Chapter 32 . Mamlilo Nhasi ndadanwa na Tinaye kumba kwake kunodya dinner uye àti anoda kutaura neni nezvinhu zvakakosha then neniwo ndabvuma nekuti kugara mumba zuva rose kunobhowa kani. Manje nguva dziri Kuma 8pm takagara patafura, tave late anga asingafanirwi kuzonditora nguva dzino "Nazvino runako harisati rwachinja?" Tinaye akadaro "Haa runako rwepi Ini ndachembera kudaro,?" "Shuwa zve, asi hapana akambokuudza nezverunako rwako?" "Vose vaindiudza vaindinyebera" "Hatingakunyeberi tose Kani, anyway thanks nekuuya ku dinner yangu" Takakurukura nyaya dzakasiyana akazondiudza nezvekuda kuchinja Laga mutupo ashandise wekwa Khanye. Laga vaiva vataura naye asi iye akati achatanga ataura neni kana ndarambawo hapana zvaangaita. Neniwo hapana zvandingaita Laga ndewekwa Khanye as long iye achida ngaachinje hake. Kuma 10 ndakazooneka achibva andiendesa kumba Lagaman Davula haangambotauri chinhu uyu. Ari kungotiudza kuti haazivi Kuna Mhukahuru, hazvingaitiki kuti asaziva Kuna baba cake "Ndibisei pano ndikutsva Kani!!!" Davula akadaro achi screamer. Davula wandinoziva anochema kudai. Zvinhu zvinochinja zveshuwa "Never, usati watiudza Kuna Mhukahuru" Ndakadaro "Nditaure kangani kuti Mhukahuru handizivi kwaari ini" "Usatiita mapenzi Davula, Ari kupi Mhukahuru?" Ndakadaro "Zveshuwa handizivi kwaari" "Ndati tichakubvisa pano kana wati homu homu ndaibva" Tafadzwa akadaro "Homu homu ndaibva!!!" Davula akadaro. Takapera nekuseka "Ayy kana musunungurei akufa munhu uyu. Haangafi zvombo zvose izvi zvisati zvashanda paari" Tafadzwa akadaro Vakadzima moto vachibva vamusunungura, apa zvaiva zvaita makumbo nekupiswa nemoto ka. "Nazvino hausi kuda kutiudza?" Ndakamubvunza. Asi rume raingochema "Unonyeba iwe uchatiudza chete..tichakuona mangwana" Tafadzwa akadaro tichibuda tichienda Vakadarika vachindisiya kumba kwangu. Ndakawana Tanie asati arara "Butterfly" Akasimuka pa bed achiuya kwandiri "Hezvo asi unoda kundirova?" "Uri kubvepi Laga?" "Haa babe ndakuudza Wani kuti ndikuenda kupi?" "Iwe wakugara uchigadzira zvinhu husiku. Ko nei usingagadziri masikati?" Sorry Tanisha hadingakuudzi nyaya yakadai haidi vakadzi "Haa babe" "Laga ukuita Ani benzi?" "Tasvika rinhi kumapenzi manje? Sorry Tanisha nekusvika husiku" "Pane munhu waukudanan naye?" Ndakamutarisa ndichishamisika "Munhu wandikudanana naye?" "Wandinzwa Laga. Pane munhu waukudanana naye iwe. Ndipe foni Yako pane zvandinoda kutarisa" "Foni yangu? Aewa wakupenga Tanisha foni yangu unei nayo iwe?" "Pane zvinhu zvauri kuvanza here mufoni Yako?" "Hapana zvinhu zvandiri kuvanza Tanisha Asi handingambokupi foni yangu wakundijairira ka" "Pandakatanga kudanana newe waiva nevasikana vangani? Hauna kumbondiudza nezve past Yako" "Hayi Tanisha wakurwara iwe ndokumbira kurara ini usiye kundiudza zvekupenga. " Ndakadaro ndichipfeka ma pyjama ndichirara. Haaa hoyo mukadzi akuda kupinda ne mwenje mudziva ***** Handina kurara Tanie achingoshishinika husiku hwese. Zvinhu zvaanga achindibvunza ndanga ndisina mhinduro yazvo. Saka ndakufanirwa kumuudza nyaya dzangu dzose, past yangu here aewa kana. Ndakatarisa ku side kwaanorara aiva asipo. Ndakamuka ndichidzika downstairs. Ndakamuwana Ari ku kitchen achigadzira breakfast "Morning" Haana kundipindura "Saka handichataudzwi pamusha pano?" "Handisi mu mood yekutaura" "Tanisha unoziva zvinhu zvawakutanga handizvifariri" "Iwe zvaunoita ndinozvifarira here?" "Tanisha ngatisarwisa nezvinhu zvisipo. Usangondifungira zvinhu zvisipo Ini ayy ma drama ndoavenga ini" . ndakaona misodzi mumaziso ake. Haa you see manje?" "Tanisha ini munhu Ari childish ndomuvenga ukuchemei ipapa?". "Hapana" "Ndafonerwa na mhamha vati pane zvinhu zvavanoda kutaura neni. Ndichadya ikoko" "Wow" "Uchakwira kombi kana wakuenda kubasa?" "Aewa ndichakumbira someone andipe lift" "Someone iyeye asakonzera kuti tirwe" Ndakadaro ndichitora ma key emota ndichibuda ndichienda kumba. Ndakavawana vari pa table nenzara yandinayo ndakabva ndatovajoyina. Mhamha vakashamisika vachiona ndichidya. Vakandibvunza asi Tanie haana kundibikira breakfast ndakavati handina kudya because ndanga ndichida kuzodya kuno. Vakazviramba mhamha hanzi chikafu chemudzimai wako hachirambwi what what Saka ndofanirwa kunokumbira ruregerero nezvandaita. Asi zveshuwa yah ndiri wrong uye ndatadza kutaura zvakanaka na Tanie. Takadya chikafu chikafu nhasi Davula hatiendi kwaari tichamuona mangwana let's hope achatiudza chokwadi Tanisha Moyo wangu uri kurwadza nezvinhu zvikuitwa na Laga. Akugara achiuya husiku kana ndichimubvunza anopindura nyobvo hake. Ndafonera Alex kuti auye anditore handina basa Ini nezvinhu zvataurwa na Laga. After some minutes Alex akasvika. Ndakapinda mumota tichimhorosana "Ko neyi nhasi kuunzwa nemurume wako" Ndakamuudza zvaiva zvaitika "I'm sorry nana asi usazviita kuti kana wanetsana nemurume wako wodana umwe murume nekuti zvingazokonzera situation yenyu iite wesi. Unofunga kuti anofungei murume wako kana achikuona uchiendeswa neni kubasa" "Eish handina kumbozvifunga I'm sorry" "Nah don't worry asi usazviita zvw. Ndokumbira undidane musina kunetsana. Hapana chinhu chandinotya sekunzi ndaputsa imba yemunhu" Ndakaseka. Zvichakadaro foni yangu yakarira ari Laga ndakai ignore "Daira foni Yako zvinorwadza zvinhu zvaunoita" "Haay iwe unoita sewakamboita musikana" Ndakadaro ndichiseka naiyevo akaseka. Laga akafona zve ndakadaira "Butterfly ndokumbira kuuya kubasa kwako" "Laga ndinenge ndiri busy ukudei?" "Ndinoda kuzokumbira ruregerero nezvinhu zvandaita kwauri" "Tichataura ndachaisa" "Chirandu handingakwanisi kushanda ndichiziva kuti ndanetsana newe please" "Manheru Laga bye" Ndakadaro ndichikata foni "Unodiwa nhai?" "Ayy handizivi ini" Ndakadaro tichiseka "Haudi kupindura ka, asi unoziva kuti unodiwa Kani" Takaseka **** Aiva masikati ndiri busy nebasa rangu,Alex akapinda. "Mrs body lady vari panze Manje vachauya ku office kwako" "Okay no problem zvagara hamuna kusviba" Alex akaseka "Yah imo muri clean shame" Alex akadaro tichiseka Ndakazvigadzira, ndakanzwa ne high heel achipinda. Paakapinda ndakasimudza musoro asi ndakavhunduka muviri wese uchibvunda. Ndakasimuka ndichimutarusa. Alex akanditarisa achishamisika "Hey I'm Mrs Matema I'm sure wanzwa nezvangu" Ndakamutarisa mutsanga dzemaziso mudzimai uyu asi aisatoratidza kuti Ane suspect neni "Ndikutaura newe chiiko newe?" Ndakaramba ndakamutarisa uku misodzi yakuyerera. Ndakatora foni yangu ndichibuda ndichimhanya. Alex akanditevera "Tanisha chiiko?" Ndaka dialer number dza Laga pandaida kumufonera ndakaona mota yake. Ohh Saka pandati asauya aita zvemusoro wake. Ndakamhanya ndichienda kwaari, ndakapinda mumota ndichiita sendikutandaniswa. Laga akashamisika "Hezvo waitwei?" "Mutsa mota tiende kumba" "Ndiani akudai babe?" Laga akabvunza achivhura door achida kubuda asi ndakamubata ruoko "Ndokumbira kuenda kumba" Laga akanditarisa "Manje!!!" Ndakadaro ndichichema. Laga akamutsa mota tichienda. Apa Alex aingodona nonstop. Laga aingonditarisa. Takasvika kumba ndikabuda mumota ndichimhanya ndichipinda mumba. Ndakananga mu room medu ndichivhura ma documents ekare ndichitora imwe pic ndichiitarisa "Ndiye!!" Ndakadaro ndichichema "Ndiye ani?" Laga akabvunza "Haana kundi recognizer it's obvious haachandioni Laga!!" Laga akandi haga asi aiva confused kuti ndikureva ani Lagaman Ini handizivi chii chaitika pana Tanisha. Kuchema kwake kwakundirwadza zvekuti ndikunzwa maoko angu achivava Kuti dai ndanopedzerana nemunhu aita izvi. Ndakamumbundira ndichimuhaga "Ndiye Laga" "Ndiye ani?" "Aindivenga zveshuwa atadza cheto kundiziva asi ndakagara pachibereko chake kwe 9 months" Ndakavhura maziso. Ndi Mai vake vaari kureva "Babe, babe" Ndakaenda kunomucherera mvura ndichimupa "Ndokumbira undiudze Kuti chii chikuitika" "Ndaona mhamha I mean mukadzi akandisiya Kuna Mbuya ndichiri mudiki asi iye atadza kuona Kuti ndiri mwana wake Laga" "Wamuona kupi? Atadza neyi kukuona Kuti Uri mwana wake?" "Aindivenga hanti? That's why Asina basa neni!! Ko neyi kusina kufa iye kwasara baba vangu!!!" Ndakarohwa nehana paakataura zvababa vake "Calm down babe" "Ndaifunga kuti patichasanga achandiziva asi atadza kundiziva ini ndamuona sei" "Babe vamwe vabereki ndozvavari hutsinye. Wanga uchizviramira life Yako Saka siyana naye kana asingakude pedo newe" "How? Ndosiyana naye sei ndisati ndawana mhinduro dzandinoda. Ndinoda kuziva kuti akandirasirei? Neyi Asina kundiuraya ndichiri muchibereko chake?" "Please babe" Tanie akatora foni "Ukuitei?" "Ndikufonera mbuya " Tanie akadaro achifona. Mbuya Havana kutora nguva vakadairam Tanie akachema achiudza mbuya zvese. Mbuya vakashamisika nazvo uye vakakatyamara kunzwa Kuti mai va Tanisha vatadza kumuziva Tanie. Vakataura kwenguva vachibva vaonekana achikata foni achizvikandira pamubhedha. Pasina nguva aiva atobatwa nehope. Foni yake yakarira ndakaidaira "Tanie chiiko?" "Haa iwe mpfana siyana nemkadzi wangu. Ungabva wamufonera kudaro" "Ndiri worried naye nek---" "Worried my foot!!! I'm warning you stop calling my wife" "Abva kubasa nguva dzekuchaisa dzisati dzachaya Saka handairega kufona anyway it's okay kana anewe" Ndakakata foni yangu, anopenga here mupfanha uyu? Asi naivowo Mai Tanisha vatadza kuona mwana wavo? Chero kuchinzi vakamuguma achiri mudiki vanga vachifanirwa kumuona mwana wavo. Ndakaswedera Pana Tanie ndichimurarisa zvakanaka Alex Tasara takangotarisana na maiguru, hapana anoziva chii chikuitika pana Tanie. Mai Lenny vakaswedera pandiri "Chii chiri kuitika pamusikana uya?" "Handiziviwo asi anga ari right kubva makuseni" "Nemiwo vanhu vamunongotora pa company ino ayy" "She's good gulez maybe pane zvaasenderwa mu foni make" "Foni yake yanga iri pa table Hatina kumboinzwa ichi ringer" "Kwave kungotaura neniwo handizivi" Unofanirwa kutaura naye ndinoda kumuona mangwana" "Ndichaita sekudaro" "Good ndichakuona mangwana ohh huya kumba kuzodya dinner takakuguma kare" "I will be there Changamire asvika?" "Yes and akuzogara kuno àti haachadi kugara ku Dubai" "What a good news " "Rega ndiende ini ndichakuona manheru" Maiguru vakaenda ndakasara ndichifunga nyaya ya Tanie. Chii chaita kuti atize achichema? Asi pane zvandamuita ndikasazvi noticer? Zvino ndichaudzwa nani kuti Ari sei? Kumufonera hazviiti nekuti foni yake iri kumurume wake. Pamwe kana ndichifonera Tanie haadi, maybe ndikamufonera nefoni yekubasa achanzwisisa Narrated Mai Lenny vakapinda Mumba mavo vachingofunga nezve musikana uya angotiza from nowhere, vakadarika ku kitchen vachimhorosa vashandi vachienda ku bedroom kwavo. Vakawana murume wavo Ari busy ne laptop vakamukisa vachigara pasi "Kwanga kuri sei kubasa?" "Nhasi handina kuneta semamwe mazuva asi zvinhu zvandaitwa nemusikana uya wandanga ndisingazivi zvandipedza simba" "Aitei?" "Paandiona atanga kuchema. Haana kuguma ipapo abva abuda achimhanya" Changamire vakaseka "Ukusekei manje?" "Wamuitei mwana?" "Hapana shame chero Alex anga ripo asi mangwana anofanirwa kundiudza zvakanaka" "Ndikukunzwa mukadzi wangu" "Leniency Ari kupi?" "Aizve ko hauna kuiona here mota yake?"... "Handina ku noticer pfungwa dzangu dziri kumusikana uya" "Ari mu room make" "Okay" Mai Lenny vakadaro vachienda mu room me mwanasikana wavo "Princess" "Mommy" Lenny akadaro achisimuka achihaga Mai vake "Wa shopper kusvika kwapera mari so" Lenny akaseka "Ndinokuziva iwe. Iwe ukangopinda mu shop unenge wakuda kubuda ne shop yacho" Lenny akaseka Mamoe Handina kurara nhasi kubva zvandaverenga rimwe novel mu foni mangu reumwe musikana akamanikidzwa kuti aroorwe nemukomana vose vasingasadanini mukomana aigara achirova musikana uyu kusvika afa nekuti paiva nemusikana waaida asi akaroorwa nemuninina wake akasiya vana vaviri. Vana vacho nyaya yacho yakavashungurudza zvekuti mukomana akazoita chigeven'a musikana akatiza pamuchato. No handidi kuti zviitike pemwana wangu. What if Tinashe achizondishungurudza nekufamba kwenguva . Baba ndivo vaita ndiverenge that novel valamboroverengerwa na Shashi munin'ina wangu. Obvious baba vanga vachida kundiudza ne plan ndikubve pam a paya. Ko chii chandakagarira Kwa Mhukahuru? Ndogarira marwadzo here? Aewa ndopedzisira ndafa neniwo. Makuseni ndakamuka ndichienda Ku kitchen ndakawana baba vachinwa mvura "Moyo Chirandu mamuka sei" "Ndamuka mwanangu warara sei?" "Ndarara mushe baba. Ndave ready manje kuita divorce" baba vakanditarisa vachishamisika "Une sure nazvo here?" "Ehe baba ndinoda kuzviita" "Ndinofara nekutora division igi. Pazvinhu zvose zvauchaita ziva kuti ndinewe" "Thanks daddy" Ndakadaro ndichinyemwerera ndichivahaga End of chapter