Chapter 4 Lagaman Ndakasvika kumba ndikavhurirwa gedhi ndichibva ndapinda. Ndakawana munhu wese atova patafura I'm sure ndini ndangomirirwa. Letty paakandiona akandimhanyira achindihaga. "My brother" "Hey my little sisi" ndakadaro tichinogara patafura. Ndakaona baba vachinyemwerera. Dai vaiziva Kuti ndinosvotwa sei nekuva pamusha pano "Haa mpfana finally pfungwa dzazoshanda" Nkosi akadaro "Hauzivi mufaro wandinawo nekuvako kwako pano" mhamha vakadaro "Shuwa brother ko neyi usingachauyi kuzotiona" Lionah akabvunza "Don't worry my family soon achauya kuzogara nesu" Mhukahuru vakadaro Hee mdhara uyu haandizivi mushe. Ini kuzogara pamusha pano never. Yes ndakagara ndichiri mudiki nekuti hapana zvandaikwanisa kuita asi manje never. Ndakanyebera kunyemwerera tichibva tatanga kudya "Iwe mpfana sei usingaiti relationship nema brothers ako?" Davula akabvunza "How nekuti ndinotaura navo pafoni" Ndikureva Kuti wakabvirei pamusha iwe mpfana pane zvaunovanza chete, zvichabuda hazvo" Davula akadaro "Hayi Davula unotaura sei ne munin'ina wako? Bothy mwanangu wafamba sei ku court?" "Mushe mhamha ndaihwina case" "Ohh good news mwanangu" "You know brother you're my role model" Letty akadaro "Thank you hanzvadzi" ndakadaro "Role model yako munhu anotiza musha wekumba kwavo. Asi newevo wakuda kutiza?" Baba vakadaro "Mhukahuru please" mhamha vakadaro Handina kuzopindura ndakaendera mberi nechikafu changu. Ndakaona Tinashe achiseka. "Eish mpfana chii chinosetsa ipapa? "Zvamuri pano mose zvanaka ndichakupai introduce pamukomana uyu" baba vakadaro vachitendeka mukomana wa Lionah aiva akagara pedo na Lionah "Uyu anonzi Simba tinomuziva tose Saka zvaari pano ave kuzova bato re family ino ave kuzogara nesu pamusha pano" Ndakazvibata muromo ndichida kuseka asi ndakanyarara "Baba matii?" Davula akabvunza "Ndati achagara nesu" baba vakadaro "Hazvingamboitiki izvo baba, nei achifanirwa kugara nesu ko kumba kwavo kwaita sei?" Davula akabvunza "Brother relax geez" Lionah akadaro "Hayi baba hazviiti ahh " Nkosi akadaro Ndakanyarara zvangu kunge ndisipo zvagara handipo ini ",Handina wandabvunza kuti ndiite sei nemwanasikana wangu? Lagaman iwe uri kuti kudii?" "Hapàna baba musha wenyu uyu saka itai zvamada" "Shuwa here?" "Yes Mhukahuru" "Ko zvekuti uuye kumba uri Kuti kudii nazvo?" "Mhukahuru ndakura kana ndadai, ndinoda kurarama life yandinoda nenguva yangu" "Nhasi hauendi ucharara pano" "Ndanga ndisina kuzvironga zvekurara pano" "Hamenho uchaita sei asi nhasi unorara pano" Ini handizivi kuti vanhu vepamusha vanorarama sei ne gorilla iri. Ko hapana size dzake here dzimbomuisa panzvimbo pake. Ari kudei chaizvo pandiri nekuti vana vake vakazara pano Tanisha Ndakapinda nema flowers angu mumba, Mamoe akanditarisa achishamisika "Hezvo" "Akumbira ruregerero nezvinhu zvaaita " "Saka uchatozviita?" "Kuitei manje?" "Kudanana nemunhu ane skorokoro yekombi" "Ndiani ataura zverudo? Hatimbosviki ipapo cuzy don't worry. " "Cousin usamboedza hako kudanana nemunhu ane kombi inofamba ichiita noise" "Hatidanani kani " "Ziva kuti zvaanokunyenga kudai paanokusiya anonyenga vamwe. Unosiya vakomana vari right uchimhanyira vana Lagaman vako. Vakomana vekwa Mhukahuru hauvaoni here?" "Hayi usandifurira please ndine mukomana wangu ini" "Ohh gara zviya kuna bamkuru Elvovo " Mamoe akadaro achiseka "Cuzy mangwana mhamha vakumbira kurara pano pane zvinhu zvavanoda kuzoita Saka ndiri kuvakumbirira space for tomorrow only" "Hawu Mamoe ungabva wakumbira here unoziva wani kuti tiri family na mai vako" "Aewa unofanirwa kuziva usangozoona nemunhu chete" "Okay chomie rega ndinorara Ini mangwana ndinomukira kubasa" "Okay Mrs skorokoro neniwo Rega ndinoverenga" Takaonekana ndichibva ndaenda mu room mangu ndichiisa maruva patafura. Eish handisati ndamboita munhu anonditengera ma flowers. Elvis ari romantic nenzira yakevo Lagaman "Hope hadzibati, ayy handidi kurara pamusha pano ini. I wish dai ndiri kumba kwangu manje. Zvichakadaro ndakanzwa knock pa door "Ndiani?".. "Ndini baba vako" Shit!! Hona manje. Ndakamuka ndichinovhura door. "Baba muri kudei pano husiku huno?" "Ndinoda kutaura newe" "Okay" "Hanti unoziva kuti unofanirwa kuzoita boss pama business aya?" "Baba neniwo ndine zvangu zvandinofanirwa kuita and ma business aya ane vanhu vakawanda. Pana Letty, Nkosi, Tinashe na Davula. Saka chii chamuri kuda kwandiri?" "Unoziva wani kuti ndiwe wega unokwanisa ku manager ma business aya zvakanaka " "Mhukahuru ndaiva manager wawo ndisati ndaziva kuti mamwe Acho haasi pamutemo. Ini nemwi ndiyo nyaya Ichaita kuti tigare tichirwa" "Usada kuti ndiite sendinokupikira uri mwana wangu Lagaman. Unoziva Kuti kana ndichida ndinoivhara career yako zvikashaya basa. Unoziva Kuti basa rako riri mumaoko angu, ndikanzwa rave kundisvota unorisiya nhasi chaiye" Ndakavhunduka ndichitarisa baba vainyemwerera "Ndiri kukupa mwedzi uno mpfana zviri kwauri kuti unoda kurasikirwa nebasa rako or unoda kushandidzana nesu se family yako" baba vakadaro vachindipurudzira musoro "Unodiwa neni mwanangu " baba vakadaro vachibuda vachienda. Arggg maan mudhara uyu anofunga kuti ndiye akabata hupenyu hwangu. Ndinofanirwa kuvatangira kuita something handingabvumi kuitwa toy na Mhukahuru ini Tanisha Mangwana makuseni ndakamuka fast ndichigadzirira kuenda kubasa, ndapedza ndakabuda ndichitarisa kombi yangu kuti yasvika here. Ndakanyemwerera pandakaona yakandimirira. Ndakaenda kwaari ndichipinda mumota "Morning Mr kombi" Lagaman akaseka asi anoonekwa kuti haasi right. handinyatsomuziva mushe mukomana uyu Asi ndiri kuona kuti pane zviri kumudya "Morning butterfly warara sei" ",Mushe hangu iwe hausi right chii?" Akanyemwerera achinditarisa "Ndiri simbi chaiyo Chirandu, zvinorwadza kuchaira zuva rose Saka ndakaneta" "Can I ask you something?" "Sure anything my butterfly" "Pane rimwe basa raunoita here risiri reku driver?" "Aewa ndiri driver wekombi chete. Asi nzvimbo yauri kushandira ini handiifariri" "Neyi usingaifariri?" "Vanhu vacho vanoshanda mukati handivafariri ini . Unovaona chero vachifamba kuti havasi right. Handidi kunyeba handidi ini kuti ushande paya" "Asi pane zvakamboitika here zvakashata pa company yacho?" "Aewa Asi haina kukufita nzvimbo yacho" "Ahh chete here? Ini ndinoona yakatondifitha" "Okay if you say so it's okay" Taitaura zvose izvo tichifamba. Takasvika pa building tichibva taonekana ndichibuda ndichipinda mukati. Pandakasvika mu office mangu ndakavhunduka ndichiona boss vakagara pa chair pangu. Asi pane zviri wrong zvandaita? . Ndaive ndakubvunda. "Morning sir" Mhukahuru vakasimuka pa chair vachiuya vachimira mberi Kwangu vachinditarisa Kubva mutsoka kusvika kumusoro vachibva vazviruma muromo wepazasi "Morning " Ndakatarisa pasi ndichinyara nekuti vaiva vakufemera mumusoro mangu "Asi pane zvakashata zvandaita?" "Aewa hauna zvawaita ndanga ndichingoda kuzotaura newe chete" "Okay sir" "Gara zviya wakati kumusha unobva kupi?" "Ku Chinhoyi sir" "Ohh ku Chinhoyi?" "Yes sir" "Vabereki vako uchinavo vese?" "Aewa handisisina vakashaya ndichiri mudiki ndakakuriswa na mbuya" ",Ohh sorry to hear that. Neniwo ndakakura kunze kwe vabereki vangu Saka zvinowanikwa" "Yes sir" Ndakaramba ndakatsikirira pasi, ndanga ndisingazivi kuti ndingazotaura na boss zvinhu zviri personally kudai. "Ndauya pano kuzomupa nyembe face to face aewa basa unoriita nemazvo. Rinodadisa basa rako." "Thank you sir I really appreciate " ndakadaro ndichisimudza musoro Mhukahuru vakanditarisa vachinyemwerera "Ramba wakadaro mwanangu" "Thank you sir ndichaita sekudaro" Vakabva vabuda vachienda. Ndakamhanya ndichinozvitarisa pa mirror really? Ndakuyemurwa nema boss? Wow ndakanyemwerera ndichigara pa chair Lagaman Nhasi handina kuenda kubasa, ndiri kufunga nhamo dzangu. Handizivi kuti ndofanirwa kuita sei. Career yangu iri munjodzi. I know Mhukahuru can do anything kuti awane zvaanoda. Maybe it's a good plan kuti ndidzokere kumba. But hell no handingaiti basa ravanoda kuti ndiite. Hazvisi nyore wee kuuraya munhu no not this time. Ndichiri kufunga kudaro mhamha vakabva vafona "Mambokadzi wangu" "Mwanangu uri right?" "Handisi right mhamha as long murume wenyu achiri mupenyu. Ndiudzewo anodei kwandiri nekuti ini ndinoda kurarama life ine peace" "Asi newevo dzimwe nguva unofanirwa kuteerera baba vako" "Mhamha ndivateerere? Ndichiitirei zvinhu zvakadaro Ivo vachida kundiitisa zvinhu zvakashata. Mhamha nemwiwo munoda kuti ndisiye basa riri clean ndiuye kuzoita ma dirty jobs. Ndizvo zvamuri kuda kwandiri? Munoda kuti maoko angu azare ropa?" "Aewa mwanangu handina kudaro" "Murume wenyu anondi blackmailer anoda kuti ndizoita mabusiness blood and money. Vati vachaputsa career yangu kana ndisingadi kuzoita basa ravo" "Eyy neniwo handizivi ndiite sei?" "Hayi mhamha muchiri tsvarakadenga imwi hamusati ma chembera dhivhosai baba tibve panyika ino tinotanga a new life kure chaiko" "Uri Kuti kudiiko iwe Bothy? Baba vako ndinovada ini" "Mhamha muchiri mhandara imwi muchamuwa munhu anokudai kwete anoda kukushandisai. Siyai nharo muite zvinhu zvandiri kukuudzai" "Bothy usare mushe hapana zvandingataura newe wakadai" "But mhamha nd---" Handina kupedza kutaura vaiva vatokata foni. Shit chiiko na mhamha. Hazviiti kuti nditize ndichisiya mhamha pano hupenyu hwavo huri munjodzi I know kuti baba as much as he loves her asi kuvauraya havangaregi kana vave kuda kuvauraya. What if zvidhoma zvababa zvichazoda ropa Ra mhamha. Mhukahuru ndinomuziva pamari ndiyo yaanoisa kumberi so he can do anything for money. Handingaregi mhamha vachigara mugehena muya. Asi ndichaita sei nekuti vakaomesa musoro. Ndakasimuka ndichienda ku kitchen. Tinashe akapinda "Hawu boy" "Hey broe" Tinashe akadaro achitora heiken ku fridge "Eish mpfana zvinhu zvakandiomera ini" ",Ndi baba vako?" "Shaar murume uyu handizivi ini kuti anodei kwandiri," "Tell me Hondo yenyu imbori yeiko nemuchinda uya? Asi anoonekwa kuti anokuda Saka nei usingamuteereri?" Handina kumupindura "Chii chiri kuitika pakati penyu? Ndakatsinzina. Thank goodness Tinashe haasati amupinza muzvinhu zvake. Zvaari kundibvunza kudai anoonekwa kuti achiri murima "No dude baba vako vanongoda kundi bosset chero ndiri kumba kwangu. Vanongoda kuti tiite zvinhu zvinodiwa naivo chete" "Ayy ini Hondo dzenyu na Mhukahuru handidzizivi Asi munofanirwa kuzvisiya guys. Unoziva Letty zvinomurwadza zvamuri kuita. Anogara achindibvunza nezvenyaya dzenyu na Mhukahuru " "Munongozvinetsavo nemwivo. Ini handidi kugara kumba kwenyu finish" ."nxaa unorwaravo iwe, ndipe imwe heiken ndinoda kunwa kusvika ndazvikanganwa kuti ndini ani " "Unopenga iwe achakuuraya mdhara wako" "Anenge andipihwa nani? Nhasi ndinoda kuvharira bhebhi rangu pano kumba handingapabudi" Ndakaseka "Neyi usingamuvhariri kumba kwenyu? Vanobva vatomugamuchira semuroora sezvaitwa Simba wa Lionah " "Ndizvo zvandisingadi izvozvo vanobva vatomuti muroora apa ini handisi serious naye" "Haha Saka Uri kuitei nemwana wevanhu?" "Broe I don't think kuti ndingaroora musikana uya ini ndimuite mukadzi wangu" Ndakaseka ndichibva ndaenda upstairs ndichinotora zvandaitora ndichibva ndadzoka ndichitora ma key emota "Hande ku bar tinotenga ma Heineken. Nhamo dzandakatarisana nadzo dzinoda ma Heineken " "That's my brother now you talking " Ndakaseka tichinopinda mumota tichienda Mamoe Nhasi ndanga ndisina class Saka nda decider kusaenda hangu kubasa. Sezvo mhamha vachiuya vanofanirwa kuwana Mumba muri clean uye ndavabikira favorite meal yavo. After some hours vakandifonera vachindiudza kuti vari pagedhi. Ndakauruka nemufaro ndichienda kwavari. Ko hanti nguva yareba ndakavaguma. Ndakasvika ndichivahaga tichimhorosana tichipinda mumba " Uhhm Imba yenyu yakanaka hayo asi handiifariri Ini yakakurisa inodhura" "Haa mhamha hanti tinogara tiri vaviri na sisi Tania here?" "Dai iwe wanga usipo anga achagara nani?" "Mhamha baba ndivo vanobhadhara rent Wani ini na Tanie tiri vanhu vamwe chete" "Mbuya vako vaingoda baba va Tani chete murume wangu vasingamufariri chero iwe havakufariri munhu wavanodisisa ndi Tanie. Saka neyi vasingamubhadhariri rent" "Mhamha munozviziva kuti hazvisirizvo. Mbuya Mazinyani vanotida tose chete Tanie nekuti akashaikirwa na baba vake Saka vanenge vachingoda kuvhara space iyoyo asi mbuya vanotida zvakaenzana" "Uchiri mudiki waizviona zvandiri kutaura Saka chii chachinja?" "Mhamha ndaiva ndichiri mudiki now I understand. Ndinokumbira musataura mashoko akadaro Tanie akazvinzwa acharwadziwa" "Handina kuvinga vana Tanisha pano ini ndisiye zvangu ini. Asi uri sei hako mhandara yangu" Ndakanyemwerera ndichivahaga Narrated Lagaman na Tinashe vaiva vakagara Mumba ma Tinashe vachizviuraya nedoro . Vakanwa kusvika vadhakwa "Hey baba vako vachakugadzirisa nhasi vachikuona wakadai" Lagaman akadaro ",Haiwavo ngaambondimirira kure uyo ngaamise mota yake isaswedera pandiri ndichiri busy ini " Tinashe akadaro vachiseka "Boy I think I'm in love" Tinashe akapera nekuseka "Unoreva kuti pane musikana wawachiva iwe?" Tinashe akabvunza achiseka "Sure boy handizivi kuti ndizvo here but i I think ndizvo uye musikana wacho I'm sure unomuziva" "Ndinomuzivira kupi ini musikana wacho?" "Anoshanda pa building yababa vako" "Rue or Mary?" "Aewa" "Shria or Nomusa?" "Haa tsek maan unofunga kuti ndingadanana nema china ini?" Tinashe akaseka "Ndiani manje because I know kuti new staff hausati wakuiziva" Lagaman akanyemwerera. Tinashe akapera nekuseka "Unoda iri zigadzi rinemagaro ari muchiuno Linda?" "Unondipengera ndomuzivara kupi Linda wacho ini?" Tinashe akamutarisa nekuri aiva atoona munhu airegwa "Unoda musikana uyu anogara achimhanya akamborohwa nembama na Lionah?" Tinashe akabvunza vachiseka "Tanisha Moyo ndiye wauri kuda?" "I think so shaar" Tinashe akajamba achimuhaga "Good choice broe " Tinashe akadaro Foni ya Tinashe yakarira vaiva baba vavo asi vakangoitarisa vachipera nekuseka vachinwa doro ravo End of chapter