakaenda mu room make ndakamuwana akarara akatarisa mudenga asi asina kurara "Mamoe" Paakandiona akamuka achigara. Ndakagara pedo naye "I'm sorry nezvinhu zvandaita chete neni zvandivhundutsa" "I understand" "I don't have problem nemwana ndichamuchengeta" Haana kundipindura akangonditarisa "Hanti unoziva kuti ini newe hatina kumbobvira takadanana mwana ndiye achatisanganisa "Thanks for that ndanga ndichifunga kuti hauna basa nemwana " "Mwana haana mhosva Saka asafira zvinhu zvaasingazivi" "Hmmm " "Ndichagara ndiri available kana uchida something don't hesitate kundiudza " "Okay thanks " "Ndakuenda usare mushe" ndakadaro ndichienda. Ndiri pa door ndakafonerwa na Laga "Broe" "Mangwana uku introducer Kikie kuvabereki vako" Ndakavhura maziso "What? Never!! Neyi uchida kuti ndiise hupenyu hwemwana munjodzi" "Hapana zvichaitika paari trust me" "Broe please " "Siya hugwara Tinashe" "Okay ndichamuunza kwacho" "Good" Laga akadaro achikata foni End of chapter