Chapter 36 Kiarah Ndakasvika kumba ndikananga mu room mangu. Ndakapinda nekuzvikandira pa bed. Handisati ndambosvotwa zvakadai. Ini Kiarah kurohwa. Argg. Dai Tinashe ndanga ndisingamudi ndaimusungisa, zvino ndingazorasikirwa naye. Zvichakadaro Bridget akapinda . Akavhunduka paakandiona ndakazvimba kumeso. Akandibvunza ndaita sei ndakangoti ndarohwa na Tinashe kuti ndimuudze andiroverei zvaisaita. Asi akandigara bhamba kusvika ndamuudza. Akashamisika achindibvunza ndazviitirei hee ndanga ndichifanirwa kutora mwana ndamuendesa Kuna Mai vake. WTF. Ini kutakura mwana anonhuhwa madhodhi never. Akazondigura paakati ndinofanirwa kunokumbira ruregerero Kuna Mamoe. Ipapo ndakamurambira shame ini nekukumbira ruregerero hazvisangani. Bridget akadzungundza musoro achibuda neniwo ndakasara ndichipinda mumagumbezi ndichirara. Ndaingotarisa foni yangu ndichiti zvimwe Tinashe achafona Asi tsvee Tinashe Ndakarara mu room mangu ndakatarisa mudenga ndikufunga nhamo dzangu. Zvakawanda zvinhu zviri mumusro mangu. Zvichakadaro Mamoe akapinda akabata bepa re divorce. Ndakaedza kumu convincer kuti asaita izvozvo asi munhu akaramba akatsika. Okay hapàna zvandingaita kunze kwekuti ndiite zvaanoda. Ndakatora bepa ne pen ndichisayina. Akanyemwerera achibva abuda. Ini misodzi yaiva yajenga kumeso hamenho why. Ndakazvikandira pa bed foni yangu yakaringa aiva kikie ndakabva ndatodzima foni yangu Lagaman Nhasi ndinofanirwa kuudza Tanie chokwadi . Since Tanie asingazivi chokwadi nezvekufa kwababa vake moyo wangu hauna kugarisika. Ndakasvika kumba ndikawana Tanie asipo ohh gara zviya àti achaenda dhorobha kunotenga zvinhu zvemumba. Ndakamufonera ndichimubvunza kuti apedza here. Akabvuma,. Ndakabva ndatobuda ndakananga kwaaiveri. Pandakasvika ndakasvotekana pandakamuwana akamira na Alex. This guy! Ko ndakamuudza Wani kuti asiyane nemukadzi wangu. Ndakabuda mumota ndichienda kwavari "Yah" "Babe wauya" "Ndakatii kwauri iwe nekuswedera pamukadzi wangu?" "Hezvo Laga chiiko?" "Chiiko chadii Tanie ndichikuwana wakamira neumwe murume?" "I'm sorry brazo ndanga ndichingomubvunza chete ini Kuti anouya rinhi kubasa?" "Uchimbodei kwaari zvawave kumumhanyisa kuti auye kubasa" "Thanks Alex ufambe mushe" Tanisha akadaro afundumwara . Alex akaenda, Tanie akatora zvinhu achizviisa ku boot achipinda mumota. Neniwo ndakapinda mumota. Akatanga kushaudha mwanasikana ndaiva ndakungoti sorry..ndakazozvinyarira paakandiudza kuti Alex ndiye amuendesa kuna doctor paanga adonha nedzungu, asangana nazvo ndezvake izvo zvino anga amirirei naye? Adii kuenda zvavanga vauya kwa doctor wacho. Ndakavhunduka paakandiratidza bepa raibva Kwa doctor raitaura kuti ane pamuviri. Wow ndakamuhaga nemufaro. Kana Ari saiye mufaro wacho waiva wakazara kumeso kwake Eish hazviiti kuti ndimuudze nyaya iyi ndichamuudza rimwe zuva ndingazokanganisa mufaro wake Mamoe Ndakasvika mu room mangu ndiku paker mbatya dzangu, ndakaona Tinashe akamira pa door akanditarisa "Ko uri kuenda zvechokwadi?" "Ko wanga uchiti ndiri kuenda zvekutamba here nhai Tinashe?" "Chete ndanga ndisina kuzvitarisira" "Sorry Asi ndinofanirwa kuenda, ndine life yakandimirira kunze uko" "I know I messed up big time asi ndikuzvishora hatingagari pasi here titaure" "Izvi zvandiri kuita hazvinei ne messed up Yako ye big time asi idecision yandatora" Tinashe akaswedera Pana Tino. "Ini handingakwanisi kugara ndisingaoni mwana wangu" "Uchamuona pawadira Tinashe, it's not like ndikuenda Ku Chinhoyi and staff. Uchamuona anytime Tino" Ndapedza kurongedza ndakanoudza mhamha. I know vacharwadziwa asi ndinofanirwa kuvaudza. Ndikuitira future yangu apa kwete kufadza umwe munhu Ini ndisingafare. Ndakagogodza vachibva vandivhurira. Takamhorosana ndichigara pasi ndichivaudza mamiriro ezvinhu. Naivowo vakamboda Kuti ndigare nooo I'm done with this family. Ndapedza kutaura na mhamha ndakadzokera mu room mangu ndakawana Tinashe akangomira . Ndakatora ma bag angu Tinashe akandibatsira akati achandiendesa. Okay kana zviri izvo zvaari kuda it's fine. Takanopinda mumota tichienda kumba kwangu. Ndakawana mumba muri clean. Ndakumbira musikana aimbondibatsira ndine pamuviri Kuti a Kline. Ndiye zve achandibatsira kana ndiri kubasa. Now ndakufanirwa kushanda manje. Svondo rino harifanirwi kupera task ya Tanie ndisati ndaipedza Tanisha Kuma seven manheru takaenda kumba Kwa mhamha. Takawana vachigadzirira dinner. Mamoe aivapowo sezvo Mai Laga vamukumbira kuti adye nesu dinner kwekupedzisira. Takasvika tichigara pasi tichivamhorosa "Finally mazosvika. Ndikare ndakakumirirai" "Haa mhamha takurumidza wani" ndakadaro "Nhasi tarasikirwa na Tinashe " "I'm sure anongoda kufurwa nemhepo mhamha achadzoka" Letty akadaro "Kwasviba manje anofanirwa kuti dai auya" mhamha vakadaro "Akura Tinashe mhamha anoziva zvaanoita" Laga akadaro "Haa iwe Tinashe mwana wangu iyeye" Laga akaseka Takakurukura tikazovaudza nezvepamuviri pangu, munhu wese akafara mumba akatiitira makorokoto. Zvichakadaro Tinashe akapinda mumba ari mhepo. Akasvika achitora ndiro yaidyirwa na Laga achiiroverera mumusoro ma Laga. Munhu wese mumba akavhunduka "Tinashe ukuitei?" Mai Laga vakabvunza Laga akasimuka apa musoro waiva wakubuda ropa "Unopenga here iwe mpfana? Hauoni wandikuvadza?" Laga akadaro "Tinashe chiiko?" Letty akabvunza "Akauraya Tinaye uyu!!!!" Tinashe akadaro nehasha achitendeka Laga Ndakatura befu ndichitarisa pasi.munhu wese Mumba akavhunduka "Wati kudii Tinashe!!?" Mai Laga vakabvunza "Lagaman ndiye akauraya Tinaye!!!!" Vanhu vose mumba vakatarisa Laga "Tinashe wati kudii?" Letty akabvunza "Ndiye uyu akauraya Tinaye, akamudzipa kusvika afa, apa aichema nesu achiziva kuti ndiye honzeri. But why Laga? Why?" Tinashe akadaro Mai Laga vakatadza chero kuvhura muromo, misodzi ndiyo yaiyerera "No no Laga haaiita zvinhu zvakadaro" Letty akadaro "Bothy" Mai Laga vakadaro "Hauchagoni kutaura ka!!! Taura ka kuti ndiwe wakaura mu twin wangu!!!" Tinashe akadaro achibudisa video Laga paaiuraya Tinaye. Yah ndiMhukahuru aita izvi or Davula. Asi family ya Laga ichamutarisa sei shuwa? "Nashe calm down " ndakadaro "Calm down!!! Wati calm down iye Munhu akauraya mukoma wangu!!! Ainyebera kurwadziwa izvo iye aifara zvake kuti imbwa yaenda!!! Pedzezvo akada kuzviita holly father achitora mwana wa Tinaye achimuita wake iye achanyatsoziva kuti ndiye akamuparadzanisa na baba vake!!! . Kana uri sewe Tanisha nyarara hazvisi zvekwa moyo izvi ndezvekwa mhukahuru handizivi kuti unotaurei zvaunoziva!!!" "Tinashe usataura nemukadzi wangu uchidaro" Laga akadaro "Ohh Saka naiyevo mukadzi wacho anoziva zvakaitika?!! Muri mhondi muri vaviri? Wow!!!" Tinashe akadaro "Tinashe please " Mamoe akadaro "Mhamha Saka muchanyarara!!! Munyarara mwana wenyu akauraya mu twin wangu!!!" "Why Laga?" Mamlilo vakadaro "Ko neyi Tinashe asingandipi mukana wekutsanangura? Anongosvika nekundikuvadza, Saka ndichatsanangura sei?" "Lagaman ngaisava excuse iyo? Neyi wakauraya Tinaye nekuti ndinoziva haana zvaakakuita?" Letty akadaro "Wazvitora kupi izvi Tinashe?" Laga akabvunza "Hanti video waiona here chii chauri kubvunza!!!" Tinashe akadaro "Ndabvunza kuti video waitora kupi?" Laga akadaro "Hazvina kukosha izvo? Zvakakosha ndezvekuti iwe wakauraya Tinaye!!! Wakazviitireyi?" "Boy mutsanangurire kuti neyi wakaita zvinhu zvakadaro??" Mai Laga vakadaro. Apo vaionekwa shame kuti vari heart broken "Handaiuraya Tinaye ini nekuti hapana zvaakandiita, chero dai kuchinzi pane zvaakandiita handaimuuraya nekuti munin'ina wangu, Mhukahuru ndiye akandimanikidza" Laga akadaro achivaudza zvese "Saka iwe wakafunga kumuuraya" Tinashe akabvunza "Ndataura Wani kuti dai ndisina kumuuraya chii chaizoitika? Ko ndaifanirwa kuita sei ini?" Laga akadaro "Wakatadza neyi kuzviuraya iwe? Neyi usina kuzviuraya Lagaman?" Tinashe akadaro achitarisa Laga kwenguva yakareba "Nyaya iyi haisati yapera. I'm coming for you. Ucharipa nezvinhu zvawakaita kuna Tinaye" Tinashe akadaro achibuda achienda "Mhamha" Laga akadaro Mamlilo vakatendeuka vachienda mu room mavo. Mumba makasara ini, Laga na Mamoe. Letty akatevera Mai vake. Ndakahaga Laga tichimunyaradza na Mamoe. Takanopinda mumota tichienda kumba "Zvichapfuura babe Tinashe achava right" ndakadaro. "Handina basa na Tinashe ini, munhu wandiri worried naye ndi mhamha. Vachandivenga kwehupenyu hwavo hwese. Ndakavarwadzisa. Ndakauraya mwana wavo" Mhamha vanomuziva murume wavo saka vachiri shocked now kuti Tinaye akauraiwa newe asi mangwana chaiwo vanenge vave right" ndakadaro ndichimuhaga, akabvuma nemusoro Kiarah Saka Tinashe haana basa neni ka? Kubva zvandaenda haana kumbobvira andifonera, Saka kwaari ndaita zvakanaka nekuenda, ndakaedza kumufonera asi haana kudaira. Ndakaramba ndichimufonera. Thank God akazodaira "Uri kudei?" "Hezvo Tinashe ko handifanirwi kukufonera here?" "Uchindifonera kuti zvidii hanti wakandisiya here? Saka chii chawave kundifonerera?" Ohh so it's over pakati pedu? " "Handizivi, hanti ndiwe unotora ma decisions" "Uri kupi manje?" "Ndiri kumba Kwangu" "Kumba kwedu?" "Izvozvo?" "Okay ndikuuya manje" "Okay" "Ndinokumbira uuye kuzonditora" "Wakaenda neyi pawakaenda" "Hezvo babe" "Huya nezvawakaenda nazvo Kikie ndine ma problems hobho ini kuti ndingaita focus newe" Tinashe akadaro achikata foni I wonder Ari kudyiwa neyi? Nekuti ndikumunzwa kuti haasi right. Ndakatora foni yangu ndichinyorera Bree message ndichimuudza kuti ndikuenda. Ndakadhonza bag rangu ndichinokwira kombi yakanondisiya pagedhi. Ndakapinda mukati, Tinashe aiva akarara pasofa "Hey babes I'm back" Tinashe akangonditarisa achibva arara zve. Maziso Ake aiva akatsvuka zvemunhu anga achichema. "Babe wanga uchichema?" Ndakabvunza ndichiswedera paari ndichimumutsa "Wanga uchichemei babe?" "Handisi right?" "What happened?" Akandiudza nyaya yose, ndakapererwa "Haa the whole Lagaman" "Handidi kufunga nezvazvo Lagaman neyi akaita zvinhu zvakadaro?" "Saka uchaita sei?" "Handizivi" "Tinashe usandiudza kuti hapana zvauchaita iye munhu akauraya mu twin wako. What if mangwana achizouraya iwe? Seni handitauri Laga anondivenga. Achandiuraya Tinashe" "Imbonyarara kwema minutes Kiarah. Handizivi kuti wavingeyi pano uchindi disturba?* "Ndikukuonesa semukadzi wako" "Handidi ma advise anobva kwauri ini wanzwa?" "Ndicha order chikafu chedu ini ndine nzara" Haana kumbondipindura akarara akatarisa mudenga Mamoe Ndiri busy nema files angu sezvo ndichiedza kutarisa case ya baba va Tanisha. Ndakawana nzvimbo yaaishanda. Ndakawana zve mazita evanhu vaaishanda navo. Saka mangwana ndofanirwa kunotora mazita avo kumunhu wandinoshandidzana naye. I'm sure kuti vanhu ava vanoziva zvakawanda about baba Tanie. Ndakavhara laptop yangu. Munhu wandiri worried naye manje ndi Laga. Laga ndiye anga achibatsira zvakanyanya mu family iya eish ndikumunzwira tsitsi ini. Naiyevo kwaisava kuda kwake vanhu vanofanirwa kunzwisisa. Yes zvinorwadza Kuna Tinashe asi anofanirwa kunzwisisa kuti chii chakaitika. Ndinofanirwa kutaura naye ndiedze kumuonesa pamwe anganzwisisa. Ndakabva ndamufonera, zvagara mukadzi wake haapo Ari kumba kwavo. Akabva adaira. Ndakamukumbira kuti auye kumba kwangu akabvuma ****** After some minutes akasvika ahh ndanga ndisingafungiri kuti angasvika nekukurumidza kudai. Akapinda achigara pasofa "Hey" "Hey Tinashe" "Wandidanirei? Tino ari right here?" "Ehe ari right hazvisirizvo zvandakudanira" "Saka neyi ndiri pano?" "Ndiri worried na Laga" "Arggg newevo futhi" "Tinashe I know kuti warwadziwa and you feel betrayed, asi ndokumbira utarise side Ra Laga. Unomuziva Laga anoida family yake. Angaita chero chii kudzivirira family yake, ndizvo zvaakaita. Mhukahuru aida kukuurayayi mose asi akakuponesai nekuuraya Tinaye. Unofunga kuti zvaiva nyore kwaari here? Nguva yose iyi akanyarara nenyaya iyi nekuti aisada kuti murwadziwe" "Kana zvakadaro neyi asina kundiudza?" "Iwe ungandiudza here kuti wauraya Tanisha? No haungandiudzi. Tinashe Laga anoida family yake unozviziva newevo" "Ayy ndane hope ini ndoda kurara" "Just like that" "Tichazotaura nezvazvo" "Okay enda" "Handingakwanisi kuchaira manje" "Haa why?" "Ndokumbira kurara pano ndichaenda mangwana makuseni" "Enda Tinashe hapàna room rauchashandisa" "Riripo raishandiswa na Tanie" "Hayi hayi Tinashe chiiko" "Ndisimudze undiendese mumota ndichaenda" Tinashe akadaro achirara pasofa "Huya undipe baby kiss stress yandinayo ichapera" Hezvo unopenga here Tinashe?" Kana uchida ndiregerere Laga huya unditi tsvodi pamuromo" "Tinashe chiiko newe" "Wafoira test good night" Tinashe akadaro achirara pasofa. Chiiko naye Tinashe? Handina kumudanira kuti auye arare pano ini End of chapter Team Facebook ndakahekiwa Handikwanisi kupinda pa page ndichagadzira new page