Chapter 38 Mamoe Ndakamira panze pebuilding ndakamirira Tinashe ati ari kuuya kuzonditora. Unoziva hapana umwe munhu wandanga ndingakumbira kunze kwa Tinashe. After some minutes akasvika apa mota yake yoo. Ndakapinda mukati tikamhorosana "Hezvo ko mota yako yaita sei?" "Ndichaigadzirisa" "Ndati yaita sei ini sangana nemubvunzo" "Mamoe hanti wakumbira kuti ndiuye kuzokutora kwete kuzotarisa mota yangu" "Are you okay?" "Yes" "Shuwa here?" "Ko iwe problem yako pakusava okay kwangu or kuva okay kwangu nekuti ini newe hatisisina kuchata?" "Iwe akakuudza kuti mubvunzo iwoyo unongobvunzwa nemunhu akachata chete ndiani. Uri baba vemwana wangu kana usiri right zvino affecta mwana wangu" "Ndiri right" Ndakaseka "Saka waita sei padama unenge wapihwa gwati rembama?" Tinashe akamisa mota "Unoda kuburuka here?" "Hayi Tinashe ndadiizve?" "Mibvunzo yako unondisembura" "I'm sorry ndanga ndichibvunza nekuti ndiri worried newe" "Iwe uchiseka" "Sorry" "Musoro wako uyu wakaoma" "Wava kwandiri manje" "Aewa ndangoti ndikuudze wakangwarisa" "Ndanga ndisingazvizive" "Wakuzviziva manje?" "Yes" "Good" Hapana akazotaura neumwe kusvika tasvika kumba "Thank you so much " "Usatenda ndanga ndichiitira mwana wangu kuti Mai vake vasasvika late* "Ko ndati kudii ini" "Kutenda kwako" "Hanti ndiri kutendera Tino here?" "Ndokumbira kupinda mukati ndione Tino" "Okay no problem" Takapinda mukati tikawana Tino na aunt vachiona TV. Tinashe akatora Tino vachitamba ini ndofanirwa kugadzirira kuenda ku Matema industry Mamlilo Ndiri mumba ma Tinaye ndinofanirwa kumuudza nyaya yose "Wati Laga aita sei?" "Ane ma problems akawanda mwana wangu " "Aita sei?" "Kubva achiri mudiki ane makore gumi achiuraya vanhu" Tinaye akavhunduka "Achiuraya vanhu!!* "Yes aimanikidzwa na mhukahuru kuti zvose. Ndinoona kuti zvimwe anga asingandiudzi asi akaita zvinhu zvakawanda now ndikuona sekunge zvave kumutevera apa akauraya umwe mwana wangu achimanikidzwa naiye mhukahuru " ndakadaro ndichimuudza nyaya yose yakaitika Pana Laga "Asi Mamlilo ko nei waisaunza mwana wangu kusvika aita zvinhu zvese izvi" "Ndakataura Tinaye ndaifunga kuti une mukadzi Saka ndaisada kuputsa musha wako" "Saka achaita sei Laga? Iye mukadzi wake achamuregerera here paachanzwa kuti Laga ndiye akauraya baba vake?" "Ndizvo zvinhu zvinondidya mumoyo. Tanisha haafi akaregerera Laga nenyaya iyi" "Laga haangakuudzi zvose zvakaitika paari asi tinofanirwa kugara naye pasi atiudze zvose tione kuti tingamubatsira sei" "Yah ichokwadi" "Ndichakufonera auye kuno, anofanirwa kutiudza zvese" "Ndinotenda " "Neniwo ndinotenda Mamlilo nekundiudza nyaya yakakura kudai" Kiarah Ndakamirira Tinashe handizivi aenda kupi. Shitt zvinhu zvandaita nezuro handizivi ndanga ndapindwa neyi handisi munhu we violence ini. Ndakaedza kumufonera asi haadairi foni yangu. Ndakagara ndakamumirira after some minutes ndakanzwa mota ichidhuma ndakabuda ndichienda kwaari "Honey" "Chii Kiarah?" "Ndinokumbira undiregerere pazvinhu zvese zvandakuita" "Iwe unofunga kuti relationship yangu newe ichaperera kupi?" "I'm sorry honey" "Kiarah handina nguva yekutaura newe manje" "Ndinokumbira titaure honey" "Relationship yedu yakuparara kana usingazvione" "Handipamhi zve kuita zvandaita" "Okay ndinoda kunozorora manje" "I'm sorry " "Ndinoda kuzorora kiarah please" Tinashe akadaro achienda Mamoe Ndiri munzira kuenda kwa Matema industry. Ndakasvika ndikapinda mukati. Ndakananga ku office kwacho asi ndakawana mune mukadzi, ndofunga ndimai va Tanie. Ndakagara pasi tichimhorosana "Zita rangu ndinonzi Pearl Mbedzi ndiri lawyer ndauya pano nenyaya ye company iyi" "Kuti yaitei?" "Ndinoda ma paper ekutenga building iyi nekuti ndinoziva kuti imi hamuna kuyitenga zviri pamutemo" "Haa shuwa here? Hanzi takaritenga sei Miss I know everything " "Company iyi ndeyekwa Moyo right? Hamuna kuyitenga makaitora" Mai Tanisha vakaseka "Ohh watumwa na Tanisha right?" Ndakavhura maziso "Tanisha?" "Yes ndiye akutuma unondiona sendinopenga here ini? Ngaatange anotaura nemurume wake then ozouya kuzotaura neni " "Achitaurei nemurume wake?" "Abvunze kuti ndiani akauraya baba vake?" "Neyi achifanirwa kubvunza iye?" "Nekuti anofunga kuti ndini ndakauraya baba vake, no munhu akauraya baba vake murume wake. Ndinoziva kuti haungandi believe asi ndichakupa evidence " Ndakarohwa nehana Vakatora number dzangu vachindisendera video. Ndakasara padiki kufenda pandakaona Laga achipfura bamkuru, foni yangu yakadonha Mai Tanisha vakandinhongera "Aewa zve usadonhedza foni chienda kuna Tanisha wako umuratidze izvi" Ndakafemera pamsoro. Narrated Mamoe akapererwa nezvinhu zvaakanzwa na Mai Tanisha. Aiva asingazvi believe. Yes Laga aiva achiri mudiki asi anoonekwa kuti ndiye. Akatarisa Mai Tanisha "Chienda ka unoratidza Tanisha wako kuti nhasi uno haana baba nekuda kwe murume wake" "Neyi une hutsinye hwakadai? Wakamuzvarirei Tanisha kana uchizomudaro,?" "Hapana zvandichataura newe Ini. Tapedza right?" Mai Lenny vakadaro vachitendeka ku door Mamoe akaona kuti haachadiwe apa. Akabuda achinokwira kombi achienda kumba kwake Lagaman Ndakagara kwa Khanye ndikuedza kuzorodza pfungwa nekuti zvakawanda zvinhu zviri mupfungwa dzangu now. And ndikaramba ndakadai ndichapenga straight "Nyaya iyi inokupa stress right?" Tafadzwa akabvunza "Dude Tinashe ndinonzwisisa kupenga kwake asi Tanie achaita sei paachaziva kuti ndini ndakauraya baba vake" "Ndinoziva kuti zvinorwadza asi achakuregerera mwana uya anokuda" "What if haandiregereri?" "Hazvingaitiki and remember waiva uchiri mudiki pazvakaitika" "But still nothing gonna change kuti ndakamutorera baba vake" "But dai usina kumanikidzwa dai usina kuzviita" Takataura vachindisimbisa asi nyaya yave Pana mhukahuru manje. Ko neyi tisingamuwani. Akahwanda kupiko. Zvichakadaro foni yangu yakarira. Ndakashamisika ari Mamoe. Ndakadaira, akandiudza kuti anoda kundiona manje, ndakamboda kuti ndiri busy asi yoo munhu wacho aitaura kunge anoda kundidya. Ndakaoneka kuna Tafadzwa ndichibva ndaenda kumba kwa Mamoe. Ndakasvika akagara mu sitting room paakandiona akasimuka achiuya kwandiri "Hey Mamo" "Pane zvinhu zvaunoda kundiudza here? Or zvaunoda kuudza Tanie?" Ndakashamisika nekuti ndaiva ndisinganzwe kwaienda mubvunzo "Zvinhu zvakadii manje zvandinoda kukuudzai?" "Unozviziva Laga and neniwo ndakuzviziva ndinokumbira kuti utaure neni" Ndakanyarara kwenguva ndichifunga. I game ipi manje yavari kuda kunditambisa na Tanie "Ari kupi Tanisha?" "Ndiwe wakauraya baba va Tanie?" Ndakarohwa nehana ndochivhura maziso. Azvizivira kupi manje Mamoe? Ndakamutarisa kunge ndikuona chipoko ",Ndikutaura newe Laga ndinoziva kuti ndiwe wakazviita Saka ndinokumbira kuti utaure" "I'm sorry kwaisava kuda kwangu ndaiva mudiki ndakamanikidzwa" "Ndinoziva kuti waiva mudiki uye wakamanikidzwa asi chandinoda kuziva ndechekuti neyi usina kuudza Tanie nezvazvo?" "Ndinotya Mamoe what if Tanie anondiramba mushure mekunzwa izvi? Ndinotya kurasikirwa naye" "Zvaune vavengi Harare yose vanoziva nezvenyaya iyi unofunga kuti havazomuudzi here? Iye Tanisha achanzwa sei paachaziva kuti ndiwe wakauraya baba vake nguva yose iyi wanga wakanyarara usingamuudze" "Mamoe hazvisi nyore kutaura zvinhu zvakadaro" "Even though unofanirwa kumuudza. Laga ndokumbira umuudze Tanie. Nekuti ukasadaro achakuvenga kwe hupenyu hwake hwese kana akazonzwa nevamwe vanhu" Ndakashaya chero mhinduro ndakaramba ndiri zii "Ndinoziva kuti wakamanikidzwa and pane zvimwe newevo zvausingazivi" "Chii?" "Company ya baba vako neya Matema ma company a baba va Tanie vakatora ma company ake vachibva vamuuraya" Ndakavhura maziso "Matema uyu aiva shamwari ya baba?" "Yes iyeye and murume wa baba va Tanie and it's obvious Mai Tanie ndivo vakamutengesa" "Zvinhu zvese mutoro kwandiri. Tinashe uku manje ndi Tanie aewa mutoro wangu wakurisa" "Don't worry about Tinashe munhu waunofanirwa kuita stress naye ndi Tanie" Yah" Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Tanie, ndakatarisa Mamoe ndichibva ndadaira "Laga huya kumba manje please ndikuda kuenda kuna doctor" "Okay ndikuuya manje" ndakadaro ndichikata foni yangu ndichisimuka "Chii manje" "Tanie haasi kunzwa mushe ati ndiuye ndimuendese kuna doctor" "Okay achava right. Ndokumbira uyite zvinhu zvandakuudza" "Okay" ****** Ndakamhanyisa mota ndichienda kumba. Ndakasvika ndichipinda Mumba. Ndakawana Tanie akarara pa bed achichema "Tanie chii?" Ndakabvunza ndichimhanyira kwaari "I think ndine ma sick pregnancy. Kubva zvandakaita pamuviri handisi kunzwa mushe I think now I need doctor " "Okay babe wava ready" "Yes ndave ready" Ndakamusimudza ndichienda naye kumota Tinashe Ndakarara Mumba mangu ndikufunga nezve life yangu. Ndikufunga Lagaman. Moyo uri kuramba kuti Laga ndiye akauraya mu twin wangu. Tinaye zvakawanda zvinhu zvandaifanirwa kuita naye asi vakamutora vanogona. Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Mamoe "Mai vemwana " "Ndinokumbira kukuona kana usiri busy, please ndinoda kutaura newe nezvinhu zvakakosha " "Neyi wakandi divorcer kana uchizondifonera siku nesikati?". "Divorce yapinda papi manje?" "Nekuti ticharamba tichionana then kouya ma memories edu tichiri tose " "Unoziva kuti hatina ma memories please Tinashe zvakakosha zvinhu zvandinoda kutaura newe" "Saka ndokuona rinhi?" "Chero now kana zvichibvira" "Kana ndikauya Ikoko ndicharara here?" "Hezvo kurara kwapinda papi manje? Please Tinashe " "Okay ndichauya" "Uchauya here kana kuti uri kuuya?" "Ndiri kuuya" "Thanks" Mamoe akadaro achikata foni yake. Ndakayerekana ndakunyemwerera.zvichakadaro Kikie akabudikira "Kubva wanyemwerera kudaro kwakanaka?" "Kune kwandiri kuenda, ndichakuona ndadzoka" "Hausati wakanganwa ka kuti mangwana I birthday yangu" "Aewa handina ndichakurumidza kuuya" "But it's late already " "Ndiri kunogadzira mota yawapwanya" "Come on Tinashe " Ndakabva ndabuda ndichienda kumota Lagaman Takasvika kwa doctor, ko hanti ndanga ndichimhanya here nemuchemero wanga uchiita Tanisha handairega "Mr Zvayi ndingakubatsirai neyi?" Doctor akabvunza "Mukadzi wangu ane pamuviri zvino ari kuchema handizivi chiivo ini" Doctor akamuita ma test akaona kuti Tanie ane stress. Shit nyaya ya Mai vake ndiyo ikumupa stress. Doctor akazotiudza kuti Tanie haafanirwi kuita stress haafanirwi kufunga zvakanyanya ndizvo zvakonzera kuti asvike pano Ndakapererwa kuti ndoita sei. Zvino ndichimuudza sei nezvenyaya ya baba vake nekuti nyaya iyi obvious ichamupa stress yarambwa na doctor Narrated Kubva Tafadzwa zvaakagadzwa humambo akugara kumusha nemukadzi wake Jay na Manue vakatora mhuri yavo vakatengesa dzimba dzavaigara vachibva vanogara ku Gweru . Jay aiva akagara nemhuri yake vachipemberera zuva ra Mufaro mangwana ari kunotanga basa rehupurisa ndiro basa raaida kubva achiri mudiki asi haasi mupurisa anopfeka uniform asi mu CID. "Uri kufara ka mwanangu? Kuti uri kunotanga basa rako mangwana? Now wakudzokera ku Harare kwatakabva" Jay akadaro vachiseka "Ehe baba" Mufaro akadaro "Congrats sisi ndaifunga kuti wainyeba ini pawaiti unoda kuva mupurisa." Lionah akadaro "We will miss you my baby girl" Proggy akadaro "Ini ndakudzokera ku Harare shame handigari ndisingaoni sisi vangu" Lionah akadaro vachiseka. Mufaro akaswedera pamwana wake achimuhaga "Uchavashanyira mhamha nhaika?" Mufaro akadaro "Ndichakufungai mhamha" Stacey mwana waMufaro akadaro "Varipo mainini Tanya vachakutarisa nhai ka?" Mufaro akadaro achihaga mwana wake achinoisa ma bag ku boot. *Sorry guys kune vasinganzwisisi last part ndokumbira muverenge Anenyasha ssn 1 and 2. Why ndichitora ma characters ekune mamwe ma book. *Blood and money riri kubiwa and munhu wacho ndikutadza kumubata Saka ndakazofunga kusiyana nazvo ndongoisa ma characters ekare. Ma pdf Anenyasha aiswa mu group kune vasiri muma group a Makalulue asi vachida ma pdf iwayo ndibatei apa +27734067151 kune vanoda ma chapters enda ku Facebook Makalulue online stories 🙏🏻🙏🏻🙏🏻🙏🏻