Chapter 35 Kiarah Ayy handisati ndamboona zvakadai ini. Tinashe angauya nemwana mudiki pano. Acharara achichemera Ani?. Ndakurara ini apa ndofanirwa kukurumidza kumuka semuroora mutsva. Ndakapinda mumagumbezi ndichirara, apa mwana wacho haasati arara "Hayi Tinashe usarara mwana asati arara" "Handina kurara" "Ko neyi uchiratidza kuva ne stress?" "Handina stress ini ndokumbira kurara" "Okay asi ndokumbira tiende kuimba yedu ini zvekumuka makuseni handizvigoni hanti unozviziva" "Tichataura mangwana" "Hezvo Tinashe!!" "Tomorrow please my love" "Fine!! Good night!!" Ndakadaro ndichirara ndakatarisa ku side kwangu. Haya Tinashe Ane nyaya hombe inomudya shame hamenho i nyaya yeyi **** Kuma 3 makuseni ndakanzwa mwana achichema apo Tinashe wacho aiva akafa nehope. Ndakamboedza kumu ignowa asi airidza mhere kani. Noise yacho yairwadzisa nzeve. "Tinashe mwana wako anochema uyu" Tinashe wacho aitoridza magwiriri hake "Tinashe muka mwana akuchema uye anoratidza kuti anoda kuchinjwa pamper Mumba makunhuhwa madhodhi" Tinashe akaramba Ari zii hake, ndakamutora ndichiedza kumunyararidza no ways handingazvimiriri zvekunhuhwirwa nedhodhi. "Arggg nyarara zve newevo handingakutori ini uchinhuhwa madhodhi" Mwana akatowedzera kuchema. Ndakaedza pese pandaigona kumutsa Tinashe asi aiva akafa nehope. Ndakamuka ndichimutora ndichimuradzika pamubhedha wake ndichimuisa titi mumuromo. Akangonyarara kwema minutes achibva atanga zve kuchema. Ndakaedza kufuga gumbezi asi noise yacho yainzwikwa. Ndakamuka ndichitora ma headphones angu ndichiaisa munzeve ndichibva ndarara hangu Mamoe Manje nguva dzakuma 3am hope dzikuramba kubata, ndikufunga Tinashe. Tinashe anofunga kuti ndiri benzi rake here ini? Anogara achindiudza nezve mukadzi wake ini naye takasanganiswa nemwana Ko neyi asingadi kusayina divorce. Ndakatora foni yangu ndichiedza kuona ma movie nekuti hope hadziko Kani. Hezvo zvaanenge mwana wangu Ari kuchema uyu. Ndakanyatoeerera, aewa izwi ra Tino iri. Ndakabuda mu room mangu ndakananga mu room ma Tinashe. Ndakavhunduka pandakanzwa kuti mwana wangu Ko neyi Tinashe asingaunzi mwana wangu kana zvamuremera. Ndakamhanya ndichienda mu room mavo. Ndakasvika ndichigogodza asi hapàna akadaira. Lucky hamuna kukiiwa ndakavhura door ndichipinda Misodzi yakayerera pandakaona Tino akarara ega apa izwi raiva risisabudi zvairatidza kuti atanga kare kuchema. Ndakaswedera Pana Tinashe ndichimumutsa uku ndichimurova. Tinashe akamuka achivhunduka. Akavhura maziso paakaona Tino "Tino!!" Tinashe akadaro Ndakamhanyira kumwana wangu "Neyi Tinashe wadaro kumwana wangu?" "Haa" Tinashe akadaro achimutsa Kikie apo aiva akaisa ma headphones. Ohh Saka amunzwa achichema akaisa ma headphones. Ndakatora mwana wangu ndichibuda mu room mavo. Tinashe akanditevera Ndakasvika mu room mangu ndikatora bhavhu rake ndikaisa warm water apo aingochema neniwo ndaiva ndakuchema. Mwana wangu oitwa nherera ndiripo. Tinashe akapinda achida kuedza kunyaradza Tino asi ndakamurambira kuti amubate. Ndakamugezisa ndapedza ndakamupfekedza mbatya apa aingochema. Ndakaedza kumupa bhotoro rake asi akaramba. "Muunze kuno ndimunyaradze" Tinashe akadaro. Ndakamurambira ndakaramba ndichinyaradza mwana wangu Tinashe aiva angoti Khoo panzvimbo imwe chete. Tino akaramba achichema zvekuti ndakazomupa mushonga ndiko kuti anyarara achitanga kunwa bhodhoro rake. Zvichakadaro Mai Laga vakapinda. Vakabvunza Tino Ari kuchemei ndakangovhara vhara kuti ane nzara. Vakamutora vachimubata Bata muviri wese vachibva vabuda naye vachienda. Tinashe aingokumbira ruregerero hanzi hee ndi Kikie what what I don't care naiyevo ari wrong amutorerei mwana wangu kana achizomusiya achichema. Kana ari sa Kikie handimudi pamwana wangu. Tinashe aiva akuda kurara mu room mangu. WTF. Anorara muno kuti zvaita sei iye Kikie atorwa na mhamha. Ndakamudzinga achibva abuda. After some minutes akasenda message achikumbira ruregerero nezvaitika ndakamu blue ticker ndichibva ndadzima foni yangu ndichirara Kiara Ndakamira mu room mangu ndikutya Tinashe handizivi Kuti achandiitei paachauya kwaaenda. Ndakamira kudaro door rakavhurika achipinda. Ndakadzokera kumashure uku ndichibvunda "Honey" ndakadaro "Honey my foot!!" Tinashe Akadaro achiswedera pandiri achindirova nembama achindisundira pa bed achiswedera zve pandiri achindidhonza zvinorwadza "Waitirei zvawaita pamwana wangu?!!" "Ndaedza kukumutsa asi hauna kumuka, ndaedza kumunyaradza asi aramba achichema" "Saka zvinhu zvawaita waona zviri right? Watadza neyi kumuendesa Kuna Mamoe?" "Ndanga ndichifunga Kuti pamwe achanyarara" Tinashe akandipamha neimwe mbama ndakatanga kuchema ndichikumbira ruregerero "What if mwana wangu anga achafa nezvinhu zvawaita?uri mukadzi rudzii iwe ungasiya mwana achichema kusvika pakuisa ma headphones?" Tinashe Akadaro achindirova kudarika pekutanga Akakurura bhande achitanga kundirova. Ndakaedza kuzvinunura asi simba ndiro shoma "Handingagariri kurohwa ini Tinashe ndichakusiya!!" "Ndisiye Kiarah . Pamwana wangu handingabvumi. Mwana wangu akakosha kudarika iwe" Tinashe Akadaro achindirova nemambama maviri kumeso achibva arara Apa muviri wangu waiva wakuyuwira nemarwadzo. Handingagariri kurohwa ini. Kana mwana wake akakosha kudarika ini fine ngaagare nemwana wake mangwana chaiye ndiri kuenda kumba kwedu. Suitcase yagara ndanga ndisati ndabisa mbatya mukati **** Argg ndararisa maan. Ndanga ndichiti ndichamuka makuseni seni asi Manje nguva dzakuma 9 . Ndakamuka ndichizvitarisa pa mirror. Ndakavhunduka pandakaona maziso angu achida kuvharika. Aewa zvepano bodo ndikuenda ini handingagariri kurohwa. Ndingaroverwa vana vevanhu. Ndinopinda papi Ini pamwana? Ndini here ndati atore mwana Kuna Mai vake auye naye here?. Ndapedza kugeza ndakachinja ndichibva ndaenda kune vamwe. Vakashamisika vachiona ndakazvimba. Mai vake vakasimuka vachiuya kwandiri. Tinashe akatarisa suitcase yangu achidzungudza musoro. Saka haandinyengerere here Kuti ndisaenda? Nxaa, Mai vake vakandibvunza ndaita sei ndakavaudza zvaiva zvaitika asi kuti nei ndarohwa handina kuzvitaura. Vakashamisika vachibvunza Tinashe neyi aita zvinhu zvakadaro asi mhinduro yake yaitoratidza Kuti haazvishori nezvinhu zvawandiita . Mai vake vakamboda kutigarisa pasi vachida kutaura nesu. Asi noo ndikuenda kumba kwedu ini "Saka Tinashe uchanyarara mukadzi wako achienda?" Mai vake vakabvunza "Musiyeyi aende" Tinashe Akadaro Misodzi yakayerera ndakamutarisa. Ndakabuda ndichi enda kumakombi pagedhi ndakazvivhara huso nedhuku Kuti ndisaonekwa Mamoe Ndikuona hañgu drama rikuitika ndakanyarara hañgu Kuti zii sendisipo "Mamoe ko chii chaitika?" Mai Laga vakabvunza Ndakavaudza nyaya yose naivowo vakashamisika. "Tinashe" Mai Laga vakadaro "Ndinoda kumbofurwa nemhepo" Tinashe Akadaro achisimuka achibuda door Aizve ko anoenda kupi asina kusayina ma paper? Anofanirwa kusayina tibve pano nemwana wangu. Handifi ndakamupa mwana wangu Kuti arare naye nekuti at the end ndingazourairwa mwana wangu. Ndakasimuka ndichienda mu room mangu. Foni yangu yakarira aiva Tanisha aindiudza Kuti ndisvike Manje it's urgent. Ndakakumbira mhamha Kuti vasare nemwana ndichibva ndaenda ***** Ndakasvika Mumba make, aiva akagara pasofa you can tell Kuti ane zvihombe zvaari kufunga. Takamhorosana achibva andiudza nyaya yose ya Mai vake. Ndakashamisika nazvo. Ndi Mai rudzii vangadaro pamwana wake "Neniwo handina basa naye Asi Manje ndoda kuziva Kuti ndiani akauraya baba vangu" "Eish" ndakadaro "Laga ndamukumbira Kuti anditsvagire munhu akaita izvi Asi anenge asingadi Ari busy nezvinhu zvake" "Hazvisirizvo sisi pamwe achiri kutsvaga" "Ndokumbira undiitire research please sisi" "Okay ndichaita sekudaro, ndichaudza na Laga tibatsirane" "Hayi ndokumbira usamupinza Laga. Ngazvigare pakati pedu tiri vaviri handina wandikuvimba manje" "Chero Laga haumuvimbi" "Please Mamoe" Ndakamutarisa ndichishamisika Tanisha Mamoe akanditarisa achishamisika "Zvinoita here kuti Laga asaziva Ari murume wako? Hanti ndiye waunofanirwa kuvimba?" "Yes I trust him asi ndinoda kumbozviitiravo zvinhu zvangu ndega pasina Zita rake" "Okay big sisi I will try nepandinogona" "I trust you you won't disappoint me. Ndinomuda munhu akauraya baba and ndakamuplanira a big surprise ichamurwadzisa kwehupenyu hwake hwese" "Hanti unoziva kuti zvinhu zvakadai zvine hunjodzi?" "Yes I know and I don't have problem with that kana ndichifanirwa kusangana nenjodzi for kuwana Justice yekufa kwababa ndizvozvo " "Ndichakubatsira neniwo ndibaba vangu" Ndakanyemwerera. Akazondiudza nenyaya ye divorce ouch . Ndakaedza kumu convincer kuti asiye zvinhu zvaanoda kuita asi ehh munhu wacho akuratidza kuti decision aitora kare. Akazondiudza zvaitika Pana Tino nekurohwa kwaitwa kikie akatakura bag rake achienda kumba kwavo "Eish sorry sisi uchangobva kumba wosangana nema drama ose aya" "Taura hako apa Tinashe wacho anondipa stress nekusada kusayina ma paper" "Asi newevo wanga uchifunga kuti achangobvuma just like that" "Anofanirwa kubvuma hanti ndiye aigara achindirangaridza kuti Ini naye takasanganiswa nemwana" "Pamwe bhuru raku catcher ma feelings " Ndakadaro ndichiseka" "Zvekupenga izvo" mamoe akadaro achiseka achioneka achibva aenda. Narrated Mhukahuru aiva akagara na Onkownkow mu hotera, Onkownkow aiva auya kuzomupa bad news "Chii chaunoda kutaura neni Onkownkow?" "Yapera nguva manje Mhukahuru?" ",Nguva yeyi manje?" "Zvinhu zvose zvinoti ini ngazvichiuya kwandiri. Ndikuona manje Kuti hazvichatariswi ndakufanirwa kuzvitora" "Inga Wani unoziva Onkownkow neyi ndiri pano" "Ndinozviziva asi ka hatishandi nenzira iyoyo. Ndinofanirwa kuita zvinhu mugwara "Chili chichaitika papfuma yangu?" "Uchaona yekutamba" "I think yava nguva yekuti ndidzokere kumba ndinosanga nevanhu ava vakunditsvaga" ****** Laga na Tafadzwa vaiva ku warehouse Kuna Davula. Manje vaiva vakuona Kuti Davula zveshuwa haazivi Kuna Mhukahuru. Vazo decider Kuti zviri nani afe nekuti ndikare vachimurwadzisa, zvakwana manje" "Saka tichaita sei?" Tafadzwa akabvunza "Handizivi nekuti Mhukahuru haawanikwi and akatitamba" Laga Akadaro "Hatifanirwi kuzorora nekuti eyy zvichatiwira zvihombe. Akangoona chete Kuti ta relaxer anotitema" "Sure dude neniwo yava nguva yekuti nditaure nemukadzi wangu manje ndimuudze everything " "Let's hope she will understand agokuregerera" "Ayy handiziviwo asi Handina feeling yekuti achandiregerera ndikunzwa mumoyo mangu Kuti kuziva kwake chokwadi kuparadzana kwedu " "Handifungi kudaro mukadzi wako anokuda achanzwisisa haangambokusiyi" "Let's hope so" Laga Akadaro vachionekana umwe neumwe achinopinda mumota make vachienda kudzimba dzavo End of chapter