Chapter 33 Tanisha Ndakamuka makuseni ndichifa nemusoro. Pandakatarisa pa side pangu Laga aiva asipo. Pandaiva ndakuda kumuka akabva apinda akabata tray. Takaitana ma good morning achindipa chikafu. Ndakatanga kudya uku achingondiudza mashoko enyaradzo but chinhu chando noticer Pana Laga ndikataura nezve munhu akauraya baba vangu anobva anyarara kuti zii. Asi ko neyi ndisingamuwani munhu akaita izvi. Uhhm pamwe mukadzi uyu ndiye akauraya baba vangu àchida kuroorwa neumwe murume. Yes what if ndiye. Ndakaedza kuonesa Laga nezvazvo asi Laga aiita kunge asipo panyaya iyi. Laga is a private laywer ndiye chete munhu angandiwanira mhondi yakauraya baba vangu. Ndakataura naye ndikamukumbira kuti atsvage munhu akaita izvi Kuna baba vangu Laga akandivambisa kuti svondo rino hariperi asina kuvawana. Yes yanguva yekuti ndiwane mhondi yakauraya baba vangu Manje. Handizorori kusvika ndaiwana Lagaman Eish pfungwa dzangu dzakadhanganyika , after zvinhu zvataurwa na Tanie kuti ndimutsvagire Munhu akauraya baba vake ini ndichinyatsoziva kuti ndini ndakavauraya. Zvino ndichaita sei ini kana akubvunza kuti ndinovawana here. Ndinotya ini kumuudza chokwadi nekuti Tanie ndinomuona kana achitaura nezva baba vake Munhu akaita izvi anomuvenga kwete zvekufungidzira. Ndakatora foni yangu ndichifonera Tafadzwa ndichimuudza kuti ndiri kuenda Kuna Davula. Anofanirwa kumubudisa Mhukahuru nhasi. Zvaasingaonekwi so ndinoziva kuti akutoronga kuudza Tanie. I love Tanie nemoyo wangu wese I'm nothing without her. Pandakapedza kutaura na Tafadzwa akandiudza kuti akutouya ***** After some minutes Tafadzwa akasvika ini ndaiva ndatova ne 30 minutes ndasvika "Shaar Kubva wadikitira kudaro kwakanaka?" Tafadzwa akabvunza "Ndiri mu jive broe" "Jive yeyi manje?" Ndakamuudza nyaya yose "Zvino andikumbira kuti ndimutsvagire munhu akauraya baba vake. I can't tell her the truth anozondivenga" *Shit!!! Ndeimwe nyaya ka iyi. Nyaya Yako ihombe handizivi tichaigadzirisa sei? Zvaiva nani dai Mhukahuru taimuwana tobva tatomuuraya asati avhura muromo wake" "Apa handizivi tichamuwana sei, Davula wacho haadi kutaura" "Kana achivaziva nhasi achataura" Tafadzwa akadaro tichienda kwaari Takamuwana akarara, ndakamukava "Muka mhani iwe" Akasimudza musoro achititarisa "Nazvino hausati wakuda kutiudza Kuna baba vako?" "And nhasi hatitamba newe, tinoda kuziva kuti baba vako vari kupi" Tafadzwa akadaro "Ndakuudzai kuti handizivi" Davula akadaro ndakamurova nechibhakera "Taura mhani!!!!!" "Ohh haudi kutaura?" Tafadzwa akabvunza achirodza Banga "Haudi kutaura?" Tafadzwa akabvunza Davula akangonyarara "Nhasi ndichakuita chi Zvayi" Tafadzwa Akadaro achimudhonza achimucheka zvigunwe zvese. Davula akaridza mhere "Ndikutaura chokwadi kana ndichiti haana kundiudza kwaari. Ndakaguma kutaura naye paakandifonera achindiudza Kuti nditumire vañhu kumuchato wa Tinashe vanouraya Laga" "Iri kupi number yacho?" "Mufoni mangu" Tatarisa number dzose hapàna chataona" Tafadzwa Akadaro "Akafona ne public" Davula Akadaro Ndakatarisa zve mufoni make ndichibva ndaiwana, ndakatora number idzi ndichidzifonera "Hello ndikutaura nani?" "Haungambondifoneri uchindibvunza izvozvo?" "Okay pane murume akambofona ne number idzodzi 6or 4 days back "Vakawanda varume vanofona pano" "Arrrggf**k man!!! Ndakazotsanangura Mhukahuru zvaari" "Jason street Harare " Ndakavhura maziso ndichishamisika ndichibva ndakata foni yangu "What?" "Hanzi Ari mu Harare asi handifungi kudaro ini" "Pamwe aripo" Tafadzwa akadaro. "Nemuziviro wandomuita Mhukahuru haangavi mu Harare". "Saka tatambwa ten nya?" Tafadzwa akabvunza "Yes " "Hatitambwe iyoyo isu we learned this shit tichiri vadiki" tafadzwa akadaro achitora mvura achiisa mu dish achiudza Davula kuti apinde mukati Davula akaita sekudaro . Apedza akaisa bhomu (chekupisisa mvura) mumvura achibva abatidza getsu. Davula akaridza mhere achikumbira timusiye ASI izvo never as long Mhukahuru tisina kumuwana tichapedzera shungu kwaari Tanisha Ndiri mu office mangu busy nema files angu, Alex akabva apinda achiti ndikudanwa na boss lady, Kubva zvandasvika Alex angondimhorosa chete haana chaambobvunza about yesterday and atoita zvakanaka nekuti handina mhinduro svinu yandingamupa. Ndakasimuka ndichienda kumukadzi, ndakasvika paari nazvino anotoratidza Kuti haandioni hake. Ndakamumhorosa "I'm sorry nezvinhu zvandaita nezuro ndanga ndisingafanirwi kuzviita" "Neyi waita zvinhu zvakadaro?" " I'm sorry to say this Asi ndaona muchifanana na mhamha Saka mwarwadzo abva auya" Akanditarisa achishamisika "Vari kupi Mai vako?" "Vakashaya" "I'm sorry to hear that ndanga ndisingazivi, are you okay now" "Yes "Okay you're welcome to our company " "Thank you" You killed my daddy!!! Ndakamutarisa mumaziso "I like the way yaunoshanda nayo keep it up" "Thank you" Zvichakadaro pakapinda umwe musikana Ari pasi pangu "Mommy" "My princess" Ndauya kuzokuonai mommy ndanzwa Kuti mauya kuno" "Okay my princess mota Yako yazogadzirwa?" "Yes mommy neniwo handizivi Kuti yanga yaitwa sei," ,"Asi newevo ungabva wanonoka kuchikoro pane Kuti dai watora imwe mota" "You know mommy ndofarira BMW now makufanirwa kunditengera imwe" "Haa my baby mota iya haisati yava negore yakatengwa" Apo Ini ndaiva ndangoti tuzu ndichiteerera ma queen slay "Yes mommy ndakuda imwe Ini" "Uudze baba vako izvozvo" "Ndapedza here?" "Yes enda hako" Ndakabuda ndichienda.zvino anga asingandiudzi kuti ndiende, or anga achida kuti ndinzwe hurukuro yavo. Ohh Saka anotori nemwana waanoda waanodana achiti princess ini achitadza kundiona. Pandakapinda mu office Alex akabva apinda, ndakatanga nekumuti sorry asati abvunza zvakawanda. Akada kubvunzisisa chii chaitora nzvimbo nezuro ndakamuvhara vhara kusvika anzwisisa tikazotaura hedu dzimwe nyaya achibva abuda achienda Ndakatanga kuzeya nyaya iyi. Mukadzi uyu anoonekwa kuti anoda Mari kudarika zvose. Asi baba vaiva ne type yose yemari ka. Ko chii chakaitika? Ndaiva mudiki hangu asi baba ndakavaona vachine zvinhu zvavo chero Mbuya vakandiudza zvose. Saka zviri obvious baba vakarongerwa vachibva vauraiwa . Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Laga aindibvunza kuti ndapedza here. Ndakabvuma achibva àti anouya after 15. After 15 minutes akauya tichibva taenda kumba. Munzira aingondibvunza zvaiva zvaitika kubasa. Ndakamuudza kuti ndaiva ndamuvhara vhara mukadzi uyu MHUKAHURU Ndave ne mwedzi yakati ohh ndiri mu Nigeria asi ndakamboenda ku Zim ndichinofonera Davula Kuti aite basa. Handina kuda kumufonera ndiri muno nekuti ndinomuziva Laga aizonditsvaga kusvika andiwana. Ndichiri kutsvaga nzira yekubata Laga. Ndinoda kufonera Davula ndinzwe Kuti Ari sei asi ndinotya shame mumazuva adarika anga achibhayiza mupfana uyu anogona kunditengesa handimupihwi mushe. Ndichiri mukufunga kudaro foni yangu yakarira aiva Okonkow aiti ndiuye kumba kwake. Ndakakata foni ndichibva ndatobuda ndichiendako. Ndakamuwana akagara mu lounge "Okonkow chiiko? Wandidanirei?" "Zvinhu hazvina kumira mushe ku Zimbabwe uko" Ndakavhura maziso "Chii zve?" "Awuu iwe nemwanakomana wako muri pamawhani" "Ita something zve" "Something yakaita sei? Hanti ndikukuudza Kuti muri pamawhani. Kutaura kudai mukomana wako akabatwa" "What!!?" "Yes and kutaura kudai vari kukwira vachidzika vachitsvaga iwe. Ukarega kutora action fast unobatwa" "Chii chandofanirwa kuita?" "Handizivi Ini ndakuudza zvinhu zvawakatarisana nazvo" "Vamuuraya here Davula" "Eyy ipapo handizivi chandoziva ndechekuti akabatwa" "Ndinotenda ne information " "Chienda hako" "Saka hapana zvaungandibatsira nazvo?" "Zvandakubatsira nazvo zvakwana. Une Mari yose nekuda kwako Saka usada kutora ma problems Ako woaisa kwandiri " "Ndambodaro here ini? Ndanga ndichingobvunza chete ini rega ndiende" ndakadaro ndichibuda ndichienda "Ndiri kuedza kufunga zvandingaita asi ndiri kutadza. Zvakawanda zvinhu zvandingaita asi strategy yekuzviita ndikutadza kuiwana. Laga achandiona mushe. Manje handimutumiri munhu ndichazviendera kwaari Lagaman Nhasi hakuna kwandinoenda nekuti kufamba Kwangu kwanyanya kungazondirwisanisa nemukadzi wangu. Tafadzwa akabva asvika sezvo ndamudana nekuti pane zvatinofanirwa kutaura. Takaenda ku studying room ndichidira whiskey tichitanga kunwa "Wati mukadzi wako anofungira kuti Mai vake ndivo vakauraya baba vake" "Haasi kufungira broe she's 100% sure" "Hauoni here kuti titore advantage iyoyo. I know zvinorema asi hatina choice" ndakamutarisa "Toti ndivo vakauraya baba vake" "Sort of. Tinomuzorera zvese. Ticha faker zvese. Zvagara mukadzi uya haana basa panyika ino. Neyi akasiya mwana wake achiri mudiki. Ndiyo punishment yake iyoyo" Ndikukunzwa broe asi mhamha vakakosha panyika ino. Pamwe Tanie akangovatsamwira chete. Tichaita sei kana Tanie azovaregerera owana kuti ndivo vakauraya baba vake. Achava heartbroken." "Yah ndikukunzwa asi boy ngat--" "What if mukadzi uyu ane reason yakaita kuti asiye Tanie, Tanie kana ainzwa achanzwisisa?" "Saka tichaita sei?" "What if ini ndomuudza kuti Mhukahuru ndiye akavauraya?" "Apo wakutamba nemadhaka pasina mvura. Ukati ndi Mhukahuru achaita tsvakurudzo owana kuti ndiwe. Ini munhu ndinokurumidza kumudzidza mukadzi wangu she's very smart that one. Achaita tsvakurudzo owana kuti ndiwe ipapo pangazonetsa worse" "Eyy eyy ndapererwa ini" "Ngatimbodzikisa pfungwa ne percent" "Hatina choice" Takatanga kunwa doro hedu Asi ini ndaingofunga nyaya ya Tanie Tanisha Ini handizivi Manje ndoita sei. Handingakwanisi kushandira mudzimai uya ini. Yes business ndere murume wake Asi zvakangofanana nekuti nderake. Akatanga nekundirasa now ndave mushandi wake. No ways handikwanisi kumushandira ini. Ndaifunga zvose isi ndakarara ndakatarisa mudenga "Uri kufungei kudaro?" Laga akabvunza "Kusiya basa" "Why uchida kusiya basa?" "Handingakwanisi ini kushandira mudzimai uya?" "Haushandiri iye Wani babe" "Ndikushandira murume wake zvakangofanana nekuti ndikushandira iye achagara achisvika kubasa ndichimuona" "Ko haudi kumu confronta?" "Ndinoda asi handizivi ndichazviita sei?" "Pane pic yababa vako right?" "Yes aripo akawanda" "Unayo here yawakatora na baba vako?" "Yes why wabvunza?" "Tora one wacho unoikudza uiise mu office mako" "Wow what an idea? Thanks my love" "You're welcome?" "Watotanga here kuita ma investigation nekufa Kwa baba?" "Ndiri busy babe hanti unoziva Kuti zvakaitika kudhara Saka zvichatora nguva" "I trust you babe" Laga akanyemwerera "I love you" "I love you" ndakadaro ndichimuka ndichinogeza. Ndapedza Laga akanondisiya kubasa. Pandakapinda mu building dhuma dhuma ne princess yacho "Morning " "Morning " ndakadaro "You work here?" Hezvo zvandikujairirwa "No" Ndakaona achinditarisa "I mean ndikushanda pano" "Ndokumbira undibatsire ne something " "Yes" "Pane ma files a mommy andinoda kugadzira ndokumbira undiitire coffee " Wtf. Kanojairira aka "What?" "Ndati ndokumbira undiitire coffee " "Hauzivi chirungu here iwe? Hauzivi munhu kana achiti what? Anenge asingarevi kuti pamha zvawataura asi anenge achiti unomujairira" "Okay chienda unondiitira coffee" "Handidi" "Haudi chii?" "Kuita coffee. Handina kuvinga kuzoitira vanhu ma coffee ini ndakauya kuzoshanda" "But mommy vakati ndikumbire mundiitire" "Mommy my foot" "Wati kudii?" "Inzwa mwana sikana ndakauya kuzoshanda pano ini kwete kuzo impresser vana vema boss. Enda unozviitira coffee harisi basa rangu iro" ndakadaro ndichienda ku office kwangu Ndichakwatura nembama ini akada kundijairira. Haandizive mushe. Handidi kujairirwa ini. Mnxm princess my foot. Ndi princess kumba kwavo zve not pano Tinashe Nhasi tauya kumba from London. Tiri mumota manje tikuenda kumba. I can't wait kuona mwana wangu. I miss him so much. "Haa finally tadzoka" Kikie akadaro "Yah asi tinofanirwa kumbonogara kumba kwema days" "Kumba kwedu right?" "Not today kumba Kwa mhamha?" "But why Tinashe" "Nhanha unofanirwa kutanga wajairana nevanhu vekumba wava muroora wavo iwe" "Hmm" "Are you okay?" "Yes I'm okay" "I miss my boy now" Taksvika kumba tikapinda mukati. Takawana vachidya breakfast. Tawana ticket rehusiku that's why tasvika early. Munhu wese paakationa akafara Kani takagara pasi tikatanga kuvaudza taiva tafamba sei. Ndakatarisa munhu wese asi Mamoe aiva asipo. Ndakazopererwa pandakabvunza vakati Ari kumusha Wtf. Mamoe angaenda nemwana wangu kure kwese uko asina kundiudza. Ndakatora foni ndichienda mu room mangu ndichimufonera "Mamoe" "Ko uchiri mupenyu? Ini ndaifunga kuti pamwe Tino haasisina baba" "Neyi usina kundiudza kuti ukuenda kumusha nemwana wangu?" "Watii? Wati kudii Tinashe?" "Ndati neyi usina kundiudza?" "Waida kuti ndikwire ndege ndiuye kuzokuudza ku London ikoko? Iwe wanga usingadairi ma calls angu ka. Saka waida ndiite sei?" Handina kupindura "Ndipindure ka. Waida kuti ndiite sei? Kubva zvawakaenda hauna kumbobvira wakafona uchibvunza Ari sei mwa a. Hauna basa nemwana wako hanti" "Sorry for that" Asi wanga watokanganwa kuti wanga uchindi ignowa nguva yose iyi?" "Aewa" "Good" "Unouya rinhi nemwana?" "Mangwana " "Usvike makuseni. Ndikumufunga" "Hazviratidzi hazvo asi ndichaita sekudaro " "Thank you" Mamoe akadaro achikata foni Haa anopenga here,? Ko ndiye afona here achikata foni ndichiri kutaura naye. Ndakamufonera zve" "Ko ndiwe wafona uchikata foni?" "Ndafunga kuti pamwe wapedza zve" "Ndambodaro" "Ahh hee ko wauyira ini here kwawanga Uri. Ayy okay hauna kudaro sorry kwacho" "Bye" ndakadaro ndichikata foni ndichidzokera kunevamwe Mamlilo Tapedza kudya ndakanozvigadzira. Ndikuenda ku office kwangu kwandiri ku renta sezvo ndatanga imwe project ndaneta nekugara kumba Ini. Ndakaoneka vana ndichienda kumota yangu. Ndakaimutsa yakananga ku office kwangu. . Foni yangu yakarira ari Tinaye "Tinaye" "Mamzozo" "Chiiko Tinaye?" "Hezvo ko handichafanirwi kufona ndichikubvunza hupenyu?" "Handina kudaro asi newevo hauna timing" "Ukuenda kupi?" "Ku office kwangu" "Ko neyi usingadi kushandira ku office randiri kukupa? Haungambobhadhari rent" "Don't worry Tinaye ndiri right kwandiri. Look ndiri mumugwagwa Saka handifariri kubata foni kana ndichichaira" "Bye ndichakufonera wasvika" Ndakakata foni ndichidarika mu town, ndikuda kutenga chikafu chandichadya masikati. Ndakadzika mumota, pandaiva ndakuda kupinda mumota dhuma dhuma na Gladys (Mai va Tanisha) Ndakavhunduka zvakanyanya. Ndakamuguma kare yoo. Ndaifunga Kuti handifi ndakamuona zve. Vañhu ndinovasema ava, dai zvaibvira ndaivauraya. Havana kodzero yekurarama ava. Naiyevo paakandiona akavhunduka "Ohh my God sharai!!!" Ndakangomutarisa "Haa Saka haufari here nekuona your old friend?" ",Kuona iwe kuita munyama zuva rangu ratokanganisika" "Haa just like that? Ko iwe hauregereri neiko?" Handina kumupindura ndakatendeuka ndichida kuenda asi akamira mberi kwangu. Ndakanzwa hasha zvekuti ndaida kumudzemura nembama asi handina Simba rekuita izvozvo End of chapter