Chapter 17 . Tanisha Nhasi ndichanzwirira hangu kuti Laga akuvara sei. Takasvika kumba, chinhu chekutanga chandakaita kumukurura bandage ndakavhunduka pandakaona vanga rebara "Wanga uchiitei nepfuti Laga?" "Mamas" "Nguva yose iyi uchindi ignowa izvo uri busy nepfuti hako? Wakuvara uchiitei nepfuti Laga? Uri chigeven'a?" Laga akavhura maziso "Ndipindure Laga uri chigeven'a sa baba vako?" "Pazvinhu zvose wabva wandifungira izvozvo here?" "Saka wapfurwa sei nekuti havaikupfura pasina zvikuitika" ,"Ndanga ndanobatsira musikana wa Tinashe " Ndakavhura maziso "Tinashe ane musikana?" "Yes" laga akadaro achindiudza nyaya yose ndakati kanha nazvo. Ndakatora mvura ndichimutova tichitaura hedu nyaya. Ndapedza akandiudza Kuti ndiende kunomuona. Ndakaenda mu room maaiveri ndikamuwana akagara pa bed. Ndakaswedera ndichigara pedo naye "Hey my name is Tanisha," "Ohh ini ndinonzi Kiara" Takazotaura hedu nyaya dzakangodaro she looks so cute Tinashe Ndaiva ndakagara pedo na Laga. Aingonditarisa neniso ndaimutarisa "Wataura naye here?' "Hayi broe chii chandingataura naye Kiara? Ndikutozvishora Kuti neyi taenda kunomutora hona newevo wakuvara uchikuvarira zvinhu zviri useless" "Boy mwana uya zvinhu zvaanga ari hakusi kuda kwake" "Dai kusiri kuda kwake haaizviita" "Dai aizvida haaibvuma kuuya nesu" Laga akadaro achinditarisa kwenguva "Pane zvinhu zvandinoda kukuudza asi unofanirwa kundivimbisa kuti mushure mekunzwa zvandichakuudza uchava murume " "Hayi broe " "Ndivimbise kuti mushure mekunzwa zvandichakuudza hauzoiti drama" "Broe wakundityisa Manje?" "Unoziva here number yandanga ndichi tracer kuti ndeyani?" "Ayy ndatozokanganwa kukubvunza. Ndeyaniko number yacho?" "Ndeya Davula" "Davula!!!?" Ndakabvunza ndichishamisika "Yes ndeyake muridzi we building iya ndi baba vako" Ndakaramba ndakamuti dyoo mumaziso "Baba vako ndaiva ndisingafungiri kuti vanoita human trafficking asi nezuro ndazviona" Ndakaramba ndakamutarisa "That's why wakabva pamba" "Sezvo ndambotaura ndanga ndisingazivi nezve building iyi ndatoziva nezuro. Chinhu chakaita kuti ndibve pamusha paya chihombe handingakwanisi kukuudza nekuti haungazvimiriri" "Ohh Saka takuitirana ma secrets?" "No unozviziva newevo asi izvi handingakwanisi kukuudza iwe unofanirwa kuziva kuti mhukahuru haasi munhu waunofungira kuti ndiye. Ma business Ake ose haasi kunze kweramuri kushanda imi pamwe ndiro raari kuvhara naro mamwe ma business. Kikie zvaanga achiita handifungi kuti anga achizvida ini akatomanikidzwa" "Ko Mhukahuru chiiko naye? "Ndozvaari" Neyi wanga usingandiudzi nguva yose iyi?" Ndaiona rudo rwaunarwo kwaari Saka ndaisada kukanganisa relationship yenyu. Saka ndokumbira kuti usamuratidza kuti wakuziva nezvake" "Vanofanirwa kuwana zvakavaringana nezvavakaita pamusikana wangu. Na Davula wake" "Richasvika ravo zuva don't worry iwe kana une zvaunoda kuita tamba zviri clean nekuti tikabatwa havazezi kutiuraya" "Saka baba havatidi zvekudaro" "Aewa vanokudai ndini chete wavasingadi nekuti ndikuramba kuita zvido zvavo" ,"Dude neyi uchitakura mutoro uyu wega asi haundivimbi?" "It's not like that boy,, so tell me baba naDavula vanoziva here kuti kikie musikana wako?" "Aewa havazivi handina kumbomu introducer kumba vanhu vanomuziva ndi mhamha Letty na Lionah "Okay chienda unotaura naye" Ndakasimuka ndichienda, ndakamuwana akagara na Tanie "Mukadzi we brother yangu ndokumbira undipewo kikie kwema minutes" .Tanie akabuda achienda, ndakagara Pasi mdichimutarisa misodzi yakayerera paari "Kikie" Ndakadaro ndichimuhaga Tanisha Ndakufanirwa kuenda manje sezvo bhuru rangu randiunza pano ndisina kugadzirira. Ndinodanirwa kunoona Mamoe kuti Ari SEI nekuti ndamusiya asiri right "Laga ndakufanirwa kuenda manje" "Haa mamas so early" "Hayi handiti unoziva wanditora kupi plus Mamoe ndamusiya asiri right" "Ohh sorry for Mamoe ngaapore vedu" "Simuka Laga".. "Ewu okay kwacho" Ndakaseka tichibuda tichinopinda mumota. Ndinofanirwa kudarika ku pharmacy ndichitenga PT nekuti Mamoe ayy ma symptoms enhumbu aripo. Ndakasvika pa pharmacy ndikatenga PT. Ndakaiviga kuti Laga asaiona anenge akundibvunza mibvunzo hobho ayy. Ndatenga ndakadzokera mumota takuenda kumba. Tiri munzira foni yake yakarira vaiva Mai vake akaidaira achiisa pa loudspeaker "Mambokadzi" "Hey boy hausi busy here kwauri?" "Aewa handisi mhamha chero kuchinzi dai ndiri busy for imwi ndanga ndichasiya zvose" "Ewu ndinotenda mwanangu ndinokumbira kuti uuye kuzonditora ku joina City" Laga akavhura maziso achibvuma vachibva vaonekana. Akasvika kumba akandisiya kumba achibva aenda Ndakapinda Mumba ndikawana Mamoe asimo mu sitting room, ndakaenda mu room make ndimamuwana akarara "Musikana wamhamha ndadzoka" "Hey cuzy ndiri kufa Ini yoo ndakutofunga kuenda Kuna doctor ini" "Nyaya Yako yakutanga kuva serious manje. Ndakuvigira PT" "What if ndine pamuviri ndichaita sei?" "Handifungi kudaro ini pamwe kungorwara chete" Mamoe akatora PT achienda ku toilet. Ndaingonamata kuti asaita pamuviri, shuwa angaita sei nekuti hoyu Tinashe musikana wake adzoka. After 5 minutes akadzoka achiyeredza misodzi, akasvika achizvikandira pa bed achindipa PT. Ndakavhunduka pandakaona ichiti 2 lines" "Ndine pamuviri " Ndakavhura maziso ndichizvibata muromo "Mamoe" Ndakapererwa nenashoko. Mamoe akanditarisa achichema. "Ndine pamuviri Tanisha. Ndichati kudii Kuna mhamha na baba?" "Cuzy wakura kuti vangakutsamwira stop crying" "Unoziva kuti mwana uyu ndewa Tinashe and Ini na Tinashe hapàna zviri kuitika. Vabereki vangu vakandibvunza baba vemwana ndichati kudii?" Shit apa na Tinashe wacho ava nemunhu waanoda "Tichaona kuti tichaita sei Mamoe usachema please" Hapàna zvandingaita ndichabisa nhumbu" ndakavhura maziso "Usambofunga zvinhu zvakadaro Mamoe "Handingaiti mwana asina baba Ini" "Aripo Wani Tinashe haungamboti mwana haana haana baba usati wataura na Tinashe. Fonera Tinashe auye utaure naye unzwe achati kudii" "I need to sleep" "Okay take your time"Ndakadaro ndichimubatsira kurara ndichienda mu room mangu. Nyaya ya Mamoe yakundi stresser manje,. Kutaura kuno Tinashe ane musikana wake waanoda. Ndichiri mukufunga mbuya vakafona vachindibvunza kuti magumbo Mai va Mamoe vakaguma rinhi kuuya pano. Ndakavaudza vakati nsivangwarire havavavimbi ane hutsinye mukadzi huya. Ndakavaudza mbuya vasandityira hapàna zvichaitika pandiri . Ndapedza kutaura na mbuya ndakafonera Laga ndichimubvunza kuti asvika here Kuna mhamha akati ave pedo nekusvika achandiudza kana asvika. Davula Ayy nhasi munhu ari munyatwa shame na Mhukahuru. Handizivi kuti ndichaita sei nekuti Mhukahuru ari kupupuma nehasha. Ndakaenda Kuma security Ari panze "Basa renyu nderei kuti pangapinda vanhu vobuda imwi muripo?".. "Sorry sir vati sprayer tichibva tarara" Ndakavapa magwati emambama ndichienda Kuma security Ari mukati "Nemawandiro enyu aya matadza kubata vanhu vaviri chete" "Sorry sir isu tanga tichifunga kuti ndevamwe vedu" "Kufunga !! Ndiro basa ramakavinga here pano?" "Sorry sir" "Sorry wenyu muchauudza Mhukahuru ari munzira" Ndakadaro ndichienda ku office Kwangu. After some minutes Mhukahuru vakasvika vachipupuma nehasha. "Ari kupi musikana!!!" "Ndanga ndisipo Ini Mhukahuru ndawana kuchinzi aenda" "Vari kupi vanga vachishandira kugedhi?" Vakabva vapinda "Manga muchiitei imwi musikana achitorwa!!!" "We're sorry vatisprayer" "You're fired!!!!" Mhukahuru vakadaro Varume vakamboedza kunyengerera asi Mhukahuru aiva asina nguva iyoyo. Vakabva vabuda vachienda. Mhukahuru vakatarisa vaiva vasara. "Imwi zvinhu zvakadai zvikangoitika zve muchandiona mushe? Muri kundinzwa!!" "Yes sir" Mhukahuru vakatendeuka vachienda mu office mangu ndakavatevera "Mhukahuru zvinhu zvaitika pama security Aya zvanga zvichaitika chero kunani. At least dai mangovapa warning" "Haundiudzi zvekuita iwe" "Ndinovaziva Mhukahuru kuti vanoshanda sei" "Kana pakangoitika zve zvinhu zvakadai ndichapedzerana newe" "No problem Mhukahuru" Ndakadaro ndichienda kwavari Tinashe Handizivi kuti ndoti kudii Kuna kikie ndikuzvishora nekumutsamwira kwandaita Ini ndaifunga kuti wandisiya" "Ndaigokusiya sei tisina kumborwa Tinashe. Vakanditora ndakamira pagedhi rekumba kwedu" "I'm sorry nana " "Hauzivi zvinhu zvatanga tichiita paya. Ndanga ndichifanirwa kurara nemadhara nekuda kwemari apa Mari yacho isingauyi kwatiri" Misodzi yakayerekana yakuyerera asi ndakakurumidza kuipukuta "Tinashe" Ndakamutarisa asi akatizisa maziso "Taura neni nana pane zvaunoda kundiudza here?" "Ndaiva nepamuviri ndakazviona ndave ikoko asi vakabisa nhumbu yangu" Ndakarwadziwa zvakanyanya. Baba na Davula neyi vanehutsinye hwakadai. Vakauraya mwana wangu. Ndalamuswededza pandiri ndichimuhaga uku misodzi ichiyerera Lagaman Ndakasvika pahotera raiva na mhamha, ndakapinda mukati ndikavawana vakagara pa bed. Ndakaenda kwavari ndichivahaga. ",Mhamha ari kupi Mhukahuru?" "Kune kwaaenda" "Kupi mhamha?" "Handizivi asi afonerwa na Davula, hamenho inyaya yeyi asi ndanzwa sekunge nyaya yacho ine musikana hamenho aita sei" "Arggg saka vakusiyai mega?" Mhamha Havana kupindura "Mhamha hamudzokeri pamusha paya" "Bothy" Hamudzokeri mhamha mangwana chaiye ndikugadzira ma paper e divorce " Ndakadaro ndichivasimudza tichienda kumota Tanisha Ndaiva ndakagara mu sitting foni yangu yakarira aiva laga ndakadaira akandiudza kuti ndivhure Whatsapp yangu. Ndakavhura asi ayi typer Saka ndakamirira kuti apedze kunyora Babe ndokumbira kuunza mhamha kumba kwako kuno Kuna Tinashe na Kikie Saka hakuna space Ndakashamisika nekuti imba ya Laga ine makamuri akawanda asingashandiswi . Handina kumubvunza zvakawanda ndakabvuma chete kuti auye naye. Zvichakadaro Mamoe akabudikira "Wamuka?" "Yah" "Wataura naye here Tinashe?" "Haasi kudaira ma calls angu uyo" "Tichamufonera mangwana don't worry. Ahhm Laga ati anokumbira kuunza mai vake kuno handizivi nei asi ndabvuma" "Okay no problem pamwe pane zviri kuitika Ini hañgu ndine stress Rega ndidzokerere kunorara" "Uchava right kana tikataura na Tinashe" Mamoe akabvuma nemusoro achibva aenda mu room make. Minutes later Laga akasvika achifamba na Mai vake. . Ndakavachingamidza vachigara pasi tichimhorosana Mai Laga vakati vakaneta vanoda kuzorora, takaenda mu room mangu Laga akavabatsira kurara. Vaionekwa kuti Havasi right uye dama raiva rakadhinda mbama. Pandakatarisa Laga maziso Ake aiva akazara misodzi. Takabuda tichienda Ku sitting room "Chii chiri kuitika Laga?" "Mhukahuru ndichamuuraya nemaoko angu Ini" "Aitei?" "Atora mhamha akaenda navo Ku Joina City pedzezvo ava kuvasiya ikoko" "Eyy baba vako" "Mangwana chaiye ndikunotora ma paper e divorce mhamha vanofanirwa kusiyana na Mhukahuru" "Mhamha vachazvibvuma here izvozvo?" "Ndichavamanikidza kuti vazviite. Ndinovaziva mhamha havatiudzi asi ndazviona kuti Mhukahuru pane zvavari kuita mhamha" "Sorry babe" "Eish dai Mamoe asipo ndanga ndichati Tinashe auye kuno na kikie Ini ndoenda na mhamha kumba Kwangu" "Yah" Eish mhamha handizivi ndovaita SEI asi vane nharo maan. Pamwe iwe sezvo newevo Uri mukadzi vachakunzwa. Ndokumbira utaure navo" ",Ndichatangira papi Laga kutaura navo" Misodzi yakayerera pana Laga. Shame anovada Mai vake. Laga akazooneka achienda. Ndakasara ndichipakurira mhamha chikafu ndichivaendesera. Vakadya chikafu chose vakapedza. Ndakatora ndiro ndichiendesa Ku kitchen ndichidzoka kwavari "Mhamha neniwo ndiri mukadzi Saka kana Munhu asiri right ndinozviona" "Handisi kunzwisisa" "Mhamha ndinokuonai mune zvinhu zvinokudyai mumoyo menyu. Taurai neni mhamha" Misodzi yakayerera mumaziso avo "Ndaneta manje nekushingirira mwanangu aewa ndaneta" Ndakaswedera pavari ndichivanyaradza. Ndinoziva ma basa a Mhukahuru ose aya anoita kuti vacheme "Mwanangu muhupenyu hwako usamboshingirira kana murume achikurova chero akava Laga chaiye kana achikurova siya. Chero kuchinzi unomuda sei" Ndakaramba ndichivanyaradza. Vakakurura hembe ndakavhunduka ndichiona mavanga akazara muviri wese. Mamwe Ari kupora mamwe mstsva "Ndakuraramira kurohwa na Mhukahuru Ini, asi hapàna zvandinokwanisa kuita nekuti ndikada kusimudza musoro anoita zvakaipa pavana vangu" Misodzi neniwo yakayerera pandiri.laga aitaura chokwadi kuti mhukahuru ishumba chaiyo. Ungarova mukadzi wako nenzira yakadai here. Mai vevana vako? Ko nei varume vasina danky nhaimwi? Ko neyi musingaudzi Laga ?" "Ndinomuziva Bothy anozonetsana na Mhukahuru akamuita zvimwe Saka handidi kuti zvisvike ipapo" "Zvinhu zvamuri kuitwa na baba muchapedzisira mauraiwa mhamha and vanakomana venyu vachagara vachizvipa mhosva kuti vakatadza kukuchengetedzai Mhamha ndinokumbira kuti mutaure na Laga" "Handingamboiti izvozvo. Laga anganetsana na Mhukahuru apa Mhukahuru anezvinhu zvakawanda zvaanozivira Laga. Haangazezi kumuendesa Ku police akafira kujeri," "Asi zvinhu zvacho Mhukahuru ndiye ka aimuitisa" "Evidence yekuti ndiye akamuitisa haipo. Anofira mujeri mwana wangu" "Eish mhamha chero zvakadaro Laga anofanirwa kuziva. Achaita plan kuti mhukahuru asamboenda chero Ku police " Mamlilo vakayeredza Misodzi ndakavahaga End of chapter