Chapter 27 Mamoe Mhuri yangu ikufara zvakanyanya, Tinashe abisa zvose zvavanoda asi chinhu chikundirwadza baba vatadza kutaura na Mhamha foni yavo haisi kupinda now vari worried neniwo ndaita sendisingazivi chinhu asi handifari kana ndichinyebera baba asi hapana zvandingaitawo . Roora rapera baba vakauya kwandiri vachindihaga mbuya naivowo vakaswedera pandiri vachindihaga, vakati vatanga kundiraira yowee zvimwe zvacho handingazvigoni ini asi ndaingobvuma hangu. Ndaingotarisa ring yangu itsva ndichinyemwerera. Tinashe arasa ring ya Max akandiisa itsva yaatenga from shop nekuti ati hazviiti kuti ndipfeke ring yeumwe murume. ** Now tiri mumota na Tinashe tikubva Kuma shops. "Thanks nekubvuma kuti ndikuroore" Tinashe akadaro. Ndakatarisa pasi ndichinyarara kwenguva ndichibva ndamutarisa "Tinashe" "Hmm" "Wamuudza here kikie nezve Muchato wedu?". "Handidi titaure nezvevamwe vañhu mu relationship yedu kunyanya Kikie" "Okay I'm sorry ndanga ndichingobvuzawo hangu asi handichabvunzi zve" "Ndamuudza kuti tachata" Ndakangotarisa pasi asi ndikuda kuziva kuti ati kudii nezvazvo asi Tinashe wacho anenge asingatodi kuti titaure nezvazvo" "Okay" Hapana akazotaura zve kusvika tasvika kumba Kiarah Handisati ndakambochemera umwe munhu Ini sezvandikuita pana Tinashe, kana hope chaidzo handina kurara ini. Neyi Tinashe andirwadzisa kudai. Now zvapachena kuti haachandidi. Ndakagara pasofa Brie amukira kubasa handina kuwana nguva yekumuudza nyaya yose iyi. Ndakatora foni yangu ndichifonera Letty. "Hey friend" Ndakadaro "Haa friend?" "Haa Letty asi hatisisiri ma friends?" "Ndikuona ka usisina basa neni thought wakandi cutter off" "Kana chomie uri friend yangu iwe kusvika kumagumo" "Ohh good to hear that" "Yah so mave nemuroora mutsva kumba kwenyu?" Letty akambonyarara kwema minutes "Sorry for that asi Tinashe anokuda pana Mamoe akungoitira mwana wake chete" "Mwana wake Letty? Hanti mwana anga achamuchengeta chero vasina kuchata" "I'm sorry Kikie I wish I can do something but I can't" "Saka newevo unomuda Mamoe". "Hezvo Kikie handina basa naye ini Mamoe ndogomuvengerei pasina zvaakandiitira". "Okay bye Letty" ndakadaro ndichikata foni yangu Kubva makuseni Tinashe asingadairi ma calls angu, misodzi yakayerera pamatama Handizivi ndarara nguvai ndakapepuka Bridget akagara pedo neni. Akashamisika achindiona ndichichema. Ndakamuudza nyaya yose naiyevo akashamisika asi hapana zvaangaita. Tanisha Taiva takagara mu sitting room tichitaura nyaya tichiseka. *Vana mamoyo vachaperera pano zveshuwa" Mhamha vakadaro *Takazviona kuti munovada vañhu vekwa Moyo Mhamha tikaona kuti tivaunze kwamuri" Laga akadaro Pakataura nyaya dzakasiyana. Tinashe akatora Mamoe achimuendesa mu room make sezvo airatidza kuti anoda kurara ndakatarisa Laga aiva akavatarisa achinyemwera. After some minutes Tinashe akadzoka. Paakangogara pasi Mhukahuru vakapinda. Mhamha vakavhunduka zvakanyanya "Ohh makaungana muri kunakirwa zvenyu" Mhukahuru vakadaro ndakatarisa Lagaman "Mhukahuru" Laga akadaro "Mamlilo neyi usingandiudzi kuti mwana wangu akachata akaroora? Huh? Neyi usina kundiudza?" Mhukahuru akadaro "Mhukahuru" Laga akadaro "Ndikutaura nemukadzi wangu nyarara iwe handikuzivi" Mhukahuru akadaro. "Ruregerero nekusakuudza Mhukahuru asi zvinhu zvacho zvangoitika zvisina kumborongwa" Mamlilo vakadaro "Zvangoitika zvekuti matadza kundiudza ini baba vake. Ndinonzwisisa ini newe hatisisiri tose asi vana ndevangu ava" Mhukahuru vakadaro "Ruregerero baba nekusakuudzai takaita a big mistake asi sekutaura Kwa Mhamha zvinhu zvacho zvangoitika zvisina kumborongwa Tinashe akadaro. Laga paaida kutaura ndakamunyararidza nekuti ndinomuziva Laga zvauchataura zvingazowedzera situation "Saka iwe wakuteerera zvese zvaukuudzwa na Lagaman?" Mhukahuru akadaro "Ini ndat--" ndakamunyararidza Laga "Bothy anopinda papi manje?" Mamlilo vakabvunza "Anofanirwa kupinda hanti ndiye honzeri yezvinhu zvose izvi. Hanti akakuudza kuti siya imba yako newevo ukaisiya. Now audza Tinashe kuti chata usaudza Mhukahuru" Mhukahuru akadaro Laga akava down achibva asimuka achienda mu room make "Ini nemupfana uyu tichapedzerana chete" Mhukahuru vakadaro vachibuda vachienda. Ndakasimuka ndichienda Kuna Laga ndakamuwana akamira pa window achiyeredza misodzi Lagaman Ini ndinoshaya kuti Mhukahuru anondivengerei kudai. Ndanga ndatozvijaira kuti Mhukahuru anondivenga asi zvinhunhu zvaataura nhasi zvandimutsira zvinhu zvose zvakaitika ndichiri mudiki. Zvinhu zvose zvaiitika kumba aingoti ndini ndazviita chero ndisiri ini . Unoziva ndaigara ndichishuvira rudo rwababa asi Handina kumbobvira ndakaruwana. Ndakanzwa munhu achindibata mapfudzi aiva Tania. "Mushavi" "Ko neyi baba vachindivenga kudai?" "Nekuti wakangwara haubvumi nonsense yavo yavanoita". "Chero ndichiri mudiki Havana kumbobvira vakandida vaingonyebera kundida asi ndaiona kuti havandidi" "Babe une family iwe ndinokumbira usiyane nekufunga nezvinhu zvingazokurwadza tiripo isu tinokuda" Ndakanyemwerera.. "Yah ukutaura chokwadi babe" Ndakatarisa nguva ndikaona dzachaya dzekuti ndinosangana na Tafadzwa. "Babe kune kwandofanirwa kuenda ndichakuona pandinodzoka". "Okay love".... Ndakamukisa ndichienda Ku lounge. Ndakatora Tinashe tichienda kwaiva na Mai va Mamoe. Mhukahuru Aewa ndakujairirwa apa manje. Mwana wangu angaroora osvika pakuchata ini ndisingazivi chinhu. Mamlilo ndiye Ari kuteerera mwana wake. Lagaman akanditorera family yangu yose aewa zvakwana manje. Tinashe aindiremekedza sa baba vake asi naiyevo haachazivi kuti ndiri chii chake. Mukadzi wangu aindiremekedza achiteerera zvese zvandinotaura asi manje akumisidzana neni achipikisana neni . Aewa zvakwana. Ndakagara mu studing room ndakamirira Davula nekuti pane zvinhu zvatinofanirwa kutaura after some minutes akabva apinda "Mhukahuru" "Mpfana uyu apamha zve kundifamba pasi petsoka" "Ani manje?" "Lagaman" "Dai ndiri umwe dai ndisisapindiri nyaya dzenyu na Lagaman nekuti ayyy ayy Lagaman hamudi naye" "Zvakwana manje?" "Aitei?" "Wanga uchiziva here kuti Tinashe akaroora akachata?" Davula akashamisika achibva aseka "Mhukahuru wati Tinashe aita sei?" "Akachata, kutaura kuno akatoisa ring muchigunwe" "Zvaitika rinhi izvi? Vakuudzai here?" "Vanga vachandiudza rinhi hanti Lagaman ndiye Ari kuvaudzira zvekuita, mukadzi wangu akumisidzana neni achipikisana neni " "Akufanirwa kufa manje mupfana uyu" "Ndichatanga ndafunga kuti anofa sei , tisangowira akangwara mupfana uyu" "Muunzei kwandiri ndinopedza naye ne two seconds ini" "Tinofanirwa kuita basa riri clean" "Musandityira Mhukahuru " "Zvinhu zvandanga ndakudanira tapedza business riri sei?" "Riri bhoo asi zvinhu zvakuda kuoma manje ". "Hanti ndiyeyu Lagaman akapinza musoro mu business rangu ndosaka zvinhu zvakuoma asi iye svondo rino hariperi Ari mupenyu" "Sure Mhukahuru " Lagaman Takasvika Ku warehouse yana Tafadzwa, Magumbo aiva akasungirwa pa chair "Olah ambuya vakwasha venyika vasvika" Tafadzwa akadaro "Ndisunungurei ndiende kumba imi vana" "Kumba kunodii musati matiudza kuti zvamaita mazviitirei" ndakadaro Havana kundipindura vakangonditarisa. "Unoziva dai ndiri umwe munhu waimbomira kuzviita Rambo wotiudza chokwadi chese nekuti handidi kukunyebera unorara wakutinyaudza husiku uchiti makandiurayireyi?" Tafadzwa akadaro "Ko neyi muchipindira nyaya dzemusha wangu nekuti izvi ndazviita pamwana wangu" "Unonyeba maan!! Wanga usingaitiri munhu wazviitira iwe nekuda kwako Mari ungatengesa mwana wako waunozvara shuwa" Tinashe akadaro "Ndaita Izvi nekuti ndanga ndichida kuti mwana wangu naiyevo achate sevamwe vana hanti iwe wanga usina basa naye, Saka iwe unopinda papi kuti ndikuitei naye?" "Ndinopinda pakuti akatakura mwana wangu".. "Saka mwana wangu orega kuroorwa nekuda kwenhumbu yaanayo" "Ndanga ndichiri busy ndichirodza museve wangu uyu wekugadzirisa nyika" Tafadzwa akadaro akadaro achirodza banga "Unoziva here kuti ini ndinofarira kuona ropa richideuka ndinokuita chizvayi ini ukandibhayizira" Tafadzwa akadaro "And tichazviita hapana zvichaitika patiri" ndakadaro ",Mwana wangu baba vake havamutaudzi nekuda kwako iwe mpfana. Tanisha akatora mwana wangu akagara naye achiitira kumutengesa kwauri" "Mamoe akura uyu kuti angaudzirwa zvekuita. Mamoe na Tanie vanoenzana kuti panga neumwe anomanikidza umwe kuti aite zvinhu zvaasingadi. Ohh I see now ukuita zvese izvi nekuda kwegodo Pana Tanie?" Ndakadaro haana kundipindura "Zvaku maker sense manje ndiwe waiva watuma vañhu vakapfura Mhamha pamuchato wangu" Haana kundipindura "Uchataura chete" Tafadzwa akadaro achivakurura shangu achisimudza banga richinoti gaa chigunwe chihombe chichi flyer chichinodonhera kwakadaro. Tinashe akavhura maziso "Haa Tafadzwa!!!" Tinashe akadaro. Magumbo akaridza mhere "Taura!!!" Ndakadaro "Ndataura ndisati ndacheka chimwe" Tafadzwa akadaro ",Waida kuuraya Tanisha right? Bara Riya raienda Kuna Tanisha?" Magumbo akatanga kuchema. Tafadzwa akasimudza banga achitendeka chimwe chigunwe "Yes!! Yes!! Yes!! Ndini!!!" Takavhunduka tose tichitarisana. Tafadzwa akagwadama mberi kwavo achitanga kucheka zvigunwe zvese zvekuruboshwe "Demet maan Tafadzwa!!!" Tinashe akadaro Baba Irene Handichazivi chii chikuitika Pana Magumbo ndikare ndichimufonera asi foni yake isingapindi hamenho problem chii. Ndakazofonera Mamoe ndichimuudza kuti foni ya Magumbo haipindi, akangoti pamwe I network. Tapedza kutaura ndakakata foni Mhamha vakabva vasvika ndakaudza nezvamagumbo asi vakatowedzera munyu pachironda hanzi pamwe ari busy kushandurwa eish Mazinyani so. Handizivi neyi mukadzi wangu vasingamufariri. Zvichakadaro ndakanzwa knock pa door, ndakaenda kunovhura. Ndakaona vakwasha vekwa Mhukahuru neumwe mukomana wandisingazivi ne mukadzi asi mukadzi wangu aiva akazara ropa muviri wese "Magumbo!!" Ndakadaro ndichimhanya ndichienda kwaari. Mhamha vakaswedera patiri "Chichaitika vazukuru vangu" Mhamha vakabvunza "Makadii, ndanga ndichikumbira kuti tigare pasi Mhamha vataure nyaya yavo" Laga akadaro Ndakabata magumbo ruoko ndichimugarisa pasi "Chii chaitika?" Ndakabvunza "Aewa Mhamha ngavataure vega" Laga akadaro. Ndakatarisa Magumbo asi haana zvaakataura Lagaman akataura nyaya yose yaiva yaitika ku Kwekwe. Takatarisana na Mhamha tikashaya remuromo. Magumbo haana kumbobvira avhura muromo, akaramba ari zii hake. Ndakatora foni yangu ndichifonera mapurisa. Hapana zvandichataura nemhondi yakadai. Handingagari nemhondi ini. Ko mangwana akauraya ini? Vana vangu vakakosha kwandiri. Ukarwadzisa vana vangu warwadzisa ini 4 months later It's been 4 months now zvinhu hazvina kumira mushe pakati pangu na Kikie nazvino akanditsamwira. Nhasi tabvumirana kusangana titaure about our relationship coz I miss her so. Ndanguri ndiri pano ndakamumirira ati akungoti akuuya asi ndichamumirira sezvo ndirini ndakamutadzira. Ndakamuona achipinda mu restaurant ndakasimuka ndichimuchingamidza ndichinyemwerera... "Babe" "Baba mwana" ."haa babe" "Ko hausi here baba vemwana?" "Babe ndakudana pano kuti titaure about our relationship kwete zvevamwe vañhu. "Ndauya unoda kuti titaurei manje?" "Ndokumbira u order" "Handina kuzoodha chikafu ini, ngatitaure ndikuda kudzokera kumba " Ndakamunyengerera kusvika abvuma achibva a order chikafu chaanoda neniwo ndaka order chaaiva a order. Chikafu chakauya tikatanga kudya ndichingomuyeva "Nana ndinokumbira undiregerere please ndinoziva kuti ndakakutadzira asi ndinokuda " "Kana uchindida neyi wakachata neumwe mukadzi?" "Ndaiva ndisina choice ndaiitira mwana wangu" "Saka kana zvakadaro neyi usingaiti divorce?" *Mwana haasati azvarwa ndinokuvimbisa akangozvarwa chete situation ichadzokera panzvimbo yayo" *Ini ndiite sei manje? Ndigare?" "Ndokumbira undipe mwedzi chete mwana azvarwe then tochata?" "Kuchata?" Yes babe?" "Ini ndoita mukadzi wechipiri?" "Iwe uri wekutanga mumoyo mangu babe ndiregerere please . Mwedzi uno mwana ari kuzvarwa zvinopera zvose izvi ndiwe wega mukadzi wangu" "I love you Tinashe ndokumbira usandirwadzisa" "Aewa handikurwadzisi unoziva kuti ndinokuda Wani" ndakadaro ndichisimuka ndichienda kwaari ndichimuhaga Lagaman Mhamha vatidana nhasi vati pane zvinhu zvavanoda kutaura nazvo nesu hamenho inyaya yeyi. Takagadzirira na Tanie tichibuda tichienda. Takasvika kumba munhu wese akagara mu sitting. Mhamha vaitadza kana kunditarisa mumaziso chaimo. Takamhorosana tichigara pasi. "Mhamha muri right?" Ndakabvunza ndakatarisa Mhamha vairatidza kutya hamenho nyaya yavo yakambokura sei "Mwanangu ndinokumbira undiregerere pazvinhu zvose zvandichataura kwauri" Ndakarohwa nehana. Ko chii chinoda kutaurwa na Mhamha chavanotanga nekukumbira ruregerero "Chiiko Mhamha chamunoda kutaura?" Mhamha vakatanga kuchema ndakasimuka ndichienda kwavari ndichivahaga "Mhamha musachema please hanti munoziva kuti handifari kukuonai makadai" ndakadaro ndichivapurudzira musana "Ndiregerere mwanangu" "Chii Mhamha?" "Hausi wekwa Mhukahuru" Ndakaveregedza kunge ndashokwa nemagetsi muviri wangu. Ndakasimuka ndichinomira pa door. "Mhamha mati kudii?" "Ndiregerere mwanangu asi hausi wekwa Mhukahuru ndiregerere" Ndakatarisa Tanisha "Tanie wavanzwa Mhamha vati kudii?" "Laga gara pasi Mhamha vakuudze zvavanoda kukuudza" "Neyi ndakuudzwa nhasi? Asi nemwiwo mazviziva nhasi?" "Aewa nd--" *Saka mairegerei kundiudza nguva yose iyi? Mairegerei kundiudza kuti handisi wekwa Mhukahuru?" Ndakadaro ndichitarisa mhamha nemaziso aiva azara misodzi "I don't believe this" "My boy pl---" ."handidi kuona huso hwenyu manje" ndakadaro ndichibuda. Handizivi kwandiri asi zvinhu zvikuitika manje ndikunzwa sendikurota. WTF is that? Nguva yose iyi ndairarama life yemanyepo. Ndakapinda mumota ndichiimutsa ndichienda kusina anoziva End of chapter