Chapter 16 Mamlilo Ndakamuka muviri wese mavanga ekurohwa na Mhukahuru, chero ndichigeza ndaita zvekudira mvura chete. Muviri wese ukuita kuyuwira nemarwadzo ndapedza kugeza ndakapfeka mbatya dzinovhara muviri wese Kuti vana vasandiona, ndichibva ndadzika downstairs. Ndakawana Letty ari mu sitting room akamboda kubvunzisisa kuti ndiri right what what asi ndakamuvhara vhara ndikamuudza kuti ndiri right. Lionah naiyevo akauya akandibvunza mibvunzo yake hanzi neyi maziso akatsvuka blah blah. Ndakangovavhara nekuchinja topic. Minutes later ndakadzokera mu room mangu ndichida kunorara asi pandaiva ndakuda kurara Mhukahuru vakapinda ndakasimuka ndichidzokera kumashure "Hey hey hapana zvandichakuita ini" Handina kumupindura "Ruregerero mukadzi ndanga ndisingafanirwi kuita zvandaita chete newevo unomboomesa musoro Kani kana ndichitaura" "Okay" "Ndizvo zvega zvauchataura here?" "Ko ndofanirwa Kuti kudii?" "Haundiregereri?" Handina kupindura "Ndati haundiregereri here!!!!" "Ndinokuregerera" "Good ndiko saka ndakaroora mukadzi akafanana newe unoteerera. Ndinokuda wanzwa? Nhasi tiri kuenda ku joina City " "Handisi kunzwa mushe" "Hauchadi kuenda? Handiti ndiwe waindinetsera kuenda ku joina city " "Muviri wangu uri kurwadza nhasi" "Handinganzwi newe ini kundiitisa zvaunoda. Pandinodzoka tiri kuenda kujoina city Sara uchigadzirira" mhukahuru akadaro achibuda achienda Ndakaridza tsamwa ndichigara pa bed ndichichema. Ndakatora foni yangu ndichida kufonera Laga kuti auye kuzonditora asi ndikadaro zve ndingazokonzera kuti varwe na Mhukahuru zvinova zvandisingadi. Ndakadzosera foni yangu pasi ndichienda pa wardrobe ndichitora suitcase diki ndichiisa mbatya dzedu dzatichaenda nadzo LAGAMAN Ndaiva ndakagara na Tinashe ndichifunga Kuti musikana wa Tinashe tingamuwana kupi, Tinashe wacho aiva akarara hake. Ndinosvora ini kunyangarika kwaKikie Mhukahuru vanoziva chete. Pamwe vane rimwe dirty business randisingazivi I think now yave nguva yekuti Tinashe azive chokwadi na baba vake nekuti achapedzisira akuziva. Pandaida kufonera umwe munhu angandiitira izvi mhamha vakabva vafona "My best mom" "My boy uri sei?" "Ndiri right mhamha muri sei imwi?" "Ndiri right Bothy ndanzwa nekukufunga Kani unouya rinhi?" Ndakaseka "Drama yose iyo here mhamha but I miss you too" "Uchazvinzwisisa kana wava nemwana" "Ndinaye wani Kim" "Saka haumufungi nenzira yandinokufunga nayo" ndakaseka "Nhasi tiri kubuda out na Mhukahuru" "Wee kubva rudo rwabvira kudaro?" "Hayi Bothy ndi baba vako ava " "I don't trust him dai zvaibvira ndaienda nemwi ndichitarisa Kuti hapana zvaanokuitai" "Baba vako haisi mhuka" "More than mhuka" "Ndanga ndichida kukuudza izvozvo usare mushe" "Okay mhamha safe journey and enjoy" "Ndinotenda Mhukahuru" Ndakanyemwerera ndichikata foni ndichibva ndafonera Davula ndinoziva zvandinoda ndichazviwana chete. Lucky akadaira fast "Chiiko newe? Uri kudei?" "Hayi wakandivenga shame, chii asi ndakamamira mu room mako?" "Argg I'm busy ini kuti ungandifonera uchitaura zvekupenga " Ndakaseka "Come on big brother kubva waita Rambo asingajairiki kudaro" "Uri kudei Lagaman " "Ndanga ndichikufonera sebrother yangu I miss you" "Unopenga here iwe mpfana " Ndakaseka, Davula akavhara foni. Ndakaseka kusvika Tinashe amuka "Uri kusekei manje" "Ayy rara mhani iwe" ",Ndinoda kunzwa kuti chii chinokufadza kudaro ini ndisingafari". Ndakaseka "Siyana neni Tinashe ndiite basa rangu" ndakadaro ndichinotora laptop yangu ndichibva ndafonera Jack ndiye anosimbondiitira zvinhu zvema technology "Mushavi" "Sure pane number yandinoda kuti uyi trace" "Okay send ndiishandire" "Danko" ndakadaro ndichikata foni "Ndeyani manje number yauri ku tracer?" Tinashe akabvunza "Ndiri busy pano kutsvaga musikana wako iwe wakarara hako" "Haa ibasa rabhudhi iro" Tinashe akadaro Ndakadzungudza musoro. Jack akabva afona akandiudza kutiDavula Ari kupi "Danko my dawg" "You know me" Jack akadaro achikata foni "Wawanei?" Tinashe akabvunza "Hezvo kunotsvaga bhebhi rako unopenga here?" "Wawana kwaari" "Handina asi pamwe kwatiri kuenda tichabatsirika. Pane zvinhu zvandinoda kukuudza patinodzoka". "Ndiudze manje" "Ayy tsek maan" Tinashe akaseka. Nzvimbo ina Davula I club, pamwe ndeya Mhukahuru nekuti Davula anogara Ari ikoko. Handifungi kuti anenge achinwa doro ini nekuti Davula haasi munhu anonwira muma club. Ndakatarisa Tinashe aiva akanditarisa you can see kuti Ari kuda nyaya TINASHE Takamira panze pane imwe club yaiva yakanaka. Mota dzacho unotoona wega kuti ndevaya vane mazakwatira emari. "Shit type yemota idzi" ndakadaro "Panodiwa kuti uite nyoka kuti uve nemota dzakadai" Ndakaseka "Baba vako zvavane type yose yemota vane nyoka here?" "Handizivi enda unovabvunza. Bata apa" Laga akadaro achiburitsa pfuti "Hayi hayi broe handitambiri papfuti ini" "Unopenga here iwe mpfana? Unofunga kuti tichangopinda mukati toti tiri kutsvaga bhebhi ra Tinashe vobva vatipa" "Hayi ini zve pfuti bodo ita wega" "Hanti unoda kutamba game hero pabhebhi rako? Saka unofanirwa kuzviita chikomana" "Okay" ndakadaro ndichitora pfuti. Akabudisa paper spray "Wakuitei manje?" "Havangaribvumiri kuti tipinde nepfuti mukati Saka tinofanirwa kuzviita ma security" "Okay" "Ayo ma security pagedhi hande tinoa sprayer tipfeke mbatya dzavo" ndakaseka "I like this game" "Eyy tsek maan this game my foot hatisi kutamba apa" Laga akadaro tichibuda mumota tichienda pagedhi Ndakasvika ndichitaura navo Laga iye akava sprayer. Ndakaseka pandakaona achidonhera pasi. Takaadhonzera pa side tichiakurura tichipfeka mbatya dzavo tichibva tapinda mukati. Ndaingotarisa Laga, asi Munhu wacho akutoita kunge zvinhu zvaakajaira. Takafamba kusvika tabudikira paiva ne noise ye radio. Paiva nevasikana vaitamba vakashama. Ndakadonhedza rute ndikatokanganwa kuti ndavingei pano. Ndakanzwa Mhukahuru achisimuka ndakaramba ndakati dyoo kwavari ndakutonakirwa hangu. Ndakanzwa nembama kumeso *Fuck maan hazvisirizvo zvawavinga pano!!" Pfungwa dzakadzokedzana. Ndakazviseka ndega ndichibva ndaita focus nezvinhu zvandavinga. Ndakarohwa nehana pandakaona Kikie. Ndakanzwa kupera simba chero kusimudza gumbo ndakatadza. Naiyevo paakandiona akavhunduka, ndakaswedera paari. Akanditarisa nemaziso aiva nemisodzi "Kikie" *Tinashe" Ndakatendeuka ndichida kubuda ndiende. Laga akanditevera achindibata "Are you crazy? Ndizvo zvatavinga here pano?" "Wamuona zvaari here? Wamuona zvaakapfeka?" "Izvo tichataura tasvika kumba" "Akazvisharira ega kurarwa nevarume vakawanda " "F**k maan Tinashe ndizvo zvatavinga pano here? Or tauya kuzomutora"?" Laga akadaro Kikie aiva akangomira panzvimbo imwe chete. Laga akamhanya achinomusimudza apa vanhu hapàna zvavaiona vaifunga kuti tiri ma security. Laga akauya naye asi handidi chero kumuona argg "Tiri kuenda manje" Laga akadaro. Kiki akatanga kuchema "Mirai pano ndichakufonerai kuti muuye" Ndakabvuma, Laga akabva aenda. Ndakatarisa Kikie kubva kumusoro kusvika kutsoka. Handisi chero kutaura naye. Pamwe kana apfeka ndichakwanisa kutaura not now. Laga akandifonera achiti tiuye. Takaenda kwaari tikamuwana akabata uniform ye security. Akapa Kikie kuti apfeke. Kikie paakapedza kupfeka takabuda tichida kuenda asi taiva tatoonekwa kuti tiri kuita manjibinjobo. Ndakanzwa kurira kwepfuti Laga akadonhera pasi "Laga" ndakadaro ndichimubata pachidzwa paaiva afurwa. Ndakamubatsira kupinda mumota ndichiimutsa. Vanhu vaiva vapfura Laga ndakaona vachipinda mumota vachititevera. Asi izvo ndozviramba havangambotibati. Ndakaivhetemesa sendakazvarirwa pa steering. Ndakamhanyisa mota zvekuti vakatadza chero kutiona. Ndakanangisa mota kumba Kwa Laga, takasvika ndikadziisa mvura ndichimutova. Ndapedza akaenda mu room make ndakasara na Kikie. Kana ndakamutarisa ndonzwa ndichida kumupa gwati rembama asi handisi munhu anorova vakadzi ini. "Hande" ndakadaro tichienda mu room randinoshandisa kana ndiri kuno. Ndakati aende kunogeza. Apedza akauya achigara pedo neni "Babe can we talk please" "Handisi mu mood yekutaura please" "Please Tinashe ndai" "Waitengesa muviri ka Kiara? Wakandisiya ukanotengesa muviri. Vangani varume vawakarara navo ?" Haana kundipindura akatarisa pasi "Handizivi kuti ndatambisirei energy yangu ndichikutevera chirara" ndakadaro ndichitora gumbezi ndichinorara mune rimwe room. Handingambokwanisi kurara naye ini. Pandakangopinda foni yangu yakarira aiva Mamoe. Ari kudei manje uyu kwandiri ini ndine mazi stress akadai Tanisha Ndakarara mu room mangu ndikungofunga Laga. Nhasi afunga kundi ignowa hake. It's okay iye paanenge akuda kutaura neni neniwo ndichamu ignore. Speaking of the devil akabva atofona asi neniwo handimbomupinduri ndakabva ndatodzima foni yangu ndichirara. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana makuseni ndakawana pakazara ma message pa Whatsapp, ndakavhura ma message Butterfly zvinorwadza zvauri kundiita, ndinoziva kuti ndatadza Asi ndokumbira udaire foni titaure Ndakamu blue ticker. Handimbomupinduri. Chero kuchinzi anga ari busy sei anga achifanirwa kundiudza chete. Zvinorwadza zvauri kundiita Butterfly, Saka tichagadzira zvinhu sei usingadi kutaura neni. Okay ndokumbira udaire call yangu chero ukandituka as long ndanzwa izwi rako Ndakaseka ndichibva ndamuka ndichienda ku kitchen ndakawana Mamoe achidya maraja "Hezvo Mamoe maraja nguva dzino here?" "Heyy ndikufa nenzara kani yuwii, ndasara padiki kufa husiku" "Mamoe une nhumbu iwe" "Unopenga iwe wazotaura nemurume wako here?" "Haa anondipengera Laga handidairi ma calls ake" "Hayi hayi wakutadza manje wadii kunzwa zvaanoda kutaura pamwe anga ari munjodzi" "Njodzi yepi munhu achizviitisa" Mamoe akaseka "Rega ndiende kuchibasa changu chandakazvisharira" Safe journey" Ndakabuda ndichinokwira kombi. Ohh Saka haana kuuya kuzonditora, akukumbira ruregerero Ari Mumba. Ndakasvika kubasa ndiri down shame. Let's hope Mhukahuru haauyi nema drama Ake nekuti handisi pa mood. Masikati foni yangu yakarira, yaiva new number ndakadaira "Butterfly ndini ndokumbira usakata foni please" "Uri kudei Laga" "Ndiri munzira kuzokutora" "Hayi Lagaman ndikubasa ini" "Hakusi busy nhasi Butterfly please" "Still handisati ndachaisa" "Ndinosvikapo manje mamas murume ari munzira iva ready" Laga akadaro achikata foni Wtf!! Chiiko na Lagaman anongondiudza kuti akuuya kuzonditora kana kumbondikumbira. Eyy mjolo the pandemic. Ndakatanga kuita fast zvinhu zvandaiita kuti asvike ndapedza . Hapana zvandingaita ndinofanirwa kuenda naye . 30 minutes later akasvika murume wekwa Zhou asi chinhu chandaka noticer paari Ari kukamhuna "Butterfly" "Waita sei Lagaman" "Haisi nyaya butterfly ndasvika kuzokutora" "Ndati waita sei Lagaman?" "Eish eish butterfly nguva dziri kufamba hande Kani" Laga akadaro achindibata ruoko. Maziso angu aingova mugumbo rake Mamlilo Ndauya pano moyo usingadi kwakuri kutya kurohwa chete. Ndarara naye husiku hwese. Kubva zvatauya pano hapana chakaipa chaandiita asi ndinoziva zvichamutanga. Yes nzvimbo iyi ndanga ndichiida asi handisisina appetite nayo. "Uri kufara?" Mhukahuru akabvunza achinyemwerera "Yes baba ndikunzwa kunge ndiri mwana mudiki" "Asi hausi mufaro wandinoziva uyu" ",Pamwe kukura baba asi ndikufara zvakanyanya ndinotenda baba" "Hayi ndinofara kuona mukadzi wangu achifara kudai" Ndakanyemwerera "Ndiregerere mukadzi nezvinhu zvose zvandaita kwauri ndinokuvimbisa handipamhi zve" "Zvadarika kare izvo baba" "Ndinoziva uchadaro asi please Mai mwana ndiregerere " Ndisati ndapindura foni yake yakarira ari Davula. Akadaira akandibata ruoko.. "What!!!" Mhukahuru akabvunza achindiregedza ruoko achisimuka Ndakavhunduka ndichizvibata musoro. Zvatanga. Paanongopedza kutaura pafoni na Davula anopedzera shungu dzake kwandiri "Wanga Uri kupi iwe kuchiitika zvose izvi?!!! Nemawandiro akaita security vatadza kubata vanhu vaviri!!!" "Mhukahuru vanhu ava vatamba game yavo zviri clean" "Fuck maan!! Handina basa nazvo!!! Handivabhadhariri kupenga kwavaita maan. Ndiri kuuyako manje. Ndimuwane aripo musikana iyeye nekuti panofiwa munhu!!!" Ndakavhunduka ndakunzwira musikana wacho tsitsi. Jesus Mhukahuru akanditarisa nemaziso aiva akatsvuka kuti piriviri. Ndakanzwa nembama yaiva na Judas mukati yakanditenderedza ndichinorovera pamadziro. Ndakanzwa musoro uchidhuma kunge bhazi rapera petrol "Wakandizvarira vana vari useless!!! Pakatanga Lagaman!!! Manje ndi Davula!!!!!" "Ruregerero baba" ndakadaro ndichichema Mhukahuru akatora ma key emota achibuda "Uchakwira kombi kuenda kumba!!" Mhukahuru akadaro achibuda achienda Ndakasara ndakati tuzu End of chapter