Chapter 26 Tanisha Vakomana wekwa Khanye ava vaperekedza zve Laga kuKwekwe. No it can't be. Pane zvikuitika chete, asi chokwadi ndichachiwana hangu. Ndakaenda Kuna Mamlilo pane zvinhu zvandinoda kuziva about my husband. Ndakavawana vasati varara. Takataura nyaya dzakangodaro daro ndichiri kutsvaga matangiro enyaya "Mhamha pane zvandinoda kuziva ndinokumbira mundiudze chokwadi" Mamlilo vakanditarisa vachashamisika "Bvunza mwanangu" "Laga ndewekwa Khanye here?" Mai Laga vakavhura maziso "Wazvitora kupi izvozvo?" "Ndinoda kuziva mhamha, now ndakuziva kuti Laga haasi wekwa Mhukahuru. Saka ndewekwa Khanye here?" "Hayi zvauri kutaura handizvizivi Ini Laga ndewekwa Mhukahuru" "Mhamha ndiri pano for kukusapotai. Laga anofanana ne family Iya, zviito zvake ndezve family Iya . Mhamha kana pane Munhu wamunoda kutaura naye ndiripo ini" Havana kundipindura vakangonditarisa "Mhamha ndokumbira mundiudze chokwadi, kana mukaramba muchinyarara nenyaya mukuita kuti zvinhu zviite wesi pakati penyu na Laga. Ndinokumbira mumuudze chokwadi nezvedzinza rake nekuti akazonzwa neumwe munhu haangazofaro nazvo" Mamlilo vakatura befu vachiyeredza misodzi "Musachema Mhamha " "Handizivi ndakazviita sei mwanangu, ehe Laga ndewekwa Khanye" Ndakavhura maziso nekuti ndakazviona ne first day ini asi ndaiva ndisiri sure. "Ohh gosh Mhamha. That's why vachimufarira Laga vañhu vekwa Khanye" "Asi ndambomuudza Tinaye kuti asaswededza Laga paari" "Mhamha ndinokumbira mumuudze Laga nyaya iyi asati ainzwa nevamwe vañhu. Yes acharwadziwa asi achanzwisisa" "Ndinotya mwanangu what if anondisiya for good?" "Laga haangamboiti izvozvo Mhamha anokudai Laga. Tsvagai nzira yekumuudza mhamha nekuti mukasamuudza akazonzwa nevamwe munenge mazviputsira relationship yenyu naye" "Mhukahuru achandiuraya paachanzwa nyaya yose iyi" "Mhamha imbokanganwai zvishoma nezva Mhukahuru mugadzirise relationship yenyu na Laga nekuti akazonzwa neumwe munhu acharamba kuti mumutsanangurire" "Ndichaita sekudaro mwanangu chero hazvo ndichitya kuti achazondivenga" "Haambokuvengeyi mhamha musachema" ndakadaro ndichivahaga tichionekana ndichienda kunorara. Makuseni ndakamuka ndichifonera Laga ndichida kunzwa kana pane chavawana asi vakati havasati vaendako asi akandivimbisa kuti vachamuwana chete Kiarah Ndapedza kare kuzvigadzira ndamirira Tinashe kuti auye anditore andiendese Kwa Doctor asi ndagara kusvika 1pm yachaya asina kuuya. Pandaedza kumufonera foni yakadzimwa. Makuseni yanga ichipinda asi pandapama zve yabva yadzimwa. Ndakagara mu sitting room sisi Bridget akabudikira "Nazvino wakangomirira munhu waunoona kuti haauyi?" Bridget akabvunza "Anouya hanti andivimbisa" "Hande Kwa Doctor Kikie ukumuona Tinashe kuti haauyi wesi part foni yake yakadzimwa " Ndakaedza zve kumufonera asi foni yaiva yakadzimwa, hapana zvandingaita kunze kwekuti ndibvume kuenda na Bridget Mamoe Yoo this life. Ndini here ndachata na Tinashe ndisingafungiri. Shuwa ndichati kudii Kuna baba? Ndavanyadzisa zve ndakavanyadzisa nenhumbu manje ndezvimwe. Ko ndabvumirei zvinhu zvakadaro. Manje tiri mumota tikudzokera Ku Harare. Ndakatarisa Tinashe akanyemwerera. Asi kunyemwerera kwake hakusi kwemufaro ndekwekuvhara ini chete. Ndakaona Laga achititarisa achinyemwerera. "Finally you're husband and wife" Laga akaadaro "Ende munofitana shame, iwe mpfana hauna choice maan ungasiya bhebhi rakanaka kudai." Tafadzwa akadaro. "Mukuita noise maan imwi?" Tinashe akadaro... Asi akateererwa nani. Vakaramba vachiita noise yavo. Mhamha vakanditarisa nerimwe ziso. Unoziva nguva yose iyi ndaifunga kuti vanondida Asi manje ndakuziva kuti havandidi zvavo. Shuwa kundiroodza nemunhu wandisingadi nekuda kwemari Zva Tinashe zviri nani ndinomuziva uye ndi baba vemwana wangu. Dai uri umwe watorara Mrs zisudhu nekuti unemibvunzo hobho yakakumirira kuti upindure" Tafadzwa akadaro akatarisa mhamha Mhamha Havana kupindura vakaramba vari zii. Hours later takasvika ku Harare. Ndinotya chero kuenda kumba kwana Tinashe Mai vake vachati kudii shuwa. Vakamisa mota pane imwe nzvimbo pakabudikira vamwe varume vakatora mhamha vachienda navo na Joe naiyevo akaenda navo. Ndakatarisa Laga "Don't worry hapana zvavamuita pane mibvunzo yaanofanirwa kupindura chete" Laga akadaro Takasvika kumba Kwana Tinashe apa ndaiva ndakangopfeka rogwe remuchato. Patakapinda Tanie akandimhanyira achindihaga "Mamoe wadzoka?" Ndakabvuma nemusoro. Vañhu vose vakauya vakafara nekuuya Kwangu vakandiita ma sorry. Mai va Tinashe vakatarisa Tinashe aiva akanyura muzisudhu ra Max. Ndakaona Letty achipera nekuseka "Ko neyi wakapfeka so Tinashe? Mamoe chii chikuitika?" Mamlilo vakabvunza Laga akavaudza nyaya yose sezvairi. Vañhu vakashamisika Mamlilo vakamboda kuramba kuti hakuna Muchato wakadai kana tichida kuita Muchato ngatiite wechibvumirano Asi Laga akamira nekuti tabvuma tose. Chero hazvo zvakavashamisa Asi Mamlilo vakaratidza kuzvifarira Tinashe Yerrr ndabva ndangochata just like that. Asi Tafadzwa na Laga neyi vadaro nhaimi? Ndakasvika mu room mangu ndikawana Mamoe akagara. Ko hanti aunzwa na Letty mu room mangu nekuda kwedzungu rake. "Hey magumbezi ari mu wardrobe" ndakadaro "Ndokumbira kutanga ndageza" Ndakamupa zvinhu zvekugeza achibva aenda . Pandakavhura foni yangu ndakavhunduka pakazara ma message a Kikie. Shit!!! Gara zviya Kuna Kikie. Mamoe akauya achinja achigara pa bed. "I'm sorry nekusadaira ma calls ako pawanga uchifona" "No problem as long ndava safe now" "Kune kwandiri kuda kuenda manje ndichakuona pandinodzoka" Mamoe akabvuma nemusoro ndichibva ndabuda ndichinopinda mumota ndichiimutsa yakananga kumba Kwana Kikie. Ndakasvika pagedhi ndikamufonera kuti abude. After some minutes akauya achipinda mumota. "Uri kubvepi?" "Babe look nd--" "Ndati uri kubvepi Tinashe? Watanga usingadairi ma calls angu ukapedzisira wadzima foni" "Ndanga ndaenda Ku Kwekwe kunot+++" "Chii chawanga wavinga Ku Kwekwe ini usingandiudzi? Ndakufonera kakawanda usingadairi ma calls angu Tin---" "Ndayerekana ndachata" ndakadaro ndichitsinzina. "What?" Kikie akandibvunza avhura muromo Ndakapererwa kuti ndotangira papi "Tinashe wati kudii?" "I'm sorry babe zvinhu izvi Handina kumbozvironga ini zvangozviita zvega handiti unoziva kuti ini ndinoda iwe chete" Kikie akatura befu "Saka kana uchida ini chete neyi wachata neumwe mukadzi?". "Zvangozviita zvega babe" "Saka life Yako ichagara ichizviita yega?" "Aewa" "Zuro ndaswera ndakakumirira asi iwe wanga uchichata? Saka wakamuroora kare ini ndanga ndichiitwa benzi chete?" "Aewa babe handina kumuroora ndichakuudza zvese" "Ndiani wawaroora? Ndi baby mama wako?" "Ehe asi hand--" "Handichadi kunzwa chinhu Tinashe enda. Enda kumukadzi wako usiyane neni" Babe please calm down ndichaigadzira nyaya yose iyi" "Enda unogadzira na baby mama wako usiyane neni Tinashe" Kikie akadaro achibuda mumota achipinda Mumba. Ndakasara ndakangoti tuzu. Ndakamutsa mota ndichidzokera kumba, handizivi Kuti ndichaita sei ini. Handichadi kurwadzisa Mamoe, akatakura mwana wangu wekutanga. Ndakasvika kumba ndika parker mota ndichibva ndapinda ndichinanga mu room. Mangu. Ndakawana Mamoe akarara akatarisa mudenga asi asina kukotsira. Ndakaenda Ku shower ndikageza, ndapedza ndakapfeka ma pyjama ndichibva ndakwira pa bed ndichirara neniwo ndakatarisa mudenga "Ndadzoka" "Wafamba sei?" "Mushe hangu" "Good Saka tichaita sei ne divorce" Ndakamutarisa naiyevo akanditarisa "Divorce yeyi?" "Unoziva zvandinotaura Tinashe. Zvinhu zvataita tazviitira Laga ne shamwari yake" "Asi ini ndanga ndichizviitira, handina kuitira munhu. Nehupenzi hwangu ndasara padiki kurasikirwa nemwana wangu iye ega. Don't worry mangwana chaiye ndiri kuenda kumba kwenyu kunoroora woita mukadzi wangu zviri pamutemo" "What if baba havazvibvumi?" "Usafungisisa iwe rara baba vachafara chete trust me" ",Mhamha mavaisa kupi?" "Tafadzwa na Laga ndovanoziva asi usatya havangavakuvadzi" "Chero vakavakuvadza handina basa " ndakamutarisa "Good night" "You too". Mamoe akadaro achirara umwe neumwe akatarisa ku side kwake Mamoe Tinashe akandimutsa Kuma 4 achindiudza kuti ndigadzirire. I wonder baba vachabvuma here. I wish dai vandiregerera ndanzwa shame. Yes vakandiregerera asi kwete nemoyo wavo wese. I miss baba vangu vaindida nemoyo wavo wese. . Tapedza takaenda kumota tichinotora Tanie na Laga. Takawana Pane mukoma wavo Nkosi na Tafadzwa. Takapinda mumota dzakasiyana ini na Tanie takaenda mumota ya Laga. Tanie kumusha aiva atovaudza everything zvinoreva kuti vaiva vakatotimirira. Hours later takasvika kumba. Takapinda mukati tikawana vañhu vose vakazara mu sitting room. Baba vakasimuka vachiuya kwandiri vachindihaga "Princess" Misodzi yakayerera pandiri "Havana kukuvadza here?" Baba vakadaro vachindibata Bata muviri wese Mbuya vakasimukawo vachiuya vachindihaga. Tinashe Takagara kune amwe ma shop kwatawana Laga akatimirira. Takamirira nguva dzacho dzisvike tiende Kwana Mamoe "Tinashe ukufara here nezvinhu zvikuitika?" Laga akabvunza. "Pekutanga panga muchindiitisa zvinhu zvese izvi ndanga ndisina mufaro nazvo Asi manje ndikufara manga muri right, ndofanirwa kutora responsibility yangu" "Yah mpfana unofanirwa kudaro, unofanirwa kuva serious ne life. Ndakura ini ndinozviziva izvi. Zvakamboitika kwandiri ndichiri mupfanha. Chero kuchinzi munhu wawanhumburisa haumudi Asi responsibility yako unofanirwa kuitora. Mwana wake womupa rudo" Tafadzwa akadaro "Ichokwadi ichi" Nkosi akadaro Tafadzwa misodzi yakajenga paari, I'm sure zvihombe zvakaitika paari. Tafadzwa nemisodzi? Haa "Ini mwana wangu wekutanga ndichiri kuchikoro ndichakavharika kumeso. Mai vacho taiva tisingawirirani. Iyeyu wandakaroora manje. Nyaya Yako inoda kuenderana neyangu. Shylet aindida shame asi ini ndaiva newandaida. Paakandiudza kuti ane pamuviri ndakajamuka ndikaramba mwana. Ndakamupa Mari kuti anobisa nhumbu asi haana kuzviita. Guys imagine the whole 5 years mwana wangu ndisina bond naye. Iyi mistake ndichafa nayo muguva. Chero ndiri kuguva ndichamuka ndogara pasi ndoti asi paya ndakakanya zvemachokwadi ndorara zve mucoffin mangu" "Yoo" Laga akadaro "Exactly nyaya Yako Tinashe, ndakachata ini mberi Kwa shylet ane pamuviri izvo ndikuchata ne wrong turn jangu jangu chairo. Mwana uya ndaimuda kwete zvekufungidzira asi kumagumo ndakazonzwa kuti akabisa nhumbu chibereko chikashungurudzika, haachafi akaita zve vana. Apo taiva tava ne 5 years tiri tese. Pfungwa dzangu dzakabva pandiri dzikauya dzichimira mberi kwangu dzikati waifunga kuti ukuitei, dzichiseka dzichirovana maoko dzichidzokera zve mumusoro mangu dzichitanga kundirova musoro uyu. Ndakanzwa kupisa musoro ndikatanga kufunga Shy wandakarwadzisa nemwana wangu" Ndakanzwa misodzi ichipisa pandiri "Zvinhu zvandanga ndichiita kwamuri mungaona se game asi ini ndanga ndichitoziva kuti haisi game. Ndanga ndichitiza kuti usaita mistake yakaitwa neni" Tafadzwa akadaro achipukuta misodzi "Haa iwe mpfana tsek maan hona wakundichemedza misodzi yangu iyi ndakaichengetera Shylet kana ondituka zve ne mistake iyoyo" Tafadzwa akadaro. "Asi unogara uchiyeuchidzwa?" Uhm vakadzi here nyaya diki unoyeuchidzwa womborambwa. Mukadzi ukamutadzira nyaya yake haiperi chero wafa anouya kuguva rako okubvunza waizviitire nhaiwe? Pakadaro chero kumuka chipoko unotya ahh chipoko chacho chingatukwa nezvinhu zvawakaita uchiri mupenyu" Tafadzwa akadaro takapera nekuseka "But thanks guys nezvinhu zvamaita ndanga ndichifunga kuti ukuita ma game asi nezvawataura manje aewa ndinonzwisisa shame" "Yah mpfana ini zvakambondiremera kuvaka relationship yangu na Shylet asi ndakashinga shame" "Thanks dude nezvinhu zvawaita" Laga akadaro "Ayy ayy tava emotional hunzai whiskey tiirove " Tafadzwa akadaro tichienderera mberi nekunwa. Unoziva ndinogara ndichiti mukomana uyu mupengo asi zvinhu zvaandiudza ndinofanirwa kuzviisa mupfungwa dzangu End of chapter