Chapter 23 Lagaman "Bothy chiiko?" "Mhamha maiziva asi hamuna kundiudza?" "Kukuudza chii manje?" "Kuti ndakauraya baba Tanisha" Mhamha vakavhura maziso "Wazvitora kupi?" "Murume wenyu andiudza uye anga achindi blackmailer" "Neniwo ndanga ndisingazivi ndakatoziva nezuva remuchato Saka ndakaedza kuviga ma pictures kuti ndisakanganisa muchato wako I'm sorry mwanangu I'm sorry" "Mhamha ndichararamirei ini Tanisha akandisiya ndinomuda" "No Tanisha achanzwisisa mwanangu Kuti kwaisava kuda kwako" "Ndikufunga kumuudza nyaya yose" "Aewa muchato wako hausati wave nesvondo motanga here kurwa" "What if Mhukahuru anomuudza?".. "Haangambomuudzi anga achikutyisa chete hanti newevo une something yake ndichataura naye " "Aewa Mhamha musataura naye Mhukahuru angazokuitai zvimwe murume Ane hutsinye uya" ndakadaro tichihagana ndichienda mu room medu Ndakawana Tanie akarara Asi Asina kurara hope "Better ndimbonogara hañgu kumba nekuti iwe unenge uchine zvinhu zvauri busy nazvo hauna nguva yangu" "Butterfly" "Usati butterfly hauna nguva yangu lagaman" I understand zvinhu zvikutaurwa na Tanisha Asi dai aiziva zvandakatarisana nazvo. Neniwo ndinoshuvira kuti dai ndisina mutoro wese uyu ndawanawo nguva nemukadzi wangu ndakagara pedo naye ndichikumbira ruregerero ndichimuvimbisa kumupa nguva yaanoda, akatanga achimbopopota Asi akazonzwisisa hake Tinaye Nhasi isppointment ya Mamlilo, ndikuenda kuchipatara ndinoda kuti andiudze kuti Lagaman mwana wangu, ndinozviona kuti mwana wangu Asi ndinoda kuti iye andiudze ndomene. Ndakamutsa mota ndichienda kuchipatara. Ndinofanirwa kuudza madzikoma nezvenyaya iyi. Yes ndakaita misikanzwa but it's not like ndichagariswa pasi ndopinzwa mu court. Nani iyeye. Mukadzi wangu akasvika pakushaya asingazivi kuti ndine mwana panze, Asi neniwo ndaisaziva Saka handingazvipi mhosva. Yah izvo zvinorema, mukadzi wangu ndinomufunga siku nesikati asi hapana zvandingaita mwari vakaita kuda kwavo. Zvichakadaro ndakaona Mamlilo achipinda achiteverana na Lagaman. Mukomana uyu ndi Khanye chaiye. Team iri ndivana Mama's boy kani. Ndakabuda mumota ndichienda mu office ma Raphael "Masvika?" Doctor akabvunza. Vakabvuma "Makadii baba Khanye?" Lagaman akadaro. Ndakanyemwerera "Ndinofara kukuona wakadai nhasi" "Yah ndinofanirwa kuzama" "That's good" ndakadaro "Mhamha muchandifonera mapedza" Lagaman akadaro achibuda achienda "Please take care of mhamha for me please " Lagaman akadaro akatarisa doctor ndakanyemwerera. Doctor akamuita zvaaimuita achibva abuda. Ndakasara ndichiswedera paari "Wakunzwa sei?" "Ndave right ini, kuchipatara ndakungouyira mutemo chete" Ndakanyemwerera "Ndozvandokudira unoteerera" "Kuteerera nezvinhu zvisingaiti" "Uchiri kurangarira kuti takatanga kuzivana pachipatara chino,?" Akanyemwerera zvinokonzera Moyo wangu ku melter. "Yah ndinoziva hangu" "Here again, tasangana zve pachipatara. We're destined kuva pano unozviona" "Hanti ndiwe usingabvi pachipatara kunge wava doctor" Ndakanyemwerera Patinobuda pano ndokumbira timbofurwa nemhepo" "Hayi Tinaye hazvisirizvo zvandavinga pano"... "Ndinozviziva asi ndokumbirawo" Mamlilo akanyarara achinditarisa "Ndokumbirawo" ndakadaro ndichirereka musoro "Fine asi tichakurumidza kuuya" "I don't have a problem chero ukati two minutes" Akadzungundza musoro tichibuda. Mukomana aiva asipo thank God. Takaenda kumota kwangu ndikaimutsa takananga kune imwe park. Takasvika tikaburuka tichigara pane rimwe bhenji. Ndakamutarisa kwenguva yakareba "Sharai" Akanditarisa achinyemwerera "You still beautiful" "Hayi Tinaye nekuchembera kwangu uku" "Shuwa zve. Nezuro ndanga ndina Lagaman anga achionekwa kuti ane mutoro muhombe" "Eish Bothy akatakura mutoro usina Ani angakwanisa kuutakura" Wait a minute, akapa mwana wedu zita randaigara ndichitaura nezvaro kuti dai ndakaita mwana wechi two ndaizomupa iroro. Phewww. Ndichaita sepasina zvandanzwa "Ndeweiko mutoro wacho?" "Wekutanga ndakafurwa pamuchato wake, apa muchato hausati wava nesvondo patova nezvinhu zvihombe zvinomuremera" "Haa ko akachata manje? Saka vanhu vakakupfura unovaziva?" "Haa Tinaye, ndingavazivira kupi ini" "Don't worry ndichavatsvaga kusvika ndavawana" "Handina kuti ndinoda rubatsiro rwako ini" "Neniwo handina kuti unoda rubatsiro rwangu asi Ivo ndichavaonesa nyeredzi masikati " Akarola maziso "Usapinda munyaya dzisiri dzako" "As long iwe urimo neniwo ndichapinda" Akanditarisa kwenguva yakareba "Mwana wangu right?" Haana kundipindura akatarisa pasi "Ndinokumbira undipindure please " "Yes mwana wako?" "Saka waiva usingandiudzi neyi?" "Waiva wakaroora neniwo ndakaroorwa ndaisada kuputsa dzimba dzedu. Iwe unofunga kuti dai murume wangu akanzwa aizoita sei. Hanti aindiuraya" "Zvino ungabva wandinyima mukana wekukurisa mwana wangu?" "Hanti unoziva kuti zvinhu zvatakaita taisafanirwa kuzviita" "Asi zvakaitika ka, unoziva here kuti mukomana ane ma brothers akawanda sei anofanirwa kuziva" Haana kundipindura "Nazvino uchiri kundinyima mwana wangu?" "Hayi Hayi Tinaye please usaita izvozvo mwana wangu achine ma problems akawandisa kuti ndingada kumuwedzera amwe. Please ndokumbira umbomira azorore" "Handina kuti ndichamuudza asi anofanirwa kuziva kuti ndiri baba vake" "Zvigodii nhai Tinaye? Unoda kuti zviite sei?" "I'm sorry Sharsi asi handingagari ndine mwana asingazivi kuti ndiri baba vake uye ndisina bond naye" "Imba yangu ikaputsika?* "Ine yagara yakavakwa nezvidhina zve fake . Mwana anofanirwa kuziva family yake Mamlilo and family yangu paichanzwa ichafara shame " Haana kundipindura "Please Mamlilo ndinokumbira undipewo mukana nemwana wangu. Hona mwana wangu asvika pakuchata ini ndisingazivi " "Ndinokumbira undipe nguva yekutaura na Laga ndiwane nzira yekumuudza ichaita kuti asanditsamwira" "Ndakanyemwerera "Ndinotenda" "Ukutendei?" "Kuti wakandizvarira mwana apa ini ndaiva ndanzi ndichaita mwana umwe chete izvo umwe aripo hake " Akarola maziso tichitanga kutaura dzimwe nyaya kusvika àti akuda kuenda. Takapinda mumota achindipa ma directions ekumba kwake. "Handizorohwi nemurume wako here?" Akandiseka "Ko uri gwara?" "Aewa handimutyi ini ndiku respecta iwe" "Okay ndikukunzwa aewa hapana zvaachakuita haapo" Ndakabvuma ndichimisa mota pagedhi tichionekana Ndakamutsa mota ndichidzokera kumashure. Ndakananga kumba Kwa Bongani sezvo kwanga kune meeting munhu wese ndichamuwana aripo. "Hey guys" "Tinaye tanguri takumirira kana kusvika hako" Perfect akadaro "Eish kune kwandanga ndaenda " ndakadaro "Kupi? Tapedza isu zvatanga tafambira pano" Jabu akadaro "Okay no problem. Pane zvinhu zvandinoda kukuudzai" ndakadaro "Chii bamkuru?" Tafadzwa akabvunza "Ndichabva kuudzwa kuti ndine mwana musango" Vanhu vose vakatarisana "Mwana? Inga zvainzi une zai rimwe chete ra Joramu ko rakutaurwa nderipi manje?" Perfect akadaro achiseka Ndakavaudza nyaya yose naivowo vakashamisika "Newevo kungofamba uchit**a pese pese. Inga vana baba vaiti ndiwe munhu kwaye mu family ino asi pavakafa vakafana nema bhandi ema trouser. Mabhrugwa akungodonha ega. Ndichiri kuranga uchiti wakachobora murwere saka wakazozviita? Ayy tinofanirwa kumuziva machoboringo" Perfect akadaro "Shuwa bamnini tinoda kumuziva" Tafadzwa akadaro Ndakavavimbisa kuti achauya, vakazondiudza musangano wanga uri weyi. Letty Ndaiva ndagara na Lionah ndichifunga nyaya mhamha na baba. Kuti baba ndivo vaida kuuraya mhamha here? I don't think so. Asi kana zvisirizvo nei mhamha vakabva pamusha pano. Ndakatarisa Lionah aitoratidza kusava nehanya nezvikuitika pano. "Lionah" "Hmm" "Ukuona here zvikuitika pano?" "Zvei?" "Kuti baba ndivo vaida kuuraya mhamha here?" "Handizivi ini" "Pamwe ichokwadi baba vaishunguridza mhamha ayy ndakunogara na mhamha ini" "Enda hako ini handibvi pano" "Haa Lionah hande tinogara na mhamha". "Kana handibvi pama suburbs ini" "Ayy okay uudze baba vako kuti ndaenda ini" ndakadaro ndichienda mu room mangu ndichirongedza mbatya dzangu ndichibuda "Hezvo ukutoenda" "Yes ndogarirei pano" "Saka ukusiya musha wakanaka kudai" "Chero wamhamha musha wakanaka" "Asi hausviki pane uyu" "Ayy handina basa nekunaka kwemusha ini chandinoda mufaro munhu wese ave kumba Kwa mhamha. Nkosi akugarako ne family yake Tinashe akugara Laga anogara Ari ikoko Saka pano ndakagarirai" "Ayy ufambe mushe ndichakushanyirai asi" 3 months later Mamoe Nhumbu yangu yakuonekwa manje at least Tinashe akaenda kunobhadhara kumba kwedu baba vakunditaudza asi hazvichafanani hazvo nekare. Moyo wangu uri kurwadza Tinashe akugadzirira Muchato na Kikie hamenho why uchirwadza nekuti Ini na Tinashe hatina kumbobvira takadanana Nhasi ndashanyirwa na mhamha naivowo vari kundiwedzera stress vakungondibvunza nezva Tinashe na Kikie ayy "Mhamha ndakaneta ini ndikuda kunorara" "Saka uchazvara mwana uyu baba vacho vasipo" "Yes mhamha hazvitangi neni vakawanda vanhu vanozvara vana vavo pasi vana baba vevana" "Hayi ini pamwana wangu handingabvumi" Ndakavatarisa ndichisimuka ndichienda mu room mangu ndichirara ***** Makuseni ndakamutswa na Tanie achiti Kikie apfurwa husiku asi haana kupfurwa nzvimbo iri dangerous Ari kuchipatara manje. Ndakavhunduka nekuti munhu aiva aita Izvi hapàna umwe kunze Kwa mhamha. Ko neyi mhamha vachidaro shuwa. Ndofanirwa kuudza Tinashe vasati vaita zviri worse Tinashe Ndakagara pa bed kuchipatara pedo na Kikie "Wakunzwa sei babe" "Ndikurwadziwa" "Ko chii chaitika?" "Handizivi ini pandanga ndichibva kumashops ndave pagedhi ndangonzwa nepfuti yakurira" "Eish I'm sorry babe" "Sorry Tinashe, hanti ndakakuudza uchinoita ma introduction Ako kuti ndinotya ini" Pandaida kupindura foni yangu yakarira ari Mamoe. Awu Mwari ko ndakatadzei ini panyika ino? Kikie akanditarisa "Ko neyi usingadairi?" "Haina kukosha hayo?" "Saka mukutofonerana henyu?" "Aewa" "Saka neyi ane number dzako?" Ndakamutarisa ndichishamisika "Kikie munhu uyu akatakura mwana wangu Saka anofanirwa kuva ne number yangu andifonere kana pane zvikuitika" "Ayy ini handisi kuzvinzwisisa ko neyi asingafoneri sisi vako vagokufonera?" "Neyi zvichifanirwa kuva process yose iyoyo nhai Kikie?" Haana kundipindura. "Haundivimbi?" "Ndokuvimba sei imwi muchifonera" Haundivimbi sei Kiara? Neyi usingandivimbi? Ndiri pano newe asi unongoda kundipa ma blame Ari useless " "Sorry Tinashe chienda Kuna baby mama wako" "F**k maan Kiara chiiko newe!!!" Ndakadaro ndichisimuka ndichienda Kiara anondipengera. Mamoe ndakaguma kutaura naye kare asi anongoda kundipa stress. Ndakasvika kumba ndikazvikandira pasofa. Mhamha vakabudikira "Boy Ari sei Kikie?" "Ave nani mhamha paapfurwa hapana hunjodzi hapo" "Ohh tinotenda Mwari, ndiani munhu aita izvi? Tinashe hauna vavengi here?" "Handina ini mhamha pamwe ndi Mhukahuru" "Hayi handifungi kudaro ini anenge achizviitirei?" "Hamenho kungotaurawo semunhu apererwa" "Zvakaoma. Mamoe wamuguma rinhi?" "Ahh ndakamuguma kare ini" "Why . Mamoe ndi Mai vemwana wako unofanirwa kumuitira zvose" "Mhamha mwana ari mudumbu hanti ndichazviita abereka" "Tinashe mwanangu" ",Mhamha munhu wandinofanirwa kuzvinetsa naye ndi Kikie chete" "Eyyy Tinashe. Hamenho ita zvaunoona asi uchazvidemba iwe" "Mhamha ndine nzara tikudyei" "Haa enda unopakura wega" Ndakaseka ndichienda ku kitchen. Ndakapakura chikafu ndikauya ndichigara pasi. Letty akabva apinda "Nazvino Lionah haadi kuuya?". "Unomuziva, ati iye haangabvi Kuma suburb " "Nekuno Kuma suburb " "Unomuziva Lionah ayy" Ndakaseka ,"Riri sei barika rako?" "Tsek ndiani ane barika?" "Ndiwe, unoziva Kikie Kubva zvaakauya kwaaiveri haachanditaudzi" "She need time achauya " Time yeyi? Sei kwauri asinga need time nekuti wakamuziva through ini" "Unopenga jerasi nderei iroro?" Tinaye Joramu ndofanirwa kugara naye pasi ndimuudze Kuti ane munin'ina wake neniwo wandaziva manje. Ndaiva ndakagara pasofa Mumba make ndakamumirira. Paakapinda akashamisika achindiona "Ahhm baba" Ukuvhundukei?" "Ndanga ndisingazivi kuti muchauya" "Ndanga ndichifanirwa kuuya nekuti pane zvinhu zvandinofanirwa kutaura newe" "Ahh baba madii kundifonera ndikauya ini" "Don't worry my boy ndasvika" "Chii Khanye asi mufunga mhamha nhasi?" Ndakaseka "Kana ndichiuya pano ndinenge ndichifunga Mai vako here?" "Aewa baba kungotaurawo hangu. Mati pane zvinhu zvamumoda kutaura neni" "Ohh yah. Hanti unoziva kuti ndiri munhuwo neniwo ndinoita ma mistake semunhu wese" "Makundivhundutsa baba" Ohh yaisava mistake nekuti mhamha vako vaiva vasisipo" "Baba" Ndichangobva kuudzwa kuti ndine mwana mukomana" "Mwana mukomana?" "Ehe Zita rake anonzi Lagaman na Mai vake takasangana kuchipatara asi nyaya yedu yakangoperera mumhepo" "Hapàna akaudza umwe kuti handichakudi?" Ndakaseka "I don't have a problem with ini baba neniwo ndava nemunhu aku side kwangu. Ane makore mangani?" "Handizivi but think unomusiya nemakore mashanu" "Haa kozvaari munhu mukuru. Munofanirwa kuti introducer kwaari" Parizvino haasati aziva kuti ndiri baba vake. Asi ndikufunga kumukoka. Mangwana sezvo ndichi celebrater zuva randakatanga kushandisa makombi " I can't wait" Takataura nyaya dzakangodaro daro ndichibva ndaoneka ndichienda mumota. Ndakasvika mumota ndikafonera Lagaman ndichimukumbira kuti auye mangwana ku party kwangu. Akabvuma akazokumbira kuuya nemukadzi wake End of chapter