Chapter 9 Letty Takagara pa tafura sevana vemunhu umwe chete tiri kufara "Eish guys dai tagara takadai maan. Tinaye zvinofadza izvi" Laga akadaro "Neniwo ndafara guys and ndava wekuno handichadzokeri" Tinaye akadaro "This time kana tichifanirwa kuprotetsa kuti ugare nesu tichazviita twin hakuna kwaunoenda" Tinashe akadaro "Ko neyi baba vachitiparadzanisa newe?" Ndakabvunza Tauya kuzofara pano Saka nyaya dzekumba ngadzimbomira. " Laga akadaro "Taura hako" Tinashe akadaro "Odhayi chikafu chamunoda nhasi muri kudya Mari yamukoma wenyu" Laga akadaro "Ohh yes zvagara mukoma anemari usatamba ne laywer iwe" ndakadaro tichiseka "Unozivei iwe ne pay yema laywer" "Chero Mr Kombi anemari usatamba nekuswera uchikwidza vanhu everyday " Tinashe akadaro tichiseka "Hezvo broe wave driver wekombi manje iwe?" Ndakabvunza "Really? So much embarrassment the whole Mhukahuru driver wemakombi" Lionah akadaro "Unozivei iwe nezve embarrassment?" Laga akadaro "Handiti anotya musikana here that's why achinyebera ku driver Kombi" Tinashe akadaro achitaura nyaya yose "Ohh my gosh my brother is in love nemusikana uya anoshanda ku building" ndakadaro ndichiseka "Ndiye" Tinashe akadaro "Wow I'm so happy mwana akabatana uya" ndakadaro ndichiseka "Let's hope hamurevi musikana wekundidonhedza asingagoni kufamba" Lionah akadaro "Ndiye" Tinashe akadaro achipera nekuseka "What the hell broe? Hauchaizivi manje type yako?" Lionah akadaro "Ndiyo iya type yangu" Laga akadaro "Maziziso" Lionah akadaro takapera nekuseka Pa fair chaipo Laga ane maziso mahombe ku family yedu hapana munhu ane maziso akakura kudai agoti maoko Ake haabvi muhomwe make kana usingazivi unoti haasi wekwa Mhukahuru "Pane zvinhu zvandinoda kukuudzai" Laga akadaro Takamutarisa tose tichishamisika asi aiva serious "Chii manje?" Tinashe akabvunza "I love you guys, so much" Laga akadaro "Wow" takadaro tichinomuhaga tose "You're so sweet brother we love you more" Lionah akadaro "Asi wakuzofa broe, vanhu kana vave pedo nekufa vanoita sewe?" Tinashe akabvunza tichiseka "Fosek man" Laga akadaro "Unoda nditi kudii, mangwana tinenge takutaura pa coffin rake kuti akabuda nesu out izvo aitioneka" Tinashe akadaro tichiseka "Unopenga iwe" Tapedza kudya takaenda kune imwe bar . Takatenga hobho yedoro tichinomwa kumba Kwa Laggy haa nhasi izuva redu "Kana tadhakwa tichaenda kumba kwaMhukahuru tinotamba ikoko and tichatora zi speaker rangu tosvika tichiriisa mu sitting room tinofanirwa kutaimira varara" Laggy akadaro "Vhawolensi" ndakadaro "Taura hako tichaona kuti mhukahuru achagona kutirova here takwanda kudaro "I second that idea Mr big eyes" Lionah akadaro. "I'm in" ndakadaro tichienderera mberi nekunwa doro redu Mhukahuru Pamba pakati zii nhasi handizivi kuti vana ava vari kupi, vakuita madiro Manje pamusha pangu. Ndakadzika downstairs ndichienda ku kitchen kwaiva na mamlilo. "Mai mpfana" "Baba" "Vari kupi vana?" "Ndavatuma Kuti vanotora Tinaye asi neniwo handichazivi Manje Kuti vari kupi" "Hauzivi sei uriwe wavatuma, ndakakuudza Kuti hazvisi right Kuti Tinaye auye pamusha pano" "Baba Tinaye mwana wangu ano deserver kuva pamusha pano nevamwe vana" "Saka vari kupi?" "Handiziviwo pamwe pane zvinhu zvavanonotsa" Zvichakadaro Davula akapinda "Chii chiri kuitika pano Mhukahuru" "Vana vanguri vaenda kunotora Tinaye havasati vadzoka vana ava vanondijairira maan, ko vasikana vacho vari kupi?" "Vaenda vose baba ndavanzwa vachiti vachadarika vachitora Letty kubasa" "Asi baba vana ava ndimwi munovapa freedom yose iyi. Honai Manje nguva dzave Kuma 8 havasati vave pamba. Chero munhu wacho aenda kunotorwa iye haaoni here Kuti zvinhu zviri kuitika hazvisi right. Haasati atombosvika pamba asi iye ave kumbeya Harare yose hake" Davula akadaro "Pamwe vari kuzvifadza vana plus havasi Vega vana Bothy" "Ohh ndakuzviona Manje. Mupfanha uyu anoda kufurira vana vangu vose" "Hayi baba vanin'ina vake hanti anogovafurira sei " mamlilo akadaro "Nhasi ndichavaratidza chakatadzisa imbwa kutaura asi kushama ichigona" "Baba mukangotadza nhasi hamuchavagoni" Davula akadaro "Hayi Davula usataura uchidaro vanin'ina vako ka ava" Mamlilo akadaro "Ndiri kuenda manje ndikunovatsvaga" "Ndoenda nemwi baba" Davula akadaro tichinopinda mumota tichienda Tanisha Ndakagara mu room mangu ndikungofunga munhu uyu anondijairira anondiunzira zvinhu asi iye asingabudikiri Kuti ndiani. Ndiye munhu iyeye angaita zvinhu zvakadaro? Na Lagaman wacho kana ndichimufonera haadairi ma calls angu. Ayy husiku manje. Nei ndichimufonera? What if ane musikana wake. Ndakaedza kurara asi foni yangu yakarira aiva Laga "Laga Laga hello" "Lagaman uri sei?" "Hello beautiful Chirandu " "Lagaman" "You're so sweet kana uchindidana" "Lagaman maan" "You're so cute" Ohh argg akadhakwa munhu uyu hapana zvandingataura naye akadai. Ndakakata foni ndichiisa foni pasi pemutsamhiro. Foni yakaramba ichirira ari Laga. Ndakaiisa pa silent ndichataura naye ave right. Ndakatora ring ya Elvis ndichitarisa Good night Elvis I love you so much Ndapedza ndabata ring iya ndichirara nayo Letty Hakusi kudhakwa uku kuvana va Mhukahuru. Ini ndangonwa zvishoma ndichiitira ku driver hey accident ndinoitya wee vanhu vakawanda vanoita ma accident nekuchaira vakadhakwa "Yave nguva yekuenda kumba manje" ndakadaro ",Inguvai?" Laggy akabvunza. "9 yachaya" ndakadaro "Welewele handei" Laggy akadaro ndakaseka "Nhasi Mhukahuru achatiuraya " ndakadaro "Seni ndisati ndasvika kumba" Tinaye akadaro "Relax anokutangira papi Mhukahuru iwe uri monya" Laggy akadaro tichinopinda mumota Laga paaida kuno driver ndakamurambira "Laga haunga drive wakadai never" "Hezvo ndini ani ini" "Lagaman Bothman Mhukahuru Zhou chibva ndichaire" ndakadaro "Okay mem" Takaseka tose tichipinda mumota apa vaiva vakabata Zi speaker zihombe Ndakamutsa mota tichienda kumba. I can't wait kuona zvichaitwa na Mhukahuru paachaona vana vake vakadai. I know them nhasi vachamuchovha Mhukahuru. Kana ari sa Laga anoita seamwira Mhukahuru doro. Takasvika kumba Laga na Nashe vakabatsirana speaker tichipinda mumba vachi plugger. Ndakapera nekuseka "Guys really?" Ndakabvunza ndichiseka "Relax maan" Nashe akadaro "Relax hanzvadzi nhasi Mhukahuru anofanirwa kutiziva mushe hoyo mukomana hoyo" Laga akadaro vachibatidza speaker vachiita noise. Handifungi kuti Mhukahuru aripo ini coz pane mota yake yandaona isipo. "Ibotso!!! Umwe achatanda botso chete gore rino !!! Ibotso!!! Heyy hey!! Mukai!!! Mungarara sei downstairs kune party!!!!" Laga akadaro takaseka "Come downstairs guys tiri kunakirwa isu holololo!!!" Tinashe akadaro Apa doro raiva rakazara mu cooler box "Mdhara!!! Daddy!!! Mhukahuru!!! Huya uone vana vako vachinakirwa!!!" Laga akadaro ndakamhanya ndichienda kwaari ndichimuvhara muromo "What? Wakuitei manje Laga?" "Really vanogorara sei isu tisina kurara!!" Lionah akadaro Neniwo ndakatanga kunwa sezvo ndakumba hanti hapasisina zvekuchaira "Rega ndinoona muchembere wangu ini* Tinaye akadaro "Enda Mama's boy" Laga akadaro Tinaye akaenda takasara tichitamba radio. Zvichakadaro takaona mukadzi wa Davula achidzika ma steps "Mukadzi we brother yangu, huya huya umwe doro, kana nguva iripo fara remangwana rako haurizivi" Laga akadaro Zvichakadaro vashandi naivowo vakabudikira "Come come tiku celebrata kuuya kwe mupfana wangu kumba" Laga akadaro achitora doro achivapa "But sir" "Imwa imwa hapana munhu achakugumai tiripo masoja enyu" Tinashe akadaro "Yes kana wawana mukana wekufara fara usautambisa hanti ukutiona isu tikufara sei" Laga akadaro "Yes muri kushanda zvakanaka so guys you deserve everything huyai musatya" Lionah akadaro Vanhu vaiita noise I three. Lionah Laga na Tinashe. After some minutes Tinaye aenda upstairs akadzoka achiteverwa na mhamha. Mhamha vakashamisika vachiona drama Rana Laga "My beautiful and innocent mother" Laga akadaro "Hezvo I noise yeyi manje iyi?" Mhamha vakabvunza "Come come mhamha huyai murove one bhodhoro " Laga akadaro "Laga ndochii chamuri kuita manje? Unoziva na baba vako Muchanetsana. Zvavasipo kudai vaenda kunotsvaga imwi" mhamha vakadaro "Arggg chimbomirai mhamha nezva mhukahuru. Izvi ndizvo zvandinoita kumba kwangu. Sezvo vachida Kuti ndidzoke kumba, zvichaitika everyday aya achiri ma highlights " Laga akadaro "Newevo Tinashe" Tinashe akaseka vachitora doro na Laga vachinopa mhamha "Rovai mhamha kana muchida rimwe mutiudze" Laga akadaro Mhamha vakanditarisa "Newe Letty? Newe Lionah? Ko chiiko nemwi imwi vana?" "Kune party mhamha" Laga amadaro "Yes mommy hanti muri kuona kuti tiri pamugidho" lionah akadaro Mhamha vakaedza kutitsiura asi zvakakona murapwa achida. Zvichakadaro takanzwa baba vachidanidzira "Ndochii ichi manje?!!!" Mumba makaita runyararo Tinashe akanodzima radio "Hayi hayi Tinashe wadzimirei manje?" Laga akabvunza achinobatidza radio "Mhoro mhukahuru unoda bhodhoro here ndikusvitse" Laga akadaro baba vakamutarisa "Ohh ko iwe Davula haudi bhodhoro here?" Laga akabvunza "Ndochii chiri kuitika pamusha pangu?" Baba vakadaro "Daddy tiri ku party nhasi hamuoni kuti tiri kunakirwa sei?" Lionah akadaro "Yes tinokumbira kusiiwa please " Tinashe akadaro vachivhura volume ye radio "Ibotso!!! Hoyo mudhara hoyo!!! Ibotso!!!" Laga akadaro achidanidzira "Holololo hololo!!!!" Tinashe akadaro "Chop my money!!! Chop my money hee!!!" Lionah akadaro umwe neumwe aiimba song yaanoda "Mhukahuru imbotiratidza kuti waitamba sei uchiri mujaya usati wava big man" Laga akadaro Ndakaona mhamha vachibata muromo vachitarisa pa side vachiseka "Munojairira imwi vana!!!" Baba vakadaro vachidzima radio asi vakaivhura zve "Chii baba? Handiti tiri kufara here? Ko hamudi kuona vana venyu vamunofarira vachitamba or pane vatiri kuitira noise?" Laga akadaro "Baba ndakakuudzai kuti mwana weny---" Davula haana kupedza kutaura Laga akamurova nezvibhakera zviviri akabuda ropa mumuromo "Lagaman!!! Mukoma wako uyu!!! "Asi anoita kunge mwana mudiki" Laga "Iwe mpfana unofunga kuti ungarova ani?" Davula akadaro achida kurova Laga asi baba vakamubara "Ngakave kekuguma kuti kana ndisingatauri newe iwe wogamha nyaya isati yasvika kumuridzi wayo. Handikutyi Davula asi ndinokuremekedza but you lost my respect!!!!" Laga akadaro achitora doro mu cooler box "Tora doro iri ugeze ropa iro" Laga akadaro achiseka na Tinashe akaseka. Apo Mhukahuru vaiva vakamira vakatarisa chete "Holololo!!! Hoyo mukoma Davula hoyo ibotso mudhara ibotso" Laga akadaro achiimba ."holololo!!!" Tinashe akadaro vachiseka Lagaman Handisati ndamboneta kudai muhupenyu hwangu. Nezuro takarara Kuma four tichitamba husiku wese. Ndakatarisa padivi pangu Tinashe na Tinaye vaiva vakarara nenzira yavo neniwo ndaiva ndakara neyangu nzira. I want coffee or mvura inodziya pamwe muviri wangu ungava right. Dai ndine mukadzi dai akundiitira. I can imagine Butterfly akumbeya mbeya achindiitira zvose zvandinenge ndichida. Ndakatarisa foni yangu haandamunetsa nezuro ndichimufonera. ASI neniwo hapana zvandandichikwanisa kuita ndanga ndichimufunga ka. Pandaida kumufonera mhamha vakapinda vakabata ma cups matatu. Ndakanyemwerera "Morning my beautiful mother" ndakadaro Havana kundipindura ndakanyemwerera "Ndandisingafungiri kuti mungaita zvinhu zvakadaro imwi vana" mhamha vakadaro vachimutsa Tinaye na Tinashe. "Baba venyu vari kupupuma nehasha" mhamha vakadaro "Maiwee nhasi vachatiuraya" Tinashe akadaro "Ini hapana Munhu achandigumha vanofanirwa kuti dai vachifara kuti tanwira kumba kwete kubhawa" ndakadaro "Yah ichokwadi Laga" Tinashe akadaro "Mhandara ya baba ndakufanirwa kukuwanira muroora manje" ndakadaro "Unenge wabatsira shuwa" mhamha vakadaro vachibuda vachienda "Muroora upi Laga? Unoreva uyu waunotya here?" Tinashe akabvunza "Fosek hapana munhu wandinotya ini" "Saka neyi usingamuudzi kuti unomuda?" "Ahh hanti unoziva kuti chii chakaitika paari? Achafunga kuti ndiri kutora advantage " "Kuchasvika vasingafungi izvozvo vagomutora" "Tanie mukadzi wangu hapana umwe murume achaswedera paari kunze kwangu" "Iye anozviziva here izvozvo?" "Haa iwevo une muromo muhombe wanga wakuudzirei vanhu kuti ndiri inlove na Tanie?" "Handisi munhu wema secret ini" "Usaita masecret panyaya dzako kwete dzevamwe" "Ini ndiudze secret at your own risk " Ndakaseka ndichidzungudza musoro Mupfanha uyu haafi akava right uyu akatokanganisika kare. Takadzika downstairs kunodya breakfast takawana munhu wese atova patafura ziso randiri kupihwa na Davula haa kunge achandidya ndiri mupenyu. Kana vari sababa handidi kutaura. But I dont care Tanga tichizvifarigwa isu. "Uhhm what a nice food" Lionah akadaro "Nice food apa uri kunhuhwa doro muviri wese" baba vakadaro "Haa daddy" Lionah akadaro "Daddy my foot" Ndakada kuseka asi ndakazvidzora zvapandukirana bhrugwa nebhandi Tapedza kudya baba vakatidana tose. "Ndinoda kutaura nemwi" baba vakadaro Hapana akataura "Zvinhu zvamaita nezuro musapamha zve kuzviita pamusha pangu" baba vakadaro "But daddy tanga tichifara isu I really enjoyed " Lionah akadaro "Zvamuri kuti pamba penyu baba zvino imwi hamudi kuti tibude pano chii chatinofanirwa kuita manje?" Ndakadaro "Ichokwadi baba Saka tinofanirwa kufarira kupi?" Tinashe akadaro "Newevo Tinashe wakupindurana neni?" Baba vakadaro "Aewa Mhukahuru ndanga ndichiti ndikande shoko ruregerero kana radonhera pasiri ipo " Tinashe akadaro "Ini hangu as long ndichiri pano ndinozviita unless" "Zviite ka uone zvandichakuita" baba vakadaro "But daddy you not fair Mr eyes ari right" Lionah akadaro "Tsek iwe Mr eye ndiani?" Ndakadaro Tinashe akaseka "Ruregerero baba" Letty akadaro "Newevo Letty wakusvuta ma drugs ?" Baba vakabvunza Letty akavhura maziso "Ma drugs baba?" "Izvozvo hanti uchatanga riri doro wozodya ma drugs" baba vakadaro "Aewa baba papotseka ruregerero " Letty akadaro "Newevo Tinaye uchangosvika wakusvika kumba husiku " baba vakadaro "Ruregerero Mhukahuru " "Zvinhu zvaitika zvisaitika zve." Baba vakadaro vachisimuka vachibuda. Foni yangu yakarira aiva butterfly "Butterfly " "Laga ndinoda kutaura newe it's agent" "Okay ndiri munzira manje" ndakadaro ndichikata foni "Ini ndakuenda kumba kwangu musare mushe " ndakadaro ndichienda kumota yangu Tanisha It's Monday today ndakazvigarira Mumba handina kuenda kubasa sezvo iri holiday. Ndafonera Laga Kuti auye ndoda kumubvunza nezvinhu zvinotumirwa Kuti haasiriye here. Taitaura nyaya na Mamoe achingondinyaradza after some minutes ndakanzwa mota ya Laga ichipinda ndakabva ndatosimuka ndichinotora zvinhu zvauya nezuro Takamhorosana achigara Pasi "Chii? Asi ndine mhosva Kubva ndadanwa zvehasha?" Laga akabvunza Mamo akaseka "Ko uri gwara futhi" "Haa handingaregi kutya nenzira yandadanwa nayo. Tanie ndaparei?" Ndakamupa ma flowers "Hausiriwe here unotumira zvinhu izvi?" Ndakamubvunza "Ma flowers nema tekkie? Aewa handisirinhi" "Saka kana usiriwe ndiani?" "Ayy handiziviwo" Laga akadaro "Munhu uyu akatanga nekutumira ma flowers aiva ne 4000 USD ndakafunga Kuti pamwe ndi Elvis asi manje atumira zve meaning haasi Elvis I'm so worried manje" "Don't worry ndichamutsvaga kusvika ndamuwana" "How Laga?" "Trust me ndichavawana. Zvakatanga rinhi?" Ndakamuudza everything "Ohh waiendeswa nema driver?" "Yes and vakaramba kundiudza Kuti ndiani anoita zvose Izvi" "Don't worry" Laga akadaro achisimuka achioneka achienda Lagaman Ndiani manje Munhu anotumira Tanie zvinhu zvose izvi? Nekuti zviri pachena kuti Munhu anoita izvi anoshanda kubasa kwake. Tinashe no haasi Tinashe. Nxaa madzvinyu aya anodherera. Ndakatora foni ndichifonera Tiza ndiye chete Munhu achandibatsira apa "Sir" "Sure sure Tiza pane information yandiri kuda pano" "Unondiziva sir" "Pane musikana anoshanda nemwi anonzi Tanisha pane Munhu anogara achimutumira zvinhu ndinoda kuti unditsvagire Munhu anoita izvi".. "Ndini zve ndinenge ndatumwa" "Unenge watumwa nani?" "Na Mhukahuru the legend" Ndakavhura maziso. "Are you sure Tiza?" "Yes sir" "Hanzi ndikuzviitirei?" "Unoziva wani kuti haangambondiudzi* "Okay thanks my man" ndakadaro ndichikata foni Mhukahuru? Ari kudei Pana Tanie. Mhukahuru?ndakapererwa kuti ndoti kudii End of chapter