Chapter 20 . Lagaman Pandakabva kuendesa Tanie kumba kwake ndakauya ndichizvikandira pasofa. Ndakaneta zvanezuro shame. It's not kuchaira Kubva kuchinhoyi to Harare ndakatarisa foni yangu yaiva nema messages hobho. Ndakatanga kuvhura ma message a Nkosi. Ndakavhura maziso pandakaona mune interested videos. Ndakanyotsagara mushe ndikatanga kuona ma video aya. Ndakaatarisa ma video ose achabata mhukahuru panonaka. Ndakanyemwerera ndakaatarisa . Wow you're a man big brother. Ndaifunga kuti wakatodza baba vako ndakadaro ndichitora ma USB ndichaisa mu USB nemu laptop yangu handidi kuita mistake yekuti arasike. Nkosi Hadzisi nyadzi dzandinadzo idzo. Ndovhavatarisa sei mhamha? Ivo vachandiona semwana akaita sei anoita anobvumira Mai vavo vachishungurudzwa mberi kwavo. Ndakapinda mu room mavo ndikavawana vari busy ne laptop pavakandiona vakavhara laptop "Maybe are you okay?" Misodzi yakajenga kumeso kwangu. "Hey Nkosi taura neni" "Mhamha" ndakadaro ndichivahaga "I'm sorry mhamha I failed you" "No no my boy. Ndiudze chii chiri kuitika pauri?" "I'm sorry mhamha ndanga ndisingazivi ini kuti baba vanokushungurudzai" "Hayi mwanangu haisi mhosva Yako iyi. Ndinoziva kuti unondida iwe ndinokuvimbisa zvinhu zvamugwara manje" "Mhamha ndakarasikirwa nemukadzi nevana nekuda kwekuteerera baba vachindiitisa zvinhu zvavo" "Nguva ichiripo my boy gadzira zvinhu family Yako unoiwana back. " "Ndichagadzira mhamha Asi ndinoda kutanga ndakubisai pano" "Don't worry my boy iwe gadzirisa family Yako ini ndiri right manje uye Bothy aripo achagadzora . Family Yako kana yauya ndipo pauchaita chero chii" Ndakavahaga "I love mhamha" "I love you so much my boy Asi ndokumbira uve careful zvawabuda muzvinhu Izvi hupenyu hwako hungangova munjodzi" "Don't worry mhamha ndiri safe ini" "Wish all the best my boy" "Thank you mhamha " ndakadaro tichihagana kwenguva yakareba ndichibuda ndichinanga kumota yangu. Ndakawana mota ya Laga iri pagedhi. Paakandiona akaswedera pandiri achinyemwerera "Big brother " Laga akadaro tichikwazisana "Sure sure" "Ndazviona zvinhu zvawandisendera brother thank you so much" "Be careful boy nekuti ndinoziva manje vari kukurongera hora chaiyo" "Don't worry bro chero tsoka yangu havangamboinokori. Thanks broe kuti waisiya nzira yawanga uchifamba nayo. Wish you all the best " "Sure boy please be careful " "Sure broe" Laga akadaro tichikwazisana zve. Laga akapinda mukati ini ndakapinda mumota yangu ndichiimutsa ndichienda. Handizivi kuti ndichati kudii kumukadzi wangu. What if akawana umwe murume pamwedzi yatakaparadzana . Aewa wangu mukadzi haangadaro Six months later Ndaiva ndakarara pa bed. Ndiri kumusha hangu sezvo iri weekend Ndati ndishanyire vabereki vangu. Asi handisi kunzwa mushe. Muviri wangu uri weak ndikunzwa ndichida kurutsa. Eish zvinhu zvese zvikundinhuhwira and zvichandipesanisa na baba Izvi. Ndakamuka ndichienda ku kitchen ndakawana breakfast yato ready "Morning everyone" ndakadaro "Morning Irene asi ukurwara?" Baba vakabvunza. Ndakavhura maziso "Nei madaro baba?" "Hayi kubva zvawauya ndikuona kuti pane zviri kuitika pauri" baba vakadaro Namhamha vakatsigira zvinhi zvaiva zvataurwa na baba..ndakaedza kuviga nhumbu yangu asi yakati unonyeba iwe, ndakudawo kuonekwa yava nguva yekuti utaure chokwadi. "Irene hausati wada here kutiudza chii chikuitika pauri" baba vakadaro ndakatarisa pasi "Mamoe usatiita mapenzi wanzwa" mhamha vakadaro "Mhamha na baba ndine pamuviri" Ndakaona vabereki vangu vachitarisana, pachimboita runyararo kwema minutes "Watii?" Baba vakabvunza "Mamoe Saka iwe wakafunga hako kuzvarira pamusha pano vamwe vana vakatanga nekuroorwa. Hona Tanisha Kuti akaitei" "Hayi hayi Magumbo usapinza Tanisha panyaya idzi" baba vakadaro "Ndikupa muenzaniso baba ko nei asina kukopa Tanisha?" "Ndati usapinza munhu panyaya isingamude. Ma exampuru enda unoaita kuchikoro" baba vakadaro Mhamha vakabva vatonyarara "Saka ndiudze iwe. Ndizvo zvawakafunga kuita Izvi?" "Ndiregererei baba ndakaita ne mistake " "Mistake? Mistake yekutora murume uchirara naye kusvika kwaedza? Kusvika masika mwana? Ndiyo mistake!! Ndewekupi mukana wacho" Ndakatarisa pasi. Shit!! Ndavanyadzisa vabereki vangu. Apa ndichavanyadzisa zvebkuti munhu akandiitisa nhumbu hatidanani "Ndeweku Harare" "Saka iwe ku Harare wakavinga nhumbu?" "Aewa baba" "Wakura manje mwanasikana, ini pamusha pangu handigari neumwe mubereki Buda pamusha pangu" ndakavhura maziso "Baba" mhamha vakadaro "Magumbo ndambotaura newe here?" "Baba Moda kuti mwana aende kupi" "Handizivi ini akura uyu achana yekutamba. Ngaaende anogara nemukomana amunhumburisa handina basa nazvo" baba vakadaro vachisimuka "Pandinodzoka ndisakuwana pano Mamoe wekupenga. Iko kudaidzwa nemutupo kwako ndiko kwakaita uvhure makumbo" baba vakadaro vachienda Ndakasara ndichichemera mhamha asi ndikupedza nguva as long chikara Chavo chadotaura ndizvo zvichaitika. Ndakasimuka ndichienda mu room mangu ndichirongedza mbatya. Ndaiva ndakuzvishora Kuti ndambouireyi kuno.dai ndazvigarira mu Harare "Nei Mamoe wadaro shuwa? Handiti ndakakuudza Kuti baya depo? Ndochii ichochi?" Mhamha vakadaro vachipinda mu room mangu. Ndakangonyarara nekuti kupindura hakubatsiri mwana atovapo uyu. "Mhamha ndakuenda ini" "Ndakubvunza Zita remukomana" "Mhamha ndi Tinashe. Ndi Tinashe andinhumburisa" "Saka ati anouya rinhi kuzoroora nekuti baba vako Kuti vave right hunge auya kuzoroora" Ndakapererwa Kuti ndovati kudii mhamha, nekuti Tinashe wacho handifungi Kuti anombofunga Kuti pane munhu waakanhumburisa "Musare mushe mhamha " ndakadaro ndichitora bag rangu ndichibuda ndichienda Ndakadarika kwambuya Mazinyani nekuti vanofanirwa kutaura nemwanakomana wavo . Ndakasvika mbuya vakagara mu room mavo vachiruka madhoiri. Pavakandiona nema bag vakashamisika. Ndakavaudza nyaya yose vakashamisika kunzwa Kuti baba vandidzinga. Nhumbu Havana kumboshamisika vakandiudza Kuti vakandiona kare Kuti ndine pamuviri Lagaman Nhasi izuva rekuvhura imba ya mhamha. Gore rose iri ndanga ndiri busy kuvakira mhamha imba yavo inoti Ivo, kwete kugara vachinyengerera musha wamhukahuru apa hauna kuvafira. Ndakuda kuvabisa Kwa Mhukahuru vazvigarire pamba Pavo. Nhaisi I birthday yavo Saka ndiyo birthday present iyi. "Chiiko Bothy chaunoda kunondiratidza?" Mhamha vakabvunza "Handei chete imi muchaona tasvika" ndakadaro "I can't wait shuu" Letty akadaro "Me too I too i can't wait imbori present yeyi yamuchembere" Leonah akadaro. Ndakaaeka Takapinda mumota tichienda. Pataiva tapedo nekusvika ndakavhara mhamha maziso. Ndakamisa mota pazimudhadha remba. Munhu wese akashamisika. Hapana anga achiziva imba iyi. Ndini ndega "Ohh my word" Leonah akadaro. Ndakavhura mhamha maziso "Surprise!!!" Takadaro pamwe chete Mhamha vakavhura maziso vachiona imba iyi, misodzi ichiyerera pavari "Bothy" Ndakanyemwerera My boy" mhamha vakadaro vachindihaga "Ndinotenda zvakanyanya my boy" Congratulations" ndakadaro "Congratulations mommy, gosh mava owner manje" Leonah akadaro Mhamha vakanyemwerera "Thank you so much brother" Letty akadaro "Congratulations big sisi" ndakadaro "Congratulations mhamha" Tanie akadaro achihaga mhamha "Ndini ndinofanirwa kutenda nekuti dai wanga usingadi Bothy haaiita zvinhu izvi" mhamha vakadaro "You deserve the best mhamha" takahagana family yose Few days later Dai zvaibvira ndaibisa hangu damage yacho kuti vanditaudze nekuti Tinashe haatomboratidzi kuti pane chaachabisa. Vanhu vari kufara kumba ndini ndega ndisingataudzwi. Nhasi Tanisha akuchata. I'm so happy shame I'm busy kubatsira vanhu vakumuita make up. Tikuzviitira muimba yedu yatinoroja. Kumba akabudiswa nezuro tikauya kuno ku Harare. Tichiri busy kudaro mhamha vakapinda "Mamoe ndinoda kutaura newe" "Mhamha vamwe vachandisiya takuenda" "Havambokusiyi nekuti handitori chero 5 minutes" Ndakaswedera pavari ndichivatarisa "Uri kufara here" Ndakavatarisa ndichishamisika "Pindura mubvunzo wangu ndati ukufara here?" ,"Yes mhamha I'm so happy my sister akuchata nhasi" ,"Ko iwe?" "Ini? Ndadii manje ini?" "Uchachata rinhi?" Handizivi mhamha asi ichasvika nguva yangu uye ndinoziva kuti Tanie naiyevo achafara pamuchato wangu sezvandikuita pamuchato wake" "Saka zvinonakidza baba vako zvavasingakutaudzi?" "Kuti baba havanditaudzi Tanisha anopinda papi mhamha? Tanisha akazvichengetedza ini ndakatadza. Kuti ndakaita muviri Tanisha haapindi pakuita nhumbu Kwangu. Mhamha mukaramba makadai tichanetsana" "Kana usingazvioni uchasara wega panyika ino. Tanie wako uyu akakutorera zvinhu zvakawanda. Akatanga nekukutorera mbuya vako. Nhasi baba vako havakutaudzi asi pana Tanisha vakufara zvakanyanya" "Tanie haana zvaanditorera as for baba yes vanofanirwa kufara nezvaitwa na Tanie hanti mwana wemukoma wake here. Mhamha musandifurira ini Tanie handifi ndakamuvenga she's my sister" "Irene!!!" "Endai mhamha pane zvinhu zvandikuda kuita" Rue akabva apinda achiuya kwandiri. mhamha vakaridza tsamwa vachienda. Takaenda Kuna Tanisha aiva atopedza. Tanie akamboda kuchema chema hanzi hee handidi kuchinja mutupo wangu what what ndichashandisa Zhou ne moyo pachitupa. Ndakamuseka asi aitova serious zvekuti akapedzisira afonera Laga achimukumbira kushandisa mutupo wake newa Laga. Laga akaseka akati nhasi izuva redu butterfly zvimwe tichazviona after. Vana baba vakauya kwatiri vakatihaga asi vangu baba hahaha nazvino vakandivenga shame Mamlilo Pane ma parcel auya achibva kumba kwana Tanisha. Pama parcel aya paiva nema pictures a baba vake kuitira Kuti aiswe pamuchato wavo. Ndatopedza zvose changosara kuti tiende. Ndakatora ma pictures aya ndichiavhura. Ndakasara padiki kufenda pandakaona baba va Tanisha ari Tavagwisa akauraiwa na Lagaman. Ndakabvunda muviri wese ndichigara pa bed. "Mhamha tamirira imwi huyai" Letty akadaro achindidana "Ndikuuya" ndakadaro Misodzi yakayerera pandiri. Shuwa kana zvadai chii chichaitika? Nyaya iyi ichakanganisa rudo rwa Lagaman iye achifara kudai. Vaita zvakanaka nekuaunza kuno. Handingarwadzisi mwana wangu. Kubuda kwema pictures aya kupera kwemuchato wevana ava. . Ndakasimuka ndichida kubuda asi picture yakadonha. Pandaida kuinhonga Mhukahuru aiva atoinhonga. "Ndiani uyu?" Mhukahuru akadaro achitarisa pic" "Haa Tavagwisa!!! Tavagwisa akudei pano?" Mhukahuru vakabvunza Ndakatadza chero kupindura. Mhukahuru vakaramba vakatarisa pic iyi "What? Tavagwisa ndi baba va Tanisha right? Wow interesting hande" Mhukahuru akadaro achinyemwerera "Hatingaendi ne pic iyi, muchato wemwana wangu ungakanganisima" "Handina basa nazvo ini" "Please Mhukahuru ndinokumbira usiye vana vachate" "Tichaisiya on one condition " "Chero chii Mhukahuru as long zvisingazokanganisi muchato wemwana wangu" "Muchato paunopera ukudzoka kumba kwete mukaimb Kako kawakavakirwa na Lagaman " "Ndichaita sekudaro chindipai pic " ndakadaro ndichiibvuta ndichizvigadzira kumeso. Make up yangu yanga yobva nekuchema. Ndakaiviga pic tichibva taenda asi moyo hauna kugarisika nekuti ndinoziva kuti sooner or later nyaya iyi ichabuda chete. Marriage iyi hakuna kwauchasvika. Ndakazviona maan pandakatanga kuona Tanisha Kuti akafanana na Tavagwisa Lagaman Ndini here uyu ndikuchata nhasi. Ndakuzoita mukadzi kwehupenyu hwangu hwese. Wow. Tikuenda manje ku venue . Vanhu vakuimba vachipurudza nemiridzo "Nhasi Tanisha achapenga wakatsvindirawo nhasi" Tinashe akadaro ndakaseka "F**k maan handisi ngochani ini" ndakadaro tichiseka. Takasvika ku venue. Ndakatarisa mhamha, vakanditarisa vachinyemwerera asi haisi smile yandajaira iyi. Let's mhuka iyi Haina zvayaita mhamha. Ndakaenda kwavari "Mhamha are you okay?" "Yes my boy congratulations my son umuchengete zvakanaka mwana wevanhu" "Sezvo ndashara iye ndichaita sekudaro mhamha" ndakadaro ndichivahaga ndichienda Kuna mfundisi. Ndakaona Tanie achifamba pa red carpet akabatwa ruoko na bamnini vake. Ndakambo frezer kwema minutes. Mukadzi wangu here uyu akanaka kudai? Vakasvika pandiri vachindipa ruoko rwa Tanisha ",Tikukupa mwanasikana wedu. Zvatiri kukupa hazvirevi kuti hatimudi asi Kuti tinokuvimba paari" baba Irene vakadaro "Ndinotenda baba. Ndinokuvimbisai ndichamubata zvakanaka" ndakadaro tichibatana maoko tichienda Kuna mfundisi apa pairira music "Wakanakisa nhasi Butterfly" Laga akadaro "Newevo wakanaka" "Ndiani akati murume akanaka? Hona trouser rangu rafutha kumberi" "Stop it Laga haa not today" ndakadaro tichiseka tichienda Kuna mfundisi. Mfundisi vakatiitisa ma vows . Vanhu vakaridza mhiruru nemhetegwa. Tichibva tapfekedzana ma rings "Now I pronounce you as husband and wife. You may kiss the bride" Ndalamuswededza pandiri ndichimukisa. Mhamha vakanyemwerera misodzi ichiyerera "Vabereki ngavauye vabatsire vana" mufundisi akadaro Mhamha vakasimuka vachiuya kwatiri. Vakananga straight kwandiri asi havana kwavasvika ndakanzwa pfuti ichirira kaviri vachidonhera pasi. Takamhanyira kwavari na Tanie "Mhamha!????* Ndakadaro ndichivamutsa ndichivaradzika pamakumbo angu" "Mhamha!!! Ndiani aita izvi!!! Mukai mhamha!!!!" Apo pfuti dzaiva dzakurira nonstop. I think ma security nezvi geven'a vari kurwa. "Mhamha!!!!!!!" Ndakadaro "Mhamha!!!!" Letty akadaro "Mommy!!! Mommy wake up!!!!" Lionah akadaro "Mhamha mukai please!!" Ndakadaro ndichiita kuiridza mhere. Pandakatarisa pa side pangu munhu wese aichema. Ndiani aita izvi? Asi hapana achandipindura End of chapter